25
P ASINA MARI KA NA P ASINA MUBHA DHARO Mukana chaiwo kudzoka kutabhanakeri, mangwanani ano. Handisi kungoziva…Hama Neville vataura kuti vazhinji vanga vasinganzwi kumashure. Munokwanisa kundinzwa zvakanaka here zvino, shure uko? Zvose zvanaka here? Zvakanaka. Ndiri—ndiri mudiki, saka ndinofanira kuita ruzha rwakawanda kuti vanhu vazive kuti ndiripo. 2 Saka, ndinorangarira imwe nguva pandaishanda kuPublic Utilities. Ini ndichikwira masitepisi…Ndaimbopfeka bhutsu hombe dzakakurisa, dzine zvipikiri zvepasi madziri, kubva mukufamba kune matambo makuru emagetsi. Zvino ndakanga ndichiuya ndichikwira masitepisi. Uye Mai Ehalt, vanova shamwari yangu, vanga vari paswitchboard. Ndine chokwadi VaGinther avo vanovaziva, zvakanyanyisa. Saka Edith akati, “Billy, iwe unoita ruzha rwakawandisa, uri munhu mudiki akadai, andati ndamboona.” Ndichitsika zvipikiri zvikuru izvi, ndichikwira masitepisi. 3 Ndakati, “Zvakanaka, Edith, ndiri mudiki zvakanyanya, ndinofanira kuita kuti munhu wese azive kuti ndiripo, ndinoita ruzha ruzhinji.” 4 Zvakanaka, ndambopinda mukati kuti ndifone. Hama Neville vanga vandiudza kuti shamwari yedu yakanaka, Hama Roy Roberson, vari kure neshumiro mangwanani ano, nechikonzero chekuti vari kurwara. Ravo…Vane zino risina kubuda zvakanaka. Zvakakonzera hutachiwana, uye zvikavapa fivhiri. Uye vari kuzoita kuti ribviswe, ndinofunga, nekuchimbidzika. Zvino Roy anga akaita sababa kwatiri pano, uye tinomuda. Zvino ndati, “Hama Roy, ndi—ndiri kupinda iye zvino, mumaminitsi mashoma, mushumiro.” Ndati, “Ndiri kunokumbira kereke kuti tose tikunamatirei, mangwanani ano,” uye mangwana pavari kuenda ikoko, kuti iro rishandwe naro. Zino racho rakakura rakatsveyama, kana zvakadaro, rakakura zvisirizvo, zvino vanofanira kutoricheka, uye voribuditsa kunze. 5 Hama Roy igamba remuhondo, sekuziva kwenyu mose, kubva muHondo yePasi Rose yeChipiri, uko vakapfurwa kuita zvidimbu. Uye dai kwakanga kusiri kunaka kwaMwari, vangadai vasina kana kumborarama. Vakanga vakaradzikwa pakati pevafi, kwenguva yakareba; maoko akapfurwa mukati muno, makumbo akapfurwa, uye tsinga huru mbiri dzafa. Zvino chiremba akati, “Kana akazorarama, haambofamba nhano imwe.” Nenyasha dzaMwari, vanoshanda mazuva ose,

SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

  • Upload
    others

  • View
    0

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

Page 1: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA

PASINA MUBHADHARO

Mukana chaiwo kudzoka kutabhanakeri, mangwanani ano.Handisi kungoziva…Hama Neville vataura kuti vazhinji

vanga vasinganzwi kumashure. Munokwanisa kundinzwazvakanaka here zvino, shure uko? Zvose zvanaka here?Zvakanaka. Ndiri—ndiri mudiki, saka ndinofanira kuita ruzharwakawanda kuti vanhu vazive kuti ndiripo.2 Saka, ndinorangarira imwe nguva pandaishanda kuPublicUtilities. Ini ndichikwira masitepisi…Ndaimbopfeka bhutsuhombe dzakakurisa, dzine zvipikiri zvepasi madziri, kubvamukufamba kune matambo makuru emagetsi. Zvino ndakangandichiuya ndichikwira masitepisi. Uye Mai Ehalt, vanovashamwari yangu, vanga vari paswitchboard. Ndine chokwadiVaGinther avo vanovaziva, zvakanyanyisa. Saka Edith akati,“Billy, iwe unoita ruzha rwakawandisa, uri munhu mudikiakadai, andati ndamboona.” Ndichitsika zvipikiri zvikuru izvi,ndichikwira masitepisi.3 Ndakati, “Zvakanaka, Edith, ndiri mudiki zvakanyanya,ndinofanira kuita kuti munhu wese azive kuti ndiripo, ndinoitaruzha ruzhinji.”4 Zvakanaka, ndambopinda mukati kuti ndifone. HamaNeville vanga vandiudza kuti shamwari yedu yakanaka,Hama Roy Roberson, vari kure neshumiro mangwananiano, nechikonzero chekuti vari kurwara. Ravo…Vane zinorisina kubuda zvakanaka. Zvakakonzera hutachiwana, uyezvikavapa fivhiri. Uye vari kuzoita kuti ribviswe, ndinofunga,nekuchimbidzika. Zvino Roy anga akaita sababa kwatiri pano,uye tinomuda. Zvino ndati, “Hama Roy, ndi—ndiri kupindaiye zvino, mumaminitsi mashoma, mushumiro.” Ndati, “Ndirikunokumbira kereke kuti tose tikunamatirei, mangwanani ano,”uye mangwana pavari kuenda ikoko, kuti iro rishandwe naro.Zino racho rakakura rakatsveyama, kana zvakadaro, rakakurazvisirizvo, zvino vanofanira kutoricheka, uye voribuditsa kunze.5 Hama Roy igamba remuhondo, sekuziva kwenyu mose,kubva muHondo yePasi Rose yeChipiri, uko vakapfurwakuita zvidimbu. Uye dai kwakanga kusiri kunaka kwaMwari,vangadai vasina kana kumborarama. Vakanga vakaradzikwapakati pevafi, kwenguva yakareba; maoko akapfurwa mukatimuno, makumbo akapfurwa, uye tsinga huru mbiri dzafa.Zvino chiremba akati, “Kana akazorarama, haambofambanhano imwe.” Nenyasha dzaMwari, vanoshanda mazuva ose,

Page 2: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

2 SHOKO RAKATAURWA

vachikwira nezvose. Mwari vanga vakanaka kwavari nokuti ivomunhu akanaka, uye tinovada. Zvino isu, hati—tisi tose…6 Kana tikararama zvakanaka, hazvirevi kuti hatichawirwinematambudziko. Chaizvoizvo, zvinoreva kuti matambudzikoose akanongedzwa munzira yedu. “Nokuti matambudzikoewakaruramamazhinji, asi Mwari anomudzikinura kubvamaariose.” Ndicho chikamu chakanakisa.7 Saka tinoda kungokumbira munamato wakatsaurwamangwanani ano, kuitira Hama Roy. Handizive kanapane mumwe muno, zvichida, anoda kunamatirwa, anodakurangarirwamushoko remunamato? Kana ivo vakangosimudzamaoko avo. Zvakanaka. Ndizvozvo. Ngatingomirai kwenguvashoma, kanamuchikwanisa, apo tichinamata.8 Ishe, tinouya nhasi, pakutanga kwesabata. Apo zuvarichitora gwara raro zvino, kuti ribhururuke richipfuuranepasi rose, kuti riunze chiedza nehupenyu kuzvinhu izvozvarakagadzwa kuti riite. Zvino pakutanga kweshumiroapo…Tiri chikamu cheKereke yeNyu, yakadanwa kuti ibateshumiro dzekupodzwa, kupodzwa kwepanyama kwemutumbi;kuzadzisa zvido nezvishuwo zvaShe wedu akaropafadzwauYo akakuvadzirwa kudarika kwedu, uye nemavanga aKetakapodzwa. Zvino tinokumbira, pakutanga kweshumiro,pairi kutanga kubhururuka, munziyo, uye moyo yedu yotangakusimudzirwa, kuti tigokwanisa kurangarira, mangwanani ano,Ishe, hama yedu inodikanwa, inokosha, Roy Roberson, murandaweNyu akazvininipisa. Uye tinoziva kuti iMi makachengetahupenyu hwavo vari kuhondo, uye iMi manga makavanakira.Uye nhasi vari kutambudzika nehurwere, zvekuti havanakukwanisa kuuya kukereke.9 Uye, Ishe, vakati vachinamata mumba yaJohane Mako,pane Mutumwa akadzika muimba yetirongo, umo Petro aivamuhusungwa, ipapo akavhura mikova, zvisinganzwisisike,ndokumutungamira kubuda kunze.10 O Ishe, iMi muchiri Mwari. Ngirozi idzodzo dzichiripakuraira kweNyu mangwanani ano. Tinonamata, Ishe, kutipatiri kunamata muno muimba yaMwari, kuti Ngirozi dziendezasi kumba kweHama Roberson. Chishuwo chavo ndechekuvapanzvimbo yavo pano, asi kutambudzwa kwavabata. Uye daiNgirozi dzaMwari dzavadzikinura, dzavapodza, kuti vatorenzvimbo yavo zvakare muimba yaMwari.11 Pane vamwe vauya kubudikidza nemukuomerwa, va—vanga vachirwara. Uye taona mudzimai wechikuru, paangaava kuda kugara panzvimbo yake, asimudza maoko ake,paanga achidzadzarika netsoka dzake. Auya kuimba yaMwari,kuti azopodzwa. Zviitei, Ishe, kuti abude ave kufamba,nekamufambiro nehudiki hwemudzimai wechidiki.

Page 3: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 3

12 Vamwe vose vasimudza maoko avo, mazhinji awoasimuka, nokuti zvakanyorwa, uye zvakambotaurwakare, “Matambudziko ewakarurama mazhinji, asi Mwarianomudzikinura kubva pane ose.” Dai tabhururuka nhasitichipinda mukutenda, maoko ekutenda, ayo achatidzikinurakubva mukurwara kwose pamwe nekutambudzwa. Kanashumiro yapera, ngapashaiwe ane hutera pakati pedu.13 Itai, Ishe, kuti asingatendi wese ave mutendi. Zvinopatiri kufungisisa pamusoro peShoko reNyu, dai MweyaMutsvene waRitora woRiisa mumoyo yedu, uye oRidiridzaimomo kusvikira Rava chibereko cheShoko. Zviitei izvi kwatiri,Ishe, apo tichikotamisa misoro yedu mukuzvininipisa uyetichizvikumbira muZita raJesu. Amen.

Mungagare henyu pasi.14 Tisati tapinda mumharidzo yeshumiro yemangwanani ano,ndinoda kuti zvigare mupfugwa dzenyu, nepedyo zvishoma.Kana pane vamwe venyu vane nguva yekuzorora, uye muchidakuuya kune imwe yeshumiro idzo dzichaitirwa kuMiddletown,Ohio, kutanga neMuvhuro, kwesvondo, dzichava panzvimboyematende yekuzororera.15 Munoziva here zita renzvimbo yematende yekuzororeraiyi, Gene? [Hama Gene vanoti, “Vanoti iri mamayera guminemaviri wabuda muMiddletown.”—Mupepeti.] Hama Sullivan.Middletown iguta diki, ndinofunga rakada kuita seJeffersonvillekuno. Muzinda webasketball. Hama Sullivan ndiye mufudziikoko. Kana imwe yemakereke eFull Gospel, zvokuti kunemakumi matanhatu neanoraudzira ari kubatana mumusanganouyu, vanokwanisa kukuudzai kuti nzvimbo yematendeyekuzororera iyi iri papi.16 Uye pachave nedzimba duku dzekugara panzvimboyematende iyi, ndokuudzwa kwandakaita, pokuchengeteravanhu vangada kuuya. Zvino misangano ichatanga Muvhurokusvika Mugovera, mazuva matanhatu. Uye kunenge kusinaneSvondo, nokuda kwemamwe makereke, kuti vaende vaveneshumiro dzavo dzemazuva ose. Zvichida, kuchava neshumirodzekupodza, kana kunamatira vanorwara, husiku hwoga-hwoga. Zvino munhu wese anokokwa. Uye iwo uchatanga musiwa10 Nyamavhuvhu, kusvika musi wa15, Muvhuro kusvikaMugovera. Zvino kana wanga uine zororo, uye—uye uinezororo rako riri kuuya, uye uchida kuripedza nenzira yakadai,zvakanaka, zvechokwadi tingafara kuva newe.17 Ndinokurudzirawo zvakare vose vasina kubhabhatidzwamurubhabhatidzo rweChikristu, kuti vasare mangwanani anouye vafungisise pamusoro pazvo. Uye vagadzirire shumiroyerubhabhatidzo ichatevera mumaminitsi angaita makumimana nemashanu zvino, ndingadaro. Izvi zvichange zviri panopakereke.

Page 4: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

4 SHOKO RAKATAURWA

18 Tine katsika kekukurudzira vanhu kuti vabhabhatidzwemurubhabhatidzo rweChikristu, tichiziva kuti rwakakoshakuitira ruponeso. Nokuti zvakanyorwa naShe wedu, kutumakwaKe kwekupedzisira, kutuma kwaKe kwekupedzisirakuKereke. Kana kuti, sekutuma kwaAkaita Kereke,pakupedzisira, Akati, “Endai pasi rose, uye muparidze Vhangerikuchisikwa chose. Uyo anotenda uye akabhabhatidzwaachaponeswa.” Saka tinoziva kuti zvakakosha chose kutitibhabhatidzwe nekunyikwamumvura.19 Uye tichafara kuita basa iri kwamuri, kuna ani hakeagutsikana mumoyo make kuti Jesu Kristu MwanakomanawaMwari, kuti iYe akafa kuti aponese vatadzi, zvino iwendiwe wacho waAkafira kuti aponeswe; uye uchida kuuyakuzobhabhatidzwa muZita raJesu Kristu kuti uregererwe zvivizvako; uchitaura, kunyika, kuti iwe unotenda kuti zvivi zvakozvakaregererwa, uye kuti wava kuzova zvino mudzidzi waIsheJesu, uchimira nesarudzo yako.20 Kana usina kereke yekuenda, tingafara kuva nemikuti muwadzane nesu. Hatina nhengo pano. Itabhanakeriyakazaruka, kuMutumbi wese waKristu, wemumasanganoose. Tinomira tichisanganisira masangano ose. Tinozaruramikova kuvanhu vose, zvisinei kuti ndivanani, ruvara, rudzi,kana chitendwa, munhu wese anogamuchirwa. “Aninani anoda,huya.” Zvino kana usina imwe kereke, tingafare nokuda kwakokungouya kuzowadzana nesu. Hapana chekujoinha. Ingouyamukati kana mikova yazaruka, uye uyanane nesu. Ndizvo chetezvaunoda; ingouya wakadaro. Huya nemoyo wakazaruka, isamapendekete ako pavhiri, uye wotibatsira patiri kumanikidziramberi nokuda kweHumambo hwaMwari. Nokuti, tinotendakuti nguva, yava pedyosa, yokuti zvinhu zvose zvakataurwamuBhaibheri zvichizadziswa.21 Pasina kupokana vazhinji venyu makaverengachaKhrushchev, chitaurwa chake kuU.N., rimwe zuva,sekutaurwa kwazvakaitwa kwandiri mupepa rekuCanada,neshamwari. Akati, “Kana kuna Mwari, Agadzirira kutsvairanekuchenesa temberi zvakare, nemi macapitalisti, sezvaAkaitapakutanga.” Saka zvino munokwanisa kuverenga pakatipemitsara, “Agadzirira kuchenesa temberi zvakare.” Uyezvinotyisa, kuti mukomunisiti angataure chinhu chakadaro?Anga ane chimwe chinhu, kunyangwe hazvo. Ndizvozvo. Vangavari macapitalisti, pakutanga, vakakonzera dambudziko. Ndisumacapitalisti.22 Ndakanzwa mufudzi wedu akakosha, anodikanwa, HamaNeville, vachiita chitaurwa paterevhizheni yavo…kanapanhepfenyuro yepawairesi, mamwe mangwanani, izvozvozvakaramba zvichingodzokorora zvichidzokorora, mupfungwadzangu. Handikwanise kuzvikanganwa. Ndakazvitaura kuneimwe shamwari yangu, husiku hwapfuura. Uye zvanga zviri

Page 5: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 5

izvi, kuti kuchava…Mushure mekunge Mweya Mutsvenewabviswa, kubva panyika, kuti machechi ezvinamato etsikaachaenderera mberi, asingazivi musiyano. Wakambodaro here,waka…Vangani vakanzwa izvozvo? [Ungano inoti, “Amen.”—Mupepeti.] Zvakanga zvisingashamise here? Havazivi MweyaMutsvene, saka havazozivi kana Waenda, uye vacharambavachingoenderera mberi zvimwe chete. Kana wekupedzisiraasimbiswa muMutumbi waKristu, vacharamba vachiendamberi, vachiedza kutendeutsa vanhu kwaUri, nokuti havaUzivekuti chii. Zvino zvinamato zvavo zvetsika zvichaendereramberi sezvazvaingove. Zvino, zvinogona kutadza kupindamauri sezvazvakaita mandiri, asi zvirokwazvo chaive chitaurwachakasimba. Kuti, vanenge vari kure-kure kwazvo, vangorimune zvinoitwa zvezvinamato, kusvikira havaoni kusavapokweMweya Mutsvene, nokuti havaUzive kuti chii, kutangakwacho.23 Mwari ivai netsitsi kwatiri. Hama, ndinoda kuraramamuhupenyu huno, uye chishuwo changu, kusvikira kunyangwekana kugumbuka kwaKe kudukusa, ndinokuziva mumoyomangu. Ndikaita chimwe chinhu chinozoMugumbura,ndinozokwanisa kuzvinzwamuchinguva ichocho.24 Ko kuzoti, kusavapo kwaKe; handidi kuve pano kana Iyeasiri pano. Ndinoda kunge ndaenda ipapo, hongu, changamire,nokuti panenge pasisina Ropa pachigaro chetsitsi. Panengepane rima uye pane chiutsi uye pari patema. Nzvimbo tsveneinenge isisina Gweta ipapo, kureverera nyaya yedu panguvaiyoyo.MunozivaGwaro rinotaura izvozvo?Nzvimbo tsvene yaivanechiutsi. Pakanga pasina Ropa pachigaro chenyasha, zvinokwava kutongwa.25 Kana Ishe vakadaro, imwe nguva mukutangakwematsutso ano, vakatipa husiku hushoma hwerumutsiriro.Ndatsunga mupfungwa dzangu, ndinoda kutora Bhuku riyaraZvakazarurwa, kunzvera pariri, kungoenda tichipindanemuBhuku riya raZvakazarurwa, tichienda.26 Zvino, nhasi, ndinoziva kuti pane vazhinji vauya,kuzonamatirwa. Uye hofisi yangu yanga yakavharwa nhasi,kana kuti svondo rino. Zvino vamwe vanhu vanga vauya,havana kuwana mukana wekunamatirwa, kunze uko, nokutivakomana vanga vaenda, kwezuva kana zvakadaro, kunozorora.Vane basa rakawanda rekuita; basa ravo pachavo, nebasarepatabhanakeri, uye nenhare dzangu nezvose. Zvinokuisapakusagadzikana nokukasika. Uye saka ndicho chikonzero.Ndinoziva ndinofanira kuenda kunze kune imwe nzvimbo,apa neapo, uye ndonoita chimwe chinhu chakasiyana, uyendinoziva vanodarowo, zvakare. Saka, vakandidana. Ndikati,“Ndinofunga kuti zvakanaka.” Zvino tichanamatira vanorwara,munguva shoma.

Page 6: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

6 SHOKO RAKATAURWA

27 Zvino ndafunga tichagona kuverenga zvimwe kubvaMushoko raMwari. Kana une Bhaibheri rako zvino, ngativhureimuBhuku raIsaya. Ndinoda kukuona uchitora Bhuku rakouchiRiverenga. Ndinoverenga…Kana iwe usina kana Shokorimwe kana maviri patiri kuverenga, zvakadaro, iRi iShokoraMwari remunaZiendanakuenda, Risingafe. Haritongopfuuri.Chitsauko 55 chaIsaya,musoro, “Ruponeso rwusingaperi.”

Ho, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji,uye noasina mari; uyai, mutenge, mudye; zvirokwazvo,huyai, mutenge waini…mukaka pasina mari uyepasina mubhadharo.Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri

zvokudya? uye nesimba renyu kune izvo zvisingagutsi?nditeererei zvakanaka, uye mudye zvakanaka, uyemweya yenyu ngaizvifadze mune zvakakora.Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri: inzwai,

uye mweya yenyu ichararama; zvino ndichaita nemisungano isingaperi, kunyangwe nyasha dzechokwadidzaDhavhidhi.

28 Ndinoda kutaura kwamuri, kwenguva shoma, pachidzidzo:Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo.29 Pane zvinhu zvizhinji zvinonakidza zvemazuva edu. Panezvizhinji zvinonyengedza vanhu izvo zvatingati “mafaro,” uyendezve vanhu vose, mazera ose.30 Pane zvinonyengera vezera rechidiki, madhanziechimanjemanje uye nemapati erock-and-roll, nemimhanziyavanayo inoenderana nazvo. Zvino zvose zvinonyengera, kutivanakidzwe.31 Handina basa nazvo kuti imba yakanaka sei mwanayaakarererwa mairi, uye kuti akadzidziswa zvakadini kuitazvakanaka; kana mwana iyeye asina kugamuchira chiitikocheKubarwa patsva, mumhanzi werock-and-roll unomubataipapo paanongounzwa. Nokuti, maari, makaberekwa maari,nemasikirwo, mweya wenyama. Uye simba radhiyabhorerakakura kwazvo, nhasi, kusvika rinobata mweya iwoyowemudiki iyeye.32 Zvino zvinozoita zvakawedzera zvakadii kuvakuru, zvino,vakaramba Kuberekwa patsva! Nokuti, kunze bedzi kanahupenyu hwako hwashandurwa, uye watendeuka pamwenekuberekwa patsva, muHumambo hwaMwari, hunhu hwakohunoramba huri hwezvinhu zvenyika, zvisinei kuti unoitazvekunamata zvakadii, kusvikira izvozvo zvashanduka mauri.Unokwanisa kunamata uye wova wezvinamato, asi zvakadaroizvozvo zvinenge zvine simba rinodhonza kwauri, nokuti munhuwekare uyu wechivi nezvishuwo zvake haasati afa maurinazvino.

Page 7: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 7

33 Asi kamwe wangotendera Kristu kutora chigaro mumoyomako, zvinhu izvozvo hazvina basa. Izvi zvikuru zvakanyanya.34 Handikwanisi kutaura zita remunhu wacho, nokutihandikwanise kufunga zita rake zvino, asi vazhinji venyumunomurangarira. Vaiti pane chitsuwa kwaiendwa nevarume,vachihwandira, zvino madzimai aizobuda kunze, vachiimba.Uye nziyo dzavo dzaikwezva kwazvo, zvokuti vatyairi vezvikepevachipfuura ikoko, muzvikepe, vaiuya mukati. Zvino masojaanenge akahwandira vai—vaizobata vatyairi vezvikepe avavakavarairwa, uye vovauraya. Zvino mumwe munhu mukuruaida kupfuura nepo. Akaita kuti vatyairi vake vechikepevamusungirire pabango remuchikepe, uye—uye—uye ndokuisachimwe chinhu mumuromo wake, kuti asadanidzire; uye—uyendokuisa zvinodziira nzeve dzevatyairi vake vechikepe, kutivasanzwe, vofamba vachienda neko, kuti anzwe. Zvino vakadzivakabuda, vachitamba uye—uye vachidanidzira, nekuimba,uye, o, zvainakidza kwazvo, kusvikira akazvisvuura maoko,achidanidzira kuvatyairi vake vechikepe, “Pindai! Pindai!” Asihavana kumunzwa, vaiva nezvinodziira nzeve.35 Zvino akatyaira kuenda kune imwe nzvimbo apo vaifanirakumubvisa, kana, kusunungura maoko ake, uye aizovabvisazvinodziira nzeve dzavo. Ipapo, paaifamba mumigwagwa,akanzwa airidza mumhanzi wanga uri wepamusoro nekurepane uya wekuzasi uko, kusvika paakapfuura nepo zvakare,vakati, “Oh, mutungamiri mukuru, tokusungirirai pabangozvakare here?”36 Akati, “Kwete, ndisiyei ndakasununguka. Ndakanzwachimwe chinhu chikuru nokupfuurira, kusvika izvihazvichandinetsa zvakare.”37 Ndizvo zvazviri kuMukristu akaberekwa patsva. Vakawanachimwe chinhu chikuru kudarika rock-and-roll nemifaroyenyika ino. Vanofadzwa neMweya Mutsvene. Mukuruzvakanyanya, kusvikira nyika yakafa kwavari.38 Asi kana ukaenda kumafaro asina maturo ayo, unofanirakurangarira kuti unofanira kutora mari yakawanda. Mukomanawechidiki anotora shamwari yake yechisikana kumitamboiyi nemadhanzi aya, nezvakadaro, achazobhadhara pakurupamuhoro wake wepavhiki. Uye nevanhu vakuru vanoedzakuwana mufaro mukuenda munzvimbo dzekunwira doro,kuti vanwe vabvise matambudziko avo evhiki, vanotofanirakubhadhara mari yakawanda. Zvino vanowanei kubva pazviri?Hapana chavanowana kunze kwemarwadzo emoyo.39 Zvino rangarira, unofanira kupedzerana naMwari rimwezuva nokuda kwazvo. “Uye mubairo wechivi rufu.” Hapanachaunowana panyika, nazvo. Chinhu chenhema chisipo.Kunwa kunongowedzera kusuwa. Chivi chinongowedzera rufupamusoro perufu. Magumo azvo kupatsanurwa kubva kuna

Page 8: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

8 SHOKO RAKATAURWA

Mwari, Nokusingaperi, uchipinda Mudziva reMoto. Uye hapanachaunowana, asi kurasikirwa.40 Zvino Mwari anouya obvunza mubvunzo, “Sei uchipedzeramari yako kuzvinhu izvo zvisingagutsi? Sei uchiita izvozvo?”41 Chii chinoita kuti vanhu vade kuzviita? Vanopedza zvosezvavanazvo, zvose zvavanokwanisa kuwana, kutenga zvokunwa,kuti vapfekedze mumwe mukadzi wavanofambidzana naye,kana imwemhando yemafaro emunyika, ane ruchiva.42 Asi takaudzwa muBhaibheri, uye takadaidzwa kuti tiuyekuna Mwari, “Zvino kuti titenge mufaro Usingaperi neHupenyuHusingaperi, pasinamari kana pasinamubhadharo.”43 Zvinhu izvovo hazvigutsi, uye magumo azvo rufuRusingaperi. Uye zvinokutorera mari yose yaunogonakuunganidza pamwe chete, kuti uve mu—munhu mukurukana anofadza vanhu, kana mukomana wedambe, kana cherochaungave, kana musikana ane mukurumbira, kana chii zvacho.Zvinokutorera zvose zvaunogona kuunganidza pamwe chete,kuita izvozvo. Kupfeka zvipfeko zvepamusoro-soro, uye—uye nokuita zvinhu zvinoitwa nenyika, kuzongokohwa chetemubairo wekutongwa Kusingaperi.44 Mwari akati, zvino, “Sei?” Tichazoita sei paZuvarekuTongwa, patichabvunzwa kuti sei takaita izvozvo?Mhinduro yedu ichava yekuti chii? Mhinduro yeAmericayechimanjemanje ichava yekuti chii, vanoti ivo inyikayeChikristu? Uye pane mari zhinji inopedzerwa kuhwiski,pagore, kudarika yechikafu. “Sei muchipedza mari yenyukuzvinhu zvemhando yakadaro?” Zvakadaro, hurumendeinokutumira kutirongo, nokuda kwemadhora mashanuemitero awakatumira zvichida kune rimwe sangano risinakunyatsoiswa muhurongwa hwekugamuchira mitero, kutiutumire mamishinari mhiri kwemakungwa. Tichazobvunzwarimwe zuva, “Sei imi makazviita?”45 Tiri nyika yeChikristu, uye mabhiriyoni anotumirwakuvanhu avo mhiri uko, vatiri kuedza kutenga hushamwarihwavo. Zvino vari kuhuramba. Ndosaka Khrushchev akati,“Kana kuna Mwari, Achatsvaira muzinda waKe kuti uchenezvakare.” Vahedheni vanogona kuita zvitaurwa zvakadaro,kuunza kunyadziswa kwatiri. Chinhu chisina maturo zvakadii!Uye tozviti Makristu.46 Mwari akati, “Huyai, mutenge Hupenyu Husingaperi,pasina mari, pasina mubhadharo.” Hupenyu, hwekuraramanokusingaperi, uye tofuratira misana yedu kwaHuritoseka muchiso chaKe. Tichazoita sei paZuva iroro? Chiichichazoitika…?47 Kana Mwari akatipa zvinhu zvekuita, uye otipa mari,otiita nyika yakapfumisa pasi pematenga, zvino Mwarivachazobvunza kuti takaitei nazvo. Sei tichipedza mari

Page 9: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 9

dzedu kuzvinhu zvisingagutse? Kwete kunyika chete, asizviri kumunhu wega-wega; kubva kumakobiri, kusvikakumamiriyoni amadhora, mumwe nomumwe nachapihwa.48 Kana varume vachiurayana: ndakaverenga chinyorwa nguvashoma yapfuura, apo vakomana vaviri vaishanda mumusasawekuvhima.Mumwe aive nevana vashanu,mumwe aive nevaviri.Zvino mumwe wavo aifanira kusiiswa basa. Zvino mumwewevakomana akanga ane vana vaviri, kana kuti aive nevanavashanu, akanzwa kuti anoda basa kudarika mumwe akangaaine vana vaviri; zvino akaenda kunovhima naye, ndokumupfurakumusana.49 Mari, ndiyo mhando yenyika, ndiyo mhando yemanzwiro,ndiyo mhando yemweya yezvinotonga vanhu.50 Zvino munokwanisa kuona kuti Kuberekwa patsvakunofanira kunge kwakakosha zvakadii. “Unofanira kubarwapatsva.” Zvinofanira kudaro. “Huyai kwaNdiri, uye mutengepasina mari.”51 Haukwanise kuti, “Ndakanga ndisina mari.” Haudi kanamari. Zvinopihwa pachena.52 Isu vemuAmerica tine katsika kekubhadhara nzira yedukuzvinhu zvese. Ndiyo sirogani yedu. “Tinobhadharira zvinhu.Tine mari.” Tinoratidza mari dzedu dzemadhora kune dzimwenyika, nedzakadaro, dzakaromboka. Ukafamba uchipinda,unoona vashanyi vachipinda mukati, vose vachitaridzikazvakanaka. VemuAmerica vanovatsigira. Zvinhu izvozvo imariine tsvina pamberi paMwari. Iyoyo haitengi nzira yedu kuendakuDenga. Asi zvinhu zvose muAmerica, tinofanira kubhadharanzira yedu.53 Unoenda kwekudyira, uye wodya kudya kwakokwemanheru. Zvino kana ukasaisa mari patafura, kutonyorahweta wechikadzi, pane kufinyama kunouya pachiso, mushuremekunge achibhadharwa nekambani yaari kushandira. Uyeiyoyo inotofanira kunge ichitangira pachikamu chegumi,kana kudarika, pachikwereti chako. Kana ukarega, hwetauyu anokutarisira pasi semunhu akaomera kana mumweakaita semu—munyimi. Apo, iye anenge achiwana mari yake.Ndinofunga kuti zvakashata uye zvinonyadzisa, kuzviita.Ndinofunga maonero asina kunaka pamusoro penyika.Zvaisimbova kuti, vanhu vakanaka, nzvimbo dzakanaka,havaitenderera izvozvo. Asi zvose zviri kuenda mumweyamukuru mumwe chete.54 Ndaienda parwendo, nechitima. Zvino mutakuriwemabhegi…Ndainge ndine briefcase diki muruoko rumwechete, nesutukesi kune rwumwe, uye netsapo yangu dikiyezvekugeresa pasi pehapwa yangu, uye ndichifamba. Mutakuriakauya kwandiri, akati, “Ndingakutakurirai here?”

Page 10: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

10 SHOKO RAKATAURWA

55 Ndakati, “O, ndiri kungoenda apo pachitima, changamire.Ndinotenda, zvakanyanya.” Pangangoita, o, mayadhi makumimatatu.56 Akati, “Ndinotakura,” uye akatora chinhu chidiki uyendokuchitakura, ndokufamba achiyenda.57 Zvakanaka, paakauya, ndakafunga kuti kuda ini…Ndaiziva kuti aibhadharwa, asi ndaingomupawo—pawo hafuyedhora. Iye anga akabata, zvinhu zvangu, nguva ingasvika,tingati, miniti; pakada kureba kusvika kunogumira tabhanakeriino, paakakwira muchitima. Ndakakwira chitima, kutanga,ndakatambanudza maoko ndikatambira. Ndakamupa hafuyedhora.

Akati, “Mirai zvishoma!”Ndakati, “Chii, changamire?”Akati, “Ndakutakurirai mabhegi matatu!”Ndakati, “Hongu, changamire, ndizvozvo. Chii, chii

chanetsa?”58 Akati, “Mubhadharo wangu wepasi masenzi makumi mavirinemashanu pabhegi rimwe. Munofanira kundipa mamwemasenzi makumi maviri nemashanu.”

Maona, ndicho chiAmerica, zvinhu zvose unofanirakubhadhara.59 Ukaenda uchityaira motokari yako uye woirega ichiwiramugomba, zvino wowana mumwe munhu kuti akubuditsekunze. Unofanira kugadzirira kubhadhara, nokuti vanotodamubhadharo nokuda kwazvo. Makako akauya okutora,anokubhadharisa mari yakati pamayera. Zvino kana murimi,kapfumbamwe kubva mugumi, akaunza tirakita yake, zvinengezvakaipa kudarika izvozvo.60 Unotofanira kubhadharira zvinhu zvose zvaunoitirwa.Zvinhu zvose zvangova “Bhadhara!Mari! Bhadhara!Mari!”61 Asi zvakadaro igomba guru rakadini umo chivichakakuwidzira! Ndiyani angadai akagona kukuburitsa kunzekubva mugomba rechivi? Asi Mwari anokuburitsa kubvamugomba rechivi, pasina mari, pasina mubhadharo, apo pasinamunhu anogona kukuburitsa kunze.62 Kana ukarega kubhadhara mari yakawanda makako wako,unogara mugomba. Unofanirwa kunge une mari yacho kana kutiunogara mugomba racho.63 Asi gomba rakaipisisa rawakambopinda mariri, ndeirodhiyabhore raakakukanda mariri, gomba rechivi nokusatenda.Mwari nokuda hako vanokudhonzera kunze, pasinamari, pasinamubhadharo. Asi zvakadaro unorara mugomba, uchishambamuchivi, uye usingatombodana kwaAri.

Page 11: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 11

64 Zvino kanawadanamakako kuuyako, kazhinji vanoisa chenihombe inopinda pasi mugomba, voimoneredza pabhamba kanapamwewo, votanga kudhonza. Zvino simba remota rinotangakudhonza, zvino michina inotanga kushanda, zvino unobvawadhonzerwa kunze.

65 Kana Mwari akakuwana uri mugomba rechivi, uye okunzwauchidana kwaAri, Anotumira pasi cheni yakamoneredzwapaKarivhari, rudo rwaMwari, zvino oIkochekera mumoyomako, zvino obva aisa Simba reMweya Mutsvene ipapo,kutanga kudhonza. Zvino hazvina zvazvinokutorera. Asizvakadaro tinorara mugomba nokuti hatikwanise kubhadharanehomwe dzedu. Isu vemuAmerica tinofunga kuti tinogonakubhadhara nehomwe dzedu, asi haukwanise. Hapadi mari kanamubhadharo. Hauibhadhare pakereke. Jesu akazvibhadharapaKarivhari. Asi vanhu vanonyara naWo. VanoUda nenzirayavo. Mwari vane nzira yekuti iwe uUgamuchire, uyendeWemahara kana ukaUtora.

66 Kazhinji, pavanokuburitsa kubva mugomba, unengewakamarika-marika, unofanira kuenda, kuchipatara. Uyevasati vatanga kushanda pauri, pasati paitwa chinhu chimwechete, vanobvunza, “Ndiyani achazobhadhara chikwereti?Kana tikazosona zvironda, kana tikazodururamo mafuta, uyetobaya majekiseni kuitira—kuitira kuti udzivirirwe kubvakuchepfu yemuropa, une mhando yeinishuwarenzi yakadii?”Vasati vaita chinhu chimwe chete, panofanira kuva nemariinofanobhadharwa.

67 Asi Ishe wedu kana aisa cheni yaKe yerudo yakamoneredzamoyo wako, uye okudhonza kubva mugomba rechivi,Anopodza moyo wose wakagodorwa, anobvisa chivi chose.Zvino chikwereti chinoiswa mugungwa rekanganwiro, kutichisazorangarirwe zvachose kwauri. “Huya, pasina mari kanapasina mubhadharo.” Zvisinei kuti wakachekwa zvakaipa sei,kuti wakakuvadzwa zvakadii, kuti mhuri yako yakaita sei,kana kuti wakaita sei, hapana chikwereti kwazviri. Anopodzakurwadziwa kwepamoyo, anobvisa kusuwa kwako kwose.“Akakuvadzirwa kudarika kwedu, akaiswa mavanga nokudakwekusarurama kwedu; kurohwa kwakatiunzira rugare rwedukwaiva pamusoro paKe; uye nemavanga aKe takapodzwa.”Zvose ndezvepachena.

68 Uye hatimboUgamuchire, nokuda kwekuti tinotongwanemweya usiwo. Tinotongwa nemweya wenyika, mweya wepasirose, pane kuti titongwe neMweya waMwari, Mweya Mutsvene,unotitungamirira uye nokutiratidza gwara kune Zvokwadi yose,nokuita kuti Bhaibheri rive saizvozvo.

69 Nguva yapfuura, ndaitaura nemunhu asingatendi. Akati,“Fungai nezvazvo, VaBranham. Madzudzo ose ehupenyu,

Page 12: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

12 SHOKO RAKATAURWA

uye chinhu chega chatinacho, kuti takaponeswa, ndezvimwezvinyorwa zvekare zvechiJudha.”70 “Oh,” ndakati, “changamire, zvinogona kunge zviri izvozvega zvaunazvo, asi ndine chimwe chakapfuura izvozvo. NdineMweya weUyo wacho akaZvinyora, anoZvisimbisa uye oita kutiZvive saizvozvo, vimbiso yose.” Haana kuziva kuti angazvitorasei izvozvo.71 Munoona, munofanira kuuya kuzotenga pasina mari,kutenga pasina mubhadharo. Hapana chaunobhadhara. Zviripachena kuna “ani anoda hake, regai auye.”Mwari anokudhonzakubva mugomba.72 Semurume aive pagedhi rainzi Rakanaka. Iye aive aiswamugomba, kubva mudumbu ramai vake, nadhiyabhore akangeamuremadza mutsoka dzake. Nzira yekurarama kwakekwaiva kukumbira zvipo kubva kuvanhu vaipfuura nepo.Zvino paakanga akagara pasuwo mangwanani iwayo, akaonavaparidzi vaviri vechipentekosti vachiuya. Vasina kana kobiriremasenzi gumi pakati pavo, nokuti akati, “Sirivheri handina.”Zvino kobiri ndiro sirivheri dukusa. “Sirivheri nendaramahandina.”73 Ndinofunga murume akafunga chinhu chakaita seichi.“Hapana chikonzero chekutora komichi yangu.” Kuda aiyedzakuchengeta mari inokwana. Akanga ava nemakore makumimana ekuberekwa, kuda aiyedza kuchengeta mari inokwana,kuti vanachiremba vamugadzirire simbi dzemumakumbo,dzekuti afambe nadzo, nokuti, iye, muzvitsitsinho zvakendimo maakanga asina simba. Uye zvichida aifanira kuvanemari yacho, inofanira kufanobhadharwa, vanachirembavasati vamupa rutsigiro. Zvino zvirokwazvo hapana chikonzerochekusimudza komichi yake kuvaparidzi vechipentekostivakanga vasina chinhu. Mukana, ivo va…waiva mushomananikwazvo, wekuti agone kuwana kana kobiri kubva kumachindaaya.74 Asi paakatarisa muchiso chavo! Mumwe, wechidikiachinyara nehudiki; mumwe wacho, mutana uye akaunyanapachiso; apo Johane…apo Petro naJohane vachienda kumusorokusuwo. Akaona chimwe chinhu mumurume wechidiki uyu.Chekuti, kunyara kwaiva kwakati nyanyei kukura kudarikakwamazuva ose. Akaona pasi pekuunyana nezvinetswa, zvezuvareGarireya rakanga rapisa chiso chemuredzi wehove uyumutana, kwakanga kune “mufaro usingataurike, uye uzerenekubwinya.” Akaona chimwe chinhu chakaita sechakatisiyanei.75 Munoziva, pane chimwe chinhu pamusoro peChikristu,chinoita kuti vanhu vataridzike zvakasiyana. Ndivo vanhuvakanakisa pasi rose.

Zvino akatora komichi yake ndokuiisa pasi.

Page 13: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 13

76 Zvino muapostora Petro, ari iye mukuru, akati, “Sirivherinendarama handina.” Nemamwe mashoko, “Handikwanisikukubatsira, kutenga madondoro aya. Sirivheri nendaramahandina, asi icho chandinacho!” Anga anotenga kwaAri uyoakanga ane huchi pamwe nemifaro yehwaini yeruponeso.Akanga achangouya, mazuva maviri kana matatu zvisatizvaitika, kubva kuPentekosti, apo chimwe chinhu pachakangachaitika.77 Zvino mujaya wechidiki akakwakuka nezi “ameni” gurukwazviri, zvino ndokutarira muchiso chake.78 Chii chakaita? Cheni iya yekunzwira, tsitsi dzeUyo akati,“Ndakava netsitsi pane vanorwara,” Mweya mumwe cheteiwoyo wakanga watora nzvimbo mumoyo wemuredzi wehovewakare. Akati, “Kana zviri zvemari, handina, asi ndine chimwechinhu chichatora nzvimbo yayo zvakapetwa kamiriyoni. Seichochandinacho!”79 Zvino rangarira, Petro aiva muJudha, uye vanoda mari,pamasikirwo, asi muJudha uyu akanga atendeuka. Kwete, “Ichochandinacho, ndinokutengesera.”80 Asi, “Icho chandinacho, ndinopa kwauri! Icho chandinacho!Handina kana kobiri muhomwe mangu. Handikwanise kutengarofu rechingwa. Hapana chandinokwanisa kutenga. Handinakana sendi. Asi kana ukakwanisa kuchigamuchira, ichochandinacho, ndinopa kwauri nokuti chakapihwa kwandiri.”Ndizvo zvatinoda. “Icho chandinacho, ndinokupa iwe.”

“Chii chamunacho, changamire?”81 “Ndakanga ndiri kune Uyo anotengesa mukaka nehuchi,pasina mubhadharo. NdinoZvipa kwauri. Hauna chikweretikwandiri nokuda KwaZvo. Kana uchikwanisa kuZvigamuchira,ndinoZvipa kwauri. Kwete seuyo anobhadharisa, asi avovanokwanisa kupa.”82 Nokuti, “Sekugamuchira kwamakaita pachena, ipaiwopachena.” Kwanga kuri kutuma kwaIshe wake, mazuva matatuachangopfuura. “Endai pasi rose, paridzai Evhangeri. Uyoanotenda uye obhabhatidzwa achaponeswa; uye uyo asingatendiachatongwa. Zviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda:MuZita raNgu vachadzinga madhimoni; vachataura nendimiitsva; kana vakanwa zvinouraya, hazvingavakuvadze; kanavakabata nyoka, haingavakuvadze. Sezvo makagamuchirapachena, ipaiwo pachena.” MuJudha uyu akanga ashandurwa.[HamaBranham vanogogodza purupiti kana—Mupepeti.]83 Chatinoda muAmerica kushandurwa, kweMweya Mutsvenekuti utore nzvimbo yemaitiro etsika dzedu dzezvinamato.“Sekugamuchira kwamakaita pachena, ipaiwo pachena.”84 “Sezvandinazvo, ndinokupa iwe: MuZita raJesu KristuweNazareta, simuka ufambe”; kutenda muZita iroro risina

Page 14: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

14 SHOKO RAKATAURWA

kusvibiswa reMusiki! Ndicho chikonzero akaenda achitomukanekusvetuka, nekurumbidza Mwari!85 Oh, munoziva zvinhu zvikuru, kuda akanga agara ipapokwamakore makumi mana, achiedza kuti awane mari inokwanakuti atenge madondoro, asi haana kukwanisa kuzviita. Asiimomomunzvimbo isingatarisirwe, uye panguva isingatarisirwe,uye muvanhu vasingatombotarisirwe, vasina chavanacho,akawana zvaaida. Ndinofara kwazvo kuti Mwari vanozviitanenzira iyoyo.86 Zvino rimwe boka duku, revanonzi vatsvene vanoumburukahumwe husiku, ndakawana zvandaida, izvo zvisingakwaniswekutengwa nemari. Muboka revanhu vasingagone kuverenganekunyora, vasina kudzidza, vasina kupfeka zvakanaka,veChitema, pakutanga kwacho, kunze uko muimba dikiyekunwira doro yakashandurwa, pasi pahuriri, ndakawanamubairo, dombo rakakosha; apo uyo wechitema paakanditarisapachiso, zvino ndokuti, “Wakagamuchira Mweya Mutsvenehere kubva zvawakatenda?” O, Chakanga chiri chimwe chinhuchandaida. Handina kutarisira kuChiwana pakati pevanhuivavo, asi vakanga vane zvandaitoda.87 Ve U.N. nhasi, havakwanise kugamuchira zvatinazvo,asi ndizvo zvavanoda. Khrushchev, nevamwe vose, vanodaKristu, murubhabhatidzo rweMweya Mutsvene. Zvinoshanduramazvibatiro avo. Zvinoita kuti varume, vavanovenga, dzivehama. Zvinobvisa makaro, utsinye uye negakava; zvino zvoisarudo nemufaro, nerugare, kunaka netsitsi.88 Hongu, munzvimbo dzisingatarisirwe, dzimwe nguva ndimomaunowana zvauri kutsvaka.89 Ko vana veIsraeri vangadai vakapa chii (zvakatapwa zvosezveEgipita) apo miromo yavo yaijuja ropa, apo rurimi rwavorwakarembera pamuromo wavo? Vangadai vakapa goridhe roseravakatapa kubva kuva Egipita kuti, vawane mvura imwechete yakanaka inotonhorera. Vatungamiri vavo vemurenjevanga vavatungamirira kubva kuchitubu kuenda kune chimwechitubu, kubva kumakomba kuenda kuzvitubu, asi zvose zvaivezvakaoma.90 Zvino ndokuuya, pasina mari kana pasina mubhadharo!Inzwi rakataura kumuporofita uye rikati, “Taura kudombo,”chinhu chakaomesesa murenje, chinhu chiri kure-kure nemvura.Ipapo nyota yavo yakapedzwa, pasina mari kana pasinamubhadharo. “Taura kudombo.” Kwete kubhadhara dombo, asi“taura kudombo.”91 Achiri Dombo manheru ano. Iye iDombo munyika yakaoma.Kana uri parwendo munyika yakaoma iyi, taura kuDombo.Hautombofaniri kuMubhadhara; taura kwaAri. Uye Mubatsiriaripo munguva yematambudziko. Kana uchirwara, taura

Page 15: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 15

kuDombo. Kana uchirwara nechivi, taura kuDombo. Kanawakaneta, taura kuDombo.92 Maona, zvaiita kunge inogona kuva kwese-kwese…Zvaiitasekuti, kana kusina mvura zasi munzvimbo diki kwakangakune zvitubu, hapaizombove nemvura pamusoro pegomo iroro,padombo. Mwari anoita zvinhu achidzoka kumashure panezvinofungwa nevanhu. Dombo, nzvimbo yakaomesesa murenje,asi Akati, “Taura kuDombo.”93 Nhasi, vanhu vakanyengereka chaizvo. Vanofunga kutikana vakaenda uye vonotaura minamato yavo, vobhadharamuprisita kuti avaitire minamato mishoma, kubhadhara nzirayavo kuti vapinde. Kana vakavaka kereke huru kune imwenzvimbo, uye mumwe munhu akapfuma oitsigira nemari,oenda mberi achirarama muruchiva, ova nemumwe munhukuti amunamatire, anofunga kuti ndizvozvo. Mwari havademari yako ine tsvina. [Hama Branham vanogogodza papurupitikatatu—Mupepeti.] Chinhu choga chaAnoda kuzvipira kwakonehupenyu hwako kuti hutaure kwaAri. Mwari akakupaimari, musaipedza kuzvinhu zvisingagutsi. Ishandisei kuzvinhuzvinogutsa. Asi kuunza gutsikano chaiyo, haukwanise kuiwanakusvikira wataura kuDombo.94 Akaunza mvura dzinopa hupenyu, pasina mari kana pasinamubhadharo. Zvino vakanwa, uye ngamera dzavo dzikanwa,nevana vavo vakanwa, uye chichiri chitubu chiri kuyereramurenje.95 Zvino saka iYe iDombo nhasi, munyika ino yakaoma,kuvanhu vari kuparara. “Ani nani anotenda kwaArihaangaparare, asi ane Hupenyu Husingaperi.”96 Cherechedzai. Husiku hwega-hwega, vanga vasinganetsekipamusoro pechingwa. Chingwa chavo chaiunzwa kwavari,husiku hwega-hwega, chichangoburwa.97 Tinoenda nhasi kunowana rofu rechingwa. Kana urimupemhi, uye wofamba uchienda kuno kuchitoro, wobva wati,“Ndinoshuvira rofu rechingwa.”98 Anobva ati, “Ndiratidze, kutanga, masenzi makumi mavirinemashanu ako. Ndinofanira kuwana masenzi makumi mavirinemashanu erofu rechingwa ichi.”99 Zvino chii chaunacho kana wachiwana? Izvi zvakatibudei mugwara zvishoma, asi une chakaderesesa kudarikachinogadzirwa negorosi. Vanobvisa ma—mavhitamini ose kubvamariri, magufu ose, zvino voapa kunguruve. Vosanganisamakanyaniswa anobata magufu pamwe chete, uye vozvipepeta,vogadzira rofu rechingwa, rakagadzirwa nemaoko akasviba,ane tsvina, kazhinji kacho. Unoona zvaunowana muchingwachako, dzimwe nguva, zvidimbu zvebvudzi, nezvinhuzvetsvina, nezvidimbu zvezvekuputirisa, uye nezvimwe zvosezvinowira munobikirwa chingwa. Vanhu vazere zvivi vane

Page 16: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

16 SHOKO RAKATAURWA

zvirwere zvepabonde, nezvose, zvichisanganiswa mazviri.Kana ukachiona chichigadzirwa, iwe hawaizombochidya.Asi, zvakadaro, unobhadhara masenzi ako makumi mavirinemashanu kana kuti hauchiwane.100 Uye Mwari akavapa chikafu husiku hwega-hwega,nechingwa chakagadzirwa nemaoko eNgirozi; pasinamari, pasina mubhadharo. Zvino, nhasi, chingwa ichochochinomiririra Kristu, Hupenyu hwepamweya, akaburuka kubvaKudenga, kuti ape Hupenyu hwaKe.101 Zvino Mwari anopa vana vaKe, mazuva ose, chiitikochitsva. Munorangarira, kana vakachengeta chingwa kusvikamangwana, chaiwora.102 Unonzwa mumwe munhu achitaura zvokuti, “Zvakanaka,ndine…ndinokuudzai. Ndiri muLutherani. NdirimuPresbyteriani, Baptisti. Ndiri muPentekosti,” ringori rofurake rechingwa rakagadzirwa nemaoko. Ndizvozvo chete zvariri,rakangosviba, uye rakagadzirwa nemaoko evanhu.103 Asi paunonzwa chiitiko chechapupu, chichangoitika,“Mangwanani ano, mumunamato, Mweya Mutsvenewabhabhatidza munhu wangu wemukati patsva,” oh, hama,ndicho Chikafu cheNgirozi. Anovapa chikafu chitsva, mazuvaose, kubva Kudenga.

Kunaya kwemaropafadzo tinokuda.Madonwe etsitsi anodonha akatikomberedza,Asi kunaya uku tinokukumbira nesimba.

104 Oh, hongu, tumirai kubva Kudenga, patsva, Ishe, KristuChingwa cheHupenyu. Chikandei Icho mumoyo mangu, uyeregai ndifadzwe neHupo hwaKe hukuru.105 Chokwadi, vaiva nokutenda. Vakapa kutenda. Zvino wosemurume kana mudzimai akaberekwa neMweya waMwari, uyeogamuchira Mweya Mutsvene, anogara achitenda. Zvisinei kutichii chaitika, unenge uchipa kutenda.106 Sekamukomana kadiki bofu, kumusoro kumakomo, Bennymudiki, akabarwa. Ava nemwedzi inenge misere yekuberekwa,tsanga yakatanga kukura mumaziso ake. Vabereki vake vaivavarombo. Vaigara pachikomo chekare chedhaka. Uye vaizivakuti maoparesheni aya aigona kuponesa maziso aBenny mudiki,kuti akwanise kuona. Anga ava mukomana zvino wemakoreangaita gumi nemaviri. Vabereki vake vaingokwanisa kuwanazvakakwana kuti vawane chingwa nenyama zvepagore. Vakangavasingakwanise kubhadhara oparesheni yacho.107 Vavakidzani vose, pamwe chete, vakaona Benny mudikiachiedza kutamba nevamwe vana vaduku kunze uko, ari bofu.Haaikwanisa kuona zvaaive ari kuita. Ivo vakanzwa urombo.Zvino mumwe nemumwe, gore iroro, vakati wedzerei zvirimwa.Vakashingaira zvakati simbei zvishoma mukupisa kwezuva.

Page 17: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 17

Zvino zvirimwa pazvakatengeswa muchirimo, vakatora marivakaisa Benny mudiki pachitima, ndokumutumira kunachiremba.108 Vakaita oparesheni yakabudirira. Zvino paakadzoka,vavakidzani vose vakaungana apo Benny mudiki akaburukakubva muchitima. Maziso ake maduku, akajeka achipenya.Akatanga kudanidzira pamwe nekuchema, apo akatarirapazviso zvavo.109 Mumwe kondakita wemuchitima akati, “Mwanakomana,zvakakutoreramari yakadini paoparesheni iyi?”110 Akati, “Changamire, handizive kuti zvakavatorera chiivanhu ava. Asi ndinofara kuti ndinokwanisa kuona zviso zvavo,avo vakabhadhara mubhadharo.”111 Ndiwo manzwiro atinoita. Handizive zvaZvakatoreraMwari. Ndinoziva kuti Akandipa zvakanakisa zvaAkangaanazvo, Mwanakomana waKe. Asi ndinotenda zvakanyanyakuva nekuona uku kwepamweya, kuti ndinokwanisa kutarisapachiso chaKe uye ndoziva kuti iYe akandifira. Handizive kutiZvakaMutorerei. Hatina nzira yekufungidzira kukura kwacho.Mubhadharo wacho wakanyanyisa kukura. Handikwanisikukuudzai kuti wakaita sei. Asi ndinotenda. Ndinotenda, kuti,ndakambenge ndiri bofu, ikozvino ndave kuona.112 Ndinotenda zvikuru kuti paya Mayo Brotherspavakandiudza kuti nguva yangu yakanga yakwana, apovanachiremba pavakandiudza kuti handichakwanisa kuraramazvachose, makore makumi maviri nemashanu apfuura, nhasindiri mupenyu. Handizive kuti Mwari zvakamutorerei, asindinotenda ndiri mupenyu.113 Ndaimbove mutadzi, ndakasungwa muzvivi,nezvinorwadzisa moyo, ndichitya rufu. Asi, nhasi, rufukukunda kwangu. Hareruya! Rwunongondiunza muHupohweUyo wandinoda, wandinokwanisa kutarisa pachiso chaKe.Akashandura chinhu chacho, neoparesheni, Akatora moyowangu akauita mutsva. Ndinoziva pane chimwe chinhuchakaitika kwandiri.114 Mupepa mumatsutso apfuura, kuMinnesota, panemukomana mudiki akatora bhasikoro rake akaenda kukerekemamwe mangwanani, kuSunday school. Mumwe mujayamunharaunda, akanga asina basa neSunday school, akatorashamwari yake yechisikana vakaenda kunotamba zvokutsvedzapachando. Zvino murume anga ava murume akura, zvinoakapinda pachando chakatetepa akawira. Anga ambosekamukomana muduku uya mangwanani iwayo paanga achiendaachidzika nenzira, akaudza shamwari yake yechisikana,akati, “Iboka remipengo rinoenda kukereke uko.” Zvinopaakadonera muchando, shamwari yake yechisikana yakangairi kure naye. Aive akareruka; akaenda kure. Asi paakauya

Page 18: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

18 SHOKO RAKATAURWA

pamusoro ndokuisa maoko ake pachando, akabva aoma mutezo,ndokurembera pachando.115 Shamwari yake yechisikana yakaedza kusvikira kwaari,asi musikana airema zvikuru, aiputsa chando. Mukomanaakadanidzira kwaari, “Dzokera! Dzokera! Unozowira, zvinotose tobva tanyura.” Akadanidzira, akachema, uye pasinachingamubatsire.116 Mushure mechinguva, pamusoro pechikomo, kwakauyakabhasikoro kadiki, kachichovhwa, nekakomana kadikikane Bhaibheri muhapwa make. Akanzwa kudanidzira,ndokumhanyisa kabhasikoro kake kaduku. Ndokuisa Bhaibherirake pasi, ndokumhanyira uko pachando. Ndokukambairanedumbu rake duku, akapfeka hanzu dzake dzakanaka,kusvikira abata maoko emurume uyu, zvino ndokurambaachimudhonza achiuya, kusvikira amubvisa pachando.Ndokumhanya kunomisa motokari. Vakadana amburenzivakamuendesa kuchipatara.117 Mushure mekunge ayenda ndokubhadhara amburenzi,akabhadhara vana chiremba nokuda kwemajekiseni emabayonezvinhu zvaangadai akatora, akauya kumukomana mudiki.Akati, “Mwanakomana, ndine chikwereti chakadii kwauri?”

Akati, “Hapana.”118 Akati, “Ndine chikwereti chehupenyu hwangu kwauri.”Fungai nezvazvo. Mari hayaikwanisa kuchibhadhara.Hwakanga huri hupenyu hwake.119 Ndiwo manzwiro atinofanira kuita kuna Mwari. Kwetekutenga nzira yedu yekupinda nechimwe chinhu; asi tinechikwereti chehupenyu hwedu kuna Mwari, nokuti takangatichifa nekunyura mugomba rechivi. Mwari akakanda maokoaKe nehanzu zvakandipoteredza.

Ndakanga ndichinyura pakadzika muchivi,Kure nemahombekombe ane rugare,Ndine madzvanga akadzika kwazvo mukati,Ndichinyura zvekusazomuka zvakare;Asi Tenzi wegungwaAkanzwa kuchema kwangu kusina tariro,Kubva mumvura akandisimudza,Zvino ndakachengetedzeka.

120 Ndine chikwereti chehupenyu hwangu kwaAri. Unechikwereti chehupenyu hwako kwaAri. Une chikweretichehupenyu hwako kwaAri, kumushumira Iye; kwete kuhupa,kufamba uchizvitutumadza pamusoro pekereke yako yesangano;kwete kufamba uchishoropodza vamwe; asi kuedza kushumiranekuponesa vamwe, uye nekuvaunza muruzivo rwaIshe JesuKristu.

Page 19: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 19

121 Mwana muparadzi. Mukuvhara, ndinogona kutauraizvi. Paakanga aparadza pfuma yake yose, pfuma yababa,nekurarama zvisina hanyn’a, uye paakanga ave kudzokerakumba… Ainge akarara mudanga renguruve, uye akadzokerapapfungwa dzake chaidzo. Zvino akati, “Varanda vangani, babavangu vavainavo, vane zvakawanda zvekutosiya, zvino hezvondiri pano ndiri kufa, nekushaiwa.” Ko dai akaedza kutaurakuti, “Ko dai ndanga ndine mari yandaikwanisa kudzorera baba(yandakapedza mukumhanyidzana) nayo?” Asi aiziva hunhuhwababa vake, zvino akati, “Ndichasimuka ndoenda kuna babavangu.”122 Baba havana kuti, “Mira zvishoma, mwanakomana! Urikudzora here mari yangu?” Kwete. Havana kumubhadharisanokuda kwezvivi zvake. Vaitofara nokuda kwekuti ari kudzoka.Vakafara nokuti akanga adzokera papfungwa dzake chaidzo,nokuti akanga ari mwanakomana wavo. Anga ari mwanawavo pachavo. Vaifara nokuti aiva munzira yake yekumba.Zvino, havana kupembedza chivi chake, asi vakafara paakangaadzokera papfungwa dzake chaidzo zvino ndokuti, “Ndakatadzapamberi paMwari wangu, uye nepamberi pababa vangu.Ndichasimuka ndoenda kwavari.”123 Zvino pavakamuona, ari kure, vakamhanyira kwaari zvinondokumutsvoda. Zvino vakati, “Urayai mhuru yakakora,”pasina mari. “Unzai hanzu yakanakisa,” pasina mari. “Unzaimhete,” pasina mari, “iisei pamunwe wake. Ngatidyei, nokunwa,uye tifare, nokuti mwanakomana wangu uyu anga akarasikauye zvino awanikwa. Anga akafa, zvino ava mupenyu zvakare.Ngatifarei nokuda kwazvo.”124 Regai nditaure izvi shamwari, ndivhare. Chinhu chogachinogutsa, zvinhu zvega zvechokwadi zviripo, zvinhu zvegazvakanaka zviripo, hazvikwanise kutengwa nemari. ZvipozvaMwari zvemahara, kubudikidza naJesu Kristu: ruponesorwemunhuwemukati; mufaro. Huya udye, uye ugutswe.

Munopedzereiko mari muchitenga zvisati zvirizvokudya? nesimba renyu muchitenga zvisingagutsi?nditeererei zvakanaka, uye mudye…izvo zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze nezvakakora.

Rerekai nzeve dzenyu, muuye kwandiri: inzwai,mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sunganoisingaperi, kunyangwe nyasha dzechokwadi Dhavhidhi.

125 Zvinhu zvose zvinogara, zvinhu zvose zvakanaka, zvinozvose zvinofadza, zvinhu zvose zvemunaZiendanakuenda,ndezvepachena, uye hazvina chaunobhadhara. Kumagumoekunyorwa kweBhuku rino, Rinoti, “Ani nani anoda, ngaauyeanwe kubva kuMvura dzezvitubu zveHupenyu, pachena,” pasinamari, pasina mubhadharo. Sei muchipedza mari dzenyu kune

Page 20: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

20 SHOKO RAKATAURWA

izvo zvisingagutsi, uye mosiya zvinhu zvechokwadi zvinogutsa,zvemahara, zvoenda zvisina kuchengetedzwa nemi?

Ngatinamatei.126 Apo makanyarara uye mumunamato, aripo here,muchivakwa chino, mangwanani ano, avo vasina kunwakubva paChitubu ichocho, zvokuti zvishuvo zvemunyikazvichiri muhupenyu hwako, uye unoda kuchinja nzvimbo yakoyekunwira, mangwanani ano, kana kushandiswa kwemariyako? Unoda kuuya kuzotenga kubva kuna Mwari, (pasinamari, pasina mubhadharo), huchi nemukaka, mifaro yehwaini?Ungasimudza ruoko rwako here, woti, “Ndirangarireiwo,Hama Branham, pamuri kunamata”? Mwari akuropafadzei,changamire. Mwari akuropafadzei, changamire. Mwariakuropafadzei, hanzvadzi. Pane vamwe here vanogona kuti,“Ndirangarireiwo, HamaBranham, pamuri kunamata”?127 Vamwe venyu imi vechidiki, hongu, makaparadza pfumayenyu. Ma—ma—maawa akapedzwa naamai mumunamatonokuda kwako, nababa, uye nedzidziso yese yakaitwa kwauri,asi zvakadaro wakazviisa parutivi, uchiteerera kuzevezerakwadhiyabhore. Zvino wava kushuvira mumhanzi wemunyika,zvinhu zvemunyika. Zvino uri kudzokera papfungwa dzakochaidzo, semuparadzi uya ari mudanga renguruve. Ungasimudzeruoko rwako here, hanzvadzi, hama, uye woti, “Mwari,ndirangarireiwo. Ndidzosei papfungwa dzangu chaidzo,mangwanani ano, regai ndiuye kuimba yaBaba”? Hazvikutorerechinhu chimwe chete. Ari kukutarisira. Zvisinei kuti wakaitei,“Kunyangwe zvivi zvako zvakatsvuka, zvichachena semazayaechando; zvakatsvuka seropa, zvichachena semakushe.” Avo varimuHupo hwaMwari, vangasimudzamaoko avo?128 Avo vari kurwara uye vane zvishuwo, itii, “Nda—ndakawira mugomba. Satani aka—akaita zvakaipa kwandiri.Akandiremadza uye akandiita kuti ndirware, kanachimwe chinhu. Ndinoshuvira, mangwanani ano, cheniyaMwari yekutenda kuti ifambe ichipinda mumoyo mangu,inozondibuditsa kubva mugomba iri, semurume aivepasuwo rinonzi Rakanaka.” Simudzai maoko enyu. Mwariakuropafadzei, mumwe nomumwe.129 Ishe, ndinounza kwaMuri, nguva ino, avo vakasimudzamaoko avo, kuti varegererwe zvivi zvavo. Imi muri Mwari,uye Mwari ega. Ipo pavagere chaipo zvino, ndipo paMatauranavo. Ndipo paMaita kuti vabvume kuti vakatsveyama,apo Shoko rawana nzvimbo yaRo, uye Mweya Mutsvenewatanga kutaura, uchiti, “Wakakanganisa. Tendeuka, udzokezvakare kuna Mwari Baba.” Zvino vasimudza maoko avo,kuratidza kuti vanoda kubuda mudanga renguruve repanyikairi, kuuya kuimba yaBaba, uko kune zvakawanda, ukokwavasingafanire kuunza chinhu. Sanyanduri akazvitaura

Page 21: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 21

zvakanaka, “Hapana chandinouya nacho mumaoko angu,ndichangobatirira kumuchinjikwa weNyu.” Dai vakauya,mukutapira, mukuzvininipisa, nekupomerwa, uye vapirehupenyu hwavo. Zvino Muchaunza hanzu yakanakisa; uyenemhete, yoiswa paminwe yavo; uye movapa kudya kweManayeGwayana rakabaiwa. Zviitei, Ishe.130 Varipo avo vanorwara nekutambudzwa. Vane zvishuwo.Satani akavakanda mugomba, pasina kupokana, kushaiwamari yemaoparesheni. Pasina kupokana, zvichida, vazhinjivavo havana kugona kuitwa oparesheni. Kuda chiremba haanakugona kubvisa chinokonzera, kunyangwe dai zvazvo aivanemari yakawanda. Asi iMi muri Mwari. Uye ndinonamatanguva ino chaiyo, pasi pechizoro cheMweya Mutsvene ugerepano zvino, kuti Mupodze mumwe nemumwe wavo. Daivakapodzwa, kubva kumusoro yavo kusvika kutsoka dzavo,zvose hazvo.131 Kana vasina mufaro; ruponeso rwavo, havachanakidzwenaRwo zvakare. SaDhavhidha wakare, akati, “Dzoreredzaimufaro weruponeso rwangu.” Ngavagamuchire mufaronekufarisisa, pakusuwa nekuneta kwavo, nekuti iMi muriDombo munyika yakaoma. Muri utiziro munguva yedutu. Apodhiyabhore ari kukandira hurwere hwose nemiseve kwavari,Muri utiziro munguva yedutu. Ngazvive sekudaro, nhasi, Mwari,nokuti tinozvikumbira muZita raJesu. Amen.

Zvinyoro-nyoro uye zvakapfava Jesu arikudana,

Kudana iwe, neni;Kunyangwe takatadza, Ane tsitsineruregerero,

Ruregerero rwako nerwangu.Huya kumusha…

132 Zvino kana uchishuva kudaro, huya kuno kuartari upfugamepasi, tinogona kunamata newe, tokuzodza, zvose zvatinokwanisakuita. Unogamuchirwa.

…kuneta, huyai kumusha;Mukuperera, nemuhunyoro, Jesu ari kudana,Kudana, O mutadzi, huya kumusha!

133 MunoMuda here? Teddy, ungatipawo here kodhi,“NdinoMuda, ndinoMuda nokuti iYe akatanga kundida.”Ungawana iyoyo here?134 Ngatirwuimbei kuitira kubwinya kwaKe, tisati tashandurahurongwa hweshumiro, mukanguvana. Uku kurumbidza.Mharidzo yatoenda. Ndinofara chaizvo kuti maIgamuchira.Namatai kuti Ikuitirei zvakanaka, nokuti yandiitira zvakanakakuItaura. Ndinonamata kuti kufemera kumwe chete kwapihwakwandiri, kuti ndiItaure kwamuri, moIgamuchira mukufemera

Page 22: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

22 SHOKO RAKATAURWA

kumwe chete kwaYatumwa nako. Dai Ishe vaIropafadzamumoyo yenyu. Zvakanaka.

NdinoMuda,Zvino ingovharai maziso enyu, patiri kuimba. Simudzai

maoko enyu.NdinoMudaNokuti Akatanga kundidaNdokutenga ruponeso rwanguPamuti weKarivhari.

135 Zvino ngatikotamisei misoro yedu, tochiimba mahon’era.[Hama Branham vanotanga kuimba mahon’era NdinoMuda—Mupepeti.] UnoMuda here? HaAsi wemazvirokwazvo heremumoyo mako? Hapana chimwe chinhu here pamusoro paKe,chiri chemazvirokwazvo? NdinoMuda nokuti iYe akatangakundida, akakanda tambo yeHupenyu kubva paKarivhari,ndokuIkochekera pamoyo pangu.136 Musakanganwe, Hama Kurmmond [Drummond] varikuzotiparidzira manheru ano, manheru echirairo. Kana uchidaIshe, huya kuno utore chirairo pamwe nesu. Ishe vachida,ndinenge ndinemi pano. Ndiye mukuwasha weHama TonyZabel; Hama Thom vanobva kuAfrica; mwanakomana wavo,mukomana akanaka; muKristu akanaka chaizvo, akasimba,muparidzi mudiki akanaka.

Nokuti Akatanga kundidaNdokutenga ruponeso rwanguPamuti weKarivhari.

137 Apo tine misoro yedu yakakotamiswa zvino, apo piyanoichienderera mberi.138 Ishe Jesu, tiri kugadzirira kupinda mune imwe shumiro,Ishe. Tinokutendai neMweya Mutsvene wataura kumoyo yedu.Zvino tiri kufara, Ishe, nokuti Imi maitira izvi isu. Uye daiShoko reNyu rarega kudzokera kwaMuri rakadaro, asi kutiRiite icho chaRakafanirwa kuti riite. Dai Ragara mumoyo yeduyose, kuziva kuti zvinhu zvose zvechokwadi nezvinhu zvinogarazvinobva kuna Mwari, pasina mari, pasina mubhadharo.Sei zvino tichishingairira zvinhu, uye tozviita senyayayerufu nehupenyu, kuzvinhu zvichaparara? Ngatishingaireizvakawedzerwa, Ishe, kuzvinhu zvisingazoparara, zvisinamubhadharo. Mubhadharo wakabhadharwa pachena, uyenekokero yekuchingamidza, “Ani nani anoda, regai auye.”139 Ropafadzai chikamu chinotevera cheshumiro ino. Zviitei,Ishe. Uye musangane nesu manheru ano. Ropafadzai shumiroyerubhabhatidzo. Dai pakava nekudururwa kukuru. Dai vanhuava, vachazobhabhatidzwa muZita reMwanakomana weNyuanodikanwa, Ishe Jesu, dai vakazadzwa neMweya Mutsvene.Dai vanhu ava, vasimudza maoko avo, kuti vatendeuke,

Page 23: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO 23

mangwanani ano, kuzvivi zvavo, dai vakauya, vopindamumbatya dzekubhabhatidzwa nadzo, uye voenda mudziva,uye voratidza kunyika kuti varegererwa zvivi zvavo. Zvino varikubhabhatidzwa, kuti zvibviswe kubvamubhuku. Zviitei, Ishe.140 Ivai neHama Kurmmond [Drummond] manheru anopavachatiunzira mharidzo, itsva kubva paChigaro choushe.Muzodzei neMweya Mutsvene. Uye muve nesu patichatorachirairo. Dai moyo yedu yave yakachena uye isina chipomerwa,dai pakasava nechinosvibisamatiri. Dai Ropa raJesu ratichenesakubva pachivi chose. Zviitei, Ishe. Chengetedzai hurwere husavepakati pedu, uye mutipe mufaro nerugare. Kubudikidza naJesuKristu tinozvikumbira. Ameni.

Ndinoda…141 UnoMuda here? Zvino simudzamaoko ako kwaAri.

NdinoMudaNok-…

Zvino sveverera ukwazisane maoko nemumwe ari pedyonewe.

…kutanga…(Russell, ndinoMuda. Kana ndikafa nhasi, ndinoMuda.)

Ndokutenga…Ndizvozvo, sveverera uchitenderera ugwinhe chishanu.

…ruponesoPaKarivhari…

Zvakanaka, Hama Neville, neshoko rake. Zvakanaka.

Page 24: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

PASINA MARI KANA PASINA MUBHADHARO SHO59-0802(Without Money Or Without Price)

Mharidzo iyi neHama William Marrion Branham, yakaparidzwa kwokutanganeChirungu Svondo mangwanani, 2 Nyamavhuvhu, 1959, paBranhamTabhenakeri muJeffersonville, Indiana, U.S.A., yakazotorwa kubva patepiyakarhekodwa ndokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa.Kuturikirwa uku muchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voiceof God Recordings.

SHONA

©2019 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 25: SHO59-0802 Pasina Mari Kana Pasina Mubhadharo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO59-0802 Without Money Or With… · PASINAMARIKANAPASINAMUBHADHARO 3 12 Vamwe vose vasimudza maoko

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org