400
Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke maNomwe William Marrion Branham

SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

  • Upload
    others

  • View
    0

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

Page 1: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

Kuiswa paChenakwamaZera

AmaKerekemaNomwe

William Marrion Branham

Page 2: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

Hamupawi mvumo. Bhuku iri haribvumidzwi kutengoswa, kudhindiswa,kushandurwa kune mimwe mitauro, kana kushandiswa kutsvakisa maripasina mvumo yakaita zvokunyorwa navakaridhinda kana nomunyori weWilliam Branham Evangelistic Association.

Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke maNomwe(An Exposition Of The Seven Church Ages)

Hama William Marrion Branham vakaparidza mharidzo dzakatevedzana kubvaZvita 4-11, 1960, kuti vawane kufemerwa kwemharidzo yavakanyora mubhukurino, ivo pachavo vakaverenga bhuku iri kakawanda kuti vagadzire panengepakakanganiswa makore anokwana mashanu risati rapiwa kuvanhu muna Zvita 4,1965. Rakadhinwa zvakare muna2005.

C1995 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.

Page 3: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Kutsanangura kuzerere kwamaZera amaKereke maNomwenedzimwe dzidziso huru dzinowanikwa muna Zvakazarurwa,Chitsauko chokutanga kusvika kune Chetatu.

William Marrion Branham

Page 4: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 5: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

WILLIAM MARRION BRANHAM

Page 6: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA 7 AMAKEREKE

EFESO53-170

SMIRNA170-312

PERGAMO312-606

TIATIRA606-1520

SARDHISI1520-1750

F IRA.1750-1906

RAODHIKIA1906-

PAURO IRENAEUS MARTIN WHISIRILUTHERCOLUMBA

Page 7: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVIRI MUKATI

Chitsauko Peji

NHANGANYAYA

1. Zvakazarurwa zvaJesu Kristu ......................................... 1

2. Chiratidzo chePatmosi ..................................................... 33

3. Zera reKereke yeEfeso ..................................................... 57

4. Zera reKereke yeSmirna .................................................. 101

5. Zera reKereke yePergamo ............................................... 151

6. Zera reKereke yeTiatira .................................................. 209

7. Zera reKereke yeSardhisi ................................................ 239

8. Zera reKereke yeFiradherfia ........................................... 287

9. Zera reKereke yeRaodhikia ............................................. 321

10. MaZera Muchidimbu........................................................ 371

Page 8: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 9: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

NHANGANYAYANyangwe zvazvo bhuku rino richabatikana nedzidziso huru

dzakasiyana-siyana (dzakaita seidzi dzinoti Umwari,Kubhabhatidza neMvura, nedzimwe) dzinowanikwa munaZvakazarurwa, kubva pachitsauko Chokutanga kusvika paneChetatu, nyaya yaro huru ndeyokuisa pachena tsananguroizere yaMazera Manomwe aMakereke. Izvi zvinoda kutizviitwe kuitira kutsanangura uye kunzwisisa bhuku roseraZvakazarurwa, nokuti Zvisimbiso zvinobva muMazera awa,uyevo Hwamanda dzinobva muZvisimbiso, uye kubvamuHwamanda munobuda Ndiro dzeHasha. Sokupfuta kunoitakenduro rechiRoma, Mazera Manomwe aMakereke akatanganechiedza chikuru, zvokuti dai chakanga chisipo hapaigonakuzova nechiedza chaizotevera. Asi kana kupenya kwaMazeraManomwe aMakereke kwapiwa noMweya, chiedza pamusoropechiedza chinotevera, kusvikira Chizaruro chose chavhurikapameso edu azere nokushamiswa: uye, tinogadzirirwa kuuyakwaKe mukuhwinya, iye Ishe noMuponesi, Mwari MumweweChokwadi, Jesu Kristu, nokuti tinenge tasimbiswanokucheneswa noMweya wechiedza ichi.

Zviri umu zvakanyorwa namanzwi angu chaiwo nokuti iyiimharidzo inobva mumwoyo wangu ichinanga mwoyoyavanhu.

Zvakanyatsochenjererwa kutanga nevara guru pakunyoramazita ose nezvinzvimbo, mazita namanzwi, anomirira mazitanezvimwe, zviri pamusoro poUmwari, uyevo mashoko anotiBhaibheri, Gwaro, uye Shoko, nokuti izvi tinoonazvakakodzera pakutaura pamusoro poukuru noUnhuhwaMwari neShoko raKe Dzvene.

Ndinonyengetera kuti kuropafadza kwaMwari kuvepamusoro paani nani anoverenga; uye kujekesa kwoMweyawaMwari kuve chikamu chinokosha chomunhu wose.

William Marrion Branham

Page 10: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 11: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 1

CHITSAUKO CHOKUTANGA

ZVAKAZARURWA

ZVAJESU

ANONZI KRISTU

1. Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,kuti aratidze varanda vaKe zvinhu izvo zvinofanirakukurumidzwa kuitwa; Akazvituma nomutumwa waKendokuzvizivisa muranda waKe Johane:

2. Wakapupurira Shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesuKristu, achireva zvose zvaakaona.

3. Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashokookuprofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo: nokuti nguvayava pedyo.

4. Johane kukereko nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzivenemi, norugare, zvinobva kuna Iye UriPo, AivaPo,NoUchaZovaPo; nokune Mweya minomwe Iri pamberipechigaro chaKe choushe;

5. Nokuna Jesu Kristu, Anova Chapupu Chakatendeka,Dangwe KuVakafa, Mubati waMadzishe eNyika. Kuna IyeUnotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa raKe,

6. Akatiita madzishe navaprista kuna Mwari naBaba vaKe;kwaAri ngakuve nokuhwinya nesimba nokusingaperi-peri.Ameni.

7. Tarirai, Unouya namakore; meso ose achaMuona, naivovakaMubaya: marudzi ose enyika achaMuchema. Hon’o,Ameni.

8. Ndini Arfa neOmega, Mavambo naMagumo, ndizvozvinoreva Ishe Mwari UriPo, Wakanga Aripo, NoUchaZovaPo,Wamasimba ose.

9. Ini Johane, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemipakutambudzika, paushe nokutsungirira muna Jesu Kristu,ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patmosi, nokuda kweShokoraMwari, nokwokupupura kwaJesu Kristu.

10. Ndakanga ndiri muMweya nezuva raShe, ndikanzwashure kwangu inzwi guru, rinenge serehwamanda,

11. Richiti, Ndini Arfa naOmerga, WokutanganoWokupedzisira: Izvo, zvaunoona, zvinyore mubhuku,uzvitumire kereke nomwe dziri paAsia; paEfeso, napaSmirna,napaPergamo, napaTiatira, napaSardhisi, napaFiradherfia,napaRaodhikia.

Page 12: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

2 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

12. Ndikatendeuka kuti ndione inzwi rakataura neni.Ndakati ndatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemwenjezvinomwe zvendarama;

13. Napakati pezvigadziko zvemwenje mumwe wakafanananoMwanakomana woMunhu, akafuka nguvo yakasvikirakutsoka, akazvisunga napachifuva nebhanhire rendarama.

14. Musoro waKe nevhudzi raKe zvakanga zviri zvichenasamakushe machena, sechando; meso aKe akaita somurazvuwomwoto;

15. Tsoka dzaKe dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya,inenge yakanatswa muvira; inzwi raKe rakanga rakaita senzwiremvura zhinji.

16. Muruoko rwaKe rworudyi wakanga Akabata nyeredzinomwe: mumuromo maKe makabuda munondo unopinzaunocheka kwose: chiso chaKe chaiva sezuva rinopenyanesimba raro.

17. Ndakati ndichiMuona, ndakawira pasi patsoka dzaKesendinenge ndafa. Akaisa ruoko rwaKe rworudyi pamusoropangu, akati, Usatya; ndini Wokutanga noWokupedzisira:

18. Ndini Iye Mupenyu, wakanga afa; uye, tarira, Ndirimupenyu nokusingaperi-peri, Ameni; ndine kiyi dzorufunehadhesi.

19. Naizvozvo nyora zvawaona, nezviripo, nezvichazovaposhure kwaizvozvi;

20. Zvakavanzika zvenyeredzi nomwe dzawaona muruokorwaNgu rworudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwezvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vanomwevekereke nomwe: nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzokereke nomwe.

NUANGANYAYA KUCHITSAUKO CHOKUTANGA

Zvakazarurwa 1:1-3. “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu,zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vaKe zvinhu izvozvinofanira kukurumidzwa kuitwa; Akazvituma nomutumwawaKe ndokuzvizivisa muranda waKe Johane; WakapupuriraShoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achirevazvose zvaakaona. Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwamashoko okuprofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo:Nokuti nguva yava pedyo.”

Munyori webhuku iri (kwete mwene waro) ndiJohanemutsvene. Venhoroondo vanobvumirana kuti chikamuchokupedzisira choupenyu hwake akanga ogara Efeso,nyangwe zvazvo panguva yokunyorwa kwebhuku iri wakangaari pachiwi chePatmosi. Haruzi rungano rwoupenyu

Page 13: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 3

hwaJohane, asi kuti Chizaruro chaJesu Kristu mumazeraamakereke aizouya. Mundima yetatu chinonzi chiporofitazvinova ndizvo chaizvo zvachiri.

Bhuku rino rinowanzodaidzwa kuti ZvakazarurwazvaJohane, asi uku kukanganisa. Chizaruro chaJesu Kristuchakapiwa Johane kuitira maKristu muzvizvarwa zvose. Ndirobhuku chete muBhaibheri rose rakanyorwa naJesu pachaKe,achiita zvokuzviratidza mbune kumunyori.

Ibhuku rokupedzisira muBhaibheri, asi iro rinotauramavambo namagumo enguva yeEvhangeri.

Shoko rechiGiriki rinoreva chizaruro rinonzi “apocalypse”rinoreva “kufudugura”. Kufudugura uku kunotsanangurwazvakanyatsokwana nomuenzaniso womuvezi achifudugurabasa rake rezvifananidzo, kuisira vaoni pachena. Ukukuputunura, kana kuti kuisa pamhene chinhu chambengechakavigwa. Kufudugura uku hachizi chete chizarurochaKristu soMunhu, asivo kuti CHIZARURO CHAMABASAAKE ENGUVA DZICHAUYA MUMAZERA ARI MBERIMANOMWE AMAKEREKE.

Kumutendi chaiye wechokwadi kukosha kwokuzarurirwanoMweya hakumbogoneki kutaurwa zvakapfurikidza.Chizaruro chinhu chinokosha kwauri kupfuura pamwezvaungaziva. Apa handizi kutaura pamusoro pako iweneBhuku raZvakazarurwa. Ndiri kutaura pamusoropokuzarurirwa KWOSE. Chinhu chinokoshesesa kuchechi.Unorangarira here muna Mateo 16 paya Jesu paanovhunzavadzidzi muvhunzo uyu unoti, “Vanhu vanoti MwanakomanawoMunhu ndianiko? Vakati, Vamwe vanoti JohaneMubhabhatidzi: vamwe, Eria; vamwe, Jeremia, kana mumwewavaprofita. Akati kwavari, Ko imi munoti Ndini ani? IpapoSimoni Petro akapindura akati, Ndimi Kristu, MwanakomanawaMwari mupenyu. Jesu akapindura akati kwaari,Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-jona; nokuti nyama neropahazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vaNgu Vari kudenga.Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamusoro poruware urwundichavaka kereke yaNgu; masuvo ehadhesi haangaikundi.”MaKatorike eRoma vanoti kereke yakavakwa pana Petro. Ukundiko kuita kwenyama chaiko. Mwari aigozovaka sei kerekeyaKe pamunhu akanga asina kutsiga zvakadarozvokutoramba Ishe Jesu nokutuka paaimuramba pacho?Mwari haangavakiri kereke pamunhu wakaberekerwamuchivi. Rakanga risiri rimwevo zvaro dombo raingovaposezvinonzi Mwari akanga atopaita panzvimbo tsvene. Hazvinakuita sezvinotaurwa namaProtestendi, kuti kereke yakavakwapana Jesu. Chaiva CHIZARURO. Zviverenge samanyorerweazvakaitwa: “Nyama neropa hazvina KUKUZIVISA, ASIBABA VANGU VARI KUDENGA, uye PAMUSORO

Page 14: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

4 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

PORUWARE URWU (KUZARURIRWA) NDICHAVAKAKEREKE YANGU:” Chechi yakavakwa paKuzarurirwa, pana“Zvanzi naJehovha”.

Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwarichibayiro kwacho? Nokutenda akagamuchira chizarurocheropa. Kaini haana kuwana chizaruro chakadaro (nyangwezvake aiva nomurayiro) ndosaka asina kupira chibayirochakanaka. Chaiva chizaruro chakabva kuna Mwarichakaunza mutsauko nokupa Abheri upenyu husingaperi.Mungangobvuma zvinotaurwa nomufudzi, kanazvinodzidziswa museminari, nyangwe zvazvo ukazvidzidziswanamanzwi anotapira, kusiya kokuti Mwari akuzarurira kutiJesu ndiye Kristu, uye kuti iropa rinokusuka, uye kuti Mwarindiye Muponesi, hauzombofi wakawana upenyu husingaperi.Kuzarurirwa noMweya ndiko kunoita izvi.

Ndati Bhuku raZvakazarurwa iri chizaruro chaJesunezvaAri kuita mumakereke munguva yamazera manomweawa amakereke. Chizaruro nokuti vadzidzi chaivo, pachavo,vakanga vasingazivi chokwadi chose ichi chakanyorwa.Chakanga chisati chambozarurwa kwavari. Unorangarira kutimuna Mabasa vakaMuvhunza vachiti, “Ishe Munodzosera ushekuna vaIsraeri nenguva ino here?” Iye akati, “Hazvinakufanira kuti muzive nguva kana misi.” Varume ivava vakangavachiri kufunga nezvokuti Jesu uchawana umambohwapanyika. Asi hwaiva umambo hwomweya hwaAkangaachizovaka. Kana Iye pachake haana kukwanisa kuvataurirazvaAizova muumambo uhwu, nokuti zvakanga zvisatizvazarurwa kwaAri naBaba. Asi mushure mokufa nokumukakwaKe, uye panguva iyi mubasa raKe rokuva mumiririri, Avakugona kuisa pachena pano muchizaruro chaKe kuna Johanekuti kuhwinya nokuvapo kwaKe kucharevei uye kutikuchaitei.

Muchizaruro ichi Anotitaurira zvamagumo asatani.Anotitaurira zvaAchaita kuna satani zvokuzomukanda muviraromwoto. Anoisa pachena magumo aavo vanotevera Satani.Izvi Satani anozvivenga.

Wati wamboona here kuvenga kunoita Satani mabhukumaviri eBhaibheri kudarika mamwe mabhuku ose?Achishandisa vanodzidza nezvamwari vane pfungwadzakasununguka pamwe chete navanonyepedzera vesainzisatani anogarorwisana neBhuku raGenesisi neBhukuraZvakazarurwa. Mumabhuku awa ari maviri tinowanamavambo aSatani, namabasa ake akaipisisa nokuzoparadzwakwake. Ndicho chikonzero achimarwisa. Anovenga kuisirwamabasa ake pachena, mumabhuku awa zvaari chaizvoizvozvinoiswa pachena. Jesu akati pamusoro paSatani, “Haanamugove maNdiri neNivo handina changu maari.”Dhiyabhorosi anoda kutaridza kuti izvi handizvo; asi

Page 15: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 5

haakwanisi, nokudaro anoedza napose paanokwanisakuparadza kuvimba muShoko. Asi kana chechi ichirambakutenda zvinoreva Satani ichitenda chizaruro cheShokochinopiwa noMweya, masuvo ehadhesi haangaikundi.

Regai ndimbopinza shoko rimwe chete pano kubvamushumiro yangu, mundiregererevo. Mose munoziva kutichipo ichi chiri mandiri ndechomweya. Chipo chinoita kutiMweya Mutsvene ugone kuziva zvirwere, nezvinofungwanavanhu, nezvimwe zvakavanzika zvinokwanisa kuzikanwanaMwari chete uchizviziviswa kwandiri. Ndinoshuva kuti daimaikwanisa kumira neni kuti muone zviso zvavanhu apoSatani anenge aona kuti ava kuzofumurwa. Apa, handizikureva vanhu. Chiripo ndechokuti Satani akabata upenyuhwavo nokuda kwechivi, nokushaya hanya, nourwere. Asi daimaimboona zviso zvavo. Satani anoziva kuti avakuzofumurwa, apa ndipo panouya shanduko inokatyamadzapauso hwavanhu. Satani anotya. Anoziva kuti MweyawaMwari wava kuzozivisa vanhu mabasa ake. Ndosakaachivenga misangano ino zvakadai. Panodaidzwa mazitanokuzivisa zvirwere, Satani anozvivenga. Ko chii ichi? Hakuzikufembera zviri mupfungwa dzomunhu, kana kufungira, kanauroyi. KUZARURIRWA noMweya Mutsvene. Ndiyo chete nzirayandinokwanisa kuziva izvi nayo. Ichokwadivo kuti pfungwadzenyama dzinopa rimwe zita pazviri risiri Mweya Mutsvene.

Regai ndikuudzei chimwe chikonzero chinoita kuti Sataniavenge Bhuku raZvakazarurwa zvaJesu Kristu muchechi.Anoziva kuti Jesu Kristu mumwe chete zuro, nanhasi,nokusingaperi, uye haAshanduki. Anoziva izvi zvakanyanyakudarika zvinoitwa navanodzidza nezvamwari vano uwanduhunosvika zvikamu makumi mapfumbamwe muzana rogaroga. Anoziva kuti sezvo Mwari asingashanduki unhu hwaKe,nokudaro haAshandukivo maitire aKe. Saka Satanianozvizivisisa kuti chechi yapamavambo paPentekosti inesimba raMwari (Marko 16 ichiratidzwa) ndiyo ChechiyeChokwadi inonzi naJesu ndiyo yaKe. Dzimwe dzesendedzenhema. Zvinotofanira kudaro.

Tonderai izvi. Kristu muChechi yeChokwadi kuendereramberi kweBhuku raMabasa. Asi Bhuku raZvakazarurwarinotaridza mauyire achaita mweya waantikristu muchechinokuzoisvibisa, nokuiita kuti ingodziya chete, ichitevedzazvirongwa nokushaya simba. Izvi zvinofumura Satani, nokuisamabasa ake pachena (kuidza kuparadza vanhu vaMwarinokuita Shoko raMwari chinhu chenhema) kusvikira chaipopanguva yaachakandwa mugomba romwoto. Anorwisa izvi.Haatombodi zvake zvinhu izvi. Anoziva kuti kana vanhuvakawana CHIZARURO cheCHOKWADI cheCHECHIyeCHOKWADI uye zvairi, nezvayakamirira uye kutiINOGONA KUITA MABASA MAKURU, inozova hondo

Page 16: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

6 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

isingakwanisi kukundwa. Kana vanhu vakawana chizarurochechokwadi chemweya miviri yakaputirwa mukati mechechiyaKristu, nokunzvera nokupikisa mweya waantikristuvachishandisa Mweya waMwari, Satani anozoshaya simbapachechi iyi. Anozotadziswa chaizvoizvo mazuvano kufanananapaya Kristu paakakunda manomano ake ose okuMumukiraari murenje. Hongu, Satani anovenga chizaruro. Asi isu tinorudo nacho. Kana tine chizaruro chechokwadi muupenyuhwedu, masuvo ehadhesi haagoni kutikunda, asi kutotitinoakunda isu.

Munorangarira kuti pamavambo pemharidzo inondakambotaura kuti Bhuku rino ratiri kudzidza chizarurochaicho chaJesu, pachaKe, muchechi uye mabasa aKemumazera aizouya. Ndakazotauravo kuti zvinotoda MweyaMutsvene kutipa chizaruro nokuti pasina izvi tinokundikanakuchiwana. Kana mukabatanidza pfungwa mbiri idzimuchaona kuti hazvizotori kungodzidzavo zvako kanakungofunga kuti Bhuku rino riitwe benyu. Zvichatorakushanda kwoMweya Mutsvene. Izvi zvinoreva kuti Bhukurino harigoni kungozarurirwa ani nani zvake asi mhandoyavanhu yakatosarudzwa chete. Zvinotoda munhu anokwanisakunzwisisa chiporofita. Zvinotoda munhu anokwanisa kunzwakubva kuna Mwari. Zvinotoda dzidziso yomweya, kwetemudzidzivo zvake anongoinzanisa mavhesi, nyangwe zvazvoizvivo zvakanaka. Chakavanzika chinotoda kudzidzisakwoMweya pasina kudaro hazvizombofi zvakajeka. Tinoda seikunzwa kubva kuna Mwari nokuvhura mwoyo yedunokuzvipira kuMweya kuti tigonzwa nokuziva.

Sezvandambotaura kare, Bhuku rino (Zvakazarurwa)ndiko kukwaniswa kwaMagwaro. Rakatoiswa panzvimbochaiyo yakakwanirana naro zvizere muurongwa hwaMagwaro;pamagumo. Mava kukwanisa zvino kuziva kuti sei richiti aninani unoriverenga kana kurinzwa unoropafadzwa. ChizarurochaMwari chinokupa simba pamusoro pasatani.Munokwanisavo kuona kuti sei avo vanotapudza kanakupamhidzira kwariri vachizotukwa. Zvinotofanira kudaro,nokuti ndiani anogona kupamhidzira kana kubvisapachizaruro chakakwana chaMwari akazokwanisa kukundamuvengi? Ndiko kuva nyore kwazvo ikoku. Hapana chimwechinhu chine simba guru zvakadai kufanana nechizarurocheShoko. Maona, mundima yetatu maropafadzo anopiwa avovanoteerera Bhuku rino. Ndinofunga kuti panotaurwa zvetsikayeTestamente Yekare yokuti vaprista vaiverengera vanhuShoko nguva dzamangwanani. Maona, vazhinji vakangavasingagoni kuverenga saka vaprista vaitofanirakuvaverengera. Kana rakanga richingova Shoko chete,maropafadzo aivapovo. Zvakanga zvisinei kuti raverengwahere kana kuti ranzwikwa.

Page 17: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 7

“Nguva yava pedyo.” Nguva haina kumbenge yava pedyokare. Muuchenjeri nouchengetedzi hwaMwari chizarurochikurukuru ichi (nyangwe zvacho chakanga chichizikanwanaMwari) hachaikwanisa kuuya kusvikira nguva iyoyo.Nokudaro pakarepo tinobva tadzidza maitire asingashanduki_chizaruro chaMwari chezera roga roga chinongogona kuuyamuzera irero chete chete, uye panguva yakatemwa. Tarirainhoroondo yeIsraeri. Chizaruro chaMwari kuna Mosesichakatouya chete panguva chaiyo yakatemwa munhoroondo,chiripo chaicho ndechokuti chakatouya panguva chaiyoiyo apovanhu vakachema kuna Mwari. Jesu, pachaKe, akauyapanguva chaiyoiyo yakakwana, nokuti Iye aiva ChizarurochaMwari. Uye muchizvarwa chino (Raodhikia) chizarurochaMwari chichauya kana nguva yasvika. Hachimbokoni, uyehachimbouyi nguva isati yasvika. Pafungei uye patonderei,nokuti tatova munguva yokupedzisira mazuvano.

KWAZISO

Zvakazarurwa 1:4-6. “Johane kuchechi nomwe dziripaAsia; Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna IyeUriPo, AivaPo, noUchazoVaPo; nokune Mweya minomwe Iripamberi pechigaro chaKe choushe; nokuna Jesu Kristu, AnovaChapupu Chakatendeka, Dangwe KuVakafa, MubatiwaMadzishe eNyika. Kuna Iye Unotida, akatisunungurapazvivi zvedu neropa raKe, akatiita madzishe navaprista kunaMwari naBaba vaKe; kwaAri ngakuve nokuhwinya nesimbanokusingaperi-peri. Ameni.”

Inzwi, rokuti Asia, kazhinji rinenge richireva Asia Minor.Aka kachipande kadiki kenyika kakada kuinzana neIndiana.Chechi nomwe dzaivamo dzakasarudzwa kubva pane dzimwechechi dzose nokuda kwezvadzakanga dzakaita, izvozvaizowanikwa munhevedzanwa dzamazera mazana namazanaamakore aizouya.

Mweya minomwe yaiva pamberi pechigaro chokutongandiWo Mweya waiva muno mumwe nomumwe wenhumenomwe, uchivapa shumiro dzavo panguva youpenyu homumwenomumwe.

Zvirevo zvose izvi zvinoti, ‘Iye AriPo’, uye ‘Iye WakangaAripo’, uye ‘Iye UchaUya’, uye ‘Chapupu Chakatendeka’, uye‘Dangwe Kubva PaVakafa’, ‘Muchinda waMadzimamboapaNyika’, uye ‘Arfa naOmega’, uye ‘WaMasimba ose’, ose ayamadunhurirwa netsananguro dzaIYE MUNHU MUMWECHETE, Anova Ishe Jesu Kristu, Wakatisuka zvivi zvedumuropa raKe pachake.

Mweya waMwari uri muna Johane unotaura uchidaikuitira kuisa pachena Umwari Hukurukuru hwaJesu Kristu

Page 18: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

8 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

uye kuzarura Umwari hwaMwari MUMWE CHETE. Mazuvanokune mhosho huruhuru. Mhosho iyi ndeyokuti kuna vanaMwari vatatu panzvimbo yomumwe chete. Chizaruro ichisokupiwa kwachinoitwa Johane naJesu, pachaKe,chinogadzira mhosho iyi. Handizvo kuti kuna vana Mwarivatatu, asi kuti kuna Mwari mumwe chete ane zvinzvimbozvitatu. Kuna Mwari MUMWE CHETE ana madunhurirwamatatu anoti, Baba, Mwanakomana, uye Mweya Mutsvene.Chizaruro chikurukuru ichi ndicho chaiva nechechi yokutanga,uye chinosungirwa kuti chidzorerwezve munguva inoyokupedzisira pamwe chete nenzira yechokwadiyokubhabhatidza nemvura.

Vanodzidza nezvamwari vamazuvano havazombobvumiranineni hezvinoi zvakanyorwa mumagazini rino mukurumbirarechiKristu. “Dzidziso yacho (yavaMwari vatatu) iri pamwoyochaipoipo peTestamente Yekare. Iri pamwoyo chaipoipopeTestamente Itsva. Testamente Itsva inopokanavozvakangofanana neTestamente Yekare nepfungwa inoti kunavaMwari vakawanda. Asi Testamente Itsva inodzidzisavonokujekesa kwakainzana neTestamente Yekare kuti BabandiMwari, uye kuti Mwanakomana ndiMwari, uye kuti MweyaMutsvene ndiMwari, uye kuti zvitatu izvi HAZVIZI zvipandezvitatu zvoMunhu mumwe chete, asi kuti vanhu vatatuvakamira muhumwe huzere. Apa tine dzidziso huruhuruyaVanhu Vatatu asi ari Mwari mumwe chete.”

Vanotivo, “Kana tichitevera zviri muBhaibheri, rinotiMwari, haazi munhu mumwe chete, asi kuti Iye vanhu vatatumuna Mwari mumwe chete. Ichi ndicho chishamisochikurukuru chavaMwari vatatu.”

Zvechokwadivo chishamiso. Vanhu vatatu vanogona seikuva muna Mwari mumwe chete? Hakuzi chete kuti izvihazvina pazvinotsigirwa muBhaibheri, asi kutoti zvinoratidzakushaya njere dzinoshanda zvakanaka. Vanhu vatatuvakasiyana, nyangwe zvavo vakafanana kuti kwesere panezvese zvavo, asi vanotoita vamwari vatatu chete, kana kutitototi zvedu mutauro hauchina zvaunoreva zvachose.

Chimboteereraizve mashoko awa, “Zvanzi naShe, NdiniArfa naOmega, Wokutanga noWokupedzisira, Uyo Ari, uyeAiVa, uye AchaZoVa, Wamasimba ose”. NdiMwari uyu. Haazimuprofitavo zvake, munhu. Uyu ndiMwari. Hachizi chizarurochavaMwari vatatu, asi chaMwari MUMWE CHETE,Samasimba.

Vakanga vasingatendi vaMwari vatatu pamavamboechechi. Kutenda uku haungakuwani pavaapostora. Dzidzisoiyi yakatozouya mumashure menguva yavaapostora ikatozoitanyaya huru nedzidziso hombehombe paKanzuru yeNicene.

Page 19: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 9

Dzidziso yoUmwari iyi yakakonzera kupesana kwakabudisamapoka maviri panzvimbo iyi yeNicaea. Mukupesana ukumakabuda mapoka maviri aipikisana. Imwe dzidzisoyakasvika mukutenda vanamwari vazhinji, ichitenda vaMwarivatatu, imwevo ndokupinda mukutenda Mwari mumwenenzira isiriyo. Asi izvi zvakatora chinguva kuti zviitike, asizvakazoitika hazvo, uye tinotova nazvo iwo mazuvano chaiwo.Asi Chizaruro choMweya kumachechi chichibuda nomunaJohane chakati, “Ndini Ishe Jesu Kristu, uye ndini ZVOSE.Hakuna mumwezve Mwari”. Wakabva Aisa chisimbiso chaKepaChizaruro ichi.

Fungai pamusoro pezvizvi: Baba vaJesu aiva Ani? Mateo1:18 inoti, “Wakaonekwa ava nemimba yoMweya Mutsvene”.Asi Jesu, pachaKe, akataura achiti Baba vaKe ndiMwari.Mwari Baba uye Mwari Mweya Mutsvene, samataurireatinowanzoita mashoko awa, tichiita zvinoreva kuti BabanoMweya Mutsvene chinhu CHIMWE CHETE. Zvechokwadivomunhu mumwe chete, kana kuti tochitoti hedu Jesu waivanaMadzibaba maviri. Asi onai kuti Jesu akati Iye naBaba vaKemunhu Mumwe chete_kwete vanhu vaviri. Izvi zvinoita MwariMUMWE CHETE.

Sezvo ichi chiri chokwadi chomunhoroondo nomuShokoraMwari, vanhu vanoshama kuti vatatu ava vakabva kupi.Yakava dzidziso yapahwaro chaipo paKanzuru yeNicenemuna 325 A.D. Utatu uhwu (shoko risingatombovi zvaromumagwaro zvachose) ishoko rakamiswa pahwarohwavamwari vazhinji veRoma. VaRoma vaiva navamwarivazhinji vavainamata. Vainamatavo mateteguru vachivatindivo vamiririri. Kunongova kuenderera nokupa mazitamatsva kuvamwari vagara varipo, ndosaka tiine vasante kutizvinge zveBhaibheri. Nokudaro, pachinhambo chaJupiter,naVenice, naMars, navamwe, tina Pauro, Petro, Fatima,Christopher, nezvimwe, nezvimwe. Havana kugona kuita kutichitendero chavo chechihedheni chishande naMwari mumwechete, ndosaka vakaMukamura kumuita vanhu vatatu,nokuita vasante vamiririri sezvavaingoitavo madziteteguruavo vamiririri.

Kubva panguva iyoyo vanhu vakatadza kuona kuti kunaMwari mumwe chete ana mashandire matatu kana kutikuratidzwa napatatu. Vanoziva kuti Shoko raMwari rinotikuna Mwari mumwe chete, asi vanoumba dzidzisoinokatyamadza yokuti Mwari anenge sumbu ramazambiringa;vanhu vatatu vano Umwari humwe chete hwavakagovana vosezvakaenzana. Asi muno muna Zvakazarurwa munotaurwazviri pachenachena kuti Jesu anonzi “Uyo Ari”, “Uyo Waiva”,uye “Uyo UchaZoVa”. Ndiye Arfa naOmega”, zvichireva kutindiYe “A kusvika Z” kana kuti NDIYE ZVOSE ZVOSE. Ndiyezvose_Samasimba. NdiYe Ruva reSharoni, Ruva romuMupata,

Page 20: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

10 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Nyeredzi yaMangwanani Inohwinya, Davi roKururama, Baba,Mwanakomana, uye Mweya Mutsvene. NdiYe Mwari, MwariSamasimba. MWARI MUMWE CHETE.

1 Timotio 3:16 inoti, “Hakuna ungaramba kutichakavanzika chokunamata chikuru kwazvo chokuti: Mwariwakaratidzwa munyama, akaruramiswa paMweya, akaonekwanavatumwa, akaparidzwa pakati pavaHedheni, akatendwapanyika, akakwidzwa muKuhwinya”. Izvi ndizvo zvinotauraBhaibheri. Hapana pano kana chinhu chimwe chetecharinotaura pamusoro pomunhu wokutanga kana wechipirikana wechitatu. Rinoti Mwari wakaratidzwa munyama. Mwarimumwe chete. MWARI MUMWE CHETE iyeye wakaratidzwamunyama. Izvi zvinofanira kupedza nharo dzose. Mwariwakauya ari mumutumbi womunhu. Izvi hazvina kuMuita kutiave MUMWEVO MWARI. WAIVA MWARI, MUMWE CHETE.Chaiva chizaruro panguva iyoyo, uye chichiri chizaruro iyezvino. Mwari mumwe chete.

Ngatidzokerei muBhaibheri tione kuti pakutanga wakangaAri chii kana tichitevera chizaruro chaAkapa pamusoro paKe.Jehovha mukurukuru akazviratidza kuna Israeri mushongweyomwoto. SoMutumwa weSungano Akagara mushongweyomwoto iyoyo achitungamirira Israeri zuva nezuva.Patembere Akazvizivisa kuuya kwaKe negore guruguru.Mumwezve musi ndokuzoZviratidza mumutumbi wakaponiwanemhandara waAkanga agadzirirwa kupinda. Mwariwakagara mutabhernakeri nechapamusoro pamatende aIsraeriAkazozvipa zvino tende yomutumbi akagara somunhupavanhu. Asi Waingova MWARI MUMWE CHETE.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti MWARI WAIVA MUNAKRISTU. MUTUMBI waiva Jesu. MaAri maigara Umwarihwese hwakakwana, MUMUTUMBI. Hapana chinogona kuvapachena kupfuura izvi. Chishamiso, hongu. Asi ichokwadichaicho_hazvingambojeki kupinda apa. Nokudaro kanaAkanga asiri vanhu vatatu nguva idzodzo, haAngazovi vanhuvatatu zvino. MWARI MUMWE CHETE: Mwari mumwe cheteiyeyu ndiye wakazova nyama.

Jesu akati, “Ndakabva kuna Mwari ndinoenda(ndinodzokera) kuna Mwari.” Johane 16:27-28. Ndizvo chaizvozvakaitika. Akanyangarika panyika paAkafa, akavigwa,akamuka kuvakafa, ndokukwira kudenga. Pauroakazosangana naYe munzira inoinda Dhamasko Akataurakuna Pauro achiti, “Sauro, Sauro, unoNditambudzireiko?”Pauro akati, “Ndimi Aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu.”Wakanga ari shongwe yomwoto, chiedza chinopofumadza.Wakanga adzoka, zvinova ndizvo chaizvoizvo zvaAkanga atiUchaita. Kudzokera kune zvimwe chetezvo zvaAkanga ariasati Apinda mutembere yenyama. Izvi ndizvo chaizvozvaakaonekwa akaita naJohane. Johane 1:18 inoti “Hakuno

Page 21: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 11

munhu wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwaari mumwe woga, Ari pachifuva chaBaba, ndiYewakaMuzivisa.” Cherechedzai panonzi naJohane Jesu URI. UriPAchifuva chaBaba.

Ruka 2:11 inoti, “Nokuti nhasi mazvarirwa mugutaraDhavhidhi Muponesi, Ndiye Kristu Ishe”. Wakaponiwa ariKristu, Akazodzingiswa kwapera mazuva maserendoKuzotumidzwa kunzi Jesu, sezvavakanga vataurirwanomutumwa. Ndakaberekwa ndiri wokwaBranham.Pakuberekwa kwangu vakanditumidza kuti William. Wakangaari KRISTU asi Wakapiwa zita pano pasi pakati pavanhu.Mutumbi iwoyo waigona kuonekwa navanhu ndiwowaidaidzwa kuti Jesu. Aiva Ishe woKubwinya, Samasimba arikuratidzwa munyama. Ndiye Mwari Baba, Mwanakomana, uyeMweya Mutsvene. Ndiye zvose izvi.

Baba, Mwanakomana, uye Mweya Mutsvene anongovamadunhurirwa chete. Haazi mazita. Ndosaka tichibhabhatidzamuZita raShe Jesu Kristu, nokuti iri ndiro zita, kwetedunhurirwa. Ndiro zita ramadunhurirwa awa,sezvaunongoitavo kutora mucheche achangoberekwa anengeari mwanakomana asi womutumidza zita. Iye mucheche, asianenge ari mwanakomana ndizvo zvaari, iwe wozomutumidzazita, sokuti John Henry Brown. Haungobhabhatidzi chetemu‘Zita raJesu’. Kune zvuru nezvuru zvavanhu vanonzi vanaJesu pasi pose kwaitova navamwe kutangira Jesu, Muponesiwedu. Asi kuno mumwe chete chete pakati pavo akaberekwaari Kristu, “Ishe Jesu Kristu”.

Vanhu vanotaura pamusoro paJesu vachiti Mwanakomanaasina Mavambo waMwari. Ko zvino uku handi kutaurazvinorwisana here? Ndiani wakambonzwa nezvokuti‘Mwanakomana’ asina mavambo? Vanakomana vanamavambo, asi chinogara nokusingaperi hachina mavambo.Ndiye Mwari Ziendanakuenda (Jehovha) anoratidzwamunyama.

MuEvhangeri raJohane zvinonzi, “Pakutanga Shokorakanga riripo Shoko rakanga riri kuna Mwari, Shoko rakangariri Mwari. Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu”.Wakanga ari Chapupu chaZvokwadi uye chapupuChakatendeka kuShoko raBaba risina magumo. Wakanga ariMuprofita aigona kutaura zvaAitumwa naBaba kuti ataure.Akati, “Baba vari maNdiri”. Izvi ndizvo zvakataura mutumbiJesu ari tabhernakeri achiti, “Baba vari maNdiri”.

Mwari ane madunhurirwa akawanda anoti: ‘UtsveneHwedu’, uye ‘Rugare Rwedu’, uye ‘Unogara Aripo’, ‘Baba’, uye‘Mwanakomana’, uye ‘Mweya Mutsvene’; asi Anongova nezitarimwe chete somunhu zita iri rinonzi Jesu.

Page 22: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

12 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Musaputsika pfungwa nenyaya yokuti ane zvinzvimbozvitatu kana kuti Anoratidzwa muutatu. Panyika Wakanga ariMuprofita; kudenga Ndiye Muchinda; uye pakudzoka kwakepanyika, NdiMambo waMadzimambo. “Iye WaiVa”_NdiJesuuyu, Muprofita. “IYe Ari”_Ndiye pachaKe, Muprista Mukuru,uyo anoreverera_Uyo Anotinzwira pakusasimba kwedu. “IyeAchazoUya”_Ndiye Mambo achauya. Panyika Aiva Shoko_Muprofita. Mosesi akati pamusoro paKe, “Ishe Mwari wenyuuchamutsa Muprofita akaita seni, uye zvichaitika kuti kanavakasanzwa mashoko oMuprofita iyeye vachabviswa pakatipavanhu”.

Cherechedzai zviripo izvi pamusoro paJesu. PanyikaWakanga ari Muprofita, Gwayana, uye Mwanakomana. Izvihazvina kuMuita vanhu vatatu. Izvi aingova mazviratidzirekana kuti zvinzvimbo zvoMunhu Mumwe chete, Jesu.

Pane chidimbu chaMagwaro chinofarirwa zvikurukurunavanotenda zvavana mwari vatatu chavanofunga kutichinotsigira nokuisa pachena nyaya yavo yokuvapo kwaVanhuchaivo vakawanda kupinda munhu mumwe chete muUmwari.NdiZvakazarurwa 5:6-8 inoti, “Zvino ndakaona, uye, ipapo,pakati pechigaro choushe zvisikwa zvipenyu zvina, napakatipavakuru, Gwayana rimire Rakaita serakabayiwa, rine nyanganomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwariyakatumwa kunyika yose. Iro Rikauya rikatora bhuku muruokorworudyi rwaIye Wakanga agere pachigaro choushe. ZvinoRakati ratora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru vana makumimaviri navana vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwenomumwe ano rudhimbwa, nendiro dzendarama dzakangadzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene”.Zvechokwadivo ndima idzi, kana dzikasabatanidzwanedzimwe, dzinenge dzingatsigira nyaya yavo. Tonderai kuti,ini ndati, ndima idzi DZIKASABATANIDZWA. Asivo,verengai Zvakazarurwa 4:2-3 uye 9-11 panoti, “Pakarepondakava muMweya: tarira, chigaro choushe chakagadzwakudenga, noMUMWE agere pachigaro. Iye Wakanga Agerepowakanga akafanana nebwe rejaspisi neresardhio: kwakangakuno murarabungu wakakomberedza chigaro choushe,wakafanana nebwe remerodhi. Zvino kana zvisikwa zvipenyuizvi zvovigira Iye Unogara pachigaro choushe, iye Anoraramanokusingaperi-peri kuhwinya nokukudzwa nokuvonga, vakuruvana makumi maviri navana vowira pasi pamberi paIye Ugerepachigaro choushe, vachiMunamata iye Anoraramanokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberipechigaro choushe, vachiti, Imi Ishe Mwari wedu, Makafanira,kuti muvigirwe kuhwinya nokukudzwa nesimba: nokuti ndiMimakasika zvinhu zvose, zvakavapo zvikasikwa nokudakweNyu.” Nyatsoonesesai kuti mundima yepiri zvinonzi,“MUMWE” (kwete vaviri kana vatatu asi MUMWE) wakagara

Page 23: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 13

pachigaro choushe. Mundima yetatu munonzi, “IYE” (KWETEivo) wakanga akafanana nebwe rejaspisi. Mundimayepfumbamwe munonzi zvisikwa zvipenyu zvakapa rukudzokwa“ARI” (kwete kwavari). Mundima yegumi munonzi vakuruvakawira pasi pamberi “PAKE” (kwete pavo). Mundimayegumi neimwe munonzi vakadaidzira vachiti, Imi ISHEMakafanira” (kwete Madzishe). Mundima yegumi neimwemakare munonzivo MUMWE uyu ari pachigaro choushe waiva“Musiki”, Zvichireva Jesu (Johane 1:3), Zvichireva Jehovha-Mweya-Mwari weTestamente Yekare (Genesisi 1:1).

Asi ngatirege kugumira ipapo. Verengai zvino munaZvakazarurwa 3:21 munonzi, “Unokunda Ndichamupa chinhuichi kuti agare neNi pachigaro chaNgu choushe, senivondakakunda, ndikagara pamwe chete naBaba vaNgu pachigarochaVo choushe.” Verengaivo vaHebheru 12:2 inoti, “Tichitarirakuna Jesu Muvambi noMukwanisi wokutenda kwedu; Iyewakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswapamberi paKe, akasatya kunyadzisa kwawo, akandogarakurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” Cherechedzai kutikana tichitevedzera zvinotaurwa naJesu, pachaKe, anovaNdiye wakanyora Zvakazarurwa, Wakagara NAMwari Baba.Mweya uri muna Pauro (Unova Ndiwo Mweya waKristu,nokuti Ndiwovo Mweya woKuprofita kunounza Shoko) unotiWakagara paRUDYI rwaMwari. Asi Johane paakatarirawakaona “MUMWE” chete pachigaro choushe. Zvino tozotitasvika pana Zvakazarurwa 5:6-8 (iyo inotevera Zvakazarurwa4:2-3 pakutevedzana kwenguva) ndipo patinoona “Gwayana”richitora bhuku kubva kwa“ARI” Wakagara pachigarochoushe, sokutaurwa kwazvinoitwa muna Zvakazarurwa 4:2-3uye 9-10. Chii ichi? Ndicho chishamiso cha“MWARI MUMWECHETE.” Iye (Jesu), akabva kuna Mwari, akaratidzwamunyama, akafa akamukazve, akazodzokera “PachifuvachaBaba.” Sokutaura kwakaita Johane achiti, “Mwanakomanawakaberekwa ari mumwe woga Uri PAchifuva chaBaba, ndiYewakaMuzivisa isu.” Johane 1:18. Yakanga zvino yava nguvayaMwari (Mhesiyasi) yokuti adzoke kuzotora mwenga waKenokuZviratidza (kuZviita kuti azikanwe) kuna Israeri. Sakatinoona Mwari zvakare achiuya pamberi kuzotora ukamanomunhu wapanyama so“Mwanakomana waDhavhidhi, IshewaMadzishe uye Mambo waMadzimambo, uye ChikombachoMwenga wavaHedheni.” HAVAZI vana Mwari “Vaviri”, asikuti MWARI MUMWE CHETE achiratidza utatu hwakehukurukuru hwezvinzvimbo namadunhurirwa.

Vanhu vaiziva kuti MuProfita. Vaiziva chiratidzochaMhesiyasi chaingogona kuunzwa chete nomuprofita.Johane 1:44-51 inoti, “Firipo wakanga ari weBhetsaidha, gutaraAndreasi naPetro. Firipo akawana Nhatanaeri, akati kwaari,Tamuwana Iye, wakanyorwa, zvaKe naMosesi pamurairo,

Page 24: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

14 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

navaprofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.Nhatanaeri akati kwaari, Kune chinhu chakanaka chingabvaNazareta here? Firipo akati kwaari, Uya uone. Jesu akaonaNhatanaeri achiuya kwaAri, akamuti, Tarirai muIsraeriwazvokwadi, usina kunyengera maari! Nhatanaeri akatikwaAri, MandiZivirepiko? Jesu akapindura akati kwaari,Firipo Asati akudana, uri munyasi momuvonde, Ndakakuona.Nhatanaeri akaMupindura akati, Rabhi, ndiMi MwanakomanawaMwari; ndiMi Ishe waIsraeri. Jesu akapindura akati kwaari,unotenda iwe, Nokuti Ndakati kwauri, Ndakakuona munyasimomuvonde here? uchazoona zvikuru kuna izvozvi. Akatikwaari, Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri,Muchaona kudenga kwazarurwa, vatumwa vaMwarivachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomanawoMunhu.” Simba rokunzvera pfungwa dzomwoyo yavanhurakaita kuti vasanangurwa vaMwari vanzwisise kuti uyuwakanga ari Mhesiyasi, Shoko rakaropafadzwa raMwari.VaHebheru 4:12 inoti, “Nokuti Shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativimaviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya,namafundo nomwongo, rinotonga mifungo nendangarirodzomwoyo.”

Apo mukadzi waiva patsime paakaMunzwa achizivapfungwa dzomwoyo wake akaMurumbidza achiti muprofita,akataura achiti Mhesiyasi uchazihwa nokuda kwesimba guruiri. Johane 4:7-26 inoti, “Zvino mumwe mukadzi weSamariaakasvikapo kuzochera mvura: Jesu akati kwaari, NdipeivoNdimwe. (Nokuti vadzidzi vaKe vakanga vaenda mugutakundotenga zvokudya). Ipapo mukadzi weSamaria akatikwaAri, Ko Iwe, muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa,ini mukadzi weSamaria? nokuti vaJudha havafambidzaninavaSamaria. Jesu akapindura akati kwaari, Dai waizivachipo chaMwari, uye kuti Ndiani Unoti kwauri, NdipeivoNdinwe; ungadai waikumbira kwaAri, Akakupa mvuramhenyu. Mukadzi akati kwaAri, Ishe, haMuna chamungacheranacho, tsime rakadzika: zvino mvura mhenyuMungaiwanepiko? Ko Muri mukuru kuna baba vedu Jakobho,vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene, navanakomanavavo, nezvipfuvo zvavo? Jesu akapindura akati kwaari,Mumwe nomumwe unonwa mvura iyi uchava nenyotazve: Asiani nani unonwa mvura yandichamupa ini haachazovi nenyotanokusingaperi; asi mvura yaNdichamupa ichava mukati maketsime remvura inovhaira kuupenyu hwusingaperi. Mukadziakati kwaari, Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzovanenyota, kana kuuya kuchera pano. Jesu akati kwaari, Enda,undodana murume wako, ugouya naye. Mukadzi akapinduraakati kwaari, handina murume. Jesu akati kwaari, warevazvakanaka zvawati handina murume, nokuti watova navarumevashanu; uyo waunaye zvino haazi murume wako: apo wareva

Page 25: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 15

zvokwadi. Mukadzi akati kwaAri, Ishe, ndinoona kuti Murimuprofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti,muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. Jesu akatikwaari, Mai, Nditendei, kuti nguva inouya,yamusingazonamati Baba, pagomo iri, kana paJerusarema. Imimunonamata chamusingazivi: isu tinonamata chatinoziva:nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya,nazvino yatovapo, yokuti vanonamata muzvokwadivachanamata Baba muMweya nezvokwadi: nokuti Babavanotsvaka vakadaro kuzoMunamata. Mwari ndiMweya:vanoMunamata vanofanira kuMunamata muMweyanezvokwadi. Zvino mukadzi akati kwaAri, ndinoziva kutiMhesiyasi unouya, Unonzi Kristu: kana Iye asvika, Uchatiudzazvose. Jesu akati kwaari, Ini Ndinotaura newe ndini Iye.”

Zvakazarurwa 15:3 inoti, “Vakanga vachiimba rwuyorwaMosesi muranda waMwari, norwuyo rweGWAYANA,vachiti, Ishe Mwari waMasimba ose; mabasa eNyu Akakuraanoshamisa; Mambo WaMarudzi, nzira dzeNyu dzakaruramandedzazvokwadi.” Muri kuzviona here izvi? GWAYANA,Muprista Mukuru achipa ropa raKe sechipiriso pachigarochenyasha kuitira zvivi zvedu ndiye Ishe Mwari Samasimba.Ichi ndicho chinzvimbo chaAri izvozvi. Ndizvo zvaAri kutoitaiko zvino uno, achikumbirira ropa raKe kuitira zvivi zvedu.Asi rimwe zuva Gwayana iri ichava Shumba yoRudzirwaJudha. Achauya musimba nokuhwinya nokutora masimbaaKe kuti atonge saMambo. Ndiye Mambo wapasi pano arikuuya. Ichokwadi kuti, izvi hazvirevi kuti haAzi Mambo ikozvino. Nokuti ndiMambo wedu, Ishe waVatsvene. Pari zvinoumambo hwomweya. Hahwuzi umambo hwapano pasi sesuvotisiri vapano pasi. Ndiko kusaka tina maitire akasiyananeenyika. Tiri vagari vokudenga. Tinoratidza Mweya wenyikayokuberekwa kutsva kwedu uko Jesu kwaari Mambo. Ndikokusaka vanhukadzi vedu vasingapfeki zvipfeko zvechirumekana kugura vhudzi ravo kana kushandisa zvizorwa zvose izvinezvimwe zvose zvinodisiswa nenyika. Ndiko kusakavanhurume vedu vasingamwi doro nokusvuta fodyanokurambira muchivi. Umambo hwedu umambo hwokutongachivi uye hunotonga nesimba roMweya waKristu Uyo unogaramatiri. Umambo hwese pasi pano hwuchaputsanywa, asihwedu huchagara.

Tanga tichitaura pamusoro pezvinzvimbo namazviratidziroaMwari wechokwadi mumwe chete tichiona kuhwinya kwaKemukudzidza kwataita Shoko. Asi haAzikanwi nenjeredzomusoro. Anozikanwa muMweya; nechizaruro choMweya.Iye mumwe chete Uyu Waizivikanwa saJesu sure kokungeadzokera kuva shongwe yomwoto. Asi Wakavimbisa kutiAchadzokazve kuzogara navanhu vaKe noMweya. PazuvarePentekosti shongwe iya yomwoto yakaburuka

Page 26: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

16 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ikazvipatsanura kuva ndimi dzomwoto pamusoro pomumwenomumwe wavo. Ko Mwari wakanga ava kuitei? WakangaachiZvipatsanura kupinda muchechi, achipa varumenavakadzi vose ava chidimbu chaKe. AkaZvigovera kuchechiyaKe sezvaAkanga ataura kuti Aizoita. Johane 14:16-23 inoti,“Neni Ndichakumbira Baba, Vachakupai mumwe Munyaradzi,kuti Agare nemi nokusingaperi; ndiYe Mweya weZvokwadi:nyika haigoni kuMugamuchira, nokuti haiMuoni, kanakuMuziva: imi munoMuziva: nokuti Ugere nemi, uchavamukati menyu. HaNdingakusiyii muri nherera: Ndinouyakwamuri. Kuchine nguva duku, nyika haichazoNdioni; asi imimunoNdiona: nokuti Ini ndiri mupenyu, nemivo muchavavapenyu. Nezuva iro muchandiziva kuti Ndiri muna Baba,nemi maNdiri, neNi mamuri. Une mirayiro yaNgu,akaichengeta, ndiye unoNdida: unoNdida uchadikanwanaBaba vaNgu, neni Ndichamudavo, ndichaZviratidza kwaari.Judhasi usati ari iye Iskarioti, akati kwaAri, Ishe, ndokudinikokuti MuchaZviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?Jesu akapindura akati kwaari, Kana munhu achiNdida,uchachengeta mashoko aNgu: naBaba vaNgu vachamuda,Tichauya kwaari, tikaita ugaro hweDu maari.” AkatiAizokumbira Baba Avo vaizotuma mumwe Munyaradzi uyoWakanga atori NAVO (vadzidzi) nechakare asi wakanga ASIRIMavari. Waiva Kristu uyu. Anotizve mundima yamakumimaviri nenhatu, apo anotaura pamusoro pake iye pachezvaKenaBaba, Akati TIchauya. Hezvino: “Mweya uri kuuya, MweyaMumwe chete waMwari wakazviratidza saBaba, uyesoMwanakomana, uye uchazozviratidzazve muvazhinji” _MWARI MUMWE Ari Mweya.

Ndiko kusaka pasina kana munhu mumwe chete zvakeanogona kuvapo achiti munhu mutsvene ndipapa kana kutimunhu mutsvene ndibhishopi kana muprista. MUNHUMUTSVENE ndiKristu, Mweya Mutsvene, uri matiri.Kushinga rudzii kwavatungamiri vaunotaura kuti vanhuhavana kana shoko rokutaura? Ani nani ane chokutaura. Aninani ane basa, ani nani ane shumiro. Mweya Mutsvenewakauya paPentekosti ukaZvikamura kuno mumwe nomumwewavo, kuti zvizadziswe zvakataura Kristu achiti, “Nezuva iromuchandiziva kuti Ndiri muna Baba, nemi maNdiri neNimamuri.” Johane 14:20.

Iye Mukurukuru anonzi Ndiri, Mwari Samasimba,wakauya soMweya kuzozadza chechi yaKe yechokwadi. Anemvumo yokufamba pose zvapo paAnoda, uye pana ani nanizvake waAnoda. Hakuna kana ani zvake pakati pedu waanoita“munhu mutsvene”, asi gungano raShe rechokwadi rosepamwe chete ndiro dzvene, nokuda kwokuvapo kwoMweyaMutsvene. NdiYe, mutsvene chete, iye Mweya Mutsvene, kwetegungano pacharo roga.

Page 27: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 17

Ichi ndicho chizaruro: Jesu Kristu ndiMwari. JehovhaweTestamente Yekare ndiye Jesu weTestamente Itsva.Kunyangwe zvenyu mukaidza zvakadii, hamugoni kupuruvhakuti kuna vana Mwari VATATU. Asivo zvinotoda chizarurochoMweya Mutsvene kukuitai kuti munzwisise chokwadichokuti Iye Mumwe chete. Zvinotoda chizaruro kuona kutiJehovha weTestamente Yekare ndiye Jesu weItsva. Sataniwakapinda zvinyoronyoro muchechi ndokupofumadza vanhukuti vasaona chokwadi ichi. Uyevo pavakapofumadzwa kutivasachiona, hazvina kutora nguva refu kuti Chechi yeRomairege zvokubhabhatidza muZita raShe Jesu Kristu.

Ndinobvuma kuti zvinotoda chizaruro chaicho kubvakuMweya Mutsvene kuti tione chokwadi pamusoro poUmwarimazuva ano atiri pakati pokuminamiswa kwakawandakwaMagwaro. Asi chechi iyo iripo mazuvano, iri kukundayakavakwa pachizaruro saka tinofanira kuva netariro yokutiMwari uchazarura chokwadi chaKe kwatiri. Asi, hamutombodichizaruro panyaya yokubhabhatidza nemvura. Zviripopachenachena zvokutotarisana nemi mumaziso chaimo.Zvaizokwanisika here kwekanguvana zvako kuti vaapostoravatsauswe pakurayira kwaShe kwakakwana kuti ivovabhabhatidze muZita raBaba neroMwanakomana neroMweyaMutsvene kuti tigovaona vachiramba kuteerera nohwoni?Vaiziva kuti Zita raiva ani, uye hapana zvapo kana Gwarorimwe zvaro pavakabhabhatidza neimwevo nzira isiriyomuZita raShe Jesu Kristu. Zivo isingauyi nokudzidziswaingangokuratidzavo kuti Bhuku raMabasa ichechimukushanda kwayo, saka kana vakabhabhatidza nenziraiyoyi, zvinoreva kuti ndiyo nzira kwayo yokubhabhatidza.Kana muchifunga kuti izvi zvikukutu, munozofungei nezvizvi?Ani nani akanga asina kunge akabhabhatidzwa muZita raJesuKristu aitofanirwa kubhabhatidzwa zvakare.

Mabasa 19:1-6 inoti, “Zvino, Aporo achiri paKorinte, Pauroakati, agura namativi enyika okumusoro akasvika Efeso:akawana vamwe vadzidzi, Akati kwavari, MakagamuchiraMweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? Vakati kwaari,Kwete hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.Akati, Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko?Vakati, Norubhabhatidzo rwaJohane. Zvino Pauro akati,Johane wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendeuka,achiudza vanhu kuti, vatende kuna Iye Unozouya shure kwake,iye, Kristu Jesu. Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwamuZita raShe Jesu. Zvino Pauro wakati aisa maoko akepamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo;vakataura nendimi vakaporofita.” Hezvo. Vanhu vakanaka avapaEfeso vakanga vanzwa pamusoro pokuuya kwaMhesiyasi.Johane wakanga aMuparidza. Vakabhabhatidzirwakutendeuka pazvivi, vachitarisira KUZOtenda muna Jesu. Asi

Page 28: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

18 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pari zvino yakanga yava nguva yokutarisa SHURE kuna Jesukuti vabhabhatidzirwe KUDZIKINURWA pazvivi. Yakangayava nguva yokugamuchira Mweya Mutsvene. Nokudaropavakangobhabhatidzwa muZita raShe Jesu Kristu, Pauroakaisa maoko ake pamusoro pavo Mweya Mutsvene ndokubvawauya pavari.

O-o, vadikanwi ava vaiva paEfeso vaiva vanhu vakanakazvikuru; uye kana paiva nomunhu waikodzera kuti anzwekuva wakachengeteka, ndivava. Tonderai kuti vakanga vabvakure kwakadii. Vakanga vabva kwose kusvikira pakutambirazvokuuya kwaMhesiyasi. Vakanga vatogadzirira vaMumirira.Asi hamuzi kuona here kuti nyangwe zvazvo zvose izvi zvaivaizvo ivo vakanga vasina kuMuziva? Wakanga atouya akaenda.Vakanga vava kutofanira kuti vabhabhatidzwe muZita raSheJesu Kristu. Vakanga vava vachifanira kuti vazadzwenoMweya Mutsvene.

Kana makabhabhatidzwa muZita raShe Jesu Kristu,Mwari achakuzadzai noMweya waKe. Ndizvo zvinotauraShoko. Mabasa 19:6 yataverenga yaiva zadziso yaMabasa 2:38,“Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe neZitaraJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipikirwachoMweya Mutsvene.” Maona, kuti noMweya Mutsvene,Pauro, akataura zvakafanana nezvakataurwa naPetronoMweya Mutsvene. Zvakataurwa HAZVIGONEKIkushandurwa. Zvinotosungirwa kuramba zvakadaro kubvapaPentekosti kusvikira panobhabhatidzwa musanangurwawokupedzisira. VaGaratia 1:8 inoti, “Asi kunyange isu, kanamutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe evhangeriinopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.”

Zvino vamwe venyu imi veOneness munobhabhatidzazvisirizvo. Munobhabhatidzira vandudzo sokunge kunyudzwamumvura ndiko kunokuponesai. Kuvandudzwa hakuuyiswinemvura; ibasa roMweya. Munhu wakatumwa noMweyaMutsvene kurayira achiti, “Tendeukai mumwe nomume wenyuabhabhatidzwe neZita raShe Jesu,” haana kutaura kuti mvurainovandudza. Akati chinongova chiratidzo chete chokuva“nehana yakanaka kuna Mwari.” Ndizvozvo chete. 1 Petro 3:21inoti, “Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo runokuponesaizvino (rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvakahana yakanaka kuna Mwari,) nokumuka kwaJesu Kristu.”Ndinozvitenda izvi.

Kana pangava nomumwe une pfungwa dzenhema dzokutinhoroondo inogona kupuruvha bhabhatidzo yemvuraneimwevo nzira isiri yomuZita raShe Jesu Kristu, inindinokupaivo zano rokuti muzviverengerevo nhoroondodzacho kuti muzviwanirevo mega zvirimo. Ichi chinoteverachinyorwa chechokwadi pamusoro peBhabhatidzo yakaitikamuRoma muna 100 A.D. chikazonyorwazve muna Zvita 5 1955,

Page 29: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 19

muMagazini reTIME sezvachaiva. “Mudhikoni akasimudzaruoko rwake, ndokubva Publius Decius apinda napamusuvowomunobhabhatidzirwa. Marcus Vasca mutengesi wehunindiye wakanga akamira mudziva richimusvika muchiuno.Akanga achinyemwerera apo Publius akanga achifambamudziva nechapadivi pake. ‘Unotenda here?’ akavhunza achiti.Publius akapindura achiti, ‘Ndinotenda.’ ‘Ndinotenda kutiruponeso rwangu runobva kuna Jesu Kristu, Wakaroverwapamuchinjikwa Pontio Pirato ari mutongi. Ndakafa naYe kutinaYe ndigokwanisa kuwana Upenyu Husingaperi.’ Zvinoakanzwa maoko ane simba achimutsigira paakazviwisiranamanhede, ndokunzwa inzwi raMarcus richiti munzevedzake_‘Ndinokubhabhatidza muZita raShe Jesu’_apo mvurayaitonhora yakanga ichimuputira.”

Kusvikira chaipo pakazoraswa chokwadi (uyechikasadzoka kusvikira nguva ino yokupedzisira_zvichirevakubva paNicaea kusvikira panoperera zana ramakore rinoratiri mariri) vaibhabhatidza muZita raShe Jesu Kristu. Asizvino zvadzoka. Satani haagoni kuramba achidzivisa chizarurokana Mweya uchida kuchipa.

Hongu, dai kwaiva navaMwari vatatu,mungatobhabhatidzirwa zvenyu Baba, uye Mwanakomana,uye Mweya Mutsvene. Asi CHIZARURO CHAKAPIWA KUNAJOHANE chaiva chokuti kuna MWARI MUMWE CHETE uyekuti Zita raKe ndiSHE JESU KRISTU, uye kutimunobhabhatidzira Mwari MUMWE CHETE chete. NdosakaPetro aibhabhatidza mabhabhatidzire aakaita paPentekosti.Aisungirwa kumira nechizaruro chinoti, “Zvino imba yoseyaIsraeri ngaizive zvakakwana, kuti Mwari wakaita JESUMUMWE CHETE iyeye, Wamakarovera pamuchinjikwa,ZVOSE ISHE NAKRISTU.” Hoyoka Uyo, “ISHE JESUKRISTU.”

Kana Jesu ari ‘ZVIVIRI’ izvi zvinoti Ishe uye Kristu, saka(Jesu), haAngambovi chimwe chinhu chisiri “Baba,Mwanakomana, uye Mweya Mutsvene” muMunhu MUMWECHETE anoratidzwa panyama. Izvi HAKUZI kuti “Mwari arimuvanhu vatatu, utatu hwakaropafadzwa,” asi kuti MWARIMUMWE CHETE, MUNHU MUMWE CHETE anemadunhurirwa makuru matatu, ane zvinzvimbo zvitatuzvinoratidza madunhurirwa awa. Zvinzwe zvakare. Jesumumwe chete uyu ndiye “ZVESE Ishe naKristu. Ishe (Baba)uye Kristu (Mweya Mutsvene) zvose ndiJesu, nokuti Iye (Jesu)ndiye ZVIVIRI izvi (Ishe uye Kristu).

Kana izvi zvisingatiratidzi chizaruro chechokwadichoUmwari, hapanazve chichachitaridza. Ishe HAAZImumwezve munhu; Kristu HAAZI mumwezve munhu. Jesuuyu ndiye Ishe Jesu Kristu_MWARI MUMWE CHETE.

Page 30: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

20 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Rimwe zuva Firipi wakati kuna Jesu, “Ishe, tiratidzei Babakuti zvigotiringana.” Jesu akati kwaari, “Ndakava newe nguvarefu asi hauNdizivi? Waona Ini waona Baba, zvino seiko uchiti,Tiratidzei Baba? Ini naBaba tiri Mumwe.” Ndakambozvitauraizvi ndokubva mumwe mukadzi ati, “Chimbomirai zvishoma,Hama Branham, imi nomudzimai wenyu muri munhu mumwechete.”

Ndikati, “Kwete zvakaita saizvozvo.”Akati, “Mati kudii?”Saka ndakati kwaari, “Uri kundiona here?”Akati, “Hongu.”Ndikati, “Mudzimai wangu uri kumuona here?”Akati, “Kwete.”Ndikati, “Nokudaro humwe uhwu ndohwemhando

yakasiyana, nokuti Iye akati, Kana maona Ini, maona Baba.”Muprofita wakati kunezenge kune chiedza panguva

dzamanheru. Murwiyo makanyorwa kuti:“Pachava nechiedza panguva dzamanheru,

Pachokwadi uchaiwana nzira inoenda mukuhwinya,Mumvura, ndicho chiedza nhasi,

Tichinyikwa muZita raJesu rinokosha.Vakuru navadiki, tendeukai kuzvivi zvenyu,

Zvechokwadi Mweya Mutsvene uchapindamo.Chiedza chamanheru chavapo_Ichokwadi kuti Mwari naKristu mumwe chete.”

Munguva ichangopfuura ndakanga ndichitaura naRabhiwechiJudha. Akati kwandiri, “Imi vaHedheni hamungakamuriMwari kuita zvidimbu zvitatu mogoMupa kumuJudha. Tinoruzivo runopfuura izvi.”

Ndakati kwaari, “Ndizvo chaizvo Rabhi, hatikamuriMwari kumuita zvidimbu zvitatu. Munotenda vaprofita,handiti?”

Akati, “Ndinotenda chose.”“Munotenda Isaya 9:6 here?”“Hongu.”“Muprofita wakanga achitaura pamusoro paani?”“Mhesiyasi.”Ndakati, “Mhesiyasi uchava chii chaMwari?”Akati, “Achava Mwari.”Ndikati, “Ndizvozvo chaizvo.” Ameni.Hamungati Mwari vanhu vatatu kana kuti zvidimbu

zvitatu. Hamungatauriri muJudha kuti kuna Baba, uyeMwanakomana, uye Mweya Mutsvene. Anobva angokutaurirai

Page 31: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 21

ipapo chaipo kuti pfungwa iyi yakabvepi. MaJudha anozivakuti dzidziso iyi yakaumbwa paKanzuru yeNicene. Ndikokusaka vachitisvora vachiti tiri vahedheni.

Tinotaura pamusoro paMwari asingashanduki. MaJudhaanozvitendavo izvi. Asi chechi yakashandura Mwari wayoasingashanduki kubva pakuva MUMWE kumuita VATATU.Asi chiedza chava kuuyazve panguva dzino dzamanheru.Zvinoshamisa sei kuti chokwadi ichi chakauya panguva irikudzokera MaJudha Parestina. Mwari naKristu munhuMUMWE CHETE. Jesu uyu ndiye ZVOSE ISHE UYE KRISTU.

Johane akava nechizaruro, uye JESU ndiye Chizarurochacho, uyezve AkaZvibudisa pachena imo muno chaimomuMagwaro_“NDIRI Iye Wakanga Ari, Uyo Ari uyeAchazoUya, Samasimba. Ameni.”.

Kana usingakwanisi kuwana chizaruro, simudza meso akoutsvake Mwari kuti uwane chizaruro. Ndiyo nzira cheteyaunogona nayo kuchiwana. Chizaruro chinotofanira kubvakuna Mwari. Hachimbofi chakauya nokuda kokukwanisakwenyama, munhuvo zvake, asi nokuda kwokuita koMweya.Unogona kuziva Magwaro ose nomusoro, asi nyangwe zvazvoizvi zvakanakisisa, hazviunzi chizaruro. Chinofanira kutovachizaruro chinobva kuna Mwari. Zvinonzi neShoko hakunamunhu anogona kuti Jesu ndiKristu asi kutoti zvaitwanoMweya Mutsvene. Unototanga wagamuchira MweyaMutsvene, ndokutozoti chete chete, Mweya uzokupa chizarurochokuti Jesu ndiye Krstu: Mwari, Muzodziwa.

Hakuna munhu anoziva nezvaMwari asi Mweya waMwariuye uyo anenge azvizarurirwa noMweya waMwari.Tinotofanira kudaidza Mwari kuti tiwane chizaruro kudarikazvimwe zvinhu zvose pasi pano. Takabvuma Bhaibheri,takabvuma chokwadi chikuru chiri mariri, asi hachizichokwadi chipenyu kuvanhu vazhinji nokuti chizarurochinopiwa noMweya chinenge chisipo. Shoko harina kuitwabenyu. Bhaibheri muna 2 vaKorinte 5:21 rinotaura kuti takavavakarurama vaMwari nokuda kwokubatana kwedu naJesuKristu. Mazvibata here izvi? Rinoti TIRI VAKARURAMACHAIVO VAMWARI PACHAKE nokuva kwedu MUNAKRISTU. Rinoti (Jesu) Akava CHIVI kuitira isu. Harizi kutiAkava mutadzi, asi kuti akava CHIVI kuitira isu kuti nokudakwokubatanidzwa kwedu naYe tingava VAKARURAMAvaMwari. Kana tikabvuma chokwadi ichi (izvi tinosungirwakuzviita) chokuti Akava CHIVI sezvazvinongoreva Kuitira isunokuda kwokutora nzvimbo yedu, tinofaniravo kubvumachokwadi chokuti isuvo nokuda kwokubatanidzwa kwedunaYe takatovavo VAKARURAMA CHAIVO vaMwari.Tikaramba chimwe chazvo tatoramba zvose. Kubvumavochimwe chazvo tatobvumavo zvose. Tinoziva kuti Bhaibheririnoti. Hazvigoni kurambika. Asi chizaruro chazvo ndicho

Page 32: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

22 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chisipo. Kuvana vaMwari vakawandisisa hachizi chinhuchakajeka. Inongovavo ndima yakanaka iri muBhaibheri. Asitinoda kuti iitwe MHENYU. Izvi zvinotoda chizaruro.

Regai ndipinze imwe nyaya ichakukatyamadzainokukubetserai. Hapana kana mudzidzi mumwe chete zvakeasingabvumi kuti Testamente Itsva yakatanga iri mururimirwechiGiriki. Vose vadzidzi vedu vakurukuru vakati Mwariakapa nyika ndudzi huruhuru nhatu dzakaita zvinhuzvikurukuru zvitatuvo kuitira Evhangeri. Akatipa maGirikiakatipa mutauro wapasi pose. Akatipa maJudha akatipakunamata kwechokwadi uye ruzivo rwechokwadi rwaMwarinokuda kwoMuponesi. Akatipa vaRoma vakatipa umambohwakabatana hune mitemo nemigwagwa mikuru inoindakwakasiyana-siyana. Saka tine kunamata kwechokwadi,nomutauro wokutaura nawo kundudzi dzakasiyana dzavanhu,uye hurumende nemigwagwa yokuiparadzira panyika. Uyekana tichitaura tiri mune zvenhoroondo izvi zvinenge ndizvochaizvoizvo. Mazuvano vadzidzi vedu vomutauro wechiGirikivanoti mutauro wechiGiriki wamazuva eBhaibheriwakakwana nokutaura nomazvo zvokuti kana mudzidziwomutauro wechiGiriki ari mudzidzi wegirama akakwana uyeachitaura nomazvo anogona kuziva chaizvo izvozvinodzidziswa neShoko reTestamente Itsva. Asi idzi handipfungwavo zvadzo chete here? Ichokwadi here ichi? Handizvohere kuti vadzidzi vose vomutauro wechiGiriki vanomukurumbira vanobva mumasangano akasiyanavanokakavadzana, uye handizvo here kuti nharo dzavodzinenge dzakamiswa pamashoko echiGiriki mamwe chetewoanotevedzera girama imwe cheteyo? Zvechokwadi izvi ndizvozvazviri. Kunyange kareko muZera rePergamo, iro rinoteverwaneKanzuru yeNicene yakaitwa mugore ra325 pakanga panavadzidzi vaviri vano mukurumbira, Arius naAthanasiusvakasukutana munharo dzezvedzidziso panyaya yeshokorimwe chete rechiGiriki. Gakava ravo iri rakakuranokupararira pasi pose zvokuti vanyori venhoroondo vakatinyika yakapesaniswa pamusana pedipthong (zvichirevakunzwikwa pakutaura kunoitwa mavaramwana mavirianotevedzana muchidimbu chimwe cheshoko.) Zvino kanachiGiriki uri mutauro wakakwana zvakadai, uye wakazodzwanaMwari, pakazoitikirei nharo dzose idzi? Chokwadindechokuti Mwari haana kuronga kuti tose tose tizivechiGiriki? Iye zvino uno pane nharo dziri kuitiranwa pamusoropeshoko rechiGiriki. Ngatitore somuenzaniso bhuku rinonzi,“Christ’s Paralyzed Church X-rayed” rakanyorwa naDr.MacCrossan. Mubhuku iri anodzokorora mashoko akawanda-wanda aanotora muzvinyorwa zvavadzidzi vegiramarechiGiriki vano mukurumbira, obva apuruvha zvinomugutsaiye kuti mitemo yegirama isingashanduki inopuruvha zvachosekuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu anobhabhatidzwa

Page 33: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 23

noMweya Mutsvene mushure mokuberekwa patsva. Zvakareanotaura pachena kuti vanhukadzi vanogona kuparidza nokutishoko rokuti kuprofita rinoreva kuparidza. Asivo anganzi hereapwisa vamwevo vadzidzi vechiGiriki vakadzidzavonokuchenjera saiye? Kwete kwete. Chamunongoda kuti muitechete ndechokuverenga zvinyorwa zvaavo vadzidzi vanepfungwa dzinopokana nedzouyu kuti munzwe mashoko avovoanobva muzvinyorwa.

Zvino hakuzi kuti chete zvandichangobva kutaura izviichokwadi, asi kuti ngatimbotora chinhanho chimwe chetekuenda mberi. Mazuvano tina vadzidzi vanotaura kutizvinyorwa zvokutanga zvakanyorwa muchiAramaic unovamutauro waJesu navanhu venguva yaKe. Zvinonzi navadzidziava vanhu vakanga vasingatauri nokunyora muchiGirikisezvinowanzofungidzirwa. Chiripo apa ndechokuti vanyorivedu venhoroondo vanopesana panyaya iyi. Somuenzaniso, Dr.Schonfield, anova mudzidzi wakachenjera zvisingambobviriwakapuruvha zvinomugutsa iye anyatsonzvera kutiTestamente Itsva yakanyorwa mumutauro wavanhu vasinakudzidza vaitaura chiGiriki chamazuva iwayo. Akaumbanyaya yakanakisisa yokutsigirisa zvaanotenda, zvakamiswapazvinyorwa zvakasiyana-siyana zvaaikwanisa kuwananokushandisa. Asiwo nokune rimwe divi tinoona mumwevomudzidzi ano mukurumbira, Dr. Lamsa, akagutsikana kutiTestamente Itsva yakanyorwa muchiAramaic apa Lamsaanoshandisa munyori wenhoroondo akachenjeravozvisingambobviri, anonzi Toynbee, kutsigira gakava rakerokuti chiAramaic, KWETE CHIGIRIKI ndiwo mutaurowakanga uri mutauro wavanhu, uye zvinoratidzika sokungendizvo zvazviri kuti Testamente Itsva yakatanga kunyorwamumutauro wechiAramaic.

Zvisinei, tisati tanyanyopinda zvakaperera munyaya iyi,ngatimboverenga Bhaibheri reKing James nerakaturikirwanaDr. Lamsa. Zvinotigutsa kuwana mashoko anoshandiswamose akafanana zvinoshamisa zvokuti hapana mutsaukochaiwo pane zvinorehwa kana zvinodzidziswa. Tingatoguranyaya tichiti Mwari wakabvumira zvinyorwa zvitsva izvizvichangowanikwa uye nokutsikiswa kuchangoitwakwezvinyorwa zvagara zvichizikanwa kuti zviuye pachenakuzopuruvha kuti zvatagara tinazvo ndizvo chaizvozvazvinofanira kuva. Uye tinoona kuti nyangwe zvazvovaturikiri vakarwisana, asi zvinyorwa hazvirwisani.

Saka munogona kuona zvino kuti hamungamisi tsananguroyenyu paruzivo rwavadzidzi rwakadzama rwomutaurowakanyorwa nawo Bhaibheri. Asi kana muchingorambamusingagoni kuona izvi pamusana pokuti pfungwa dzenyudzakafukidzwa nezvitevedzwa hounoi mumwe muenzanisowokupedzisira. Hapana anogona kupokana nezvokuti Vanyori

Page 34: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

24 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vavaFarisei navadzidzi vakuru vomugore ra33 A.D. vaizivamitemo chaiyo yegirama nezvinorehwa namashokoakashandiswa kunyora Bhaibheri; asi nyangwe zvazvo vaivanoruzivo rwakadzama rwose irworwo vakanzvengwanechizaruro cheShoko raMwari rakavimbiswa rakataridzwamuMwanakomana. Wakanga akaiswa pachena kubva Genesisikusvika Maraki, muchitova namachaputa akazara anotaurapamusoro paKe bedzi neshumiro yaKe, asi vakatadzisisakumuona, kusiya kwavashoma vakavhenekerwa noMweya.

Zvino tava kuuya kumagumo enyaya yedu kuti tichiigura,magurire aya akafanana nezvatatoona kare muShoko.Nyangwe zvedu tikatenda sei mukuidza kwedu kuwanazvinyorwa zvakarekare zvakanakisisa kupinda zvimwe zvosekuti tiwane kunyorwa kweShoko kwakanakisisa kupindakumwe kwose kunogona kuwanikwa, hatizombofi takawanachokwadi chaicho cheShoko kubva mukudzidza nokuinzanisaMagwaro, nyangwe zvedu tikaita nomwoyo wose zvakadini.ZVINOTODA CHIZARURO KUBVA KUNA MWARIKUCHIBUDISA. IZVI NDIZVO CHAIZVO ZVAKATAURAPAURO ACHITI, “ZVINOVA ZVINHU ZVATINOTAURAVO,KWETE MASHOKO ANODZIDZISWA NOUCHENJERIHWAVANHU, ASI ANODZIDZISWA NOMWEYAMUTSVENE.” I vaKorinte 2:15. Chizaruro chechokwadindiMwari achidudzira Shoko raKe pachake mukuzadzisazvakavimbiswa.

Ngakurege kuva nomunhu anotsauswa nezvandataura izviachifunga kuti handitendi kuti Shoko sezvatinaro iko zvinorakakwana. Ndinotenda kuti Bhaibheri rakakwana. Jesuakaratidza kuti Testamente Yekare ndeyechokwadi apo akangaari pano pasi uye zvirimo zvakaunganidzwa nokurongwanenzira yakafanana neyeTestamente Itsva. Musambokanganisahenyu kana kupokana nazvo, nokuti ratinaro nhasi ndirochairo Shoko raMwari risingambokanganisi ngakusambovazvako nomunhu anoshinga kubvisa kana kuwedzera kuShoko.Asi tinoda Mweya mumwe chetewo wakaRipa, kuti uridzidziseiwo kwatiri.

O-o, tinoda sei chizaruro choMweya. Chatinoda harizirimwe Bhaibheri, chatinoda hakuzi kuti riturikirwe patsva,nyangwe zvazvo mamwe acho matsva akanaka kwazvo, uyehaana chandinopokana nacho paari, ASI TINODACHIZARURO CHOMWEYA. Tinotenda Mwari, kuti tinechatinoda chacho, nokuti Mwari anoda kutizarurira ShokoraKe noMweya waKe.

Mwari ngaatangise kutipa nokuda kwoMweya waKechizaruro chiripo chinoramba chichitipa upenyu. O-o, daiwaro chechi yangowana hayo chizaruro chitsva kuti nachoShoko rinorarama rigoratidzwa, uye tigoita mabasa makurunokurumbidza Mwari Baba vedu vari kudenga.

Page 35: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 25

KUSUNUNGURWA PACHIVI

Zvakazarurwa 1:5 inoti, “Kuna Iye Unotida,wakatisunungura pazvivi zvedu neropa raKe.” Shoko rinoti“wakatisuka” zvariri chaizvo ndezvokuti “wakatisunungura”_“Wakatisunungura pazvivi zvedu neropa raKe.” Zvinofadzasei izvi? Muri vanhu vomweya here? Mazvibata here? IroparaKe PACHAKE rakatisunungura zvachose pazvivi zvedu.Harizi ropa romunhu. Iropa raMwari. Petro akati roparaKristu. Pauro akariita ropa raShe, uye ropa raJesu. Kwetevanhu vatatu, asi munhu MUMWE. Hechi chizaruro chiyazvakare, Mwari MUMWE. Uya wamasimba ose Jehovha Mwariwakaburuka akaZviitira mutumbi wakaberekwa nemhandaraakagara mumutumbi uyu, kuitira kuti rigova ropa raMwariraizotisunungura (kutisunungura zvachose) pazvivi zvedunokutimisa pamberi paKe tisina kana gwapa asi tino mufarowakawandisisa.

Mungada mufananidzo womuTestamente Yekare here?Ngatidzokei kuMunda weEdheni. Apo shoko rokutangarakasvika mukuhwinya kuti mwanakomana, Adhamu,wakanga arashika, Mwari wakatuma mutumwa here?Wakatuma mwanakomana wake here? Wakatuma mumwewakaita sesu here? Kwete, Wakauya PACHAKE kuzodzikinuramwanakomana uyu wakanga arashika. Hareruya! Mwarihaana kuisa hurongwa hwaKe hwokuponesa mumaokoomumwe munhu. AkaZvivimba iye chete. Mwari akaitwanyama akagara pakati pedu akatidzikinura kwaari iyepachaKe. Tinoponeswa “neropa raMwari”. Mwari asinaMagumo akapinda mumutumbi unofa kuti abvise chivi. AkavaGwayana kuitira kuti agoteura ropa raKe kuti agopindamuchidzitiro naro.

Fungai pamusoro pezvizvi. Sezvo riri ropa raMwari, iroparakakwanisisa; uye zvino kana ropa iri rakakwanarichitisunungura kubva musimba nousungwa nokusvibisakwechivi, saka kusunungura kwacho kwakakwanavo zvachose.Nokudaro hapachisina zvokupiwa mhosva. “Ndianikouchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiyeunoruramisa (anoti takarurama). Ndianiko uchavapa mhosva?Kristu ndiye wakafa^” VaRoma 8:33-34. Hezvoka izvi, kufakwaKe kwakatipa ropa. Ropa ndiro rakatisunungura.Hapachina kupiwa mhosva. Ingavapo sei? Hapanachokupuwirwa mhosva, nokuti ropa rakatidzikinura kubvapachivi. Tasununguka, hatina mhosva. Musateerera zvinotauravanhu, teererai Shoko. Makasunungurwa neropa.

Musabatikana netsika nezvitendwa namasangano.Musatsauswa nokuteerera avo vanoramba simba reShokovachiramba kuti Jesu unoponesa, nokupodza, nokuzadzanoMweya Mutsvene nesimba. Muri vanhu vaMwari

Page 36: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

26 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vakasununguka, vakasunungurwa neropa raKe pachake. Kanamuchiri kubatirira mukutenda kuzvitendwa namasangano,zviri pachena naizvozvo kuti makarasha kutenda muShoko.

MADZISHE NAVAPRISTA

Zvakazarurwa 1:6 inoti, “Akatiita madzishe navapristakuna Mwari naBaba vaKe; KwaAri ngakuve nokuhwinyanesimba nokusingaperi-peri. Ameni.”

“Akatiita!” O-o, kune chimwe chokwadi chatinofanirakusimbisisa. Ichi ndicho chimwe chokwadi chacho. IYE! IYEWAKATIITA! Kuponeswa kuita kwaKe. Ruponeso runobvakuna Ishe. Nyasha dzose. Akatidzikinurira chimwe chinhu.Akatitengera chimwe chinhu. Tiri madzimambo, madzimambopamweya. O-o, tiri kuzova madzimambo pano pasi pamwenaYe paAnenge agara pachigaro chaKe chokutonga. Asi iyezvino tiri madzimambo omweya anotonga umambohwomweya. VaRoma 5:17 inoti, “Nokuti kana nokudarikakwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe;zvikuru avo vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipochokururama vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye JesuKristu.” VaKorose 1:13 inoti, “Vakatisunungura pasimbarerima, vakatiisa paushe (kutonga) hwoMwanakomana waKewaanodisisa.” Iko zvino tiri kutonga naKristu, tino umambopazvivi, nenyika, nenyama, nasatani. Achiratidzakurumbidzwa nokuhwinya kwaKe; achiZVIratidza, nokutindiKristu ari matiri, achida nokuita zvinoMufadza. Hongu,chaizvo, kana iko zvino takatogara munzvimbo dziri kudengamuna Kristu Jesu.

“Wakatiita vaprista.” Hongu, vaprista kwaAri, tichimuparumbidzo yomweya nemiromo yakacheneswa. Tichiraramaupenyu hwedu hwose sechibayiro chinotapira kwaAri.TichiMunamata muMweya nomuzvokwadi. Achitimiririranokutireverera. Tiri vaprista namadzimambo kuna Mwariwedu. Hazvishamisi kuti nyika haitikwezvi uye kuti tiri vanhuvakasiyana navamwe vanhu vakazvipira kumabasa akanaka.Takasikwa patsva maAri kuti tive vana vakaita saBaba vedu.

MWARI ARI KUUYA

Zvakazarurwa 1:7 inoti, “Tarirai, Unouya namakore; mesoose achaMuona, naivo vakaMubaya: marudzi ose enyikaachaMuchema. Hon'o, Ameni.”

Ari kuuya. Jesu ari kuuya. Mwari ari kuuya. Muprofita arikuuya. Muprista naIshe ari kuuya. Iye ZVOSE muna ZVOSEari kuuya. Nyangwe zvakadero, tinoti Ishe Jesu, uyainokukurumidza. Ameni.

Page 37: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 27

Ari kuuya. Ari kuuya namakore, makore okuhwinyasezvaakanga akaita paAkaonekwa paGomo roKushandurwa,apo zvipfeko zvaKe zvakavaima paAkaputirwa nesimbaraMwari. Uye ziso ROSE richaMuona. Zvinoreva kuti ukuhakuzi Kubvutwa. Apa ndipo paAnouya kuzotora nzvimboyaKe yakamukodzera saMambo waPasi. Apa ndipopachaungudza vaya vakaMubaya nezvitendwa zvavonedzidziso dzavo dzamasangano, uye pachaungudza vanhuvose mukutya kukuru pamusana paIye Anova Shoko.

Urwu ndirwo rungano rwechizaruro runowanikwa munamuprofita Zakaria 12:9-14. Zakaria akazviprofita makoreangangosvika 2500 apfuura. Zvava pedyo pedyo kuitika.Teererai munzwe. “Zvino nezuva iro, Ndichatsvaka kuparadzandudzi dzose dzavanhu dzinomukira Jerusarema. NdichadiraMweya wenyasha nowokunyengetera, pamusoro peimbayaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusarema:vachanditarira Ini Wavakabaya^” Zvino, Evhangeriichadzoka riini kumaJudha? Inodzoka apo panopera nguvayamaHedheni. Evhangeri yatogadzirira kudzokerakumaJudha. O-o, regai ndikutaurirei chimwe chinhu chavakuda kutoitika iyo nguva ino chaiyo. Chinhu chikuru chavakuda kuitika ichi chichavambukira kuna Zvakazarurwa 11patichatora zvakare zvapupu zviya zviviri, vaprofita vayavaviri, Mosesi naEria, vachidzorera Evhangeri kumaJudhakwayakabva. Takagadzirira. Zvese zvakatorongeka. Sokuunzakwakaita maJudha mharidzo kumaHedheni, saizvozvomaHedheni achaitora oidzorera kumaJudha chaiko,Kubvutwavo kwozouya.

Zvino, rangarirai zvataverenga muna ZvakazarurwanaZakaria. Zvose zviri zviviri zvinobva zvangoteverakutambudzika kukuru. Chechi yeDangwe haipindimukutambudzika kukuru. Izvi tinozviziva. Bhaibheririnotidzidzisa izvi.

Rinoti panguva iyi Mwari achadurura Mweya waKepamusoro peimba yaIsraeri. Ndiwo Mweya mumwe chetewakadururwa pamusoro pamaHedheni munguva yavovo.“Vachanditarira Ini Wavakabaya, vachamuchema Iye,somunhu unochema mwanakomana wake mumwe chete,vachava neshungu kwazvo pamusoro paKe, somunhu aneshungu pamusoro pomwana wake wedangwe. Nezuva iropaJerusarema pachava nokuchema kukuru, sokuchemakwaHadhadhi-rimoni mumupata weMegidhoni. Nyikaichachema, veimba imwe neimwe vari voga; veimbayaDhavhidhi vari voga, navakadzi vavo vari voga; veimbayaNatani vari voga, navakadzi vavo vari voga^” imba imweneimwe iri yoga apo Anouya namakore okuhwinya paKuuyakwaKe kweChipiri. Awo maJudha akaMubaya achaMuonasamataurirwe azvinoitwa mune rimwe Gwaro kuti, “Mavanga

Page 38: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

28 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

awo Makaawana kupi?” Iye achati, “Muimba yeshamwaridzaNgu.” Iyi ichazenge isiri nguva yokuchema kwamaJudhaakaMuramba chete kuti ndiye Mhesiyasi, asi kuti ichazenge iringuva yokuchema kwaawo maHedheni vanosara avovakaMuramba kuti ndiye Muponesi wenguva ino.

Pachava nokuchema nokuungudza. Mhandara dzakangadzakavata dzichaungudza. Dzinomirira chechi yakarambakutsvaka mafuta (mufananidzo woMweya Mutsvene) emwenjeyavo (mufananidzo womuviri kana kuti chinhu chinochengetamafuta) kusvikira pasisina nguva. Hazvizi zvokuti vakangavasiri vanhu vakanaka kwete. Dzaiva mhandara izvizvinoratidza unhu nokuzvibata kukuru. Asi vakanga vasinamafuta mumwenje yavo nokudaro vakarashirwa kwaivanokuungudza nokugedageda kwameno.

Ngatizvitsigire zvose izvi nemifananidzo iri muna Genesisi,45, umo munosangana Josefa namadzikoma ake muEgipitanokuzozvizivisa kwavari. Genesis 45:1-7 inoti, “Zvino Josefahaana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamirenaye; akadana achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvinokwakanga kusino munhu wakamira naye, Josefa achizvizivisakuvana vababa vake. Akachema kwazvo: vaEgipita noveimbayaFarao vakazvinzwavo. Ipapo Josefa akati kuvana vababavake, ndini Josefa; baba vangu vachiri vapenyu here? Vanavababa vake vakasagona kumupindura; nokuti vakangavachitya pamberi pake. Josefa akati kuvana vababa vake,Doswederai henyu, kwandiri. Zvino vakaswedera. Iye akati,ndini Josefa mwana wababa venyu, wamakatengesa ndikaiswaEgipita. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira,zvamakanditengesera kuno: nokuti Mwari wakanditumapamberi penyu kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino avamakore maviri enzara panyika ino: mamwe makore mashanuachiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwariwakandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei muvenavamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kutimusunungurwe nokusunungurwa kukuru.”

Izvi hazvina here kufanana nezviri muna Zakaria 12zvakanakisisa? Kana tichiisa zviviri izvi pamwe chetetinosungirwa kuti tibve tazvionesesa sezvazviri chaizvoizvo.

Josefa paakanga achiri mudukuduku aivengwanamadzikoma ake. Ko waivengerwei namadzikoma ake?Nokuti aiva munhu woMweya. Hapana zvaaigona kuita kutiasaona zviratidzo zvaaiona, uyevo hapana zvaaigona kuita kutiasarota hope nokududzira hope. Zvaingovavo maari.Haaikwanisa kuratidza chimwe chinhu kusiya kwezvaivamaari. Saka, madzikoma ake zvaaimuvenga pakanga pasinachikonzero. Asi waidiwa zvikuru nababa vake. Baba vakevaiva muprofita vachimunzwisisa. Izvi zvinobva zvaita

Page 39: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 29

mufananidzo wakakwana waKristu. Mwari Baba vaidaMwanakomana, asi madzikoma (Vanyori navaFarisei)vakaMuvenga nokuti Aigona kupodza varwere, nokuitamashura nokutaura zvichaitika, nokuona zvinhunokuzvidudzira. Ichi handichikonzero chakakodzerachokuMuvenga asi vakangomuvenga zvakangodaro, uyesamadzikoma aJosefa, vakaMuvengera pasina chikonzero.

Zvino rangarira kuti vana vaJakobho ava vakaitira Josefazvakadini. Vakamukanda mugomba. Vakatora bhachi rakeramavara mazhinji raakanga apiwa nababa vake vakarinyikamuropa kuti baba vake vagofunga kuti mukomana uyuwakanga aurayiwa neimwevo mhuka. Vakamutengesa kunomumwevo aitenga nokutengesa nhapwa akainda naye Egipitakwaakandotengeswa kumukuru wamauto. Mukadzi womukuruwamauto uyu wakamuisisa mutorongo pasina mhosva, asikwapera nguva yakati kuti kukwanisa kwake somuprofitakwakaita kuti azikanwe naFarao akasumudzirwa kuiswaparudyi rwaFarao nokupiwa simba rakawanda zvokuti hakunaaikwanisa kusvika pana Farao asina kutanga auya nokunaJosefa.

Zvino ngatichinan’anidza upenyu hwaJosefa paakanga avaEgipita, nokuti apa ndipo patinomuona ari mufananidzowaKristu wakakwana. Paakanga ari mumba yomukuruwamauto akapomerwa mhosva yaasina kupara, akarangwanokuiswa mutorongo pasina chikonzero, sezvavakangoitavokuna Jesu. Mutorongo imomo akadudzira hope dzomushandiwomumba nedzomubiki avo vakanga vari vasungwavo saye.Mushandi womumba wakadzoserwa kuupenyu hwakare, asimumwe wakatongerwa rufu akaurayiwa. Kristu wakaiswamutorongo romuchinjikwa, akarashwa naMwari navanhu.Kumativi aKe maviri kwaiva nembavha mbiri_imwe yakafa,kureva pamweya, asi imwe yakapiwa upenyu. Tonderaivozvakare kuti, Jesu paakabviswa pamuchinjikwa,Wakakwidzwa kudenga uye pari zvino wakagara kurudyirwoMweya waJehovha mukurukuru; hakuna munhuanokwanisa kuuya kuna Mwari asina kusvika nokwaAri. Kunomumiririri MUMWE CHETE pakati paMwari navanhu, uyendiYe zvose zvamunoda. Hakuna zvavana Maria navasante, asiJesu chete.

Tichienderera mberi nomufananidzo uyu watinowana panaJosefa, onai kuti zvose zvaakaita muEgipita zvakabudirira.Basa rake rokutanga mumba yomukuru wamautorakabudirira. Kana torongo rakabudirira. Jesu paanodzoka,kana gwenga richabukira seruva. NdiYe “MwanakomanawoKubudirira.” Sezvakusina rimwe zera rakabudirira seirorakanga riri pakutongo hwaJosefa, saizvozvovo kune nguvayamaropafadzo asati amboonekwa iri kuuya pasi pano.Mumwe nomumwe wedu anogona kugara pasi pomuvonde

Page 40: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

30 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wake achiseka nokufara achirarama nokusingaperi-perimuhupo hwaKe. MaAri muno mufaro wakazara uye kurudyirwaKe kuna mafaro okusingaperi-peri. MwaringaArumbidzwe.

Zvino chionai, kuti kwose kwaiinda Josefa vaimuridzirahwamanda yokuzivisa kuti wava kusvika. Vanhu vaidaidzirakuti, “Gwadamirai Josefa!” Zvakanga zvisina mhosva kutimunhu wakanga achiitei, pairira hwamanda iyoyoaitogwadama. Nyangwe kana anga achitengesa chimwechinhu mumugwagwa, ava kutotambira mari yake, aitotiamire zvose izvi kuti apfugame kana hwamanda yarira. Kanazvake akanga ari mutambi wokutandadza vanhu, aitofanirakumbomira zvaari kuita otombopfugamira Josefa kana kuuyakwake kwakanga kwaziviswa nokurira kwehwamanda.Rimwe ramazuva iwo ano zvinhu zvose munguva zvichamirakuti ndirini panorira hwamanda yaMwari, uye vakafa munaKristu vachamuka uye mangwanani achavapo anogaranokusingaperi ano kujeka nokuyevedza. Ipapo zvinhu zvosezvichapfugama, nokuti kwakanyorwa kuti, “Saka MwariwakaMukudza zvikuru, akaMupa Zita rinopfuura mazita ose;kuti paZita raJesu mabvi ose afugame, avari kudenga, navaripanyika, navari pasi penyika; kuti ndimi dzose dzibvumiredziti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba arumbidzwe.”VaFiripo 2:9-11.

Asi onaivo chimwezve chizaruro mukufananidza Josefauku. Paakanga ari muEgipita, Josefa, wakapiwa mwengamuHedheni akawana mhuri yavanakomana vaviri, EfraimonaManase kubva kwaari. Josefa akakumbira baba vake kutivaropafadze vakomana vaviri ava. Akavaisa pamberipaJakobho akati Manase, dangwe nechokurudyi rwaJakobhouyuvo Efraimi nechokuruboshwe. Paakanga avakuvaropafadza wakapesanisa maoko ake akachinjikanazvokuti ruoko rworudyi rwakainda pamudoko. Josefaakadanidzira achiti, “Handizvo, baba, uyu ndiye dangwe arikurudyi kwenyu.” Asi Jakobho akati, “Mwari ndiye apesanisamaoko angu akachinjikana.” Apa tinoona mufananidzounoreva kuti ropafadzo yakanga iri yedangwe (muJudha)yakazopiwa mudoko (muHedheni) pamusana pomuchinjikwa(maoko akachinjikana) waIshe Jesu Kristu. Ropafadzo inouyanokuda kwomuchinjikwa. VaGaratia 3:13-14 inoti, “Kristuwakatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwachakatukwa nokuda kwedu: nokuti kwakanyorwa kuchinzi,Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti; kuti kuropafadzwakwaAbrahama kusvike kuvaHedheni muna Jesu Kristu; kutitipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.” RopafadzoyaAbrahama yakauya kuvaHedheni nokuda kwomuchinjikwa.MaJudha akaramba muchinjikwa; nokudaro, Jesu wakawanamwenga wechiHedheni.

Page 41: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZVAKAZARURWA ZVAJESU KRISTU 31

Zvino tichidzokera kurungano rwedu rwaJosefaachisangana namadzikoma ake. Munorangarira kutivanakomana vose vakanga vasipo. Josefa achizvizivisaakasimbirira nerokuti vanakomana vose vavepo pamberi pake,nokuti kana pasina izvi haaizozvizivisa kwavari.Pakupedzisira vakazounza uyo wakanga asipo, kaBhenjamini.Ndiko kaiva kamunun’una kake, mwana waamai vake,kakabva kaita kuti mwoyo wake utsve somwoto. Apo Josefawedu, kureva Jesu, paanouya kuvanhu vakachengeta mirayiroyaMwari avo vakadzokera Parastina, mweya waKe uchatsvasomwoto. KaBhenjamini kanomirira somufananidzo vaIsraeri144,000 vakabva pasi pose kudzokera Parestina kundowanarudzikinuro. Vachange vakamirapo vachimirirakuMugamuchira, Uyo anoti kumuziva ndihwo Upenyuhwusingaperi. Vachati, “Uyu ndiye Mwari weduWatakamirira.” Vanobva vaMuona Uyo wavakabaya. Uyevachadanidzira nokukatyamara vachiti, “Maronda ose awaakaipisisa kudai akabvepi? Zvakaitika sei?” Vachaungudzanokuchema, imba imwe neimwe payo yoga, mumwe nomumwepake ega mukurwadziwa kukuru pakushaya mufaro.

Zvino Chechi yavaHedheni inenge iri kupi apa Jesu anengeachiZvizivisa kuvanakomana vababa vaKe? Rangarirai kutimwenga waJosefa navanakomana vake vaviri vaivamumuzinda, nokuti Josefa wakanga arayira kuti, “Vanhu vosengavabve pandiri; vabvisei vose pamberi pangu.” Sakamwenga wechiHedheni wakanga avanzwa mumuzindawaJosefa. Chechi yavaHedheni ichaindepi mukubvutwa?Mumuzinda. Mwenga uchabviswa panyika. Uchatorwakutambudzika kukuru kusati kwauya kuti andosangana naShewake mumhepo. Kwamakore matatu nechidimbu apo panengepachidururwa hasha dzaMwari dzokutsiva, mwenga unengeuri paMabiko eGwayana oMuchato. Apo ndipopaAchazodzoka, achisiya mwenga waKe “muimba yaBabavaKe,” paanenge achiZvizivisa kuhama dzaKe. Panguva iyoyichaipo, ndipo pachagurwa sungano yaantikristu yakaitwanamaJudha neRoma. Roma neshamwari dzayo vanobvavatuma mauto kuzoparadza maJudha ose, anotya Mwarinokutevera Shoko. Asi pavanenge vananga guta kutivariparadze, pachaonekwa kumakore chiratidzo chokuuyakwoMwanakomana woMunhu nehondo dzaKe hurukuzoparadza avo vose vakanga vachiparadza nyika. Muvengipaanenge adzingwa, ndipo panozouya Jesu oZviratidzakuvaIsraeri 144,000. Kuona kwavanenge vaita mabasa aKemakuru okuponesa, kunozovasvitsa pakuziva simba raKe.Asivo kuona maronda aKe nokuziva kuti vakanga vaMurambakusvika panguva iyi, kunozovasakisa kuti vachemenokurwadziwa kwokutya kukuru, sezvakangoitavo hamadzavo dzekarekare padzakamira pamberi paJosefa, vachityazvikuru kuti vakanga vava kuzourayiwa. Asi sokutaura

Page 42: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

32 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kwakaita Josefa, “Musazvitsamwira henyu. Zvakanaka. Mwarindiye wakaita zvose izvi. Wakazviitira kuchengetedzaupenyu.” Kana Jesuvo uchataura rugare norudo kwavari.

Sei maJudha akaramba Jesu? Mwari ndiye wakaita zvoseizvi. Ndiyo nzira chete yaAigona kutora nayo mwengakumaHedheni. Wakafa pamuchinjikwa kuti achengetedzeChechi yamaHedheni.

Ava 144,000 havazi mumwenga. Muna Zvakazarurwa 14:4vanonzi mhandara uye vanotevera Gwayana kwese zvakwokwaAnoinda. Zvokuti havana kugara vambozvisvibisanavakadzi zvinoreva kuti ingomwa varume vakachekwa(Mateo 19:12). Ngomwa ndidzo dzichachengeta nzvimboinogara mwenga. Vaiva vashandi. Cherechedzai kuti avahavagari pachigaro chokutonga asi kuti vari pamberipechigaro chokutonga. Kwete, havazi mumwenga, asi vanengevari munguva yokutongwa inosvika churu chamakore.

Tinozoona kuti apo ava vokupedzisira vaIsraeri pavanengevabatanidzwa murudo naShe, uye muvengi aparadzwa, Mwariachagadzira gomo raKe dzvene, Munda waKe weEdhenimutsva wakagadzirirwa mwenga navashandi vaKenovomwenga kugadzirira kutandadzana nomwenga panyikakwechuru chamakore. Sezvo Adhama naEvha vaiva mumundamavasina kuzopedza churu chamakore, Jesu anova ndiyeAdhama wedu wokupedzisira, naEvha waKe (ChechiyeChokwadi) vachazadzisa urongwa hwaMwari hwose.

O-o, kudzokorora zvakare kunoita Bhaibheri.Zvatakataridzwa zvichiitika pakati paJosefa navanakomanavababa vake zvava kuda kudzokororwa, nokuti Jesu ari kuuyapasina kupera nguva.

Sezvo tava kusiya mufananidzo waJosefa, pane chimwechinhu chimwe chete chandinoda kukuzivisai pamusoropenguva ino yokupedzisira. Munorangarira kuti apo Josefaakanga amire pamberi pamadzikoma ake Bhenjamenipaakanga asati avapovo akataura achiturikirwa nyangwezvazvo aiziva mutauro wechiHebheru zvakakwana. Akataurakumadzikoma ake nomumwe mutauro. Manga muchizvizivahere kuti Zera ramaHedheni rokutanga (musoro wendarama,Zera reBhabhironi) rakapfuudzwa nokugumiswa nemharidzoyendimi yakanga yakanyorwa pamadziro? Zera rino ririkuzopfuudzwavo nokugumiswa nenzira imwe cheteyo.Kuwandisa kwendimi munguva ino ndechimwezve chinhuchinopuruvha kuti Nguva yamaHedheni yapera uye kutiMwari wava kudzokera Israeri.

Ari kuuya zvino zvino. Arfa naOmega, Muprofita, MupristanaMambo, Zvose muna Zvose, Ishe Mwari weHondo, ari kuuyaiye zvino. Nyangwe zvakadaro Ishe Jesu, Mumwe chete uye Iyechete Mwari weChokwadi, dokurumidzai kuuya!

Page 43: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 33

CHITSAUKO CHEPIRI

CHIRATIDZO CHEPATMOSI

Zvakazarurwa 1:9-20

Johane PaPatmosZvakazarurwa 1:9 inoti, “Ini, Johane, hama yenyu

mugoverani pamwe chete nemi pakutambudzika, paushenokutsungirira muna Jesu Kristu, ndakanga ndiri pachiwichinonzi Patmosi, nokuda kweShoko raMwari,nokwokupupura kwaJesu Kristu.”

Nhevedzano idzi dzezviratidzo zvoMunhu Jesu Kristuyakapiwa kuna Johane panguva yaakanga aiswa kuChitsuwachePatmosi. Kachitsuwa aka kanoita mamaira makumi matatukubva pamahombekombe eAsia Minor muGungwa reAegean.Pamusana pokuti runongova rukangarahwe rwakazaranenyoka, namadzvinyu nezvinyavada, chitsuwa ichi chakangachisina ufumi hwaigona kuwanikwa machiri, nokudarochaishandiswa noUmambo hwamaRoma senzvimbo yokuisavanenge vatongerwa mhosva kuti varangwe ndiko kwaiiswavakapara mhosva huru vaityisa, navasungwavezvamatongerwe enyika, nezvimwevo zvakangodaro.

Muchaona kuti Johane akataura kumaKristu sehama irimukutambudzika kukuru. Yakanga iri nguva iyayakatambudzwa kereke zvakanyanyisa. Kunamata kwavokwakanga kusiri “kungosvorwa kose kose bedzi” asivo kutotivanhu vaisungwa nokuurayiwa. Johanevo, sezvaingoitwavoruzhinjizhinji rwavamwevo, akanga ava kurwadziwavomuusungwa pamusana peShoko raMwari nouchapupuhwaJesu Kristu. Paakasungwa, vakaidza kumuuraya vachiitazvokumuvhaidza mumafuta kwamaawa makumi mavirinamana asi zvikashaya basa. Vashandi vehurumende avavakanga vatsamwa nokupererwa vakamutongera kuindiswaPatmosi vachimuti muroyi. Asi Mwari wakanga ainaye,zvokuti akararamiswa kusvikira abva pachitsuwa ichiachiinda Efeso uko akapfuurira mberi nokuva mufudzikusvikira nguva yorufu rwake.

Zviratidzo zvakaonekwa naJohane zvakatora nguvainokwana makore maviri zvichiitika, A.D. 95-96. Pazviratidzozvose zvinowanikwa muShoko izvi ndizvo zvinokatyamadzakupfuura zvimwe zvose. Bhuku rose rinobudiswa irimifananidzo chete, zvinova ndizvo zvinoriita kuti rivechinangwa chetsoropodzo negakava. Zvisinei, rine chisimbisochaMwari pamusoro paro. Izvi zvinoriita kuti rive chokwadichizere nokukosha kukuru kuna avo vose vanoverenganokuteerera zviri mumapeji aro matsvene.

Page 44: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

34 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

MUMWEYA NEZUVA RASHE

Zvakazarurwa 1:10 inoti, “Ndakanga ndiri muMweyaneZuva raShe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, rinengeserehwamanda.”

“Ndakanga ndiri muMweya.” Izvi hazvina kunakisisa here?Zvangu ini, ndinodisisa izvi. Mashoko awa unogona kungoatizvako, “Upenyu hwakazara hwechiKristu.” Kana tichidakurarama samaKristu, tinofanirwa kuva muMweya WAKE.Johane akanga asiri kutaura zvokuva mumweya wake iyepachake. Ungadai usina kuunza zviratidzo izvi. Waifanirakuva Mweya waMwari. Unofanira kuti uve Mweya waMwarinesuvo, zvakare, nokuti pasinezvo kushanda kwedu kwosekunoshaya maturo. Pauro akati, “NdichanyengeteramuMweya, ndichaimba muMweya, ndichararama muMweya.”Kana pane chakanaka chichauya kwandiri chinototichizarurwe noMweya, chigotsigirwa neShoko, chozoiswapachena nezvibereko zvacho. Sezvazvakanga zvakaitavoJohane kuti aitofanira kunge ari muMweya kuti agamuchirezvizaruro zvose izvi zvakakosha kubva kuna Jesu, nesutinodavo kuti tive muMweya kuti tinzwisise zvizarurozvatakapiwa naMwari kuti tirarame nazvo tiri muShoko raKe,nokuti Mweya mumwe chete.

Zvitarisei nenzira iyi. Vanhu vazhinji vanoverengaBhaibheri muna Mabasa 2:38 parinoti, “Tendeukai, mumwenomumwe wenyu abhapatidzwe neZita raJesu Kristu kutimukanganwirwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweyaMutsvene,” uye vanobva vangopfuurira mberi zvavo.Havazvioni. Dai vaizviona, nokupinda muMweya, vaidaivaiziva kuti kana vachida kugamuchira Mweya Mutsvene,vanofanira kuti vatendeuke nokubhapatidzwa muZita raIsheJesu uye Mwari anenge asungirwa kuzadzisa Shoko raKenokuvazadza noMweya Mutsvene. Havatombopindi zvavomuMweya waKe nokuti zvingadai zvichiitika kwavarisokutaura chaiko kweShoko. Namatai kuna Mwari kutimuwane kuzarurirwa koMweya waKe. Ichi ndichochokutanga. Pindai muMweya.

Regai ndishandise mumwe muenzaniso. Ngatiti munodakupodzwa. Shoko rinotii? Zvino, tose takariverengakakawanda, asi hatina kupinda muMweya patakangatichiriverenga. Takakumbira Mwari Mweya waKe here kutiutidzidzise chokwadi charo chaicho? Kana takadaro, tingadaitakadaidza vakuru vekereke, toreurura zvivi zvedu, tozodzwanokunamatirwa, zvobva zvangoitika. Zvingangokona kuitikapakarepo, asi muMweya waKe, zvatopera. Hapanazve rimwedare rokukwidza nyaya. Mwari anozadzisa Shoko raKe. O-o,tinoda kuti tipinde muMweya, ndiko kuti zviitike.

Page 45: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 35

MUSATANGA MAITA MABASA. PINDAI MUMWEYAMUGOBVA MOZOITA MABASA MUGOONA ZVINOITAMWARI.

Mamboti maona here kuti venyika vanopinda zvakadiimumweya wezvinhu zviri munyika? Vanoinda kumitambo yavoyebhora, nokumasipotsi, namadhanzi. Vanopinda mumweyawaizvozvo. Havagaripo samaruva apamadziro, kana kutizvimiti zvakarekare zvakaoma. Vanobva vapinda mumanzwiroacho nokuva chikamu chazvo. Asi, o-o, vanovenga seimaKristu pamusana pokupinda muMweya weShoko raMwari.Vanotiti tiri vanhu vanopengereka nokuumburuka muutsvenezvenhema. Hapana chavasingaiti kuratidza kuzvivenganokusazvibvumira kwavo. Asi musaita hanya nazvo izvi.Munofanira kuzvitarisira, muchiziva kwazviri kubva. Imichete endererai mberi mupinde muMweya wokushumira.

Mweya wedu wakachena. Mweya wedu mutsva.Ndowechokwadi. Hauna kusazvibata uye haunyepedzeri asizvisinei, wakazara nomufaro waShe. MuKristu anofanirakutubwida nokuzadzwa namafaro ake munaShesezvinongoitavo nyika apo inofarira nokuzadzwa namafaroayo. Vose maKristu novenyika vanhu venyama; vose vanonzwamanyawi. Siyano iri pakuti mwoyo yamaKristu namanyawiavo zviri pana Ishe woKuhwinya norudo rwaKe chete chete,asi nyika inogutsa nyama.

Panonzi Johane akanga ari muMweya muZuva raShe.O-o, zvangu ini, heino ndima inounza kupesana

kwakawanda. Izvi hazvirevi kuti zvinofanira kudaro, kanakuti inofanira kudaro, asi kuti vamwe vanhu havatomboonizvavo zvinoreva Shoko.

Pokutanga tinoona vanhu vakanaka kwazvo vanoti ZuvaraShe, iZuva reSabata, zvichireva Mugovera kwavari. Kwozotivamwezve vanoti Zuva raShe, iSvondo, zuva rokutangarevhiki. Asi rinogova rimwe ramazuva awa seiko, kana kuti oseari maviri akabatanidzwa, sezvo Johane akanga ari muMweyakwenguva inokwana makore maviri achigamuchira zviratidzozvose izvi. Chokwadi ndechokuti zvakanga zvaitika ndezvokutiJohane akaputirwa muMweya akatakurwa kuiswa muZuvaraShe, iro rakanga richauya. Bhaibheri rinotaura pamusoropeZuva raShe richazova munguva ichauya, zvichireva kuti apaJohane ari kuona zvinhu zviri muzuva richauya. Asi kwazvino,kuti fungwa dzedu dzigadzikane, ngatimboona kuti Sabatachii chaicho mazuvano.

Sokuziva kwatinoriita kubva muTestamente Itsva, Sabata,HAKUZI kuchengeta rimwe ramazuva. Hatina zvachose kanamurairo mumwe zvawo wokuti tichengete Mugovera seSabata,hatinavo kana murairo mumwe zvawo unoti tichengete zuvarokutanga revhiki, inova Svondo. Hechino chokwadi pamusoropeSabata, inoreva “zororo.” VaHebheru 4:8 inoti, “Nokuti dai

Page 46: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

36 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Jesu akanga avapa zororo (kana zuva rezororo), haAsaizorevarimwe zuva pashure. Zvino zororo (reSabata) ravanhuvaMwari richipo. Nokuti uyo akapinda muzororo rake,akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana aKe.”Maanzwa here mashoko makuru acho muchidimbuchokupedzisira chendima? “Mwari akazorora pamabasa aKepachake.” Mwari akapa vaIsraeri zuva rechinomwe kuti riveSabata ravo, iri rangaridzo yebasa raKe pachake paAkasikanyika nazvose zvaiva mairi, ndokubva amira kusika. Akaregamabasa aKe. Akazorora. Apa zvakanga zvakanaka kupa zorororeSabata kuvanhu vakanga vari munzvimbo imwe chete vosepanguva imwe chete, kuti vagochengeta rimwe ramazuva.Nhasi uno rimwe divi renyika riri muchiedza asi rimwe divimurima, nokudaro hazvingashandi. Asi uku kunongovakukakavara hako kwenyama.

Ngationei kuti Bhaibheri rinotidzidzisei pamusoro pezororoiri reSabata. “Nokuti uyo apinda muzororo rake.” Kupinda ukuhakuzi kungopinda chete, asi kuti kutopinda zvachosezvokugaramo, muzororo. Izororo ‘risingagumi’ zuvarechinomwe unongova mufananidzo chete. “Rechinomwe’nderokupedzisa. ‘Rorusere’ kudzoka pane ‘rokutanga’ zvakare.Kumuka kwaJesu kuvakafa kuri pazuva rokutanga revhiki, izvozvinotipa upenyu husingaperi-peri neziendanakuenda rezorororeSabata. Nokudaro tinoona kuti sei Mwari asina kutipa rimweramazuva evhiki seSabata (zororo). Taka ‘pinda’ uye‘tinogaramo’ muzororo redu, zvinova zvakanga zvisingagonikuitwa navaIsraeri, sezvo vakanga vano mumvuri chetewechinhu chaicho chatiri kunakirwa nacho. Tingadzokereikumumvuri isu tiine chinhu chacho chaicho iko zvino?

Kuti tinogamuchira sei zororo iri, kana kuti Sabatarisingagumi, zvinotobva mukukokwa naJesu. Akataura munaMateo 11:28, na29 achiti, “Uyai kwaNdiri, imi mose makaneta,makaremerwa, Ini ndichakuzorodzai. Muise joko raNgupamusoro penyu, mudzidze kwaNdiri;^kuti muwane zororo(kana kuti kuchengeta Sabata, kwete zuva, asi upenyuhusingaperi, Sabata) pamweya yenyu.” Hazvinei kutiwakaremerwa nguva yakareba sei nomutoro wako wechivi,angava makore gumi, makumi matatu kana makumi mashanuamakore, kana kupfuura, uya noupenyu hwako ihwohwohwakaneta uchawana zororo raKe (Sabata rechokwadi). Jesuachakupa zororo.

Zvino zororo racho chairo richazopiwa naJesu nderei? Isaya28:8-12 inoti, “Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa,hapana pakanaka. Ndianiko waAchadzidzisa zivo? ndianikowaAchadzidzisa kunzwisisa shoko? ivo vakarumurwapamukaka, vakabviswa pazamu here. Nokuti zvinongoti chirevopamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo; murayiropamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro; apa

Page 47: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 37

zvishoma, napapo zvishoma: Zvirokwazvo Achataura norudziurwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi norurimirwokumwe. Akati kwavari, Zororo (Sabata) riri pano zorodzai(kana kuti kuchengeta Sabata raKe) vakaneta; pano ndipo panokutonhorera: asi vakaramba kuterera.” Herino zororo rachorakaporofitwa imo muno chaimo muna Isaya. Zvakazoitikakwapfuura makore 700 paPentekosti apo vakazadzwa vosenoMweya Mutsvene sezvazvakanga zvangotaurwavo chaizvokuti zvichaitika. Iri ndiro Sabata rakavimbiswa. Nokudaropavakazadzwa noMweya Mutsvene vakabva vamisa mabasa avoenyika, zvose zvavaiita munyika, nzira dzavo dzakashata.Mweya Mutsvene wakatanga kutonga upenyu hwavo.Vakapinda muzororo. Hero zororo renyu iro. Ndiro Sabatarenyu iro. Harizi zuva, kana gore, asi ziendanakuendarokuzadzwa nokuropafadzwa noMweya Mutsvene. Apa ndipopamunorega zvose, Mwari oita iye basa. Uyu ndiMwari mamuriachida nokuita kuda kwaKe kunomufadza.

Regai nditaure chimwe chinhu pamusoro pamaSavadhavanoti patinosangana nomusi weSvondo, zuva rokutanga revhikitinenge tichisangana zuva revhiki risiri iro. Hezvinozvakataurwa naJustin muzana rechipiri ramakore. “NomusiweSvondo musangano waavo vose vanogara mumagutanomumamisha unoitwa, uye kunoverengwa chidimbuchezvinyorwa zvoupenyu hwavaapostora nezvimwe zvinyorwazvinoverengwa sokubvumirwa kwezvinenge zvichiitwa nenguva.Kuverenga kwapera, mutungamiriri wehurukuro anopa yambironekurudziro yokuedzesera zviremekedzwa izvi. Shure kwezvizvitose tinosimuka kuti tinyengetere pamwe chete. Panoperamunyengetero, sokutsanangura kwataita, chingwa newainizvinoiswa pamberi pedu, kuvonga kwoitwa ungano yodaviraichiti, “Ameni.” Zvino zvinhu izvi zvinozogoverwa mumwenomumwe zvodyiwa zvozotakurwa namadhikoni kuendeswakumba kwavasipo. Vafumi navamwevo vanobva vopa zvipozvichienderana namadiro avo izvi zvose zvaunganidzwazvinopiwa mutungamiriri anozozvigovera nherera, neshirikadzi,navasungwa, navaeni vanoshayiwa.” Nokudaro tinoona kuti avovanoti kereke yokutanga yakaenderera nokuchengeta tsikadzechiJudha dzokuungana pazuva rokupedzisira revhiki havanazvavo kana karuzivo kezvinoiswa pachena munhoroondo, ndikokusaka vasingakodzeri kuvimbwa navo.

O-o, dai vanhu vakauya kwaAri kuti vagowana zororoiroro. Pano kuchema mumwoyo yose kuchemera zororo iroroasi ruzhinji rwavanhu haruzivi mhinduro. Nokudaro vanoidzakunyaradza kuchema uku nezvitevedzwa zvokunamatazvokuchengeta mamwe mazuva kana kubvuma dzidzisonezvitendwa zvamasangano. Asi kana izvi zvakona, vazhinjivanoidzavo kunwa doro, nezvimwe zvokufadza nyama,zvakapindiridza, vachifunga kuti pangangova nokugutsikana

Page 48: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

38 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kunobva mukufadza nyama kwapanyika. Asi mune zvose izvihamuna zororo. Vanosvuta fodya nokumwa mapiritsi vavariroiri yokunyaradza kuvhunduka-vhunduka nokuunza mufaro.Asi hapana zororo inobva mumishonga yapanyika. Vanhu avachavanoda ndiJesu. Chavanoda ndiwo mushonga unobvakudenga, zororo roMweya.

Uyezve vazhinji vavo vanoinda kuchechi nomusiweSvondo. Izvi zvakanaka hazvo asi kana kusvondo kwachohavana kana karuzivo kokuti unouya kuna Mwari sei uye kutiunoMushumira sei. Jesu akati kushumira kwechokwadi kurimuMweya nomuzvokwadi, Johane 4:24. Asi imhandoiyokushumira yaungawana kukereke inoziva zvishoma zvakadaipamusoro paMwari zvokutoti vanoisa Santa Claus paKisimisiuye tsuro paEaster? Vakazviwanepi izvi? Vakazviwanakuvanhu vasingashumiri Mwari vakazviita chimwe chidimbuchedzidziso yekereke. Asi kana munhu akauya kuna Isheakazadzwa noMweya Mutsvene anobva angoregera zvose izvi.Anowana zororo pamweya wake. Anobva atanga kuraramakwechokwadi, nokuda Mwari nokuMushumira.

Regai tidzokere kuGwaro redu. Tava kuziva Zuva raShezvarisiri. Kana risiri Mugovera kana Svondo, zvino chii?Zvakanaka, ngatitaurei tichidai. Nhasi zvechokwadi hariziZuva raShe. Rino izuva ravanhu. Zvinhu zvakaitwa navanhu,basa ravanhu, kereke yavanhu, mafungire avanhu pamusoropokushumira, zvose ndezvavanhu, nokuti nyika inondeyavanhu (mamirire ayo). ASI ZUVA RASHE RIRI KUUYA.Hongu, riri kuuya. Kungoti chete panguva iyi yaZvakazarurwazvaJesu Kristu, Johane akatorwa akapinzwa muMweyandokuiswa muZuva Guru raShe iroro riri kuuya. Zuva raShendiyo nguva inenge yaguma mazuva avanhu. Umambohwapano pasi hunozova umambo hwaMwari wedu. Zuva raShendipo panodururwa kutongwa, teverei churu chamakore.Nguva ino nyika inoita zvainoda kuita kumuKristu. Inomupamazita akashata emhando nemhando, ichimuseka. Asi zuvaguru rinotyisa riri kuuya apo vachaungudza nokuridza mhere,nokuti Gwayana riri kuuya nokutsamwa kukuru kuzotonganyika. Ndiyo nguva vakarurama vachava nezuva ravo naShe,nokuti vakashata vachanyongodeka nomwoto uye vakaruramavachafamba pamusoro pamadota avakashata vachipindamuchuru chamakore. Maraki 4:3 inoti, “Mucharasira vakaipapasi nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu nezuvaraNdichaita izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”

IZWI RINENGE REHWAMANDA

Zvakazarurwa 1:10 inoti, “^Ndakanzwa shure kwanguinzwi guru, rinenge serehwamanda.” Johane akanga arimuMweya, paakanga ari muMweya kudai, ndopaakaona zuva

Page 49: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 39

raShe Jesu guruguru rinoshamisa pamwe nesimba raKe dzvenerose. Zvaizouya mberi zvakanga zvava kuda kubuda pachenanokuti Mwari akanga ava kuda kumudzidzisa. Zvino Johanehaana kuti yaiva hwamanda. Yakanga yakaita sehwamanda.Kana hwamanda ikaridzwa ine chimwe chinotaridzachimbichimbi pairi. Inenge muzivisi, nhume yashe, iri kuuyakuvanhu. Inoridza hwamanda. Chiziviso chokuti kurumidzai.Vanhu vanoungana kuti vanzwe. (Israeri yaiunganidzwa nguvadzose nokuridzirwa hwamanda.) Panenge pane chinhu chikuruchinenge chava kuda kuitika. “Inzwei.” Inzwi iri rakanga riinechimbichimbi yakangoita sehwamanda. Yainzwikwazvakanaka iine simba, uye ichivhundusa nokumutsa. O-o, daitikanzwa inzwi raMwari sehwamanda zuva rino, nokuti‘iHwamanda yeEvhangeri’ inopa ‘Shoko rokuPorofita’ kutitirizive, nokugadzirira, zviri kuuya panyika.

RAYIRO YOKUTI NYORA

Zvakazarurwa 1:11 inoti, “Richiti, Ndini Arfa naOmega,Wokutanga noWokupedzisira: uye kuti, Izvo zvaunoona,zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe dziri muAsia:paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira,napaSardhisi, napaFiradherfia, napaRaodhikia.” Hezvi.Wokutanga noWokupedzisira, Arfa naOmega: Ndizvo ZVOSEzvacho. Ndiye Mwari wechokwadi mumwe chete. InzwineShoko raMwari. Chokwadi namazvirokwazvo zvava pedyo.Kuva muMweya chinhu chinokosha sei. Zvangu ini, kuvamuhupo hwaMwari nokunzwa kubva kwaAri^ “Izvozvaunoona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe.”Inzwi rakaunza Shoko raKe muMunda weEdheni napaGomoreSinai, rinovavo ndiro inzwi rakanzwika mukuhwinyakwakaisvonakisisa kwapaGomo roKushandurwa, ndirorakanga rava kunzwikwa zvakare, panguva ino rakanga ravakutaura kukereke nomwe nechizaruro chaJesu Kristuchakakwana chokupedzisira.

“Nyora zviratidzo, Johane. Ita zvinyorwa kuitira mazeraanotevera, nokuti zviporofita zvechokwadi ZVINOFANIRAkuitika. Zvinyore ugozvitumira kwose, kuti zvizikanwe.”

Johane akaziva inzwi iri. O-o, uchaziva inzwi iripaAchadaidza kana uri mumwe wavanhu vaKe.

ZVIGADZIKO ZVEMWENJE ZVENDARAMA

Zvakazarurwa 1:12 inoti, “Ndikatendeuka kuti ndioneinzwi rakataura neni. Ndakati ndatendeuka, ndikaonazvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.” Johane haasi

Page 50: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

40 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuti akacheuka kuti aone mwene wenzwi raakanga anzwa, asikuti akacheuka kuti aone inzwi racho. O-o, ndinozvida choseizvi. Akacheuka kuti aone inzwi racho. Inzwi nomwene warochinhu chimwe chete. Jesu iSHOKO. Johane 1:1-3 inoti,“Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari. Ireri pakutanga rakangariri kuna Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naYe; kunze kwaKehakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.” Kanamukagona kusvika pakunyatsoona Shoko kwechokwadimunenge mava kuona Jesu.

Johane paakacheuka akaona zvigadziko zvemwenjezvinomwe zvendarama. Zvazvaiva chaizvo zvigadzikozvamarambi. Kana tichitevedza zviri mundima 20, ndidzo kerekenomwe: “zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzokereke nomwe.” Hazvaimboita kuti ave makandyera akamiriramakereke. Kandyera rinongopfuta kwechinguvana roperarichidzima. Rinofa. Hapana nechinosara pariri. Asi zvigadzikozvemwenje zvinogara zviripo kusiyana namakandyera.

Kana muchida kuwana mufananidzo wakanaka womwenje,verengai pamusoro pawo muna Zakaria 4:1-6 inoti, “Zvinomutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve,akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake. Akatikwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndinoonachigadziko chomwenje chendarama, chine dende rachopamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoropacho, mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho, unempombi nomwe. Uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho,mumwe kurutivi rworudyi rwechigadziko, nomumwe kurutivirworuboshwe. Ndikapindura ndikataura nomutumwa akangaachitaura neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, Ishe wangu? Ipapomutumwa akanga achitaura neni akapindura achiti kwandiri,Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, Ishe wangu.Ipapo akapindura akataura neni, achiti, Ndiro ShokoraJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, Hazviitwi nehondo, kananesimba, asi noMweya, waNgu ndizvo zvinotaura JehovhaweHondo.” Hoyu mumwe mwenje wendarama yakakwana. Urikupfuta nechiedza chakakwana nokuti una mafuta akakwanaaunowana kumiti miviri yomuorivhi, yakamira yakati uyu diviuyu divi. Miti miviri inomirira Testamente YekareneTestemente Itsva, uyevo sezvamunoziva mafuta mufananidzowoMweya Mutsvene, Unova ndiwo chete unogona kupa chiedzachaMwari kuvanhu. Mutumwa akataura kuna Zakaria akangaachitaura manzwi angangonzi akafanana naawa anoti: “izvizvauri kuona zvinoreva kuti kereke haigoni kumisa kanachinhu zvacho nesimba rayo, asi noMweya Mutsvene.”

Zvino ongororai chigadziko chomwenje ichi. Muchaonakuti chine dende guru, kana kuti gaba, rakagara pakatipamaoko manomwe anobva mariri. Dende iri rakazadzwa

Page 51: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 41

namafuta omuorivhi anofamba nomutambo nomwedzakapfekerwa mumaoko manomwe. Mafuta mamwe chetewoanopfuta achipa chiedza panoperera pombi nomwe. Chiedzaichi chakanga chisingadzimi. Vaprista vaingoramba vachidiramafuta mudende racho.

Mwenje wacho waitungidzwa nomutovo wakanga usinakufanana nemimwe. Pakutanga, muprista aitora mwoto kubvakuartari yakashanangurwa yakanga yatungidzwa pakutanganomwoto waMwari. Aitanga, atungidza, mwenje wakangawakagara nechapamusoro chaipo pedende racho. Aizobvaozotungidza mwenje wechipiri achishandisa murazvuwomwenje wokutanga. Mwenje wechitatu waiwana mwotowawo kubva kuno wechipiri, wechina waiwanavo wawo kunowetatu, zvichingodero, kusvikira mwenje yose iri minomweyava kupfuta. Mwoto mutsvene uyu waibva kuartari, uyewaitambidzanwa kubva pamwenje kuinda pano mumwemwenje, mufananidzo unoshamisa woMweya MutsvenemuMazera manomwe aMakereke. Kudururwa kwokutangakwePentekosti (uko kwakabva kuna Jesu pachake paChigarocheNgoni) kunoramba kuchipiwa Kereke yaKe mumazeraose ari manomwe, zvichiratidza zvakakwana kuti JesuKristu mumwe chete zuro, nanhasi, uye nokusingaperi-peri,Mwari asingafi asingashanduki muunhu hwaKe huzerenomumaitiro aKe.

Muna Johane 15, Jesu akati, “Ndini Muzambiringa, imimuri matavi.” Ndiye Muzambiringa mukuru, uyo unobvamumudzi wokutanga wakabva mumhodzi yokutanga inoupenyu mairi. Zvino muzambiringa wacho hauchaberekizvibereko; matavi ndiwo anobereka zvibereko. Zvino chionaiizvi: Munogona kutora muti wakaita somuranjisi, mopfekeradavi romugirepi, kana davi romuraimani, kana daviromutangero, kana dzimwe mhando dzeboka iroro, ose mativiawa anokura. Asi matavi awa akapfekerwa haaberekimaranjisi. Kwete changamire. Davi romuraimani rinoberekamaraimani, uye romugirepi rinobereka magirepizvichingodero. Asi matavi ose iwawo anenge achiraramiswanokukudzwa noupenyu hwomuti mumwe chete iwoyo. Asikana muti wacho ukangobukiravo rimwe davi rawo pachaworinova davi romuranjisi rinobereka maranjisi. Nemhaka yei?Nokuti upenyu huri mudavi noupenyu huru muhundehwakafanana kunyatsoti kwesere izvo zvataona kuti handizvopanamamwe matavi akapfekerwa. Matavi akapfekerwa awaana mavambo awo mune dzimwevo mhando dzoupenyudzeimwe miti, dzeimwe midzi, dzedzimwe mhodzi. O-o,anobereka zvibereko hawo, asi haazombobereki maranjisi.Haakwanisi nokuti akanga asiri pamuti pakutangisa.

Ndozvakaitavo kereke. Muzambiringa wakatsemurwamatavi akapfekerwa. Vakapfekera matavi echiBhaptist,

Page 52: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

42 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

namatavi echiMethodist, namatavi echiPresbyterian, namataviechiPentekosti. Uye matavi awa ari kubereka micheroyechiBhaptist, neyechiMethodist, neyechiPentekosti,neyechiPresbyterian. (Anobereka michero inobva mumhodzidzamasangano.) Asivo kana muzambiringa uyuukazongobukiravo rimwe davi rinobva pauri chaipo, davi irororinobva rangoita somuzambiringa wacho zvakazara. Rinengeriri davi rakaberekwa paPentekosti. Richataura nendimi,nokuporofita, uye richava nesimba nezviratidzo zvaJesu Kristuakamuka kuvakafa. Nemhaka yei? Nokuti riri kukudzwanezvinhu zvoupenyu hwomuzambiringa pachawo. Maona,harina kupfekerwa mumuzambiringa; asi kuti rakaBEREKWAmumuzambiringa. Mamwe matavi awa paakapfekerwa,chaakagona kuita chete ndechokubereka zvibereko zvawopachawo nokuti haana kunge aberekwa nomuzambiringaiwoyo. Haazivi nezvoupenyu hwapamavambo nomucherowapamavambo. Haazivi nokuti haana kuberekwa nawo. Asidai vakanga vaberekwa nawo, upenyu humwe chete hwaivamuhunde yokutanga (Jesu) hungadai hwakava bukiranokuzviratidza mavari. Johane 14:12 inoti, “Zvirokwazvo,zvirokwazvo, Ndinoti kwamuri, Unotenda maNdiri, mabasaaNdinoita iye uchaaitavo; uchaita makuru kuna iwawa; nokutiNdinoenda kuna Baba vaNgu.”

Masangano anotungamirirwa navanhu haangaviakaberekwa naMwari; nokuti Mweya, KWETE MUNHU,ndiwo unopa upenyu.

Zvinofadza sei kufunga pamusoro pemwenje iyoyominomwe ichitora upenyu nechiedza kubva kumavamboedende guru iroro nokuti tambo dzayo dzakanga dzakanyikwaimomo. Nhume imwe neimwe yezera rekereke inofananidzwaipapa. Upenyu hwake hwuri kupfuta noMweya Mutsvene.Tambo yake (upenyu) yakanyudzwa muna Kristu. Netamboiyoyo anotora upenyu chaihwo hwaKristu, uye inopa chiedzakukereke. Ari kupa chiedza chemhandoi? Chiedza chimwechete chaicho chaiva mumwenje wakatanga kutungidzwa. Uyerwendo rwose kubva kareko zvichidzika namazera kusvikanguva ino yenhume yezuva rokupedzisira upenyu humwe cheteihwohwo nechiedza chimwe chete ichocho zvinoratidzwanoupenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.

Hazvizi chete zvokuti tinongogona kutaura tichidaropamusoro penhume, asivo mutendi wechokwadianofananidzwavo ipapa. Vose vanotora panzvimbo imwe chete.Vose vakanyikwa mudende rimwe chete. Vakafa kune zvavariuye upenyu hwavo hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.Vakasimbiswa mukati noMweya Mutsvene. VaEfeso 4:30 inoti,“Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwachisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.” Hapanamunhu anogona kuvadzura kubva muruoko rwaKe. Upenyu

Page 53: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 43

hwavo hausi hwokutombobata-bata uchihukanganisa. Upenyuhwatinoona huri kupfuta nokujeka, huchipa chiedzanokuratidzwa kwoMweya Mutsvene. Upenyu hwomukati,husingaonekwi hwakavigwa muna Mwari huchipiwa kudyaneShoko raShe. Satani haatombokwanisi zvake kuvabata. Kanarufu chairwo harugoni kuvabata, nokuti rufu rwakarashikirwanorumborera rwarwo; guva rakarashikirwa nokukunda kwaro.Mwari ngaatendwe, nokuti vanowana kukunda uku muna IsheJesu Kristu uye pamusana pake. Ameni naameni.

HAACHISIRI MUPRISTA

Zvakazarurwa 1:13 inoti, “Napakati pezvigadzikozvemwenje Mumwe akafanana noMwanakomana woMunhu,akafuka nguvo yakasvika kutsoka, akazvisunga napachifuvanebhanhire rendarama.”

Hoyo Akamira apo uyo, Mumwe akafanananoMwanakomana woMunhu. Sezvinongoitavo domborinokosha nokuiswa ringi, saizvozvovo Anohwinyiswa aripakati pamakereke. Ndiro Zuva raShe; nokuti JohaneanoMuona akamira, kwete somuprista, asi soMutongi ari kuuya.Bhanhire rendarama harichina kusungwa muchiunomarinofanirwa kusungwa nomuprista paanenge achishandiraMwari muNzvimbo Tsvene-tsvene, asi zvino bhanhire irirasungwa pamafudzi aKe, nokuti zvino haAchisiri muprista asiMUTONGI. Pano zvakataurwa muna Johane 5:22 zvaitikazvokuti, “Nokuti Baba havatongi munhu, asi vakapaMwanakomana kutonga kwose.” Basa rake rakaitwa. Upristahwapfuura. Mazuva avaprofita apera. Amira zvino akashongasoMUTONGI.

KUHWINYA KWAKE KWAKAPETWA KANOMWE

Zvakazarurwa 1:14-16 inoti, “Musoro waKe nevhudzi raKezvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; mesoaKe akaita somurazvo womwoto. Tsoka dzaKe dzakangadzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira;inzwi raKe rakanga rakaita senzwi remvura zhinji. MuruokorwaKe rworudyi Akanga akabata nyeredzi nomwe: mumuromomaKe makabuda munondo unopinza unocheka kwose: chisochaKe chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.”

Kuonekwa kwaJesu naJohane kwainyongodesa mwoyonokupa shungu nesimba zvakadini, apo Johane akanga arikwaakatandirwa pamusana peShoko, saka zvino chionai,SHOKO Benyu pacharo ramira zvino pamberi pake. Chiratidzochinojekesa zvakadini, nokuti kanhu kadikidiki zvakokanoshandiswa mutsananguro kane zvakanoreva. Chizarurochinokosha zvakadini choUnhu hwaKe huno kuhwinya.

Page 54: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

44 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

1. Vhudzi Rake Jena seChando

Johane anotanga kuona nokutaura pamusoro pokuchenakwevhudzi raKe. Rakanga rakachena, kunge chando. Izvizvakanga zvisiri pamusana pokukwegura kwaKe. O-o, kwete.Asi pamusana pezvaakaona nokuita muupenyu, nokuibva,nenjere. Uyo Anova Ziendanakuenda haakweguri. Nguva chiikuna Mwari? Nguva haina zvakawanda zvainoreva kunaMwari, asi njere chinhu chinokosha. Zvinenge sapayaSoromoni paakakumbira Mwari njere kuti atonge vanhuvaIsraeri. Zvino Ava kuuya, Mutongi wapasi pose. Akangaakapfeka korona yenjere. Ndizvo zvinoreva vhudzi jenarinovaima. Onai izvi muna Dhanieri 7:9-14 inoti,“Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvovushezvagadzwapo, mumwe Akakwegura paMazuva ake akagarapo,nguvo yaKe yakanga yakachena sechando, vuye vhudziromusoro waKe rakanga rakaita samakushe akanatswa:chigaro chaKe chovushe yakanga iri mirazvu yomwoto,makumbo aCho uri mwoto unopfuta. Rwizi rwomwotorwakanga ruchibuda ruchibva pamberi paKe: zvuru nezvuruzvakanga zvichiMubatira, vuye pamberi paKe pakangapamire zvuru zvine gumi zvezvuru zvine gumi: Kutongakukatanga, bhuku dzikazarurwa. Ndikaramba ndakatariranenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akangaachitaurwa norunyanga: ndikaramba ndakatarira kusvikiramhuka yavurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswakumwoto kuti upiswe. Kana dziri dzimwe mhuka,dzakatorerwa vushe hwadzo: asi vupenyu hwadzohwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva. Ndikavona panezvandakaratidzwa vusiku, vuye, ndikavona, Mumwewakafanana noMwanakomana woMunhu achivuya namakoreokudenga, akasvika kuno Wakakwegura Pamazuva ake,vakaMuswededza pamberi paKe. Akapiwa simba,nokuhwinya, novushe, kuti vanhu vose, namarudzi ose,namarimi ose, vaMushumire: simba raKe rovushe isimbarisingaperi, risingazopfuvuri, vuye vushe hwaKehavungazoparadzwi.” Hezvo. Dhanieri akaMuona ane vhudzirimwe chete jena. Akanga ari Mutongi achivhura mabhukunokutonga kubva mumabhuku iwawo. Dhanieri akaMuonaachiuya namakore. Izvi ndizvo zvimwe chete chaizvozvakaonekwa naJohane. Vose vakaMuona achingova zvimwechetezvo. Vakaona Mutongi akapfeka bhanhire raKerokutonga pamafudzi aKe, akamira akakwana uye arimutsvene, azere nenjere, akakodzera zvizere kutonga nyikamukururama. Hareruya.

Kunyangwe nyika inonzwisisavo fananidzo iyi, nokutikarekare mutongi aiuya kuzoita dare, akapfeka wigi chenanenguvo refu inomirira simba rake rakakwana (kubvakumusoro kusvikira kutsoka) achipa kutonga kwakarurama.

Page 55: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 45

2. Meso Ake soMwotoPafungei. Meso ake akambenge akazadzwa nemisodzi

yokusuwa nokunzwira tsitsi. Meso awa akambochemanokurwadzikana pamwoyo parinda raRazaro. Meso awa asinakuona uipi hwemhondi dzakaMurovera pamuchinjikwa asimukusuwa Akachema, “Baba varegererei.” Zvino meso awayava mirazvo yomwoto, meso oMutongi Achatsiva avovakaMuramba.

Pamanzwiro anoita vanhu chaAkanyanyoratidza zvikurupaAkauya soMwanakomana woMunhu ndeichi, chokutiAiwanzochema. Asi seri kwokuchema nokusuwa ukukwakanga kuna Mwari.

Meso mamwe chete iwawo akaona zviratidzo. Aionapakadzama pemwoyo yavanhu nokuona fungwa dzavo chaidzonokuziva nzira dzavo dzakasiyana-siyana. Chaipenyachichibuda nomumaziso enyama waiva Mwari, uyo Akachemakuna vaya vakanga vasingaMuzivi kuti ndiAni, “^KanamusingaNditendi kuti Ndini Iye, muchafira muzvivi zvenyu.”Johane 8:24. “Kana Ndisingaiti mabasa aBaba vaNgu, regaikuNditenda. Asi kana Ndichiita (mabasa aBaba vaNgu),kunyangwe musinganditendi Ini, tendai mabasa^” Johane10:37, na38. SaJeremia wakare, Aiva muprofita anochema,nokuti vanhu havana kugamuchira Shoko raMwari uyevakaisa chizaruro parutivi.

Meso awo omwoto oMutongi zvino ava kunyora upenyuhwose hwenyama. Achimhanya-mhanya pasi pose, hapanachaAsingazivi. Anoziva zvinodikwa nomwoyo uyezvinovavarirwa kuitwa nomumwe nomumwe. Hapanachakavanzika chisingazoiswi pachena, nokuti zvinhu zvosezviri pachena pamberi paKe Uyo watinosungirwa kuita zvosenaye. Pafungei, Anoziva kunyangwe zvamuri kufunga izvozvi.

Hongu, hoyo Amira soMutongi nameso anopfuta kutiatonge. Nguva yenyasha yapfuura. O-o, dai vanhu vatendeukavakatsvaka chiso chaKe mukururama nguva ichiripo. Kutivagoita chifuva chaKe mutsago wavo nyika isatiyanyongodeka mumwoto.3. Tsoka Dzendarira

“Tsoka dzaKe dzakanga dzakafanana nendarira inopenya,inenge yakatsva muvira.” Ndarira inozikanwa nokuomararakwayo kukuru. Hapana chati chazikanwa chaunogonakusanganisa nayo kuipfavisa. Ndarira iyi inotsanangura tsokadzaKe inokatyamadza pakuti yakabuda pakubikwa muviraromwoto mukuru, kubikwa kusina imwe yakamboti yakuitwa.Izvi ndizvo chaizvo. Nokuti ndarira inomiririra KutongaKutsvene: kutonga kwakatemwa nokumiswa naMwarikukaitwa. Johane 3:14-19 inoti, “Mosesi sezvaakasimudzanyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu unofanira

Page 56: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

46 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kusimudzwavo: Kuti ani nani unotenda kwaAri arege kufa, asiave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari wakada nyikanokudaro kuti Wakapa Mwanakomana waKe wakaberekwamumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaAri arege kufa, asiave novupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumiraMwanakomana waKe panyika kuti atonge nyika; asi kutinyika iponeswe naYe. Unotenda kwaAri haatongwi: asiusingatendi kwaari watotongwa, nokuti haana kutenda kuZitaroMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga.Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asivanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avoakanga akaipa.” Numeri 21:8,9, “Ipapo Jehovha akati kunaMosesi, Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda: zvino,mumwe nomumwe akarumwa, kana akaitarira, uchararama.Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda, zvinomumwe nomumwe, akati kana arumwa, akatarira nyoka iyoyendarira, wakararama.” VaIsraeri vakanga vatadza. Chivichaifanirwa kutongwa. Saka Mwari akarayira Mosesi kuti aisenyoka yendarira padanda, kuti ani nani aitarira aiponeswapachirango chechivi chake.

Nyoka yendarira yaiva padanda yaimiririra chivichakatanga muMunda weEdheni, umo nyoka yakanyengeraEvha, ikamuita kuti atadze. Ndarira inoreva kutongwa,sezvinoonekwa paartari yendarira apo kurangwa kwechivikwaisanganikwa nako pachibayiro paartari. Mwaripaakatonga Israeri nokuda kwezvivi zvavo pamazuva aEria,Akamisa mvura kunaya zvino matenga aipisa aiita sendarira.Zvino mumuenzaniso uyu tinoona kuti nyoka iri padandainomiririra chivi chatotongwa, nokuti yakagadzirwanendarira, kutaridza kuti kutonga Kutsvene kwakatowirapamusoro payo. Nokudaro ani nani aitarira nyoka yaivapadanda iyi, achigamuchira zvayaimirira, aibva apodzwa,nokuti iri rakanga riri basa kana kuponesa kwaShe.

Nyoka yaiva padanda mufananidzo wezvakauya kuzoitwanaJesu panyika. Akaitwa nyama kuitira kuti Agotakurakutonga kwaMwari pachivi. Hwaro hweartari yechibayiroyakanga iri ndarira yakasimba, zvichimiririra Gwayanarakaurayiwa kubva pamavambo enyika. Akanga Atotongwaiko kusati kwatombova navatadzi. Ruponeso ndorwa Ishechete, Akafamba ari ega pachisviniro chewaini chinotyisachokutsamwa kukuru kwaMwari. Zvipfeko zvaKe zvakaitwazvitsvuku neropa raKe pachake. Vira romwoto mukuruwokutonga kwakarurama nokutsamwa kukuru kwaMwarindiwo waiva mugove waKe. Iye wakarurama, akatamburakuitira vasakarurama. “Makakodzera imi, O-o GwayanaraMwari, nokuti Makatidzikinura neropa reNyu pachenyu.”Wakakuvadzwa pamusana pokudarika kwedu, Wakarwadziwapamusana pokusarurama kwedu, kurobwa kwakativigira

Page 57: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 47

rugare kwakanga kuri pamusoro paKe, uye namavanga aKetakapodzwa. Ishe akaisa pamusoro paKe kusarurama kwedutose. Akatambura zvisati zvamboitwa nomunhu. Kunyangweasati asvika pamuchinjikwa Akadonha ziya rinenge ropakubva mumuviri waKe nokuda kokurwadziwa kukurukwakanga kwakamumirira ropa rakaregedzana mutsingadzaKe. Ruka 22:44, “Zvino ari pakutambudzika kukuruAkanyanya kunyengetera ziya raKe rikaita samadonhwe eroparaidonhera pasi.”

Asi rimwe zuva tsoka dzendarira idzodzo dzichamirapanyika. Ipapo Achazova Mutongi wapasi pose, uye Achatongavanhu zvakavaenzanira uye zvakakwana. Hapana anonzvengakutonga uku. Hapana achagona kudzivisa kutonga uku. Hapanaachagona kukupomhodza. Uyo asakarurama acharamba asinakururama; nouyovo ane tsvina achazongoramba ane tsvina. UyoAsingashanduki haazomboshanduki ipapo, nokuti haAnakumboshanduka uye haafi akashanduka. Tsoka dzendariraidzodzo dzichapwanya muvengi. Dzichapedza antikristu,nechikara nomufananidzo wacho nezvose zvakaipa pamesoaKe. Achaparadza urongwa hwamakereke uhwo hwakatoraZita raKe kuti hugosvibisa kunaka kwaro uye achazvipwanyazvose pamwe naantikristu. Vose vakashata, navanoti hakunaMwari, navanoti hazvigoneki kuziva Mwari, navanotevedzachizvinozvino, navane fungwa dzakasununguka, vose vachangevaripo. Rufu, negehena, neguva zvinenge zviripo. Honguzvinenge zviripo. Nokuti paAnouya, mabhuku achavhurwa.Ndipovo apa pachazenge pachionekwa chechi inodziyanemhandara benzi vashanu vaya. Achapatsanura makwaikubva mumbudzi. PaAnouya Achatora umambo, nokutindohwaKe, uye pamwe naYe panenge paine zvuru negumirakapetwa rezvuru, Mwenga waKe, unouya kuzoMushumira.Girori! O-o, ndiiko zvino kana kuti hazvizoiti. Tendeukai nguvaisati yapera. Mukai kubva kuvakafa mutsvake Mwari kutimuzadzwe noMweya waKe kana kuti mucharashikirwanoupenyu husingaperi. Zviitei iko zvino nguva ichiripo.4. Inzwi RaKe Rakanga rakaita Senzwi reMvura Zhinji

Zvino mvura inomirira chii? Zvinzwei muna Zvakazarurwa17:15 inoti, “^mvura yawaona,^ndivo vanhu, navazhinji,namarudzi, nendimi.” Inzwi raKe rakanga rakaita senzwiravanhu vazhinji vanotaura. Chii ichi? Ndiko kutongwa. Nokutiawa ndiwo manzwi ezvapupu zvizhinjizhinji, avo kubudikidzanoMweya Mutsvene vakapupura Kristu nokuparidza EvhangeriyaKe muzvizvarwa zvose. Richange riri inzwi romunhu wogawoga rinenge richipupura pakutongwa kwomutadzi akarambakuyambirwa. Manzwi enhume nomwe achanyatsonzikwakupfuura mamwe. Avo vaparidzi vakatendeka vakaparidzasimba raJesu rokuponesa, vakaparidza bhapatidzo yemvuramuZita raJesu, vakaparidza kuzadzwa nesimba roMweya

Page 58: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

48 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Mutsvene, vakamira neShoko kudarika kumira kwavakaitanoupenyu hwavo; vose ava vakanga vari inzwi raJesu Kristuachishanda noMweya Mutsvene kutevedza mazera ose. Johane17:20, “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vachatendavokwaNdiri neshoko ravo.”

Makambofungavo here kuti zvinotyisa zvakadii kumunhuari kuerera akananga kumangondo pasisina zvaanogona kuita?Chimbofungai kutinhira ikoko paanenge achiswederapakuparara kwake kusingachagoni kunzvengeka. Saizvozvochaizvo ndiwo mauire ari kuita zuva rokutongwa apokutinhira kwamanzwi avanhu vazhinjizhinji kuchakutongeramhosva yokurega kuteerera nguva isati yapera. Teererai iyonguva ino. Nokuti panguva ino chaiyo fungwa dzenyu dzirikunyorwa kudenga. Ikoko fungwa dzenyu dzinotaura kudarikamashoko enyu. SomuFarise aikambira zvakawanda nomuromowake, asi asingateereri Ishe, mwoyo wake wakaminamanokuipa kusvika nguva yapera, kana nguva ino chaiyo ukukungangova kudanwa kwako kwokupedzisira kuti unzweShoko nokurigamuchira kuti uwane upenyu husingaperi.Unenge watononoka paunosvika pakutinhira kwamanzwimazhinji okutonga nokuparadza.

Asi mamboti maona here kuti ruzha rwemvura runotapiranokuzorodza zvakadii? Ndinofarira kuredza, uye ndinofarirakutsvaka panzvimbo panoerera mvura namasaisaizvinyoronyoro nekaruzha kanenge zevezeve. Ndinogonakungovata zvangu ndonzwa ichitaura runyararo nomufaronokugutsikana kumwoyo wangu. Ndinofara kwazvo kuvamunzvimbo yezororo umo inzwi raShe rinotaura runyararo,seShoko remvura yokupatsanura. Tinofanira kutenda sei kutitinonzwa inzwi raKe rorudo nehanya nokutungamiriranokudzivirira. Rimwe zuva tichanzwa inzwi rimwe chete irororinotapira richitaura, kwete mukutonga, asi kutirichitichingamidza isu vakasukwa zvivi zvavo neropa raKe,vano upenyu hwakazadzwa noMweya, uye vaifamba muShoko.Chii chimwe chingakosha kudarika kunzwa manzwi mazhinjizhinji okuchingamidza uye kuunganirwa navazhinjizhinji avovakatenda kuupenyu husingaperi? O-o, hakunazve chimwechakaita saizvozvo. Ndinonyengetera kuti dai mukanzwa inzwiraKe mukasaomesa mwoyo yenyu, asi muMugamuchiresaMambo wenyu.

O-o, dai mukangozviona. Imvura yakaparadza nyika, asindiyo mvura imwe chete iyoyo yakaponesa Noa nokuponesanyika yose kuitira Noa. Teererai inzwi raKe, inzwi ravarandavaKe, parinodaidza kuti mutendeuke muuye kuupenyu.5. Murudyi RwaKe Maiva Nenyeredzi Nomwe

“Muruoko rwaKe rworudyi akanga Akabata nyeredzinomwe.” Zvinovo tava kuziva kubva mundima yamakumi

Page 59: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 49

maviri kuti nyeredzi nomwe idzi dzaiva chii. “Zvakavanzikazvenyeredzi nomwe ndivo vatumwa (nhume) vekerekenomwe.” Zvino hatingamboiti mhosho nenzira ipi zvayo,nokuti Anotidudzirira. Nyeredzi nomwe idzi ndidzo nhumenomwe dzamazera amakereke manomwe anotevedzana.Havana kutaurwa namazita. Vanongonzi vanomwe, zera rimwenerimwe nowaro. Kubva paZera reEfeso zvichidzika kusvikapaZera reRaodhikia nhume imwe neimwe yakaunza mharidzoyechokwadi kuvanhu, isingambokundikani kuchengeta ShokoraMwari rezera rekereke iyoyo. Mumwe nomumwe akarambaakabata pariri. Vakanga vakatsiga pakutevera chiedzachapamavambo. Chizvarwa chimwe nechimwe pachaiendakure naMwari, nhume yaKe yakatendeka yaidzorerazvechizvarwa ichi kuShoko. Simba ravo raibva kunaShe nokutipasina izvi havaizombofa vakamisa mafungu. Vakangavakachengeteka mukuchengetwa naYe, nokuti hapanachaizovabvisa muruoko rwaKe, uye hapana chaizogonakuvaparadzanisa norudo rwaMwari, kunyange kurwara, kananjodzi, kana kushaiwa, kana zhara, kana munondo, kanaupenyu kana rufu. Vakanga vakazvipira kwaAri pachokwadivachichengetwa namasimba aKe. Vakanga vasina kana hanyanokutambudzwa kwose kwaivawira. Kurwadziwa kanakusekwa zvaitova zvinhu zvaivaita kuti vape kuhwinya kunaMwari kuti vakanga vasarudzwa kuva vakakodzera kutivatambudzwe nokuda kwaKe. Uye mukutenda kwavokuvaponesa kwaKe vakapfuta nechiedza choupenyu hwaKevachiratidza rudo rwaKe, nomwoyo murefu, nokuzvininipisa,nokuzvidzora, nounyoro, nokutendeka. Uye Mwariakavatsigira nezvishamiso, nezviratidzo, namashura.Vainenerwa kuti vanopengereka, nokuumburuka-umburukamuutsvene zvenhema. Vakarambwa namasangano nokusekwa,asi vakaramba vari muchokwadi cheShoko.

Zvino hazvina kuoma kutendeka kuzvitendwazvamasangano. Inyore, nokuti Satani anotsigira izvozvo. Asindeimwevo nyaya kutendeka kuchokwadi cheShoko raMwarinokudzokera kune zvakaitwa neShoko pamavambo mushuremePentekosti.

Hakuzi kare apo mumwe murume akati kwandiri kerekeyeRoma Katorike inofanira kunge iri iyo kereke yechokwadinokuti yakatevedza zvainotenda kwamakore ose, asi ikarambaichingokura isingamboshanduki. Izvi handizvo napadiki pose.Kereke ipi zvayo inotsigirwa nehurumende, uye ine zvitendwazvayo zvisiri Shoko napadiki zvapo, uye isina shumiroinoratidza simba rinoita kuti satani adenhwe, zvechokwadivoinogona kuenderera mberi. Handicho chipimo. Asivo kanamukafunga kapoka kaya kadikidiki kane nhengo dzakodzakachekwa namasaha, nokuitwa chikafu cheshumba,nokutambudzwa nokutinhwa pose pose asi vakaramba vari

Page 60: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

50 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muchokwadi cheShoko_ zvechokwadi izvi ndizvo zvinofanirakunge zvina Mwari. Kuti vakapona sei muhondo yavoyokutenda vakaramba vachienderera mberi: IRI ndiro shura.

Uye kunyaradzwa uku hakuzi kwenhume dzamazeramanomwe amakereke chete. Mutendi wechokwadi woga wogaari muruoko rwaMwari anogona kutora kubva murudo rwaKenesimba rake, nokuwana mubayiro uzere wazvose Mwarizvaari kumutendi. Kuti chii chinopiwa kunhume naMwari, uyekuti Anoropafadza nokushandisa sei nhume iyoyo, chiratidzokuvatendi vose vanotenda kunaka kwaKe nokuitira kwakehanya nhengo dzomuviri waKe DZOSE. Ameni.

Munondo Unocheka Kwose“Mumuromo maKe makabuda munondo unopinza kwose.”

Muna vaHebheru 4:12 munonzi, “Nokuti Shoko raMwari ibenyu,rine simba rinopinza kukunda munondo unocheka kumativimaviri, rinobaya kusvika panoparadzana mwoyo nomweya,namafundo nomwongo, rinotonga mifungo nendangarirodzomwoyo.” Mumuromo maKe makabuda munondo unopinzaunocheka kwose zvichireva SHOKO RAMWARI. Zvakazarurwa19:11-16 inoti, “Zvino ndakavona kudenga kwakazarurwa,ndikavona bhiza jena; naIye wakanga agere pamusoro parowakanzi Wakatendeka noWazvokwadi, Anotonga nokurwazvakarurama. Meso aKe akanga akaita somurazvu womwoto,pamusoro waKe pakanga pane korona zhinji; Wakanga aine zitarakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naIye Bedzi.Wakanga Akapfeka nguvo yakanyikwa muropa: Zita raKerinonzi Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakaMuteveradzakatasva mabhiza machena, dzakafuka mucheka wakanakamuchena, usine tsvina. Mumurumo maKe makabuda munondounopinza, kuti Arove marudzi nawo: Uchavafudza netsvimboyedare: Unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwariwaMasimba ose. Panguvo yaKe napachidzva chaKe pakangapakanyorwa zita rinoti, MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHEWAMADZISHE.”

Johane 1:48 inoti, “Nhatanaeri akati kwaAri,Mandizivirepiko? Jesu akapindura akati kwaari, Firipo asatiakudana, uri munyasi momuonde, Ndakakuona.” Hezvo.PaAnouya, Shoko iri richanangana nendudzi dzose dzavanhuvose. Hapana achagona kumisidzana naro nokuripikisa.Richabudisa zvaiva muhana yoga yoga sezvaAkaitaNhatanaeri. Shoko raMwari richaratidza kuti ndiani akaitakuda kwaMwari uye kuti ndiani asina. Richaita kuti mabasaomuchivande omunhu woga woga azikanwe uye kutiwaimaitirei. Richatsemura-tsemura. Ndizvo zvarinotauramuna VaRoma 2:3 richiti, “Funga pamusoro pezvizvi, Iwemunhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iweuchizviitavo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?”Rinobva raendirira mberi richitaura kuti Achatonga vanhu sei.

Page 61: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 51

Hezvino zviri mundima 5 kusvika 17. Mwoyo yakaoma isinarukudzo ichatongwa. Mabasa achatongwa. Vavarirodzichatongwa. Hapachazovi nepembedzo pamberi paMwari;asi kuti vanhu vose vachatongwa neShoko iroro, pasinaanombopukunyuka. Avo vakanzwa vakasateereravachatongwa nezvavakanzwa. Avo vakazorora mariri vachitivairitenda, asi vasingarirarami, vachatongwa. Chakavanzikachose chichabuda pachena chikadanidzirwa kubva pazviruvi.O-o, ipapo tichazonyatsonzwisisa nhoroondo zvizere.Hapachina chakavanzika chinosara kubva mumazera ose.

Asi munozviziva here kuti Ari kutoisa pachenazvakavanzika zvemwoyo yavarume navakadzi muchizvarwachino chatiri kurarama machiri? Ndiani mumwe angagonakuisa pachena zvakavanzika zvomwoyo kunze kwaIye, Shoko?VaHebheru 4:12 inoti, “Nokuti Shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativimaviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya,namafundo nomwongo, rinotonga mifungo nendangarirodzomwoyo.” IShoko. Riri kuita basa raRakatumirwa, Iro(Shoko) rizere nesimba. Ndiwo Mweya mumwe chete wakangauri muna Jesu (Shoko) uyo uripo zvakare mukereke muzerarino rokupedzisira sechiratidzo chokupedzisira chokuyambiravanhu kutongwa, nokuti avo vanoMuramba (iye Shoko) vatovapakutongwa, vachiMurovera patsva pamuchinjikwa.VaHebheru 6:6 inoti, “Kana vakazotsauka, hazvibvirikuvavandudzazve kuti vatendeuke; nokuti vanozvirovererazveMwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachiMunyadzisapachena.”

Pauro anoti Shoko rakanga riri simba uyevo riri inzwi.Shoko rakaparidzwa rakanyatsozvitaridza pachena.Somunondo unopfuta, nokucheka rakaenda muhana dzavanhu,uye sezvinoita banga rachiremba rakacheka zvirwerenokusunungura vakatapwa. Kwose kwakaenda vatendivokutanga ava, “vakaparidza Evhangeri (Shoko) uye MwariAkasimbisa Shoko iri nezviratidzo zvakatevera.” Vanorwaravakapodzwa, mweya yakaipa yakabudiswa, uye vakatauranendimi. Iri rakanga riri Shoko raishanda basa. Shoko iroroharina kumbokundikana mumuromo mavaKristu vaitenda.Zvino muzera rino rokupedzisira shoko iri riri panomumwenga weShoko wechokwadi rino ukuru nokusimbakunopfuura kwakare kwose. O-o, imi makwai madiki, imivanhu vashomashoma, rambai makabata paShoko, zadzaimiromo yenyu nemwoyo yenyu naro, nokuti rimwe zuva Mwariachakupai humambo.7. Chiso ChaKe Sezuva

“Chiso chaKe chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.”Mateo 17:1-13 inoti, “Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesuakatora Petro, naJakobho, naJohane munun’una wake, akaenda

Page 62: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

52 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

navo mugomo refu vari voga. Akashanduka pamberi pavo: chisochaKe chakapenya sezuva, nguvo dzaKe dzikachena sechiedza.Pakarepo, tarirai, Mosesi naEria vakavonekwa navovachitaurirana naYe. Zvino Petro akapindura, akati kuna Jesu,Ishe, zvakanaka zvatiri pano: kana Muchida, ndichavakamatumba matatu pano; rimwe reNyu, rimwe raMosesi rimweraEria. Wakati achataura navo, tarira, gore rinohwinyarikavafukidza: inzwi rikabva mugore, richiti, UyuMwanakomana waNgu, Unodikanwa Wandinofarira;muMunzwei. Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasinezviso zvavo, vakatya zvikuru. Jesu akaswedera akavabata,akati, Simukai, musatya. Vakati vachitarira, havana kuzovonamunhu, asi Jesu bedzi. Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesuakavaraira, akati, Musavudza munhu zvamaratidzwa,kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kuvakafa. VadzidzivakaMubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko vachiti Eriaunofanira kutanga kuuya? Akapindura akati, Eria uchavuyahake, avandudze zvinhu zvose. Asi ndinoti kwamuri, Eriaakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira pavakadanapo. Saizvozvovo, Mwanakomana woMunhu uchabvawotambudzwa navo. Zvino vadzidzi vakanzwisisa kutiWakavaudza zvaJohane Mubhapatidzi.”

Zvino muna Mateo 16:28, inova nhungamidzo yaMateo 17:1-13, Jesu akanga ataura kuti, “^Varipo vamwe vamire pano,vasingazooni rufu, vasati vaona Mwanakomana woMunhuachiuya muushe hwaKe.” VaApostora vatatu ava vakaonaizvozvo chaizvo _ hurongwa hokuuya kwaKe kwechipiri.VakaMuona achishanduka ipapo pamusoro pegomo. ZvipfekozvaKe zvakanga zvakachenesesa uye chiso chaKe chaipenyasezuva rava panhongonya. Ipapovo paAkaonekwa, pakangapakamira Mosesi naEria vachiti mumwe rutivi mumwe rutivi.Awa ndiwo chaiwo mauyire aAchaita rwechipiri. ZvirokwazvoEria achatanga auya kuzodzorera mwoyo yavana (mwenga)kuDzidziso yamadzibaba yeShoko raVaApostora. Maraki 4:5,6,inoti, “Tarirai ndichakutumirai muprofita Eria zuva iro gururaJehovha rinotyisa risati rasvika: Iye achadzorera mwoyoyamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kumadzibaba avo, kutiNdirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”

Israeri vava rudzi nenyika yavo. Yanyatsomiswa zvinonamauto ayo, nengarava dzayo, neposvo yayo, nomureza wayo,nezvimwe zvose zvinoratidza kuti yava nyika yakakwana. Asipachiri kudiwa zadzikiso yeGwaro rinoti, “^rudzi rwavanhurungazvarwa panguva imwe?^” Izvi zviri muna Isaya 66:8.Zuva iri riri kuuya zvino zvino. Muonde wakatobukira.VaIsraeri vakamirira Mhesiyasi. VakaMumirira uye tariro yavoyava kutoda kuzadzikiswa. Israeri ichaberekwa patsvamuMweya, nokuti Chiedza chayo noUpenyu hwayo zvavakutoda kuzarurwa.

Page 63: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 53

Muna Zvakazarurwa 21:23 munonzi, “Guta haritsvakizuva, kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo: nokutikuhwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje warondiro Gwayana.” Iri ndiro Jerusarema Idzva. Gwayanarichava muguta iroro, uye hapachazodiwi chimwe chiedza,nokuti Iye anenge aripo.: Zuva harichazobudi nokuchenesaipapo, nokuti ndiYe achava Zuva neChiedza, iye pachaKe.Ndudzi dzinouya mariri dzichafamba muchiedza chaKe.Hamusi kufara here kuti zuva iri rasvika? Johane akaona zuvairi richiuya. Nyangwe zvakadero hazvo, Ishe Jesu, uyainokukurumidza!

Maraki 4:1-3 inoti, “Nokuti tarirai, zuva rinouya, rinopisasechoto: ipapo vose vanozvikudza, navose, vanoita zvakaipa,vachava samashanga: zuva rinouya richavapisa, rikasavasiyiramudzi kana davi, ndizvo zvinotaura Jehovha weHondo. Asi imimunotya Zita raNgu muchabudirwa neZuva roKururama rinokuporesa pasi pamapapiro aRo; muchabuda, muchitambasemhuru dzomuchirugu. Muchatsikira vakaipa pasi; nokutivachava madota pasi petsoka dzenyu nezuva raNdichaitaizvozvi, ndizvo zvinotaura Jehovha weHondo.” Hezvo zvakare.ZUVA richahwinya nesimba raro rose. O-o, simbaroMwanakomana waMwari richihwinya pakati pezvigadzikozvemwenje zvinomwe zvendarama. Houno Amire, Mutongi, Iyewakatambudzika nokuzotifira. Akatakura kutsamwakwokutonga Kutsvene pamusoro paKe. Akatsika ari egachisviniro chewaini chokutsamwa kwaMwari kunotyisakudarika zvinhu zvose. Sokutaura kwatatoita kare, kumutadziinzwi raKe rinenge kutinhira kwamangondo kana kutikupondaponda kwamafungu orufu pamahombekombe azerenamatombo. Asi kumutsvene, inzwi raKe rinenge inzwirakarukova kanoimba zvinotapira paunenge urere wakazororazvako, wakagutsikana muna Kristu. Achijeka pamusoro pedunohwerazuva hwaKe hworudo hwunodziya Anoti, “Musatya,nokuti Ndini Iye Aiva, Ari, uye Achazouya; Ndini Samasimba.Kunze kwaNgu hakuna mumwe. Ndini Arfa naOmega, ndiriZVOSE.” Ndiye Ruva romuMupata, Nyeredzi yaMangwananiInohwinya. Ndiye wakanakisisa pazvuru zvine gumi kumweyawangu. Hongu, zuva guru iri ratogadzirira kubuda uye ZuvaroKururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aRo.

KRISTU MUKUNDI

Zvakazarurwa 1:17,18 inoti, “Ndakati ndichiMuona,ndikawira pasi patsoka dzaKe sendinenge ndafa. Akaisa ruokorwaKe rworudyi pamusoro pangu, akati, Usatya; NdiniWokutanga noWokupedzisira; naIye Mupenyu, ndakangandafa; zvino, tarira, Ndiri mupenyu nokusingaperi-peri,Ameni; ndine kiyi dzorufu nehadhesi.”

Page 64: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

54 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Hakuna munhu aikwanisa kutarisana nesimba roserakazara rechiratidzo ichocho. Johane akawira patsoka dzaKesomunhu afa, nokuti simba rake rakanga rapera rose. Asiruoko rwaShe rwakamubata murudo, uye inzwirokuropafadza rakati kwaari, “Usatya. Usavhunduka. NdiniWokutanga noWokupedzisira. Ndini Iye Anorarama, asiakanga afa; uye, tarira Ndiri mupenyu nokusingaperi-peri.”Chinotyisa chii apa? Kutongwa kwakaMuwirapamuchinjikwa, napaguva, uye paAkaburuka, akaitira isu.Akatakura kurwadza kwose kweronda rechivi ndokusakakusisina kupiwa mhosva kuna avo vari muna Kristu Jesu.Onai zvechokwadi kuti “Gweta” redu ndiyezve “Mutongi”.Ndiye zvose “Gweta” uye “Mutongi.” Sezvo ari Mutongi“hapachisina nyaya” _ yakapera. Ndokusaka pasisina kupiwamhosva. Ko kereke ingagotyirei? Pane vimbiso hereyaAkambotadza kuisa pachena pamberi pedu? Kerekeingagotyirei kurangwa kana rufu? Zvose izvi zvakatokurirwa.Houno mukundi ane simba guruguru. NdiYe Akakunda nyikadzose dziri mbiri yezvinoonekwa neyezvisingaonekwi. Haanakuita saAlexander, akakunda pasi pose ana makore makumimatatu namatatu akabva otadza kuziva imwe nzirayokupfuurira kune zvimwe zvokukunda, ndokubva azofa avaiye mukundwi nokurarama upenyu hwamafaro husinakutsiga. Haanavo kuita saNapoleon, akakunda Europe yoseasi akagumisira akurirwa paWaterloo nokuzodzingirwakuElba, akazongozviona ava iye mukundwi. Asi hapanachakagona kukunda Kristu. Uyo akaburuka zvino akakwirapamusoro pazvose, uye Akapiwa Zita riri pamusoro pamazitaose. Hongu, Akakunda rufu, negehena, neguva, uye ane kiyidzezvose izvi. ChaAnosunungura chinosununguka, uyechaAnosunga chinosungika. Hapana kana kushandukapane izvi. Hakuna kumbova nomukundi kutangira Iye uyehakuna mukundi kunze kwaKe. Iye oga ndiye Muponesi,Mununuri. Ndiye CHETE Mwari: uye Zita raKe rinonzi “IsheJesu Kristu.”

“Johane, usatya. Musatya, imi makwai madikidiki. Murivadyi venhaka, yezvose zvaNdiri. Simba raNgu rose nderenyu.Simba raNgu rokukunda zvose nderenyu kana Ndakamiramukati menyu. Handina kuuyira kuunza kutyanokukundikana, asi rudo nokushinga nokukwanisa. Simbarose rakapiwa kwaNdiri uye zviri kwamuri kuti murishandise.Taurai Shoko chete Ini ndicharizadzisa. Ndiyo sungano yaNgunemi uye haizombofi yakakundikana.”

NYEREDZI NOMWE UYE ZVIGADZIKO ZVOMWENJE

Zvakazarurwa 1:20 inoti, “Zvakavanzika zvenyeredzinomwe dzawavona muruvoko rworudyi rwaNgu, nezvigadziko

Page 65: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

CHIRATIDZO CHEPATMOSI 55

zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivovatumwa (nhume) vanomwe vekereke nomwe: nezvigadzikozvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.”

Tatoona chokwadi kare pamusoro pezvakavanzika zviviriizvi. O-o, hatisati tabudisa kuti nhume nomwe ndivanaani, asinenyasha dzaMwari tichazvibudisa uye chakavanzika ichichichazikanwa. Mazera manomwe tinomaziva. AkanyorwamuShoko, uye tichaongorora rimwe nerimwe kuti tigosvikapane rino zera ratiri kurarama mariri.

Asi tichitarisa kamwe chete kwokupedzisira muchitsaukochino, Muonei Akamira pano pakati pezvigadziko zvemwenjezvendarama ane nyeredzi nomwe muruoko rwaKe. O-o,zvinokatyamadza chose chose kuMuona akamirapo muUmwarihwaKe Hwakakurisisa. NdiYe Mutongi, Muprista, Mambo,Chapungu, Gwayana, Shumba, Arfa, Omega, WokutanganoWokupedzisira, Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene, IyeAiva, Ari, uye Achazouya, Samasimba, ari ZVOSE MUNAZVOSE. Hoyo apo, Muvambi noMupedzisi. Gwayana iriRakakodzera! Akaratidza kukosha kwaKe paAkatengaruponeso rwedu pachaKe ega. Iko zvino Anomira musimbaraKe rose nokuhwinya kwaKe kwose zvinhu zvose zvichipiwakwaAri soMutongi.

Hongu, hoyo Akamirapo pakati pezvigadziko zvemwenje,ane nyeredzi muruoko rwaKe. Inguva yousiku, nokutindopatinoshandisa mwenje, uye ndopanoonekwa nyeredzidzichipenya dzichiratidza chiedza chinobva kuzuva. Uye kunerima. Kereke iri kufamba nokutenda murima irori. Ishe wayoakabva pasi pano asi Mweya Mutsvene unopenya nomukereke,uchipa chiedza kune rino pasi rakatukwa nechivi. Uyevonyeredzi idzodzo dzinoratidzavo chiedza chaKe. Chiedza chetechadzinacho chiedza chaKe. Kune rima rakadii _ kunotonhorazvakadii pamweya. Asi paAnouya pakati pedu kunovanechiedza nokudziya, uye kereke inowana simba uye inoitamabasa aAkaita nokuda kwaKe.

O-o, dai tikakwanisa kuMuona zvishomanana zvakaitaJohane. Tinofanira kuva vanhu vakaita sei, takamira pamberipaKe nezuva iroro!

Kana usati wapira upenyu hwako kwaAri, dai ukaisamwoyo wako kuna Mwari panguva ino, ugopfugama ipapochaipo pauri, kuti ukumbire ruregerero rwaKe rwezvivi zvako,nokupira upenyu hwako kwaAri. Zvino tozoedza kupindamuMazera Manomwe aMakereke tiri pamwe chete; uyepatinenge tichiita izvi ndinonamata kuti Mwari abetsere inimuranda wake asina kukodzera kuti aise pachena Shoko raKe.

Page 66: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 67: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 57

CHITSAUKO CHECHITATU

ZERA REKEREKE YEEFESO

Nhanganyaya KuZvizvarwa ZvaMakerekeKuti iwe uve nokunzwisisa kwakazara kweZvizvarwa

zvaMakereke ndinoda kuti nditsanangure zvakandiitisa kutindizive mazita avaitumwa, urefu hwezvizvarwa, uye zvimwezvinoenderana nenyaya iyi.

Sezvo kutsvaka uku kwaifanira kuva nokuzvipirakukurusa kwandisati ndamboita kusvika nguva ino,ndakatsvaka Mwari kwamazuva akawanda kuti ndigamuchirekufemera koMweya Mutsvene. Zvino ndipo pandakazotangakuverenga magwaro anotaura nezveZvizvarwa zvaMakerekeuyevo nokupinda munhoroondo dzakasiyana-siyana dzekerekedzandaigona kuwana dzakanyorwa navanyori venhoroondoidzi vasina divi ravanorerekera. Mwari haana kuregakupindura munamato wangu, nokuti ndiri kuverenga Shokonenhoroondo, ndakapiwa kukwanisa noMweya Mutsvene kutindione kubhedhenuka kwamaitire akafanana achipindamumazana amakore kusvikira pazuva ranhasi, rokupedzisira.

Nzira yandakapiwa naIshe iyo yandakakwanisa kuzivanayo mutumwa wechizvarwa choga-choga inzira inokwanamuMagwaro chaizvo. Iyi inzira inova Nheyo chaiyoyeBhaibheri. Ichi chizaruro chokuti Mwari haashanduki, uyevokuti nzira dzaKe hadzishanduki sokusashanduka kwaanoitaIye. Pana vaHebheru 13:8 panoti, “Jesu Kristu unogaraakadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.” Muparidzi 3:14,15,“Ndinoziva kuti, zvose zvinoitwa naMwari, zvichagaranokusingaperi: hakuna chinhu chingawedzerwa, kanachingabviswa pazviri: Mwari wakazviita izvozvo, kuti vanhuvaMutye. Zviripo zvino zvakanguva zvavapo; vuye izvozvichavapo zvakanguva zvavapo; Mwari unotsvakazvezvakanga zvakapfuura.” Hezvinoi: Mwari asingashanduki anenzira dzisingashanduki. Izvo zvaAkaita PAKUTANGAUcharamba achingozviita kusvikira azozviitaKOKUPEDZISIRA. Haazombovi neshandukozve. Tora izviuzviise paZvizvarwa zvaMakereke. Mhando yomunhuyakasarudzwa naMwari kuti ive yechizvarwa chokutanga, uyemazviratidziro Mwari aaiita mushumiro yomurume iyeye,ndiwo muenzaniso wezvimwe zvizvarwa zvose. Mwarizvaakaita muchizvarwa chokutanga chekereke ndizvozvaAnoda kuita mune zvimwe zvizvarwa zvose.

Zvino tinoziva zvakakwana kubva muShoko rakanyorwanoMweya Mutsvene kuti kereke yokutanga, kana kutiyamavambo, yakatanga sei uye kuti Mwari akaZviratidzamairi nenzira ipi. Shoko haringashanduki kana kushandurwa

Page 68: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

58 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nokuti Shoko ndiMwari. Johane 1:1, “Pakutanga Shokorakanga riripo, shoko rakanga riri kuna Mwari, Shoko rakangariri Mwari.” Kushandura shoko rimwe zvaro, sezvakaitwanaEvha, zvinounza chivi norufu, sezvazvinotaurwavo munaZvakazarurwa 22:18-19. “^Kana munhu akawedzerapazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudzikoakanyorwa mubhuku iyi: Kana munhu akabvisa mashokoebhuku yokuprofita uku, Mwari uchabvisa mugove wakemuBhuku roUpenyu, nomuguta dzvene, napazvinhuzvakanyorwa mubhuku iyi.” Saka, kereke zvayaivapaPentekosti ndiwo muenzaniso. Ndihwo hurongwa.Hapanazve humwe hurongwa. Hazvinei kuti vadzidzivebhaibheri vanotii, Mwari HAANA kushandura hurongwauhu. Zvakaitwa naMwari paPentekosti Anoramba achizviitakusvikira zvizvarwa zvamakereke zvapera.

Kunyangwe vadzidzi vebhaibheri vakakutaurira kutinguva dzavaapostora dzakapfuura, usazvitenda izvozvo.Kutaura kwakadaro kunyepa napaviri. Kutangira zvose,hazvisiri izvo kuti titi hakusisina vaapostora, nokuda kokutivokutanga gumi nomumwe vakafa. Muapostora zvinoreva ‘uyoakatumwa’; uye vakatumwa nhasi vakawanda, asi vanonzimamishinari. Kana vanhu vachiri kungodanwa vachitumwaneShoko roUpenyu nguva dzavaapostora dzichirikungoenderera mberi. Chechipiri, vanoti nguva ‘yokuratidzwakwoMeya Mutsvene nesimba rawo’ yakapfuura sezvoBhaibheri rakapedzwa. Izvi hazvisi chokwadi. Hapana kanaGwaro rinotaura izvozvo, asi magwaro mazhinji anototaurazvinopesana naizvozvi. Hezvinoi zvinotijekesera kutimatauriro awa ndeenhema. Mabasa 2:38,39. “Petro akatikwavari, Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzweneZita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwechipiwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu,navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe Mwariwedu.” Chipikirwa chesimba rakazadza vaapostora pazuvarePentekosti “ndechenyu (maJudha), uye vana venyu(maJudha), uye navari kure (maHedheni), navosevachazodanwa naIshe Mwari wedu (vose pamwe chetemaJudha namaHedheni)”. Kusvikira Mwari arega kudana,mharidzo yePentekosti nesimba rayo HAZVIZOGUMI.

Kereke zvayaiva nazvo paPentekosti imvumoisingazombobviswi pairi. Pakutanga, yaiva neShoko raMwaririsina kusvibiswa. Yaiva nesimba roMweya richiratidzwamuzviratidzo nezvishamiso zvakasiyana-siyana uye zvipozvoMweya Mutsvene. VaHebheru 2:1-4, “Saka tinofanirakuterera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.Nokuti kana Shoko rakanga rataurwa navatumwa rakangarakasimba, vuye kana kudarika nokusaterera kwose(kusaterera Shoko) kwakapiwa mubairo wakarurama; Ko isu

Page 69: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 59

tichatiza sei, kana tisine hanya nokuponeswa kukurukwakadai; uku kwakaparidzwa pakutanga naShe,kukasimbiswa kwatiri naivo vakaMunzwa; naiye Mwarivoachipupurirana navo, nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasaesimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokudakwaKe?” Kereke yokutanga haina kurongwa navanhu.Yaitungamirirwa noMweya Mutsvene. Yakanga isiri hurukwete. Yaivengwa nokuzvidzwa. Yaidzvinyirirwa.Yaitambudzwa vamwe vachiurawa. Asi yakanga yakatendekakuna Mwari. Yaigara nohurongwa hwokutanga hweShoko.

Zvino usakanganisika pano apa. Pandati Mwari nenziradzaKe haashanduki, handina kuti kereke nenhume dzayohaishanduki. Kereke haisi Mwari. Saka inogona kushanduka.Asi zvandataura ndezvokuti nokuda kwaMwariasingashanduki ane nzira dzisingashanduki tinogonakudzokera kumavambo togoona maitire okutanga akakwanaaMwari totora maonero edu tichishandisa mwero uyu. Ndiwomaitirwo azvo. Kereke yeChokwadi inoedza kuitaseyapakutanga paPentekosti. Kereke yeChokwadi yanhasiichaedza kuedzesera kereke yokutanga. Navatumwakudzikereke, vano Mweya mumwe chete waMwari mavari,vachiedzesera kuita saPauro muapostora. Havazovi saiyechaiye; asi vatumwa vechokwadi chaivo ndivovachanyanyofanana nezvaiva Pauro chaizvo, uyo akangaakasununguka kubva kuvanhu, akazvipira kuna Mwari, uyeaiparidza Shoko raMwari chete, uye achiratidza simbaroMweya Mutsvene. Hapana mumwe aidaro. Unofanirakushanda namavambo. Sezvo chinhu chichibereka mwanaakafanana nacho, Kereke yeChokwadi ndiyo inoedza kuteveramafambiro okutanga ePentekosti uye nhume dzekereke idzidzinenge dzichitevera Pauro muapostora, anova mutumwakukereke yokutanga. Zvakareruka saizvozvi, uyezvichishamisazve.

Namaitire awa, akareruka, asi anoshamisa, ndakakwanisa,ndichibatsirwa noMweya Mutsvene, kuverenga BhukuraZvakazarurwa nenhoroondo ndokuona imomo chizvarwachoga-choga, mutumwa wacho, urefu hwacho, uye nebasarechimwe nechimwe chazvo muhurongwa hwokuda kwaMwarikubvira paPentekosti kusvika panoperera zvizvarwa zvose.

Sezvo mava kuziva mazivire atinoita kuti KerekeyeChokwadi yakanga yakaita sei (zvayakanga yakaitapaPentekosti uye nenguva dzavaapostora samanyorerweaZvakaitwa muBhuku raMabasa avaapostora) tinogonakushandisa zivo iyoyi kuti tione kuti kereke yakakundika sei.Mhosho chaiyo, kana chaidzo, dzakapinda mukerekeyokutanga dzikazojekeswa muBhuku raMabasa avaapostoraneZvakazarurwa uyevo muTsamba dzetestamente itsvadzichiramba dzichibuda pachena zvakanyanya zvizvarwa

Page 70: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

60 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pazvinenge zvichifamba, kusvikira tichisvika apo chokwadichinodzima zvachose muchizvarwa chokupedzisira,cheRaodhikia.

Kubva mumaonero okutanga atakapiwa naMwari,munobuda chimwe chokwadi chinoshamisavo. Ndati KerekeyeChokwadi inoedza kufanana nezvakanga zvakaita kerekeyokutanga muBhuku raMabasa. Ndizvozvo chaizvo. Asitaonazve kuti Shoko rinodzidzisavo kupinda kokutsaukapachokwadi kusvikira chokwadi chose chadzimwa panguvayokupedzisira apo kuuya kwaShe kunenge kwaswedera.Mubvunzo ungavapo zvino mupfungwa dzedu; ko Mwarianoramba vaKe here nokuvaregera vachipindamukunyengerwa chaiko? Hazviitiki, nokuti Magwaro anotipachena muna Mateo 24:24, ‘Vasanangurwa’ HAVAGONIkunyengerwa. “Nokuti vachamuka Vanakristu venhema,navaprofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikurunezvinoshamisa; kuti, KANA ZVICHIBVIRA, vatsausenavakasanangurwavo.” Saka zvino? Mhinduro iri pachenapamberi pedu. Pane Kereke yeChokwadi neyenhema. PanoMuzambiringa weChokwadi nowenhema. Asi zvazvomuzambiringa wenhema uyu, kereke yenhema, ichagara ichidakutora nzvimbo yeKereke yeChokwadi nokuzviti iyo kerekeyenhema iyi ndiyo, yechokwadi chaiyo, kweteyaVasanangurwa. Venhema vachaedza kuuraya veChokwadi.Ndizvo zvazvakanga zvakaita muBhuku raMabasaavaapostora, ndiwo mamiriro azvakaita muzvizvarwazvekereke, uyevo zvinojekeswa kuti ndezvechokwadizvesamanyorerwe azvinoitwa muTsamba dzetestamente itsva.Ndizvo zvazvakagara zvakaita. Ndizvo zvazviri iko zvino.Ndizvo zvazvichava munguva dzinouya. Hazvigonikushanduka.

Zvino ngatichenjererei kuti tisakanganisika nokutaurauku. Nokudaro tinofanira kutsvaka tsigiro yokutaurakwakadai inobva muShoko. Ngatiendei kuBhuku ramavambo,Genesisi. Mumunda weEdheni maiva nemiti MIVIRI. Mumwewanga wakanaka; mumwe wakaipa. Mumwe waivanoUPENYU, mumwe waibereka Rufu. Pana vana vavirivakauya nezvipo kuna Mwari. Regai ndidzokorore kuti, VOSEvakapa zvipo kuna Mwari. Genesisi 4:3-5, “Zvino nguva yakatiyapfuvura, Kaini akavuya nezvibereko zvevhu chive chipokuna Jehovha. NaAbherivo, akavuya namakwayana akeemhongora namafuta awo. Jehovha ndokugamuchira Abherinechipiriso chake: asi Kaini nechipiriso chake Haanakuchigamuchira^” Asi mumwe (Kaini) akanga akaipa, ariwababa vake (Uya Wakaipa), mumwevo Abheri akangaakarurama pamberi paIshe. Zvakare, pakanga pane vanavaviri vakaberekwa navabereki vamwe chete. Ndiwo mapatyaaIsaka naRabheka. Mumwe wavo akanga ari musanangurwa

Page 71: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 61

waMwari mumwe ari wokurashwa. Vose vakashumira Mwari.Nguva yose kushumira Mwari kunenge kuripo. Nguva yosevakaipa vaivenga nokutambudza vakarurama. Pane dzimwenguva vakaipa vaiparadza vakarurama. Asi cherechedzai.Vakasimwa pamwe chete. Vaigara pamwe chete. Vosezvevaizviita vaMwari vachinamata Mwari.

Zvinoonekwa pamienzaniso iyi zvinoisa pachenazvakakwana mufananidzo waIshe Jesu Kristu paAkatiumambo hwokudenga hwakafanana nomunhu akakusha mbeudzakanaka, asi shure kwake kwakatevera muvengi akakushamasawi pakati pembeu dzakanaka. Mwari haana kukushamasawi. Satani ndiye akakusha masawi pakati pembeudzakanaka dzaMwari. Masawi nezviyo (vanhu), kubva pambeumbiri dzakasiyana idzi, zvakakurirana pamwe chete.Zvakakura kubva muvhu rimwe chete, nokugashira mushanamumwe chete kubva pazuva, nemvura imwe chete, nezvimwezvose zvazvaiwana zvakafanana, uye zvose zvakakohwewanguva yazvo. Munozviona here? Musazombokanganwachokwadi ichi apo tichidzidza zvizvarwa zvamakereke uyepatinozodzidza zvisimbiso. Pamusoro pazvose, musakanganwakuti chino chizvarwa chokupedzisira, ndimo muchasungwamasawi kuti apiswe, kuti koroni iunganidzwe iiswe muduranaIshe.

Ndinoda kuramba ndine pfungwa iyi, saka ngatiendeipamberi. Mati mamboverenga here nhoroondo yorumutsiriro?Rumutsiriro runoreva kufamba kwaMwari musimba. PoseMwari paanofamba, Satani aripovo kuti afambevo.Hazvimbokoni kudero. Munguva yorumutsiriro rwechiWelsh(vanhu vazhinji havazvizivi izvi), nzvimbo dzinochengeterwavanopenga dzakakurumidza kuzara, apo simba rasatanirakatangavo kufamba kuti vanhu vasaona kufamba kwesimbaraMwari. Zvakanyorwa kuti panguva yaWesley vanhu vaiitazvinhu zvinoshamisa kwazvo zvaSatani kuedza kumhuranokuseka kunaka nesimba raMwari. Panguva yaLutherzvinonzi chishamiso mushumiro yake hachisi chokutiakakwanisa kurwisana neKereke yeKatorike yeRoma, asichishamiso chaiva, pakuti, akakwanisa kuramba akadzikamaasingakanganiswi pakati pemipengo yavanhu vakangavakazadzwa, uye vachitungamirirwa, nemweya yakaipa. Kanamakambocherechedza shumiro yamazuva ano okupedzisira,makapindavo mweya yakawanda yakaipa inonyengera.Zvinofanira kudaro. Zvino ndinovimba kuti muri vomweyazvokuti munokwanisa kuzvibata, nokuzviita kutizvikubatsirei.

Kuti ndinyatsosimbisa nyaya iyi yomuzambiringaweChokwadi nowenhema yakapfekana ichiratidza mweyamiviri ichishanda, ngatitarirei 1 Johane 4:1-4, na Judhasi 3,4,12.“Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya kuti

Page 72: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

62 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muvone kana yakabva kuna Mwari: nokuti vaprofita vazhinjivenhema vakabudira munyika. Ndizvo zvamunoziva nazvoMweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kutiJesu Kristu wakavuya munyama ndowaMwari: Mweya mumwenomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya munyamahausi waMwari: Iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kutiunovuya; NAZVINO watova panyika. Vana vaduku, imi murivaMwari, makavakunda: (mweya waantikristu) nokuti Uyo arimamuri mukuru, (Mweya waMwari) kuna iye ari munyika.”Judhasi 3,4,12 “Vadikanwa, ndakati ndichishingaira zvikurukukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakavonakuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwirekwazvo kutenda kwakadeya kupiwa VATSVENE kamwe.Nokuti kuna VAMWE VARUME (kwete Vatsvene) vakapindapakavanda (ava havana kupinda napaMUKOVA nokudaroimbavha), vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhuVASINGADI MWARI, vanoshandura nyasha dzaMwari weduvachidziita vutere, vachiramba Tenzi Uyu mumwe chete, Ishewedu Jesu Kristu. Vanhu ava mabwe akavanzika pamitamboyenyu yorudo, kana vodya NEmi, vasingatyi.^”Hazvingarambwi paMagwaro kuti Kereke yeChokwadineyenhema zviri pamwe chete, zvakapfekana mushuremokunge dzadzvarwa pamwe chete asi mbeu dzachodzakasiyana.

Zvino nokudaro, ndinofunga kuti pane chimwe chinhuchamunofanira kuziva. Kereke nomwe dziri kunyorerwanaJohane dziri kuAsia Minor uye dzose ikerekedzamaHedheni. Haasiri kutaura kukereke iri paJerusarema inamaJudha akawanda pamwe namaHedheni mashomananamairi. Saka muzvizvarwa zvamakereke zvose Mwari arikushanda namaHedheni, uye achiZvidanira MwengawechiHedheni. Izvi zvinoita kuti ‘Zvizvarwa zvaMakereke’ uye‘Kuzara kwenguva yamaHedheni’ chive chinhu chimwe chete.Mabasa 13:44-48, “Nesabata rakatevera guta rinenge roserakavungana kuzonzwa Shoko raMwari. Zvino vaJudha vakativachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakarambazvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. Ipapo PauronaBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati, Zvakangazvakafanira kuti Shoko raMwari ritange kutaurirwa imi: asizvamariramba, muchiti hamufanirwi novupenyu husingaperi,tarirai zvino, toenda kumaHedheni. Nokuti Ishe wakatirairasaizvozvo, achiti, Ndakakuisa kuti uve chiedza chamaHedheni,kuti upe ruponeso kusvikira kumagumo enyika. ZvinomaHedheni vakati vachizvinzwa izvozvo, vakafara, vakakudzaShoko raShe: Navose vakanga vatarirwa vupenyu husingaperivakatenda.” Varoma 11:1-8, “Zvino ndinoti, Ko Mwariwakarasha vanhu vaKe here? Haisva. Nokuti nenivo ndirimuIsraeri, worudzi rwaAbrahama, weimba yaBhenjamini.Mwari haana kurasha vanhu vaKe vaAkaziva pakutanga. Ko

Page 73: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 63

hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here?kuti unokumbira kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri, achiti,Ishe, vakavuraya vaprofita veNyu, vakaputsa aritari dzeNyu;ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya. AsiMwari unomupindureiko? Unoti Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kupfugamira Bhaari. Zvino saizvozvonenguva inovo variko vakasara vakasanangurwa nenyasha.Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchirikwamabasa; kana zvikasadaro nyasha hadzichiri nyasha. Asikana zvikava zvamabasa, hazvisisiri zvenyasha: zvikasadaromabasa haasisiri mabasa. Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havanakuwana zvavakanga vachitsvaka; asi vakasanangurwa ndivovakazviwana, vamwe vakawomeswa (sezvazvakanyorwazvichinzi, Mwari wakavapa mweya wehope, meso kuti varegekuvona, nenzeve kuti varege kunzwa;) kusvikira zuva ranhasi.”

VaRoma 11:25-29, “Nokuti, hama dzangu, handidi kutimusaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi,kuti kuwomeswa kwomwoyo kwakavuya pamusoro pavamwevavaIsraeri, kusvikira Kuzara kwamaHedheni kwapinda.Naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa:sezvazvakanyorwa zvichinzi, PaZioni pachabudaMusununguri, uchabvisa kusada Mwari muna Jakobho; Iyindiyo sungano yaNgu navo, musi wandichabvisa zvivi zvavo.Kana iri Evhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu: asi kana kurikusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba. Nokutizvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.”

Kereke nomwe dzomuAsia Minor dzaiva nezvimwe zvinhumadziri, panguva yakare iyoyo, zvaizoonekwa munguvayezvizvarwa zvaitevera. Chakanga chiri mbeu ichangomerakumashure uku chakazosvika pakuibva panguva yokukohwa,sezvakataurwa naJesu achiti, “Nokuti kana vachiita izvikumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko”? Ruka 23:31.

MHARIDZO KUCHIZVARWA CHEKEREKE YEEFESO.

Zvakazarurwa 2:1-7

Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso uti; Zvanzi naIyeWakabata nyeredzi nomwe muruvoko rwaKe rworudyi,Unofamba pakati pezvigadziko zvomwenje zvinomwezvendarama;

Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako,nokutsungirira kwako, vuye kuti haudi kuvonana navanhuvakaipa: wakavaidza ivo vanoti tiri vaapostora, vasi ivochaivo, ukavawana vari venhema:

Ukatsungirira, nokuva nomwoyo murefu, nokuda kweZitaraNgu, ukasaneta.

Page 74: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

64 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudorwako rwokutanga.

Naizvozvo rangarira pawakawa, utendevuke, ugoitamabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichavuyakwauri ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimboyacho, kana usingatendevuki.

Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasaavaNikoraiti, andinovenga nenivo.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke;Unokunda Ndichamutendera kuti adye Muti woVupenyu, Urimuparadhiso yaMwari.

MUTUMWA.

Nhume (mutumwa)wekereke yapaEfeso akanga arimuapostora Pauro. Zvokuti akanga ari mutumwa kukerekeyokutanga yenguva yamaHedheni hazvina angaramba.Kunyangwe hazvo Petro akapiwa mvumo yokuzarura mikovakumaHedheni, asi zvakapiwa kuna Pauro kuti ave muapostoranomuprofita wavo. Ndiye akanga ari Muprofita MutumwakumaHedheni. Basa rake rouprofita, rakamupa kutiagamuchire chizaruro chakazara cheShoko rokumaHedheni,ndiro rakamusimbisa pachena kuva muapostora nomutumwawavo. Izvi vamwe vaapostora vakazvibvuma paJerusarema.VaGaratia 1:12-19, “Nokuti handina kuipiwa, kanakuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.Nokuti makanzwa zvomufambire wangu kare pakunamatakwamaJudha, kuti ndaitambudza kereke yaMwari zvikurukwazvo, ndikaiparadza: Pakunamata kwamaJudhandaipfuvura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu,ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu. ZvinoMwari, iye Wakandisanangura kubva padumbu raamai vangu,akandidana nenyasha dzaKe, Wakati afadzwa nazvo kutiaratidze Mwanakomana waKe mandiri, ndiMuparidze pakatipamahedheni; pakarepo handina kurangana nenyama neropa:Handina kukwira Jerusarema kuna avo vakanditangira kuvavaapostora; asi ndakaenda Arabhia, ndikadzokeraDhamasikozve. Ipapo makore matatu akati apfuurandikakwira Jerusarema kundovona Kefasi, ndikagara nayemazuva ane gumi namashanu. Asi handina kuvona mumwewavaapostora, asi Jakobho bedzi munun’una waShe.”VaGaratia 2:2, “Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa,ndikarondedzera pamberi pavo Evhangeri yandinoparidzapakati pavaHedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga,kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwendatomhanyira, pasina.” VaGaratia 2:6-9, “Zvino kana vari ivovanonzi vakuru, (handine mhaka kuti vaiva vakadini kare,hazvina mhosva kwandiri: Mwari haatendi zvinovonekwa

Page 75: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 65

zvomunhu:) kana vari ivo vanonzi vakuru havanakundiwedzera chinhu: Asi ivo, vakati vavona kuti ndakapiwaEvhangeri yavasina kudzingiswa, sokupiwa kwakaitwa Petroyavakadzingiswa: (nokuti Iye Wakapa Petro simba rokuvamuapostora kuna vakadzingiswa, Ndiye wakandipavo simbarokuva muapostora kuvaHedheni:) Vakati vavona nyashadzandakapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohane, avo vainzimbiru, vakatibata tose naBharnabhasi namavoko orudyiokuyanana; kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kunavakadzingiswa.” VaRoma 11:13, “Ndinotaura kwamuri imivaHedheni, zvandiri muapostora wavaHedheni, ndinokudzabasa rangu.”

Pauro ndiye akatanga kereke paEfeso panguva inengepakati napakati pechuru chamakore chokutanga. Izvizvinotipa kukwanisa kudoma gore chairo pakatangiraChizvarwa cheKereke yeEfeso; kuva 53 A.D.

Maparidziro ake akamisa maitiro, anotarisirwa panhumedzechokwadi dzose hadzo dzaMwari, kunyangwe zvavovasingazosviki paudzamu mukuprofita sezvaiitwa naPauro.Shumiro yaPauro yaiva muhutatu sezvizvi:

Chokutanga, Pauro akanga akatendeka kuShoko zvisinamubvunzo. Hazvinei kuti zvaizorevei kwaari haaisiya Shoko.VaGaratia 1:8-9, “Asi kunyangwe isu, kana mutumwa anobvakudenga, akakuparidzirai imwe evhangeri inopesananeyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo, Kana kunomunhu anokuparidzirai imwe evhangeri inopesana neiyoyamakagamuchira, ngaave wakatukwa.” VaGaratia 2:11, 14,“Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia, ndakamudzivisapachena, nokuti wakanga ane mhosva.” “Asi ndakatindichivona kuti havafambi zvakarurama nezvokwadiyeEvhangeri, ndakati kuna Kefasi pamberi pavose, Kana iwe,uri muJudha, uchifamba samaHedheni, usingaiti samaJudha,unoroverera seiko maHedheni kuti vafambe samaJudha?”

1 VaKorinte 14:36-37, “Ko? Shoko raMwari rakabvakwamuri here? kana rakasvika kwamuri moga here? Kanamunhu achiti ndiri muprofita, kana ndiri womweya, ngaatendekuti izvo zvandinokunyorerai murairo waShe.”

Vonai chinhu ichi kuti Pauro akanga asina hurongwahwake, asi aitungamirirwa noMweya, sezvakaita Mwaripaakashandisa Moses kuti atungamirire Israeri kubva Egipita.Haisi kanzuru yeJerusarema yakatuma Pauro, uye yakangaisina simba kana chokutaura pamusoro paPauro. Mwari, uyeMwari chete, ndiye akatuma uye ndiye aitungamirira. Pauroakanga asiri wavanhu, asi waMwari. VaGaratia 1:1 “Pauro,muapostora, (usina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu,asi naJesu Kristu, naMwari Baba, WakaMumutsa kuvakafa:)”VaGaratia 2:3-5, “Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana

Page 76: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

66 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kurovererwa kuti adzingiswe: Nokuda kwehama dzenhemavakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavandakuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna KristuJesu, kuti vatisunge: Hatina kuvatsedukira ivava tichivaterera,kwete, nguva imwe; kuti zvokwadi yeEvhangeri irambeichigara nemi.”

Chepiri, shumiro yake yakanga iri musimba roMweyamutsvene, nokudero yairatidza kuitika pachena kweShokorakataurwa nerakanyorwa. 1 vaKorinte 2:1-5, “Zvino ini, hamadzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuyandichikuparidzirai vuchapupu hwaMwari nokunaka,kwamashoko kana kwovuchenjeri. Nokuti ndakatihandingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, Iyewakaroverwa pamuchinjikwa. Ndakanga ndiri pakati penyunovutera, nokutya, nokudedera kukuru. Neshoko rangunokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzeraovuchenjeri, asi nokuratidzwa kwoMweya nokwesimba: Kutikutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri hwavanhu, asimusimba raMwari.” Mabasa 14:8-10, “Zvino paRistra paigaramumwe murume, wakanga asina simba patsoka dzake,chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba: Iyewakanzwa Pauro achitaura: zvino iye (Pauro) wakatiachimutarisisa, akavona kuti unokutenda kuti ungaporeswa,Akati nenzwi guru, Mira kwazvo netsoka dzako. Iye akavazukaakafamba.” Mabasa 20:9-12, “Zvino pahwindo pakanga pagererimwe jaya rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo: zvinoPauro wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwanehope, akawira pasi achibva paimba yechitatu yokumusoro,akasimudzwa afa. Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisirapamusoro pake, akamufungatira akati, Musaita bopoto; nokutimweya wake uchiri maari. Akakwira, akamedura chingwa,akadya, akataura navo nguva refu, kusvikira kuchiedza,ndokuenda. Vakavuya nomukomana ari mupenyu,vakanyaradzwa kwazvo.” Mabasa 28:7-9, “Zvino pedyo ipapopaiva neimba yomukuru wechiwi, wainzi Pabhurio; iyewakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.Zvino, baba vaPabhurio vakanga vavete pasi vakabatwanefivhiri nokubudisa ropa: Pauro akapinda kwavari,akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo,akavaporesa. Izvo zvakati zvaitwa, navamwevo, vechiwivairwara, vakavuya, vakaporeswa.” 2 vaKorinte 12:12,“Zvirokwazvo zviratidzo zvomuapostora zvakaitwa pakatipenyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso,namabasa esimba.”

Chetatu, aiva nechibereko chokuratidza shumiro yakeyaakapiwa naMwari. 2 vaKorinte 12:11, “Ndava benzi; imimandiroverera: nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi:nokuti handizi muduku napaduku kuvaapostora vanopfuura

Page 77: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 67

vose, kunyangwe ndisi chinhu.” 1 vaKorinte 9:2, “Kana ndisatindiri muapostora kuna vamwe, kunyangwe zvakadarozvirokwazvo ndiri muapostora kwamuri hangu: nokuti imimuri chisimbiso chovuapostora hwangu munaShe.” 2vaKorinte 11:2, “Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodoraMwari: nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kutindikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.” Pauro ndiyeakanga ari nzira yokupinzwa kwamakwai akawandaechiHedheni; akaapa zvokudya, nokuachengeta, kusvikaabereka zvibereko zvokururama agadzirira kusangana naShesechikamu chomwenga wechiHedheni.

Panguva iyo yakapiwa bhuku raZvakazarurwa,tichitevedza zvinotaurwa, Pauro akanga atourairwa Ishe, asiJohane akanga achienderera mberi panzvimbo yaPauro achiitazvaiitwa naPauro chaizvo mushumiro yake. Kufa kwaPauro,bhuku raZvakazarurwa risati rapiwa, hazvirevi kuti handiyeakanga ari nhume kuChizvarwa cheKereke yeEfeso, nokutinhume kuchizvarwa chekereke yoga-yoga, zvisinei nokutianouya nguva ipi kana kuenda nguva ipi, ndiye ane shumiroinodzora chizvarwa ichi kuna Mwari kubudikidza neshumiroinoratidza kuzadziswa kweShoko. Pauro ndiye akanga arimutumwa wacho.

GUTA REEFESO.

Guta reEfeso nderimwe ramaguta makuru matatu eAsia.Raiwanzoitwa guta rechitatu rokutenda kwechiKristu,Jerusarema riri rokutanga, neAntioki riri rechipiri. Raiva gutarizere upfumi. Hurumende yaitonga yaiva yeRoma asi mutaurouri wechiGiriki. Vanyori venhoroondo vanotenda kuti Johane,Maria, Petro, Andrea naFiripo vakavigwa muguta rakanakairi. Pauro, anova akatanga kutenda kwechokwadi muguta iri,akava mufudzi muguta iri kwamakore matatu chete; asipaakanga abva airamba achirangarira boka iri, muminamato,aine hanya naro. Timotio ndiye akava mutariri wokutangawekereke iyi. 1 Timotio 1:1-3, “Pauro, muapostora waKristuJesu nokuraira kwaMwari Muponesi wedu, naIshe Jesu Kristu,Tariro yedu; kuna Timotio, mwana wangu chaiye pakutenda:Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari BabanaKristu Jesu Ishe wedu ngazvive newe. Sezvandakakumbirazvikuru kwauri ini ndichienda Makedhonia, ndinoti usarepaEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwedzidziso.”

Iro zita rokuti, Efeso, rinoreva zvinhu zviviri, “Kunanga,”uye “Kuneta.” Chikuru chainangwa nechizvarwa ichichakatanga nokuzara kwoMweya Mutsvene, “udzamihwaMwari,” pavaiedza kusvika pakudana kukuru kwaMwari,vakazotanga zvino kuregera mweya wokuneta-neta uchipinda

Page 78: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

68 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

mavari. Kutevera Kristu kusina kuzvipira kuzere kwakatangakuzviratidza pakati pavo sechiratidzo chokuti mumazuvaaizotevera ezvizvarwa zvekereke chinhu chinonzi kerekechaizopinda mukuipa “kwokudzika kwaSatani.” Yakangayazorora uye yava kutsvedza zvishomama-zvishoma.Chizvarwa ichi chakanga chotodzokera shure kare. Chakangachasiya rudo rwacho rwokutanga. Mbeu diki yakadyarwamuChizvarwa cheEfeso rimwe zuva yaizokura kuva mweyawokunyengera kusvika shiri dzose dzedenga dzakaipadzaizoberekera mumatavi ayo. Mbeu iyi yaiva chinhu chisinamhosva pamafungire omunhu aEvha Mutsva (Kereke Itsva)zvokuti yaizonyengerwa zvakare naSatani. ChizvarwacheEfeso chakanga chiine mukana kuna Mwari wokuitazvakanakisisa, uye kwekanguva yakakunda, ikazoneta, uyevanhu vakavarairwa Satani akadyara mbeu yokuparadza.

Kunamata kwaiva muguta reEfeso kwaimirira chizvarwachekereke chokutanga uye chikavamba zvaizoitikamuzvizvarwa zvaizotevera. Chokutanga, tembere huruyaDhiana, yakatora makore mazhinji ichivakwa, yakanga iine,mupunzo waDhiana wakanga wakanaka kwazvo. Wakangawakasiyana nemimwe mipunzo yaiva mune dzimwe temberidzakavakirwa Dhiana. Waiva mupunzo womukadzi anechimiro chakaipa wakanga wavezerwa padanda. Mavoko awoakanga akagadzirwa namadonzvo esimbi. Izvi zvaibudisapachena mweya wechiantikristu wakanga wapindamuchizvarwa chokutanga. Hoyo mweya uya waregedzerwapakati pavanhu, asi hauna kutora chimiro chingatirimusavanhu. Asi mavoko maviri awa airatidza kuti chinangwachomweya uyu kupwanya basa raMwari pawaipinda. Uyehapana akaona kuti pano mweya wakadai uye zvawaiitahapana akazviona. Asi rimwe zuva vachazoona, apo mavokoesimbi awa ‘zviito’ zvake pazvinoshanduka kuva ‘dzidziso,’ uyedzidziso yake ichizopedzisira yava mutemo wenyika.

Mafambisirwe okunamata mutembere anojekesavo.Kutanga, pakanga paine, vaprisita vaiva ngomwa. Huprisitahwengomwa uhu hwaireva kusava nechibereko kwaizoitavanhu vanenge vabva paShoko, nokuti vanhu vanoti vanozivaMwari vasingadi Shoko havana upenyu mavari kufanananomunhurume akaitwa ngomwa. Chechipiri, mutemberizvemakanga muine muprisita-kadzi mhandara aiita basaromutemberi rokunamata. Izvi zvaimirira zuva apo tsikanomutemo, kuedzesera namabasa, zvaizotora nzvimboyoMweya Mutsvene nokuratidzwa kwesimba mutemberiyaMwari. Pamusoro pavo vose pakanga pano muprisitamukuru, munhu wezvamatongerwe enyika aidiwa noruzhinji,izvi zvichiratidza zvanga zvichiitika, kunyangwe zvangazvisati zvonyatsoonekwa, zvokuti, kereke yaizopiwahutungamiriri hwavanhu nokuronga kwavanhu nezvinangwa

Page 79: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 69

zvavanhu uye “zvanzi noMweya Mutsvene” hayaizova chinhuchinoupenyu chechokwadi. Pasi pavo paiva navarandavetemberi vakanga vasina sarudzo kunze kokuterera vakuruvavo vezvokunamata. Izvi zvingarevei kunze kokuti kwaizouyanguva yokuti vane simba, vachishandisa zvamatongerwoenyika, netsigiro yehurumende, uye vachiisa dzidzisodzavanhu netsika, uye kutungamirira kwavanhu, panzvimboyeShoko noMweya, zvaizoisa vanhu muhuranda ivovatungamiriri vachipfachura mumufaro woupfumihwavanenge vawana nenzira dzakaipa, asi vanhu vanoshaiwavaifanira kushumirwa sokutaura kwaMwari, vakabva vaitwavaranda.

JESU, MUTUMWA WAKE NAMACHECHI.

Zvakazarurwa 2:1, “^Izvi ndizvo zvinotaurwa naIyeWakabata nyeredzi nomwe muruvoko rwaKe rorudyi,Unofamba pakati pezvigadziko zvomwenje zvinomwezvendarama.” Uyu ndiYe Anotaura kuti, ‘Iyeyu Jesu ndiYeZVOSE Ishe naKristu.’ HoUnoi apa, iye Mumwe Oga IsheMwari waMasimba ose, pasina Iye hapana mumwe. ndiYe ariapa, Muponesi (“^ruponeso runobva kuna Jehovha”, Jona2:9) achifamba pakati pekereke muzvizvarwa zvose zvinomwe.ZvaAiva muchizvarwa chokutanga ndizvo zvaArimuzvizvarwa zvose. Kumutendi woga woga, ndiYe Jesu Kristuasingashanduki, zuro, nhasi, nokusingaperi. ZvaAkamboitakamwe Achiri kungozviita, uye acharamba achizviita.

Cherechedzai apa kuti Jesu ari kufamba ari ega pakatipekereke dzaKe. Hapana mumwe waAinaye. Nokutivozvechokwadi hapangavi nomumwe, nokuti Iye chete ndiyeakaita ruponeso rwayo kereke, nokuitenga neropa raKendeyaKe. Ndiye Ishe naMambo wayo. InoMupa kubwinya kosezve kubwinya uku haAkugovani nomumwe. Hapana papa arikufambidzana naYe. Hapana mubhishopi mukuru waainaYe.Mariya, amai vomutumbi waKe wenyama, havapo naYe.Haana kwaanotendeukira kuna Baba kuti ataure navo, nokutiiye ndiYe Baba. Haana Mweya Mutsvene waanotendeukiraachiuraira zvokuita, nokuti Iye ndiMwari, Mweya usinamavambo kana magumo, uye ndihwo Upenyu hwaKe hurikuerera nokufema mukereke huchiipa upenyu, nokuti pasinaIye hapana upenyu. Ruponeso ndorwa Ishe.

Hapana waaiva naYe paAkatsika kutyisa kwehashadzegomba rinotyisa nokupisa. Hapana mumwe, asi IYEAkarembera pamuchinjikwa akapa ropa raKe. Ndiye MuvambinoMupedzisi wokutenda kwedu. Ndiye Arifa naOmegaworuponeso rwedu. Takapiwa kwaAri kwete kuno mumwe.Hatizi vekereke. Tiri vaKe. Shoko rake murairo. Dzidzisodzavanhu, tsika, namabumbiro emitemo hazvina simba patiri.

Page 80: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

70 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Hongu, asi Jesu BEDZI Anofamba pakati pekereke. NdiMwarimairi, achida nokuita kuda kwaKe. Musazombokanganwaizvozvo. Muno ukama humwe chete naMwari iyevo Mwari anehukama humwe chete nemi - -ndiJESU, JESU CHETE.

Ndiye ane nyeredzi nomwe muruoko rwaKe rworudyi.Ruoko rworudyi runoreva simba kana kuti mvumo yaMwari.Mapisarema 44:3, “Nokuti havana kuzviwanira nyikanomunondo wavo, ruoko rwavo haruna kuvaponesa: asi chanzacheNyu chorudyi, noruoko rweNyu, nechiedza chechisocheNyu, nokuti Maivafarira.” Muruoko rwake rworudyi umundimo mune nyeredzi nomwe, idzo, dzinonzi munaZvakazarurwa 1:20, vatumwa vanomwe vekereke nomwe. Izvizvinoreva kuti simba nemvumo yaMwari zviri kutsigiravatumwa vaKe ava vekereke muchizvarwa choga-choga.Vanoenda neShoko vari pasi pomwoto nesimba roMweyaMutsvene. Inyeredzi nokuti dzinoratidza chiedza. Chiedzachadzinopa chiedza chaShe. Idzo hadzina chiedza chadzo.Havatungidzi mwoto wavo voga kuti vanhu vagofambamumurazvu womwoto wavo. Isaya 50:11. Inguva yousiku,nokuti ndiyo nguva inoonekwa nyeredzi. Usiku hwerimarezvivi, nokuti vose (nyika yose zvayo), vakatadza vakasasvikapakubwinya kwaMwari. VaRoma 3:23.

Vatumwa vanomwe ava vari kuzivisa Mwari kuvanhu. Uyounovagamuchira, unogashira Uyo Akavatuma. Johane 13:20.Vanotaura nokuita zvichibva pamvumo yaKe. Akamira shurekwavo nesimba rose roHumwari. Mateo 28:18-20, “Ipapo Jesuwakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa SIMBA ROSEkudenga napanyika. Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose,muvabhabhatidze muZita raBaba, neroMwanakomana,neroMweya Mutsvene: muvadzidzise kuchengeta zvosezvaNdakakurairai ini: tarirai, NDINEMI MAZUVA OSE,kusvikira pakuguma kwenyika (panoperera zvizvarwazvamakereke).” Havano apa, vakazara noMweya Mutsvenenokutenda, vazere nomwoto wokuda Mwari, vakabata Shokorazvokwadi, Iye akamira kuvatsigira. Pafungei, hapanamutendi muchizvarwa chipi zvacho anombofanira kuchemachema mumwoyo make, “O-o, dai ndakanga ndirimuchizvarwa chokutanga ichi vaapostora pavakatangakutumwa.” HAPANA chikonzero chokutarira shure. TARISAIKUMUSORO! Muonei Uyo Ari kufamba pakati pekerekemuzvizvarwa zvose. Muonei Iye Asingashanduki zuro nhasi,nokusingaperi; Uyo asingashanduki muhunhu namaitiro aKe.Panenge paungana vaviri kana vatatu muZita raKe, Aripopakati pavo! Kwete kuva pakati pavo ari munhu akazororaachingoona chete, kana mutumwa ari kunyora zviri kuitika;asi Akamira apa achizviratidza kuti iye ndiAni _ UpenyunoMuchengeti noMupi wezvipo zvakanaka zvose kukereke.Hareruya!

Page 81: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 71

“Uyo anofamba pakati pezvigadziko zvomwenje zvinomwezvendarama.” Mashoko awa akafanira kwazvo kanaakatariswa muchiedza cheGwaro, rinoMutsanangura kuti iye“NdiKristu Upenyu.” Nokuti chokwadi, Kristu, ndiye upenyuhwekereke. Haina humwe upenyu. Pasina Iye iboka resosaitiyokunamata chete, ikirabhu, ungano yavanhu isinachayakaunganira. Sezvakaita chitunha chakashongedzwanokupfekedzwa chinongove chitunha, nokudarovo chechi,hazvinei kuti ino hurongwa hupi uye kuti kushingaira kwayokungaberekei, asi kana pasina Kristu chitunha. Asi kana Iyearimo, Achiimutsiridza, inova chishamiso kuna vose “mutumbiwaKe, kuzara kwaIye uri muna vose.” Iko zvino Ari kufambapakati pechigadziko chomwenje chendarama chechizvarwachokupedzisira. ZvaAkanga Ari muchizvarwa chokutangandizvo zvaAchiri muchizvarwa chokupedzisira. Jesu KristuHAASHANDUKI, ZURO, NHASI, NOKUSINGAPERI.

“Zvigadziko zvomwenje zvinomwe.” Muna Eksodo 25:31,munonzi, “Unofanira kuitavo chigadziko chomwenjechendarama YAKAISVONAKA; chigadziko chiitwenendarama yaKAPAMBADZIRWA; chigadziko chacho,nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namafundo acho,namaruva acho, zvose ngazviitwe chive chinhu chimwenacho.” Kereke yechokwadi yaishe Jesu Kristu, mwenga,unofananidzwa nendarama YAKACHENESWA. Kururamakwayo ndiko kururama KWAKE. Unhu hwayo ndihwo unhuhwake IYE hunobwinya. Zvinoratidza kuti iyi ndiyo kerekezvinoonekwa muna Kristu. ZvaAri, zvinoratidzwa nekereke.ZvaAinazvo, kereke ndiyo inozvibudisa pachena. Hamunamhosho mairi kereke. Inobwinya kunze nomukati. Kubvirapainotangira kusvika painoperera ibasa raShe wayo, zvinomabasa aKe ose akakwana. Mairi ndimo makaiswanokuratidzwa uchenjeri nokuda kwaMwari. Munhuangazvifunga nenzira ipi? Munhu angazvinzwisisa sei?Kunyangwe tisingakwanisi kuzvinzwisisa, asi nokutendatinokwanisa kuzvigamuchira, nokuti Mwari wakazvitaura.

Chigadziko chomwenje ichi hachina kuitwa nendaramabedzi, asi ndarama YAKACHENESWA. Basa ramaokorendarama yakacheneswa, zvichienderana nezvakapiwanoMweya mutsvene. Kusiya kwaIshe naMambo wayo, JesuKristu, varipo here vanhu vakamboshandwa nokucheneswasomwenga waJesu Kristu? Zvechokwadi mwenga uri kuzadzisakutambura kwakasiyiwa naKristu. Pfuma yayo inopambwa.Upenhu hwayo huri munjodzi. Inoverengwa segwayanarinofanira kuuraiwa. Inouraiwa zuva nezuva. Inotambudzwachaizvo, asi haidzoreri, kana kukonzera kuti vamwevatambure. Mwenga waKristu uyu wakakodzera eEvhangeri.Uye sezvo ndarama ichikwanisa kuumbika, ndarira inotyokakana ichipfurwa, ndarama iyi yaMwari inokwanisa kutakura

Page 82: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

72 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kutambura kwainoitira Ishe, haikombamiswi, haityoki,haiparadzwi, asi inoumbwa kuva chinhu chino runako uyechomufaro zvichiitwa nokutambudzika nemiedzo youpenyuhuno.

KRISTU UNORUMBIDZA VAKE.

Zvakazarurwa 2:2,3, “Ndinoziva mabasa ako,nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kutihaudi kuvonana navanhu vakaipa: wakavaedza ivo vanoti tirivaapostora, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;ukatsungirira, nokuva nomwoyo murefu, nokuda kweZitaraNgu, ukasaneta.”

Zvakanaka sei kuti Muponesi arumbidze vana vaKe.Anorangarira chaizvo kuva nomweya wakanaka namaoneroakanaka kunoitwa navana vake nokuzvibata kwavo. Anozivakuti pano utera pakati pavo, asi panguva ino haAsati avakuzvitsiura nesimba. Izvi hazvina here kungoita saIshe?Anoziva kutirumbidza mune zvakanaka nokutirambidza panezvakaipa. Tinokwanisa kudzidza chidzidzo ipapachokutungamirira kereke nemhuri dzedu. Kunyanyavo,tinokwanisa kudzidza chidzidzo chakanaka chokuti Mwarianoshanda nomumwe nomumwe wedu nenzira iyoyi.Usazomboora mwoyo, Mutsvene waMwari, nokuti Mwarihaangashayi nyasha zvokuti angazokanganwa kushingairakwako kworudo. Chose chatinoita, kunyangwe kupa kapuyemvura yokunwa kuno mumwe, kuno mubaironamaropafadzo anobva kunaShe.

“Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako,nokutsungirira kwako.” PaAri kufamba pakati pekereke yaKe,Anoziva kutambura kwavanhu vaKe, uye Ane hanya.Sezvazvaiva muEgipita mumazuva ohutapwa paAkanzwakuchema kwavo, Uyo Asingashanduki anonzwa kuchemakwavana vake vakadzvinyirirwa Achifamba pakati pavo.Shoko rokuti, kutsungirira, rinoreva kunetswa nokudakwokuremedzwa. Vanhu vaMwari havangoMushingairirimurudo, asi kuti vanoMutambudzikiravo mumufaro. Vanomwoyo murefu pakutakura mutoro. Chizvarwa chokutangaichi chakatambudzwa zvikuru. Chaitoshanda zvine simba kutichiparidze Evhangeri nokuisa chokwadi pachena. Kudanwakwavo kukurusa muupenyu kwaiva mukushandira Mwari, uyetariro dzavo muupenyu padzakanga dzoparadzwa vaivanomwoyo murefu uye vaiisa zvose kuna Iye Wakanga avimbisamubairo unogara kudenga nokuda kwezvavakanga vazvipirakwazviri nokuda kwaKe.

Ndinofunga kuti timbomira pano titore pfungwa yokutivanhu vaMwari vakagara vachitambudzwa uye vachagaravachitambudzwa. Munoziva kuti Genesisi ndiro bhuku

Page 83: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 73

ramavambo, uye zvamunoona zvichitanga mubhuku iri ndizvozvinoenderera kusvikavo mubhuku raZvakazarurwazvakangodero zvisina kushanduka. Umu tinoona Kainiachitambudza nokuuraya munin’ina wake Abheri nokutiAbheri akafadza Mwari. Zve tinoona muenzaniso wakakwanamumwana waAbrahama wenyama, Ishmaeri, akatyisidziranokunetsa mwanakomana wevimbiso, Isaka. Zve pakangapana Esau, akavenga Jakobho uyo waaidai akatouraya, daiMwari asina kuzopindira. MuTestamente Itsva tinowanaJudhasi achitengesa Jesu, ukuvo vanamati venguva yokutangavaiedza kuuraya vatendi vechizvarwa ichi chokutanga. Vanavenyika ino, vachitungamirirwa nadhiyabhorosi, vanovengavana vaMwari vanotungamirirwa noMweya.

Hazvinei kuti muKristu akarurama zvakadini pamberipavanhu, uye kuti anoita nyasha dzakadini kuna vamwe vake,asina chimwe chaanoita kusiya kwechakanaka, ngaapupureKristu soMuponesi wake nokubvuma kushanda kwezvipozvoMweya Mutsvene mukutaura nendimi, kuprofita,kuporeswa kwavarwere namashura, ipapo anobva atowanirwamhosva. Mweya wenyika ino unovenga Mweya waMwari, zvenokuti mweya wenyika haukwanisi kukunda Mweya waMwariunoedza kuparadza mudziyo unogarwa noMweyaweZvokwadi.

Kutambudzwa nokuedzwa ndiwo mararamiro, uyechikamu choupenyu hwomuKristu. Pane chinhu chimwe chete-chete chaungaita pamusoro pazvo. Zviise zvose kuna Mwari,usatonga, asi siya mafambire azvo nokutonga kwaAri.

“Vuye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uyeukavaedza avo vanozviti vaapostora, asi vasiri, ukavawanavari venhema.” VaEfeso vaitenda kuti vanhu vaMwarivanofanira kuva vatsvene. Kubva pavhesi iyi vakatorazvinhanho zvokuona kuti kereke haina mbiriso yechivi. Zviripachena kuti kutsauka kwakanga kwatotanga. Chivi chakangachapinda mukereke. Asi vakanga vakatendeka kumashokoaPauro paakati vabvise pakati pavo vakaipa. Vakanga varivanhu vakapatsanurwa. Vakanga vabuda mukati menyika,zvino havaizoregera nyika ichipinda pakati pavo.Havaizoregera chivi chiri mukereke. Hutsvene kwavarichakanga chisiri chirevo kana dimikira; asi kuti ndiwo aivamararamire avo.

“Wakavaedza ivo vanoti tiri vaapostora, vasi ivo chaivo,ukavawana vari venhema.” Maiwee, uku kutaurakwakaomarara. “Wakavaedza ivo vanoti tiri vaapostora.” Ukuhakusiri kungoganhira here? Ko vanowanepi mvumo yokuedzaavo vanozviti vaapostora? Uye vanovaedza sei? O-o, izvindinozvida izvi. Hezvinoi muna vaGaratia 1:8, “Asi kunyangweisu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe

Page 84: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

74 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

evhangeri inopesana neyatinokuparidzirai (kare) isu, ngaavewakatukwa.” Vaiva vaapostora vakaunza Shoko rokutangakuvanhu. Shoko rokutanga iri haraikwanisa kushanduka, kanachidimbu kana chipande charo zvacho. Pauro aiziva kutindiMwari Akanga ataura kwaari, ndiko kusaka akati,“Kunyangwe ini ndikazouya ndikaedza kupa chizarurochechipiri, ndikaedza kushandura padiki kubva panezvandakambopa, ngandive ndakatukwa.” Maona, Pauro aizivakuti chizaruro chokutanga chaiva chechokwadi. Mwarihaangapi chizaruro chokutanga, wozopa chizaruro chechipiri.Kana Akadaro, Anenge achishandura pfungwa dzaKe.Anogona kupa chizaruro wozowedzera pachiri, sezvaAkaitamumunda weEdheni apo Akavimbisa Mbeu kumudzimai, zvinomushure akazoti Mbeu iyi iuye nomuna Abrahama, akazotimbeu iyi iuye nomumutsetse weropa raDhavhidhi. Asichakanga chiri chizaruro chimwe chete ichocho.Chaingowedzera kujekeswa kuvanhu kuti vachinzwisise. AsiShoko raMwari harigoni kushanduka. Mbeu yakauyasokuzarurwa kwazvakanga zvaitwa. Hareruya. Zvino vonaizvaiitwa navaapostora venhema ava. Vaiuya neshoko ravo.VaEfeso ava vaiziva Shoko samadzidzisirwe arakanga raitwanaPauro. Vakanga vakazadzwa noMweya Mutsvene sokuiswamaoko pamusoro kwavakanga vaitwa naPauro. Vakatarisavaapostora venhema ava muziso vakati, “Hamusiri kutaurazvakataurwa naPauro. Nokudero, muri, venhema.” O-o, izvizvinoita kuti hana yangu ipise nomwoto. Dzokerai kuShoko!Hamuzimi chaivo vanoedza muapostora, muprofitanomudzidzisi, ISHOKO RINOVAEDZA. Rimwe ramazuva anopachauya muprofita kuChizvarwa cheRaodhikia zvinomuchazoziva kuti ndiye here akatumwa kubva kuna Mwarikana kwete. Hongu muchaziva, nokuti kana ari waMwariACHANGE ARI MUSHOKO IRI SAMAPIRWE CHAIWOARAKAITWA NAMWARI KUNA PAURO. HAAZOMBOBVIPASHOKO IRI KWECHINGUVA ZVACHO, KANAKUTSAUDZIRA NAPADIKI ZVAPO. Muchizvarwachokupedzisira ichi, panenge paine vaprofita venhemavakawanda, uye vanenge vachikuudzai kuti mukasavatereraivo, munorasika; asi kana MUPROFITA WEZUVAROKUPEDZISIRA ouya, kana ari iye zvechokwadi muprofitawacho, anenge achidanidzira kuti, “Dzokerai kuShoko kanakuti, matorasika.” Haazombozemberi patsananguro yomunhu,asi paShoko. Ameni, naAmeni!

Vaapostora venhema ava ndiwo mapere anoparadzaakataurwa naPauro. Akati, “Pandinenge ndaenda vachaedzakuuya votivo vane chizaruro sechake; asi chinangwa chavohachisi chokuda kukubatsirai, asi kukuparadzai.” Mabasa20:27-32, “Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwosekwaMwari. Zvichenjererei imi, neboka rose, ramakaitirwavatariri varo noMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke

Page 85: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 75

yaMwari, yaAkatenga neropa raKe. Ini ndinoziva kuti, kanandaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu,asingaregi boka. Uye napakati penyu pamene pachamukavarume, vachataura zvinopesanisa (mashoko avo nepfungwadzavo, kwete mashoko aMwari) kuti vatsause vadzidzivavatevere. Naizvozvo rindai, murangarire, kuti makorematatu handina kurega vusiku namasikati kuraira mumwenomumwe nemisodzi. Zvino, hama, ndinokuisai kuna She,neShoko renyasha dzaKe, iye unesimba rokukuvakisai,nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.”

Johane aivazivavo, nokuti anoti muna I Johane 4:1,“^vaprofita vazhinji venhema vakabudira (kare) munyika.”Mweya waantikristu uya wakanga uri kupinda mukereke, uyewaizviita nokurwisana neShoko. Apa ndipozvepazvakatotanga. Ipapa muchizvarwa chekereke chokutanga.Vakanga vava kutoramba Shoko kare vachiisa dzidziso dzavonouchenjeri panzvimbo yeShoko. Ndiko kuva antikristu,nokuti Jesu iShoko. Kupesana neShoko kupesana naJesu.Kupesana neShoko ndiko kuva antikristu, nokuti MweyaneShoko chinhu CHIMWE CHETE. Kana uchipesana neShoko,unotova antikristu. ZVINO KANA ZVAKATANGAMUCHIZVARWA CHEKEREKE CHOKUTANGAZVICHARAMBA ZVICHIKURA KUSVIKA KUMAGUMOPAZVINOZOTONGWA. Uye izvi ndizvo chaizvo zvamuchaonapatinozopedza zvizvarwa zvose. Zvinotanga chiri chinhuchidiki chaizvo muChizvarwa cheEfeso zvichikuramuchizvarwa choga choga chaitevera kusvikira maitire awaanopesana neShoko, aantikristu abata simba zvachose uyekusakundika kweShoko kwarambwa navaapostora venhemavekereke yenhema.

Asi zviri nyore kuva nokunzwisisa kusiri iko nokuti ndirikusimbisa zvinhu izvi. Zvingaita kwamuri sokuti mweya uyuwaantikristu unopesana neShoko, unoramba zvizere Shoko,unoramba Bhaibheri pachena. Kwete changamire.Handizvoba. Zvinoitika apa, ndezviri muna Zvakazarurwa22:18,19, “Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashokookuprofita kwebhuku iyi, Ndichiti kana munhu akawedzerapazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari madambudzikoakanyorwa mubhuku iyi. Kana munhu akabvisa mashokoebhuku yokuprofita uku, Mwari uchabvisa mugove wakemuBhuku yoUpenyu, nomuguta dzvene, napazvinhuzvakanyorwa mubhuku iyi.” Uku kungava kushandurwakwevara RIMWE chete kunokonzerwa nokupamhidzira kanakutapudza pariri. Iri ndiro minimini raSatani rouchenjeriraakatanga kushanda naro muBindu reEdheni.Akangowedzera shoko dikidiki kune rakanga rataurwanaMwari. Ndomaitikire azvakaita. Zvakaunza rufunokuparadzwa. Zvino muEfeso umu, zvakanga zvakangoitavo

Page 86: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

76 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

saizvozvo. Shoko rimwe rawedzerwa, kana shoko rimweratapudzwa, ipapo mweya waantikristu, mweya wokusadaShoko wakatanga kubudirira.

Mazvibata here zvino? Awa ndiwo mapatya aya zvakare.Heyo zvakare miti miviri iya, ichikura panzvimbo imwe muvhurimwe, ichidya zvokudya zvakafanana, ichinwa mvura imwechete, nokuwana zuva rimwe chete. Asi inobva pambeuDZAKASIYANA. Mumwe muti NDOWEShoko raMwari,sokupiwa kwawakaitwa naMwari, uchirida nokuriterera.Mumwe muti unobva pambeu inopesana neShoko raMwari uyeunorishandura pose paunogona kuti urishandure. Unoisa tsikadzavanhu nedzidziso dzavo panzvimbo yeShoko razvokwadibenyu sezvakangoitwa naKaini, uyo akazopedzisira aurayamunin’ina wake Abheri. Asi musatya boka diki. GaraipaShoko. Isai Shoko iri pakati penyu nasatani. Evha haanakuita izvi nokudero akakundika. Zvino kana kereke yaregedzaShoko inobva yapinda makadzika merima raSatani.

“Ukatsungirira, nomwoyo murefu, nokuda kweZita raNguukashingaira, ukasaneta.” Izvi zvakangofanana nezvataurwamundima yepiri. Asi mundima yepiri basa, kushingaira,nomwoyo murefu zvakanga zviri zvokuchengetedza ShokoDzvene rakanga rapiwa kwavari. Hongu vaisada kugamuchiramuvengi pakati pavo. Rakanga riri basa rakanaka kwazvoraPauro. Asi mundima iyi kutambudzwa kwavo nokuedzwavachiita mwoyo murefu zvakanga zviri nokuda kweZitaraJesu.

Munoziva kuti hazvishamisi, nokuti chinounza muvengisedutu remvura patiri iShoko neZita. Shoko resimba irirakaratidzwa mukupodza vanorwara, muzviratidzo,zvishamiso, nokumwe kuoneswa kwesimba, ndizvo zvakaitakuti vaFarise vachemere kuti vatendi vechokwadi vauraiwe.Zvino Zita iri, rakavengwa nokusvorwa namaJudha, ririkusvorwa navanozviti vakadzidza vachiseka vachiti munhuangava benzi zvakadaro zvokutenda mumunhu akafa akamukaagere kudenga. Zvino havano vanamati vanotambudza vamwe,maJudha, vachituka Jesu, Uyo aiva Mhesiyasi wenhemakwavari; zvino apa pana vamwe zvakare vanoseka nokusvoraZita ramwari mutsva, Uyo akanga asiri mwari kwavari.

Zvino hechi chimwe chinhu chakatanga muchizvarwa ichiicho chicharamba chichienderera mberi muzvizvarwa zvose,chichipinda mukudzika uye murima. Chinhu ichi ndechokuti,vanhu vakanga vachiramba Zita iri. Haisi Kereke yechokwadiyeEfeso yaiita izvozvo kwete. Kwete changamire. Vakanga varivaapostora venhema. Vakanga vari vokunze vaiedzakuzvibatanidza navatendi vechokwadi kuitira kuti vagosvibisavatendi ava. VaEfeso vaiziva Zita iri uye vairida.Imborangarirai matangire akaita Kereke yeEfeso. Boka dikirakanga rakamirira Mhesiyasi rakanzwa kuti muprofita

Page 87: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 77

anotungamirira kuuya kwaMhesiyasi akanga aonekwamurenje reParastina uye akanga achibhabhatidza vanhuvachitendeuka pazvivi. Avavo, ndivo, vakazogamuchirarubhabhatidzo rwaJohane. Asi Pauro paakauya kwavariakavaratidza kuti muprofita uyu akanga atofa, uye kuti Jesuakanga atouya akazadzisa chikamu choupenyu hwaKesechipiriso chezvivi, uye kuti ZVINO Mweya Mutsvenewakanga wauya uye waizadza vatendi vose vaitenda munaJesu, Mhesiyasi. Pavakanzwa izvi, VAKABHABHATIDZWAMUZITA RASHE JESU, zvino Pauro paakazoisa maokopamusoro pavo, vakazadzwa noMweya Mutsvene. Vaizivazvazvinoreva kuterera Shoko, kubhabhatidzwa muZita raKe(Ishe Jesu Kristu) nenzira iyi vaiziva kuti vaizozadzwanoMweya Mutsvene. Hawaikwanisa kushandura vanhu avavashanduke. Vaiziva chokwadi. Mabasa 19:1-7.

Vaiziva simba reZita iri. Vakaona kuti Zita iri raivanesimba chaizvo zvokuti kana apuroni dzaitorwa pamuviriwaPauro dzichitumwa muZita raJesu kuvanhu vaitambudzikavaipodzwa pazvirwere zvose nokudzinga mweya yakaipa.Zvaiva pachena zvaiitwa neZita iri zvokuti maJudha aisatendaapaEfeso akada kushandisa simba iri kudzinga madhimoni.Mabasa 19:11-17, “NaMwari wakaita masimba anoshamisanamavoko aPauro; Nokudaro micheka nenguvo zvaibvapamuviri wake zvaiiswa pavarwere, hosha dzikabva kwavari,nemweya yakaipa ikabuda. Zvino vamwe vaJudha, vavuki,vaipota-pota vakaidza kudana Zita raShe Jesu pamusoropavaiva nemweya yakaipa, vachiti, Ndinokupikirai naJesuAnoparidzwa naPauro. Vaiva vanakomana vanomwevomumwe muJudha, wainzi Skevha, muprisita mukuru, vaiitaizvozvo. Mweya wakaipa ukapindura ukati kwavari, Jesundinomuziva, naPauro ndinomuziva; asi imi ndimi vanaaniko?Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa wakavamukira simba,akavakurira vose vari vaviri, akavakunda, nokudaro vakatizamumba imomo vasine nguvo vakuvadzwa. Izvozvozvikazikanwa navose vaJudha navaGiriki vakanga vagereEfeso; vakatya vose, Zita raShe Jesu rikakudzwa.”

Vaiziva kururama kwoupenyu hwaifambirana nokutakuraZita iroro, nokuti ani nani anotaura Zita raShe, ngaasiye chivi.Ivai vatsvene, imi makatakura mudziyo yaShe.Hamuchazotakuriri Zita raShe Mwari wenyu pasina. VaEfesoava vakanga vari VAKRISTU. Vakanga vakatakura Zita, uyeZita iroro raiva Kristu, Wakanga uri Mweya waMwari waivamavari, uye Waiva rimwe ramaZita matatu aShe wavo.

“^Nokuda kweZita raNgu wakatambudzika, ukasaneta.”Vatendi ava vakanga vasiri kutambudzikira Pauro, kana kutisanganovo zvaro. Vakanga vasina kuzvipira kuzvirongwa kanakuti zvakaumbwa pavaizovaka nhaka yaikosha. VaishandiraIshe. Vaiva varanda vaKe, kwete midziyo yamasangano.

Page 88: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

78 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Havaingopinda kereke nomusi weSvondo nokutaura pamusoropeZita vozorikanganwa mamwe ese mazuva evhiki aitevera.Vakanga vasingaRitauri pamuromo chete. Kwete Changamire.Vaitopa upenyu hwavo.

Zvose zvavaiita, vaizviita muZita iroro. Vaitoita chinhumuZita iroro chete, kana kutoti kana vaisakwanisa kuitachinhu muZita iroro, hapana chinhu chavaiita. Ava vaivavaKristu vane nzvimbo kudenga vaiva netsika dzaiva munaShechete.

Asi muzambiringa wenhema uya waida kusvibisa Zitairoro wakanga wakamirira murima samapere akatsamwa,akamirira kupinda nokuparadza. Asi vatsvene vakakundakuidzwa uku vakachengeta Shoko neZita.

KUNYUNYUTA KWAMWARI

Zvakazarurwa 2:4 inoti, “Asi handifari nechinhu ichikwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.” Kutimunzwisise izvi munofanira kuziva kuti Mweya hauzi kutaurakuvatsvene vokutanga veEfeso chete. Shoko iri riri kutaurwakuzera rose rakatora makore angangoita 120. Saka, shoko iri,riri kutaurwa kumapoka ose omuzera iri rose. Zvinozvakamboitika munhoroondo zvinoitika zvakare. MuzvizvarwazveIsraeri tinoona rumutsiriro mune chimwe chizvarwa, asitichizoona mwoto wava kudzima muchizvarwa chinotevera.Muchizvarwa chetatu, mazimbe anenge achipfutazvishomashoma, asi mune chechina panenge pasisinachinomboratidza kuti mwoto wapamavambo uyuwakambovapo. Mwari wobva otungidza mwoto zvakare, pobvapodzokororwa nokutevedzerwazve zvinhanho zvakamboitwakare izvozvo. Izvi zvinoratidza nyore nyore kuti Mwari haanavazukuru. Ruponeso haruuyi nedzinza rakosokusakwanisikavo kokugara nhaka youapostora. Izvi hazvizimuShoko. Ukatanga navatendi vakaberekwa patsvazvechokwadi, zvino chizvarwa chinotevera pachinouyavanenge vasisiri maKristu chete, asi vanenge vatotora zitaresangano vava kunzi maBhaptisti, kana maMethodisti,nezvimwe zvakangodaro. Izvi ndizvo chaizvo zvavari, zvakare.Havazi maKristu. Zvinotoda kuti uberekwe nokudakwaMwari, kwete kwomunhu, kuti uponeswe. Asi vanhu avavava kuungana zvino nokuda kwomunhu. Handisi kuti hapanakana vamwe vavo vari muna Mwari. Handisi kureva izvozvokana kamwe zvako, asi kuti mwoto wapamavambowakadzima. Havachisiri zvavaimbova pakutanga.

Chido chikuru chokuda kufadza Mwari, nechishuvochokuziva Shoko raKe, kuchemera kusvasvavira muMweya,zvose izvi zvinotanga kudzima uye panzvimbo yokuti kerekeiyi ipfute nomwoto waMwari yatonhora zvayo nokutevedza

Page 89: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 79

tsika. Izvi ndizvo zvakanga zvichiitika kareko kuvaEfeso.Vakanga vava kutevedza tsika. Kuzvipira kwakaperera kunaMwari kwakanga kwava kuita kuchipera uye vanhu vakangavasisina hanya zvakanyanya kuti Mwari aifungei pamusoropavo nokuti vakanga vava kunyanya kuita hanya kuti nyikayaitii pamusoro pavo. Chizvarwa chepiri ichi chakanga chavakuuya chakanga chakangoitavo sezvakanga zvakaitavaIsraeri. Vakachemera kuva namambo wavovo sezvakangazvakaita dzimwe ndudzi. Pavakangoita izvi, vakabva varambaMwari. Asi vakangozviita zvakadero. Iyi ndiyo nhoroondoyekereke. Kana yava kunyanya kufunga pamusoropokutevedzera nyika kudarika Mwari, hapana nguva refu kutimuvaone vava kurega kuita zvinhu zvavaisimboita,vachitanga kuita zvinhu zvavaisamboita pakutanga.Vanoshandura mapfekere avo, namaonere avo nezviito zvavo.Vanova vakasununguka. Izvi ndizvo zvinoreva “Efeso”:kufaranuka _ kueredzwa.

Nhevedzano idzi dzorumutsiriro norufu hadzinakumbokundikana. Zvamunongoda kuti muite chetekurangarira kufamba kwaMwari kuchangopfuura varumenavakadzi pavaipfeka samaKristu, nokuinda kuchechi,nokunamata, nokumira pamharadzano dzemigwagwavasingambonyari kuratidzwa kwoMweya mutsvene. Vakasiyachechi dzavo dzakanga dzakafa vakanamata mumisha kanamudzimba dzokuchengetera zvinhu dzakanga dzasakara.Vaiva nechokwadi chaionekwa. Asi hapana kupera nguva refuvatanga kuwana mari yakakwana kuti vavake kereke itsvadzakanaka. Vakaisa kwaya panzvimbo yokuti ivo pachavovaimbire Mwari. Vakapfekedza kwaya. Vakaumba batovakaritonga vachishandisa munhu. Pasina kupera nguvavakatanga kuverenga mabhuku asina kukodzera kutiaverengwe. Vakavhura musuwo ndokubva mbudzi dzapindadzikatora masimba. Kuchema kwomufaro kwakaenda.Rusununguko rwoMweya rwakaenda. O-o, vakaenderera mberinomufananidzo; asi mwoto wakanga wadzima uye tsvinayamadota chete ndiyo yakanga yasara.

Chinguvana chichangopfuura ndakataura kuti Johanewainzwisisa kuti zvairevei kuda Mwari. Muapostora worudomukurukuru uyu aigona kuzviona kereke payakatangakurashikirwa norudo rwaMwari urwu rwokutanga. Muna IJohane 5:3, munonzi, “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kutitichengete mirayiro yaKe (Shoko raKe).” Kutsauka kudikidikizvako kubva muShoko iroro chaitova chinhanho kubva kunaKristu. Vanhu vanotaura kuti vanoda Mwari, uye vanoendakusvondo, vachitodaidzira nokufara nokuimba nokuvanenguva huru kwazvo yavanobatwa pamwoyo chaipo. Asikana zvapera izvi, tarisai muone kana vari muSHOKO iroro,nokufamba mariri, nokurarama mariri. Kana vachiita zvimwe

Page 90: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

80 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zvese izvi asi vasingazofambi muShoko iroro, vanogona kutihavo vanoda Mwari asi upenyu hwavo hwunenge hwuchitaurazvimwe. Ndinoshama kuti Johane haana here kuona zvimwezvakadai asati afa; vanhu vaiti vanoda Mwari asivasingateereri Shoko raKe. O-o, Kereke yeEfeso, pane chimwechiri kuitika kwauri. Pano mumwe munhu ari kuedzakupamhidzira kuShoko iroro kana kutapudza kubva kwariri.Asi vari kuzviita zvishoma nezvishoma uye zvakavanzikazvokuti haugoni kuzviona. Havana kuzviita zvakanyanyazvokuti ukwanise kuzviona pamhenemhene. Zvakavigwa, uyevari kuzviunza nenzira yokushandisa fungwa nokunzwisisakwomunhu uye zvichatora simba kana ukasazviramba kwazvo.Dzokerai kuPentekosti nguva isati yapera!

Asi senguva dzose vanhu havateereri yambiro yaMwari.Mwoto worumutsidziro rwakaumbwa paShoko unoshamisazvikuru, uye kuratidzwa kwoMweya kunoropafadzwa zvikuru,zvokuti kakutya kanopinda zvinyoronyoro uye kazevezevemumwoyo kanoti, “Tingachengetedza sei chokwadi ichichatinacho? Tingaita sei kuti rumutsiriro urwu ruendereremberi?” Apa ndipo panopinda “mweya waantikristu”achitauravo nakazevezeve achiti, “Ona, wava nechokwadizvino, chiona kuti chokwadi ichi hachirashiki. Rongedzanokumisa zvitendwa zvako pane zvaunotenda. Zviise zvosemukabhuku kezvitevedzwa zvekereke.” Vanobvavangozviitavo. Vanorongedza. Vanopamhidzira kuShoko. Uyevanofa sezvakangoitavo Evha nokuda kwokutora shoko Rimwechete zvisizvo. Shoko raMwari ndiro rinounza upenyu.Zvatinotaura isu pamusoro peShoko handizvo zvine basa, asikuti zvakataura Mwari.

YAMBIRO YAMWARI

Zvakazarurwa 2:5 inoti, “Naizvozvo rangarira pawakawa,utendevuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaitisaizvozvo Ndichavuya kwauri, ndikabvisa chigadziko chakochomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendevuki.”

Mwari anovataurira kuti VARANGARIRE. Chinoonekwandechokuti chimwe chinhu chakanga chasiya fungwa dzavo.Pane chimwe chinhu chavakanga vakanganwa. Akavataurirakuti vadzoke kumashure mufungwa dzavo kuenda pamavambochaipo. Mavambo ekereke yokutanga yaiva Pentekosti.Vakanga vapunzika kubva kwairi. Vakanga vakanganwakuhwinya nokushamisa kwayo. Yakanga yava nguva zvinoyokudzokera mufungwa uye kwozotivo mune zvinoonekwa.Kudzokera kunguva iyo yavaikwanisa kutaura vachiti, “Kutiini ndirarame ndiKristu.” Kudzoka kuutsvene apo AnanianaSafira vakarangwa. Kudzokera kuSuvo Rakanaka. O-o,kutukwa kwakadini kuti munhu atsvedze kubva kuna Mwari

Page 91: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 81

nokuisa mufungwa mabasa anosvibisa Zita raKe. Avovanoreva Zita raKe ngavasiye chivi vachengetere Mwarimidziyo yavo yakachena. Tarira uone zvawakanga wakaitamumwoyo mako, nomufungwa dzako, nomuupenyu hwako.Zvino chidzokera ikoko.

Zvino nzira yokudzokerako ndeipi? Nzira iyi inzirayokutendeuka. Kana mutadzi achifanira kuuya kuna Mwarinenzira yokutendeuka saka vanodziya novakahedhukavanotofanira kutendeuka zvakanyanya. Tendeukai! Berekaizvibereko zvakakodzera kutendeuka. Zvitaridze zvionekwenoupenyu hwako. Mwari akati, “Kana usina kutendeuka,”“Ndichabvisa chigadziko chako chomwenje.” Zvechokwadi.Kereke yaitirwa izvi haigoni kupa chiedza kunyika. Chiedzachayo chashanduka kuva rima. Mwari anozobva otora nhumeyayo yakatendeka navafudzi vayo vakatendeka nokuvasiyakuti vaite sezvavanokwanisa, uye vachaenderera mberivachitaura pamusoro pechiKristu asi ivo vasina chikristuchazvo.

Tendeukai nokukasira! Musambozengurira! Zviri pachenakuti kereke yeEfeso yakazengurira, nokuti yakararama nguvaisina kumbonyanya kureba. Kuhwinya kwaMwarikwakaderera nokukurumidza chaizvo. Hapana kupera nguvahuru guta iri risati raparadzwa. Tembere yayo yakangayakanakisisa yakava dangwaza rakapazika. Nzvimbo yakavabani raigarwa namadhakisi; vanhu pakanga pasisina kusiyakwavashoma vakanga vasingatendi vaigara muruwa rwakaiparusingakodzeri kugarwa. Pakanga pasisina kana muKristuMUMWE zvake. Mwenje wakanga wadzurwa kubvamunzvimbo yawo.

Izvi hazvirevi kuti Efeso yakanga isingachakwanisikutendeuka. Hazvirevi kuti hatikwanisi kutendeuka.Tinokwanisa. Asi tinofanira kukurumidza. Kunofanira kuvakuchema kwechokwadi kwapamwoyo kuna Mwarimukushungurudzika, ndiko kuzoti Mwari azodzorera sakare.Kuhwinya kuchauya zvakare.

MBEU YAVANIKORAITI

Zvakazarurwa 2:6 inoti, “Asi chinhu ichi unacho, kutiunovenga mabasa avaNikoraiti, aNdinovenga nenivo.”

Zvino pane fungwa mbiri pamusoro pokuti vaNikoraitivaiva chii. Vamwe vanoti raiva boka ravanhu vakasiyachinamato rakavambwa, naNikorasi weAntioki, munhuwakatendeuswa, wakazova mumwe wamadhikoni manomwepaJesurarema. Vaiita mitambo yechihedheni uye vakanga varivanhu vakatsveyama zvikuru muzviito zvavo. Vaidzidzisa kutimunhu akwanise kukunda zvinofadza nyama anotofanira

Page 92: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

82 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuzviziva nokuda kwokuzvinzwa mukuzviita zvose pauwanduhwazvo. Nokudaro vanhu ava vakazozvipira mune zvakashataizvi vasina kana hanya zvayo yokuti kuipa kwavo kwakabvakwanyatsokwana. Nokudaro vakadaidzwa namazita maviriomuTestamente Yekare anomirira kusazvidzora muzvinhuzvakashata uku: Bharami naJezebheri. Sezvo Bharami aiitakuti vanhu vave vakaminama pazviito zvavo achizovapamba,zvainzi Nikorasi akaita zvimwe chetezvo. Zvinofungidzirwakuti boka iri rakamanikidzwa kubuda muEfeso rikazowananzvimbo yarakazvimisira muPergamo.

Asi chinonetsa pakutenda izvi ndechokuti hachizichokwadi. Hapana zvapo kana nhoroondo dikidiki pamusoropeizvi. Zvingatongonzikwa ndezvokuti runongovavo zvarworungano rwavakuru vakare. Kugamuchira fungwa yakadaikungaita kuti zera rekereke yeEfeso chingova chinhuchenhoroondo zvacho chete chete chisina kana chokuitanezviripo nhasi. Ichi hachizi chokwadi, nokuti chosechakatanga mukereke yokutanga chinosungirwa kuendereramberi muzera roga roga kusvikira chazoropafadzwanokusimudzirwa naMwari pakupedzisira kana kuparadzwasechinhu chesvina mugomba romwoto. Kuti muone kutirungano urwu rwunopokana chaizvoizvo sei neGwaro,ingoonai chete kuti muna Zvakazarurwa 2:2, Kereke yeEfesoHAYAIKWANISA KUGAMUCHIRA vakaipa. Sakavaitofanira kuvabudisa, kana kuti hazvaireva chinhu kutihavana kuvafarira. Kana vasina kuvabudisa, saka vaivafarira.Zvino mundima yetanhatu, zvinonzi vaivenga mabasa avo.Saka boka iri ravaNikoraiti rakaramba riri kabande kezerarokutanga, richiita mabasa aro. Mabasa awa aivengwa, asivanhu havana kuitwa kuti vashaye simba. Nokudaro tinoonambeu muEfeso dzichaenderera mberi kuzova dzidzisoichapfuurira, kusvikira, mugomba romwoto.

VaNikoraiti ava chii? Shoko iri rakaumbwa kubvamumashoko maviri echiGiriki. Nikao, zvinoreva kukunda,kana kupamba naLaos, zvinoreva vanhu voruzhinji.Pachokwadi chaicho chiri pachena, pano mumwe munhuwakanga achiita chimwe chinhu mukereke yokutanga iyichakanga chichipamba vanhu voruzhinji. Kana ruzhinjirwakanga rwuchipambwa, panofanira kuva “nomukuru unamasimba” waizviita.

Chii chaicho chaivengwa naMwari chaiitika mukereke iyi?Chakanga chichiitika nguva iyi, chichiri kuitika nazvino,ndicho chaicho chinorehwa neshoko rokuti Nikoraiti. Vanhuvakanga vachiitwa varanda neimwe nzira nomutovo wakangauchipesana zvizere neShoko raMwari.

Zvino kuti tiwane chaizvoizvo zvinorehwa nezvatava kudakupinda mazviri, ndinofanira kukuyambirai kuti murambe

Page 93: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 83

makachengeta mumisoro yenyu kuti chinamato (kana muchidamungangoti zvenyu zvinhu zvomweya), chakaumbwa nezvinhuzviviri zvakapfekana asi izvo zvakasiyana sezvakaita ruvararuchena norutema. Chinamato uye nyika yezvemweyazvakagadzirwa nemiti miviri iya yaiva nemidzi yayomuEdheni. Yose iri miviri Muti WoUpenyu noMuti woKuzivaZvakanaka neZvakashata yaiva pakati pomunda uyehazvishamisi kuti matavi ayo akanga akapfekananokukorekerana. Nokudarovo muKereke yeEfeso maivavonezvizvi. Kereke yakaumbwa navakanaka navakashata.Mizambiringa miviri ndiyo inoumba kereke. Zvakangoitamasawi nezviyo, zvichikura pamwe chete. Asi chimwendecheCHOKWADI. Chimwe chazvo ndecheNHEMA. ZvinoMwari uchataura KWAZVIRI zvose uye UchautauraPAMUSORO pazvo zvose. Achavadaidza vose kuti kereke.Zvino vasanangurwa chete ndivo vasingazonyengerwi. Mateo24:24 inoti, “Nokuti vachamuka vana Kristu venhema,navaprofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikurunezvinoshamisa; kuti, kana zvichibvira, vatsausenavakasanangurwavo.” Saka kareko mukereke yokutanga(kanguva kadikidiki kubva paPentekosti) muzambiringawenhema wakatanga kuzvimoneredza paMuzambiringaweZvokwadi tobva tawana mabasa avaNikoraiti awa.Mweya iwoyu uchawanikwa uchirwisa MuzambiringaweChokwadi kusvikira wazoparadzwa naMwari. Zvinomazvibata here?

Zvakanaka. Zvino mamirire pamweya ekereke iyoyoakanga akaita sei? Yakanga yasiya rudo rwayo rwokutanga.Kusiya kwayo rudo rwayo rwokutanga rweShoko raMwarizvakazarurirwa kwatiri ndiko kupunzika kubva kumavamboayo, aiva Pentekosti. MuchiShona choruzhinji, tingatizvinoreva kuti kereke yakanga iri munjodzi yokutorwa kubvamuutungamiri hwoMweya Mutsvene, nokutonga kwoMweya.Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika Mosesi achangobvakutungamirira vaIsraeri kubuda muEgipita. Nzira yaMwariyaiva yokuvatungamirira negore romwoto, nezvaitaurwanomuprofita, namashura nezviratidzo, nezvishamiso zvaipiwanaMwari. Izvi zvaizokwaniswa kuitwa navanhu‘vasanangurwa vaMwari’, uye ‘vakagadzwa naMwari’, uye‘vakashongedzwa naMwari’, uye ‘nhume dzaMwari’, musasawose uchitongwa nokufamba kwoMweya Mutsvene.Vakapanduka vakada bumbiro remitemo nezvitendwa kutivazvitevedzere. Pasure vakazoda mambo. Pasurezvendokuzoda kuva sezvakangoitavo venyika nomazvo chaimovakabva vapinda mukusiya chinamato chavo zvizerenokuchikanganwa. Awa ndiwo chaiwo matangire akaita zerarekereke rokutanga, uye zvichanyanya kuipa nokuipa,kusvikira Mweya Mutsvene warambwa zvachose Mwariosungirwa kuparadza vanhu.

Page 94: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

84 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Mazviona here matangire azvakaita mukereke yokutanga.Zvainzi mabasa. Ndokuzobva zvova dzidziso. Zvakavachipimo. Zvakava nzira isingashandurwi. Ndokuzopedzisiranokutora masimba ose Mwari ndokubva aiswa kwakadaro. O-o, zvakatanga zviri chinhu chidikidiki, murunyararo, zvisinakana chinombotsamwisa. Zvairatidzika sechinhu chakanaka.Sechinhu chinoonekera. Ndokuzobva chazobata zvino,ndokuzobva chaita seshato chaiyo, kudzipa mweya nokuurayazvose zvomweya zvakanga zvasara mukereke. O-o,muzambiringa wenhema uyu unouya namazanonokunyengetedza zvinyoronyoro. Unenge mutumwa wechiedzakusvikira wazokubata. Zvino ndinoda kutaura kuti ndinotendamuutungamiriri. Asi hahusi utungamiriri hwavanhuhwandinotenda. Ndinotenda muutungamiriri hwoMweyaMutsvene uchiuya nomuShoko. Ndinotendavo, kuti Mwariwakaisa varume mukereke, varume vane chipo choMweya; avandivo vachachengeta kereke iri mugwara. Ndinozvitendaizvozvo. Ndinotendavo kuti kereke inotongwa navarumevakatumwa naMwari kuzoitungamirira. Asi mutemo iwoyoNDOWESHOKO, zvokuti havazi vanhu chaivo vanotonga asikuti MWEYA WAMWARI, nokuti Shoko noMweya ZVIMWECHETE. VaHebheru 13:7 inoti, “Rangarirai vatungamiririvenyu, vaikuparidzirai Shoko raMwari: cherechedzai kugumakwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.”

Asi onai zvaiitika kareko. Muzambiringa wenhema uyandiwo wakanga wava kubata uchivadzidzisa kutizvokutongwa nomunhu zvakanaka. Wakadzidzisa kuti kerekeyaifanira kutongwa. Wakadzidzisa zvokuchengeta vanhu varimugwara, asi pachinhambo chokuzviita nenzira yaMwari,vakangotora masimba ndokuisa simba rose rezvomweyamumaoko avo pachavo ndokubuda vava nouprista utsvenehwakamira pakati paMwari navanhu. Vakadzokera chaikokuzvitevedzwa zvekare zvaAroni. Vakava vana antikristunokuti vakabvisa urevereri hwaKe vakaisa hwavo pachavonechisimba. Mwari akazvivenga izvi. VaEfeso vakazvivengaizvozvo uye ani nani mutendi wachokwadi uchazvivengavo.Zvinotoda kuti tive mapofu chaiwo kuti titadze kuona zvimwechetezvo zvichishanda kutevedza mazera ose uye iko zvino unondipo pazvanyanyisisa kushata. Zvazvaiva, raiva sangano.Ndiro rakapatsanura vanhu. Vanhu vaMwari vanonzivanofanira kuva vamwe chete. NoMweya MUMWE cheteVOSE vanobhabhatidzwa kuva mumuviri mumwe chete uyeMUNHU WOSE anofanira kushanyirwa noMweya Mutsveneuye MUNHU WOSE anofanira kuva nechikamu mukushumiraMwari. Asi vanhu vakada hutungamiriri, nokudaro vakatoramasimba, mabhishopi ndokubva ava maachibhishopi, uyenamazita avo ezvinzvimbo anoshamisira vakabva vatsaudziranapamwe vachisiya Shoko raMwari ndokudzidzisa dzidzisodzavovo dzisingapikiswi. Vakaita kuti vanhu vavateerere

Page 95: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 85

pakazosvika nguva yokuti nzira yavo yokushumira yakangaisisina kufanana kana napadoko zvapo nenzirayaimbotevedzerwa yamazuva akare paPentekosti. Mabasa awaakava mavambo enhevedzanwa dzouapostora. Kubvapanhevedzano dzouapostora kwakangozoita nhanho imwechete isina kutora nguva yaiva nyore yokuva “nhengodzekereke” senzira yokuwana nayo ruponeso. Shokorakatapudzwa kuva chitendwavo zvacho. Antikristu akangaava kutonga mukereke achishandisa mweya wake.

Tarisai zvazviri nhasi. Kana mukaverenga Mabasaavaapostora 2:4 maverengerwe ainoitwa navamwe,mungangoiverenga sezvizvi, “Zvino zuva rePentekosti rakatirasvika, kwakauya muprista nechimedu chechingwa akati,“Budisa rurimi rwako,’ ndokubva atsveta chimedu ichiparwuri, iye pachake ndokunwa waini ndokuti, ‘Iko zvinowagamuchira Mweya Mutsvene’.” Hazviiti? ChiNikoraiti ndipochaipo pachasvika. Vanoti, “Hazvina mhosva kuti ShokoraMwari rinotii. Haukwanisi kurinzwisisa. Tinofanirakukududzirira shoko. Chimwe chiripo ndechokuti Bhaibheriracho harizati rapera kunyorwa. Rinofanira kushandukanokufamba kwenguva uye tichakutaurira kuti zvashandukazvacho ndezvipi.” Izvi zvinosiyana kwazvo neShoko raMwaririnotaura zvakasimbisisa richiti, “Mwari ngaave iye chokwadi,munhu ngaave murevi wenhema,” pose panenge pamukakurwisana nechokwadi. Denga nenyika zvichapfuura, asihapana KANA SHOKO RIMWE zvaro raMwaririchakundikana. Saka vanhu vanotungamirirwa navanhuvanokarira kuva zvavasiri. Vanoti ndivo vari panzvimboyaKristu, asi zvavari chaizvo ndivana antikristu.

Kune imwe nyaya inosiririsa. Iyi ndeyorubhabhatidzorwemvura. Munguva yaJesu uye kubva paPentekosti vanhuvainyudzwa mumvura. Hapana anogona kuzviramba izvi.Vakadzidza vanoti chavaingoita kudira mvura pavari nokutiyaiwanikwa munzvimbo dzakawanda. Uye pavaidira mvura,vaizviita muzita raBaba noMwanakomana noMweyaMutsvene, kunge madunhurirwa awa mazita chaiwo, uyekunge kuna vana Mwari vatatu panzvimbo yomumwe chete.Asi gara musangano iroro ugoedza kuparidza chokwadichokubhabhatidzwa uchinyudzwa mumvura muZita raSheJesu Kristu unobva wadzingwa. Hazvigoneki kutiutungamirirwe naMwari ugogaramo. Hazvigoneki.

Zvino Pauro akanga ari muprofita, wakadzidziswanoMweya Mutsvene. Kana Pauro aibhabhatidza muZita raSheJesu Kristu, akati ani nani aisiyana nemharidzo iyiwakatukwa, saka nguva yasvika yokumuka nokuona kutikereke haisisiri kutongwa noMweya Mutsvene asi kuti yavakutongwa navaNikoraiti. Mabasa aVaApostora 20:27-30 inoti,“Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose

Page 96: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

86 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kwaMwari. Zvichenjerei imi, neboka rose, ramaitirwa vataririvaro noMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari,yaAkatenga neropa raKe. Ini ndinoziva kuti, kana ndaendamapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.Uye napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataurazvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”

Pauro wakazviona izvi zvichiuya. Asi wakavayambirapamusoro pouprista uhwu husingabudi pachena hwaizouyahuchitora masimba nedzidziso dzahwo dzenhema. Aiziva kutivachaisa nzira yokunamata yaibvisa vanhu mukushumiramuMweya Mutsvene. Kana iko nhasi chaiye pakati paavovanoti vakasununguka uye kuti vakazadzwa noMweya hapanakusununguka kwakanyanya pavanhu voruzhinji, zvatinoonabedzi vaparidzi vashoma vanoparidza nokufemerwa uye bokarichiedza kunzwisisa mharidzo dzacho. Izvi zviri kure naPaurowakati kana vose vaungana, vose vaitungamirirwa noMweya,uye vose vaipinda mushumiro yoMweya.

Sangano ramakereke harina kutombodzidza zvarochidzidzo ichi kubva muGwaro kana kubva munhoroondo.Nguva yoga yoga Mwari yaanopa kushanya kwoMweyaMutsvene vanhu vachisununguka, kwapera chinguvavanozvisungazve vachidzokerazve kwavakambobuda. Lutherpaakabuda musangano rechiKatorike, vanhu vakamborambavakasununguka kwechinguva. Asi paakangofa, vanhu vakabvavangoronga zvavaifungidzira kuti ndizvo zvaaitendanokuumba zvitendwa zvavovo nefungwa dzavovo vachirambaani zvake anenge ataura zvinopokana nezvavakangavachitaura ivo. Vakadzokera chaiko kuchiKatorike namamwemaitire akati siyanei. Uye nhasi chaiye maLutheran mazhinjiakatogadzirira kudzokera zvizere.

O-o, hongu! Muna Zvakazarurwa 12, chifeve chakare ichichaiva navanasikana vakawanda. Vanasikana ava vakangoitasamai vavo. Vanotora Shoko voriisa parutivi, nokuramba basaroMweya waMwari, nokuisa vanhu voruzhinji pasi pavonokuvatonga, uye nokuita kuti voruzhinji vasakwanisakushumira Mwari kana vasina kuuya nokwavari kanakutevedza urongwa hwavo, uhwo hwunongova zvitevedzwazvokusatenda zvinobva kuna Satani pachake

Nhai vehama, o-o tavepiko zvedu isu, pane zvomweya? Tirimurenje rerima. Takarashika chose kubva kukerekeyokutanga. Pentekosti haichatomboonekwi zvayo kananapadoko pose uye Shoko harichawanikwi. Nhevedzanwadzechiapostora, dzaiva pose pose, hadziwanikwi muShoko.Chinhu chakaitwa navanhu. Izvi zvinoenda mberikwechokwadi chokuti MWARI, KWETE MUNHU, ndiyeakaisa vatungamiriri vaKe mukereke. Petro haana kumbotsikazvake muguta reRoma. Asi vanonyepa vachiti waivamo.Nhoroondo inojekesa kuti haana kumboisa gumbo muRoma.

Page 97: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 87

Kuna vanhu vanoverenga nhoroondo, vanongodzungudzamisoro yavo asi vachienderera mberi nokubvuma nhemaidzodzi. Ndapapi pamunogona kuwana ‘mumiririri waKristu’muShoko? Hapana anotora nzvimbo yaKe, asi izvi zvakatoitwauye vanhu vanozvigamuchira. Ndapapi pamunowana pachinziMwari anobvuma ‘kuwedzera kuchizaruro,’ kunyanyachizaruro chinopesana nechakapiwa kare? Zvisineivanozvigamuchira nokuzorora pazviri. Ko iya yavanoti‘pirigatoria’ inowanikwa papi? Ko yavanoti ‘misa’ munoiwanapapi? Ko ‘kuripa mari kuti ubude mugomba romwoto’? HazvizimuShoko izvi, asi vanhu vakazviisa mukabhuku kavokavanoshandisa kuti vatore masimba vagotonga vanhu,vachishandisa kutyisidzira. Ko izvivo munozviwanepi zvokuti‘munhu ane simba rokutikanganwira sezvinonzi ndiye atovaMwari’? “Mapere anoparadza,” haazi mashoko akasimbazvakakwana kutsanangura vanhu vakadai. Chinikoraiti.Urongwa. Munhu achitora simba pamusoro pomunhu.

Dzokerai kuna Mwari. Tendeukai nguva isati yapera. Onairuoko rwuri kutonyora pamadziro. Rwuri kunyora kutongwa.Sezvakangoitavo midziyo inoera yakasvibiswa zvikaunzakutsamwa kwaMwari, nazvinovo Shoko rinoera rakasvibiswauye Mweya ukatsamwiswa, saka kutongwa kwatova pano,pamukova chaipo. Tendeukai! Tendeukai! DzokeraikuPentekosti. Dzokerai kuutungamiriri hwoMweya Mutsvene.Dzokerai kuShoko raMwari, nokuti mungagofirei?

INZWI ROMWEYA

Zvakazarurwa 2:7 inoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke: Unokunda ndichamutendera kuti adye MutiWoUpenyu, Uri muparadhiso yaMwari.”

“Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”Zvingangoitika kuti mamiriyoni avanhu angangonzwamashoko awa kana kumaverenga. Asi vangani vanoteererazvaanoreva? Izvi hatitombozvizivi. Asi uyo uchateerera anechido chokuziva mashoko ezvokwadi uchawana MweyawaMwari uchimujekesera. Kana nzeve yako yakavhurikiraShoko, Mweya waMwari uchaita kuti Shoko rive chinhuchaicho. Iri ndiro basa roMweya. Unogona kukudzidzisachokwadi, asi kana usingavhuri nzeve yako kuti uchinzwekana kuvhura mwoyo wako kuti uchigamuchire,hauzombowani chizaruro chacho.

Zvino cherechedzai, zvanzi Mweya uri kutaurakumakereke. Apa pari kutaurwa kereke zhinji, kwete imwechete. Mweya hauna kuti Johane anyore zvose izvi kuitirakereke yenzvimbo iyoyo yeEfeso, kana kuti kuitira zerarekereke rokutanga chete. Ndezvamazera ose amakereke. Asiino iyi ndiyo kereke yapamavambo. Nokudaro inenge Bhuku

Page 98: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

88 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

raGenesisi. Chakavamba muna Genesisi chinongorambachiripo chiri chokwadi muShoko rose chozopera munaZvakazarurwa. Saka, kereke iyi inovamba muna Mabasaavaapostora chinhu chakamisirwa mazera ose naMwari kutiatevedzere kusvikira yapera muZera reRaodhikia. Natsaikuzvitarisisa. Zera roga roga ngarive rinoyambirwa, nokutizviri kuitika pano apa anongova mavambo chete. Kamutikadukuduku kakasimwa kari kuzokura. Kachakuranokufamba kwamazera. Saka, iyi, imharidzo kuMutendi wogawoga kuzera roga roga kusvikira Jesu achiuya. Hongu, ndizvochaizvo, nokuti Mweya ndiwo uri kutaura. Ameni.

MUBAYIRO WAKAVIMBISWA

Zvakazarurwa 2:7 inoti, “^Unokunda Ndichamutenderakuti adye Muti WoUpenyu, Uri muparadhiso yaMwari.” Uyundiwo mubayiro unouya kuna vose vakakunda vamazera ose.Panenge padaidzirwa hondo kokupedzisira, hanzu dzedudzokurwa dzaiswa pasi, ndipo patichazorora muparadhisoyaMwari uye mugove wedu uchava Muti WoUpenyu,nokusingaperi.

“Muti WoUpenyu.” Iri harizi dimikira rakanaka here?Rinotaurwa kanokwana katatu muBhuku raGenesisi uyevokanokwanavo katatu muBhuku raZvakazarurwa. Katanhatukose aka kanoreva kuti muti mumwe uyu unomirira chinhuchimwe.

Asi chinonzi Muti WoUpenyu chii? Zvakanaka,ngatimbotanga taona kuti muti chaiwo unomiririrei. MunaNumeri 24:6, Bharami achitaura pamusoro paIsraeri, akativaiva “samagavakava akasimwa naJehovha.” MuMagwaro osezvawo miti inoreva vanhu, sezviri muna Mapisarema 1. SakaMuti WoUpenyu unofanira kuva Munhu woUpenyu, zvichirevaJesu.

Zvino muEdheni maiva nemiti miviri yakanga iri pakatipoMunda. Mumwe waiva Muti WoUpenyu, mumwevo waivaMuti woKuziva Zvakanaka neZvakaipa. Munhuwaizoraramiswa noMuti WoUpenyu; asi wakangaasingabvumidzwi kana kubata mumwe muti wacho nokutiaizofa. Asi munhu akadya muti uyu, uye paakazviita, rufurwakapinda maari nokuda kwechivi chake ichi, ndokubvaaparadzaniswa naMwari.

Zvino Muti uyu waiva muEdheni, Muti waiva chitubuchoupenyu, ndiJesu. Muna Johane, kubva pachitsaukochetanhatu kusvika chorusere, Jesu anozviisa pachena saIyechitubu choupenyu husingaperi. AkaZviti ndiye Chingwachinobva kudenga. Akataura nezvokuZvipa kuti ani naniaiMudya haaizofa. Akataura kuti Abrahama Aiziva, uye kuti

Page 99: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 89

Abrahama asati avapo, Iye wakanga AVAPO. Akaprofita kutiIye pachaKe aizovapa mvura youpenyu yokuti kana munhuakaimwa haaizonzwa nyotazve, asi kuti airaramanokusingaperi. AkaZviratidza kuva MUKURUKURU NDIRI.Ndiye Chingwa ChoUpenyu, neTsime RoUpenyu, IyeZiendanakuenda, MUTI WOUPENYU. Waivapo karekomuEdheni pakati pomunda sezvaAchazovavo pakatipeparadhiso yaMwari.

Vamwe vane fungwa dzokuti miti miviri iyi yaivamumunda umu yaiva miti zvayo yakafanana nemiti yaivamoyakaiswa naMwari. Asi vadzidzi vakachenjera vanoziva kutiizvi handizvo. Johane Mubhabhatidzi paakadanidzira achitizvino sanhu ratoiswa pamidzi yemiti yose, wakangaasingatauri mitivo zvayo yatinoziva inomera, asi aireverapamweya. Zvino muna 1 Johane 5:11 munonzi, “KUPUPURAndiko kuti, Mwari wakatipa upenyu hwusingaperi, zvinoupenyu uhwu hwuri muMwanakomana waKe.” Jesu akatimuna Johane 5:40, “Asi hamudi kuuya kwaNdiri, kuti muvenoupenyu.” Saka kupupura, Shoko raMwari, kunotaurapachenachena zvinonzwisisika kuti UPENYU, UPENYUHWUSINGAPERI, hwuri muMwanakomana. Hausi pane imwenzvimbo. 1 Johane 5:12, “Une Mwanakomana uno UPENYU;usino Mwanakomana waMwari HAANO upenyu.” Zvino sezvoshoko risingagoni kushanduka, kana kutapudzwa kanakupamhidzirwa, saka kupupura uku kwakamira sezvizviUPENYU HWURI MUMWANAKOMANA^Nokuda kwokutindizvo zvazviri, MUTI URI MUMUNDA UNOTOFANIRAKUVA JESU.

Zvakanaka. Kana Muti WoUpenyu uri munhu, saka MutiwoKuziva Zvakanaka neZvakaipa munhu ZVAKARE.Hazvigoni kusava izvi. Saka Wakarurama noWakaipavakamisidzana pakati poMunda weEdheni. Muprofita Ezekieri28:13a inoti “(Satani) wakanga uri paEdheni, mumundawaMwari.”

Hapano patinowana chizaruro chechokwadi pamusoro‘pembeu yeNyoka’. Hezvino chaizvo zvakaitika muMundaweEdheni. Shoko rinoti Evha wakanyengerwa nenyoka.Chokwadi chaicho chiripo ndechokuti nyoka yakamuziva.Genesisi 3:1 inoti, “Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuuramhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari.”Mhuka iyi yakanga yakafanana nomunhu zvakanyanya (asiyakanga iri mhuka izere) zvokutoti yaikwanisa kurongafungwa dzayo nokutaura. Chisikwa chaifamba namakumbomaviri chakanyotsoti twasa uye chakanga chiri nechapakatipokuva gudo nokuva munhu, asi chakaswedera kumunhu.Chakanga chakafanana nomunhu zvokutoti mbeu yachoyaikwanisa, kusangana neyomunhukadzi ichimuita kuti abatepamuviri zvinova ndizvo chaizvo zvakazoitika. Izvi

Page 100: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

90 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pazvakangoitika, Mwari wakatuka nyoka. Wakashandura godoroga roga mumuviri wayo kusvika pakutoti izoita zvokufambanedumbu sezvinoita nyoka. Nhasi vesainzi ngavaidze zvavozvavanokwanisa, havagoni kuwana chipande ichochochavanoti ndicho chete chisipo kuti zvose zvibve zvabatana.Mwari wakagara azviziva izvi ndokuita kutichisazombowanikwa. Munhu wakachenjera zvokutianokwanisa kuona kaukama pakati pemhuka nomunhu uye arikutoidza kuzviratidza neyavanoti evhurusheni zvichirevakushanduka kunoita zvisikwa nokufamba kwenguva. Hakunachinhu chakadaro chinonzi evhorusheni. Asi munhu nemhukazvakasangana. Ndicho chimwe chezvakavanzika zvaMwarichakaramba chakavigwa, asi hezvi zvazarurwa. Zvakaitikakare ikako muEdheni Evha paakafuratira Upenyuachigamuchira Rufu.

Chionai zvakataura Mwari kwavari mumunda uyu.Genesisi 3:15 inoti, “Ndichaisa ruvengo pakati pakonomukadzi, napakati porudzi rwako noRudzi rwake, Irworuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinhochaRwo.” Kana tikabvuma kuti zvinotaura Shokondezvechokwadi kuti mukadzi wakanga ane Mbeu, sakandezvechokwadivo kuti nyokavo yakanga ine mbeu. KanaMbeu yomukadzi akanga ari mwanakomana asingabvipakusangana komunhu nomukadzi, sakavo mbeu yenyokainofanira kuva zvimwe chetezvo, kureva kuti panofanira kuvanomumwe murume anoberekwa pasina kumbova nomunhuwakashandiswa pazviri. Hapana mudzidzi asingazivi kutiMbeu yomukadzi yaiva Kristu Wakauya nokuita kwaMwari,pasina zvokumbosangana kwavanhu. Zvinongozikanwavozvimwe chete kuti kupwanyiwa kwomusoro wenyoka kurikurehwa kunzi kuchaitika uku chokwadi chazvo ndechokutichaiva chiprofita chezvaizoitwa naKristu kuna Satanipamuchinjikwa. Pamuchinjikwa Kristu aizopwanya musorowaSatani, Satanivo achikuvadza chitsitsinho chaShe.

Chikamu chino cheGwaro chizaruro chokuti mbeu chaiyoyenyoka yakasimwa sei munyika, sokutaurwa kwazvo munaRuka 1:26-35, panopiwa tsananguro izere pamusoro pokutiMbeu yomukadzi yakaratidzwa sei pasina kusanganakomurume. “Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieriwakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta,kumhandara yakanga yanyengwa nomurume wainzi Josefa,weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria.Mutumwa wakapinda kwaari, akati, Kwaziwa, iwewakaropafadzwa, Ishe unewe: Iye akavhunduswa kwazvoneshoko iro, akafunga kuti kukwaziswa kwakadarondokweiko. Ipapo mutumwa akati kwaari, Usatya, Maria:nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Zvino, tarira, uchavanemimba, uchazvara Mwanakomana, ugoMutumidza Zita

Page 101: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 91

rinonzi JESU. Iye uchava mukuru, uchanzi MwanakomanawoWokumusorosoro: Ishe Mwari uchaMupa chigaro choushechababa vaKe Dhavhidhi: Uchabata imba yaJakobhonokusingaperi; noushe hwaKe hahwungavi nomugumo. IpapoMaria akati kumutumwa, Izvozvi zvingava seiko,zvandisingazivi murume? Mutumwa akapindura akati kwaari,Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimbaroWokumusorosoro richakufukidza: saka Icho ChitsveneChiChaberekwa chichanzi Mwanakomana waMwari.” SezvoMbeu yomukadzi ari Mwari akaZviumba kuva munhuwenyama, nokudarovo mbeu yenyoka kupindavo kwaSatanimuvanhu. Zvakanga zvisingagoneki kuti Satani (anovaCHISIKWA chomweya) azviumbe nenzira imwe cheteyakashandisa Mwari kuti aZviumbe, ndosaka tsananguroyomuna Genesisi ichiratidza kuti satani wakaita sei kuti avenembeu yake muvanhu. Rangariraivo kuti Satani anonzi‘nyoka’. Imbeu yake kana kuti kupinda kwayo murudzirwavanhu kwatiri kutaura pamusoro pako.

Adhama asati aziva Evha panyama, nyoka yakamutangira.Ndipo panobva Kaini. Kaini wakanga ari (wakaberekwanowakaipa, imbeu yowakaipa) wouya “Wakaipa.” 1 Johane3:12. Mweya Mutsvene waiva muna Johane hawaigona paneimwe nguva kuzoti Adhama “WoWakaipa” (nokuti ndizvozvaaifanira kuva kana dei ariye baba vaKaini) asi wambotizvepane imwe nzvimbo Adhama “Mwanakomana waMwari”zvinova ndizvo zvaaiva pakusikwa. Ruka 3:38. Kainiakangobudavo paunhu kuva sababa vake, muvambi worufu,mhondi. Kuzvidza kwake Mwari kwakazara kwatinomuonaachiratidza paanopikisana naSamasimba muna Genesisi 4:5,na9, na13, na14, kunoratidza kuti iye Kaini haana kanakutomboita zvake somunhu napaduku patsika dzake,zvinopfuura zvose zvatinotsanangurirwa mumaGwaropamusoro pokupikisana kwose kwaSatani naMwari. “AsiKaini nechipiriso chake haAna kuchigamuchira. Ipapo Kainiakatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovhaakati kuna Kaini, Uripiko Abheri munun’una wako? Iye akati,Handizivi: Ndini mufudzi womunun’una wangu kanhi? IpapoKaini akati kuna Jehovha, Kurohwa kwangu kukuruhandingakutakuri. Tarirai, Mandidzinga nhasi panyika ino;ndichavanda pamberi peNyu; ndichava mutizi nomudzungairipanyika; ani nani anondiwana, achandiuraya.”

Onai mutowo chaiwo wakashandiswa nezvinyorwazvaMwari kupa rondedzero yokuberekwa kwaKaini, naAbherinaSeti. Genesisi 4:1 inoti, “Zvino Adhama wakaziva mukadziwake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati,ndawana munhu ndichibatsirwa naJehovha. Akaponazvemunun’una wake Abheri.” Genesisi 4:25 inoti, “Adhamawakazivazve mukadzi wake; akabereka mwanakomana,

Page 102: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

92 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

akamutumidza zita rinonzi Seti^” Pana vanakomanaVATATU vakaberekwa asi Adhama wakangoziva EvhaKAVIRI kega. Sezvo Bhaibheri riri iro Shoko raMwari chairorakakwana, iyi haizi mhoshoba asi kutoti chinyorwachinotivhenekera. Sezvo vanakomana VATATU vakaberekwaasi Adhama akangoziva Evha KAVIRI kega, munozivaPACHENACHENA kuti MUMWE wavatatu ava WAKANGAASIRI mwanakomana waAdhama. Mwari wakazvinyora izvisezvazviri chaizvo kuitira kutiratidza chimwe chinhu.Chokwadi chiripo ndechokuti Evha mumimba yake wakangaana vanakomana VAVIRI (mapatya) kubva kumadzibabaAKASIYANA. Wakanga akatakura mapatya, pamuviripaKaini pakanga panongwa chinguva chakati kuti kutangiraAbheri. Onai MANYAMBIRI awa zvakare. Mufananidzowakakwana kwazvo. Kuna avo vanofunga kuti izvi hazvimbofizvakagoneka, zivai kuti zvinyorwa zvavana chiremba zvizerenenyaya pamusoro pavakadzi vakatakura mapatya akabvakumazai akasiyana zvichibva pakuzivana nokunonga pamuviringuva dzakasiyana namazuva akati kuti, uye KWETEKUDARO CHETE, asi kutotivo zvimwe zvinyorwazvinoratidza kuti mapatya acho ana madzibaba akasiyana. Iwomazuvano achangopfuura kwakanyorwa nokuparadzirwa pasirose nyaya yomudzimai weNorway wakanga achikwiriramurume wake kuti amuriritire iye pamwe chete namapatyaake, mumwe achibva kumuchena mumwe kumutema. Mukadziuyu wakabvuma kuti wakanga ane chikomba chomuNegro.Mimba yake yakanonga vana ava nguva dzakaparadzananamavhiki anokwana matatu. MuBeaumont, Texas, muna 1963,zvinyorwa zvinoratidza zvakare kuponiwa kwavanavakawanda panguva imwe chete nomudzimai mumwe chetekubva mukunonga pamuviri nguva dzakaparadzananamazuva, zvokutoti mudzimai wacho akatopotsa afa pamwechete nomumwe mwana wacho pakumupona.

Ko zvino izvi zvakazombodero nei? Ko sei mbeu yechikarayaifanira kuuya nenzira iyi? Munhu akasikirwa Mwari. Munhuaizova tembere yaMwari. Nzvimbo yezororo raMwari (MweyaMutsvene) waiva munhu, anova iye tembere. MabasaaVaApostora 7:46-51 inoti, “Iye wakanzwirwa nyasha pamberipaMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.Soromoni akaMuvakira imba. Asi Wokumusorosoro haagarimudzimba dzakavakwa namaoko; sezvazvakarehwanomuprofita achiti, Denga ndicho chigaro chaNgu choushe,nenyika chitsiko chetsoka dzaNgu: muchaNdivakira imbayakadiniko? ndizvo zvinoreva Ishe: kana nzvimboyaNdingazorora pairi ndeipi? Ko ruoko rwaNgu haruna kuitaizvozvi zvose here? Imi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisaMweya Mutsvene: samadzibaba enyu, nemivo.” Satani aizivaizvi nguva yose. Anodavo kugara mukati momunhu

Page 103: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 93

sezvinongoitavo Mwari. Asi Mwari wakaZvichengetera iyepachake chete mvumo iyoyo. Satani haakwanisi kuzviita izvi.Mwari bedzi ndiye wakava nyama neropa. Satani haanakuzvikwanisa uye haazombokwanisi. Haana simba rokusika.Nzira chete yokuti abudirire kuita zvaaida kuita kwaivakupinda munyoka mumunda weEdheni sezvaakaitapaakapinda munguruve paGadhara achishandisa mweyayakaipa. Mwari haapindi mumhuka; asi Satani anokwanisauye uchaita izvi kuti abudirire muvavariro dzake. Haaikwanisikuva nomwana naEvha sezvakaita Mwari kuna Maria, sakaakapinda munyoka ndokuzonyengera Evha. Yakaziva Evhandokubva iye Satani azokwanisa kuva nomwana asi achitoitazvokushandisa chimwe chinhu. Kaini wakawana unhu hwosehwaSatani hwapamweya uye umhuka hwenyoka (pane,zvapanyamavo). Ndosaka zvisingashamisi kuti MweyaMutsvene wakati Kaini waiva wouyo wakaipa. Waivawowakaipa.

Zvino ndinoda kuti timbopinda mune zvimwe zvatinazvozvinoratidza kuti pano ukama chaihwo pakati pemhukanomunhu. Izvi zviri panyama. Munoziva here kuti tikatorazvizenga zvemhuka isati yaponwa tikazviisa mumunhu?Zvizenga zveitsvo zvinoenda kutsvo yomunhu, zvegurokurozvinoendavo kugurokuro romunhu. Munoona here kuti izvizvinokatyamadza zvakadini? Humwe huchenjerihunotungamirira zvizenga zvemhuka izvi kunzvimbo idzodzochaiko. Njere idzodzovo dzinogamuchira zvizenga izvozvonokuzviisa panzvimbo dzazvo chaidzo. Pano ukama huripopakati pemhuka nomunhu. Hazvikwanisi kusangananokuberekana. Izvi zvakatomboedzwa. Asi kareko mumundauyu kusangana uku kwakatomboitika uye kukwezvanapanyama kuchiripo nazvino kunosimbisa izvozvo. Nokutikareko muEdheni nyoka yaiva chisikwa chaitofambanamakumbo maviri chakanyatsoti twi-i kumira. Yaiva pedyokwazvo nomunhu pachimiro. Yaitoita sezvakaita munhuchaiye. Satani wakashandisa chimiro chenyoka nezvimwezvayakanga yakaita kuti akwanise kunyengera Evha. Mwariakazobva oparadza zvose izvi zvayaimbova yakaita. Hakunaimwe mhuka inogona kusangana nomunhu. Asi ukama huripo.

Zvino sezvo tasvika patava apa, regai ndiidze kuumbafungwa dzenyu panyaya iyi kuti mugoona kukodzerakwazvakaita kuti tipinde ‘munyaya yembeu yenyoka’sezvandatoita izvi. Tinotanga nechokwadi chokuti paivanemiti MIVIRI pakati pomunda. Muti woUpenyu wakanga ariJesu. Zviri pachena kuti muti mumwe wacho wakanga ariSatani nokuda kwechakaberekwa somuchero womuti iwoyo.Saka zvino, tinoziva kuti miti yose iyi iri miviri yaiva noukamanomunhu nokuti ingadai isina kuiswapo. Inofanira kuva yaivanechokuita nourongwa nevavariro yaMwari somutongi

Page 104: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

94 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muukama hwazvo navanhu kwaari pachaKe kana kuti hatifitakagona kuona kuti Mwari ndiye muzivi wezvinhu zvose. Ichiichokwadi kusvika pano patava, handizvo here? Zvino Shokorinoisa pachena zvizere kuti nyika ISATI yavambwa vavariroyaMwari yaiva yokugoverana nomunhu Upenyu hwaKeHusingaperi. VaEfeso 1:4-11 inoti, “SezvaAkatisananguramaAri nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasine mhosvapamberi paKe murudo: Akatitemera kare kuti naJesu Kristutiitwe vanakomana vaKe, sezvaakafadzwa pakuda kwaKe,Kuti kunaka kukuru kwenyasha dzaKe, dzaAkangotipa hakemumudikanwa wake kurumbidzwe. Uyo watine dzikinuromaAri neropa raKe, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu,nokuwanda kwenyasha dzaKe; DzaAkawanza kwatirinokuchenjera kwose nokuziva; Akatizivisa zvakavanzikazvokuda kwaKe, sezvaAkafadzwa pakufunga kwaKe maari:Kuti afambise kuzara kwenguva Aunganidze muna Kristu,zvose zviri kudenga, nezviri pasi; muna Iye: Watakaitwavonhaka maAri, yatakatemerwa kare nokurayira kwaIye Unoitazvose nokufunga kwokuda kwaKe.” Zvakazarurwa 13:8 inoti,“Vose vanogara panyika vachachinamata (Satani) ivo vasinakunyorerwa zita ravo muBhuku yeGwayana roHupenyurakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.” AsiUpenyu ihwohwo hahwaigona, kugoveranwa uyehahwaizombogoveranwa, neimwe nzira kusiya “kwaMwariachizviratidza munyama.” Ichi ndicho chimwe chipandechevavariro yaKe ziendanakuenda yakanga yatoravirwa.Zano iri raizofanira kuva mukurumbidzwa kwokuhwinyakwenyasha dzaKe. Raiva zano roKudzikinura. Raiva zanoroKusunungura. Zvino teereresai. “Mwari sezvo ari Muponesi,zvakanga zvakafanirwa kuti Atemere munhu kuti agozodaruponeso kuitira kuti zvigopa Mwari chikonzero nevavariroyokuva muponesi.” Izvi ndizvo zvazviri chaizvo zvizere uyemaMagwaro mazhinji anozvitsigira sezvinongoita ndima irimuna vaRoma 11:36 inoti, “Nokuti zvose zvinobva kwaAri,zviripo naYe, ZVINHU ZVOSE zviripo, nokuda kwaKe:ngaAve noKUHWINYA nokusingaperi. Ameni.” Munhuhaaikwanisa kuuya kuzodya Muti WoUpenyu waiva pakatipomunda. Upenyu Husingaperi ihwohwo hwoMutihwaitofanira kutanga hwaita nyama. Asi Mwari asatiatombomutsa nokuponesa mutadzi, Aitofanira kuva nomutadziwokumutsa nokuponesa. Munhu aitofanira kupunzika.Kupunzika uku kwaizounzwa naSatani, kwaitofanira kuvanomunhu wenyama kuti pave nokuwa. Satani aitofanira kuuyanomunyamavo. Asi Satani haana kukwanisa kuuyanomunyama yomunhu kuunza kupunzika sezvaizoita Kristukuuya ari mumutumbi kuti azodzorera vakapunzika. Asikwaiva nemhuka, nyoka, yakanga yakaita somunhu zvokutiSatani akakwanisa kutora chikara ichi ndokuchishandisa kutiagosvika munyama yomunhu agounza kupunzika, ndiwo

Page 105: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 95

mapinzire aakazviita murudzi rwavanhu, sezvaingozoitavoJesu kuuya mumwe musi kuzoZviisa murudzi rwavanhu,mumitumbi yavanhu, kusvika pakumuka kuvakafa kuitira kutiisu tigozowana mitumbi yakafanana nowaKe wakapiwa ukurunokuhwinya. Saka zvakarongwa naMwari mumunda umuraiva zano raKe rakanga ratotemerwa. Zvino Satani paakangaaita kuti izvi zvaifanira kuvapo muvavariro yaMwari zvivepo,zvakanga zvisingachagoneki kuti munhu asvike paMutiWoUpenyu waiva mumunda. Kwete. Nguva yakanga isiriyo.Asi mhuka (handiti imhuka yakanga yaunza kupunzika? roparemhuka ngarideurwe) yakatorwa ropa rayo rikadeurwandokuzobva Mwari ava noukama nokufambidzana nomunhuzvakare. Kwaizouya zuva zvino iro Mwari aizouya arimunyama, uye nenzira yokuzvideredza kwaKe Aizodzoreramunhu wakanga apunzika nokumuita mudyi woUpenyuHusingaperi ihwohwo. Kana mukangoona izvi chete,munogona kunzwisisa mbeu yenyoka uye kuziva kuti rakangarisiri epuro rakadyiwa naEvha. Kwete, kwaiva kubviswachimiro kwakaitwa munhu nokuda kwokusanganisa mbeu.

Zvino ndinoziva kuti mukupindura muvhunzo mumwechete munowanzobuda mimwezve mivhunzo, vanhuvanondivhunza vachiti, “Kana Evha akapunzika nomutowouyu, ko Adhama chaakaitavo chii, nokuti Mwari anopaAdhama mhosva?” Izvi inyore chose. Shoko raMwarirakasimbiswa kudenga. Kusati kwatombogadzirwa kanakatsanga kadikidiki zvako keguruva renyeredzi, Shoko iroro(mutemo waMwari) rakanga riripo SEZVARAKANYORWARAKAITA CHAIZVOIZVO MUBHAIBHERI REDU. ZvinoShoko rinotidzidzisa kuti kana mukadzi akasiya murume wakeakaenda nomumwe murume atova mhombwe uye haachisirimukadzi wake murume wake haachafaniri kumutora zvakarekudzokera kwaari kuva mukadzi wake. Shoko iroro raivachokwadi muEdheni sezvaraingova chokwadi parakanyorwanaMosesi mumurayiro. Shoko harigoni kushanduka. Adhamawakatora Evha kuti ave mukadzi wake zvakare. Aiziva kutizvaakanga ari kuita izvi zvairevei, asi akangozviita zvakadero.Evha wakanga ari chipande chake, uye aizviitira kutiamutorere musengwa wake amutakurire. Haaizorega Evhaachienda. Saka Evha wakabata mimba yaAdhama. Aiziva kutiEvha aizobata pamuviri. Adhama aiziva zvaizoitika kurudzirwavanhu, ndokubva atengesa rudzi rwose rwavanhu kuchivikuti agowana Evha, nokuti waida Evha.

Saka vanakomana vaviri ava vakaberekwa. Vanakomanavaizova madzibaba avanhu vakanga vasvibiswa kare. Zvinozvinyorwa zvinotii pamusoro pavo? Verengai zvinyorwazvacho. Judhasi ndima 14 inoti, “Enoki, wechinomwe kubvakuna Adhama, wakaprofitera^” Genesisi 5 chitsaukochedzinza raEnoki. Chinopa dzinza iri sezvizvi, 1. Adhama, 2.

Page 106: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

96 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Seti, 3. Enosi, 4. Kainani, 5. Maharareri, 6. Jaredhi, 7. Enoki.Onai kuti Kaini haataurwi. Dzinza raAdhama rinouya nomunaSeti. Dai Kaini aiva mwana waAdhama, mutemo woudangweungadai wakapa Kaini mugove mudzinza iri. Zvakarezvinofanira kuonekwa pachena kuti muna Genesisi 5:3,munonzi, “Adhama wakagara makore ane zana namakumimatatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye,wakamutodza, akamutumidza zita rinonzi Seti.” Hapanapanombotaurwa kuti Kaini waiva akafanana naAdhama, asiiye aitofanira kufanana naye dai akanga ari mwanakomanawake, nokuti mutemo wokuberekana unonyatsotaurazvakasimbisisa kuti chimwe nechimwe chinoberekachakafanana nacho. Tinofaniravo kubvuma chokwadi chokutimunhoroondo mbiri dzamadzinza dzinoti yomuna Genesisineyomuna Ruka, Kaini haamo mese. Dai Kaini aivamwanakomana waAdhama paitowana pamwe pazvaitotaurwakunzi, “Kaini, mwanakomana waAdhama, mwanakomanawaMwari.” Shoko harizvitauri nokuti HARIGONI kuzvitaura.

Ichokwadi kuti kwenguva refu vadzidzi vakamisamadzinza maviri avanhu: rimwe racho riri rohumwarikubudikidza naSeti rimwe racho risina humwari raKaini. Uyeizvi zvinokatyamadza, asi chiri chokwadi zvacho, kuti vadzidzivamwe chete ivava havana kutitaurira kuti zvakafamba seikuti Kaini akanga akaita sezvaaiva izvozvo asi nokukuvoAbheri naSeti vakanga vari vomweya, noumwari. Zvaifanirachaizvo ndezvokuti, Kaini angadai ari iye womweya kupfuuraAbheri, Abheri achipfuuravo Seti, zvichingodzira zvakaderonokuti chizvarwa chimwe nechimwe chinotevera chinoendakure naMwari kudarika chakachitangira. Asi kwete, Kainiakangobuda akaipa zvisina kumbova muno mumwe munhunokuti anopikisa nokumisidzana naMwari neShoko nehasha.

Zivai chinhu ichi: kuti Shoko haritambi namanzwi. ChirimuShoko chose chakatoisirwa kuti meso aavo vakazodzwaachione. Chine chinangwa chachakaisirwa. Muna Genesisi 3:20,Shoko iri rinoti, “Munhu akatumidza mukadzi wake zitarinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.” Asi hapanaGwaro rinoti Adhama ndiye baba vavapenyu vose. Kanapasina fungidziro iyi inogona kuiswa pana Genesisi 3:20, zvinonemhaka yei zvakataurwa kunzi Evha ndiye mai vavose,kwava kushaya chakambotaurwa pamusoro paAdhama?Chokwadi ndechokuti nyangwe zvazvo Evha aiva maivavapenyu vose, Adhama wakanga asiri baba vavapenyu vose.

Muna Genesisi 4:1, Evha akati, “Ndawana munhundichibatsirwa naJehovha.” Evha haana kuti Adhama ndiyebaba vaKaini. Asi muna Genesisi 4:25, Evha anoti, “^Nokutiwakati, Mwari, wakandipa wakanditarira wakanditemeraMUMWE mwana, PACHIGARO CHAABHERI, zvaakaurawanaKaini.” Haatauri kuti Mwari wakanga AMUPA imwe

Page 107: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 97

mbeu_nokuti aidei akareva Kristu, nokuti ndiYe ANOPIWA.Mwanakomana uyu, kureva Seti, wakaTARIRWA panzvimboyaAbheri. Anoziva mwanakomana wake wakabva kunaAdhama; Kaini haamuzivi nokuti akaunzwa nenyoka. Evhapaanoti MUMWE MWANA pachigaro chaAbheri, ari kurevakuti Kaini wakanga akasiyana naAbheri, nokuti dei vakangavakabva pana baba vamwe chete Evha angadei akafanirakuzoti, “Ndakapiwa MUMWEZVE MWANA.”

Handibvumi zvose zvandinoverenga, asi chinhuchaikatyamadza chaiva mupepa reLIFE romusi wa1 March,1963, raitaura kuti varapi vepfungwa vaitavra zvimwe chetechaizvo zvatiri kutaura izvi. Zvino ndinoziva kuti varapivefungwa ava havabvumirani muna zvose zvavanotaura, asihezvino. Kutya nyoka hakuzi kusada chinhu kunoitwa munhuachinyatsoziva asi kuti chinhu chinotoitika munhuakavarairwa. Dai kutya uku kuchingova kutyavo zvako vanhuvaidai vachingoyevedzwa zvakafanana vachiyeva gorira kanashumba muchizarira. Fungwa dzavo ivo vakavarairwadzinovaita kuti varambe vakangoyeva nyoka. Kukwezva ukukwenyoka kunobata pfungwa yokusangana komurumenomukadzi ivo vasingazivi kuti ndizvo zviripo. Kuti izvizvagara zvakadero mumazera namazera kunoonekwa pakutimuzvizvarwa nezvizvarwa pakutevedzana kwazvo zvinongoitazvimwe chetezvo. Nyoka dzagara dzichingova nokutyisakunokwezva uye izvi zvichangogara zvakadero nariini. Nyokayagara ichingomirira chiya chinoti kunaka chikati kushata.Kudzira namazera ose nyoka yagara iri chinhu chinomirirakuzivana nokuberekana. Sezvakangoitavo tsananguroyomuMunda weEdheni chaiyo, tinowana nyoka yakamirirarudo rwesvina.

Chinhu chakada kutozadza pasi rose pamarudzi anonziasina upenyu hwakasvinura kuti nyoka inobatanidzwanezvokuzivana pamukadzi nomurume uye inowanzonamatwazvichisanganisirwa nezvizvi. Dzidzo yetsika dzinobva pakuvamukadzi kana murume inobudisavo izvi pakawanda. Zvinochandinoda kuziva ndechokuti vanhu ava vakazviwanepi izvi,asi tichiona kuti ivo havana kumbodzidza uye havanakumboverenga Bhaibheri. Asi sokuzikanwa kunongoitarungano rwemvura zhinji pasi rose, saizvozvo ndikokuzikanwa kunoitwa chokwadi ichi chokupunzika kwomunhu.Vaiziva zvakaitika ikoko Edheni.

Zvino pano mumwe uchandivhunza muvhunzo uyu: Mwariwakataurira here Evha kuti achenjerere nyoka kuti isamuitamukadzi? Zvino chiteererai, Mwari wakangaasingatombofaniri zvake kutaura kana Shoko rimwe chetepamusoro pezvakanga zvichizoitika. Chingobatai musoroworungano. Akangotaura Shoko chete. Akati musadya ZIVO.Idyai UPENYU. UPENYU NDIRO RAIVA SHOKO

Page 108: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

98 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

RAMWARI. RUFU CHAIVA CHIPI ZVACHO CHAKANGACHISIRI SHOKO RAMWARI. Akabvumira SHOKO RIMWEchete kuti rishandurwe ndokubva Satani angomubata ipapochaipo. Mwari aigona kuti, “Usatanha michero yemitiyakapfurikidza yaunokwanisa kudya.” Satanivo aizoti, “Ona,izvo ndizvo chaizvo. Chiripo ndechichi chokuti kana ukatanhamuchero wakawandisa unoora. Asi heino nzirayokuchengetedza muchero kuti usaora kuti ugozokwanisakutanha muchero wakawanda zvaunoda iwe. Saka waona, kutizvinogoneka kuti utevedzere zvinoda Mwari asivo uchikwanisakuita zvaunodavo iwe panguva imwe chete.” Sataniaizongomugona zvakare ipapo. Uyo akatadza muchinhuCHIMWE chete chete pane zvomurayiro akatotyora murayiroWOSE zvawo. Musaita Shoko iri chinhu chokutamba nacho.Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika muZera reEfeso risati raperamugore ringangoita 170 A.D.

Zvino muti iwoyo wakaberekei? Muti weZivo wakaberekarufu. Kaini wakauraya munun’una wake, Abheri. Wakashataakauraya wakarurama. Zvinobva zvamisa maitikire azvo.Anoteverwa kusvikira pakudzorerwa kwezvinhu zvosesokutaurwa kwazvakaitwa navaprofita.

Muti weZivo wakabereka varume vakachenjera; varumevano mukurumbira. Asi makwara avo makwara orufu. VanhuvaMwari vanhu vasina zvizhinji asi vanhu vane fungwadzezvomweya, vanotsamira pana Mwari namasikirwe avo,vachirima zvavo ivhu chinyararire, vachiita hanya nechokwadipachinhambo chokuita shungu nokufuma. Mbeu yenyokayakaunza zvinhu zvoufumi zvakawandisisa, zvigadzirwazvinoshamisa, asi nezvose izvi kunouyavo rufu. Unga hwavonamabhomba anonzi eatomic anouraya kana mava muhondo;asi kana kusina hondo michina yavo yavanogadzira, kufanananemotokari, inotonyanya kuuraya asi iyo iri nguvayorunyararo kudarika zvinoita zvombo zvakagadzirirwakuparadza munguva dzemhirizhonga. Rufu nokuparadza ndiyomichero yeziya romuti wezivo.

Asi vanhu ava vanofarira zvokunamata. Vanotenda kutikuna Mwari. Vakafanana nababa vavo, satani, nateteguruvavo, Kaini. Vose vari vaviri vaitenda Mwari. Vanoendakusvondo. Vanosangana navakarurama sezvinongoitavomasawi nezviyo. Mukuita izvi vanosvibisa nokuberekachinamato chechiNikoraiti. Vanoparadzira chepfu yavoneshungu dzokuparadza mbeu yaMwari sokuuraya kwakaitaKaini Abheri. Hamuna kutya Mwari mavari kana pamberipavo.

Asi Mwari haarashikirwi novaKe. Anovachengeta kanamurufu chaimo, uye wakavimbisa kuti musi wokupedzisiraUchavamutsa.

Page 109: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEEFESO 99

MHEDZISO

“^Unokunda ndichamutendera kuti adye MutiWoUpenyu, Uri muparadhiso yaMwari.” Iyi ifungwa inopamufaro wakawandisisa. Muti WoUpenyu uyu uri muMundaweEdheni wakanga Usingagoni kusvikwa pamusanapokupunzika kwaAdhama zvino wava kupiwa kuno uyowakakunda. Munondo womurazvu womwoto wakabatwanomutumwa wakadzoserwa mumuhara. Asi wakazoiswamumuhara wava neropa reGwayana. Ngatimbofungapamusoro pechokwadi ichi kwakanguva patinofunga kutinemhaka yei Adhama nedzinza rake vakarambidzwa kudyaMuti uyu asi zvino wava kubvumidzwa zvakare.

Vavariro yaMwari kuchisikwa chaKe, munhu, ndeyokutiabudise Mashoko aKe. Muna Genesisi, Adhama wakapiwaShoko rokuti ararame naro. Upenyu hwairarama neShokohwaizova Shoko raratidzwa. Ichi ichokwadi handiti? AsiAdhama akararama neShoko iroro here? Kwete, nokutiaifanira kurarama neShoko ROGA ROGA, asi akakundikanakuteerera nokuchengeta Shoko roga roga. Ndokuzobvakwamuka Mosesi. Uyu akanga ari munhu mukurukuru aivanamasimba makuru. Asi kana iyevo wakakundikana kuraramaneShoko roga roga, ndokubva muprofita uyu, anovamufananidzo woMuprofita Mukurukuru aizouya, akundikanakuteerera Shoko pamusana pokutsamwa. Ndokubva kwauyavoDhavhidhi, mambo mukurukuru wavaIsraeri, murumewaidiwa zvikuru naMwari. Wakakundikana pamusanapoupombwe, paakaiswa pamuidzo. Asi nokufamba kwenguva,mukukwana kwenguva, kwakauya Mumwe, Musoro, iye Jesuchaiye, Uyo anofaniravo kuidzwa kuti zvionekwe kutiAizorarama neShoko ROGA ROGA rakabuda mumuromomaMwari. Zvino ndipo pakazokundwa Satani. Nokuti pakangapava naIye Wairarama neshoko rinoti “Kwakanyorwa,”ndokubva iye Unyanzvi hwaMwari azokunda nokudakwokuratidza Shoko raMwari. Ndokubva uyu wakaratidzwakuva Iye Wakakwana aiswa pamuchinjikwa, seGwayanaraMwari Rakakwana chibayiro chakakwana. Ndokubvaagamuchira maronda Ari ‘pamuti’ kusvikira pakufa, kuitirakuti isu, kubudikidza naYe uye nokuda kwaKe, tigodya MutiWoUpenyu, uye kuti Upenyu uhwu hwunopiwa pachenahwaizotiita kuti tikwanise kukunda, nokuratidza ShokoraMwari.

Zvino kuVana vaMwari ava, avo vakakunda nokudakwaKe, kuchapiwa rusununguko rweparadhiso yaMwari, uyekuyanana kwaJesu Kristu kunongogara kuripo.Hakuchazombofa kwakavazve nokuparadzaniswa naYe.Kwose kwaAnoenda, mwenga waKe uchaendavo. Chosechinenge chiri chaKe, Achagoverana nomwenga waKe

Page 110: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

100 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

waanoda savadyi venhaka pamwe chete. Chakavanzikachichaiswa pachena. Zvakasviba zvose zvichacheneswa.Tichaziva sokuzihwa kwatinoitwavo isu. Uye tichava saIye. Iyindiyo nhaka youyo wakakunda wakakunda nokuda kweropareGwayana neShoko rouchapupu kuna Jesu Kristu.

Tinoshuva sei zuva iroro apo nzira dzose dzakaminamadzicharuramiswa, isu tichizova naYe, nguva isina magumo.Dai rikakurumidza kuuya zuva iri, uye dai tikakurumidzakuteerera Shoko raKe zvichizotiita kuti tiratidze kukodzerakwedu kuti tigoverane naye kuhwinya kwaKe.

“Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”Chinhu chinosiririsa zvakadini kuti zera rokutanga iri harinakuteerera Mweya. Takateerera munhu pachinhambochoMweya. Asi tinotenda Mwari, kuti muzera rokupedzisiramuchamuka boka, Mwenga weChokwadi wezuvarokupedzisira, uchateerera Mweya. Munguva iyi yerima guruchiedza chichadzoka nokuda kweShoko rakakwana risinakana nakasvina zvako ndipo patichadzokera kusimbarePentekosti kuzogamuchirazve Ishe Jesu Kristu.

Page 111: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 101

CHITSAUKO CHECHINA

ZERA REKEREKE YESMIRNA

Zvakazarurwa 2:8-11

Nyorera mutumwa wekereke iri paSmirna uti; Zvanzi naiyeWokutanga noWokupedzisira, Wakanga afa, akararamazve;

Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nourombohwako, (asi uri mufumi) nokutuka kwaivo vanoti tiri vaJudha,vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani.

Usatya izvo zvauchatambudzika nazvo: tarira,dhiyabhorosi wodo kuisa vamwe venyu mutorongo, kutimuidzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi: uvewakatendeka kusvikira parufu, Ndigokupa korona youpenyu.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke;unokunda haangakuvadzwi norufu rwechipiri.”

NHANGANYAYA

Kuti tivandudze fungwa dzenyu ndinoda kutaura zvakarekuti tinowana sei mazita enhume dzokumazera akasiyana.Mwari mukuda kwaKe samambo wakazvigadzirira kutinhoroondo yeTestamente Itsva isazorashika, sezvaAkangoitavokuti nhoroondo yeIsraeri isazorashika nenzira yokuiisamuBhaibheri nokutsigira bhaibheri nhasi nefararirarezvinyorwa, nemidziyo yevhu notwumwevo twunhutwakawanikwa muvhu nokududzirwa navadzidzi vezvinhuzvakafusirwa pasi kare kare zvavanofukunura. Chokwadichiripo ndechokuti tine tsananguro yenhoroondo yeBhaibheriinoramba ichingoteverana nenguva kubva papeji yokutangakusvikira iko zvino. Saka mukuverenga nhoroondo tinogonakuwana kuti ndoupi munhu kana vanhu mumazera akasiyanavakanga vakanyanya kuswedera pedyo nourongwa hwaMwarihwapamavambo, uyu ndimuApostora Pauro. Avovakashandiswa naMwari kudzosa vanhu vaKe kuShokoreChokwadi ndivo vanoongororwa. Zvino kubva muna ivavakunozova nomumwe chete wezera roga roga unomira aripachenachena kuva iye akanyanyisisa kuswedera mumaitireeShoko nesimba. Uyu ndiye anova nhume. Mazeraanowanikwavo nokudzidza nhoroondo. Munhu anongoda chetekuverenga mazera sokuwanikwa kwaanoitwa munaZvakazarurwa zvinobva zvabuda zvakanyatsoti gejenenhoroondo sezvo zvirizvo ZVAZVINOFANIRWA KUVA.Sezvo mazera amakereke akasanotaurwa naMwari uye sezvozvaaizova zvakasanozarurwavo, saka sezvazvakafaniravo,nhoroondo yaizotevera yaizovavo sezvinoiswa pachena

Page 112: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

102 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

neBhaibheri. Zvakanyorova zvakadai_asizve unyoro ndiyokiyi kuShoko. Zvino nezvose izvi handina kungova chetemudzidzi nomunzveri wenhoroondo, asivo ndakatsvakakuvavo munhu ane fungwa dzezvoMweya, nokuti ndakatotichete ndanyatsowana chaizvo mvumo yoMweya waMwarindipo pandakasarudza varume vandakasarudza ava. Ichiichokwadi sokuziva kunoita Mwari mwoyo wangu.

NHUME

Tichishandisa mutemo wedu uya wakapiwa naMwariwokusarudza nhume kuzera roga roga, hatitombozenguririzvedu mukudoma kwedu Irenaeus sandiye wakakwidziridzwanaShe kuva muchinzvimbo ichi. Waiva mudzidzi womutsvenemukurukuru negamba rokutenda, Polycarp. Hapana kupokanakuti sezvaakanga agere pamakumbo omurumewomukurumbira uyu akadzidza nyasha dzechiKristu dzaiererakubva muupenyu hwake hwakanga hwakaereswa, nokutiPolycarp wakanga ari mutsvene wairemekedzwa pachokwadipavatsvene vamazera ose kana tichitarisa upenyu hwakehwakanga hwusina kana chingambosvorwa. Munorangarirakubva mukuverenga kwenyuvo kuti Polycarp wakaurayirwakutenda. Wakanga achembera zvokuti haaikwanisa kutiza, uyewakanga ari pachokwadi zvokuti haaibvuma kuti mumwemunhu amuvanze achizogona kutakura chirango chokuita izvi,ndosaka akazviuyira ega pachena kuvinga rufu. Asi asati aitaizvi, wakakumbira uye akapiwa mvumo yokunamatakwamaawa maviri achinamatira hama dzake munaShe,kusanganisa mutongi mukuru wenzvimbo, vavengi vake naavovakanga vamupamba. Sezvaingoitavo vatsvene vakuruvamazera ose, avo vaishuvira kumuka kuvakafa kuri nane,akaramba akashinga, achiramba kuramba Ishe, akafa asinachaimunetsa pamwoyo pake. Wakaiswa pavivi(akasunungurwa sezvaakanga akumbira) ndokubva mwotowatungidzwa. Mwoto wakapfuta uchirerekera kusina muviriwake uchimusiya, uchiramba kana kumugunzva chaiko.Vakazobva vamubaya nebakatwa. Pakangoitwa izvi, mvurayakapopoma ichibuda maari naparutivi rwake pakangapabaiwa ichidzima mirazvu yomwoto yose. Mweya wakewakatonyatsoonekwa uchiinda wakaita senjiva chena yakangayaregedzwa kubva pachifuva chake. Asi zvazvo nyangwe panouchapupu hwose uhwu, mudzidzi waJohane weZvakazarurwawakanga asingapengeri chiNikoraiti, nokuti iye pachakewakanga akarerekera kune zvokuumba masangano, asingaonikuti chido chokuyanana uye zvairatidzika kunge zanorakanaka kutsigira basa raMwari zvazvaiva chaizvondezvokuti aiva mano omuvengi.

Page 113: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 103

Kana totarisa kuna Irenaeus tinoona kuti izvi handizvozvaakanga akaitavo iye. Aipengera mhando ipi zvayoyokuumba sangano. Uyezve, nhoroondo youpenyu hwake, apopaaishandira Ishe, hwaiva nokuratidzwa kuzhinji kwoMweyaMutsvene; Shoko rakadzidziswa nokujekeswa nokuteverazvapamavambo. Kereke dzake muFrance dzaizikanirwa kuvanezvipo zvoMweya pakati padzo, nokuti vatsvene vaitauranendimi, nokuprofita, nokumutsa vakafa, nokupodza vairwaranomunamato wokutenda. Waiwona ngozi mumhando ipi zvayoyokuumba sangano rehama pakati pavakuru vekereke, kanavafudzi navamwe. Akamira akasimba pakutsigira nyayayekereke yakabatana, yakazadzwa noMweya, ichiratidzazvipo. Uye Mwari akamukudza nokuti simba raMwarirakaratidzwa pavatsvene.

Chimwe chiripo ndechokuti wainzwisisa Umwari. Uyesezvo aiva mudzidzi waPolycarp, uyovo waiva mudzidziwaJohane Mutsvene, tinogona kuziva pachokwadi kutiwakawana kudzidzisa kwakakwana kuinzana nokumwe kwosekunogona kuwanikwa panyaya iyi. MuBande I, papeji 412mubhuku rinonzi Ante Nicene Fathers mune chirevo ichichakataurwa naye pamusoro poUmwari chinoti. “Mimwemitaurire yose, saizvozvovo, inotaridza nzvimbo yomumwechete, uye mumwe chete, Ishe waMasimba, Ishe, Baba vaZvose,Mwari Samasimba, WoKumusorosoro, Musiki, Muumbi,nezvimwe zvakangodero, izvi zvose haazi mazita nezvinzvimbozvenhevedzanwa dzavanhu vakasiyana, asi kuti ndezvomunhumumwe chete.” Akaratidza pachena kuti awa osemadunhurirwa kufanana naanoti Ruva reSharoni, NyeredziInopenya yaMangwanani, Wakanakisisa weGumi reZvuru,nezvimwe zvakangodero. Kwete kuti chete ndiMwari MUMWEchete. Asi Zita raKe ndiShe Jesu Kristu.

Saka mukutevedza kwake Shoko nomazvo zvizere,kunzwisisa kwake Gwaro kunokatyamadza, uye kuchengetwakweshumiro iyi nesimba raMwari, zvinoratidza kuti ndiyesarudzo kwayo yezera iri. Tingatoti rakave ropa rakaipa chosekuti mamwe mazera haana kuwana munhume dzawokuenzanirana kwezvinhu izvi zvinoti zvibereko, simba,utungamiriri hwoMweya Mutsvene uye Shoko.

SMIRNA

Guta reSmirna raiva nechokumusoro zvishoma kweEfesopamuromo peGarufu reSmirna. Pamusana penzvimbo yayoyokusvikira zvikepe nengarava yakanakisisa nzvimbo iyiyakanga iri mwoyo wezvoufumi ichizikanirwa zvinhuzvayaitumisa kune dzimwe nyika. Yakanga ichizikanirwavozvikoro zvayo zvaidzidzisa unyanzvi pakutaura, nefirosofi,

Page 114: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

104 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nokurapa, nesainzi, uye dzimba dzakanakisisa. MaigaravaJudha vakawanda, uye vaipikisa chiKristu zvokufakwomunhu chaiko, kutodarika zvaiita vaRoma. Inotovachokwadi, kuti Polycarp, uyo wakanga ari bhishopiwokutanga paSmirna wakaurayirwa kutenda kwakenamaJudha iwawa uye zvinotonzi maJudha awa akasvibisazuva rawo dzvene (Mugovera) kuti vatakure hunidzokugadzirisa paizopisirwa.

Inzwi rinoti Smirna rinoreva “kuvava,” richibva mushokorokuti, mara. Mara yaishandiswa kuchengetedza mitumbiyavakafa kuti isaora. Saka tinowana zvinhu zviviri zvinorehwanezita rezera iri. Raiva zera rairwadza chose raiva rakazadzwanorufu. Mizambiringa miviri iya muchimiro chekerekeyakanga ichienda kure nakure zvishoma nezvishoma uyekuvengwa kwomuzambiringa wechokwadi nomuzambiringawenhema kwairambavo kuchikura. Rufu yakanga isiri chetembeu yomuzambiringa wenhema asi kutoti kana imomumuzambiringa wechokwadi makanga muchisenerera uremanokushaya simba zvinyoronyoro nokuti vakanga vatotsvedzakubva pachokwadi chisina kusvibiswa chamazuva mashomaokutanga tichibva paPentekosti; hakuna mutendi akasimbanokuva noutano pamweya nokurarama kupinda zivo yakenokuchengeta kwake Shoko raMwari risina kana kasvinazvako, sezvinoonekwa mumatutu namatutu emienzaniso irimuTestamente Yekare. Kuumba sangano kwakangakuchiindirira mberi nokukura, zvichitsigira nokukudza rufurwenhengo, nokuti utungamiriri hwoMweya Mutsvenehwakabviswa pachigaro chokutonga uye Shoko rakatsihwanezvitendwa, nedzidziso dzisingapikiswi nokutevedza tutsikatwakamiswa navanhu.

VaIsraeri pavakapinda mukubatana zvisiri pamutemonavanhu venyika, nokuumba kuyayanana nokuroorana, zuvarakazoguma rasvika apo nyika yakatora masimba ndokubvaBhabhironi yatakura vanhu vaMwari ichivaindisa muutapwa.Zvino pavakanga vava muutapwa vakapindamo noupristahwavo, netembere neShoko. Asi pavakazodzoka vakanga vavanavanarabhi, neboka rezvokunamata rainzi ravaFarise,nesinagoge, neTirimundi. Zvino Jesu paakauya vakangavaminama zvokuti Akavati vaiva vana vababa vavo, satani,nyangwe zvazvo vakanga vari vana vaAbrahama panyama.Muzera rino tinoona zvimwe chetezvo zvichiitika. Asivo,‘Israeri yose’ haiziri Israeri, asi kapoka kadikidiki ndiko kaivakavaIsraeri paMweya vechokwadi, sezvakuchangogaravo kunakapoka kadikidiki kavaKristu vechokwadi, mwenga waKristu,kusvikira nguva yaAchauya kuzotora vaKe.

Muguta iri maiva netembere mbiri dzaiva nomukurumbira.Imwe yaiva tembere yakavakirwa kupira Zeusi, uye imweyakanga yavakirwa Sibhere. Zvino pamberi petembere mbiri

Page 115: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 105

idzi paiva nomugwagwa wakanakisisa wenguva dzakare,wainzi Mugwagwa weNdarama. Kwandiri izvi zvinoratidzachimwe chinhanho chokuenderera mberi mukupirazvifananidzo kwakanga kwatotanga kare muzera rokutanga,asi kwaingova paRoma chete. Kubatanidzwa kwetemberembiri idzi dzaiti imwe yaiva yamwari imwe iri yamwarikadzindiyo mbeu yokunamata Maria apo Maria anozonzi maivaMwari nokuwana rukudzo namadunhurirwa namasimbaanomupa kuinzana naJesu Kristu. Mugwagwa weNdarama uyounobatanidza tembere mbiri idzi mufananidzo wokukarakwakasakisa vaumbi vamasangano vechiNikoraiti kutivabatanidze nyika yamatongerwe nekereke nokuti vaizivaufumi nesimba zvaizounzwa nokubatana uku. Sezvo ZerareEfeso waingova mubhedha wembeu yeZera rePergamorinosiririsa iro rakanga richizouya, Zera reSmirna iri ndiyoyaiva mvura yacho, nezuva, nechikafu zvakagadzirira kutikuipisisa kwaizotsigira kereke muupombwe uhwu hwaivaufeve hwapamweya, mayakanga isingazombofi yakamukanokubuda. Rufu rwakanga rwava kupararira nemidzi kusvikakumatavi uye avo vaimudya muti uyu, vaibva vadya kuvavanorufu.

Zera iri rakavapo kubva 170 kusvika 312 A.D.

KWAZISO

Zvakazarurwa 2:8 inoti “Zvanzi naiye WokutanganoWokupedzisira, Wakanga afa akazoraramazve.”

“Wokutanga noWokupedzisira Wakanga afaakazoraramazve.” Zvino awa haazi mashoko omunhu.Munhuvo zvake (kana aizokwanisa kutaura ari muguva) aizoti,“Ndini wokutanga nowokupedzisira ndakanga ndiri mupenyuzvino ndakafa.” Chinhu chokutanga chinoitika kumunhundechokuti anoponiwa (mupenyu) uye chokupedzisirandechokuti anofa. Saka uyu haazi munhu ari kutaura.NdiMwari uyu. Munhu (Adhama) wakatora upenyuakahushandura kuva rufu. Asi uyu MUNHU (Jesu) akatorarufu akarushandura kuva upenyu. Adhama wakatora kushayamhosva akakushandura kukava mhosva. Uno Uyu akatoramhosva akaishandura kuva kururama. Adhama wakatoraparadhiso akaishandura kuva nzvimbo yakaparadzwa nesangorinotyisa; asi Uyu ari kudzoka kuzoshandura nyika irikuzunguzika nokuparadzwa kuti ive imwe Edheni. Adhamawakatora upenyu hwokuyanana nomufaro naMwariakazvishandura kuva gwenga rerima pamweya rakaunza chivichose, nokuora patsika, nokurwadziwa, nokutambudzika,nounyengeri, nokusarurama kunoita hondo mukati memwoyoyavanhu. Asi Uyu, kubva murufu runosiririsa nokuderedzwakwakazadza rudzi rwose rwavanhu, akaunza upenyu

Page 116: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

106 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

hwokururama nokunaka, kuti sezvo chivi chakambotongakusvikira murufu, saizvozvovo munhu angatongavonokururama pamusana poUyu, iye Jesu Kristu; kwetesezvakanga zvakaita mhosva yacho, nyangwe zvayo yakangayakaipisisa, asi chikuru kunyanya ndicho chipo chaKechoupenyu husingaperi.

Zvino hoUno uyu, achifamba pakati paavovaAkasunungura, kana kereke yaKevo. Zvino ndavapi avovakasunungurwa? Vazhinji vavo vakanga vasina here kuitasaPauro, vaurayi navaminamisi? Vazhinji vavo havana herekunge vakaita sembavha iya yakanga yava kufa, kanamakororo navaurayi vavanhu? Vose mikombe yenyasha dzaKe.Vose vakadzoswa kubva kuvakafa. Vose vakaitwa VAPENYUmuna Kristu Jesu, Ishe.

Handizivi kana manyatsoona kwaziso kuzera rokutangamukazocherechedza iyo yokuzera rino iri. Chingodzibatanidzaipamwe chete. “Zvanzi naIye wakabata nyeredzi nomwemuruoko rwaKe rworudyi unofamba pakati pamakereke.Zvanzi naiye Wokutanga noWokupedzisira Wakanga afaakararamazve.” Uyu ndiye munhu mumwe chete iyeye. UyeAri kutizivisa kuti kereke ndeyaKe. Sezvo mhodzi yomucheroiri pakati pomuchero wacho, ndozvaAkaitavo iye, MhodziyoUmambo, iri pakati pekereke. Sezvo mhodzi chete iriyo inoupenyu mairi, ndizvozvovo kuti Ndiye muvambi woupenyukukereke. Kufamba kwaKe kunoratidza kuita hanya kwaKenekereke pasina kuneta. Ndiye Mufudzi Mukuru ari kutaririravaKe. Ndiyo govero yaKe, nokuti Wakaitenga kereke iyoyoneropa raKe pachake. Ropa iroro iropa raMwari. Iye Mwenewekereke iyoyo ndiMwari, Mwari chaiye. Ndiye ‘WokutanganoWokupedzisira.’ Dunhurirwa iri rinotaura ziendanakuenda.Wakanga afa zvino mupenyu. Akaripa mubhadharo kuti Agovaiye chete mwene wetembere yaMwari. Anoitonga.Anoshumirwa mairi. Haazvifariri kuti ani zvake agotora vuShehwaKe namasimba ake. Hapana kupokana kuti chikonzerochaAnoZvizivisira kuzera roga roga saiye Mwari kuitirakuyambira nokunyaradza vanhu. Anoyambira muzambiringawenhema, uye Anonyaradza muzambiringa wechokwadi. Uyundiye MWARI MUMWE CHETE WECHOKWADISAMASIMBA. Munzwei mugorarama.

ZERA ZVARIRI

Zvakazarurwa 2:9 inoti, “Ndinoziva mabasa akonokutambudzika kwako, nourombo hwako, (asi uri mufumi)nokutuka kwaivo vanoti tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asiisinagoge raSatani.”

Kiyi yezera rino iri pachenachena kutambudzika. Kanakwakava nokutambudzika muzera rokutanga, zvino pava

Page 117: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 107

kunzi pachava nokutambudzika kwakapamhidzirwa muzerarose rechipiri. Hapana kupokana kuti mashoko aPauro awaanotevera aireva uzhinji hwavaKristu kwese zvakwo kwavaivapasi pose nomuzera roga roga. VaHebheru 10:32-38 inoti, “Asirangarirai mazuva okutanga, amakati, mavhenekerwa,mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko; pamwe, nokutimakaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa;pamwe, nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo. Nokutimakanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendavo nomufarokuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumenemune fuma yakapfuura nokunaka inogara. Naizvozvo regaikurasha kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru. Nokutimunofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kudakwaMwari, mugopiwa chipikirwa. Nokuti kanguvakadukuduku kachiko, Iye Unouya uchauya, asinganonoki. Asiwakarurama wangu uchaponeswa nokutenda: zvino kanaakadzokera shure, mwoyo wangu haungafari naye.”

Kufambidzana chete kwavanhu vomwoyochena navatendivechokwadi kungangounza rufu zvichiitwa nokudakwomwoyochena wavo.

Zvino Ishe Mwari Samasimba anoti, “NDINOZIVA.” HoyoAri kufamba pakati pavanhu vaKe. Hoyo, Mufudzi Mukuruwamakwai. Asi Anomisa here kutambudzwa uku? Anomisahere kutambudzika uku? Kwete, Haamisi. Anongoti chete,“NDINOZIVA kutambudzika _ handizvo kuti haNdina kanahanya nokurwadziwa kwenyu.” Chigumbuso chakakura seikuvanhu vazhinji ichi. SavaIsraeri vanhu ava vanoshama kutiiye Mwari unotovadavo here kana kwete. Iye Mwari ungazovawakarurama nokuva norudo sei kana Achingomira zvakeachingotarira vanhu vaKe vachitambura kudai? Izvi ndizvozvavakavhunza muna Maraki 1:1-3 inoti, “Chirevo cheShokoraJehovha kuna Israeri chakatumwa naMaraki. Ndakakudai,ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti,Makatida neiko? Ko Esau wakanga asi mukoma waJakobhohere? ndizvo zvinotaura Jehovha: kunyange zvakadaro Inindakada Jakobho, asi Esau Ndakamuvenga, ndikaita makomoake matongo ndikapa makava amarenje nhaka yake.” Maona,vakatadza kufunga kuti rudo rwaMwari rwakaita sei.Vaifunga kuti rudo zvinoreva kusatambudzika. Vaifunga kutirudo runoreva mucheche anongwarirwa navabereki vake. AsiMwari akati rudo rwaKe rudo “rwokusanangura.” Chiratidzochorudo rwaKe KUSANANGURA _ kuti hazvinei kuti chiichakaitika, rudo rwaKe rwakaratidzwa pachokwadinechokwadi chokuti vakasarudzirwa ruponeso (nokuti Mwariwakamusarudzirai kuruponeso negwara rokuchenesakwoMweya nokutenda kuchokwadi). Angangokuisa murufusezvaAkaita Pauro. Angangokuisa mukutambudzikasezvaAkaita Jobho. Izvi Anozvibvumira. Ndiye mutongi. Asi

Page 118: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

108 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zvose zvine chinangwa. Dai anga Asina chinangwa, Aizovamuvambi wokuora mwoyo kwete worugare. Chinangwa chaKendechokuti pashure pokumbotambudzika zvishoma tinozoitwavakakwana, nokuumbwa, nokusimbiswa uye nokugadzikana.Sokutaura kwakaita Jobho, “Anoisa simba matiri.” (Jobho23:6b) Maona Iye, pachaKe, wakatambudzika. Wakadzidzakuteerera nokuda kwezvaAkatambudzika nazvo iye.Wakakwaniswa nezvinhu zvaAkatambudzika nazvo.VaHebheru 5:8-9 inoti, “Kunyange Aiva Mwanakomana,Wakadzidza kuterera sezvaAkatambudzika; akati akwaniswa,Akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vosevanoMuterera.” Mumutauro wakanyorova tingati, unhuhwaJesu chaihwo hwakakwaniswa nokutambudzika. Uye kanatichitevedzera Pauro Akasiyira kereke yaKe mugovewokutambudzika kuti, naivovo, zvakare nokutenda kwavomuna Mwari apo pavanenge vachiMutambudzikira, nokutendavaizosvika pakukwaniswa. Ko Wakazvidirei izvi? Jakobho 1:2-4 inoti, “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwiramumiidzo mizhinji; muchiziva kuti, kuidzwa kwokutendakwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuvenebasa rakakwaniswa, kuti mukwane mururame kwazvo,musingashayiwi chinhu.”

Sei Achingomira zvake akatarisa? Chikonzero chiri munavaRoma 8:17-18 inoti, “Zvino kana tiri vana, tiri vadyivenhaka, vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chetenaKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naYe,tigokudzwavo pamwe chete naye. Nokuti ndinotimadambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswanokuhwinya kuchazoratidzwa kwatiri.” Kana tisinakutambudzika naYe hatizogoni kutonga naYe. Munofanirakutambudzika kuti mugotonga. Chikonzero chezvizvindechokuti unhu hahumbofi hwakaumbika zvahwo pasinakutambudzika mukati. Unhu KUKUNDA, kwete chipo.Munhu asina unhu haakwanisi kutonga nokuti masimbapasina unhu ndezvechiSatani. Asi simba rino unhurinokodzera kutonga. Zvino sezvo Achida kuti tigovane nayepachigaro chaKe chokutonga tiri pahwaro humwehwo hwokutiiye Wakakunda akagadzikwa pachigaro chaBaba vaKechokutonga, saka nesuvo tinofanirwa kukunda kuti tigogaranaYe. Zvino kutambudzika kwatinoita isu kushomashoma ukukunokurumidza kupera hakuna kukodzera kuinzaniswanokuhwinya kukurukuru kuchazoratidzwa matiri paAnouya.O-o, ufumi hwakadini hwakarongedzerwa avo vanofarirakupinda kuumambo hwaKe nenzira yokutambudzika kuzhinji.

“Musafunga kuti zvinoshamisa kuti matambudziko anengemwoto anokuedzai.” Izvi ndizvo zvakataura Petro.Zvinoshamisa here kuti Mwari anoda kuti tikure kusvikapaunhu hwakatodza hwaKristu hunouya nokutambudzika?

Page 119: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 109

Kwete changamire. Uye tose tinoedzwa. Tinoedzwanokurangwa savana. Hapana anombopinzwa mune zvakadaro.Kereke isingatambudziki, uye isiri kumboidzwa, hainachainacho pane izvi_haizi yaMwari. VaHebheru 12:6 inoti,“Nokuti waanoda Ishe Unomuranga, unorova zvikurumwanakomana mumwe nomumwe waAnogamuchira. Asi kanamusingarangwi, sezvinoitwa vose, muri vana voupombwe,hamuzi vanakomana chaivo.”

Zvino izvi zvakatarirwa vanhu muSmirna izvi zvinofanirakuiswavo pazera roga roga. Hakuna zera risingapiwi izvi.Hakuna mutendi wechokwadi anonzi ngaasaita izvi. IzvindezvaMwari. Uku kuda kwaMwari. Zvinotofanirwa. TinodaIshe kutidzidzisa chokwadi chokuti tinosungirwakutambudzika nokuva saKristu mukuita izvi. “Rudo runomwoyo murefu uye rune tsitsi.” Mateo 5:11-12 inoti,“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai,vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema,nokuda kwaNgu. Farai mufarise kwazvo: nokuti mubayirowenyu mukuru kudenga: nokuti vakatambudza saizvozvovaprofita vakakutangirai.”

Matenga azere makore nedutu roupenyu hachizi chiratidzochokusabvumira kwaMwari. Nokukuvo matenga akachenanemvura dzakagadzikana hachizivo chiratidzo chorudo rwaKenokubvumidzwa. Kugutsikana kwake naani wedu kunongovachete MUMUDIKANWI. Rudo rwake ndorwokusanangurwakwaAgara anako kubva nyika isati yavapo. Anotida here? A-ahongu. Asi tichaziva sei? Tichaziva nokuti AKAZVITAURA,akaratidza kuti Akatida nokuti Akatiunza kwaAri akatipaMweya waKe, achitiisa munzvimbo savana. Zvinondicharatidza sei rudo rwangu kwaAri? NokutendazvaAkataura, uye nokuzvibata mumufaro pakatipamatambudziko aAnobvumidza munjere dzaKe kuti aitike.

“Ndinoziva urombo hwako (asi uri mufumi).” Hoyozvakare. Muonei achifamba achikwidza nokudzika pakatipeKereke yaKe. Sababa Ari kutarira pasi pane mhuri yaKe.Ndiye Musoro weimba yaKe. Ndiye muriritiri. Ndiyemudziviriri. Asi Ari kungotarira zvake urombo hwavo. O-o,mutendi asina kunatsa kudzidziswa anopunzika zvakadinipane zvizvi. Sei Mwari achishinga zvake kungotarisa vaKepavanenge vava kuda rubatsiro asingambozvimisi zvosezvinonetsa_kubva zvake angoregedzera ongopa zvake zvosezvapanyama kwavari?

Hapano pamunofanira kutenda zvakare murudo, nokunakanouchenjeri hwaMwari. Izvivo, zvinodiwa, chose. Rangariraikuti Wakarayira achiti, “Musafunganya pamusoroperamangwana, pamusoro pechamuchadya kanachamuchapfeka. Baba venyu vanoziva zvamunofanirwakuwana. Uyo Anopfekedza maruva nokupa shiri chokudya

Page 120: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

110 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

uchaita zvinopfuura izvi kwamuri. Izvi zvose zvinoonekwahandizvo zvechokwadi zvapahwaro hwoupenyu hwenyuzvamunoda, nokuti upenyu hwomunhu hahwuna kumiswapazvinhu zvaanazvo zvaanoona. Asi imi tangai kutsvaka ushehwaMwari nokururama kwaKe nokuti izvozvi zvosezvichawedzerwa kwamuri.” Vanhu vaMwari havachemerizvinhu zvoufumi. Vanokarira zvaKristu. Havatsvaki ufumihuri pasi; asi kuti vanotsvaka ufumi hwokumusoro. Ichiichokwadi chaicho chakazara, kuti vazhinji vavaKristuHAVANA kufuma. Kana kuti ngatiti vari kudivi ravarombo.Ndozvazvakanga zvakaita munguva yaJesu. Ichi chaivachokwadi munguva yaPauro uye zvinofanira kuva chokwadivomazuvano. O-o, hachizi chokwadi chizere mazuvano nokutiZera reRaodhikia rizere noufumi hwakawandisisa apo kazhinjichiero chezvomweya kuri kuwanda kwezvinhu zvapanyika.Zvangu ini, kereke yakafuma zvakadini muzvinhu. Asivo inourombo hwakadini paMweya. “Makaropafadzwa varombo,nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. Umambo hwaMwariHAIZI nyama nezvinwiwa.” Hahwuzi zvinhu zvinoonekwa.Hwuri MUKATI medu. Munhu wakafuma ndiye wakafumamuna Mwari, kwete muzvinhu zvenyika.

Mweya unochema uchiti, “O-o,” “Ndinoona urombohwenyu. Ndinoona zvaunofanira kuwana. Kana unechaunacho zvako, asi hauna zvakawanda, zvokuti ungadadanazvo. Zvawakanga unazvo wakazvitorerwa. Wakasiya zvinhuzvako zvawaiva nazvo uchitsinhanisa noupenyu husingaperi.Unosekwa. Unomhurwa. Hauna zvinhu zvokuzomhanyirakwazviri kana zvaoma. Asi wakafuma nyangwe zvazvo zvoseizvi zvakadaro. Kuchengeteka kwako kuri maAri iye Anovanhovo yako nomubayiro mukuru zvakapfurikidza. Umambohwako hahwuzati hwauya. Asi hwuchauya chete. Uyehwuchagara nokusingaperi. Hongu, Ndinoyeuka nokuitahanya nokutambura kwako nenhamo dzako. Ndinoziva kutizvakaoma zvakadini kurarama muupenyu. AsiNdicharangarira zvose izvi kana Ndodzoka kuzokugamuchirakuti uve waNgu, apa zvino ndipo paNdichakupa mubayirowako.”

Zvino hapana chatiri kuti chakashata pavanhu vakafumanokuti Mwari anogona kuponesa mufumi. Vamwe vanavaMwari vakafuma. Asi mari inogona kuva musungo mukuru,kwete kuna avo vanayo asi nokuna avovo vasina. Karekomuzera rokutanga, Jakobho wakadanidzira kuna vayavakanga vava kuisa tariro yavo yose muvanhu vakafumaachiti, “Musava nokutenda kwaShe wedu Jesu Kristunokuremekedza vanhu.” Varombo vakanga vava kuidzakutsvetera vafumi kuti vawane rubatsiro, pano kuti vavimbenaMwari. Jakobho anoti, “Musadaro.” Musadaro. Mari haizizvose. Mari handiyo mhinduro.” Nanhasivo handiyo mhinduro.

Page 121: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 111

Tino ufumi hunodarika hwamboti hwawanikwa asi tirikubudirira pazvishoma pane zvoMweya. Mwari haashandinemari. Anofamba noMweya waKe. Uye kufamba kwoMweyauku kunouya chete kuupenyu hwakapirwa kuShoko.

SINAGOGE RASATANI

Zvakazarurwa 2:9b inoti. “Ndinoziva kutuka kwaivovanoti tiri vaJudha vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani.”

Heino ndima ichabereka kufunga kwakawanda, kwetepamusana chete pokuti yakanyanyisa kusiyana nedzimwe panezvainoreva, asivo pamusana pokuti inotodzokororwa muzerarinotevera kwapera makore anodarika churu.

Zvakazarurwa 2:9 inoti “Ndinoziva mabasa ako,nokutambudzika kwako, nourombo hwako, (asi uri mufumi)nokutuka kwaivo vanoti tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asiisinagoge raSatani.” Pakutanga, tinoona kuti shoko rinonzi,vaJudha, harizi kutsanangura chinamato chavanhuvechiJudha. Rinongoreva chete vanhu nenzvimbo inonzi Judhauye rinoreva zvakanyatsofanana nezvandingareva kanandikati ndakaberekerwa Ireland. Vanhu ava vaiti vaivavaJudha chaivo, vaJudha chaivo pakuberekwa. Vaiva varevivenhema. Vakanga vasiri vaJudha vapakuberekwa uyevakanga vasiri vaJudha pachinamato.

Kana zvose izvi iri chokwadi, vaiva chii? Vaiva vanhuvakanyengedzwa vakanga vatova bande rekereke. Vaibvakumuzambiringa wenhema.

Vakanga vasiri vekereke yechokwadi, asi vekerekeyenhema nokuti Mwari akati, “isinagoge raSatani.” Zvinoshoko resinagoge hariziro rimwero ratinoshandisa tichirevakereke. MuBhaibheri, kereke zvinoreva, “avo vakadanwa kutivabude”, kana kungoti chete “vakabudiswa.” MuimbiwaMapisarema achitaura pamusoro pavanhu vakasanangurwaava wakati, “Wakaropafadzwa munhu WAMAKASARUDZA,waMUNOSWEDEDZA kwaMuri, kuti agare pavanze dzeNyu.”Mapisarema 65:4. Asi sinagoge zvinoreva “gungano kanamusangano.” Izvi zvinogona kuva chinhu chakanaka kana kutichakashata, asi pano apa chinhu chakashata, nokuti avandavaya vanounganira zvisiri zvaMwari asi zvavo pachavo.Muprofita Isaya akati pamusoro pavo, “Tarira, zvirokwazvovachaungana pamwe chete, asi KWETE NOKUDA KWANGU:ani nani achaunganira kukurwisa uchawira pasi pamusanapako.” Muprofita Isaya 54:15. Zvino sezvo zvechokwadi vanhuava vakanga vachirwisana nomuzambiringa wechokwadi,rimwe zuva Mwari uchavaparadza.

Zvino nemhaka yei pane vanhu vari muchimiro chekerekevachizvidaidza kuti vaJudha? Chikonzero ndechichi: Sezvo

Page 122: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

112 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vakanga vari varevi venhema vaigona kukambira chero chinhuchavada. Vaigona kutaura chero chavaida sokunge chaivachokwadi vobva vangoomererana nacho. Zvino pano apavaigona kureva nhema asi vane fungwa yakasimba mumusoro.Handizvo here kuti kereke yokutanga yakanga yakada kuzarakana kutozara chaiko namaJudha, zvichivaita kuti vave ivonhengo dzokutanga dzomutumbi waKe? Vaapostora vane gumivaiva vaJudha, uye vaapostora vakazotevera vaiva vaJudhakana vanhu vakatendeuswa. Saka kuti vanhu vapike kutivaiva vaJudha zvaivapa kukwirira nokukambira kuvavapamavambo. Ukareva nhema. Ukaramba wakamira padziri.Usina mhaka nechokwadi kana nhoroondo. Ukazvitaura chetenokuramba uchizvidzokorora kuvanhu, vanhu vanobvavazvitenda pasina kupera nguva.

Zvino pane zvamabata here apa? Handiwo here mweyamumwe chetewo uri mumakereke mazuvano? Hakuna hereboka rinokambira kuti ndiro boka rapamavambo chaipo uyekuti ndiro kereke yechokwadi uye kuti ruponeso runowanikwamariri iro chete? Havati here ndivo vane kiyi dzoumambodzavakagamuchira kuna Petro? Havati here Petro ndiye papawavo wokutanga, uye kuti waigara muRoma asi ipo pasinaZVACHOSE KANA CHOKWADI ZVACHOCHENHOROONDO CHINOZVITSIGIRA? Zvino kunyangwevakadzidza vavo pavatendi vavo vanobvuma nhema dzavo idzi.Sinagoge raSatani! Zvino kana Satani ariye baba vake, uye iyeari baba venhema, saka hazvishamisi kuti ivo vari musinagogerazvo varevivo venhema.

Fungai pamusoro pefungwa yokutuka. Ava vesinagogeraSatani vakanga vasiri kutuka Mwari pano apa (nyangwezvazvo izvi zvisingarambiki) asi vakanga vachituka kerekeyechokwadi. Izvi ndizvo zvirokwazvo. Kaini sezvoakatambudza nokuuraya Abheri nokuda kokuti iye (Kaini)waiva wowakashata, uye sezvo vateveri vezvirongwa vakafavechiJudha (Jesu akati vaiva vababa vavo, satani) vakaidzakuparadza maKristu mumakore mashoma okutanga ezerarokutanga, zvino iri boka rimwe chetero (muzambiringawenhema) riri kutoidza nesimba rakapinda kuwanda kutiriparadze mutendi wechokwadi muzera rechipiri. Mweya uyawaantikristu uri kukura.

Boka rakagwesha nokusenerera zvinyoronyoro kupindamukereke richishandisa MABASA aro (chiNikoraiti)harichisiri kutya kuiswa pachena asi kutoti rava kutozviumbapachena kuva boka riri roga uye riri kutozorwisa kerekeyechokwadi noruvengo rusina kana kumbovanzwa.

Zvino kana ndichitaura kuti iyi yakanga iri kerekeyaantikristu yakanyatsoumbwa ndiri kukupai chokwadichinobva munhoroondo chinotsigirwa kuva chokwadi. Kerekeyokutanga kuwa muRoma (tichatevedza nhoroondo yayo

Page 123: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 113

muZera rePergamo) yakanga yatoshandura kereke yechokwadiyaMwari kuva yenhema nenzira yokupinza mukati mayochinamato chechihedheni vachishandisa mazita echiKristunezvaanoreva. Kuzosvika pazera rechipiri yakanga yatovayechihedheni (nyangwe zvayo yaiti ndiyo kereke yechokwadi)zvokuti Polycarp wakafamba rwendo rwunoita mamaira 1500ava mutana kuuya kuzovadembetera kuti vadzoke. Havanakuda kuita izvi. Vakanga vatova namatanho ohutungamiririnesangano rakasimba, uye vatotsauka zvakazara kubvamuShoko. Saka iri, ndiro sinagoge raSatani, rizere nokutuka,umo makanga matova nembeu yedzidziso yechiNikoraiti, uyerakanga richizova muchinguva chifupi muzinda chaiwo kanasimba rechinamato chaSatani. Izvi ndizvo chaizvoizvo nokutiZvakazarurwa 2:9b HAIZI kuti vanhu ava ndoVEsinagogeraSatani asi kuti inoti NDIVO SINAGOGE RASATANI.

Mweya waantikristu uyu hauzi mutsva. Hachizi chinhuchakangouya mumazera amakereke. Chakanga chichingovaponguva yose. Kuti muwane kunzwisisa kuri pachena kutizvinoshanda sei, uye kuti zvinorwisana naMwari sei nokutoramasimba okutonga mukereke, tarirai muTestamente Yekarekuti muzvione. Ngatimboongorora mweya uyu sokutaridzwakwaunoitwa muIsraeri payakabuda muEgipita kuti ive kerekemurenje.

Sokutanga kwakaita yokutanga iri pasi peshumiroyoMweya Mutsvene ine zviratidzo nezvishamiso nezvimwezvairatidzwa zvakaita sokuprofita, nendimi, nokududzira,nenjere, nezivo nokuporesa, sakavo mumazuva avaIsraeripavakabuda muEgipita, vakanga vari muutungamiririhwoMweya waMwari waizviratidza muzvipo. Mwari ndiyewakanga ari mutungamiriri wavanhu. Chokwadi chaichondechokuti Wakanga ari Mambo wavo. Wakanga ari Mambo-Baba. Akachengeta Israeri sababa vanoriritira mhuri yavo.Wakavapa kudya, nokurwa hondo dzavo, nokutwasanudzazvaivanetsa nokupedza matambudziko avo. Akabva Abatikanapamusana pavo. Ndirwo rudzi rwega rwaAkanga ari Mwariwarwo chaiye. Asi mumwe musi vakatanga kuringa-ringa,vakabva vaona vaFiristia namamwe marudzi vana madzisheavo aivatonga. Zvakatora meso avo ndokubva vasunga kutivaifanira kushandura utungamiriri hwavo kuti hwuvehwavanhu, saka vakanga vava kuda mambo. Zvino MwaripachaKe wakanga achizoshandura utungamiriri uhwu kutihwuve hwomunhu, muuMunhu hwaShe Jesu Kristu, asivakabva vamuendera mberi kwaKe. Satani waiziva hurongwahwaMwari ndosaka akahwuisa mumwoyo yavanhu kuti apindemberi kwaMwari (Shoko).

Pavakauya kuna Samueri kuzokumbira mambo, Samueriwakashamiswa zvokuti mwoyo wake wakaita kunge uchamira.Mwari wakanga atungamirira vanhu vaKe, achishandisa

Page 124: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

114 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muprofita uyu wakanga akapirwa, nokutsigirwa nokuratidzwaneShoko uye iyevo Samueri wakanzwa sokuti wakangaarambwa. Wakaunganidza vanhu akavadembetera kutivasafuratira Mwari wakanga avatakura savana, nokuvaita kutivabudirire nokuvaropafadza. Asi ivo vakavavarira. Vakatikuna Samere. “Hauna kumbokanganisa mukutungamirirakwako. Hauna kumbova munyengeri kana kusatendeka munezvose zvawakaita pane zvemari. Wakaita magonere ako osekuita kuti tigare tiri muShoko raShe. Tinokudza nokufariramashura, nenjere, nokupiwa zvatinazvo nokudzivirirwakwatakaitwa naMwari. Tinotenda mazviri. Tinozvida.Pamusoro pezvizvi hatidi kuti tirashikirwe nazvo. Chiripochete ndechokuti tinoda mambo wokutitungamirira kuhondo.Ichokwadi kuti kana tava kuinda kundorwa tichiri kuda kuvanavaprista mberi kwedu vachiteverwa naJudha, kuti tigoridzahwamanda tichiita mheremhere nokuimba. Hatizi kuda kuregazvose izvi. ASI TINODA MAMBO MUMWE WEDU KUTIATITUNGAMIRIRE.”

Zvino Mwari wakati kuna Samueri. “Waona, havanakukuramba, asi varamba INI kuti ndive mambo wavo.”

Zvinosiririsa zvakadini izvi. Havana kana kutombozvizivazvavo kuti pavakanga vachikumbira Mwari kuti avaregevachiva savamwe vanhu vakanga vachitoMuramba, nokutiMwari wakaita kuti vanhu vaKe vave namaitire akasiyananaavamwe vanhu venyika. Havazi venyika ino uyehavaratidziki savanhu venyika ino uye maitire avovo haanakufanana navanhu venyika. Vakaroverwa pamuchinjikwakune zvenyika uye zvenyikavo zvakaroverwa pamuchinjikwakwavari. II vaKorinte 6:17-18 inoti, “Saka budai pakati pavo,muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, musabata chinhu chinetsvina; Ini ndichakugamuchirai, ndichava Baba venyu, nemimuchava vanakomana navanasikana vaNgu, ndizvo zvinotauraIshe une Simba rose.”

Maona siyano imwe chete pakati paIsraeri navamwe vanhuvamamwe marudzi wakanga ari Mwari. Kana waibvisa Mwarikumukanda parutivi Israeri rwaibva rwava rudzirwakangofanana namamwe marudzi. Samisoni paakaguravhudzi wakabva angoita savamwe vanhu vose. Kanamukabvisa utungamiriri hwoMweya Mutsvene kuhwuisapadivi kereke inobva yangova NYIKA CHETE YAKAISWAZITA RAMWARI PAIRI. Nyika nekereke zvinobva pabazirimwe chete, sezvakanga zvakangoitavo Jakobho naEsau kuvanavabereki vamwe chete, asi Mweya waMwari ndiwo unoitamutsauko.

Hazvina mhosva kuti unozviita muKristu. Munhu woseanogona kudaro. Chine basa ndechokuti uno Mweya waMwarihere kana kuti kwete pauri, nokuti usina Mweya uyuwakarashwa; hauzi waKe. Ameni.

Page 125: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 115

Munguva shoma yakapfuura ndakavhunza mumwemudzimai kana akanga ari muKristu. Akati kwandiri,“Ndinoda kuti muzive, changamire, kuti ndinotungidzakandyera usiku hwoga hwoga.” Izvi zvinei nokuva muKristu?Ndiri muHwisiri, ndiri muBhaptisti, ndiri muPentekosti. Izvihazvina kana chii zvacho nokuva muKristu. Mweya Mutsvenechete kana kuti maparara.

Saka, kutanga kareko mukereke yokutanga vanhuvakatanga kufunga nokunetsekana pamusoro pokutivanganatsurudza sei zvakaitwa naMwari. Mabasa avaNikoraitiakatanga kuzviratidza pachena. Ndokubva boka raumbwa.Vakatsvedza kubva panheyo yeShoko. Zvinongotora shokorimwe chete kuti rishandurwe uye kambiriso kadikidiki ikakokavidze bundu rose. Uyo anotadza pachinhu chimwe chetechomurairo atotadza pamirairo yose. Evha wakangoshandurashoko rimwe chete. Ndizvo chete zvinodiwa.

Pakaumbwa boka iri panheyo yaSatani, rakatangakuvenga nokurwisa vatendi vechokwadi, vachisimbiriranerokuti ivo (vokunze) ndivo kereke yaMwari.

Cherechedzai kuti sangano rinobereka ruvengo.Rinoparadza yanano. Rinobereka kuvava. Ndizvo zvinorevashoko rokuti mara. Izvi ndizvo zvakanga zvakazara muSmirna.Kuvava. Mudzi wokuvava unosvibisa vazhinji. Sakakusvibiswa kwaramba kuchingowanda nakuwandakuchipinda. Zera roga roga raizowana mavanga acho.

Kereke yeSmirna yakanga yaerera kuinda kurenamavambo. Yakanga yaita masanganiswa. Yakanga yazviitamasanganiswa nenzira yakaita nayo Evha. Munoziva kutimasanganiswa anobva pakusanganiswa kwembeu dzamarudzimaviri. Chinobuda hachizovi chakakwana sembeuyapakutanga. Chinofanana nembwa yakasanganiswa.Zvakanaka, Evha paakatendera kuti chikara chisanganisembeu yacho neyake wakabereka chisikwa chinonzi Kainichakanga chisiri munhu wakakwana. Wakanga ariWOWAKAIPA. Cherechedzai kuti wakanga akasiyanazvakadini naAbheri. Onai kuti wakanga akasiyana zvakadininaSeti. Waivenga Mwari uye wakanga asingamboteereri Shokouye wakatambudza nokuuraya uyo wakanga akarurama.Wakazviisa iye kuva pamusoro peShoko raMwari.

Kerekevo, yakatsauka, kusiya zvayakanga iri pamavambo.Yava masanganiswa. Kureva kuti, kereke inotaurwa yavamasanganiswa. Vanhu vanoti, “Ndiri muBhaptisti.” Zvakangazvisina kudai pamavambo. “Ndiri muHwisiri.” Zvakangazvisina kudaro pamavambo. Pachinhambo cheShoko raMwarirakarurama, uye pachinzvimbo chavanhu mukerekevakazadzwa noMweya vaitungamirirwa nechizarurochakapiwa noMweya, zvino pava nezvitendwa, notwumitemo,

Page 126: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

116 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nezvokufungidzira zvedzidzo zvavanhu vakadzidza. Dzidzoyakatora nzvimbo yechizaruro. Kuronga fungwa kwatoranzvimbo yokutenda. Hurongwa hwakatora nzvimboyamanyukunyuku okurumbidza muMweya Mutsvene.Zvakanga zvisina kudai kubva pamavambo. Rudzi rwoserwashanduka. Rwava masanganiswa.

Zvino, kana kereke yaitwa masanganiswa, ichagona herekubereka maKristu vakakwana? Haikwanisi. Upenyu nembeuinoita kuti maKristu azoberekwa haizi mavari. Chimwenechimwe chinobereka chakachitodza. MaBhaptisti anoberekamaBhaptisti vachingoitavo zvakafanana namaBhaptisti.MaMethodist anoberekavo maMethodist anoitavo zvakafanananamaMethodist. Hapana kana mumwe wavo anozikanirwasimba raMwari uye havakwanisi nokuti simba raMwariharipo. Vanozikanwa nokunamata kwavo Mwarikokuratidzira.

Tichitaura panyaya yamasanganiswa. Munoziva heremhuka yamasanganiswa ino mukurumbira kudarika dzose?Inesu kwamakore namakore. Apa tinoreva nyurusi. Nyurusimasanganiswa embongoro nebhiza. Imhuka inoshamisa.Haikwanisi kuzvibereka. Haina upenyu hunokwanisa kuitaizvozvo. Asi pamusoro pokushanda chete. Rinopfuura bhizakana mbongoro nyore nyore pakushanda. Asi tarirai muonechisikirwe charo pazviito. Rinokusindimara uye harivimbiki.Mufananidzo wakakwana wechinamato chamasanganiswa.Masanganiswa echokwadi nerima, nokuti bhiza rinomiriramutendi wechokwadi uye mbongoro mufananidzowousakarurama. Kungoita masanganiswa chete munobvamawana chinamato chisingabereki, uye chinotevedzazvirongwa. Hachina mbeu youpenyu. Chakafa. Chinogonakutaura pamusoro pechokwadi asi hachikwanisi kuchibereka.Hachina Mwari pakati pacho, asi chinounganidza nokutaurapamusoro paMwari, asi nguva yose iyoyi chinengechichirambavo simba raMwari. Vanogona kuramba ShokomuZita chairo raShe. Hapazombofa pakava netariro pavari.Munozviziva here kuti hakuna chinamato chakaumbwasesangano chamboti chaita rumutsidziro? Izvi hazvizombofizvakaitika! Pose pavaingoumba sangano chete vaingobva vafa.Havazombofi vakadzoka. Kwete changamire. Ndinogonakukuratidzai izvi nomufananidzo. Muna Eksodho 13:13munonzi, “Mwana wokutanga wembongoro unofanirakudzikinurwa negwayana; kana usingadi kuudzikinura,unofanira kuvhuna mutsipa wawo; matangwe ose avanhupakati pavanakomana vako unofanira kuvadzikinura.” Maona,mbongoro inogona kudzikinurwa. Mutadzi woga woganyangwe wakaipa sei unogona kudzikinurwa nechibayirocheropa chaJesu Kristu, kana kuti mukuramba Kristu anengeatorambwavo. Asi haudzikinuri nyurusi. Hakuna rudzikinuro

Page 127: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 117

rwaro. Hapana ropa kwariri. Hazvigoni nokuti nyurusirinovanda mukereke asi mbongoro inovanda muropa. Nyurusi“harina mbeu” mariri inogona kupiwa upenyu, asi mbongoroine mbeu.

Sezvinei, vhiki shoma dzapfuura ndakaverenga zvinyorwazvomumwe mupepeti wenhau. Hongu, chaiva chinyorwachomupepeti wenhau wakanga asina kuponeswa; akanga asirimuKristu. Akati anokatyamadzwa namakereke. Akatadzakumanzwisisa. Vaiva namaseminari akazadzwa namaporofesaaidzidzisa Shoko raMwari vavariro iri yokuriparadza. Zvinomurume uyu haana kukwanisa kuzvinzwisisa.Zvakamunyangadza. Akati anogona kunzwisisa munhuasingatendi kuti kuna Mwari kana mukomunisti, kana munhuanovimba nefungwa dzake chete kana mumwevo zvake kanaachiita zvakadai. Asi kana kereke pachayo yoparadza ShokoraMwari zvangofanana noumhondi hwakafanorongwa.HECHO CHINAMATO CHENYU CHAMASANGANISWA.MUKAI VANHU VEAMEREKA NGUVA ISATI YAPERA.

Kana kereke yasiya Shoko inobvuma chinhu chose.Yakaita saEvha. Pakaberekwa Kaini Evha akati, “Ndawanamunhu kubva kuna Ishe.” Munozviona here kuti wakangaachireva izvozvi chaizvo? Aifunga kuti akanga awana munhukubva kuna Ishe. Maona, paakangonyengerwa chete nokutorashoko raSatani pachinhambo cheShoko raMwari akabvaangofunga kuti chose chaaitaura chakanga chakanaka. Kanaakati akanga awana munhu kubva kuna Mwari, saka akangaawana munhu kubva kuna Mwari. Asi Mwari wakamisamurairo muna zvose mudenga raKe rose. Mbeu yakanakainogona kubereka muchero wakanaka chete uye mbeuyakashata inongogona kubereka muchero wakashata chete.Zvino mbeu imwe neimwe, nyangwe zvayo yakasiyananedzimwe, inoraramiswa nenyika, kuwana chikafu, mwando,nezuva, inototi ibereke rudzi rwayo. Onai nhoroondo yedzinzaraKaini. Onai nhoroondo yedzinza raSeti. Siyano imwechete pavari vose _ mbeu yokutanga chete. Hapanazvechimwe.

Kana mukanyatsotarisisa mashoko aEvha awamuchinatsoanan’anidza muchaona kuti wakanga anokunzwisisa kupfuura zvinoonekwa navazhinji. Haana kutimwanakomana wake wakabva kuna Satani nokuti izvizvaizoita kuti Satani ainzane naMwari. Mwari chete ndiyeaigona kusika zai mumimba yaMaria. Satani haaikwanisakuita izvi. Evha waizviziva. Satani anongogona kutsaudzirachete. Saka akanyengera Evha nembeu isiriyo. Yakanga irimbeu yechikara yakaunza Kaini. Yakanga iri mbeu yaAdhamayakaunza Abheri naSeti. Mbeu idzi dzakatevedza gwara rimwechete chairo, asi vana vakanga vakasiyana nokuti vakangavabva kumbeu dzakasiyana.

Page 128: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

118 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Evha waitenda kuti Kaini wakabva kuna Mwari.Wakagamuchira nhema dzasatani sokunge chaiva chokwadichaMwari. Izvi ndizvo chaizvo zvatinazvo nhasi uno. Makerekeanozvimisa sandiwo zvitubu zvinobuda chokwadi asichokwadi hachizi maari; asi vana vavo vanopika nawo uyevanogona kana kutouraya kuchengetedza kudarika kwavo.

Kana muchifunga kuti uku kwava kupamhidzira, verengaiII Timotio 3 chitsauko chose nendima shanu dzokutangadzechitsauko chechina. II Timotio 4:1-5 inoti“Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu,iye Uchatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwaKe noushehwaKe; paridza Shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira,kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomwoyo murefuzvikuru nokudzidzisa. Nokuti nguva ichasvika yavacharambakutendera dzidziso yakarurama; asi vachida kufadzwa panzevedzavo vachazviunganidzira vadzidzisi, pakuchiva kwavo;vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukirakungano. Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, batabasa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.”

Kereke payakangozvibvumira kutsauka kubvapamavambo, saAdhama naEvha, rufu rwakabvarwangopindavo.

Hamuna kusimba mairi. Yangova zinhu rinotyisa. Panguvayakangotanga kereke kufamba ichienda kune zvinoonekera,uye yakananga uprista nenzira yokuumba sangano ravafudzikuva boka raizomisa kuti utungamiriri hwaizofamba sei kunzekwoMweya Mutsvene neShoko raKe, nguva iyoyo chaiyo ndiyonguva yakapindavo rufu ndokubva yatanga kurwara, uyepayakarwara yakabva yashanduka kuva boka ravanhu risinakana nesimba rose vaingogona kushandisa gakava chete.Yakanga isingakwanisi kubereka kana chinhu zvachomuMweya, nokuti tariro yayo yakanga yakaumbwapazvirongwa kwete pakutenda muShoko raKe. Vakadyarazvirongwa saka vakakohwavo zvirongwa. Vakadyarakutsveyamisa saka vakakohwavo vana vakatsveyamiswa.

Ukaita zvisiri izvo kuna Mwari uchakohwa chaizvoizvozvawakadzvara. Munhu anofanira kudzidza izvi kubvakumasikirwe ezvinhu. Munhu akakanganisa masikirweezvinhu. Akaisa fungwa dzake pachake mumasikirwe ezvinhuachigadzira zvimwe kubva mutwunhu twunoumbisa zvinhu,nezvimwe zvakadaro, saka zvino wava kukohwa chamupupuri.Onai kuti vakaberekesa huku sei. Yakaramba ichisanganiswazvokuti yangova muchina wokukandira chete unokandirakusvikira yapera basa. Haina kukodzera kudya uye yakangoitazinyekenyeke zvokuti haikodzeri kudyiwa. Vanoisa zvimwezvinhu munyama yatinodya zvokuti nokuda kwaizvozvomuviri womunhu wava kushanduka zvokuti vanhukadzi vavakutetepa muhudyu vachipamhama pamapendekete uye

Page 129: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 119

vanhurume vachiita zvinopesana nezvizvi. Zvino kanakukanganisa masikirwe ezvinhu kuchikonzera izvi nokuitazvinotyisa, ko chii chichazoitika kana mukashandurachokwadi kuchiita nhema? Mhinduro ndeyokuti, muchaberekaantikristu, urongwa hwechinamato chisina Mwari mukatichakatsveyama zvokuti hachifanani uye hachiberekichapamavambo. Mwari mhinduro yake pazvinhu zvakaitasezvizvi igomba romwoto.

Zera iri reSmirna rakanga rava kufa. Zvarakafa, harinakuzombodzoka. Hakuna zera rinomuka rambofa. Hakunarumutsidziro runodzoka rwambofa. Harugoni kuwana upenyuhwaMwari marwuri namaberekere apamavambo. Zvinotodakuvandudzwa kunobva kumusoro. Zera rino rokupedzisirarakatanga nomwoto worumutsiriro wePentekosti vakabvavangodzoka kuumba sangano. Pachinhambo chokutora Shokovakatora fungwa dzavo pachavo nokuita zvimwe chete izvozvochaizvo zvakaita zera roga roga _ kuisa kabhukukezvitevedzwa panzvimbo yeShoko. Chimbotsauka zvakokubuda mukabhuku ikaka uone zvinoitika. Unobudiswa,hama. Uye vanokutambudza vachiti ndiMwari. Uye vanodamasangano avo sei. Izvi hazvishamisi. Chizvarwa chechipirichavanhu vePentekosti uye sezvo Mwari asina vazukuru avavanongova vana vamadzibaba avo, vanozikanwa nezvitendwazvavo nechimiro cheshumiro yavo. Vanogona kutaurapamusoro pezvaimbovapo, asi havagoni kuzvibereka.Vaimbovavo nemheni asi changosara chete zvino mutinhiro.Asi rega vakutaurire pamusoro pokuhwinya kwaivamusangano ravo. Vanotaura kuti, “Hongu changamire,ndinoda kuti muzive kuti iri harizi danho rakavambwanomunhu. Rakatanga zvisina rondedzero muruzhinjirwavanhu. Mweya wakawira pose pose pasi rose. Honguchangamire, takawana chavakawana paPentekosti. Izvihazvina kuitwa nomunhu asi naMwari.” ZVINO VAKADIIKUZVICHENGETA ZVAKADARO? KANA MWARI ARIYEAKAZVITANGA ZVAKAZOUYA SEI KUTI MWARI HAANAKUKWANISA KUZVICHENGETA NOKUZVIPEDZISA?Kana Mwari asiri iye wakanyora bhuku rezvitendwa nemitemonedzidziso dzisingapikiswi kutanga izvi, zvino ivovakazowanepi mvumo yokuita izvi? Mwari akadurura MweyawaKe pamusoro pamaBhaptisti, namaHwisiri, namaNazarini,namaAdhivhendisti, namaPresbyterian, noveBrethren, Churchof God (kereke dzakawanda dzine zita iri) namamwemasangano. Hama dzose idzi dzakarerwa nedzidzisodzakasiyana, nemitemo yakasiyana, namabhuku ekerekeakasiyana nezvimwevo zvakangosiyana-siyana. Mwariakazviisa zvose izvi parutivi; Akaparadza fungwa nedzidzisodzavo dzose dzemwaka akadzorera zvipo zvoMweya,Achiratidza kuti unogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.

Page 130: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

120 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Asi maPentekosti awa akadzidza chidzidzo here pamusoropamasangano? Kwete changamire. Vakaumba masanganokudzokera kwakare vakanyora mabhuku avo okudzidza,nemitemo namabhuku ekereke, bhuku rokuyanana nezvimwezvakangodaro nefungwa imwe mumusoro mavo, inovayokuratidza kuti zvino vava nechokwadi, uye kuti vava kuzivamhinduro dzose, uye, kuti ndivo vatungamiriri paruzivorwezvaMwari vanoziva nzira uye vanogona kuratidza vamwenzira iyi savatungamiriri vakasarudzwa naMwari kuita basairi. Asi havana chavanacho. Vakazviita masanganiswasamapoka avakabuda maari. Kana vachida kuva mumwengavanotosungirwa kuti vabude kufanana namadziteteguru avo.

Vakangoita savamwe vose. Rumutsidziro rwakapera.Vanoda kuedza kuti vararame zita asi ivo vakafa. Vakatoramasangano, asi nguva yose vachingotaura pamusoro poMweyawaMwari. Vanotaura pamusoro pechiratidzo choMweyaMutsvene. Asi vanokanganwa kuti satani anogonavo, kutauranendimi. Mhirizhonga yeBhabheri iri pakati pavo asi vanozvitiMweya waMwari. Tinoona zvakare munhu ariye anotauriraMwari, pachinhambo chokuti Mwari ataurire munhu.

Mungada kundituka ipo pano chaipo pamusanapezvandataura. Zvakanaka. Vanozvidaidza kuti maPentekostineFull Gospel. Ngavazviratidze izvi. PaPentekosti mwotowakauya riri gore rikagara pamusoro pomumwe nomumwewavo sendimi, ukawira pano mumwe nomume wavo. Mwotowakaindepi? Vakataura nendimi paPentekosti uye vanhuvaivapo vakanzwa zvaitaurwa. Zviripi izvi? Ruzhinji rwoserwavatendi rwakaita zvavaiita semhuri imwe chete.MaPentekosti ane mapoka-mapoka anopikisana zvakaipisisakwazvo sezvakangoitavo ripi zvaro boka munhoroondo.Hakuna munhu wakada kuzvibatanidza nekereke yokutangakusiya kwoavo vakawedzerwa naMwari. Vane mbudzi pakatipavo dzakangowandavo sedzamamwe mapoka. Vanotivakazara neEvhangeri asi havagoni kuzviratidza. Makerekeavo haana simba zvakangofanana namamwe. Kana chirichokwadi kuti vane Evhangeri saka ngatichitobvuma kutiBhaibheri rakatadza patsananguro yavarume vane Evhangeriizere paPentekosti. Vanoimba vachiti, “Makaitika kushandukakukuru mandiri.” Zvavanoimba ndizvo. Asi kushandukakwacho hakuna kunge kuri kwezvakanaka. Yasvika nguvayokudzokera kuna Mwari. Vane zita rokuti vanorarama asi ivovakafa. Ndimi handicho chiratidzo chorumutsiriro. Chiratidzochorufu. Ndimi dzakaratidza kuguma kwechinamatochezvitevedzerwa chamaJudha, uye kuti nguva itsva yakangayatanga. Ndimi nhasi dziri kuisa keteni pamazera amakerekeavaHedheni zvakare Evhangeri iri kudzokera kumaJudha.Vanhu vari kutaura kuti ndimi dziri kuunza danho gururezvoMweya. Vakatosiyiwa nengarava. Chokwadi ndechokuti

Page 131: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 121

ndimi dziri kunyora kupedzwa kwefungwa dzose dzavanhu,nezvironga noumambo, uye umambo hwaMwari hwurikupinzwa. Mukai vanhu vaMwari. Mukai.

Kana musigafungi kuti ichi ndicho chokwadi, teererai izvi.Pasi pose mumaPentekosti namasangano asingatendizvomweya vari kuumba bato ravarume vamabhizimisi.Vapinda mumapurupiti pasina kudana kwaMwari. Vakazvipanzvimbo yokuva varauri vavanhu uye vavambi vokufambakwaMwari uye vanoti shumiro ine zvipo yomuna vaEfeso 4:10-13 yakapiwa kereke naMwari yakakundikana, saka vavakutora masimba ivo. Pano tiri pakati pokuzadziswakwechiprofita, chinonzi kupikisa kwaKora, uye havasikutombozviziva kuti vakatochizadzisa. Vari muupofukuparidza zvokuzvionera nokuzvinzwira pachinhambochechokwadi. Mwari ngaavanzwire tsitsi. Meso avongaasvinudzwe nguva isati yapera. O-o, teererai kwandiri.Kutanga riini kuti ruyemuro rwemari, runopa munhu kodzeroyokuva mutungamiriri, kukwanisa kwake mubhizimisi,kwohungwaru hwakwe hwepfungwa hazviiti kuti munhu avemutungamiriri wezvinhu zvomweya, kana kupa uremukuShoko raMwari? Zvino kana pfuma kana zvinokudzwanavanhu zvava kutanga kunge ndiyo nzira inoshanda nayoMwari pachinhambo choMweya Mutsvene WEGA, saka tirikurwisana naMwari, kwete kurwira Mwari.

Zvino ndinoda kuti izvi zvinyorwe ipo pano chaipo kuitiramangwana. Handisi kurwisana navakuru mukereke. Kwetechangamire. Mukuru iyeye anogona kuva murombo kudarikazvamboti zvaitwa nomunhu, kana kuva munhu wakafumakudarika vanhu vose pasi rose kana chete ari mukurumumwoyo namabasa. Handizenguriri kugadza ani zvake kanaari munhu ane kodzero chaiyo yoMweya somukuru kanamudhikoni zvisinei nokuti wakaita sei paufumi kana nzvimboyake pakati pavanhu. Asi kana mava kuona mamirire ezvemarikana mapoka avanhu vanoremekedzwa apinda mukerekezvichitsauranisa vanhu nomutovo upi zvawo _ izvi haasiMwari. Ndechimwe chiratidzo chenguva muZera rinoreRaodhikia ratiri kurarama mariri iko zvino rakafumapazvinhu zvinoonekwa asi risina pane zvoMweya.

“Ndinoziva urombo hwako.” Mazviona here kuti urombohwavo hwunobatanidzwa nesinagoge raSatani mundima imwechete iyoyo? Hongu, masangano akafuma ana masimba anoufumi uye anogarosundira panze vanhu vadiki vanoshandiraMwari. Kana Mweya waMwari uchifamba mumwoyo yavanhu,ndiani anobuda mudzimba nezvimwe? Boka duku ndirorinowanzorashikirwa nezvinhu zvichienda kumasanganomakuru. Zvino vanhu vanozoindepi? Vanoshumira mudzimba,nomumatangwaza etsapi, nomudzimba dzapasi,sezvavakangoitavo pavakainda mumapako.

Page 132: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

122 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Vanhu ava varombo pazvinhu zvapanyika pano.Zvirokwazvo. Asi vakafuma paMweya.

“Ndinoziva kutuka kwavo.” Zvino iyi handiyo fungwa panoyokuti varevi venhema ava vari kutuka Mwari, nyangwe zvazvoizvi zvisingavhunzwi. Chiripo ndechokuti vari kutuka kerekeyechokwadi. Zvinongara zvakaita saizvozvo. MaJudhaeJerusarema akatuka kereke pamavambo. MaHedhenivanotenda vamwari vakawanda vakaita zvimwe chetezvo.Kana pachizova nechinhu chinotaurwa zvakaipa pamusoropacho, ichazenge iri mbeu yechokwadi nguva dzose. MazuvaaNero maKristu akapomerwa zvose zvakaipisisa zvaiitika _kana kupiswa kwakaitwa Roma. Munyika dzechikominitsivanhuvo zvavo vasinei vadikidiki ndivo vanotanga kuparadzwanyangwe zvavo pasina zviripo pauwandu. Nyangwe maKristuvari vanhu vakanaka vanoteerera, vanongoita zvinhuzvakanaka chete, vachangogara vachitambudzwa chetechinangwa kuri kuti vaparadzwe panyama.

Chinoita kuti izvi zvidaro, ndechichi chokuti ivo kutukwakwavasina mwari. Segunwe rinorwadza vanomira pamhenepamberi povakashata. Nyangwe zvazvo vakarurama vasinavavariro yokukuvadza vakashata asi kuita zvakanaka chete,nguva dzose vanongoona vava kupinzwavo mukati sezvakaitaJohane Mubhabhatidzi naHerodhe. Nokuti Johane wakangaasingadi kukuvadza Herodhe kana mukadzi wake asikutovaponesa mukutsamwa kwaMwari. Izvi hazvinakungotadzwa zvikurukuru kunzwisiswa nokupikiswazvakasimbarara, asi kutoti Johane wacho wakatozviurayirwa.Kupamhidza pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvavanoitavanhu vaMwari, vanongonyadziswa paruzhinji nokutourayiwazvakangodaro. Zvirokwazvo panotofanira kuva navanhunerimwe simba routsinye rinotinha vanhu kuti vashaye mwoyozvokusvika pakudzorera nechakaipa kuna avo vanengevavaitira zvakanaka. Hongu, ririko simba rakadaro.NdiSatani. Mhinduro inowanikwa mundima inotevera.

MAKORE GUMI OKUTAMBUDZIKA

Zvakazarurwa 2:10 “Usatya izvo zvauchatambudzikanazvo; Tarisa dhiyabhorosi wodo kuisa vamwe venyumutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi; uve wakatendeka kusvika parufu, ndigokupa koronayoupenyu.”

Nguva yose Ishe paanoshandisa mashoko awa okuti,“Usatya,” panenge pane basa rokuita rinenge richizopinzangozi huru mukati nokutambura nokurashikirwa. ZvinohaAtauri zvakananga, zvinotyisa achiti, “Kutambudzka kurikuuya.” Izvi zvaizotyisa vanhu. Asi samai vava kuda kudzimamwenje vanotaura zvinyoro kumwana wavo kuti arege kutya

Page 133: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 123

vachiti, “Zvino rega zvako kutya, nokuti mwenje wava kudzimauye muchava nerima. Asi rangarira kuti ndiri pano newe.” SakaIye anoti, “Musatya vanhu kana zvavanokwanisa kuitakwamuri. Ndinemi, uye nyasha dzaNgu dzakakuringanai. Kanamapfuura nomumvura, hadzikueredzii Kana murufu chairwohamuzombokurirwi. Muri vakundi nokupfuuridza.”

Muapostora mukurukuru, Pauro, wakaziva mukuzvinzwiranokuzvionera kuti mashoko awa ndeezvomene akanyora munavaRoma 8:35-39 kuti, “Ndianiko uchatiparadzanisa norudorwaKristu? kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kananzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi kana munondohere? Sezvazvakanyorwa zvichinzi, nokuda kweNyu tinourawazuva rose; takanzi tiri makwai anobayiwa. Kwete pazvinhuizvi zvose tiri vakundi nokupfuurira naIye Wakatida. Nokutindinoziva kwazvo, kuti kunyange rufu, kana upenyu, kanavatumwa, kana vakuru, kana zvazvino kana zvinouya, kanamasimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhuchimwe chakasikwa hazvingagoni kutiparadzanisa norudorwaMwari, ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” Kwete,hatifaniri kutya. Rudo rwaKe rwunodzinga kutya kwose.

Zvino cherechedzai zvaAnotaura achiti, “satani uchaisavamwe venyu mutorongo kuti muidzwe.” MaJudha akangaachitoita izvi iyo nguva iyoyi. Maprista echihedheni vakangavachitoita izvi nguva iyoyi. Vatongi vaida kufarirwa navanhuvoruzhinji nokuti vaida nzvimbo yemitambo, maikandwazvuru nezvuru zvamaKristu kurufu, vachivaparadza neshumbanavarwi. Zvino Dhiyabhorosi ane chokuita chei nezvizvi?Nemhaka yei tichimupa mhosva? A-a, hongu, nokuti ruvengorwasatani ndirwo rwunounza zvose izvi. Ndiye arikukurudzira zvose izvi nokuti anovenga Mwari. Chinengechadiwa nomwoyo WaMwari, Satani anotosungirwa kuti aidzekuchiparadza. Asi tarirai. Hechinoi chiedza. Kana Satani arimukurudziri wamaJudha anoisa maKristu mumatare, sakamaJudha haasi echinamato chaMwari asi chasatani. Unganoyavovo ndeyesinagoge raSatani. Uye kana Kereke yeRomaKatorike yakauraya matutu namatutu avatendi muMakoreeRima, hongu uye mumazera ose, nokudaro vose ndovasataniuye vanhu vaSatani, zvakare.

Zvino kana muchifunga kuti izvi zvinovhundusa, miraizvenyu kusvikira chiporofita chaZvakazarurwa 13chazadziswa. Ichokwadi chinoshamisa kuti Amerika irimuchitsauko ichocho. Nhamba iyoyo chaiyo yegumi nenhatuinomirira nyika ino. Yakaumbwa pakutanga kubva munyikagumi nenhatu. Mureza wayo une nyeredzi gumi nenhatunemitsetse gumi nemitatu. Uye magumo ayo ari muchitsaukochegumi nenhatu. Mumufananidzo uyu unotaurwamuchitsauko ichi muchawanikwa kushata kose kwechikarachakaitangira. Sezvo chikara chakamuka paKanzuru yeNicea,

Page 134: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

124 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nokudarovo mufananidzo uchabuda muKanzuru yaMakerekeaPasi Pose nesimba rose raSatani risingadi zvaMwari kutiriunze pamuzambiringa wechokwadi waMwari kutsamwakwose kwasatani. Kuchava kudzokororwa kwamano oseasatani nokukasharara kose.

Avo vanorwisa vanyoro vaMwari vachivatukanokuvaparadza _ regai zvenyu vazviite. Uye zvechokwadivovachazviita. Uye zvose izvi vachazviita muZita raMwarinechinamato. Asi vanonyepa. Havasi vaMwari. Ndovababavavo, Dhiyabhorosi. Namabasa avo, kuna ANI ZVAKE munhu,vanozviratidza pachena kuva zvavari. Varegei zvenyu vaumbemasangano nokurwisa kaboka kaduku kasine simba. Vanobvavangopamhidza kuratidza kuti ndovasatani. Ndivomuzambiringa wenhema _ muzambiringa unouraya. Nhengodzavo dzinoratidza kuti ivo ndivanaani. Ndivo kerekeyantikristu yechiNikoraiti.

“Vachaiswa mutorongo.” Hongu, vanodaidzwa kumatarenokupomerwa mhosva nokutongwa nokuiswa mumatorongo.Uye zviri pachena kuti zvose izvi zvinoitwa muzitarechinamato nounhu nokutsamwa kwoururami. Zvosezvinoitirwa vavariro yakarurama. Zvinondiita kuti ndifungepamusoro pokurambidzwa kunamata nokuverenga Bhaibherimuzvikoro kwakatemwa neDare raPamusorosoro. Arikuzvikurudzira ndiani? NdiSatani. Uku ndiko kumwekuratidzwa kokuvenga Mwari.

“Muchatambudzika mazuva ane gumi.” Hechinochiprofita. Uye nacho tinokwanisa kumisa urefu hweZerareSmirna. Diocletian, anova mutongi akanga akakashararakupfuura vamwe vatongi vose, akakurudzira kutambudzwakwakanangana navatsvene vaMwari kwaityisa, angadaiakatsvaira vatendi vose dai pakanga pasina nyasha dzaMwari.Ndipo pakadeurwa ropa rakawandisisa kudarika nguva dzosemunhoroondo uye zvakatora makore ane gumi (mazuva anegumi omuna Zvakazarurwa 2:10b) kubva 302 kusvika 312.

“Uve wakatendeka kusvikira parufu. HaAsi kuti uvewakatendeka kusvikira wava kufa, asi kuti murufu.Zvingangozodikanwa kuti musimbise kutenda kwenyu neroparenyu. Zvuru zvavanhu, kana kutoti mamiriyoni avanhu,vakafa mumazera ose. Vakafa vakatendeka. SaAntipasi,wakatendeka uyo wakaurayirwa kutenda, havana kutoraupenyu hwavo sechinhu chinokosha kusvikira vava kufa.Kazhinji tinofunga kuti zvingatoda kusazombofa zvakagonekakuva munhu anourayirwa kutenda. Asi shingai henyu kudzosamufungwa dzenyu kuti kutenda kwatinoshandisa mazuva osekuti tikunde muna Kristu Jesu ndiko kutenda kumwe chetekwakasimudzira vana Polycarp navose vakaurayirwa kutenda.Kutenda kwakakwana kuchapa nyasha dzakakwana panguvayakafanira. Mwari ngaaropafadzwe nokusingaperi!

Page 135: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 125

“Ndigokupa korona youpenyu.” Sezvo kana komichiyemvura inotonhora yakapiwa muZita raShe isingazombotadzikuwana mubayiro, uchava mubayiro wakakura zvakadiniuchapiwa uyo unopa upenyu hwake paanofira kutenda kwakenokuda kweZita raShe Jesu. Zvimwe tingawana fungwadikidiki kana tikaenzanisa korona iyi nekorona inowanikwamunhangemutange. Muna I vaKorinte 9:24, Pauro anoti,“Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange vanomhanyavose, asi mumwe chete anopiwa mubayiro. Mhanyai saizvozvokuti muuwane.” Korona yaipiwa mukundi wenhangemutangeyeOrimbiki yaiva yesumbu ramasazu manyoro omuorivhi. Asikorona iri kutaurwa muno muna Zvakazarurwa, inopiwakumunhu unourayirwa kutenda, ikorona youmambo. Jesuanoiti korona youpenyu. Imwe korona ndeyaavovakaitamburira; imwe ndeyaavo vakapa. Korona dzose dzirimbiri hadzigoni kusvibiswa. Hadziparari. Vanokundamunhangemutange youpenyu hwapanyika vachakurumidzakurashikirwa nomufaro wavanhu venyika vanouchirira.Kuhwinya uku kuchabhuruvara. Asi avo vanopa upenyuhwavo pamusana paMwari, kungava kutambudzikakwamazuva ose kana kudeura ropa ravo sechibayirochokupedzisira choupenyu hwavo vachapiwa koronayoupenyu.

Nguva shomanana chose ndiyo inopedzwa mukushandiramibairo yokusingaperi yaMwari. Muripo waMwari unoonekwasechinhu chisingakoshi. Kana tichitenda muchokwadichokumuka kwomutumbi, uye ziendanakuenda roumambohwezviripo, sakavo tinofanira kurongedzera pfuma kudengayezvinhu izvo zvinokosha zvinowanikwa navatsvenevakatendeka.

MUBAYIRO WOKUKUNDA

Zvakazarurwa 2:11 inoti, “Une nzeve ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke. Unokunda haangakuvadzwi norufurwechipiri.”

Zvino, zvakare Mweya uri kutaura kumazera ose. Shoko irinderokunyaradza isu nhasi sezvarakanyaradza hama dzedudzamamwe mazera ose. Uye Anoti kwatiri rufu rwechipiriharuchatikuvadzi.

Tose tinoziva kuti rufu rwechipiri zvinoreva dzivaromwoto. Zvakazarurwa 20:14 inoti, “Ipapo rufu nehadhesizvakandirwa mudziva romwoto. Ndirwo rufu rwechipiri ndirodziva romwoto” Zviri pachena kuti zvinoreva vose avovakanga varimo, vakakandirwa mudziva romwoto iri. Zvino,ndinoda kukuratidzai chimwe chinhu pano. Hapana kupokanakuti izvi zvichaita kuti vanhu vataure pamusoro pedzidzisoyangu isinganzwisiswi. Asi ndakamira pano netsigiro nesimba

Page 136: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

126 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

reShoko raMwari ndichiramba kuti munhu asingatendianoenda kugehena nokusingaperi kuti atsve nokusingaperi.Chokutanga, hadhesi, kana dziva romwoto, kana chipi zvachochamunoda kuridaidza harisi rokusingaperi. Ringagova seikana iro rina mavambo? Muna Mateo 25:41, munonzi “mwotousingaperi wakagadzirirwa dhiyabhorosi navatumwa vake.”Zvino kana wakagadzirwa, zvinoreva kuti una mavambo.Kana wakanga una mavambo saka haugoni kuva usinamagumo. Zviri pachena kuti mungangotatarika pafungwayeshoko rokuti ‘nokusingaperi.’ Asi shoko iri rinoreva “kubvakumazera kusvika kumazera” uye rine zvakasiyanazvarinopiwa kuti rireve. Muna I Samere 3:13-14, Mwariakataurira Samueri kuti Wakanga achizotonga imba yaErinokusingaperi, uye kuti havacharega kupa zvibayiro“nokusingaperi” savaprista vaKe. Uye muna II Madzimambo2:27, Soromoni wakabvisa wokupedzisira wedzinza raErikubva muuprista. Zvakanga zvava zvizvarwa zvina kanakudarika kubva pakutanga kwedzinza iri Zvino munogonakuona kuti “nokusingaperi” hazvienzaniswi“neziendanakuenda”, kana kuti icho chisina mavambonamagumo. Pano munyaya iyi shoko rokuti nokusingaperirinoreva “kusvika chisisipo.” Izvi ndizvo zvakaitika.Vakasazovapo.

Tarirai kushoko rinoti, “kuparadzwa” muna IIvaTesaronika 1:9 inoti, “Ivo vacharohwa nokuparadzwakusingaperi.” MuchiGiriki, “kuparadzwa” zvinoreva kusazovazvakare. Uye shoko rinoti, “kuparadzwa”, HARIrevikugumiswa. Zvino “kuparadza” zvinoreva chinhu chirikudyika zvishoma nezvishoma kusvikira chapera. Sakakusazovapo zvingarevei? Hazvirevi kuramba uchidyika, nokutizvingazoreva shoko rokuti “kuparadza,” pachinhambo chokuti“kuparadzwa zvokusazovapo.” Zvinoreva kuparadza kusvikapasisina. Zvigumise.

Mungangoshamiswa zvino, kana mukakwanisa kuonashoko iri rinoti, “ziendanakuenda,” asi motadza kurishandisanenzira yatakadzidziswa. Zviri nyore. Kana richireva Mwaririnoreva kusava namavambo kana magumo, uye kurambazvichingovapo nokusazombofa zvakaguma. Zvino kanamuchitaura pamusoro poupenyu husingaperi mufungwadzenyu munenge mune upenyu hwaMwari. “Ndizvozvakanyorwa, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi, uyekuti upenyu ihwohwo hwuri muMwanakomana. Uyo anoMwanakomana ano upenyu.” Zvino, vanakomana vaMwarichete ndivo vano upenyu husingaperi, uhwo hwusina mavambokana magumo, asi hwagara hwuri. Ndizvo. Mune chimwechinhu mamuri iko zvino chokusingaperi _ chisina mavambokana magumo. Ndiwo Mweya waMwari. Chipande chaMwaripachaKe. Ndihwo upenyu hwaMwari.

Page 137: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 127

Zvino kana mutadzi achienda kugehena achizotamburanguva yakafanana nokuenda kwamuchaita kudenga kundofarakudenga, saka anenge ava noupenyu hwemhando yakafanananohwamunahwo kare.

Saka, pangava naavo vanoti upenyu husingaperihunomirira ugaro hwavana vaMwari. Ugaro hwavo nomufarowavo uri munyatwa. Nokune rimwe divi mutadzi anoendakuchirango chake, ndiko kusaka tichikwanisa kuisa rufurwechipiri kuva kurangwa pane imwe nzvimbo. Upenyuhusingaperi zvinoreva kudenga, uye kurangwa zvinorevagehena. Mungashamiswa navanhu vakasumudzirwa savadzidziveBhaibheri vaibvuma izvi. Asi munoziva here kuti izvizvinoberekei? Zvinoita kuti upenyu husingaperi chingovachinhu chenzvimbo pachinhambo chokuva Munhu. Upenyuhusingaperi ndiMwari, _ Ishe Jesu Kristu. Zvino ani nanianogona kutenda zvinhu zvakadai, kuti upenyu husingaperiinyaya yenzvimbo, zvinodarika zvandinoziva. Zvinondiita kutindiite dzungu pakufunga zvinhu zvakadai.

Kwete changamire. Kune mhando imwe chete youpenyuhusingaperi. Mwari ndiye upenyu husingaperi. Kana tinaMwari, tino upenyu husingaperi maari uye kubudikidza naYe.

Maona, shoko iri rokuti ziendanakuenda, kana kutinokusingaperi, rinogona kushandiswa nenzira dzakawanda,asi kana richireva Mwari, Iye ari zvaAri, rinongoreva chinhuchimwe chete. Rinoreva urefu hwokuvapo kwaMwari.Hamugoni kurishandisa kureva chimwe chinhu. Mwari chetendiye ziendanakuenda, uye nokuda kwokuti Unorarama,tinorarama naYe.

Zvino ngakurege kuva nomunhu anoti handitendi kutikune dziva romwoto uye kuti handitendi mukurangwa.Ndinozvitenda zvose izvi. Handizivi kuti zvichavapo nguvayakareba zvakadini, asi zvichaguma. Muna Zvakazarurwa 21:8munonzi, vatadzi vaya vanotaurwa vachawana chikamu chavomudziva romwoto. Asi dudziro yechokwadi yeshoko iri haizi‘chikamu’ asi ‘nguva’. Maona, hezvo mava nazvo zvino.

Saka vakashata vachakandwa mugehena (Hadhesi kanaguva) uye mudziva romwoto. Vachatsaurwa kubva kunaMwari. Chichava chinhu chakaipisisa zvakadini.

Asi izvi hazvizoitiki kuna vakarurama. Havambofanirikutya. Vakadzikinurwa naMwari. Vari pachifuva chaKe.Ndivo vakundi. Zvino ndiani unokunda? Ndouyo anotendakuti Jesu ndiye Kristu.

Nemhaka yei mukundi uyu, mutendi uyuachizopukunyuka, nokuenda munzvimbo dzoupenyuhusingaperi nomufaro mukuru? Nokuda kwokuti Jesu

Page 138: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

128 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wakabvisa muripo kutinunura kubva muchivi. Wakabvisamukaha wokutsaurwa, kuti isu vakanga vari kure kure zvinotakaswededzwa pedyo nokuda kweropa.

Uye havazombofi vakapinda mukutongwa. Havazombofivakapinda mudziva romwoto iroro. Havambofi vakarashikanokuti haAzombofi akarasha kana mumwe wavo. Hapanakana mumwe zvake wavanhu vakanunurwa achava kumwekunhu kusiya kwokunenge kuna Jesu.

Munoziva here kuti sei zvakadai? Ndichapa muenzanisokuti munzwisise. Ndina kakomana kanonzi, Josefa. Inhengoyangu, nyangwe kukazoitikei. Dai ndakanga ndiri mufumi,chakaipisisa chandaikwanisa kuita ndechokumunyima nhaka,asi handigoni kumuramba. Handigoni nokuti inhengo yangu.Zvino pano, ngatitore ropa rake rienzaniswe nerangu.Ngatitorei tienzanise ropa rake nerangu. Zvinobva zvasimbisakuti Josefa mwanakomana wangu. Ndowangu.

Chiero cheropa chinoratidza kuti uri waMwari here kanakuti kwete.

Handikwanisi kusafunga pamusoro penguvayandaimbotasva n’ombe dzorudzi rweHerefodhi dzakaberekwadzakakwana munzvimbo inonzi Kororadho. Taisiunza n’ombeidzi kuti dziongororwe nehurumende kana tichida kuti dzifuremudunhu rehurumende. Vakanga vasingambobvumidzi kanan’ombe imwe chete zvayo isina chikwangwani cheropapanzeve. Chikwangwani chaimirira kuti yakanga yakaberekwanorudzi rwakazara. Vafudzi vakanga vasingambotaririchidhindo kana zvavo. Vaingotarira chikwangwani chete kutivaone kuti ropa rakanga riri kwaro. Hareruya. Kana riri ropakwaro, rinotofanira kuva rakanaka.

Munoziva Mwari wakatarira pasi akataura achiti, “Mweyaunotadza, uchafa. Unotsaurwa kubva kwaNdiri. Haugonikusvika paNdiri.” Tinoziva kuti vose vakatadza uyevakasasvika pakuhwinya kwaMwari. Zvakareva kuti vosevakafa, vose vakatsaurwa, uye kuti rimwe zuva nguvaichazosvika yokuti kaupenyu aka kachadzimwa zvichizobvazvapera ipapo. Asi Mwari murudo, wakatora mhuka akaiurayapanzvimbo youpenyu hwomutadzi.

MuTestamente Yekare mutadzi waiunza gwayana. Waiisamaoko ake pagwayana muprista achicheka huro yegwayanaracho. Ainzwa kubuda kweropa nokuchema kwaro. Ainzwamuviri waro uchigwinha pakufa kwaro. Aiona utsi hweroparakanga rasaswa hwuchikwira kuna Mwari. Aiziva kutigwayana rakanga ratora nzvimbo yake. Aiziva kuti upenyuhwegwayana hwakanga hwatora nzvimbo yake. Asi upenyuhwegwayana iroro hwaiva upenyu hwemhuka uye hwakangahwusingakwanisi kudzoka pamutadzi hwuchimuchenesa. Saka

Page 139: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 129

aienda achingova nechido chakare chokuda kutadza. Aibudaane chivi mufungwa dzake, nokudzoka kuzopazve chibayirochechivi chimwecho gore raitevera.

Asi muTestamente Itsva hazvina kudaro. Gwayana redurinofa ndiye Mwanakomana waMwari Wakapa ropa raKe kutiuve muripo wokuripira vazhinji. Nokutenda tinofambatichienda kundoisa maoko edu paGwayana _ tinoMuona anemaronda azere ropa, nokumusana kwakachekwa-chekwa,neminzwa youtsinye ichibvarura shaya dzaKe _ tinonzwakurwadziwa kwaKe nokuMunzwa achidaidzira achiti, “MwariwaNgu, Mwari waNgu, MaNdisiyireiko?” Uye chiichakazoitika? Upenyu hwakasiya chizenga cheropa chiyachakanga chapwanywa hwakauya kuno uya wakatendeuka.Upenyu hwakanga hwuri maAri hwakadzoka pamusoro pedu.Tinodzoka tisisina chido chokutadza, uye tava kuvengamabasa enyama noruchiva rwenyama.

Titarisei. Upenyu hwedu chii? Chizenga chete chidikidikichakabva kuna baba vedu. Munhukadzi haana iya inonzihimogirobhini. Anobereka zai; anongova nzvimboyokuchengetera zai riri pakanaka kuti riite nhiyo. Asi roparinobva kumurume. Ndiko kusaka mukadzi achitora zitaromurume. Vanavo vanotora zita romurume. Mai vanongovanzvimbo inogara mazai avana vaanoberekera murume.

Izvi ndizvovo zvinoitika kurudzikinuro rwedu. MweyaMutsvene wakauya pana Maria akabereka MwanakomanaakaMutumidza kuti, Jesu. Musiki mukuru wakauya akavachibayiro chechivi chedu. Ropa rake raiva ropa raMwari.Ndizvo chaizvo zvariri. Ropa raMwari iri rakadeurwa MweyaukaMusiya paAkafa nokurwadziwa kukuru. NdokubvaUPENYU HWAKARE IHWOHWO (MWEYA) hwadzokakuzogara mumutadzi wakatendeuka nokumusunungura.Mutadzi uyu haana kuuya gore negore, kuzobvisa chibayironechibayiro, nokuti zvakanga zvisingachafaniri. NechibayiroCHIMWE chete, wakasunungurwa zvachose kubva muurandahwechivi, ndokubva agamuchira upenyu hwaKristuhwunomuita kuti agotonga chivi, nenyika, nenyama nasatanimukukunda.

Mwari ndiye wakaita izvi. Ndiye wakaita zvose.Wakadanidzira kunyika yakatukwa muchivi achiti,“Ndichakupai chiratidzo. Mhandara ichaita mimba. Mhandaraichaita mimba igopona Mwanakomana. Ndicho chichavachiratidzo chenyu. Chichava chiratidzo chokusingaperi.Waachabereka uchatumidzwa kunzi Emanueri, kureva kutiMwari anesu.”

Mwari wakaburuka muchizenga cheropa, kwetenomumunhu, asi nomuMweya Mutsvene, ndokubva mumimbayemhandara imomo mavakwa tabhernakeri yaizova chipiriso

Page 140: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

130 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chorufu. Mbeu yomukadzi yakauya kuti Agopwanywakutiunzira ruponeso rwedu. Mweya Mutsvene pawakauya panaMaria, Wakasika mukati memimba yake chizenga chaizokuranokuzova mutumbi waShe wedu. Chizenga ichi chakasikwa.Ndiwo mavambo eChisikwa chaMwari. Uyu ndiye Jesu zvaAri.Uye Iye Mutsvene wakazadzwa neropa Dzvene, rinova roparaMwari. Tabhernakeri iyi yakasvika pakuponiwa. Wakakurakuva murume. Wakaenda kuJordhani uko kwakasukwaChibayiro ichi naJohane murwizi runonzi Jordhani. ChibayiroChinogamuchirwa ichi pachakabuda mumvura, Mwariwakauya akapinda maAri, nokuMuzadza noMweya zvisinamwero. Uye paAkafa akadeura ropa raKe, upenyuhwakakwana hwaMwari hwakasunungurwa kuti hwugodzokakumutadzi aizogamuchira Kristu soMuponesi wake.

O-o, zvinoshamisa zvakadini. Jehovha, akaberekwaachichema ari pamusoro pedutu romupfudze. Jehovhawakaberekerwa mudanga rizere mashanga. Hecho chiratidzochenyu chokusingaperi kuna avo vanozvidanavanozvitutumadza, navaya vanenge vezivo dzokudzidzavakazviumbira zvidzidzo zvavo pachavo vachiramba chokwadichaMwari. Jehovha Mwari, mucheche waichema mudangarainhuhwa. Zvino tobva tofunga kuti tine mvumo yokuzvida,nokumisa mhino dzedu mudenga, tichitsoropodza nokuitasokunge tiri vananhingi. Hechino chiratidzo chenyu chaicho.Ndicho chechokwadi. Jehovha, achitamba sakakomana.Jehovha achishanda muimba yomuvezi yokuvezera. Jehovhaachishamba tsoka dzavaredzi vehove.

Mwari akati, “Ndichakupai chiratidzo.” “Kwete chiratidzochouprista hwekora chena. Kwete chiratidzo choufuminamasimba. Muchiratidzo ichi hapana kana chimwechamungada, kana kufunga kuti chakakodzera. Asi chiratidzochokusingaperi. Ndicho chiratidzo chikuru kupfuura zvimwezvose.” Jehovha akamira muruvazhe akakuvadzwa achibudaropa ane minzwa mushaya dzaKe namate kumeso kwaKe,achisekwa nokuitwa chinhu pasina. Jehovha, wakamhurwanokurambwa, akaturikwa pamuchinjikwa asina kusimira,vana venyoka vachiMusvooredza nokumuti ashinge kuburukapamuchinjikwa kana aikwanisa. Jehovha ava kufa. Jehovha arikunyengetera asi pasina chiri kumboitika. Ndokubva Jehovhaazofa. Ichi ndicho chiratidzo chakaitirwa vanhu vose kutivazive. Hakune chimwe chakaita saichocho. Ndichochikurukuru.

Rima ndokubva rauya panyika. VakaMuisa muguva. HoyoWakararamo mazuva ose ari matatu nousiku ndokubvaAmuka. Jehovha wakamuka. Jehovha wakakwira kumusoro.Ndokubva Jehovha adzoka kuzogara mukereke yaKe. Jehovhawakauya nemhepo huru yaivhuvhuta nesimba namarimiomwoto. Jehovha wakauya kuzofamba pakati pekereke yaKe

Page 141: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 131

nokupa vanhu vaKe simba. Zvakare Jehovha wakauya, asinguva ino kuzogara muvanhu vaKe. Uye zvakare Jehovhaanopodza vanorwara, anomutsa vakafa nokuZviratidzanoMweya. Jehovha wakadzoka, achitaura nendimi, nokupamhinduro mududziro.

Jehovha wakadzoka akasimudza chifeve kutichisazotadzazve. Wakauya kuchidhakwa chine nhunzi kumesochakarara chisingazivi chiri mugoronga. Hongu, Jehovhawakauya kuzviratidza panyama nokuzviratidza nenyama.Jehovha wakauya _ Mwari matiri, tariro yokuhwinya.

Hongu, Jesu wakauya akadeura ropa raKe akasunungura.Wakauya akadzikinura makwai aKe akarashika. Wakaapaupenyu husingaperi uye haachazombofi akaparara. Hapanakana rimwe zvaro raacharashikirwa naro, asi kutiuchavamutsa kuvakafa pazuva rokupedzisira.

Hareruya, rufu rwechipiri harugoni kuvakuvadza. Harunasimba pamusoro pavo. Nokuti ndoveGwayana uyevanoMutevera kwose kwaAnoenda.

MWEYA MUTSVENE MUZERA ROGA ROGA

Zvakazarurwa 2:11 inoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke.” Hapana kana zera rekereke rimwe zvarorisingataurwi ndima iyi. Zera rimwe nerimwe rine yambiroimwe chete iyi kuzera roga roga. “Une nzeve, ngaanzwezvinoreva Mweya.” Asi hazvizombofi zvakagoneka kuti vanhuvose vanzwe zvinoreva Mweya kumazera akasiyana. IvaKorinte 2:6-16 inoti, “Zvino tinotaura uchenjeri pakatipavakakura: asi uchenjeri hwusati hwuri hwenyika ino, kanahwavabati venyika ino, vanoshayiwa simba; asi tinotaurauchenjeri hwaMwari hwakavanzika, kunyangehwakafukidzwa, hwakatemerwa kuhwinya kwedu naMwarinyika isati yavapo: Hwusina kuzikanwa nomumwe wavabativenyika ino: nokuti dai vaihwuziva, vangadai vaisarovera Ishewokuhwinya pamuchinjikwa: Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi,Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve,nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, ndizvo Mwarizvaakagadzirira vanoMuda. Nokuti Mwari wakazviratidza izvokwatiri isu noMweya waKe: nokuti Mweya unonzvera zvose,hongu, nezvakadzika zvaMwari. Nokuti munhu ndoupikounoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? saizvozvohakuno munhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. Zvinoisu hatina kugamuchira, mweya wenyika, asi Mweya Unobvakuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.Naizvozvo tinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswanouchenjeri hwomunhu; asi anodzidziswa noMweya Mutsvene;tichibudisa zvinhu zvomweya kuvanhu vomweya. Zvinomunhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya

Page 142: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

132 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

waMwari: nokuti upenzi kwaari: haazvinzwisisi, nokutizvinonzwisiswa noMweya. Asi uri woMweya unonzwisisazvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. Nokuti ndianikowakanzwisisa murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isutino murangariro waKristu.” Mateo 13:13-16 inoti, “NaizvozvoNdinotaura kwavari nomufananidzo: nokuti vanoona, asihavaoni; vanonzwa, asi havanzwi; kana kunzwisisa. KuprofitakwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, Nokunzwa muchanzwa,musingatongonzwisisi; nokuona muchaona,musingatongoonesesi: Nokuti mwoyo yavanhu avo yavamikukutu, nzeve dzavo dzakadzivira, meso avo vakatsinzina;kuti zvimwe varege kuona nameso nokunzwa nenzeve,nokunzwisisa nomwoyo, vakadzoka, Ndivaporese. Asi mesoenyu akapofumadzwa, nokuti anoona: nenzeve dzenyu, nokutidzinonzwa.” Johane 8:42-44 inoti, “Jesu akati kwavari, DaiMwari aiva Baba venyu, maiNdida ini: nokuti Ndakabudandikabva kuna Mwari: nokuti haNdina kuZviuyira inindimene, asi Ndiye wakaNdituma. Hamunzwisisi seikokutaura kwaNgu? nokuti hamugoni kunzwa Shoko raNgu. Imimuri vababa venyu dhiyabhorosi, munoda kuita kudakwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubvapakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamunezvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake: nokuti ndiyewenhema, uye baba vadzo.” Zviri pachenachena kubvamuMagwaro kuti hakuna munhu anokwanisa kunzwa Mwarikana ari oga. Kugona izvi anenge atozvipiwa naMwari. Mateo16:17 inoti, “Jesu akapindura akati kwaari, Wakaropafadzwaiwe, Simoni Bar-jona; nokuti nyama neropa hazvinakukudzidzisa izvozvo, asi Baba vaNgu Vari kudenga.” Kanatikaisa ndima dzose idzi pamwe chete tinoona kuti kune bokarimwe chete ravanhu, rakatsaurwa iri iboka ravanhu sirivanokwanisa kunzwa zvinoreva Mweya kuzera roga roga.Iboka rimwe chete rakatsaurwa rinogamuchira chizarurochezera roga roga. Boka iri nderaMwari, nokuti bokarisingakwanisi kunzwa harizi raMwari. (Johane 8:42-44.) Bokarinokwanisa kunzwa uye rinonzwa zvinoreva Mweyanokugamuchira chizaruro ndiro boka rinotsanangurwa muna IvaKorinte 2:6-16. Ndivo vano Mweya waMwari. Ndivovakaberekwa naMwari. Vakabhabhatidzwa mumutumbiwaShe Jesu Kristu noMweya waKe. VakabhabhatidzwanoMweya Mutsvene.

Kuti tiwedzere kubudisa pachena zvatichangobva kureva,uyevo kuti tishandisevo Gwaro rinofanira kuchengetwamufungwa patinenge tichitaura pamusoro pokuti ndiani iyeyeunobhabhatidzwa noMweya Mutsvene, onai zvinotaura Jesumuna Johane 6:45 inoti, “Muvaprofita makanyorwa muchinzi,Vachadzidziswa VOSE naMwari.” Asi chiendai kuna Isaya54:13 kunotorwa izvi munowana ichiti, “Vana vako vosevachadzidziswa naJehovha.” VOSE vaMwari kunoreva VANA

Page 143: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 133

vaMwari. Ichi ndicho chiratidzo chokuva vana vechokwadivaMwari, (avo vakasvikirwa noMweya ukapinda mavari)chinoiswa pachena zvakare souyo wakadzidziswa ShokonoMweya Mutsvene.

Zvino mungatanga kuona kuti nemhaka yei ndimi chisirichiratidzo chokubhabhatidzwa noMweya Mutsvene.Hazvitaurwi kana kuzera rimwe zvaro kuti, “uyo ane ndimingaataure zviri kutaurwa noMweya.” Izvi zvinoisa padivindimi, nokududzirwa kwadzo, nokuprofita, nezvimwesechiratidzo. Chiratidzo ndiko KUNZWA zvinoreva Mweya.Mweya uri kutaura. Hongu, Mweya uri kutaura. Izvi ndizvochaizvoizvo zvakanzi naJesu Aizoita paAizouya. Johane 14:26inoti, “Uchakudzidzisai zvose nokukuyeudzirai zvosezvandakareva kwamuri.” Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika.Ndiwo manyorerwe akaitwa maTsamba. Varume ava vakangavarangarira mufungwa dzavo noMweya Mutsvene Mashokochaiwo akataurwa naJesu. Ndosaka maTsamba achiruramisa.Akakwana. Asi Mweya hauna kungounza zvinhu zvosekufungwa chete asi kuti Wakawedzera kuvadzidzisa pamusoropechokwadi chavakanga vatova nacho kare. Ndiwo mawanireakaita Pauro chizaruro chake. Muna vaGaratia 1:11-12. Anotipamusoro pacho, “Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kutiEvhangeri yakaparidzwa neni haina kuita seyavanhu. Nokutihandina kuipiwa, kana kuidzidziswa (nomunhu) asindakairatidzwa naJesu Kristu.” Wakadzidziswa noMweyaMutsvene.

Rimwe zuva Jesu paakanga ari panyika, mumwe murumewairemekedzwa wakauya kwaari kuzoMushanyira. Murumeuyu akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi wakatumwakubva kuna Mwari.” Asi muchaona kuti Jesuwakamudimburira. Wakatendeukira kuna NikodhimoAkataura mashoko angangotaurwa napamwe sezvizvi,“HANDIZI mudzidzisi. Ndiri Gwayana reChibayiro chechivi.Ndiri kuita kuti Kuponiwa Kutsva kugone kuvapo nokudakwoMweya waNgu. Asi kuri kuuya Uyo Anova Mudzidzisi.Uyu ndiYe Mweya Mutsvene.” Jesu paakanga ari panyikaWakauya seGwayana, uye soMuprofita. Asi paAkadzokapamusoro pekereke noMweya waKe Wakava Mudzidzisi.

Uye kuzera roga roga tinonzwa chokwadi chimwechochokuti. “Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”Asi munhu wakazadzwa noMweya chete ndiye anokwanisakunzwa chizaruro chezera iroro. Hapanazve mumweanokwanisa. Kwete changamire. Havakwanisi nokuti izvindizvo chaizvo zvakataura Pauro muna I vaKorinte 2:6-16.

Zvino izvi zvinofanira kumuitai kuti mupemberenomufaro. Pane dzidziso inokatyamadza kwazvo mumhepo irikuunza kusanzwisisana kwakakura uye kusviba mwoyo.Nokuti kana maPentekosti achiti UNOSUNGIRWA kutaura

Page 144: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

134 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nendimi kana kuti unenge usati wabhabhatidzwa noMweyaMutsvene, zviripo ndezvokuti vanenge vachiramba kutivarume vakakurumbira zvikuru vakaita saKnox, naMoody,naTaylor, naGoforth navamwe havana kugamuchira MweyaMutsvene, kana kuti vari kuti vose ava vakataura nendimimuchivande uye vakanga vasingazivi kuti chii chakangachichiitika. Zvino izvi hazvingambovi chokwadi. Kwetechangamire. Imhosho yakakurisisa iyi. Ndimi hachizichiratidzo chokuzadzwa noMweya. Chinongova chete chimwechezviratidzo zvipfumbamwe zvinotaurwa muna I vaKorinte12. Hapana Gwaro rinoti unogamuchira Mweya Mutsveneuchitaura nendimi kana kuti unogamuchira Mweya Mutsvenenokuda kwokutaura nendimi. Asi rinoti “Pashure pokuzadzwanoMweya Mutsvene vakataura nendimi,” uye nechemberirinoti vakaprofita.

Mazuvano pavanhu vazhinji zvinotambirwa sezvinhuchisingachavhunzwi kuti vose vanoti vakagamuchira MweyaMutsvene nokutaura nendimi vanotaura norurimi chairworwoMweya. Asi izvi handizvo nokuti vanhu vazhinji vanotauranorurimi runozikanwa asi vachiitiswa nomweya usiriwo. Zvinongatimboti tiri mumusangano vanhu vose vachitaura nendimi.Unozoziva sei kuti ndorupi rurimi runobva kuMweya uyendorwupi runobva kuna satani? Ndakambova pakatipavahedheni pakanga pana varoyi vaimwa ropa vachishandisadehenya, vachitaura nendimi nokududzira nokuprofita.Vanotogona kana kunyora chaikwo mundimi. Zvino kanandimi CHIRICHO chiratidzo chokugamuchira MweyaMutsvene, saka ndimi yoga yoga inobva yava yaMwari. Asizvakabvumwa navanhu ava vechiratidzo chendimi kuti kunendimi dzenhema nedzechokwadi nokuti Mwari ndiye anendimi chaidzo uye Satani ane ndimi dzenhema. Sakamuvhunzo wangu ndouyu, “Ndiani anoziva kuti chaizvondezvizvi? Ndiani wakanzwisisa mutauro zvokuzivazvakataurwa? Ndiani ane chipo chokunzvera kuti azive?”Zvino kana tawana mhinduro dzemivhunzo iyoyi tichawanachinhu chokuenderera nacho mberi, asi kusvikira izvi zvaitika,tinoshama kuti ndimi idzi dzinobvepi. Munogona kuona ikozvino uno chaiye kuti kana mukatsigira avo vechiratidzochendimi asi musingazivi zviri kutaurwa, munofanirakuzopedzisira masvika panzvimbo yokuti ndimi dzosedzinofanira kuva dzaMwari. Izvi zvingabva zvatipinza zvinomukufunga kuti satani haakwanisi kutaura nendimi. Izvihandizvo; kwete, kana napadoko pose. Mumishinari upi zvakewakatumwa kunzvimbo dzokure unoziva zvakanyanyisa kutisatani unotaura nedzimwe ndimi, sokuziva kwandinozviitavonokuzvionera pachangu.

MaPentekosti anobvuma kuti havana Gwaro rinoisapachena kuti vanhu vanotaura nendimi kana vabhabhatidzwa

Page 145: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 135

noMweya Mutsvene. Vanobvuma kuti vanozvifungidzira kubvamune zvakaitika zvinotaurwa muBhuku raMabasa avaapostoraumo munowanikwa vanhu vakataura nendimi kanokwanakatatu kubva mukashanu kega kega. Uye vanotaurazvevasingatsigiri neGwaro kuti kune ndimi dzemhando mbiri.Rumwe ndirwo rurimi rwaunotaura narwo paunengeuchigamuchira Mweya Mutsvene uye ichi ndicho ‘chiratidzo’,kuchizotizve pava paya kana uchitenda, unogona kugamuchirachipo chendimi chinozoita kuti utaure nendimi kazhinji.Zvisinei, vanoti, kana wangoera wataura nendimi sechiratidzochokugamuchira, unogona kusazombofa wakataurazvenendimi. Zvakare tine shungu dzokuda kuziva kuti ndapapipazvinowanikwa izvi muShoko. Kana zvisimo, saka Mwarihaana kuzvitaura uye une nhamo uyo unopamhidzira kuShokoiroro. Asi pane zvimwe zvinowanikwa muShoko pamusoropenyaya iyoyi chaiyo zvavanoshayira hanya nazvo zvachose. IvaKorinte 13. Inotaura pamusoro pendimi dzavanhunedzavatumwa. Apa zvinoreva ndimi dzinozikanwanedzisingazikanwi. MaPentekosti anhasi anoti anogonakugamuchira Mweya Mutsvene vachitaura nendimidzisingazikanwi kana kuti dzavatumwa. Vanoisa ngoro mberikwebhiza, nokuti muna Mabasa avaapostora 2 vanhuvakataura nomutauro wenzvimbo chaiwo wakakwana waitotikana vakanga vasiri vatendi vakaunzwa vakaunzwisisa.

Zvino kana Mwari akanyarara ngatibve tanyararavo isu.Asivo paanenge akataura ngatitobvavo, tapataura, nokutaurazvaAkataura kare. Wakatiudza chiratidzo, kana kutizvinozoitika mushure mokubhabhatidzwa noMweya Mutsvenezvaiva zvokuti Mudzidzisi waizouya kuzodzidzisa chokwadichose. Asi Mudzidzisi uyu waizova mudzidzisi WOMUKATI,kwete mudzidzisi wokunze. Dai Mweya wakanga usiri mukati,hamaizonzwa chokwadi nokuchigamuchira nenzirayechizaruro kunyange mainzwa nguva yoga yoga yezuva. Ichindicho chaiva chiratidzo choMweya waigara mukati munguvadzaPauro. Avo vakanga vazadzwa noMweya Mutsvenevakanzwa Shoko, nokurigamuchira nokurirarama nokuraramanokuda kwaro. Avo vakanga vasina Mweya vakangorinzwavosavanhu venyama, ndokubva vaisa dudziro isiyo paririndokupinda muchivi.

Muzera roga roga, (uye zera roga roga izera roMweyaMutsvene kumutendi wechokwadi) _ ndinoti, muzera rogaroga chiratidzo chakanga chichingova chimwe chetecho. Avovakanga vano Mweya, Mudzidzisi, vakanzwa Shoko, uyeMweya uyu waiva mavari wakatora Shoko ukaridzidzisa(kurizarura) kwavari; uye vakanga vari muboka rakanzwanhume neshumiro yayo vakaitora nokuirarama.

Ndinoziva kuti muedzo mukuru kudzoka kumazuvaePentekosti uye kumusi wakauya Mweya Mutsvene muimba

Page 146: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

136 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

yaKoroniriyo kwava kuzomisa zvakaitika zviviri izvi sandichochiratidzo choKubhabhatidzwa noMweya Mutseve. Asipanguva yoga yoga ndimi dzainzwisiswa navakangavakateerera. Izvi zviri kure kwazvo nebvonyongera ramakoreano remisangano yamaPentekosti. Uye kana zvisina kuringanakutigutsa kuti tisiye urongwa hwefungwa hwakadai,tichazodini kana tatarisana nechokwadi chokuti vanhu vasinakumbofa vakataura nendimi vane zvimwe zviratidzo zviseremuupenyu hwavo, kufanana neshoko rouchenjeri, nokunzverakwomweya, neshoko rezivo, nokutenda, nokuporesa uye kanamashuravo? Fungwa idzi dzinobva dzatonyanya kunakidzakana tichiona kuti ndimi ndicho chidiki chezvipozvipfumbamwe; saka kana tichiona vanhu vasingataurinendimi, kana kumbofa vakataura nendimi, vachishandirazvipo zvinodarika zvaavo vanotaura nendimi, tinofanirakuramba dzidziso yakadai zvakanyanya chaizvo kudarikazvataimboita.

Saka munogona kuona zvino, kuti hazvina kutinakira kutititaure zvisina kutaurwa neBhaibheri. Kana Gwarorichitidzidzisa kuti basa roMweya Mutsvene, nokuratidzwakwaiye Munhu Wakaropafadzwa kuunza chokwadi chezeraroga roga kumbeu yechokwadi yezera iroro, tinobva tazivazvino kuti Mweya unofanira kunge uchigara mumunhuiyeye kana kuti haakwanisi kugamuchira chokwadi chenguvaiyoyo. Ameni. Izvi ndizvo zvazviri chaizvo. Uye kana mazeraawa ane chaanobudisa, zvechokwadi anenge achibudisachokwadi ichi.

Zvino tisati tasiya nyaya iyi ndinoda kuti ndinyatsojekesazvokuti ndinatse kunzwisiswa zvizere kuti KubhabhatidzwanoMweya Mutsvene chii kana tichitevedzera zvinoreva Shoko.Apa hatisi kutevedzera zvandinoreva ini kwete, uye hatisikutevedzera zvamunoreva imi kwete. Zvinosungirwakutevedzera “Zvanzi naJehovha,” nokuti kana pasina izvitinotungamirirwa nezvenhema. Ameni.

Chokutanga muchaona kuti mumisangano yangupandinenge ndapedza kuparidza mharidzo yevhangeri, kanashumiro yokudzidzisa, ndinokanda rutava ndichikokera vanhukuratidza zvaitika kwavari. Ndinovakumbira kuti vauye mberikuzogamuchira Mweya Mutsvene. Hama dzangudzechiPentekosti, padzinongondinzwa ndichitaura izvivanofunga kuti ndinenge ndichikoka vanhu kuti vauyekuzobhabhatidzwa noMweya Mutsvene nokuti vakatoberekwapatsva kare. Saka kana ndichikoka avo vakazadzwa noMweyakuti vauye vashande naavo vanenge vakokwa kuzogamuchiraMweya Mutsvene, vadikanwi ava vanokotonoka vachiuyamberi kuzoshanda navanhu nenzira yokuvakurudzira kutivazvipire kuna Mwari uye kuti vatende vagotaura nendimi.Izvi zvakaunza kuputsika misoro kwakawanda pavanhu saka

Page 147: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 137

ndinoda kukutaurirai chaizvoizvo zvandinoreva. Ndinoitirakuti mutadzi auye pamberi aponiwe patsva, zvinorevakubhabhatidzwa mumutumbi waKristu noMweya Mutsvenezvinova ndizvo chaizvo zvakaitika paPentekosti nguvayakaumbwa kereke. Nomumwe murevere tingati, kuberekwanoMweya ndiko kubhabhatidzwa kwechokwadi noMweyaMutsvene. Ndizvo zvimwe chete.

Zvino ndinoziva kuti zvichaputsa misoro yavanhukwechinguva pano apa, sezvo vanhu vazhinji vachiziva kutindakagadzwa kuva muparidzi weBhaptisti asi ini ndakamirandakasimba ndichitaura kuti maBhaptisti akazvipotsa nokutivanoti munogamuchira Mweya Mutsvene PANGUVAyamunotenda, zvinova zvisiri izvo. MunoUgamuchira“KUBVA NGUVA yamakatenda.” Mabasa avaapostora 19:2-6inoti. “Akati kwavari, Makagamuchira Mweya Mutsvenepakutenda kwenyu here? Vakati kwaari, Kwete hatinakutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo. Akati, Komakabhabhatidzwa murubhabhatidzo rwupiko? Vakati,Norubhabhatidzo rwaJohane. Zvino Pauro akati, Johanewakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendeuka achiudzavanhu kuti, vatende muna Iye Unozouya shure kwake, iye,Jesu Kristu. Vakati vazvinzwa izvozvo vakabhabhatidzwamuZita raShe Jesu. Zvino Pauro wakati aisa maoko akepamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo:vakataura nendimi, vakaprofita.” Hezvi. Pauro wakavhunzaachiti, “Makagamuchira here KUBVA NGUVA, KWETEPANGUVA yamakatenda.” Uye pano musiyano mukuru apa,nokuti MUSHURE mokutenda kwedu apa tinogamuchira.VaEfeso 1:13 idzokororo izere yeshoko roga roga pamusoropezvakaitika muEfeso kana tichitevedzera zviri muna MabasaAVaApostora 19, “Muna Iye nemivo, NDOKUZOBVA manzwaShoko rezvokwadi maari, iyo Evhangeri yokuponeswakwenyu; muna Iye wamaKAtenda (kwete panguvayamakatenda) kwaari mukaisirwa chisimbiso noMweyaMutsvene wamakapikirwa.” Zvino hezvino zvandiri kureva.Vanhu vedu vechizvino-zvino vakawandisisa kana ivo vaya(vanonzi) vanotenda kuti pane imwe nguva yakatsaurwayavanoti “kuita sarudzo,” uye izvi zvakatombodaidzwa kutikugamuchira Kristu kana kuti kuberekwa patsva. Zvinokugamuchira Kristu ndiko kugamuchira Mweya waKe.Kugamuchira Mweya waKe ndiko kuberekwa patsva.Kugamuchira Mweya waKe ndiko kubhabhatidzwa noMweyaMutsvene. Ameni. Vanhu ava vanotenda izvi. Izvizvakanakisisa. Asi vanobva vaguma ipapo. MunogamuchiraMweya Mutsvene PASHURE pokutenda. Zvakagarazvakadaro uye zvichangogara zvakadaro. Shoko rokutanga-tanga rokuratidza vanhu gwara rakataurwa naPetropaPentekosti apo paakati, “Tendeukai mumwe nomumwe

Page 148: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

138 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wenyu abhabhatidzwe, neZita raJesu Kristu kutimukanganwirwe zvivi mupiwe chipikirwa choMweyaMutsvene, nokuti chipikirwa ndechenyu navana venyu navosevari kure, vanozodanwa naShe Mwari wedu.”

Izvi zvakauya semhinduro yakananga yaibva kuna Petromaererano nezvakanga zvanyatsoitika paPentekosti. Zvakangazvaitika ndezvokuti sezvakanga zvataurwa naJoere Mwariwakanga ari kudurura Mweya Mutsvene pamusoro penyamayose uyo wakanga wavimbiswa. Hauna kubhabhatidzwakutangira nguva iyoyo kana kupiwa nguva iyoyi isati yasvika.Ndizvo zvazvakanga zviri izvi. Asi IZVI zvaizouya kubvanguva ino nokuda kwokutendeuka, nokubhabhatidzwa muZitaraShe Jesu Kristu, ndokuzoti Mwari azosungirwa kuti azadzeavo vaiuya. Petro, kana ani zvake muapostora haana kuti,“Munofanira kuberekwa patsva, kuti mugozozadzwanoMweya.”

Kuti muone kuti izvi ndidzo nhevedzwa dzezvinoitikamaererano nokugamuchira Mweya Mutsvene, cherechedzaizvakanakisisa nguva chaiyo yakatevera yakaburuka MweyaMutsvene pavanhu. Mabasa avaapostora 8:5-17 inoti,“NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidziraKristu. Vanhu vazhinji vakaterera nomwoyo mumwezvairehwa naFiripo, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakangaachiita. Nokuti mweya yetsvina, yakabuda kuvazhinji vaivanayo, ichidanidzira nenzwi guru: navazhinji vakanga vakafamitezo, navaikamhina, vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapopaguta iro. Zvino kwakanga kuno mumwe murume wainziSimoni, waiva n’anga kare paguta iro, waishamisa vanhuveSamaria achizviita munhu mukuru: Vose, vaduku navakuru,vakamuterera vachiti, Uyu munhu isimba guru raMwari.Vakamuterera, nokuti wakanga avashamisa noun’anga hwakenguva huru. Zvino vakati vatenda Firipo, waiparidza mashokooushe hwaMwari, neZita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa,varume navakadzi. Naiye Simoni akatendavo;ndokubhabhatidzwavo, akagara naFiripo, akashamiswa,achiona zviratidzo namabasa esimba makuru akanga achiitwa.Zvino vaapostora vaiva paJerusarema vakati vanzwa kutivaSamaria vakanga vagamuchira Shoko raMwari vakatumaPetro naJohane kwavari: Ivo vakaburukirako,vakavanyengetera, kuti vapiwe Mweya Mutsvene: (NokutiWakanga usina kuburukira pamusoro pomumwe wavo:vakanga vangobhabhatidzwa muZita raShe Jesu bedzi) Ipapovakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa MweyaMutsvene. Kana tichitevera zviri mundima 12, VAKATENDASHOKO. Ndokuzobva vabhabhatidzwa muZita raShe Jesu. Asikana tichitevera zviri mundima 16, kunyangwe zvose izvizvaivapo, NAZVINO vakanga VACHIGERE KUGAMUCHIRAMWEYA MUTSVENE. Zvakatozoti chete MUSHURE

Page 149: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 139

mokutenda nokubhabhatidzwa nenzira kwayo ndipopavakazogamuchira Mweya Mutsvene. Idzi ndidzo nhevedzwachaidzoidzo sezvazvakapiwa zvakaita naPetro muna Mabasaavaapostora 2:38-39.

Rimwe Gwaro rinopa chiedza chinoshamisa panyaya iyirinowanikwa muna vaGaratia 3:13-14 inoti, “Vakatukwa vosevanoturikwa pamuti: Kuti kuropafadzwa kwaAbrahamakusvike kuvaHedheni muna Jesu Kristu, kuti (kuitira kuti)tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.” Hazvingambotaurwikunzi “kuropafadzwa kwaAbrahama” kuberekwa zvakare, uyekuti “chipikirwa choMweya” kubhabhatidzwa noMweyaMutsvene sezviitiko zviviri zvakaparadzana. Nokuti Gwarorinoti: “Jesu wakafa pamuchinjikwa, uye nokuda kworufuurwu nokumuka kuvakafa, kuropafadzwa kwaAbrahamakwakauya kuvaHedheni, kuchisiya vaJudha. Izvi zvakaitikakuitira kuti Mweya uuye kuvaHedheni.”

Kunzwisisa zvandichangobva kutaura ndiko kujekesa kutisei vadzidzi vasina zvavo kana kumbowana Pauro achitipanguva ipi zvayo, “Berekwai patsva uye PASHUREmugozadzwa noMweya.” Vakangofungidzira kuti izvi ndizvozvirimo, uye vakaisa dudziro yavo pachavo kuti shoko rireveizvozvo, ASI GWARO HARIREVI IZVOZVO. Kana Jesuvohaana kumbozvitaura. Tarirai pana Johane 7:37-39,mugoiverenga zvino nokunzwisisa. “Zvino nezuvarokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamiraakadanidzira, akati, Ani nani kana ane nyota, ngaauyekwaNdiri anwe. Unotenda kwaNdiri sezvazvakarehwanoRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera dzichibvamukati make. (Asi izvi Wakareva zvoMWEYA Waizopiwa avovaitenda kwaAri; nokuti Mweya Mutsvene wakanga usatiwavapo: nokuti Jesu wakanga asati akudzwa)” Zvino zvirikunzi pano nenzira iri pamhene uye nokusimbisa kwazvopaunongomwa chete nokuda kwokuti wauya kuna Jesumukutenda unozova nenzizi dzemvura mhenyu dzinopopomakubva mauri. Uye izvi zvinonzi zvinoitika paPentekosti. Zvinotakachengeta fungwa iyi mumwoyo medu tinoverenga Johane4:10 na14 inoti, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti Ndianianoti kwauri, Ndipeivo Ndinwe; ungadai waikumbira kwaAri,Akakupa mvura mhenyu. Asi ani nani unonwa mvurayaNdichamupa ini haachazovi nenyota nokusingaperi; asimvura yaNdinomupa ichava mukati make tsime remvurainovhaira kuupenyu hwusingaperi.” Mvura mhenyu imwechete iyi ndiyo inotaurwa, asi pano haisi kunzi rwizi; asi kutirinonzi tsime risingapwi. Apa vanhu ndipo pavanoita mhoshoyavo. Nokuda kwokuti rinonzi tsime uye rwizi, vanofunga kutipane imwe nzvimbo ndihwo upenyu hwusingaperi hwunopiwanoMweya uye panzvimbo inotevera parunonzi rwizi(zvichireva kunyuka simba kukuru) unofanira kuva Mweya

Page 150: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

140 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wavanopa zvino sechipfeko chesimba. Izvi handizvo. Chinhuchimwe chete. Mweya ndiwo unopa upenyu nesimba, uye izvizvakauya paPentekosti.

Chii chakasakisa kusanzwisisa uku? Mhinduro,“ZVIITIKO ZVATAKASANGANA NAZVO MUUPENYU.”Tinotsamira pane zvatakasangana nazvo pachinhambochokutsamira paShoko. Ngatibve pane zvatakasangana nazvosechinhu chekveresa nacho. Panongova nechiereso chimwechete, pane tsvimbo imwe chete, iri ndiro SHOKO. Zvinonyatsocherechedzai mugobata izvi. Petro wakati, “Tendeukaimubhabhatidzwe muZita raJesu Kristu kuti mukanganwirwezvivi mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene.” Paurowakati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here KUBVANGUVA yamakatendeuka?” Iyi ndiyo nhamo yedu yose ipopano chaipo. Vanhu vanotendeuka pazvivi zvavo,vanobhabhatidzwa mumvura, ASI HAVAZOENDERERIMBERI KUGAMUCHIRA MWEYA MUTSVENE.MUNOTENDA MUKUGAMUCHIRA MWEYA MUTSVENE.Kutenda muna Jesu chinhanho mugwara rakanaka kuMweyaMutsvene. Asi vanhu vanobva vamira ipapo. Vanongofambakusvikira pamvura chete vobva vamira. Vanotenda, vobvavangomira. Bhaibheri hariti unogamuchira PANGUVAyaunotenda. Rinoti, “Makagamuchira Mweya Mutsvene hereKUBVA PANGUVA yamakatenda?’ Dudziro inogona kupiwayamashoko chaiwo asi ichinanga shoko roga roga ndeyiyiinoti: “Zvamakanga, matenda kare, makazowana MweyaMutsvene here? Vanhu vanotenda vobva vamira.Hamugamuchiri Mweya Mutsvene pamunotenda KUNA Iye,matendeuka. Munopfuurira kundogamuchira MweyaMutsvene. Munozviona here izvi? Vaya vedu vasingatendiMweya Mutsvene ndizvo zvavanokanganisa izvi. Havanasimba nokuti vanomira vasati vasvika paPentekosti.

Vakafanana navana vaIsraeri vakabuda muEgipitavakabva vamira vasina kusvika kuNyika yeChipikirwa. Zvinovana vaIsraeri ava vakasiya Egipita vari mamiriyoni maviriakakwana. Vose vakafamba rwendo rwavo vari pamwe chete,vose vakaona mashura aMwari mamwe chete, vose vakadyamana imwe chete nemvura yaibuda mudombo rakangararohwa, vose vakatevera gore rimwe chete masikatineshongwe yomwoto imwe chete usiku asi VAVIRI CHETEndivo vakasvika muNyika yeVimbiso. VAVIRI CHETE NDIVOVAIVA VATENDI VECHOKWADI KANA KUTI VATENDICHAIVO. Ndizvo chaizvo nokuti Bhaibheri rinotitaurira kutivamwe vose vakafa pamusana pokusatenda; uye nokudakwokusatenda havana kukwanisa kupindamo. (VaHebheru3:19) Saka sezvo zvirizvo zvazviri, uye sezvo VAVIRI chetevarivo VAKAPINDA, saka vamwe vose vakanga vasiri vatendivechokwadi. Chakaita mutsauko chii? Vaviri vakachengeta

Page 151: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 141

Shoko. Zvakakundikana mwoyo yavashori vane gumipaKadheshi Bharnea, Joshua naKerebhi havana kanakumbotatarika nokuti vaitenda Shoko ndokubva vati,“Tinokwanisa zvakapfurikidza kutora nyika.” Vaiziva kutivaikwanisa nokuti Mwari wakanga ati, “Ndakakupai nyikaiyi.” Pashure pokuona simba nokunaka nokusunungurakwaMwari vaIsraeri vose havana kupinda muzororo, waivamumvuri woMweya Mutsvene. Saka munokwanisa kuona ipopano kuti vashoma ndivo vachatenda kusvikirapakugamuchira Mweya Mutsvene.

Zvakanaka, tasvika kuno kwese uku kubva kwosekwatabva. Zvino ndinoda kupfuurira mberi, pandichaita izvindinoziva kuti ndichaita kuti shungu dzavamwe venyudzikwire nokushushikana kukuru. Asi izvi handinei nazvo.Ndine hanya nokutamburira Mwari neShoko raKe navanhuvandakatumwa naMwari kwavari. Ndinofanira kutendekamuzvinhu zvose zvaAnondipa kuti nditaure.

Muna Johane 6:37 na44 munonzi, “Zvose BabazvavanoNdipa zvichauya kwandiri; nounouya kwaNdirihaNdingatongomurashiri kunze. Hakuno munhu ungauyakwaNdiri kana Baba vakandituma vasingamukwevi: neniNdichamumutsa nezuva rokupedzisira.” Johane 1:12-13 inoti,“Asi vose vakamugaMuchira Wakavapa simba kuti vave vanavaMwari, ivavo vanotenda muzita raKe, avo vasinakuberekwa, neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokudakwomurume, ASI NAMWARI.” VaEfeso 1:4-5 inoti,“SezvaAkatisanangura maAri nyika isati yavambwa, kuti tivevatsvene vasine mhosva pamberi paKe. Murudo akatitemerakare kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vaKe,sezvaakafadzwa pakuda kwaKe.” Zvino tisinganyanyikupindisa mukati menyaya yokuzvisarudzira kwaMwari(nokuti izvi zvingatoda bhuku razvo zvoga) regai ndiratidzepano kuti kana tichitevedzera ndima dzino idzi, Jesu Kristu arikusarudza mwenga waKe pachake sokusarudza kunoitavarume mwenga yavo mazuvano. Mazuvano mwengahaangozvisarudziri iye chete kuti ari kuzotora murume nhingikuti ave murume wake. Kwete changamire. Murume ndiyeanotofunga nokusarudza mukadzi kuti ave mukadzi wake.(Johane 15:16 inoti, “Imi hamuna kuNdisanangura; asi iniNdakakusanangurai imi.”) Zvino kana tichitevedza ShokoraMwari, mwenga wakasarudzwa nyika isati yavambwa.Zvokusarudza mwenga izvi zvakaitwa sezvaakafadzwa nazvopakufunga kwake iye pachaKe. VaEfeso 1:9. Uye munaVaRoma 9:11 munonzi “Kuti kufunga kwaMwaripakusanangura kwake kusimbiswe.” Hamukwanisikuzviverenga nomumwe mutovo. Kufunga kwaMwaripakusanangura komwoyo waKe, ziendanakuenda rokufungakwaMwari pakusanangura kwake kwaiva kwokutora mwenga

Page 152: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

142 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wokusanangura kwake PACHAKE, uye kufungapakusanangura uku kwaiva maari iye pachaKe, uye nokutiakagara aripo zvikamiswa nyika isati yavambwa.

Nyatsotarisisai muone izvi. Kusati kwatombovazvako neguruva renyeredzi; Mwari asati atombova Mwari(Mwari zvinoreva chinhu chokunamata uye hapana wakangaaripo kuti aMunamate, saka panguva iyi wakanga achingovachete chinhu chaikwanisa kuva Mwari.) uye AizikanwasoMweya usina mavambo namagumo chete, mwenga wakangawatova mufungwa yaKe kare. Hongu, wakanga watovamo.Wakanga watovapo mufungwa dzaKe. Zvino ko fungwavodzaMwari? Hadzina mavambo uye hadzigumi, handizvo here?

Fungwa dzisina mavambo namagumo dzaMwari! Regaindikuvhunzei kuti, “Fungwa dzaMwari ndedzokusingaperihere?” Kana muchikwanisa kuona izvi, muchaona zvinhuzvakawanda. Mwari haashanduki pazvinhu zviviri izvi zvinotizvaari uye zviito zvake. Tadzidza izvi tikazviratidza kare kutindizvo. Mwari haana mavambo namagumo mukukwanisakwaKe saka Iye saMwari anofanira kuva anoziva zvose. KanaAchiziva zvose, saka haAsi kudzidza chinhu iko zvino, uyehaAsi kumbogara dare nani zvake kana kuti ega pachaKe, uyehapana kana nguva zvayo yaAnombopamhidzira ruzivorwaKe. Kana Achikwanisa kuwedzera kuruzivo rwaKe, sakahaAzivi zvose. Chakanakisisa chatingatotaura ndechokutimumwe musi Achaziva zvose. Asi izvi hazvizi muMagwaro.ANOziva zvose. Haana kumbofa akaita imwe fungwa itsvapamusoro pechinhu chipi zvacho nokuti fungwa dzaKe dzoseWagara achingova nadzo uye uchagara achingova nadzo, uyeanoziva magumo kubva kumavambo nokuti Ndiye Mwari.SAKA FUNGWA DZAMWARI HADZINA MAVAMBONAMAGUMO. DZIRIPO. Hadzina kuita somunhu ane puraniyaadhirowa uye rimwe zuva ichizova chinhu chinoonekwa, asidziripo nechakare dziri dzisina mavambo namagumo, uyechikamu chaMwari.

Onai kuti zvinoshanda sei. Mwari wagara achingovanefungwa dzaKe pamusoro paAdhama. Adhama, sefungwadzaKe, wakanga asati aratidzwa. Mapisarema 139:15-16 inoti“Mafupa angu akanga asina kuvanzwa kwaMuri, panguvayandakaitwa pakavanda, pakuumbwa kwangu nenjerepanzvimbo dzezasi dzapasi. Meso eNyu akaona muviri wangu,uchigere kukwaniswa; zvose zvakanga zvakanyorwamurugwaro rweNyu, zuva rimwe nerimwe rokuumbwakwazvo, kusati kwava nechimwe chazvo.” Sezvandambotaura,izvi, hazvina kunyorwa pamusoro paAdhama asi zvinokupaizivo kuti fungwa yakagara irimo muzivo yaKe, uye fungwaiyoyo yakanga isina mavambo namagumo uye yaifanirakuratidzwa. Saka pakaumbwa Adhama neguruva revhu uye

Page 153: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 143

paakasikwa naMwari pamweya, ipapo Adhama akava fungwadzaMwari dzakaratidzwa, uye fungwa idzodzo hadzinamavambo namagumo zvino dzaratidzwa.

Tinogona kudzika namazana namazana amakore.Tinowana Mosesi, naJeremia, naJohane Mubhabhatidzi, uyemumwe nomumwe wavo wakanga ari fungwa yaMwariyakaratidzwa munguva yayo. Tinobva tasvika pana Jesu anovaROGOSI. Wakanga Ari FUNGWA yakakwana nokuzaraAkazikanwa seShoko. Izvi ndizvo zvaARI, uye ACHARAMBAAKADARO nokusingaperi.

Zvino zvinonzi “Wakatisanangura MAARI (Jesu) nyikaisati yavambwa.” Izvi zvinoreva kuti takanga tiripo chaipoNAYE mumwoyo nomufungwa dzaMwari nyika isatiyavambwa. Izvi zvinopa kukosha kunogara noKUSINGAPERIkuvasanangurwa. Hatigoni kuzvinzvenga izvi.

Regai ndimbopinza fungwa apa. Kunyangwe kuberekwakwedu kwapanyama kwakamiswa pakusanangura. Chiberekochomukadzi chinoita mazai, akawanda. Nemhaka yei zvichitineimwe nguva iri zai rinodzika kwete rimwe racho? Uyepazvizenga zvomurume, nokuda kwechikonzerochisingatombozikanwi chizenga chimwe chetechinozvibatanidza pazai iri asi ipo pane zvimwe zvizengazvaigonavo kuzvibatanidza, kana kuti zvaiva nomukana urinani kuita izvi zvakaparara. Pane njere dzinoshanda nezvizvizvose, ko zvino chii chinoita kuti mwana ave mukomana kanamusikana, ave nevhudzi dema kana jena, namaziso akajekakana akasviba nezvimwe zvakangodaro. Nefungwa idzimumusoro fungai pamusoro paJoshua naKerebhi. Jesu haanakutaura here muna Johane 6:49 kuti “Madzibaba enyu akadyamana murenje akafa?” Madzibaba awa akafa aitofanirakuvapo samateteguru avanhu vaakanga achitaura kwavari iyeJesu. Vakaparara, nyangwe zvavo vakanga varimukusanangura kwaMwari panyama saJoshua naKarebhivovakanga vari mukusanangurwa paMweya.

Asi ngatienderere mberi. Vasanangurwa vakanga vasiribedzi fungwa dzokusingaperi dzaMwari dzaizoratidzwamunyama nenguva yadzo, asi ivava vasanangurwavanodaidzwa nerimwe zita. VaRoma 4:16 inoti. “Sakandezvokutenda, kuti zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chivenesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asinorwokutenda kwaAbrahamavo, iye baba vedu tose.” VaRoma9:7-13 inoti, “Navari vorudzi rwaAbhurahama, havazi, vanavake vose; asi zvinonzi kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzirwako. Nokuti, havazi vana venyama, vari vana vaMwari: asivana vokupikirwa ndivo vanonzi rudzi. Nokuti shokorakapikwa ndirori, Nenguva yakaita seino Ndichauya, Sarauchava nomwanakomana. Hazvizi izvozvo bedzi; asiRebhekavo wakati ava nemimba kuno mumwe, iye Isaka baba

Page 154: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

144 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vedu; (nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanakakana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwakekusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna Iye Unodana;)Zvanzi kwaari, mukuru uchava muranda womuduku.Sezvazvakanyorwa zvichinzi, Jakobho Ndakamuda, asi EsauNdakamuvenga.” VaGaratia 3:16 inoti, “Zvino izvo zvipikirwazvakarehwa kuna Abrahama nokumwana wake. Haareviachiti, Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge arimumwe, unoti kumwana wako, uyu ndiye Kristu.” VaGaratia3:29 inoti, “Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbrahamavadyi venhaka sezvamakapikirwa.” Kana tichitevedza zvirimuna VaRoma 4:16 tinowana kuti Mwari wakapa MhikoChaiyo kuna VOSE vembeu yaAbrahama, uye Pauro unozviisaiye pachake pamwe navatendi vose munzvimbo iyi nokutianoti “Abrahama iye baba vedu TOSE.” Anobva aendereramberi asingatesvi tsananguro iyi chete, asivo kutobvaaipedzisa nokuti muna vaGaratia 3 anotora MBEU (imwechete) kuva Jesu, uye unoverenga “vana vembeu” kuva savanavemhiko, uye mhiko yacho sechinhu chine chokuitane“sarudzo”, kana kuti “kusarudza kwaMwari.” Uye izvindizvo chaizvo zvatanga tichitaura. Ava vanova MbeuyoUmambo ndivo vasanangurwa vaMwari; ndivovakatemerwa, vakafanozihwa vaMwari, uye vakanga varimumwoyo maMwari uye mufungwa dzaKe. Nomutauro uripachenachena Mwenga weChokwadi waMwari wakanga urimumwoyo maMwari nokusingaperi, nyangwe zvazvo wakangausina kutaridzwa kusvikira mumwe nomumwe abudamunguva yakatarwa, uye yakarayirwa. Pakabuda nhengoimwe neimwe YAKARATIDZWA ikatora nzvimbo yayomumutumbi. Saka mwenga uyu iSHOKO RAKATAURWAMBEU YOMWENGA. Nyangwe zvake mwenga ari mukadzipakutsanangurwa anodaidzwavo kunzi “mutumbi waKristu.”Zviri pachenachena kuti unofanirwa kunzarwo nokutiwakatemerwa maAri, wakabva pamavambo mamwe chete,wakanga ari wokusingaperi pamwe naYe, uye zvino wavakuratidza Mwari mumutumbi wenhengo zhinji asi iye Mwariwakamboratidzwa MUMUTUMBI MUMWE, anova Ishe weduJesu Kristu.

Zvino, pano tava kusvika pakugumisa nyaya yedu. SezvoShoko (Mwari) wokusingaperi wakaratidzwamuMwanakomana, uye muna Jesu murimo makagarakukwaniswa kwose kwomutumbi woUmwari, uye IyeWokusingaperi akanga ari Baba vakaratidzwa munyama,ndokuwana nenzira iyi zita rokunzi Mwanakomana, nyangwezvakadero hazvo, ndowokusingaperi mufungwa dzaKe isuvonopedu takava Mbeu yeShoko Rakataurwa ine nhengodzakawanda, yakaratidzwa munyama, uye fungwa idzodzodzokusingaperi dziri kuratidzwa zvino munyama ndivo vanavaMwari, sezvatinodaidzwavo tichiitwa isu. HATINA KUVA

Page 155: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 145

MBEU NOKUDA KWOKUBEREKWA PATSVA, TAIVAMBEU NDIKO KUSAKA TAKABEREKWA PATSVANOKUTI VAKASANANGURWA CHETE NDIVOVANOGONA KUBEREKWA PATSVA. Nokuda kwokutiTAIVA MBEU ndiko kusaka takagona kuitwa vapenyu. MunaASIRI-MBEU hamuna chokumutsa.

Nyatsobatai izvi mufungwa dzenyu. Zvino chitoraichinhanho chinotevera. Kudzikinura zvinoreva kutenga chinhuchaimbova chako. Chinodzokera kumwene wacho wokutanga.Norufu rwaKe, Mwari, WAKATENGAZVE VAKE neropa rakerakadeuka. Wakatenga zvakare Mwenga weMbeu yeShokoRakataurwa. “Makwai angu anonzwa inzwi (Shoko) raNgu uyeanoNditevera.” Wagara uri gwai. Hauna kumbofa wakaitanguruve kana imbwa yakashanduka kuva gwai. Izvihazvigoneki nokuti mhando yoga yoga youpenyu inoberekamhando iyoyo uye hapana kushanduka kworudzi. Sezvo taivamufungwa dzaMwari tikazoratidzwa munyama, paitosungirwakuva nezuva rataizonzwa inzwi raKe (Shoko), uye mukunzwainzwi iri taizoziva kuti Baba vedu vatidaidza, nokuyeuka kutitiri vanakomana vaMwari. Takanzwa inzwi raKe tikadaidzirasezvakaita mwanakomana wakarashika kuti, “Ndiponesei, O-o, Baba vangu. Ndiri kudzokera kwaMuri.”

Mwanakomana waMwari anogona kugara nguva refukwazvo asati aziva kuti mwanakomana. Chokwadi chiripondechokuti maKristu echokwadi akawanda anofananidzwamurungano rwomwana wechapungu wakachochonywanemhambo yehuku. Munoziva kuti chapungu mufananidzowomutendi wechokwadi. Zvino, murimi wakatora zaimudendere rechapungu akaripa kumhambo kuti irarire.Nokufamba kwenguva mazai akachochonywa. Hukwanadzakagara zvakanakisisa namai vadzo asi chapunguchakashaya kuti kwiyo kwiyo yose nokuteta kose kutsvakachokudya mumatutu omupfudze zvairevei. Chakakwanisakurarama hacho asi zvakachiputsa musoro. Asi mumwe musi,mai vechapungu vakanga vakandira zai rakachochonywamwana wechapungu uyu vakaona vari mudengadengachapungu chidiki ichi chiri pasi. Chakadzika pasichichimhanya zvikuru chichirira nenzwi guru kuti mwanawacho abhururuke agosangana nacho. Hachina kumbengechanzwa kurira kwechapungu, asi pachakanzwa kokutangakuchema uku chimwe chinhu chaiva machiri chakatangakufakanyika ndokubva chatanga kushuvira kuti chibhururukechakananga kuna mai vacho. Asi chaitya kuidza izvi. Amaivacho vakachemazve kuti mwana wavo akwire mumhepoatevere. Nyana iri rakachemera kuna mai varo richiratidzakuti rakanga richitya. Mai vacho vakachemazve, vachitimwana aedzezve. Chichirova mapapiro acho chakakwakukiramudenga, chichidavira kuchema kwamai vacho, ndokubva

Page 156: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

146 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chabhururuka chichienda mumatenga. Maona kuti chakagarachiri chapungu. Chakambotora zviito zvehukwanakwechinguvana asi hachina kugutsikana. Asi pachakanzwakuchema kwechapungu chakaenda kunzvimbo yacho. Uyekana mwanakomana waMwari wechokwadi akanzwakuchema kwoMweya neShoko, naiyevo, anobva ayeuka zvaariobva amhanyira Muprofita Mukuru Chapungu kundovanaYe nokusingaperi vari munzvimbo dzokudenga munaKristu Jesu.

ZVINO KUNOUYA DOMBO REDU ROKUKUNDARAPAMUSORO pakubhabhatidzwa noMweya Mutsvene.VaGaratia 4:4-7 inoti, “Nguva yakati yazara kwazvo, Mwariakatuma Mwanakomana waKe, wakaberekwa nomukadzi,wakaberekwa pasi pomurayiro, Kuti adzikinure vari pasipomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu. Zvino zvamurivanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomanawaKe mumwoyo, unodana achiti, Abha, Baba. Saka iwehauchisiri muranda, asi mwanakomana; kana wavamwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari kubudikidzanaKristu.” Hezvo. Jesu Kristu wakauya, akafapamuchinjikwa, akapedza Kudzikinura (kudzosera kumuridziwapamavambo nenzira yokutenga, kana kuripa muripo)pakuita izvi WAKATIISA MUNZVIMBO YEDUSAVANAKOMANA. Haana kutiita vanakomana, nokutitakanga tatova vanakomana vaKe nechakare, asi Wakatiisapanzvimbo yedu savanakomana; nokuti kana taingovamunyika chete, munyama, hataizokwanisa kuzikanwasavanakomana vaKe. Takanga taitwa nhapwa nasatani. Asizvisinei, takanga tiri vanakomana chete. Zvino chinzwai izvi:ZVINO NOKUDA KWOKUTI MURI VANAKOMANA,MWARI WAKATUMA MWEYA WOMWANKOMANA WAKEMUMWOYO YENYU MUNODANA MUCHITI, ABHA,BABA.” Mweya wakawira pamusoro paani paPentekosti?Vanakomana. Ko paKorinte? Pamusoro paVanakomanapavakanga VACHINZWA SHOKO.

Kubhabhatidza noMweya Mutsvene zvinorevei? ZvinorevaMweya uchikubhabhatidza kuti upinde mumutumbi waKristu.Ndiko kuberekwa kutsva. Zvinoreva kupinda kwoMweyawaMwari uchikuzadzai shure kokutendeuka kwenyu,(pamunenge manzwa Shoko raKe) ndokuzobhabhatidzwamumvura semhinduro yokuva nomwoyo wakachena kunaMwari.

Zvatichangobva kuisa pachena izvi zvingadai zviri nyorechose kuvanhu vose kuti vanzwisise dai vanhu vose vachitendamuumwe hwoUmwari. Nokuti hakuna vanhu vatatumuUmwari asi MUMWE. Saka HANDIZVO kuti tinoberekwapatsva noMweya woUpenyu hwaJesu achipinda, ndokuzobvaMweya Mutsvene wotevera kupindavo kutipa simba. Dai izvi

Page 157: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 147

changa chiri chokwadi, nemhaka yei tichimhura BabanokusaVapa nzvimbo mukuponeswa kwedu kwakazara, nokutidai ruponeso ruri rwaIshe ivo vari vanaShe vatatu, saka IVO(Baba) vanosungirwa kuwanavo, chavanoita. Asi zvirokwazvondezvokuti zvinogona kuonekwa kuti Jesu wakajekesa izvichose chose kuti Iye Chete chete pasina mumwe Ndiye Mwariuye kuti Iye Chete chete pasina mumwe Ndiye anopindamumutendi. Johane 14:16 inoti Baba vachatuma mumweMunyaradzi. Asi ndima 17 inoti Iye (Jesu) anogara navoanofanira kuva MUKATI mavo pashure. Mundima 18 AnotiUchauya kwavari. Mundima 23 achitaura navadzidzi Akati,“Isu (Baba noMwanakomana) tichapinda maari.” SakandiBaba, noMwanakomana noMweya Mutsvene vari kupindapanguva imwe chete nokuti MUNHU MUMWE CHETEunoumba Umwari. Chiitiko ichi chakaitika paPentekosti.Hapana kuuya kaviri koMweya, unouya kamwe chete.Chinonetsa ndechokuti vanhu havazivi chokwadi chaicho, uyevanongotenda zvavo muna Jesu kuti vakanganwirwe zvivizvavo asi havazopfuuriri kundogamuchira Mweya.

Ndisati ndavhara nyaya iyi, ndinoziva kuti mumwoyoyenyu muno muvhunzo. Muchada kuziva kuti ini ndinotendakudzidziso yokusanovapo here. Handitendi kudzidzisoyaMomoni iyi yokusanovapo kwemweya sokusangotendavokwandinoita kuti munhu akafa unozowanazve mumwemutumbi panyama oberekwa zvakare kana kuti mweyaunotama kupinda pamwe. Chenjerai pano apa kuti muone izvi.Haazi munhu anouya akambenge aripo kubva kuna Mwarinokusingaperi, ISHOKO, KANA MBEU. Ndizvozvo. Karekareko, kare kakanyanya zvokuti fungwa dzomunhuhadzikwanisi kuzvibata, Mwari Wokusingaperi aine fungwadzokusingaperi, akafunga ndokurayira achiti, “JAKOBHONDAKAMUDA, ASI ESAU NDAKAMUVENGA, (VaRoma9:13) UYE HAPANA MUMWE WAVO ANGA ABEREKWA,UYE HAPANA ANGA AITA ZVAKANAKA KANAZVAKASHATA.” Maona, yakanga iri FUNGWA, ndokubvafungwa iyoyo yataurwa, ndokubva Mwari atenga Jakobho,nokuti Jakobho ega ndiye aiva MBEU. Jakobho, ega ndiye aivanembeu; ndiko kusaka aiva noruremekedzo kuudangwenesungano yaMwari. Kana muri mbeu yechokwadi,muchanzwa Shoko iroro; Mweya uchakubhabhatidzai kuvamumutumbi waKristu, uchikuzadzai nokukupai simba, uyemuchazogamuchira Shoko renguva yenyu nezera renyu.Munoona here kujeka kunoita chiratidzo kana Shokorazarurwa kwamuri? Zvakare, cherechedzai, Jesu wakanga ariMbeu yoUmambo. Wakararama mumutumbi womunhu.Mweya pawakadana kwaAri (Fungwa yakaRatidzwa seShoko),Wakaenda Jorodhani akabhabhatidzwa mumvura.Paakateerera Shoko, Mweya Mutsvene wakauya kwaAri inzwirakati, “Uyu ndiye Mwanakomana waNgu, muMunzwe.” Inzwi

Page 158: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

148 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

harina kuti, “Uyu wava Mwanakomana waNgu,” JesuWAKANGA ARI Mwanakomana. Mweya Mutsvene wakamuisapanzvimbo yaKe soMwanakomana kutangira vamwe vose.Zvino azadzwa kudai (uye nhevedzo imwe chete inowanikwapaPentekosti nariini nariini), Wakapinda musimbarakaratidzwa pachena, achigamuchira chizaruro chizerechaMwari uye kubva kuna Mwari, chenguva iyoyo.

Zvino taramba tichingoti chiratidzo chechokwadichokubhabhatidzwa noMweya Mutsvene ndechokuti mutendiagamuchire Shoko rezera raari kurarama mariri. Regaindikutaridzei zviri pachenachena.

Mazera Manomwe sokuiswa pachena kwaanoitwa munaZvakazarurwa Zvitsauko 2 & 3 anoisa mukati nguva yoseyoKuzadzikiswa kwavaHedheni, kana kuti nguva yose Mwariyaanoshanda namaHedheni kuvapa ruponeso. Muzera rogaroga zvaro, pasina rinosara, shoko rinotaura zvimwe chetezvochaizvo pakuvhura napakuvhara mharidzo kuzera racho.“Nyora kumutumwa wekereke iri pa(Efeso, Smirna, Pergamo,Tiatira, Sardhisi, Firadherfia, Raodhikia) uti; Zvanzi naIye,nezvimwe, nezvimwe. “^Une nzeve, ngaanzwe (mumwe)zvinoreva Mweya kukereke.” Onai pano kuti Jesu(achishandisa Mweya) muzera ROGA ROGA Anotaurakumunhu MUMWE CHETE maererano neShoko renguvaiyoyo. Nhume IMWE chete yezera roga roga ndiyo inowanazvinodiwa kutaurwa noMweya kuzera iroro, uye iyoyoNHUME IMWE ndiyo nhume kukereke yechokwadi. Anotaurapanzvimbo yaMwari achishandisa chizaruro ku“makereke”,ose echokwadi neenhema. Mharidzo inozobva yakushirwakuna vose. Kunyangwe mharidzo yainzwika naavo vaiuyapayaiparidzwa, mharidzo inogamuchirwa neboka rakakodzeraneimwe nzira. Munhu mumwe nomumwe weboka iri ndiyeanokwanisa kunzwa zviri kutaurwa noMweya zvichibvanokunhume. Avo vanonzwa havazi kuwana zvizaruro zvavopachavo vega, nebokavo harizi kuwana chizaruro charoseboka, ASI KUTI MUNHU WOGA WOGA ARI KUNZWANOKUGAMUCHIRA ZVAKATOGAMUCHIRWA KARENENHUME KUBVA KUNA MWARI.

Zvino musafunga kuti izvi zvinoshamisa kuti ndizvozvazviri, nokuti Pauro wakamisa chiero ichi achitungamirirwanoruoko rwaMwari. Pauro chete ndiye wakawana chizarurochakazara chenguva yake sezvinoratidzwa nokutarisanakwake navamwe vaapostora vakabvuma kuti Pauro wakangaari iye Muprofita-Nhume kumaHedheni enguva iyoyo. Zvakareonaivo nokuda kwechitsigiro chaicho muShoko, kuti Pauropaaida kuenda Asia, Mwari wakamurambidza, nokuti makwai(vana vaKe) akanga ari muMakedhonia uye ivo (vanhuveMakedhonia) vaizonzwa zvaida kutaurwa noMweyauchishandisa Pauro, asi vanhu veAsia vasingadi.

Page 159: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESMIRNA 149

Muzera roga roga tine chiero chakanyatsofanana chimwechete ichocho. Ndiko kusaka chichiuya nomunhume yakapiwanaMwari pane imwe nzvimbo, uye kubva kunhume iyoyochiedza chinopararira nomushumiro yavamwe vakawanadzidziso yakatendeka. Asi zviri pachena kuti vose vanobudahavawanzodzidza kuti zvakakodzera sei kutaura izvo CHETEzvakataurwa nenhume. (Rangarirai, kuti Pauro wakayambiravanhu kutaura zvaakataura iye zvega, I vaKorinte 14:37,“Kana munhu achiti ndiri muprofita kana ndiri womweya,ngaatende kuti izvozvo zvandinokunyorerai MURAYIROWASHE. Ko? Shoko raMwari rakabva kwamuri here? kanarakasvika kwamuri moga here?”) Vanowedzera apa, kanakutapudza apo, uye pasina kupera nguva shumiro inengeisisina kukwana, rumutsiriro ruchibva rwangofavo. Tinofanirakungwarira zvakadini kuti tinzwe inzwi RIMWE, nokutiMweya une inzwi rimwe chete rinova inzwi raMwari. Paurowakavayambira kuti vataure zvaakataura, sezvakangoitavoPetro. Wakavayambira kuti KUNYANGWE IYE (PAURO)haakwanisi kushandura shoko rimwe chete pane zvaanengeambopa nechizaruro. O-o, chinhu chinokosha sei kunzwainzwi raMwari nomuromo wenhume dzaKe, tichizotaurazvavakapiwa kuti vataure kumakereke.

Ndinovimba kuti mava kutanga kuzviona zvino. Zvimwekuda mava kukwanisa kunzwisisa zvino kuti nemhaka yeindisingabatiriri kumaPentekosti nevasingatendi zvomweya.Ndinosungirwa kubata paShoko nenzira yarakazarurwa nayo.Zvino handina kupedza zvose. Zvingatoda rimwe bhuku, asinorubatsiro rwaShe tichawana matepi nemharidzo pamusoropenyaya dzose idzi kukubetserai kuti munzwisisenokusunganidza Gwaro rose.

“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke dzezeraroga roga.” Muzera roga roga kunongova kudaidzira kumwechete. Inzwai zvinotaura Mweya. Kana muri maKristu,muchadzokera kune zviri kudzidziswa noMweya, kureva kuti,Shoko rezera rino. Nhume yoga yoga kuzera rogaroga ichaparidza Shoko iroro. Rumutsiriro rutsva rwegarwega rwechokwadi ruchaitika nokuda kwokuti vanhuvadzokera kuShoko rezera ravo. Danidziro yezera roga rogakutuka kunoti, “Makasiya Shoko raMwari. Tendeukai,mudzoke kuShoko.” Kubva kubhuku rokutanga muBhaibheri(Genesisi) kusvikira kune rokugumisira (Zvakazarurwa)kunongova nechikonzero chimwe chete chokusafarakwaMwari _ kusiya Shoko; uye kunongova nomushongamumwe chete wokuti muwanezve kufarirwa zvakare _dzokerai kuShoko.

MuZera reEfeso, uye muzera redu rino, uye muzera rogaroga zvaro ratinofunga nezvaro tichaona kuti zvinhu izvi

Page 160: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

150 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ndezvechokwadi. Uye muzera rokugumisira rinovazera redu rino, tichawana kudzimwa kweShoko, kurambaShoko kwakazara uko kuchazogumira mukutambudzikakukuru.

Kana muri mbeu yechokwadi, kana makabhabhatidzwazvechokwadi noMweya Mutsvene muchakudza Shoko raKepamusoro pezvokudya zvenyu zvakafanira, muchishuvirakurarama neShoko ROGA ROGA rinobuda mumuromomaMwari.

Uyu ndiwo munyengetero wangu womwoyo wose;ngatinzwe zvatiri kuunzirwa noMweya kubva muShoko.

Page 161: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 151

CHITSAUKO CHESHANU

ZERA REKEREKE YEPERGAMO

Zvakazarurwa 2:12-17

Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo uti; ZvanzinaIye Uno munondo unopinza unocheka kwose;

Ndinoziva mabasa ako, paunogara, ndipo pane chigarochovushe chaSatani: wakabatisisa Zita raNgu, ukasarambakutenda kwaNgu, kunyange napamazuva aAntipasi chapupuchangu munhu waNgu wakatendeka, wakavurawa pakatipenyu, apo panogara Satani.

Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokutiuna vamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisaBharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokutivadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe.

Nokudaro una vamwevo vanobatisisa saizvozvo dzidzisoyavaNikoraiti, chinova chinhu chaNdinovenga.

Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvoNdichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondowomuromo waNgu.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke;Unokunda Ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupaibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo,risingazikanwi nomunhu asi naiye unoripiwa.

PERGAMO

Pergamo (zita rakarekare) yakanga yakavakwa muMaisia,mudunhu raidiridzwa nenzizi nhatu, rumwe rwizi rwachondirwo rwaiita kuti vanhu vePergamo vasvike kugungwa varimumvura. Rakatsanangurwa seguta rakanga rakakurumbiranokubudirira kudarika mamwe ose muAsia. Raiva guta raivanoupenyu netsika namagarire avanhu riine imba yamabhukuyaingokundwa chete neyaiva muArekizandiria. Asi raiva gutarokutadza kukuru, rakazvipira kumabira ezvokuita madiropane zvetsvina nokunamata Eskurapiasi, uyo wavainamatamumutumbi wenyoka mhenyu yaichengetwa nokupiwazvokudya mutembere. Guta iri rakanaka rakanga rine jiriraidiridzwa nemvura yaiita zvokuerera, nenzira dzokufambwanoruzhinji nenzvimbo dzokuzorora nokutandara maigara bokadiki ravatendi rakazvipira vakanga vasinganyengerwineyevedzo yokunaka, uye vaivenga kunamata Satanikwakanga kwakazara nzvimbo iyi.

Page 162: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

152 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ZERA

Zera rePergamo rakaita makore angangosvika mazanamatatu, kubva 312 kusvika 606 A.D.

NHUME

Tichishandisa mutemo wedu wakapiwa naMwariwokusarudza nhume kuzera roga roga, kureva kuti,tinosarudza uyo ane shumiro yakanyanyisa kuswedera paneyaPauro, anova iye nhume yokutanga, hatitombozenguririzvedu pakusarudza kwedu Martini saiye nhume kuzerarePergamo. Martini wakaberekwa mugore ra315 munyikainonzi Hangari. Asi, basa roupenyu hwake akariitiramuFuranzi maaishanda sabhishopi muTuwasi nenzvimbodzakatenderedza. Akafa mugore ra399. Mutsvene mukuru uyuwaiva sekuru vomumwe muKristu anoshamisa, anonziMutsvene Patireki wenyika inonzi Ireland.

Martini wakatendeuswa kuva muKristu paakangaachisevenza zvokumuraramisa somusoja. Pakanga paripanguva iyoyi paakanga achiri kushanda somusoja pakaitikashura rakashamisa zvikuru. Zvakanyorwa zvinoti kwaivanerombe rairwara rakanga rakavata mumugwagwa wegutarakanga ratumirwa Martini. Kutonhora kwomwaka wechandokwakanga kwarinyanyira rombe iri nokuti rakanga risinazvipfeko zvakanaka zvinodziya. Hapana wakamboita hanyanaro kusvika Martini paakazopfuuravo noparaiva. Achionanhamo yomunhu uyu, asi iye asina dzimwe nhumbi,wakakumura bhachi rake rapamusoro, ndokuricheka napakatinomunondo wake, ndokuputira munhu uyu wakanga avakuoma nechando. Akaedza kumubetsera napose paaikwanisandokuzobva apfuura zvake kwaaienda. Usiku ihwohwo IsheJesu wakauya kwaari muchiratidzo. Wakanga Akamirapakadaro, serombe, akaputirwa mubande rebhachi raMartiniriya. Akataura kwaari akati, “Nyange zvake Martini, achiriwekatikazi asi aNdipfekedza nhumbi iyi.” Kubva nguva iyizvichienda mberi Martini wakatsvaka kushandira Ishenomwoyo wake wose. Upenyu hwake hwakava muhwezvawamashura airatidza simba raMwari.

Pashure pokubuda muusoja nokuva mutungamiririmukereke, wakatanga kupengera zvokupira zvifananidzo.Wakatema matanda okunamata, nokuputsa zvifananidzonokubvisa maartari ose. Paakavingwa navahedhenikuzomuona pamusana pamabasa ake wakavapikisasezvakangoitavo Eria kuvaprofita vaBhaari. Wakazvipira kutiasungirirwe pamuti ari nechokudivi rawakanga wakarerekerakuti kana waitemwa waizomupwanya kana Mwariaisazopindira kuti ashozhonodze muti wacho kuti uwe

Page 163: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 153

nerimwe divi. Vahedheni ava vakanga vano utsinyevakamusungirira pamuti wakanga wakamera pamawereegomo, vachivimba kuti muti waizowira kwakadererasamasikirwe akaita zvimwe zvose Martini achibvaangopwanywa. Muti uyu pawakanga wava kutowa, Mwariwakaushozhonodza ndokubva wawira kwakakwirira kwacho,zvisina kumbofa zvakatarisirwa kuti zvingaitika pachisikirwechezvinhu. Vahedheni ava vakanga vava kutotiza vakabvavapwanywa nomuti uyu pawakawira pavazhinji vavo.

Vanyori venhoroondo vanobvuma kuti panguvadzakaparadzana dzinodarika nhatu Martini wakamutsa vanhuvakafa pamusana pokutenda muZita raJesu. Pane imwe nguvawakanamatira mucheche wakanga afa. Sezvakaitavo Erisha,akazvitambanudza pamusoro pomucheche akanyengetera.Wakamuka akava mutano. Pane imwezve nguva wakadanwakuti azonunura hama yakanga iri kutotakurwa kutiindourayiwa munguva yokutambudzwa kwavatendi kukuru.Paakazosvika murume uyu wakanga atofa kare. Vakangavamusungirira pamuti. Muviri wake wakanga usisina upenyuuye maziso ake akanga abuda kuti dhe. Asi Martiniwakamudzisa kubva pamuti apa, ndokubva amukapaakamunyengeterera ndokumudzosera kumhuri yake yakavanomufaro mukuru nokupembera nokurumbidza.

Martini haana kumbofa akatya muvengi kunyange zvakeakanga ari ani. Saka wakaenda iye pachake pauzimakundotarisana nomutongi mukuru wakanga akaipisisapamusana pokufa kwavanhu vazhinji vaiva vatsvenevakazadzwa noMweya. Mutongi mukuru uyu akarambakumuona, saka Martini wakaenda kundoona shamwariyomutongi uyu, ainzi Dhamasasi, aiva bhishopi weRoma aivanomwoyo wakaoma chose. Asi bhishopi uyu, sezvo aingovamuKristu wapamuromo chete wembeu yomuzambiringawenhema wakaramba kupindira kuti abetsere. Martiniwakadzokera kumuzinda, asi panguva iyi magedhe akangaatokiyiwa uye havana kuda kumubvumidza kupinda.Wakawira pamberi paMwari akaisa chiso pasi akanyengeterakuti akwanise kupinda mumuzinda uyu. Wakanzwa inzwirichimuti asimuke. Paakasimuka, wakaona magedheachizaruka ega. Wakafamba achipinda muruvazhe, asimutongi uyu wakanga ane nharo chaizvo wakarambakucheuka kuti ataure naye. Martini wakanyengetera zvakare.Pakarepo mwoto wakatanga pachigaro choushe ndokubvamutongi uyu wakanga asina mufaro abvapo nokukurumidza.Zvirokwazvo Ishe anoninipisa vanozvida achikwidziridzavanomhurwa.

Martini wakanga ane shungu nomwoyo wose nokuzvipiramukushandira Ishe zvokuti satanivo wakamutswavo chaizvo.Vavengi vechokwadi vakatenga mhondi kuti dziuraye Martini.

Page 164: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

154 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Vakauya kumusha kwake vachiita zvokunyangira pavakangavava kuda kumuuraya, ndipo paakasimuka kuti tswasa akapamutsipa wake kumunondo. Pavakamukwakukira, simbaraMwari rakavakandira kumashure kuno rumwe rutivirwemba. Hupo hutsvene nokutyisa kwakavaremeranokuvakunda zvokuti vakakambaira namabvi namaokovakakumbira kanganwiro yokuedza kwavo kumuuraya.

Kazhinjizhinji kana vanhu vachinge vashandiswa naShezviri pachena zvinoonekwa nani nani vanobva vatutumadzwanokuzvida. Asi izvi handizvo zvakanga zvakaita Martini.Wakangoramba zvake ari muranda waMwari waizvininipisa.Umwe usiku paakanga achigadzirira kuenda papurupiti,rombe rakauya muimba yake yokuverengera akamukumbirazvipfeko. Martini wakataurira rombe iri kuti rione mudhikoniwake mukuru. Mudhikoni uyu wakanga achizvikudzawakamurayira kuti abvepo. Rombe iri rakabva rangodzokerakuna Martini. Martini wakasimuka ndokupa rombe iri nhumbiyake iye yakanga yakanaka kwazvo yaakanga akapfeka,ndokurayira mudhikoni kuti amuunzire imwe nhumbi yakangaisina kunaka seyaakapa rombe. Usiku ihwohwo Martinipaakanga achiparidza Shoko, makwai aMwari akaonakuhwinya kunyoro kwechiedza kwakamutenderedza.

Zvirokwazvo uyu wakanga ari munhu mukurukuru, nhumeyechokwadi kuzera iroro. Somunhu asina kumbofa akadachimwe chinhu kusiya kwokufadza Mwari Martini wakararamaupenyu hwakaereswa. Haainyengetedzwa kuparidza kusvikiraambotanga anyengetera nokupinda muhupo hwomweyahwokuziva nokupa kurayira kuzere kwaMwari noMweyaMutsvene wakatumwa kubva kudenga. Kazhinji airega vanhuvachimumirira achinyengeterera tsigiro izere.

Kuziva pamusoro paMartini neshumiro yake huruhurukungaita kuti munhu afunge kuti kutambudzwa kwavatsvenekwakanga kwaderera. Izvi handizvoba. Vakanga vachirikungoparadzwa naSatani achishandisa vanhu vakashata.Vakapiswa mumavivi. Vakaroverwa nezvipikiri pamatandavakataridzwa pasi vachizoregedzerwa imbwamupengo kutidzivabvarure-bvarure, nyama dzavo namatumbu avo,dzichivasiya kuti vafe varwadziwa zvikuru. Vachechevaibvarurwa kubva mumimba dzamadzimai akazvitakuravachiita zvokuchekwa vachikandirwa kunguruve. Mazamuavakadzi aichekwa achibviswa, uye vaimanikidzwa kumiravakati twi-i mwoyo yavo ichirova ropa richibuda kusvikiravapunzikira pasi vachifa. Dambudziko iri rakanga rakakurakupinda izvi kana munhu akazvifunga nokuyeuka kuti irirakanga risiri basa ramahedheni chete, kazhinji kachomatambudziko ose awa aiunzwa naivo vacho vaizviti maKristuvaifunga kuti vakanga vachitoitira Mwari basa nokuparadzamasoja omuchinjikwa awa akatendeka uye vakanga

Page 165: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 155

vakamirira Shoko nokuteerera Mweya Mutsvene. Johane 16:2inoti, “Vachakubudisai mumasinagoge; asi, nguva inosvika,mumwe nomumwe wakakuurayai uchati unobatira Mwaribasa.” Mateo 24:9 inoti, “Zvino vachakuisai mumadambudziko,vachakuurayai; muchavengwa namarudzi ose nokuda kweZitaraNgu.”

Nokuda kwezviratidzo namashura, uye nokuda kwesimbaroMweya, Martini wakaratidzwa nokutsigirwa kuva iye nhumekuzera irori. Asi hakuzi kuti chete akanga apiwa chipocheshumiro huruhuru, asi kutotivo iye pachake akangaakatendeka kuShoko raMwari nariini. Wakarwisa zvokuumbasangano. Wakapikisa chivi munzvimbo dzakakwirira. Wakavamunhu airwira chokwadi pakutaura kwake namabasa ake uyewakararama upenyu hwakazara hwokukunda muna Kristu.

Munyori wezvoupenyu hwavanhu wakanyora pamusoropaMartini achiti. “Hapana munhu wakambomuonaakatsamwa, kana kukanganisika, kana kurwadzikanapamwoyo, kana kuseka. Waingogara achingova zvimwechetezvo, achiratidzika kunge asiri munhu chaiye anofa,waingogara achionekera pachiso chake kuva ano mufarowokudenga. Hapana chimwe chinhu chaakambofa akataurapamusoro pacho kusiya kwaKristu chete, haana kumbovanechimwe chinhu mumwoyo make kusiya kwoururami chete,norugare nengoni. Wakachema kazhinji achichemera zvivikana zvaavo vaitaura zvakaipa pamusoro pake, vaiti kanazvake akanyarara kana asipo vaimukuvadza nemiromo yavoyakaita senyoka nendimi dzavo dzaiva nechepfu. Vazhinjivaimuvengera kururama kwake kwavakanga vasina ivo uyekwavakanga vasingagoni kutevedzera; asi veduwe-e imi!vanhu vainyanyisisa kurwisana naye vakanga varimabhishopi.”

KWAZISO

Zvakazarurwa 2:12b inoti, “Zvanzi naIye Uno munondounopinza unocheka kwose.”

Mharidzo yokuzera rekereke retatu yava kuda kuuya.Chikamu chetatu chomutambo uyu uri kubhedhenukapamusoro pa“Kristu achifamba pakati pekereke yaKe” chavakuda kuzarurwa zvino. Nenzwi serehwamanda, Mweya unopaUyo asina Wakaenzana naye, “Iye Uno munondo unopinzaunocheka kwose!” Kuonekwa uku kwakasiyana zvakadininokwenguva iya Pirato yaakaratidza Gwayana raMwari,akapfekedzwa hanzu dzokumuseka dzakangadzakatsvukuruka, arohwa nokuiswa korona yeminzwa, achiti,“Onai Mambo wenyu!” Iko zvino, wamira akapfeka hanzudzoumambo akaisa korona yokuhwinya mumusoro ari Isheakamuka kuvakafa, ‘Kristu, simba raMwari’.

Page 166: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

156 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Mumashoko awa anoti, ‘Iye Uno munondo unopinzaunocheka kwose’ munowanikwa chimwe chizarurochoUmwari. Muzera reEfeso, mucharangarira kuti, Wakaiswapachena saMwari Asingashanduki. Muzera reSmirnatakaMuona ari Mwari MUMWE WECHOKWADI uye kunzekwaKe hakuna mumwe. Zvino muZera rePergamo munechimwe chizaruro chawedzerwa pamusoro poUmwari hwaKe,izvi zvinoiswa pachena nokubatanidzwa kwaKe nomunondounopinza unocheka kwose, rinova Shoko raMwari. VaHebheru4:12 inoti “Nokuti Shoko raMwari ibenyu, rine simba,rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri,rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya,namafundo nomwongo, rinotonga mifungo nendangarirodzomwoyo.” VaEfeso 6:17 inoti “Torai munondo woMweya iroShoko raMwari.” Zvakazarurwa 19:13 na15a inoti, “Wakangaakapfeka nguvo yakanyikwa muropa: Zita raKe rinonzi ShokoraMwari. Mumuromo maKe makabuda munondo unopinza.”Johane 1:1-3 inoti, “Pakutaga Shoko rakanga riripo, Shokorakanga riri kuna Mwari Shoko rakanga riri Mwari. Ireri(Shoko) pakutanga rakanga riri kuna Mwari. Zvinhu zvosezvakaitwa naYe, kunze kwaKe hakuna kuitwa kunyangechinhu chimwe chakaitwa.” I Johane 5:7 inoti, “Nokuti kunezvitatu zvinopupura zvinoti: Baba, neShoko, noMweyaMutsvene, zvitatu izvi zvinopupura chinhu CHIMWE.”

Zvino tinokwanisa kuona kubatana kwaKe neShoko.NDIYE SHOKO. Ndizvo zvaAri. SHOKO NDIRO ZITA RAKE.

Muna Johane 1:1 umo munonzi “Pakutanga Shoko rakangariripo,” mudzi watinowana dudziro yenzwi rinoti ‘Shoko’nderimwe shoko rinonzi ‘Logos’ rinoreva ‘pfungwa kana kutizviri mumusoro.’ Rinoreva zvinhu zviviri zvinoti ‘pfungwa’ uye‘zvinotaurwa’. Zvino ‘fungwa yataurwa’ ndiro ‘shoko’, ‘kanamashoko’. Zvinoshamisa zvakadini izvi? Johane anoti pfungwayaMwari yakaratidzwa muna Jesu. Paurovo anotaura zvimwechetevo chaizvo muna VaHebheru 1:1-3 inoti, “Mwari,Wakataura kare kuna madzibaba muvaprofita nemigovemizhinji vuye nemitovo mizhinji, zvino pakupedzisirakwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana (Logos)waKe, WaAkaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waAkaitavonaYe nyika; Iye chadzera chokuhwinya kwaKe,nomufananidzo waKe chaIye, unochengeta zvinhu zvosenenzwi resimba raKe, Wakati Apedzisa kunatswa kwezvivi,akagara kurudyi rwoVumambo kudenga.” Mwariwakaratidzwa mukuva munhu kwaJesu Kristu. Jesu akangaari Mufananidzo Chaiwo waMwari. Zvakare muna Johane 1:14munonzi, “Shoko rakazova nyama rikagara pakati pedu.”Mwari zvaari chaizvo zvakaitwa nyama zvikagara pakati pedu.Mukurukuru Mweya-Mwari Asingagoni kusvikirwa nani nanizvake munhu, uyo Asina munhu akambofa akaona kana

Page 167: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 157

kutarisa zvino wakanga ava mutabhernakeri yenyamaachigara pakati pavanhu, achiratidza kukwana kwaMwarikuvanhu. Johane 1:18 inoti, “Hakuno munhu wakatongoonaMwari; Mwari wakaberekwa ari mumwe woga, Uri pachifuvachaBaba, ndiYe wakaMuzivisa isu.” Mwari, Uyo pane dzimwenguva wairatidza kuvapo kwaKe achishandisa gore kanashongwe yomwoto, waikonzera kutya mumwoyo yavanhu;Mwari iyeyu, ane zvaAri pamwoyo pake zvaingoratidzwa chetenechizaruro chamashoko aitaurwa navaprofita, wakavaEmanuweri (Mwari unesu) achizvizivisa pachaKe. Shokorokuti, ‘kuzivisa,’ rinobva mumudzi weshoko rechiGirikiratinowanzodudzira kazhinji setsananguro, zvichirevakutsanangura zvakadzama zvinoisa pachenachena. Izvi ndizvochaizvo zvakaitwa, neSHOKO Benyu, Jesu. Akaunza Mwarikwatiri, nokuti Iye akanga ari Mwari. Akaisa Mwari pachenazvakakwana nokujeka zvokuti Johane akakwanisa kutipamusoro paKe muna I Johane 1:1-3 “Izvo Zvakanga zviripokubva pakutanga, Zvatakanzwa, (Logos kureva zvinotaurwa)Zvatakaona nameso edu, Zvatakatarisa, nezvatakabatanamaoko edu zveShoko roUpenyu; (nokuti Upenyuhwakaratidzwa, tikahwuona, tinopupura, nokukuparidziraiUpenyu Hwusingaperi, Hwakanga hwuri kuna Baba,hwukaratidzwa kwatiri;) Izvo zvatakavona nezvatakanzwandizvo zvatinokuparidziraivo, kuti nemivo muyanane nesu:kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana waKe JesuKristu.” Mwari paakazarurwa zvechokwadi, Akaratidzwamunyama. “Uyo waona Ini waona Baba.”

Zvino kuna VaHebheru 1:1-3 kwatabva tamboti Jesuwakanga ari mufananidzo chaiwo waMwari. Wakanga ariMwari ari kuzviratidza iye pachaKe mumunhu kumunhu. Asipane chimwezve chinhu chokucherechedza mundima idzi,kunyanya ndima yokutanga neyechipiri. “Mwari Wakataurakare kuna madzibaba kuvaprofita nemigove mizhinji uyenemitovo mizhinji, zvino pakupedzisira kwamazuva anowakataura kwatiri muMwanakomana waKe.” Ndinoda kutimucherechedze mumajeni meBhaibheri muchaona kuti munezvimwe zvakagadziridzwa. Shoko rokuti, ‘na’ haiziyo dudzirokwayo. Zvinofanira kunzi ‘Mu’. Kwete, ‘na’. Ndiko kutizvigozoverengwa zvichinzi, “Mwari wakataura karekumadzibaba MUvaprofita achishandisa Shoko”. I Samueri3:21b inoti, “Nokuti Jehovha wakaZviratidza kuna SamueripaShiro neShoko raJehovha.” Izvi zvinobudisa I Johane 5:7zvakakwana kuti, “Mweya neShoko chinhu CHIMWE.” Jesuakaratidza Baba. Shoko rakaratidza Baba. Jesu waiva ShokoBenyu. Mwari ngaArumbidzwe, nhasi Achiri Shoko Benyuiroro.

Jesu paakanga ari panyika Akati, “Hautendi here kutiNdiri muna Baba, naBaba vari maNdiri? Mashoko aNdinoreva

Page 168: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

158 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kwamuri, haNdiarevi pachaNgu; asi Baba vanogara maNdiri.Ndivo vanoita mabasa avo.” Johane 14:10. Hezvino panozvakaiswa pachenachena kuti kuratidzwa kwakakwanakwaMwari muMwanakomana kwakaitwa noMweya waigaramaari uchizviratidza muShoko namabasa. Ndizvo chaizvozvatanga tichidzidzisa nguva yose iyi. Apo pachadzokamwenga kuva mwenga weShoko, uchabereka mabasa akaitwanaJesu. Shoko ndiMwari. Mweya ndiMwari. Zvose chinhuCHIMWE. Hapana chimwe chazvo chinogona kushanda kanachimwe pasina. Kana munhu ano Mweya waMwaripachokwadi, anenge ane Shoko raMwari. Ndizvo zvazvakangazvakaita navaprofita. Vaiva noMweya waMwari waigaramavari Shoko ndokuuya kwavari. Ndizvo zvazvakangazvakaita kuna Jesu. MaAri makanga muno Mweya usinamwero Shoko ndokuuya kwaAri. (Jesu akatanga kuita zvinhuzviviri izvi nguva imwe chete zvinoti kuita uye KUDZIDZISA.Dzidziso yangu haizi yaNgu, asi yaBaba VakaNdituma.Mabasa avaapostora 1:1; Johane 7:16.)

Rangarirai zvino, Johane Mubhabhatidzi wakanga arizvinhu zviviri zvinoti muprofita uye nhume yenguva yake.Wakanga akazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumburamai vake. Paakanga achibhabhatidza muJordhani ShokoraMwari (Jesu) rakauya kwaari. Nguva dzose Shoko rinouyakuno uyo wakazadzwa noMweya pachokwadi. Ndichochiratidzo chokuzadzwa noMweya Mutsvene. Ndichochakataurwa naJesu kuti ndicho chichava chiratidzo. Akati,“Ndichakumbira Baba Vagokutumirai mumwe MunyaradziAgogara nemi nokusingaperi. Iwo Mweya wazvokwadi, Uyonyika isingazogamuchiri.” Zvino tava kuziva kuti Chokwadichii. “Shoko reNyu iZvokwadi.” Johane 17:17b. Zvakare munaJohane 8:43 munonzi, “Hamunzwisisi seiko kutaura kwaNgu?nokuti hamugoni kunzwa Shoko raNgu.” Maona here kuti Jesuakati nyika hayaizokwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene?Zvakanaka, mundima ino yandichangobva kuverenga,havaizokwanisavo kugamuchira Shoko. Nemhaka yei? NokutiMweya neShoko chinhu chimwe chete, uye kana muine MweyaMutsvene savaprofita, Shoko raizouya kwamuri.Maizorigamuchira. Muna Johane 14:26 munonzi, “AsiMunyaradzi, Unova Mweya Mutsvene, Uchatumwa naBabamuzita raNgu, Iye UCHAKUDZIDZISAI zvose,nokukuyeudzirai zvose, zvaNdakareva kwamuri.” Panozvakare tinowana Shoko richiuya nokuda kwoMweyawaMwari. Zvakare muna Johane 16:13 munonzi “Asi kanaasvika Iye Mweya waZvokwadi (Shoko) Uchakutungamiriraimuzvokwadi yose, (Shoko reNyu izvokwadi), nokutihaAngatauri zvaKe: asi zvaAkanzwa (Shoko raMwari) ndizvozvaAchataura (Shoko) uye Uchakuparidzirai zvichauya.”(Mweya uchiunza Shoko roKuprofita). Ndinoda kutimucherechedze kuti Jesu haana kuti chiratidzo

Page 169: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 159

chokubhabhatidzwa noMweya Mutsvene kutaura nendimi,kana kududzira ndimi, kana kuprofita, kana kuridza mherenokutamba. Wakati chiratidzo chaizova chokuvamuZVOKWADI; kuva muShoko raMwari rezera renyu.Chiratidzo chiri pakugamuchira Shoko iroro.

Muna I VaKorinte 14:37 munonzi, “Kana munhu achitindiri muprofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvozvandinokunyorerai murayiro waShe.” Zvino onai izvozvo.Chiratidzo choMweya unogara mukati kwaiva kutendanokuTEVERA zvakapiwa nomuprofita waMwari muzera rakepaanenge achimisa kereke mugwara. Pauro akasungirwa kutiataurire avo vaiti kune chimwe chizaruro, (ndima 36) “Ko,Shoko raMwari rakabva kwamuri here? kana rakasvikakwamuri moga here?” Chiratidzo chomutendi wechiKristuakazadzwa noMweya hakusi kubereka chokwadi (Shoko), asikugamuchira chokwadi (Shoko), uye kuritenda nokuriteerera.

Macherechedza here muna Zvakazarurwa 22:17 kutizvinonzi “Mweya nomwenga vanoti, Uya, _ Naiye unonzwangaati, Uya.” Maona, mwenga unotaura Shoko rimwe cheterorinotaurwa noMweya. Mwenga weShoko uri kuratidza kutiuno Mweya. Muzera rekereke roga roga tinonzwa mashokoawa anoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”Mweya ndiwo unopa Shoko. Kana uno Mweya uchanzwaShoko rezera rako, sezvakangoitavo vaya maKristu vakatoraShoko rezera ravovo.

Maibata here fungwa iyi yandapedzisira kutaura?Ndinodzokorora, zera roga roga rekereke rinogumisiraneyambiro imwe chete. “Une nzeve, ngaanzwe (munhu mumwechete) zvinoreva Mweya kukereke.” Mweya ndiwo unopaShoko. Ndiwo une chokwadi chezera roga roga. Zera roga rogarakava navasanangurwa varo, uye boka ravasanangurwanguva dzose ‘vakanzwa shoko,’ nokurigamuchira, ndokungevane Mbeu mavari. Johane 8:47 inoti, “Uri waMwari unonzwaMashoko aMwari. Imi hamunzwi nemhaka iyi, nokutihamuzati muri vaMwari.” Vakaramba Shoko (Jesu)naMashoko aKe enguva yavo, asi mbeu yechokwadiyakagamuchira Shoko nokuti vakanga vari vaMwari.Muprofita Isaya 54:13 inoti. “Vana Vako VOSE vachadzidziswanaJehovha.” (Mweya Mutsvene). Jesu akataura zvimwechetezvo muna Johane 6:45. Kuva MUMWE NESHOKOzvinoratidza kuti uri waMwari here uye kuti wakazadzwanoMweya here. Hakuna chimwe chipimo.

Asi chii chinonzi ndimi nokududzira ndimi nezvimwezvipo? Zvinhu zvinoonekwa kana kuratidzwa. Ndizvozvinodzidziswa neShoko. Zviverengei muna I VaKorinte 12:7inoti, “Asi mumwe nomumwe unopiwa KURATIDZWAkwoMweya kuti vose vabatsirwe.” Pauro anozodomazviratidzo izvi.

Page 170: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

160 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino kwouya muvhunzo uyu wakanakisa wandinozivakuti muri kudisisa kuvhunza. Nemhaka yei kuratidzwakwesimba chisiri chiratidzo chokubhabhatidzwa noMweyaMutsvene, nokuti zvirokwazvo ungaratidza Mweya Mutsvenesei kusiya kwokutoti wakazadzwa noMweya zvirokwazvo?Zvino ndinoshuva kuti dai ndaikwanisa kubvuma kuti izvindizvo, nokuti handidi kurwadzisa vanhu kana kuderedzadzidziso yavo; asi handingavi muranda wechokwadi waMwarikana ndikarega kukutaurirai dzidziso yose yaMwari. Ndizvochaizvo, handiti? Ngatimbotarira zvishoma pana Bharami.Wakanga ari munhu wainamata Mwari, waishumira Mwari.Wainzwisisa nzira kwayo yokupa chibayiro nokusvika kunaMwari, asi wakanga asiri muprofita weMbeu yeChokwadinokuti wakatora mubayiro wokusarurama, chakangachakanyanya kuipisisa paari ndechokuti wakatungamiriravanhu vaMwari muzvivi zvoufeve nokunamata zvifananidzo.Asi nyangwe zvakadaro hazvo ndiani angatsunga kurambakuti Mweya waMwari wakazviratidza nomaari mune chimwechikamu chechiprofita chakananga zvati zvamboonekwanenyika? Asi haana kumbofa akava noMweya Mutsvene. Sakazvino, munofungei naKayafasi, muprista mukuru? Bhaibheririnoti wakaprofita firo yakanga ichizowira Ishe. Tose tinozivakuti hapana chakambonyorwa pamusoro pokuva kwakemunhu wakazadzwa noMweya nokutungamirirwa noMweyasomudikani musharuka Simiyoni kana uya mutsvene aifarirwanavose kuva naye ainzi Ana. Asi wakanga ano kuratidzwakwoMweya Mutsvene kusiri kwokuganhira nokunyepera.Hatigoni kuzviramba izvi. Zvino kuratidzwa kwesimba kuripapi sechiero? Hakuna zvakadaro. Kana wakazadzwanoMweya waMwari zvechokwadi unowana chiratidzocheSHOKO muupenyu hwako.

Regai ndikuratidzei kuti izvi zvinobata pamwoyo panguzvakadini uye kuti chokwadi ichi ndinochinzwisisa nokudakwechizaruro chandakapiwa naMwari. Zvino ndisatindakutaurirai chizaruro chacho, ndinoda kumbotangandataura izvi. Vazhinji venyu vanotenda kuti ndiri muprofita.Handisi kureva kuti ndiri muprofita. Ndimi makazvitaura. Asitose ini nemi tinoziva kuti zviratidzo zvandinopiwa naMwariHAZVIZOMBOFA ZVAKAKUNDIKANA. KANA KAMWECHETE ZVAKO. Kana mumwe wenyu achikwanisa kuratidzakuti pane chiratidzo chakambokundikana ndinoda kuzivapamusoro pacho. Zvino sezvo manditevera kusvika panopatava, horwuno rungano rwangu.

Makore mazhinji apfuura pandakatanga kuona vanhuvechiPentekosti, ndakanga ndiri muno mumwe wemisanganowavo waiitirwa mumisasa apo pakanga pano kuratidzwakwakawanda kwendimi, nokududzirwa kwendimi,nokuprofita. Paiva navaparidzi vaviri vainyanya kuita

Page 171: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 161

zvokutaura nendimi izvi kudarika dzimwe hama dzavo.Ndakanakidzwa zvikurukuru nemharidzo dzavo uyezvirokwazvo ndakada kuziva pamusoro pokuratidzwakwakasiyana-siyana, nokuti zvairatidzika sokunge zvaivazvinhu chaizvo zvaitoitika pachokwadi zvichionekwa.Ndakadisisa nomwoyo wose kuti ndidzidze zvosezvandaikwanisa pamusoro pezvipo izvi, saka ndakafungakutaurirana navaya varume vaviri pamusoro pazvo.Ndichishandisa chipo chaMwari chinogara mandiri,ndakatsvaka kuziva mweya wakanga uri mumurumewokutanga, kuti zvirokwazvo wakanga uri waMwari here kanakuti kwete. Pashure pehurukuro fupi nehama iyi yaiva munhuanofadza kuva naye, munhu anozvininipisa, ndakaziva kutiwaiva muKristu chaiye, wakasimba. Wakanga ariwechokwadi. Mumwe wacho murume wechidiki wakangaasina kana paakambofanana nowokutanga. Wakanga azerenokuzvitutumadza nokuzvida, uye pandakanga ndichitauranaye chiratidzo chakapfuura napameso angu ndikaona kutiwakanga akaroora mukadzi ane vhudzi jena asi wakangaachiita mapoto nomumwe mukadzi waiva nevhudzi demawaakanga atoita vana vaviri naye. Kana pakambovanomunyengeri, murume uyu waiva mumwe wacho.

Zvino chiregai ndikutaurirei, ndakavhunduswa. Kondaigosaivhunduswa sei? Pakanga pana varume vaviri, vaitimumwe mutendi wechokwadi mumwe ari mutadziaitevedzera. ASI VOSE VARI VAVIRI VAIRATIDZA ZVIPOZVOMWEYA MUTSVENE. Ndakatambudzika pamwoyozvikuru nezvaiitika izvi. Ndakabva pamusangano uyu kutinditsvake mhinduro yaMwari. Ndakaenda ndega kunzvimboyandaiziva ini ndega uye ipapo neBhaibheri rangundakanyengetera ndikamirira mhinduro yaMwari. Sezvondakanga ndisingazivi kuti ndoverenga papi muGwarondakangovhuravo zvangu Bhaibheri rangu pane imwevonzvimbo muna Mateo. Ndakaverenga kwechinguva ndokubvandatsveta Bhaibheri pasi. Nechinguvana mhepo yakavhuvhutaichipinda mandaiva ndokubhedhenura Bhaibheri panavaHebheru, chitsauko chetanhatu. Ndakaverenga chitsaukochose kupedza ndikabatikana chaizvo nendima idzodzodzinoshamisa, vaHebheru 6:4-9 inoti, “Nokuti kana vari ivovakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga,vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira Shoko rakanakaraMwari, namasimba enyika inovuya, kana vakazotsauka,hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendeuke: nokutivanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa,vachiMunyadzisa pachena. Nokuti nyika iyo inoti kana yanwamvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka mirivoyakafaniravo avo vainorimirwa, ndiyo inoropafadzwanaMwari: asi kana ikabereka minzwa norukato inorashwa,yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa. Asi

Page 172: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

162 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vadikanwa kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvopamusoro penyu zvinhu zvinopfuura nokunaka, zvinoisakukuponeswa.”

Ndakavhara Bhaibheri, ndokuritsveta pasi, ndokufungazvakadzika kwechinguva ndokunamata zvakare.Ndakangoramba ndisina mhinduro. NdakabhedhenurazveBhaibheri ndisina chandakanga ndakananga asi handinakuriverenga. Pakarepo mhepo yakavhuvhutazve ichipindamandaiva, mapeji akabhedhenuka zvakare pana vaHebheru 6ndokuramba pakavhurika mhepo payakamira kuvhuvhuta.Ndakadzokorora kuverenga ndima dziya zvakare,pandakaverenga, Mweya Mutsvene wakabva wapindamandaiva ndikaona chiratidzo. Muchiratidzo umu maivanomurume wakanga akapfeka zvipfeko zvakachena kutimbembe kudarika kumwe kuchena kwose murume uyuwakapinda mumunda wanga uchangobva kubayiwa negejondokukusha zviyo. Rakanga riri zuva rakachena risinakutibikira namakore, kukusha uku kwakaitwa arimangwanani. Asi pakati pousiku mukushi wezvipfekozvichena aenda, murume wakanga akapfeka zvitema wakauyachivande ndokukusha imwezve mbeu pakanga pambokushwanouya wezvipfeko zvichena. Mazuva akapindana _ ivhurakaropafadzwa nezuva nemvura; ndokuzobva mumwe musimbeu yamera. Yakanga yakanaka kwazvo. Asi zuva rakateveramasawi akameravo.

Masawi nezviyo zvakakura pamwe chete. Zvakadya kudyakumwe chete kubva muvhu rimwe chete. Zvakamwa muzuvanemvura imwe chete.

Zvino rimwe zuva denga rakashanduka rikatsvukurukanokupisa kwakwaiita, mbeu dzakatanga kukotama nokufa.Ndakanzwa zviyo zvichisimudza misoro yazvo kuchemeramvura kuna Mwari. Masawivo akadanidziravo namanzwi awoachidemba mvura. Denga rakabva rasviba mvura ndokunaya,zvakare zviyo, izvo zvakanga zvasimba zvino zvakadanidziranamanzwi azvo zvichiti, “Mwari ngaArumbidzwe.” Zvinochakandikatyamadza ndechokuti ndakanzwa masawivoakanga amukavo ava kutarisavo kudenga achiti, “Hareruya!”.

Apa ndipo pandakaziva chokwadi pamusoro pomusanganowapamusasa nechiratidzo. Mufananidzo woMukushi neMbeu,chitsauko chetanhatu chavaHebheru, uye kuratidzwa kuripachena kwezvipo zvoMweya muvanhu vakasangana _ zvosezvakabva zvandijekera chaizvo. Mukushi wezvichena wakangaari Ishe. Mukushi wezvitema wakanga ari satani. Nyika ndiyoyakanga iri munda. Mbeu vakanga vari vanhu, vasanangurwanavakarashwa naMwari. Vose vakadya kudya kumwe chete,mvura nezuva. Vose vakanyengetera. Vose vakawana betserokubva kuna Mwari, nokuti Anoita kuti zuva raKe nemvurayake zviwire pana vose vakashata novakanaka. Nyangwe

Page 173: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 163

zvazvo vose vakawana ropafadzo inoshamisa imwe chete uyevose vakawana kuratidzwa kunoshamisa kumwe chete,PAKANGA PACHINGOVA NESIYANO IYOYO IMWECHETE HURU, VAKABVA PAMBEU DZAKASIYANA.

Pano tinowanavo mhinduro yaMateo 7:21-23 inoti “Havazivose vanoti kwaNdiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushehwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba Vangu Vari kudenga.Vazhinji vachati kwaNdiri nezuva iro, Ishe, Ishe, hatinakuprofita muZita reNyu here? nokudzinga mweya yakaipamuZita reNyu here? nokuita mabasa esimba muZita reNyuhere? Zvino Ndichavaudza pachena, Handina kutongokuzivai:ibvai kwaNdiri, imi vaiti vokusarurama.” Jesu haarambi kutivakaita mabasa makuru anongogona kuitwa noMweyaMutsvene chete uchishandisa vanhu. Asi Wakaramba kutiakambovaziva. Ava vakanga vasiri vanhu vakadzokera shure.Vakanga vari vanhu vakashata, vasina kana kumboberekwapatsva pamweya, vanhu vakarashwa. Ava yakanga iri mbeuyaSatani.

Saka hezvo. HAMUNGAMBOTI kuratidzwa ndicho chierochokuberekwa noMweya, kana kuzadzwa noMweya. Kwetechangamire. Ndinobvuma kuti kuratidzwa kwechokwadichiratidzo choMweya Mutsvene uchiita mabasa makuru, asiHACHIZI chiratidzo chokuti munhu wakazadzwa noMweya,nyangwe zvazvo munhu iyeye ano kuratidzwa kunopfachukira.

Chiratidzo chokugamuchira Mweya Mutsvene nhasichakangofanana nezvazvakanga zvakangoita mumazuva aShekareko. Uku ndiko kugamuchira Shoko rechokwadi renguvayauri kurarama. Jesu haana kumbofa akasimbaradza kukoshakwaMabasa sezvaAkaita Shoko. Waiziva kuti kana vanhuvakawana SHOKO mabasa aizotevera. Izvi ndizvo zvinotauraBhaibheri.

Zvino Jesu waiziva kuti kwaizova nokutsauka kunotyisakubva muShoko muZera rePergamo iro rakanga richiri mberinamazana maviri amakore kubva pachiratidzo chePatmosi.Waiziva kuti kutsauka uku kwaizopinda muMazera eRima.Waiziva kuti nzira yakatanga nayo munhu kubva pana Mwarikwaiva kusiya Shoko. Kana ukasiya Shoko, unenge wasiyaMwari. Saka Ari kuZvipa kukereke paPergamo, kurevazvechokwadi kuti kumakereke ose amazera ose achiti, “NdiniShoko. Saka kana muchida Mwari pakati penyu, munofanirakufarira nokugamuchira Shoko. Musazombofa makabvumiramumwe munhu kana chimwe chinhu kupinda pakati penyuneShoko iroro. Ichi chaNdiri kukupai (Shoko) chizaruropamusoro paNgu. NDINI SHOKO. Rangarirai izvi!”

Handizivi kuti tinogutswa here zvakakwana neShoko riripakati pedu. Regai ndikupei imwe fungwa pano.Tinonyengetera sei? Tinonyengetera muZita raJesu handiti?

Page 174: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

164 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Munyengetero woga woga uri muZita raKe kana kuti hapanamhinduro. Asi muna I Johane 5:14 tinotaurirwa kuti, “Ndikokusatya kwatinako kwaAri kuti kana tichikumbira chinhunokuda kwaKe, Unotinzwa; zvino kana tichiziva kutiUnotinzwa, pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwamikumbiro yatakumbira kwaAri.” Zvino tinovhunza kuti,“Kuda kwaMwari chii?” Pane NZIRA IMWE chete yokuzivakuda kwaKe izvi zvinoitwa nokuda kweSHOKO RAMWARI.Mariro aJeremia 3:37 inoti, “Ndianiko ungataura, zvikaitikakana Ishe asingazvirairi?” Hezvo. Kana zvisiri muShokohamukwanisi kuva nazvo. Saka hatikwanisi kuzvikumbirakana zvisiri muShoko, uye hatigoni kudembetera kanakukumbira asi chete kana zviri muZita raKe. Hezvo zvakare.JESU (Zita) ndiye SHOKO (kuda). Hamukwanisi kupatsanuraMwari neShoko. Chinhu CHIMWE chete.

Zvino, Shoko iri raAkasiya rakanyorwa papeji yebhukuchikamu chaKe kana warigamuchira nokutenda muupenyuhwakazadzwa noMweya. Wakataura kuti Shoko raKe ndihwoupenyu. Johane 6:63b. Asi izvi ndizvo chaizvoizvo zvaArizvizere: Johane 14:6 inoti, “Ndini Nzira, neZvokwadinoUpenyu.” VaRoma 8:9b inoti “Asi kana munhu asino MweyawaKristu haazi waKe.” Hezvo, Ndiye Mweya uye NdiyeUpenyu. Ndizvo chaizvoizvo zvariri Shoko; ndizvo chaizvoizvozvaari Jesu. Ndiye Shoko. Saka kana munhu wakaberekwanoMweya, akazadzwa noMweya achitora Shoko iroronokutenda kuisa mumwoyo make nokuriisa pamuromo wake,zvinobva zvafanana naMwari ari kutaura. Gomo roga rogarinofanira kubva. Satani haakwanisi kumira pamberipomunhu iyeye.

Dai kereke, kareko muzera iroro retatu yakangobatirirakuchizaruro cheShoko benyu raiva pakati pavo, simbaraMwari ringadai risina kumbobhuruvara sezvarakaitamuMazera eRima iwawo. Zvino nhasi uno chaiye, kerekepainodzokera kuShoko mukutenda, tinokwanisa kutaurapasina kana kukahadzika kuti kuhwinya kwaMwari namabasaanoshamisa aMwari achava pakati payo zvakare.

Humwe usiku pandakanga ndichitsvaka Ishe, MweyaMutsvene wakanditaurira kuti nditore chinyoreso changundinyore. Pandakabata chinyoreso kuti ndinyore, MweyawaKe wakandipa mharidzo yokupa kereke. Ndinoda kuiunzakwamuri^Ine chokuita neShoko nomwenga.

“Hezvino zvandiri kuedza kureva kwauri. Mutemowokuberekana unoti rudzi runobereka rudzi rwarwo, kanasezvazviri kana tichitevedzera Genesisi 1:11 inoti, “Mwariakati, Nyika ngaimerese uswa, nemirivo ibereke mbeu, nemitiinobereka michero ina marudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukatimayo, panyika: zvikaita saizvozvo.” Upenyu hwoga hwogahwakanga hwuri mumbeu hwakabuda kuva chimera

Page 175: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 165

ndokuzova muchero. Mutemo mumwe chete iwoyo unoshandakukereke nhasi. Mbeu yakatanga kereke ichabuda ikavasembeu yapamavambo nokuti imbeu imwe chete. Mumazuvaano okupedzisira Kereke Mwenga wechokwadi (mbeuyaKristu) ichauya kudombo Rapamusoro, uye ichava kerekeyakadarika dzose, rudzi rwakadarika dzimwe ndudzi dzose,painenge ichiswedera paAri. Avo vari mumwenga vachaitasaIye zvokuti vachava mumufananidzo waKe chaiwo. Izvizvinoitira kuti vagobatanidzwa naYe. Vachava chinhu chimwechete. Vachava kuratidzwa chaikwo kweShoko raMwarimupenyu. Masangano haakwanisi kubereka izvi (imbeuisiriyo). Vachabereka zvitendwa zvavo nedzidziso dzavodzisingapikiswi, dzakasanganiswa neShoko. Izvi zvinengeimbwa yamasanganiswa zvichibudisa chiberekochamasanganiswa.

Mwanakomana wokutanga (Adhama) waiva mbeu-ShokoraMwari rakataurwa. Wakapiwa mwenga kuti azvibereke.Ndiko kusaka mwenga wakapiwa kwaari, kuti azvibereke; kutiabereke mumwezve mwanakomana waMwari. Asi mwenga uyuwakapunzika. Wakapunzika pamusana pokusanganisa.Wakasakisa kuti Adhama afe.

Mwanakomana wechipiri (Jesu), anovavo Mbeu-ShokoraMwari wakapiwavo mwenga sezvakaitwa Adhama. Asi asatiAmuwana, mwenga wakanga wapunzikavo. Somukadzi,waAdhama, iyevo wakaiswa pamuedzo kuti waizobvumaShoko raMwari here kuti ararame, kana kusatendesekaneShoko agofa. Haana kutendeseka. Akasiya Shoko. Akafa.

Kubva muboka diki rembeu yechokwadi yeShoko, Mwariachapa Kristu mwenga unodikanwa. Imhandara yeShokoraKe. Imhandara nokuti haazivi zvitendwa zvakagadzirwanavanhu kana dzidziso dzisingapikiswi. Achishandisa nhengodzomwenga uye kubudikidza nadzo zvose zvakavimbiswanaMwari kuti zvicharatidzwa mumhandara zvichazadziswa.

Shoko revimbiso rakauya kuna Maria. Asi Shoko revimbisoiri waiva Iye, pachaKe, wakanga achizoratidzwa. MwariWakaratidzwa. Iye, pachaKe, wakashanda basa panguva iyoyoakazadzisa Shoko mhiko yaKe pachake mumhandara.Mutumwa ndiwo wakauya nemharidzo. Asi mharidzoyomutumwa rakanga riri Shoko raMwari. Isaya 9:6.Akazadzisa panguva iyoyo zvose zvakanga zvakanyorwapamusoro paKe nokuti mwenga wakagamuchira Shoko raKeraakapiwa.

Nhengo dzomwenga mhandara dzichaMuda, uyedzichawana simba raKe, nokuti ndiYe musoro wadzo, uyesimba rose nderaKe. Dziri pasi paKe sezvakangoitavo nhengodzemiviri yedu dzinotongwa nemisoro yedu.

Page 176: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

166 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Onai kufambirana kwaBaba noMwanakomana. Jesuhapana chaakamboita chisina kumbotanga chataridzwakwaAri naBaba vake. Johane 5:19. Kufambirana uku kwavakuzowanikwa pakati poMurume nomwenga waKe. Anoratidzamwenga Shoko raKe roupenyu. Mwenga unorigamuchira.Haamboratidzi kusagutsikana naro. Saka, hapana chinogonakumukuvadza, kana rufu chairwo. Nokuti kana mhodziyakavirwa, mvura ichaimeresa. Hechino chakavanzikapamusoro pezvizvi. Shoko riri mumwenga (sezvarakangarakaita muna Maria). Mwenga une fungwa yaKristu nokutiunoziva zvaAnoda kuti zviitwe neShoko. Mwenga unoitazvarayirwa neShoko muzita raKe nokuti ane “zvanzinaJehovha.” Shoko rinobva raitwa benyu noMweya robvaraitika. Sembeu inokavirwa nokudiridzwa, inosvikapakukohwiwa kwakazara, ichizadzisa basa rayo.

Avo vari mumwega vanoita kuda kwaKe chete. Hapanaanokwanisa kuti vaite chimwe chinhu. Vane ‘zvanzi naJehovha’kana kuti havambofakanyiki. Vanoziva kuti anofanira kunge ariMwari ari mavari ari kuita mabasa, achizadzisa Shoko raKepachake. Haana kupedzisa mabasa aKe ose mushumiro yaKeyapanyika saka zvino Ari kushanda mumwenga achishandisamwenga. Mwenga unozviziva izvi, nokuti nguva yakanga isatiyakwana kuti Aite zvimwe zvinhu zvaAva kusungirwa kutiachiita iko zvino. Asi Achazadzisa zvino achishandisa mwengabasa iroro raAkasiyira nguva ino chaiyo.

Zvino ngatimire saJoshua naKarebhi. Nyika yeduyechipikirwa yava kuda kuonekwa sezvakangoitavo yavo.Zvino Joshua zvinoreva “Jehovha-Muponesi”, uye anomiririramutungamiriri wenguva yokupedzisira achauya kukerekesezvakaitavo Pauro wakauya somutungamiriri wapamavambo.Karebhi anomiririra avo vakaramba vari muchokwadinaJoshua. Rangarirai kuti, Mwari wakanga atanga Israerisemhandara neShoko raKe. Asi vakada chimwevo chinhuchakasiyana naMwari. Ndizvo zvimwe chetevo nekerekeyenguva yokupedzisira. Cherechedzai kuti Mwari haanakufambisa Israeri, kana kurega vachienda munyikayechipikirwa kusvikira panguva yaakanga atara Iye. Zvinovanhu vaigona kugombedzera Joshua, mutungamiriri, vachiti,“Nyika ndeyedu, saka ngatiende tindoitora. Joshua, hapanazvauchabetsera iwe, wakarashikirwa nesimba rako, hauchisinasimba rawaimbova naro. Waimbonzwa kubva kuna Mwarinokuziva kuda kwaMwari, uchikurumidza kuita zvinhu. Panechakanganisika pauri.’ Asi Joshua wakanga ari muprofitawakatumwa naMwari waiziva vimbiso dzaMwari, sakawakadzimirira.Wakamirira chaizvo zvainge zvafungwanaMwari zviri pachena nguva payakangokwana kuti vafambevaende mberi, Mwari wakaisa utungamiriri huzere mumaokoaJoshua nokuti wakanga agara neShoko. Mwari aikwanisa

Page 177: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 167

kuvimba naJoshua asi kwete vamwe. Saka zvichadzokororazvemuno munguva yokupedzisira. Matambudziko mamwe chete,nokuremerwa kumwe chete.

Ngatitore muenzaniso watinoona muna Mosesi. MuprofitawaMwari mukurukuru wakazodzwa uyu ane maberekerwe akeega, sezvo akaberekwa nguva kwayo yokusunungurwakwembeu yaAbhurahama kubva muEgipita. Haana kumbofaakagara muEgipita kuti aitirane nharo navamwe pamusoropeGwaro, kana kunyunyutira vaprista. Wakaenda murenjekusvikira vanhu vagadzirira kumugamuchira. Mwariwakadanira Mosesi kurenje. Kumirira kwakanga kusiri kuitiraiye Mosesi asi nokuda kwokuti vanhu vakanga vasativagadzirira kumugamuchira. Mosesi wakafunga kuti vanhuvaizonzwisisa asi havana kumunzwisisa.

Mumwezve aripo ndiEria uyo akavingwa neShoko raMwari.Paakanga apedza zvokuparidza chokwadi uye boka irorokareko raiva nhungamiri yeboka raJezebheri weAmerikaparisina kugamuchira Shoko, Mwari wakamubvisa munzvimboiyoyo ndokuisa denda pachizvarwa ichocho pamusanapokuramba muprofita nemharidzo yakanga yapiwa naMwari.Mwari wakamudanira kurenje zvokuti haana kumbobudamokunyangwe nokuda kwamambo chaiye. Avo vakaedzakumunyengetedza kuti abude, vakafa. Asi Mwari wakataurakumuprofita waKe akanga akatendeka nechiratidzo. Akabvaangobuda maakanga akavanda ndokudzosa Shoko kuna Israeri.

Kwakazouya Johane Mubhabhatidzi, muparuri akatendekawaKristu, muprofita mukurukuru wenguva yake. Haanakuenda kuchikoro chakapinda baba vake, kana kuchikorochavaFarise _ haana kuenda musangano, asi wakaendakurenje kwaakanga adanwa naMwari. Wakagara imomokusvikira Ishe amutuma nemharidzo, achidanidzira achiti,‘Mhesiyasi wava pedyo.’

Zvino ngatitore yambiro yeGwaro. Haizi nguva yaMosesihere uyo wakanga aratidzwa naMwari yakamuka Koraakapikisa muprofita mukurukuru uyu? WakakakavadzananaMosesi achiti iye wakanga awanavo zvakakwana kubvakuna Mwari kutungamirira vanhu uye kuti vamwevovanomugove muchizaruro chaMwari zvakanga zvakaitavoMosesi. Wakaramba simba raMosesi. Zvino vanhu kareko,pashure pokunzwa Shoko rechokwadi uye vachinyatsozivachokwadi chokuti muprofita wechokwadi wakanga aratidzwanaMwari, ndinoti vanhu ivava vakamhanyira Kora nokurambakwake Shoko. Kora wakanga asiri muprofita weGwaro asivanhu navatungamiriri vavo vakakoromoka vachienda kwaari.Zvinenge vavhangeri vamazuva ano vane zvirongwa zvavozvinenge zvaKora zvemhuru yendarama. Vanoratidzikakuvanhu kuva vanhu vakanaka saKoravo akaratidzika kuvawakanaka mazuva iwawo. Vane ropa pahuma dzavo, namafuta

Page 178: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

168 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pamaoko avo namabhora omwoto papuratifomu. Vanotenderavakadzi kuti vaparidze, vachirega vakadzi vachigura vhudziravo, vachipfeka midhebhe nezvikabudura, nokupenderaShoko raMwari nokuda kwezvitendwa zvavo pachavonedzidziso dzisingapikiswi. Zvinoratidza kuti mavari munemhandoi yembeu. Asi havasi vose vanhu vakafuratira Mosesivakasiya Shoko raMwari. Kwete. Vasanangurwa vakarambavanaye. Zvimwe chetezvo zviri kuitikavo mazuvano. Vazhinjivari kusiya Shoko asi vamwe vari kuramba vari mariri. Asirangarirai mufananidzo wamasawi nezviyo. Masawi anofanirakuunganidzwa mumasvinga kuti apiswe. Kereke idzidzakasiya chinamato dziri kuramba dzichingounganidzwanokunyanya kubatana, dzichigadzirirwa mwoto wokutongakwaMwari. Asi zviyo zvichaunganidzwa kuna Tenzi.

Ndinoda kuti mungwarire pano apa kuti muone izvi.Mwari wakavimbisa kuti munguva yokupedzisira Maraki 4ichazadziswa. Inotosungirwa kuti izadziswe nokuti iShokoraMwari rakaitwa benyu noMweya rikataurwa nomuprofitaMaraki. Jesu wakataura nezvaro. Izvi zvichaitika chaipopanenge pava kuda kuti Kristu achiuya rwechipiri. PanozouyaJesu Gwaro rose rinofanira kuzadziswa. Nguva yavaHedheniinenge yava muzera rekereke rokupedzisira panouya nhumeiyo inotaurwa muna Maraki. Achazenge ari muShoko chaimo.Achatora Bhaibheri kubva Genesisi kusvika Zvakazarurwa.Achatanga pambeu yechikara achienderera mberi kusvikirakunhume yenguva yemvura yokukohwa. Asi acharambwanamasangano.

Anofanira kurambwa nokuti iyi inhoroondoinozvidzokorora kubva pamazuva aAhabhi. NhoroondoyeIsraeri munguva yaAhabhi iri kuitika iko zvino uno chaiyemuno muAmerika munobuda muprofita akataurwa munaMaraki. Sezvakaita Israeri kubuda muEgipita kuti ishumiremurusununguko, ichitorera nyika zvizvarwa zvomo,nokubereka rudzi runa vatungamiriri vakurukuru vakaitasaDhavhidhi navamwe, ndokuzoisa Ahabhi pachigaro chousheana Jezebheri mushure make kumuratidza gwara, ndizvozvimwe chete zvatakaitavo isu muno muAmerica.Madziteteguru edu akasimuka kuenda kunyika yokushumiranokurarama murusununguko. Vakatorera zvizvarwazvenzvimbo ino nyika. Varume vakurukuru vakaitasaWashingitoni naLincoln vakaberekwa asi mushuremechinguva vamwevo varume vasingamboenzaniswi navavavakavatevera vakakodzera ava zvokuti kusina kupera nguvaAhabhi akagadzwa pachigaro choutungamiriri hwenyikanaJezebheri wakevo wokumuratidza gwara. Panguva yakaitaseino ndipo panofanira kuuya nhume yakataurwa munaMaraki. Kwozobva kwotevera kutaridzwa kwamasimbapaGomo reKarmeri. Zvino chicherechedzai kuti muzvione

Page 179: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 169

muShoko. Johane wakanga ari muparuri waMaraki 3.Akadyarira mvura yokutanga akarambwa namasanganoenguva yake. Jesu akauya akavavo nokutaridzwa kwamasimbapaGomo roKushandurwa. Muparuri wechipiri waKristuachadyarira mvura yokukohwa. Jesu achava kuratidzwakwamasimba pakati pamasangano nezvitendwa zvawo, nokutiAchauya kuzotsigira Shoko raKe nokutora mwenga waKemukubvutwa. Kuratidzwa kwamasimba kwokutangakwakaitwa paGomo reKarmeri; kwechipiri kwakaitwa paGomoroKushandurwa, uye kwetatu kuchaitwa paGomo reZioni.

Maitire akasiya aMosesi, naEria, naJohane kubva muvanhukundogara voga zvakasiya vazhinji vaputsika misoro. Havanakuziva kuti yaiva mhosva yokuti mharidzo dzavo dzakangadzarambwa. Asi mbeu yakanga yatokushwa, kudyarakwakanga kwatopera. Chakanga chichitevera kwaivakutongwa. Vakanga vatoita basa ravakanga vavinga rokuvachiratidzo kuvanhu, kuitira kuti kutongwa kugotevera.

Ndinotenda kuti kana tichitevedzera zviri munaZvakazarurwa 13:16 kuti mwenga uchafanira kumisakuparidza nokuti chikara chinenge chava kuda mucherechedzoparuoko kana pahuma kuti mvumo yokuti munhu aparidzeigopiwa. Masangano achatora mucherechedzo uyu, kana kutivanomanikidzwa kurega kuparidza. Apa ndipo zvinopanozouya Gwayana kuzotora mwenga nokuzotongamhombwe huru iyi.

Zvino rangarirai kuti Mosesi wakaberekerwa kuzoitarimwe basa, asi haana kukwanisa kuita basa iroro kusvikiraagamuchira zvipo zvaizomuita kuti akwanise kuita basa iroro.Akasungirwa kuti aende mugwenga kuti andomirira ari ikoko;Mwari akanga ane nguva yake yaakanga atara. Paifanira kutipave nomumwe Farao pachigaro choushe, uye vanhu vaifanirakunge vachichemera chingwa choupenyu, Mwari asatiakwanisa kumutuma kuti adzokere. Ichi ichokwadivo kunguvayedu ino.

Asi tinei munguva yedu ino iyi? Gurumwandira ravanhuriri kuita zviratidzo kusvikira tava nechizvarwa chavanhuvanotsvaka zviratidzo vasingazivi zvavo kana chinhupamusoro peShoko, kana kuti kufamba kwechokwadikwoMweya waMwari. Kana vakaona ropa, kana mafuta kanamwoto vanofara; hazvina basa kwavari kuti muShoko munei.Vachatsigira chero chiratidzo chipi zvacho, kana zviratidzozvisinei negwaro. Asi Mwari wakatiyambira pamusoropezvizvi. Wakataura muna Mateo 24 kuti mumazuvaokupedzisira mweya miviri iyi ichazenge yakafanana zvokutivasanangurwa chete ndivo vachakwanisa kuziva mutsaukowayo, nokuti ndivo chete vasingazonyengerwi.

Unokwanisa sei kuziva siyano yomweya miviri iyi? Ingoipakuedza kweShoko chete. Kana vasingatauri Shoko iroro,

Page 180: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

170 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ndovowakashata. Sezvo wakashata akanyengedza mwengamiviri yokutanga, achaedza kunyengera mwenga wenguva inoyokupedzisira, achiedza kumuita kuti aite masanganiswaachishandisa zvitendwa, kana kungobva afuratira Shoko zviripachena achienda kuzviratidzo zvinopindirana naye zvaanoda.Asi Mwari haana kumbogara aisa zviratidzo mberi kweShoko.Zviratidzo zvinotevera Shoko, kufanana nezvakaita Eriakutaurira mukadzi kuti atange amubikira keke, achiteverakutaura kweShoko raShe. Paakaita zvakataura Shoko,chiratidzo chaicho chakauya. Tangai mauya kuShokomugozocherechedza mashura. Mbeu yeShoko inopiwa simbanoMweya.

Nhume yakatumwa kubva kuna Mwari ingatenda seichikamu chete cheShoko ichiramba chimwe chikamu?Muprofita wechokwadi munguva ino yokupedzisiraachadanidzira Shoko rose rizere. Masangano achamuvenga.Shoko rake richava rakaoma nokukasharara saJohaneMubhabhatidzi wakavati nyoka. Asi vakatemerwa vachanzwanokugadzirira kubvutwa. Mbeu yoUmambo yaAbhurahama,ino kutenda kwakafanana nokwaAbhurahama ichabatirakuShoko naye, nokuti vakatemerwa pamwe chete.

Nhume yenguva yokupedzisira ichasvika panguvayakatarwa naMwari. Yava nguva yokugumisira zvino sokuzivakunoita vanhu vose, nokuti Israeri yava munyika yayo. Nhumeiyi inogona kuuya chero nguva ipi zvayo iko zvinozvichitevedza Maraki. Patinomuona, anenge akazvipirakuShoko. Acharatidzwa (kuonekwa muShoko. Zvakazarurwa10,7.) uye Mwari achasimbisa shumiro yake. Achaparidzachokwadi sezvakaita Eria nokugadzirira kutaridzwakwamasimba paGomo reZioni.

Vazhinji vachatadza kunzwisisa nokuti vakadzidziswaGwaro nenzira yavanofunga kuti ichokwadi. Paanotaura kutiizvi handizvo, havatendi. Kana vamwe vafundisi vachatadzakunzwisisa nhume iyi nokuti zvakawanda zvakatonziichokwadi yaMwari navanyengeri.

Asi muprofita uyu achauya, sezvakangoitavo muparuriwokuuya kwokutanga kudanidzira achiti, “Tarirai GwayanaraMwari rinobvisa zvivi zvenyika,” naiyevo zvisina kanakukahadzika achadaidziravo achiti, “Tarirai GwayanaraMwari riri kuuya mukuhwinya.” Achaita izvi, nokutisezvakanga zvakaita Johane kuva nhume yechokwadikuvasanangurwa, naiyevo ndiye nhume yokupedzisirakuvasanangurwa uye mwenga wakaberekwa neRopa.”

KRISTU ANORUMBIDZA KEREKE

Zvakazarurwa 2:13 inoti, “Ndinoziva mabasa ako, uyendinoziva paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani:

Page 181: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 171

wakabatisisa Zita raNgu, ukasaramba kutenda kwaNgu,kunyange napamazuva aAntipasi chapupu chaNgu munhuwaNgu wakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogaraSatani.”

“Ndinoziva mabasa ako.” Awa ndiwo mashoko akafanananaakataurwa kunhume yoga yoga yenhume nomwe maereranonavanhu vaMwari muzera roga roga. Sezvo achitaurwakumizambiringa miviri (wechokwadi nowenhema) achaunzakufara kumwoyo yerimwe boka, asi anofanira kuunza kutyakukuru mumwoyo yerimwe boka. Nokuti kunyangwetichiponeswa nenyasha, kunze kwamabasa, ruponesorwechokwadi ruchaunza mabasa, kana zviito zvichafadzaMwari. I Johane 3:7 inoti, “Vana vaduku, musatsauswanomunhu; uyo anoITA (kushanda) zvakarurama wakarurama,saIye akarurama.” Kana ndima ino ine chimwe chinhuchainoreva, inoreva kuti munhu ZVAANOITA ndizvo ZVAARI.Jacobho 3:11 inoti, “Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvurainonaka neinovava here?” VaRoma 6:2 inoti, “Isu takafa kuzvivitichagara seiko mukati mazvo?” Mateo 12:33-35 inoti “Itai mutiuve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo; kana itai mutiuve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo; nokuti mutiunozikanwa nezvibereko zvawo. Imi zvibereko zvenyoka,mungagona seiko, kutaura zvinhu zvakanaka, zvamurivakaipa? nokuti muromo unotaura zvizere pamwoyo. Munhuwakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakeyakanaka: nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipapafuma yake yakaipa.” Kana munhu akaberekwa neShoko(Kuberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi mbeu isingaori,nokuda kweShoko raMwari rinorarama nokugaranokusingaperi. I Petro 1:23) achabereka Shoko. Muchero kanamabasa oupenyu hwake zvichava zvibereko zvemhandoyembeu kana upenyu hwuri maari. Saka mabasa ake, achabvamuGwaro. O-o, chokwadi ichi chichava uchapupu hwakasimbasei kuZera rePergamo. Hoyo akamirapo uyo Asina AnoenzananaYe, uye muruoko rwaKe muno munondo unopinza unochekakwose, Shoko raMwari. Zvino Shoko iri richatitonga pazuvarokupedzisira. Chokwadi chaicho chiripo ndechokuti Ririkutotitonga izvozvi, nokuti rinonzvera fungwa nezvidozvomwoyo. Rinocheka nokupatsanura zvenyama kubva kunezvomweya. Rinotiita kuti tive tsamba mhenyu dzinoverengwanokuzikanwa navanhu vose zvichipa Mwari kuhwinya.

“Ndinoziva mabasa ako.” Kana munhu achitya kutizvimwe haangafadzi Mwari, ngaazadzise Shoko. Kana munhuasina chokwadi chokuti achanzwa mashoko awa here anoti,“Zvakanaka, muranda wakanaka wakatendeka,” ngaazadziseShoko raMwari muupenyu hwake, zvirokwazvo achanzwamashoko iwawo okurumbidza. Shoko rechokwadi ndichochaiva chipimo nguva iyoyo; ndichozve chipimo iko zvino.

Page 182: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

172 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Hakuna chimwe chiero; hakuna chimwe chokueresa nacho.Sezvo nyika iri kuzotongwa naKristu Jesu mumwe chete,naizvozvo iri kuzotongwa neShoko. Kana munhu achidakuziva kuti ari kuita zvakadini, ngaaite zvakaita Jakobho:“Tarirai muchionioni cheShoko raMwari.”

“Ndinoziva mabasa ako.” PaAkanga akamirapo neShoko,achiongorora upenyu hwavo muchiedza chezvakanyorwazvaAkanga avarongera, Anofanira kuva akafadzwa chose,nokuti, saavo vakanga vatungamira, ivovo vakanga vakundakutambudzwa navasakarurama asi vachingoramba vakabatirakuna Ishe nomufaro. Kunyangwe zvazvo zvainetsa dzimwenguva kushandira Ishe, asi vaingoMunamata nokuMushumiramuMweya nomuzvokwadi. Asi hazvina kunge zvakadaronomuzambiringa wenhema. Veduwe-e, vakanga vatorambaupenyu hwakavakwa paShoko vakanga zvino vava kurambavachingoenda kure nechokwadi. Zviito zvavo zvaipupuraudzamu hwokunyura kwavakanga vaita.

WAKABATA ZITA RANGU ZVAKASIMBA

“Tingaenda kuna aniko? Imi moga ndimi muna mashokooupenyu hwusingaperi!” Vakaramba vakabata nesimba nguvaiyoyo; vakanga vakabata nesimba zvino, asi vasina kutyakwakanyanya savanhu vanorarama upenyu hwusinazvibereko. Vakanga vakabata nesimba musimba raKe,mukuvimbisa kwoMweya kuti vakanga vari vamwe naYe.Vakanga vano ruzivo rwakakwana rwokukanganwirwa zviviuye vakatakura zita rokunzi ‘maKristu’ sechapupu cheizvi.Zita iroro vairiziva nokurida sezita riri pamusoro pamazitaose. Mabvi avo akanga afugamira Zita iri. Ndimi dzavodzaipupura Zita iri. Chero chii zvacho chavaiita, vaichiitamuZita raShe Jesu. Vakanga vareva Zita iroro ndokubvavabva mune zvakashata, savanhu vakanga vazvipira zvinovakanga vagadzirira kufira Zita iri, nokuti vakangavakavimbiswa kumuka kuvakafa.

Tora Zita rake Jesu,Nourombo hwake hwose.Rinokupa simba rake.Rokukunda zvirunziro.Zita rakanaka, Zita rakanaka,Mwenje wedu pasi pano.

Nechakare muzana repiri ramakore mashoko awa anoti“Baba, noMwanakomana noMweya Mutsvene” akanga avakutoreva ‘Utatu’ kuvanhu vazhinji, fungwa yavaMwarivazhinji inoti kuna vamwari vatatu yakanga yatova dzidzisomukereke yenhema. Hakwaizombopera nguva refu Zita risatirabviswa, zvinova ndizvo chaizvo zvakaitika muzera rino.Munzvimbo yaro madunhurirwa aMWARI MUKURUKURU

Page 183: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 173

MUMWE CHETE aizotsiva ZITA iri, Ishe Jesu Kristu. Apovazhinji vakasiya zvinamato zvavo vachigamuchira dzidzisoyavamwari vatatu nokubhabhatidza vachishandisamadunhurirwa oUmwari, Makwai Madiki akaenderera mberiachibhabhatidza muZita raJesu Kristu zvinova zvakavaita kutivarambe vakabatira kuchokwadi.

Vazhinji vachimhura Mwari kudai, vachiMushandura kuvavamwari vatatu, vachishandura Zita raKe rizere nenyashakuriita madunhurirwa matatu, munhu angashama kutizviratidzo nezvishamiso zvaitevera Zita guru rakadaizvichaonekwa pakati pavanhu here. Zvirokwazvo zviratidzoizvi zvakaratidzwa nesimba nokushamisa, asi hazvinakuratidzwa mumuzambiringa wenhema. Vanhu vakaitasaMartini vakashandiswa zvikuru uye Mwari akavapauchapupu nezviratidzo nezvishamiso nezvipo zvoMweyaMutsvene. Zita iri rakanga richiri kushanda sezvarakangogararichiita uye sezvarichagara rakangoita pose paAnokudzwanavatsvene nokuda kweShoko nokutenda.

HAUNA KURAMBA KUTENDA KWANGU

Muna Mabasa avaapostora 3:16 pakavhunzwa Petro kutishura guru iroro rakanga raitika sei pachirema chaiva paSuvoRakanaka, wakatsanangura izvi pandima iyi inoti,“Nokutenda muZita raKe (Jesu) Zita raKe (Jesu) rakasimbisamunhu uyu, (aimbova ari chirema) wamunoona nowamunozivauye kutenda (kunobva) kwaAri (Jesu) ndiko kwakamuporesa(munhu iyeye) zvakanaka kudai pamberi penyu mose.” Maona,hezvo. Zita raJesu, noKutenda kwaJesu zvakaunza shura iri.Petro haana kuti kwaiva kutenda kwake iye kana kudakwezita rake iye. Akati Zita raJesu rakanga rashandiswamukutenda kwakanga kuchibva kuna Jesu ndiro rakanga raitabasa guru rakadai. Kutenda uku ndiko kwakanga kuchitaurwapamusoro pako naShe muna Zvakazarurwa 2:13. Kwaivakutenda KWAKE. Kwakanga kusiri kutenda MAARI. Asikwaiva kutenda KWAKE PACHAKE kwaAkanga apakuvatendi. VaRoma 12:3 inoti “Mumwe nomumwe(tichitevedzera zviri mundima yokutanga vanhu ava vakangavari HAMA) nechiero chokutenda sezvaakagoverwa naMwari.”VaEfeso 2:8 inoti, “Nokuti makaponeswa nenyasha nokutenda,izvo (Kutenda) zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari” UyeJakobho 2:1 inotivo, “Hama dzangu (onai kuti, iyevo, arikutaura kuHAMA) kutenda kwenyu KWA (kwete muna) Ishewedu Jesu Kristu ngakusava nokuremekedza vanhu.”

MuZera rino rePergamo umo ruponeso rwakanga rwaitwachinhu chinobva kumunhu, pavakanga vafuratira chokwadichokuti “Ruponeso runobva kunaShe,” _ pavakanga vakandakure dzidziso yokusanangurwa nokuzarura zvakakura musuwo

Page 184: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

174 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wekereke neyanano yavo kuna ani nani zvake waibvumirananezvavakanga vakamirira ( zvisinei kuti Shoko rinoti chii),muzera iri rokudzikira kwakanyanya, kwaiva navashomavaiva nechikamu chokutenda uku kwaShe wedu Jesu Kristu,havana kushandisa kutenda uku muzviito zvesimba chete asivokuti vaipikisa avo vaishinga kutaura kuti vakaponeswanokuda kwokuti chete vakava nhengo dzekereke. Vaiziva kutihapana munhu aikwanisa kutenda zvamazvirokwazvomuupenyu hwusingaperi nomuururami hwaMwari pasinachikamu chokutenda kwaShe Jesu, pachaKe. Sezvo kerekeyanhasi yakazara navatendi vefungwa vanotsigira kuberekakwemhandara, neropa rakadeurwa, nokuenda kusvondonokudya chirayiro, ivo vasina zvavo kana kumboberekwapatsva, saizvozvovo muzera iroro retatu makanga munedambudziko rimwe chete iroro. Kutenda kwomunhu kwakangakusina kuringana mazuva iwawo nanhasivo hakuna kukwana.Zvinotoda kutenda chaikwo kwoMwanakomana waMwari kutikudonhere mumwoyo womunhu kuti agogamuchira Ishewokuhwinya mutembere isina kugadzirwa namaoko omunhu.

Uku kwakanga kuri kutenda kupenyu. “Ndinoraramanokutenda kwoMwanakomana waMwari.” Pauro haana kutianorarama nokutenda MUMwanakomana waMwari. KutendakwoMwanakomana waMwari ndiko kwakanga kwamupaupenyu nokuita kuti arambe achirarama mukukundakwechiKristu.

Kwete, havana kumbenge varamba kuti ruponesorwakanga rwuri rwomweya kubva pakutanga kusvikapakupedzisa. Vakachengeta chokwadi cheZita raKe chirichipenyu noKutenda kwaKe ndokubva varopafadzwa naShenokuitwa vakakodzera Iye.

ANTIPASI WAKATENDEKA WANGU WAKAURAYIRWA INI

Hapana chimwe chinyorwa muShoko kana munhoroondodzakanyora pamusoro pehama iyi. Asi zvirokwazvovohapafaniri kuva nechimwezve chinyorwa. Izvi zvakatopindakukwana kuti wakasanozikanwa nokuzikanwa naShe. Izvizvakatopinda kukwana kuona kutendeka kwake kunaShekuchinyorwa muShoko benyu. Wakanga ari muKristu.Wakanga ane Zita raJesu. Wakanga ano kutenda kwaShewedu Jesu Kristu uye akanga ari pakati paavo vakararamanokutenda uku. Wakanga ateerera kumashoko aJakobho,“Musava nokutenda kwaShe wedu Jesu Kristumuchiremekedza vanhu.” Sezvo akanga akazara noMweyaMutsvene nokutenda sezvakanga zvakaita Stefano, hapanamunhu waairemekedza, uye hapana munhu waaitya; uyepakanzi avo vaitora Zita iri nokufamba mukutenda kwaJesuKristu vaizourawa akatora nzvimbo yake pana avo vakaramba

Page 185: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 175

kudzokera shure. Hongu, wakafa, asi saAbheri, wakawanachapupu kubva kuna Mwari (zita rake rakanyorwa muShoko),uye kunyangwe zvake akafa, inzwi rake richiri kutauramumapeji eZvinyorwa zvaMwari Zvitsvene. Mumwezvemunhu wakafira kutenda wakatakurwa kuzororo rake. AsiSatani haana kukunda ipapo, sezvaasinavo kukundapaakauraya Muchinda woRugare, nokuti Satanisezvaakakundwa pamuchinjikwa, saizvozvovo iko zvino roparaAntipasi richadanidzira kuna mamwe mazana avanhuvachatora michinjikwa yavo vachiMutevera.

PANE CHIGARO CHASATANI

Chikonzero chinoita kuti ichi chive chikamuchokurumbidza kwoMweya ndechokuti varwi vomuchinjikwaava vakashinga vakanga vari kukunda Satani pakati chaipopeimba yechigaro chake. Vakanga vari kukunda mukurwa ukunokuda kweZita noKutenda kwaJesu chaimo mumusasawavatungamiriri verima. Kurumbidzwa kwakakura sei uku.Savanhu vana masimba vaDhavhidhi vakarwisa musasawomuvengi kuti vatorere Dhavhidhi mvura yaipedza nyota,saizvozvovo mhare dzokutenda idzi dzakarwisa nzvimboinotongwa naSatani yakasimba yapano pasi, vachiparidzanokukurudzira vakaunza mvura yoruponeso kuna avo vakangavachirarama mumumvuri worufu.

Zvino nyangwe mashoko awa pamusoro pechigaro choushenenzvimbo inotongwa naSatani chiri chikamu chokurumbidzakwaMwari kwaanoita vasanangurwa vaKe, mashoko awavoanomisa dariro rokutukwa kwasatani uyo akatowana ukurumukereke.

PERGAMO: Chigaro choUshe chaSatani neNzvimboYaanogara. Kuvanhu vazhinji, mashoko awa akanga achingovaokuratidza mufananidzo chete pano kuti ave enhoroondoyechokwadi. Asi chiripo ndechokuti ndeezvinhu zvakaitika uyenhoroondo inotsigira. Zvirokwazvo Pergamo chakanga chirichigaro choushe chaSatani nenzvimbo yaaigara. Zvakaitikasezvizvi:

Pergamo haina kutanga iri nzvimbo yaigara Satani(pazvinhu zvavanhu). Bhabhironi yakagara iri muzindawaSatani pakutaura kwose kwakananga nokwamadimikira.Muguta reBhabhironi ndimo munowanikwa mavambookunamata Satani. Genesisi 10:8-10 inoti, “Kushi wakaberekaNimirodhi; ndiye wakatanga kuva nesimba panyika. Wakangaari mudzimba mukuru pamberi paJehovha. Uye ushe hwakehwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine,panyika yeShinari.” Genesisi 11:1-9 inoti, “Nyika yose yakangaino rurimi rumwe, nokutaura kumwe. Zvino vakativachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari,

Page 186: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

176 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vakagarako. Vakataurirana vachiti, Uyai, ngatiite zvitina,tizvipise kwazvo. Zvitina zvakava mabwe avo, nebhituminirakava dope ravo. Vakati, Uyai, ngatizvivakire gutanorusvingo runo musoro unosvika kudenga; tizvimutsiremukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose. IpapoJehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakangaruchivakwa navanakomana vavanhu. Jehovha akati, Tarirai,vanhu ava ndivamwe, vano rurimi rumwe vose; zvino ndizvozvavanotanga kuita: zvino hakuchine chinhu chavangadakuita, chavangadziviswa. Hendei, tiburuke, tindopesanisarurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.Jehovha wakavaparadzira ipapo vakapararira panyika yose;vakarega kuvaka guta ravo. Naizvozvo vakaritumidzaBhabheri; nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimirwenyika yose: Jehovha akavaparadzira ipapo vakaendakunyika dzose.”

Bhabheri ndiro zita rokutanga reBhabhironi. Rinoreva kutinyonganyonga. Yakatangwa naKushi, mwanakomana waHami,asi yakazoitwa umambo hune simba nokukura pambirinokunaka nomwanakomana wake, Nimirodhi, muvhimimukuru. Kana tichitevedza rondedzero iri muna Genesisi 11,uyevo kana tichitevedzera nhoroondo yakanyorwa, Nimirodhiakazvipira kubudirira mukuita zvinhu zvitatu. Aida kuvakarudzi rwakasimba, izvi akabudirira kuzviita. Aida kuparadzirachinamato chake iye pachake, izvivo akabudirira kuzviita.Aidavo kuzviitira zita guru, zvinova zvaakabudiriravo kuita.Zvaakabudirira kuita zvakanga zvakakurisisa zvokutiumambo hweBhabhironi hwaidaidzwa huchinzi musorowendarama pakati pehurumende dzose dzapasi. Zvokutichinamato chake chakabudirira nokuva mberi kwezvimwezvinoratidzwa nechokwadi chokuti Gwaro rinochifananidzanaSatani zvakanyanya muna Isaya Chitsauko 14 uye munaZvakazarurwa Chitsauko 17 na18. Uye tichishandisanhoroondo tinogona kuratidza kuti chinamato ichi chakapindapasi pose uye kuti ndihwo hwaro hwezvirongwa zvosezvokunamata zvifananidzo, uye kuti ndiro mudzi wenganodzose, nyangwe zvazvo mazita avamwari achisiyananenzvimbo zvichienderana nokusiyana kwemitauro yavanhu.Zvokuti akazviitira zita iye novakamutevera hazvitombodikana kutaurwa, nokuti kana chete zera rino ratiririchingovapo (kusvikira Jesu aZvizivisa kuhama dzaKe)achangoramba achinamatwa nokukudzwa, nyangwe zvazvokuchishandiswa rimwe zita risiri rokuti Nimirodhi, uyemutembere yakasiyana zvishoma neiyo yaakatanga kupirirwa.

Sezvo Bhaibheri risingashandi nenhoroondo dzamamwemarudzi zvakadzama, zvichakodzera kuti tinzvere zvinyorwazvakanyorwa zvakarekare kuti tiwane mhinduro yokutiPergamo yakava sei muzinda wechinamato chaSatani

Page 187: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 177

cheBhabhironi. Nzvimbo huru ichabva ruzivo ndeyezvinyorwazvoupenyu hwavanhu veEgipita namaGiriki. Chikonzerondechokuti Egipita yakagamuchira sainzi nemetsi dzayo kubvakumaKaridheya maGirikivo ndokuzozviwana kubva Egipita.Zvino sezvo vaprista varivo vakanga vachionanezvokudzidziswa kwesainzi idzi, uye sezvo sainzi dzachodzakanga dzichishandiswa sechikamu chezvinamato, tavakutoziva nechakare kuti chii chakasakisa kuti Bhabhironiiwane masimba ayo mumazana maviri aya amakore.Ichokwadivo kuti pose pakakwanisa rudzi kukurira rumwerudzi, nokufamba kwenguva chinamato chorudzi rwakakundachakava chinamato chaavo vakakurirwa. Zvinozikanwa kutimaGiriki aiva nezviratidzo zvinomirira nyeredzidzomuChadenga zvakangofanana nezveBhabhironi;muzvinyorwa zvakarekare zvavanhu veEgipita makawanikwaruzivo rwokuti vaEgipita ndivo vakapa maGiriki ruzivo rwavorwezvokunamata vanamwari vazhinji. Saka zvakavanzikazveBhabironi zvakapararira kuvambukira mumarudzikusvikira zvasvika muRoma, nomuChaina, nomuIndia kananomuAmerika yoKumusoro neyeZasi dzose tinowanakunamata kumwe cheteko kuna maitire akangofanana.

Vanyori venhoroondo dzezvakarekare vanowiriranavoneBhaibheri kuti chinamato cheBhabhironi zvirokwazvohandicho chokutanga chaicho chapamavambo avanhuvapanyika. Bhabhironi ndiyo yakatanga kutsauka kubvamukutenda kwokutanga; asi chinamato chayo handichochapamavambo. Vanyori venhoroondo vakaita saanaWilkinsonnaMallett vakaratidza pachena zvisina kana anombopokanakubva muzvinyorwa zvakarekare kuti pane imwe nguva vanhuvapasi pose yavaitenda muna MWARI MUMWE CHETE,mukurukuru, ziendanakuenda, asingaonekwi, Anova ndiYewakaita kuti zvinhu zvose zvivepo noKungotaura chete,muunhu hwaKe Akanga ane rudo uye akanaka nokuvamururamisi. Asi sezvo Satani akagara achingova mukanganisiwezvose zvaanokwanisa, tinomuwana achikanganisa fungwanemwoyo yavanhu zvokuti vanoramba chokwadi. Sezvoakagara achingoedza kugamuchira kunamatwa sokunge ndiyeMwari kwete muranda waMwari nechisikwa chake, akatorakunamatwa kubva kuna Mwari achivavarira kutipakupedzisira azonamatwa iye kuti akudzwe. Zvirokwazvoakabudirira muchido chake ichi chokuparadzira chinamatochake pasi pose. Izvi zvinoratidzwa naMwari kuva chokwadimuBhuku ravaRoma munonzi, “Pavakaziva Mwari, havanakuMunamata saMwari, kusvikira vakafunga zvisina maturomundangariro dzavo, zvino nokuda kwerima romwoyovakagamuchira kunamata kwakavanzwa kusvikira vanamatazvisikwa kwete Musiki.” Rangarirai, kuti Satani akanga arichisikwa chaMwari (Mwanakomana waMangwanani). Sakatinowana kuti apo paimboparadzirwa chokwadi pakati

Page 188: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

178 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pavanhu, vose vachibatira kuchokwadi chimwe ichochi,pakazouya zuva vanhu vazhinji ravakafuratira Mwarivachiparadzira chinamato chousatani pasi pose. Nhoroondoinotsigira kuti avo vorudzi rwaShemu vakaramba vakamiranechokwadi chisingashanduki vakanga vachipikisazvakaomarara avo vorudzi rwaHami vakafuratira chokwadivachienda kunhema dzasatani. Hapana nguva yokuti tipindemuhurukuro dzezvizvi; zvangotaurwa pakutanga muchikamukuti muone kuti kwakanga kune zvinamato zviviri chete chete,uye kuti chinamato chakashata chakapararira pasi pose.

Chinamato chaMwari mumwe chakashanduka kuvachinamato chavanamwari vakawanda muBhabhironi. Nhemadzasatani nezvakavanzika zvasatani zvakamukira chokwadichaMwari nezvakavanzika zvaMwari muguta iroro.Zvirokwazvo Satani wakava mwari wapasi pano uye wakaitakuti vanhu vaakanga anyengera vamunamate achivaita kutivatende kuti iye ndiye akanga ari Ishe zvirokwazvo.

Chinamato chomuvengi chokunamata vamwari vazhinjichakatanga nedzidziso yavamwari vatatu. Kaiva karekarekopakavambwa fungwa yokuti “Mwari mumwe muvanhuvatatu”. Zvinoshamisa sei kuti vadzidzi vedu veBhaibherihavana kuzviona izvi; Asi zviri pachena ndezvokutisokunyengerwavo naSatani kwakangoitavo avo vakavatangira,ivovo vakangoramba vachitenda muvanhu vatatu muUmwari.Titaridzei pamwe chete zvapo muGwaro panopa simbakudzidziso iyoyo. Hazvishamisi here kuti apo vedzinza raHamivakatsauka nokwavo vachinamata zvechiSatani zvakangazvakaumbwa pahwaro hwavamwari vatatu hapana kana kaizvako kadikidiki kanomboratidza vedzinza raShemuvachitenda zvinhu zvakadaro zvokuva nokupira kunopinzamukati mhando dzezvinhu zvakadaro? Hazvishamisi here kutivaHebheru vakatenda mashoko anoti, “Inzwai, Imi Israeri,Ishe Mwari wenyu ndiMWARI MUMWE CHETE”, daimakanga muna vanhu vatatu muUmwari? Abrahama, anovawedzinza raShemu, muna Genesisi 18 akangoona MwariMUMWE chete navatumwa vaviri.

Zvino utatu uhwu hwaitsanangurwa sei?Hwaitsanangurwa nedanga remitsetse mitatu yakaenzanasezvainongotsanangurwa ichiitwa muRoma nhasi.Chinoshamisa ndechokuti, vaHebheru vakanga vasina fungwaiyi. Zvino ari muchokwadi ndiani? VaHebheru here kana kutivanhu veBhabhironi? MuAsia fungwa yokunamata vamwarivazhinji ina vamwari vatatu mumunhu mumwe cheteyakabudiswa muchifananidzo chine misoro mitatu nomuvirimumwe chete. Mwari uyu anotsanangurwa senjere nhatu.MuIndia, vakawana zviri mumwoyo yavo kuti vamutsananguresamwari mumwe ari muzvimiro zvitatu. Zvino ichi ndichochaicho chidzidzo cheBhaibheri chakanaka chamazuvano.

Page 189: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 179

MuJapani muna Bhudha mukurukuru ane misoro mitatu souyuwatichangobva kutsanangura. Asi chinhu chinonyanyakutibudisira zvizhinji pamhene ndeicho chinoratidza fungwayoutatu hwaMwari muchimiro choutatu chinoti: 1. Musorowomurume harabwa unomirira Mwari Baba, 2. Denderedzwairo muzvakavanzika rinomirira “Mbeu” muzvakavanzika iyovopachayo inomirira Mwanakomana. 3. Mapapiro nebesu reshiri(njiva). Pano pakanga pane dzidziso yaBaba, noMwanakomananoMweya Mutsvene, vanhu vatatu vari muUmwari, utatuhwechokwadi. Munogona kuona zvimwe chetezvo muRoma.Zvino regai ndikuvhunzei zvakare, hazvishamisi here kutisatani naavo vanomunamata vakabudisa pachena chokwadichakawanda kudarika baba vokutenda, (Abrahama) nedzinzarake? Hazvishamisi here kuti vanamati vaSatani, vaizivazvakawanda pamusoro paMwari kudarika vana vaMwari?Zvino vadzidzi veBhaibheri vamazuvano izvi ndizvozvavanoedza kutitaurira pavanenge vachitaura pamusoropoutatu. Ingorangarirai chinhu chimwe ichi kubva iko zvino:zvinyorwa izvi ichokwadi uye izvivo ichokwadi _ Satanimurevi wenhema uye ndivo baba venhema, pose paanouyanechiedza dzinenge dziri nhema. Muurayi. Uye dzidziso yakeyoutatu yakaparadza vazhinji uye icharamba ichingoparadzakusvikira Jesu achiuya.

Kana tichitevedzera nhoroondo hakuna kupera nguva kutifungwa yaBaba noMwanakomana noMweya Mutsveneishandurwe. Satani akavatora chinhanho nechinhanho nguvanenguva kubva muchokwadi. Fungwa yaMwari yakazobudandeiyi yokuti: 1. Baba ziendanakuenda, 2. Mweya waMwariwakava nyama muna mai vaiva MUNHU. (Izvi zvinokuitaikuti mufunge here?) 3. Mwanakomana waMwari, chiberekochokuva nyama uku, (Mbeu yomukadzi).

Asi Satani haana kugutsikana. Haasati asvika pakuwanakunamatwa kwake pachake, asi chete nenzira yakapoterera.Saka anotora vanhu kuvabvisa pachokwadi achivaisa kurekwakanyanya. Achishandisa zvakavanzika zvake anoratidzavanhu kuti sezvo Mwari baba mukurukuru asingaonekwihaabatikani nezvinhu zvavanhu, asi kungogara zvakeakanyarara maererano navo, saka zvinoreva kuti anotofanirakunamatwa zvake chinyararire. Zvirokwazvo zviripondezvokuti izvi zvinoreva kutoshaya hanya naye posepanokwanisa munhu, kana kutoshaya hanya naye zvachose.Dzidziso iyi yakaparariravo pasi pose, uye nhasi chaiyemuIndia munokwanisa kuona tembere dzakavakirwa musikimukurukuru, mwari asingatauri, ishoma chaizvo.

Sezvo zvakanga zvisina kufanira kunamata baba-musiki,zvakanga zvatongofanira kuti kunamata kupiwe kuna “MainoMwana” sandivo vakafanirwa nazvo. MuEgipita maivanokubata kumweko kwamai nomwanakomana kwainzi Isisi

Page 190: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

180 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

naOsirisi. MuIndia waiva Isi naIswara. (Onai kufananakwamazita acho.) MuAsia waiva Sibhere naDheoyasi. MuRomanomuGirisi makaitika zvimwe chetezvo. NomuChainavo.Zvino, chimbofungai kushamisika kwamamwe mamishinariekereke yeRoma pavakapinda muChaina ndokuwana munaMadhona noMwana nohwerazuva hwechiedza hwuchibvapamusoro womucheche. Mufananidzo uyu waigonakungochinjaniswa nowaiva muVhatikani kusiya kwesiyanoyokuratidzika kwezviso chete.

Saka zvino tinosungirwa kuti titsvake mai nomwanavapamavambo. Mwarikadzi-mai wapamavambo weBhabironiakanga ari Semiramisi aipiwa zita rokuti Rea munyikadzokumabvazuva. Mumaoko ake wakanga akabatamwanakomana, uyo kunyangwe zvake aiva mucheche,waitsanangurwa somunhu murefu, akasimba, wakanaka uyewaitora mwoyo yavanhukadzi. Muna muprofita Ezekieri 8:14anopiwa zita rinonzi Tamuzi. Pavanyori vakare vechiGirikiwainzi Bhakusi. Kuvanhu veBhabhironi wainzi Ninasi.Chinotsanangura chokwadi chokuti anounzwa somucheche arimumaoko asi achitsanangurwa somunhu mukurukuru anesimba guru ndechichi chokuti anozikanwa kuva “Murume-Mwanakomana”. Rimwe ramadunhurirwa ake nderokuti“Murume waMai”, uye muIndia mavanonzi Iswara naIsi, iye(murume) anopiwa somucheche ari pachifuva chomukadziwake pachake.

Zvokuti Ninasi uyu ndiye Nimirodhi womuBhaibheritinogona kuzvitsigira nokuenzanisa nhoroondo nezvakanyorwamuna Genesisi. Pombei akati, “Ninasi, mambo weAsiria,akashandura upenyu hwakarekare hwakanga hwusinazvakawanda-wanda nokuda kwechido chake chokukundadzimwe nyika. NDIYE WAKATANGA KUMUTSA HONDONAVAVAKIDZANI VAKE. Akakunda ndudzi dzose kubvaAsiria kusvika kuRibhiya sezvo vanhu ava vakanga vasinaruzivo rwezvehondo.” Dhiodhorasi anoti, “Ninasi ndiyemambo weAsiria wakare anotaurwa munhoroondo. Somunhuwaifarira zvehondo wakadzidzisa varume vechidikivakawanda zvakasimba pamusoro pounyanzvi mune zvehondo.Wakaisa Bhabhironi pasi pake pasati patombova negutareBhabhironi.” Saka tinoona Ninasi uyu achitanga kuvanomukurumbira muBhabhironi, nokuvaka Bhabherinokuzotora Asiria, achiva mambo wayo, achizoenderera mberinokumedza dzimwe nzvimbo huruhuru dzaiva navanhuvakanga vasina unyanzvi hwezvehondo vachingorarama zvavoupenyu husina zvakawanda-wanda sezvakataura Pombei.Zvino muna Genesisi 10, ichitaura pamusoro poumambohwaNimirodhi munonzi, “Ushe hwake hwakatangapaBhabheri, neEreki, neEkadhi, neKarine panyika yeShinari.Wakabuda kunyika iyo akaenda Asiria akavaka Ninevhi,

Page 191: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 181

neKara nezvimwe.” Asi vakaturikira vakakanganisapavakaturikira Asshur sezita asi icho chiri chiito, uyemuchiKaridhea shoko iri rinoreva ‘kuita kuti chinhu chisimbe.’Saka ndiNimirodhi, uyo wakati azvisimbisa (wakamisaumambo hwake nenzira yokuumba hondo yamauto yokutangapasi pano iyo yaakadzidzisa nedhiriri uye mukuomakwokuvhima) wakapfuura nomuShinari nehondo yakeyakanga yakasimba akakurira marudzi nokuvaka magutaakaita seNinevhi, yakadumidzirwa iye, nokuti kana nhasichaiye chikamu chikuru chamasvingo eguta iri chinonziNimirodhi!

Sezvo tawana kuti Ninasi waiva ani, tinofanirwa zvino kutititsvake kuti baba vake vaiva ani. Kana tichitevedza nhoroondobaba vaNinasi vaiva Bheri, ndiye wakavamba Bhabhironi.(Zvino tinofanira kutondera pano kuti Bheri wakavambaBhabhironi pakuti ndiye wakatanga zvose zvakazotevera, asimwanakomana wake, Ninasi, ndiye wakamisa Bhabhironinokuva mambo wayo wokutanga nezvimwe.) Asi kanatichitevedza Gwaro, Baba vaNimirodhi vaiva Kushi: “Kushiwakabereka Nimirodhi.” Hakusi chete kuti izvi ndizvo asivokuti tinowana kuti Hami akabereka Kushi. Zvino, mumagarirenoupenyu hweEgipita Bheri ainzi Hermesi, uye Hermesizvinoreva, “MWANAKOMANA WAHAMI.” Kanatichitevedzera nhoroondo Hermesi ndiye waiva muprofitamukurukuru wechinamato chezvifananidzo. Wakanga arimuturikiri wavamwari. Rimwe zita raaidaidzwa naro nderokutiMekuri. (Verengai Mabasa avaapostora 14:11-12.)

Haiginasi anotaura izvi pamusoro pamwari uyuwaizikanwa namazita akasiyana-siyana anoti Bheri, Hermesi,Mekuri namamwe, “Kwamazera akawanda vanhu vaiva pasipehurumende yaJovhu (kwete Jovhu wavaRoma, asi JehovhawavaHebheru anotangira nhoroondo yeRoma) vasina magutauye vasina mitemo, vose vachitaura mutauro mumwe chete.Asi pashure pezvizvi Mekuri (Bheri, Kushi) wakaturikirazvaitaurwa navanhu (panozobva kuti muturikiri anziHermeneutesi) uye ndiye munhu mumwe chete wakaparadzirandudzi. Apa ndipo pakabva kusanzwanana.” Zvinoonekwakubva pane izvi kuti Bheri kana kuti Kushi, babavaNimirodhi, pamavambo ndiye akanga ari mutungamiririakatungamirira vanhu kubva kuna Mwari wechokwadinokukurudzira vanhu saiye “muturikiri wavamwari” kutivatore imwe mhando yokunamata. Wakavakurudzira kutivaenderere mberi nokuvaka shongwe inova yakavakwanomwana wake. Kurudziro iyi ndiyo yakaunza nyonganyonganokupesana pakati pavanhu, zvokuti wakazova zvinhu zviviriizvi zvinoti, “muturikiri uye munyonganisi.”

Saka, Kushi, ndiye baba vokunamata vamwari vazhinjiuye pakanga pava kuitwa vanhu mwari navamwe vanhu,

Page 192: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

182 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zvechokwadivo ndiye, wakaita baba wavamwari. Zvino Kushiwainzi Bheri. Uye Bheri mungano dzeRoma wainzi Janusi.Mufananidzo wake uno kumeso kuviri uye wakanga akatakuratsvimbo inomusoro yaakakunda nayo “nokuparadzira” nayovanhu kose kose. Ovhidhi anonyoravo achiti Janusi wakataurapamusoro pake pachezvake achiti, “vanhu vakarekarevakanditi Nyonganyonga”. Saka tinoona kuti KushiwomuBhaibheri, uyo wakavamba zvokupandukira zvamwarimumwe chete waidaidzwa navanhu vakarekare kunzi Bheri,Bherusi, Hermesi, Janusi, namamwe mazita. Waiva nevavariroyokuunza zvizaruro nedudziro kubva kuna vanamwari kuuyakuvanhu. Mukuita izvi akakonzera kuti hasha dzaMwaridziparadzire vanhu, achiunza kupesana nenyonganyonga.

Zvino kusvika pano patava taona kuti kunamata vamwarivazhinji kwakabvepi. Asi maona here kuti tawana munhuanonzi Kushi achitaurwa uyo akapiwa dunhurirwa rokuti“baba vavamwari”? Maona here pano fungwa yakare, yokutivamwari ava vaizvifananidza navanhu? Apa ndipo pakabvazvokupira midzimu. Saka tingangoongorora nhoroondo kutititsvake zvatingawana pamusoro pokupira midzimu.Zvakanaka, zvabudiswa pachena kuti Kushi ndiye wakatangisazvokushumira vanamwari vatatu vanoti baba,nomwanakomana nomweya. Vanamwari ava vakangavakaenzana vose. Asi waiziva kuti kwaizouya mbeu yomukadzi,saka paifanira kupinzwavo mukadzi nembeu yakemuchinamato ichi. Izvi zvakaitwa pakafa Nimirodhi. Mukadziwake, Semiramisi wakamuita (Nimirodhi) mwari, ndokubvaazviitavo iye mai vomwanakomana uyevo mai vavamwari.(Zvimwe chetezvo sezvakangoitavo kereke yeRoma kuita Mariamwarikadzi. Vanoti Maria akanga asina chivi uye kuti waivaMai vaMwari.) Iye (Semiramisi) wakadaidza Nimirodhi kuti“Zeroashita” zvinoreva kuti, “mbeu yomukadzi yakapikirwa.”

Asi hakuna kupera nguva refu mukadzi asati atangakutarirwa navanhu vazhinji kudarika mwanakomana, pasinakupera nguva mukadzi ndiye wakanga ava kuratidzwa ariyeari kutsika nyoka pasi petsoka dzake. Vakamudaidza kuti“mambokadzi wokudenga” ndokumuita mutsvene.Zvakafanana kwazvo nezvanhasi patinoona Maria, mai vaJesu,vakanga vakwidziridzwa kuva munhu asingafi uye iko zvinokubva September 1964 kanzuro yeVhatikani iri kuedza kupaunhu kuna Maria hwaasina, nokuti vari kuda kumudaidzakuti, “Maria Murevererikadzi,” kana kuti “Maria MaivaVatendi Vose,” kana kuti “Mai veKereke.” Kanakwakambova nokupira vadzimu kwechiBhabhironimuchinamato, ndicho chinamato cheKereke yeRoma.

Hakusi kuti chete zvokupira vadzimu zvakatangamuBhabhironi asivo kunamatwa kwezvisikwa kwakatangavoimomo. MuBhabhironi ndimo makatanga pazvisikwa

Page 193: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 183

kufananidzwa vanamwari nezuva nomwedzi, nezvimwe.Chinhu chikuru izuva rine simba rokupa chiedza nokudziyisarichionekwa navanhu sezibhora romwoto riri mudenga. Sakamwari mukuru wakazova mwari wezuva wavakadaidza kutiBhaari. Kazhinji zuva rairatidzwa sedenderedzwa remirazvuuye pasina kupera nguva pamurazvu uyu pakabuda nyokayakamutenderedza. Hapana kupera nguva nyoka isati yamirirazuva zvakazoitavo kuti inamatwe. Saka chido chomwoyowaSatani chakanga chanyatsokwana. Wakanamatwa saMwari.Chigaro chake choushe chakamiswa. Nhapwa dzakedzakamufugamira. MuPergamo wainamatwa ari mumutumbiwenyoka mhenyu. Muti woKuziva Zvakanaka neZvakashata,zvino wakanga wamirirwa nenyoka mhenyu wakanga usinakungonyengera Evha nokumuita mukadzi chete asivo kutivazhinji vavanhu vakanga vanyengerwavo.

Asi Pergamo yakazova sei muzinda waSatani kanaBhabhironi yaivavo muzinda? Mhinduro iri munhoroondozvakare. Bhabhironi payakapambwa navaMidhiya navaPersia,muprista-mambo, Atarusi wakatiza kubva muguta iri akaendaPergamo navaprista vake nezvakavanzika zvake zvaiereswa.MuPergamo umu wakaumba umambo hwake kunzekwoumambo hweRoma, akabudirira akachengetwa nasatani.

Iyi inongova nhoroondo yechinamato cheBhabhironimuchidimbu uye kuti chakaenda sei Pergamo. Zviri pachenakuti pane mivhunzo mizhinji isina kupindurwa, uyevo zviripachenavo kuti, paigona kutaurwa zvakawandisisa kutitijekerwe, asi vavariro yedu haizi yokuti iyi ive dzidzoyenhoroondo, asi kutoti tinongoda chete kubetseramukudzidza kwedu Shoko.

ZVINOSHORWA

Zvakazarurwa 2:14-15 inoti “Asi handifari nezvimwezvinhu zvishoma kwauri, nokuti una vamwepo vanobatisisadzidziso yaBharami wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbusopamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwazvifananidzo, nokuita vupombwe. Nokudaro una vamwevovanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti,yaNdinovenga.”

MuZera iri rePergamo Ishe Anomhura nokureva dzidzisombiri dzaAnovenga: 1. Dzidziso yaBharami yakaunzakunamata zvifananidzo nokutadza kwakadarikidzakuvaIsraeri paBhaari-Peori, uye 2. Dzidziso yavaNikoraiti,yakambenge ichingova mabasa chete muZera reEfeso.Batanidza mashoko okutuka awa nechokwadi chokuti Akangaachitsinhira Pergamo somuzinda waSatani, zvinobva zvaitanyore chose uye zvakafanira kupedzisa muchiti neimwevonzira chinamato cheBhabhironi chakanyana nechiKristu.

Page 194: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

184 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino iyi haisati ichingova fungidziro chete asi kutotiichokwadi chomunhoroondo chaticharatidza nokumbodzokeramunhoroondo kusvika gore ringangoita 36 A.D. tichizouyakuKanzuru yeNicaea ya325. VaKristu (vazhinji vaiva maJudhapakuberekwa) pavakaparadzirwa kunzvimbo dzokure kubvamuJerusarema vakaenda kwose kwose vachiparidzaEvhangeri, kunyanya mumasinagoge. Saka mumakore matatu,kana kuti mugore ringangoita 36 A.D. Evhangeri yakangayatosvitswa Roma naJuniasi naAndronikasi, vakanga varivaapostora kana tichitevedzera vaRoma 16:7. Basarakabudirira ikoko kwamakore mazhinji kusvikirakukakavadzana pakati pamaJudha kwakangakuchingorambirira kwakonzera kuti Mutongi mukuruKraudhio avadzinge muRoma. MaJudha adzingwa mugutamusana wekereke diki iyi wakanga watovhunika. Pamwe kudavakuru vekereke vakanga vachitovavo maJudha zvichirevakuti naivovo vaizenge vachienda. Makwai aizenge asinaanoachengeta uye sezvo Shoko rakanga risati ranyorwa kutiritungamirire yaiva nyore chose kuti makwai madiki awaaeredzwe kana kutonyudzwa chaiko nenyanzvi dzokufunganokudzidza nezvoupenyu uye vahedheni venguva iyoyo.Namapere anoparadza achipambara, nomweya waantikristuwasunungurwa, tinowana kubva munhoroondo kuti kerekediki iyi yaiva muRoma yakadzokera shure zvisingambobetseri,ndokutanga kupinza mabira avahedheni ana mazitaechiKristu.

Sezvo nguva yokudzingwa yakatora makore ane guminamatatu, vavambi vekereke, vanaJuniasi naAndronikasi,havana kudzoka kusvika gore ra54 A.D. Chimbofungai kutivakashungurika zvakadini kuwana kereke ine zita rechiKristuasi iri yechihedheni zvakanyanya. Mukereke makanga muneartari dzaipisirwa zvinonhuwira namabira echihedheni.Vatungamiriri vekereke iyi vakanga vatogadzwa vakangavasingachagoni kutaurwa navo, saka navashoma vakangavaedza kuramba vakatendeka vakatanga kereke itsva, kanakuti Kereke yePiri yeRoma. Mwari wakashanda nenyashapakati pavo nezviratidzo nezvishamiso zvokuti kereke yetatuyakavambwa. Uye nyangwe zvazvo Kereke yoKutangayakasekwa kuva kereke yechihedheni KWETE yechiKristupakushumira napamanamatire ayo yakaramba kusiya nzvimboyayo asi kuti yakaramba iri uye INONGORAMBA IRI KerekeyoKutanga yeRoma _ Kereke yeKaturike yeRoma.

Zvino vazhinji vedu tine fungwa isiyo yokuti ani nani kanakuti vose vanozviti maKristu ndivo vanonangwa nasatanizvichireva kuti vanotakura kushupa nouipi hwosehwehurumende. Asi izvi handizvo. Kereke yokutanga iyiyakatanga kubudirira nokukura nokuwanza vanhu zvokutotivatongi vakuru navakuru-vakuru vehurumende vakasiyana-

Page 195: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 185

siyana vakatanga kuifarira nokuinyengerera nokuitsigiramaererano nezvamatongerwe enyika. Saka vatungamiriveKereke Yokutanga muRoma pavakaona kuti vakanga vavakunyengererwa nokudiwa, vakatoti vawana mukana wokuitakuti hurumende ivenge vatendi vechokwadi nokusimbiriranokuomerera nerokuti vatambudzwe chose kana vasina kuuyamuboka ravo. Mumwe wamabhishopi eKereke yoKutangaakanga ari Aniketasi akararama muzana ramakore rechipiriuye wakanga ari wenguva imweyo naPolycarp. Apoanoremekedzwa Polycarp paakanzwa kuti Kereke yoKutangayechiKristu yeRoma yakanga yapinda mumabira echihedheniuye kuti yakanga yasvibisa chokwadi cheEvhangeri,wakaendako kundovadembetera kuti vashanduke. Wakavaonavachivata pasi namatumbu pamberi pezvifananidzo zvakapiwamazita avatsvene. Wakavaona vachitungidza makadyeranokupisa zvinonhuwira paartari. Wakavaona vachipembereraPaseka muzita rokuti Ista, pavaicherechedza chingwa chakaitadenderedzwa chaikudza mwari wezuva, vachizobva vodururawaini sechipiriso kuvamwari. Asi mutsvene uyu wakangaatokwegura asi akafamba mamaira 1500 haana kukwanisakumisa kunyura kwavo. Mwari wakataura nomaari paakangaava kuenda achiti, “Efraimu wakawanana nezvifananidzo,musiye akadero,” muprofita Hosea 4:15. Polycarp haanakuzombodzokazve.

Shure kwaAniketasi kwakauya bhishopi weRoma wainziVhikita wakanga akaipa. Wakaunza mamwe mabiraechihedheni akatowanda muKereke yoKutanga, akatoedzavopaaigona napo kunyengetedza kereke dzechokwadidzechiKristu kuti dzipinzevo mukati madzo fungwadzakashata idzi. Hadzina kuita sezvaakati dziite saka akaitakuti vakuru vehurumende vatambudze vatendi ava,nokuvadana kumatare, nokuvakanda mumatorongo kanakutotongera vazhinji vavo kuti vaurayiwe. Muenzanisowakadai wamabasa ake akashatisisa unowanikwamunhoroondo umo matinowana Karito (shamwari yaVhikita)achiita kuti Mutongi mukuru Septimasi Sevherasi aurayevanhu 7000 izvi zvakaitika paTesaronika nokuti vatendivechokwadi ava vakapemberera Paseka nenzira yayakanziiitwe naShe Jesu kwete sechinamato chaAstarte.

Zvino muzambiringa wenhema wakanga wavakutokuturira kutsamwa kwose pana Mwari mupenyu nenzirayokuuraya vasanangurwa, sezvakangoitavo teteguru wavo,Kaini, kuuraya Abheri.

Kereke yechokwadi yakaramba ichingoedza kuita kutiKereke yoKutanga itendeuke. Haina kutendeuka. Yakatokurapauwandu hwenhengo nesimba rokufurira. Yakatanga basarokuramba ichisvibisa zita rembeu yechokwadi. Vaiti ivo chetendivo vaiva vamiririri vaShe Jesu Kristu, uye vakanga

Page 196: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

186 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vachitozvitutumadza nenyaya yokuti ndivo vakanga varikereke yamavambo muRoma, uye ivo bedzi ndivo vaiva KerekeyoKutanga. Zvirokwazvo ndivo vaiva Kereke yoKutanga, uyeZVIROKWAZVO NANHASI NDIVO.

Saka kusvika panguva iyi yezera retatu rekereke tinekereke mbiri dzine zita rimwe chete asi dzino kusawiriranakukuru pakati padzo. Imwe yakatsauka kubva kuchokwadi,ndokuroora zvifananidzo uye haina upenyu mairi. Yakazviitamasanganiswa uye zviratidzo zvorufu, (kwete upenyu),zvinoitevera pose painosvika. Ina masimba uye ine nhengozhinji. Inodiwa nenyika. Imwe kereke iboka dikirinotambudzwa. Asi inotevera Shoko, uye zviratidzozvinoiteverera. Vanorwara vanoporeswa uye vakafavanomutswa. Imhenyu noUpenyu neShoko raMwari. Haidiupenyu hwayo pachayo, asi kuti inobatira kuZita raKenokutenda kwaKe kusvikira parufu.

Saka kutambudza kwaityisa kwaiitwa navakuruvehurumende muRoma kwakawira pamusoro pavatendivechokwadi kusvikira Konistantino azouya akaparusununguko pakunamata. Panenge pane zvikonzero zvivirizvakaita kuti rusununguko urwu rupiwe. Chokutangandechokuti vatongi vakuru vakasiyana-siyana vakanakahavana kumbenge vabvumidza kutambudza vatendi uku, asikuti pavaifa, vaizoteverwa naavo vaiuraya maKristu.Zvakanga zvisingacharevi chinhu zvokuti zvakazogumazvasvika pakuti vanhu voruzhinji vakaona kuti maKristuaifanira kuregerwa akadero achiita zvaaitenda. Chechipirichinonyanya kuzikanwa ndechokuti Konistantino wakangaakatarisana nehondo yakanga yakaoma mukutora masimbaoumambo. Mumwe musi muhope wakaona muchinjikwamuchena uchibuda pamberi pake. Wakanzwa kuti iri raivashura kwaari rokuti kana maKristu akamunamatira kutiakunde, waizokunda mukurwa uku. Wakavimbisa kutiwaizovapa rusununguko kana akakunda. Akakunda ndokubvarusununguko rwokunamata rwapiwavo nechisungo chamambochakaitwa panzvimbo yainzi Nante mugore ra312 A.D.

Asi rusununguko urwu kubva mukutambudzwa uye rufurwakanga rwusiri rwomwoyo murefu sezvazvairatidzika.Konistantino wakanga zvino ava sababa. Sababavo zvidozvake zvakanga zvava kunge zvadarikidza zvouyo waingoonazvake zvaiitika, nokuti wakafunga kuti kereke yaida rubatsirorwake munyaya dzayo. Wakanga avaona vachikakavadzanamunyaya dzakasiyana-siyana, imwe yadzo ichipinza mukatiAriasi, Bhishopi weAreksanda, uyo waidzidzisa vateveri vakekuti Jesu wakanga asiri Mwari chaiye asi kuti chimwevozvacho chinhu chenhando, sezvo akasikwa naMwari. KerekeyaMavirira yaiva nefungwa dzaipokana nedzidzi, ichitendakuti Jesu wakanga ari unhu huzere hwaMwari uye sokutaura

Page 197: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 187

kwavaiita ‘wakaenzana naBaba’. Nenyaya idzi, pamwenokupinda kwakanga kwava kuita mabira echihedhenimukunamata, mutongi mukuru wakadaidza kuti kuitweKanzuru yeNicaea mugore ra325 ane fungwa yokutiwaizosanganisa mapoka ose pamwe chete pavaizogadziridzakupesana kwavo, nokuzosvika pakunzwisisana, nokuva pamwechete uye kuti zvose zviitwe. Hazvishamisi here kuti nyangwezvazvo izvi zvakatangwa naKonistantino hazvina kuzombofazvakaguma asi kutoti zvichiripo chose nhasi uno se“KanzuruyaMakereke yaPasi”? Uye paakatadza kubudirira zvirokwazvomune zvinhu izvi, zvichabudirira kuitwa munguva ino nokudakwenyaya yomubatanidzwa wamakereke apasi pose.

Zvino kupinda uku kwenyika mune zvekereke chinhuchoupenzi nokuti nyika hainzwisisi chokwadi chinowanikwamuShoko kana maitire ekereke. Chikonzero chii, chisungochaicho chakamiswa nekanzuru chokuti Ariasi wakanga asirimugwara chakasandurwa makore maviri akatevera nomutongimukuru uye kwamamore akawanda dzidziso yokunyepa iyiyakapinzwa pakati pavanhu nokumanikidza.

Asi zvokuti nyika nekereke zvaizobatana zvakangazvasanozikanwa naShe. Zita chairo pacharo rokuti Pergamorinoreva “kuroorana kwakasimba”. Uyevo zvirokwazvo kerekenenyika zvakanga zvawanana; zvamatongerwe enyikanezvokunamata zvakanga zvabatana. Zvibereko zvokubatanauku zvakangoramba zvichingova masanganiswa anotyisa zvatizvamboonekwa pasi pano. Chokwadi hachisi mavari, asi zviitozvakashata zvose zvaKaini (masanganiswa okutanga) zvizeremavari.

Hakusi chete kuti kereke nenyika zvakachata muzera iri,asivo kuti chinamato cheBhabhironi chakabatanidzwaneKereke yoKutanga zviri pamutemo wavatongi. Satani zvinowava kukwanisa kushandisa Zita raKristu uye akagadzwapachigaro choushe saMwari mukunamatwa. Norubatsirorwehurumende yomubatanidzwa makereke akagara nhakayedzimba dzakanaka dzakanga dzakashongedzwa namaartariamatombo akakosha nemifananidzo yavatsvene vakafa. Zvinoimo muno chaimo muzera iro rino ndimo makamuka “chikarachomuna Zvakazarurwa 13:3 chakanga chakuvadzwazvokusvikira parufu: (Umambo hukurukuru hweRomahwechihedheni) chikara ichi chakatora masimba chichinzi“Holy Roman Empire.” Roma yezvamatongerwe yakangayatonzwa nokukamurwa-kamurwa uye pasina kupera nguvayaizoparara zvachose; asi izvi zvakanga zvisisina basa, nokutiumambo hwayo ukurukuru hwezvokunamata hwaizoita kutiirambe iri pamusoro penyika dzose ichitonga nechomukatizvisingaonekwi pachena seiri kutonga.

Regai ndikuratidzei chokwadi chaicho cheGwaropamusoro penyaya iyi, nokuti handidi kuti pawane munhu

Page 198: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

188 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

anofunga kuti ndiri kupa chizaruro changu pachangu _chisingawanikwi muGwaro. Dhanieri 2:31-45 inoti, “Imi, Omambo, makatarira, mukaona chifananidzo chikuru.Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokuhwinyakwakaisvonaka, chakanga chimire pamberi penyu; chakangachichityisa pakuonekwa kwacho. Kana chiri chifananidzo ichimusoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvonaka, chifuvachacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirvheri, dumbu rachonechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira, makumbo achoakanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamweivhu. Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwerichivezwa asi risingaitwi namaoko omunhu, rikarovachifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu,rikadziputsa-putsa. Ipapo dare, nevhu, nendarira, nesirvheri,nendarama, zvakaputsanyiwa pamwe chete, zvikafanananehundi iri pamapuriro nenguva yezhezha; zvikatorwanemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo: asi ibwe rakanga rarovachifananidzo rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberipamambo. Imi, O mambo, muri mambo wamadzimambo:makapiwa naMwari wokudenga ushe, noumambo, nesimba,nokuhwinya. Pose panogara vana vavanhu, Wakaisa paruokorwenyu mhuka neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvozvose. Imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu umweushe huchamuka huduku kwamuri, tevere ushe hwechitatuhwendarira, huchabata panyika yose. Ushe hwechina huchavanesimba sedare: sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadzazvose: sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvohuchaputsanya nokupwanya. Zvamakaona tsoka nezvigunwe,zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari pamwe nedare,huchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo,zvamakaona dare rakavhenganiswa nevhu rokuumba naro.Zvigunwe zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwenedare, pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwenesimba, pamwe hahungatani kuputsika. Uye zvamakaonadare rakavhenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvovachavhengana namarudzi avanhu: asi havanganamatirani,sezvinoita dare risinganamatirani nevhu. Zvino namazuvaamadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe,husingatongozoparadzwi: uye simba rahwo haringapfuurikuno rumwe rudzi rwavanhu, asi ihwo hwuchaputsanyanokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo hwuchamiranokusingaperi. Zvamakaona ibwe richivezwa mugomozvisingaitwi namaoko avanhu, richaputsa-putsa dare,nendarira, nevhu, nesirvheri, nendarama; Mwari mukuruwakazivisa mambo zvichazoitwa pashure: kurota ukundokwazvokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwazvokwadi.”Muno umu muri kuratidzwa tsananguro chaiyo izereyenhoroondo ichazouya, isati yazadziswa yakaprofitwa kuuya

Page 199: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 189

panyika kubva panguva yaDhanieri kusvikira Jesu auyakuzotonga soMwanakomana waDhavhidhi. Inozikanwase“Nguva yavaHedheni.” Mukati mayo yaiva nezvikamuzvenhoroondo zvina zvaizikanwa navatongi vakurukuruvaibuda pamusoro muchikamu choga choga: zvichirevaBhabhironi, Midhia-Persia, Giriki, Roma. Umambohwakanyanya kukurumbira nokuva namasimba akakwanandohweBhabhironi uhwo hwakamirirwa nomusorowendarama. Hwakatevera pamukurumbira ndohweMidhiya-Persia uhwo sokubudiswa pachena kwazvinoitwa nenhoroondozvirokwazvo hwakanga husina kuenzana nohwokutangandosaka hwakamirirwa nechifuva namaoko esirvheri.Ndokuzobva kwatevera zera rechiGiriki rakanga rina mambowakanga ari nyanzvi yenyanzvi dzose dzati dzamboonekwapasi pano pakutungamirira nezvehondo ndosakavoakamirirwavo zvakakodzera nedumbu nezvidya zvendarira.Hwakanga husina kubudirira nomukurumbira kuenzananohuviri hwokutanga. Pakupedzisira kunouya umambohwokupedzisira uhwo hwaiva Umambo Ukurukuru hweRomahwakamirirwa namakumbo netsoka. Asi pakaratidzwahumambo hwokutanga hwakamirirwa nezvicherwa (ndaramayakakwana, sirvheri nendarira) uhwu hwokupedzisira hwaivadare rakakwana mumakumbo chete, nokuti kana kwavakutsoka akanga ava masanganiswa edare nevhu rehari, zvinosimbi nevhu hazvibatani kuti zviumbe chinhu chimwe uyechakasimba. Asi hakuzi kuti chete izvi ndizvo chaizvo, asivokuti zvinonyanyisa kushamisa ndezvokuti, umambo uhwu(hweRoma) hwaizoramba huripo ‘hwakasanganiswa kudai’kusvikira Jesu adzoka.

Umambo Ukurukuru hweRoma uhwu hwakamirirwanedare (dare rinomirira simba namasimba makuru okuparadzavanopikisa) hwaizoumbwa namapande makuru maviri.Zvirokwazvo akanga ava mapande maviri nokuti umambouhwu hwakanga hwatsemurwa zviri pachena kuva mapandemaviri _ Mabvazuva naMavirira. Mapande ose ari maviriakanga akasimba chose, achipwanya zvose zvaimapikisa.

Asi sezvo ukuru nomukurumbira woumambo ukurukuruhwose huchizoguma hwakundikana, saizvozvovo umamboukurukuru uhwu hwakatangavo kukundikana. Saka Romayakapunzika. Roma yoUmambo Ukurukuru hwechihedheniyakanga ichisiri dare. Yakaondomoka. Yakakuvadzwazvokusvika parufu. Roma yakanga zvino isingachakwanisikutonga. Zvakanga zvapera. Izvi ndizvo zvakafunga nyika. Asinyika yakanga yakarasika zvakadini, nokuti musoro uya(Roma) nyangwe zvawo wakanga wakuvadzwa hauna kungewakuvadzwa zvokusvika parufu. (Kuturikira kwaWuest,kwaZvakazarurwa 13:3 kunoti, “Zvino mumwe wemisoroyacho yakaratidzika sokunge yakanga yakuvadzwa zvokusvika

Page 200: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

190 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

parufu, huro payakanga yachekwa. Zvino kutandadza kwachokwakaporeswa. Zvino pasi pose pakatevereraChikaraMupengo ichi mukukatyamadzwa.”)

Vanhu vanotarira Roma. Vanotarira nyika yeItari. Zvinopavanotarira havacherechedzi kuti muRoma nomuganhu wayowakanyatsomiswa mune nzvimbo yapapa inonyatsonzindeyake yaanotonga senyika iri mukati menyika, nzvimboyapapa iyi inotovavo navamiririri vayo kune dzimwe nyikasezvinongoitavo dzimwe nyika kutuma vamiririri vadzokunzvimbo yapapa senyika iri yoga. ROMA YECHIKRISTUCHAMANYEPO CHAPAPA (inotodaidzwa kunzi gutarokusingaperi _ uku kutuka chinamato kwakadini) ZVINOYAVA KUTONGWA NECHINAMATO NOKUGONAKUNOTODARIKA KWENGUVA YOUMAMBO HWEROMAHWECHIHEDHENI HWAITONGWA NEDARERAKAKWANA RAMASIMBA EMANIKIDZO. Roma yakatoraumwe upenyu hutsva apo Konistantino paakabatanidza kerekenenyika akatsigira kubatana uku nokumanikidza namasimba.Mweya wakakurudzira Roma yechihedheni ndiwo mweyamumwe chete wakanga wava kukurudzira Roma yechiKristuchenhema. Munokwanisa kuona kuti izvi ndizvo nokuti zvinomava kuziva kuti umambo hukurukuru hwechina hahunakumbogara hwaparara; asi kuti hwakangoshandukamaonekerwe ahwo okunze.

Kanzuru yeNicaea payakangosundira simbarezvamatongerwe enyika reRoma kukereke, zvakaratidzikasokuti hapana chakanga chichamisa Kereke yechiKristuyoKutanga kuti isasvika kwayaida kusvika. Zita rokuti,maKristu, rakambotanga richiunza kutambudzwa, zvinorakanga rava zita ravatambudzi. Maiva muzera iroripakamiswa gwara naAgostino weHippo (354-430) rokutikereke yaifanira uye YAISUNGIRWA namasimbaokumanikidza kana zvaikodzera kuti vana vayo vadzokemuboka, uye kuti zvaipindirana neShoko raMwari kuurayaavo vaiva nokufunga kwakatsveyama naavo vanosiyachinamato. Mugakava rake namaDhonati akanyora achiti^“Zvirokwazvo zviri nane kuti vanhu vatungamirirwekushumira Mwari vachiita zvokudzidziswa pano kuitazvokutinhirwako nokuda kwokutya kurangwa kanakurwadziwa, asi izvi hazvirevi kuti nokuda kwokuti gwararokutanga rinobereka munhu wakapinda kunaka, saka avovasingazviuyiri voga vanofanira kuregwa vakadaro. Nokutivazhinji vakawana chimuko (sezvatakaratidza uyezvatinogara tichiratidza zuva nezuva nezvinhu chaizvo zvirikuitika) mukutonga vakatanga vamanikidzwa nokutya kanakurwadziwa, kuti vagozokwezviwa nokudzidziswa pashure,kuti vatevere nezviito zvavanenge vatodzidza neshoko^nyangwe zvazvo vari nane avo vanotungamirirwa norudo,

Page 201: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 191

zvirokwazvo avo vanopinzwa mugwara nokutya ndivovakawanda. Nokuti ndiani angakwanisa kutida kudarikaKristu, Wakapira upenyu hwaKe kumakwai? Asi pashurepokudana Petro navamwe vaapostora namashoko aKe chete,paAkazodana Pauro, Haana kungomudzivisa nenzwi raKechete, asi kuti wakatomupunzira pasi nesimba raKe; kutiAunze nokumanikidza munhu wakanga achitopenga aripakati perima rokusatenda, kuti ade chiedza chomwoyo,Wakatotanga amurova noupofu hwameso. Zvino chiichinotadzisa Kereke kuti imanikidze vanakomana vayovakarashika kuti vadzoke? Ishe pachaKe wakati, ‘Endaikumigwagwa nokunzowa muvamanikidze kuti vapinde.’Saka kana simba rakagamuchirwa neKereke panguvayayo, nokusarudza kwomweya kubudikidza nokunamatanokutenda kwamadzimambo, rikava chinhu chinoshandiswakuti avo vanowanikwa vari mumigwagwa nomunzowa _kureva vane fungwa dzakatsveyama navanozvitsaura _vamanikidzwe kuti vapinde, saka ngavarege kuwaniramhosva kumanikidzwa uku.”

Nyota yokuda ropa yakanga ichingokura nokufambakwenguva. Muzambiringa wenhema muSpain zvinowakashanda paMutongi Mukurukuru Maksimasi kuti abatanenawo pakurwisa vatendi vechokwadi vakanga vane Shokonezviratidzo nezvishamiso. Saka vainzi maPriscillianistsvakaunzwa kuTrevhesi naBhishopi Atakasi (mugore ra385).Wakavapomera mhosva youroyi nokusazvibata vazhinjivakakugurwa misoro. Martini weTuwasi, naAmburosiweMirani vakazviramba izvi nokuzviratidza kuti zvakashata,akadembetera pasina chimuko kuti kutambudzwa kwavanhuuku kugume. Pakaramba kutambudza uku kuchiendereramberi mabhishopi maviri awa akaramba kuyanana nabhishopiHaidhatasi navamwe vakanga vakaita saye. Chinoshamisandechokuti Sinodhi yeTrevhesi yakatora divi remhondi.

Kubva panguva iyi zvichienda mberi, kunyanya kupfuuranomuMakore eRima, tichaona vana venyama vachitambudzanokuparadza vana voMweya, nyangwe zvazvo ose mapoka arimaviri achirwirana Baba vamwe chete sezvazvakangazvakaitavo pana Ishmaeri naIsaka. Rima rokuipakwapamweya richanyanya uye chiedza chechokwadichaMwari chichaderera kusvikira chava kupenyera kure kurekana zvichierwa nouwandu hwavanhu. Asi vimbiso yaMwariicharamba chiri chokwadi, “Chiedza chinohwinya murima uyerima hapana zvarinogona kuita pazviri.”

Zvino kusvika panguva ino handisati ndabudisamunhoroondo nyaya yandavimbisa kuti ndichataura nezvayo,apa ndinoreva, kupfekana kwechinamato chaNimirodhinechinamato chaKristu. Mucharangarira kuti Atarasi wakatizakubva Bhabhironi kuenda Pergamo ndokuumba umambo

Page 202: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

192 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

hwake kunze kwoUmambo Ukurukuru hweRoma. Hwakakuranokubudirira nokufamba kwamakore, huchiburirwa namwariwapasi pano. Hurongwa hwokutevedzana hwamadzimamboaivavo maprista hwakatevera Atarasi kusvikira kutongakwaAtarasi III apo nokuda kwechikonzero chinongozikanwamuumambo hwaMwari chete Atarasi akasiyira senhakaumambo hwake kuRoma. Juriasi Kesari ndokubva atoraumambo hwose hwuri huviri hwenyika nohwomweya nokutiwakava Papa Maksimasi wechinamato cheBhabhironi sakawakava muprista-mambo. Chinzvimbo ichi chakatambidzanwasenhaka navatongi vakurukuru kusvikira nguva yaMaksimasiIII akazochiramba. Kana tichitevedza Nhoroondo yaStivhiniapa ndipo panguva yakazotorwa napapa ukuru uhwuhwakanga hwarambwa ndosaka kana nanhasi uno kuna papapanyika, anovavo Papa Mukurukuru zvirokwazvo. Anopfekakorona nhatu achigara muRoma. Muna Zvakazarurwa 17Mwari haachisiri kutaura pamusoro pePergamo somuzindawaSatani kana kuti ndimo munogara Satani. Kwete, imbayechigaro choushe haichisiri muPergamo, asi kuti yavamuBhabhironi YAKAVANZIKA. Haisi muBhabhironi asi kutimuBhabhironi YAKAVANZIKA. Iri muguta riri pamakomomanomwe. Musoro wayo ndiantikristu nokuti wakapambanzvimbo yaKristu Anova ndiye chete murevereri uye Anovandiye chete anogona kukanganwira zvivi. Hongu, PapaMukurukuru anesu nhasi uno.

DZIDZISO YAVANIKORAITI

Zvakazarurwa 2:15 inoti, “Nokudaro una vamwevovanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, yandinovenganeNivo.”

Mucharangarira kuti ndakabudisa pachena muZerareEfeso kuti shoko rinoti, Nicolaitane, rinobva mumashokomaviri echiGiriki: Nikao rinoreva kukunda, uye Lao rinorevaruzhinji rwavanhu. Saka Nicolaitane zvinoreva, “kukundaruzhinji rwavanhu.” Zvino nemhaka yei ichi chiri chinhuchakaipisisa kudai? Chinhu chakaipisisa nokuti Mwari haanakumbofa akaisa kereke yaKe mumaoko outungamiririhwakasarudzwa hunofamba nefungwa dzezvamatongerweenyika. Akaisa kereke yaKe mumaoko avanhu vakasarudzwanaMwari, vakazadzwa noMweya, vanorarama Shokovanotungamirira vanhu nenzira yokuvapakurira kudyakweShoko. Haana kumbopatsanura vanhu kuvaisa mumapokaakasiyana paukuru nekodzero kuitira kuti ruzhinjirugotungamirirwa nouprista utsvene. Ichokwadi kutivatungamiriri vanofanira kuva vatsvene, asivo neboka roserinofaniravo kuva ravanhu vatsvene. Kupamhidzira pane izvi,hapana muShoko panowanikwa vaprista kana vafundisi kana

Page 203: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 193

vamwevo vachiita vamiririri pakati paMwari navanhu,hapanavo kana panombotsaurwa vanhu mukushumira kwavoIshe. Mwari anoda vanhu vose kuti vamude nokuMushandirapamwe chete. Chinikoraiti chinoputsa zvose izvi chichitsauravafundisi kubva kuvanhu nokuita vatungamiriri vatongivapamusoro pachinhambo chokuva varanda vanoshandiravanhu. Zvino dzidziso iyi yakanyatsotanga sechiito muzerarokutanga. Chinonetsa pano chinenge chinobva mumashokomaviri: ‘vakuru’ (vanhu vanotonga zvekereke) uye ‘vatariri’(mabhishopi). Nyangwe zvazvo Gwaro richiratidza kutimukereke yoga yoga muna vakuru vakawanda, vamwe(kusanganisa Ignatio) vakatanga kudzidzisa kuti fungwayokuva nabhishopi yakanga iri yokuva pakakwirira kana kuvanamasimba nokutonga vakuru vekereke. Zvino chokwadichiripo panyaya iyi chiri mushoko rinoti ‘vakuru’ rinoratidzakuti munhu wacho ndiani, asivo shoko rinoti ‘bhishopi’richiratidza nzvimbo yomurume mumwe chete iyeye. Mukurundiye murume wacho. Bhishopi inzvimbo yomurume iyeye.‘Mukuru’ ishoko ragara richireva uye richangogara richirevazera romunhu pakufamba kwenguva ari munaShe. Mukuru,kwete nokuda kwokuti akasarudzwa kana kuti akagadzwa,nezvimwe, asi nokuda kwokuti NDIYE MUKURU. Ndiyewonyanya kuziva, akadzidziswa, uye asiri mutsva, ari munhuakatendeka nokuda kwokugara pachinhu nguva refunokuratidza nguva yakareba kuti ano upenyu hwakarebamuchiKristu. Asi kwete, mabhishopi haana kuramba aripatsamba dzaPauro, asi kuti vakatoenda kutsanangurodzaPauro dzenguva yaakadana vakuru kubva Efeso kuendaMiretasi muna Mabasa avaapostora 20. Mundima 17 chinyorwachinotaura kuti, “vakuru” vakadanwa uyezve mundima 28vanonzi vatariri (mabhishopi). Zvino mabhishopi awa, (pasinakana kupokana nokuda kwefungwa dzezvamatongerwe enyikavachikaria masimba) vakasimbirira nerokuti Pauro wakapadudziro yokuti ‘vatariri’ vaipfuura mukuru wenzvimbo iyoyoaiva nenzvimbo youkuru mukereke yake pachake chete.Kwavari mubhishopi waiva munhu ana masimbaakawedzerwa pamusoro pavatungamiriri vazhinji venzvimbo.Fungwa yakadai iyi yakanga isingatsigirwi naMwagwaro kananenhoroondo, asi tinoona kuti kana nomunhu akakurumbirasaPolycarp airerekera kudivi rohurongwa uhwu. Saka, ichochakatanga sechiito muzera rokutanga chakazoitwa dzidzisochaiyo zvinova ndizvo zvazviri nanhasi uno. Mabhishopi achirikungotora masimba okutonga vanhu nokuita kwavarizvavanenge vangoda, nokuvaisa pose pavanongoda kuvaisamushumiro. Izvi kunenge kwava kutoramba utungamiririhwoMweya Mutsvene Uyo wakati, “Nditsaurirei PauronaBharnabhasi kubasa raNdinovadanira” Izvi kuramba Shokonokuramba Kristu. Mateo 20:25-28 inoti, “Asi Jesuwakavadanira kwaAri, akati, Munoziva kuti machinda

Page 204: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

194 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo.Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani nani unoda kuvamukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu; ani naniunoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu:Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuuyakuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwaKe ruverudzikinuro rwavazhinji.” Mateo 23:8-9 inoti, “Asi imimusaidzwa Rabhi: nokuti Mudzidzisi wenyu ndoMumwe, iyeKristu; imi mose muri hama. Musaidza munhu ari panyikababa venyu: nokuti Mumwe chete ndiBaba venyu, Ivo varikudenga.”

Kuti ndijekese izvi zvakanyanya, regai nditsanangurechiNikoraiti nenzira iyi. Munorangarira kuti munaZvakazarurwa 13:3 munonzi, “Mumwe musoro wacho wakangawakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu: asi vangaraifanira kuuraya rakanga rapora: nyika yose ikashamiswaikatevera chikara.” Zvino tava kuziva kuti musorowakakuvadzwa waiva musoro woUmambo UkurukuruhweRoma, nyika huruhuru iya yaiva namasimba panyika munezvamatongerwe enyika. Musoro uyu wakamukazveso“umambo ukurukuru hwezvomweya hweKereke yeRoma”.Zvino nyatsocherechedzai izvi. Roma yechihedheniyezvamatongerwe enyika yakaitei chakava hwarohwokubudirira kwayo? Iyo, “yakapatsanura nokukurira.”Ndiyo yakanga iri mbeu yeRoma _ patsanura kuti ugokurira.Mazino ayo edare akabvarura nokudya. Wayakabvaruranokudya haana kukwanisa kumukazve sezvayakaitapayakaparadza Kartago ndokuikusha munyu. Mhando imwechete yembeu yedare yakaramba iri mairi payakamukasekereke yenhema, uye zvisungo zvayo zvokutevedzwazvakangoramba zviri izvozvo _ patsanura kuti ukurire. Ichindicho chiNikoraiti uye Mwari anochivenga.

Zvino ichokwadi chenhoroondo chinozikanwa zvikuru kutipakapinda mhosho iyi mukereke zvinyoronyoro, vanhuvakatanga kukwikwidzanirana nzvimbo youbhishopizvichikonzera kuti nzvimbo iyi ipiwe kuvanhu vakanyanyakudzidza uye vakabudirira pane zvefuma uye vane fungwadzezvamatongerwe enyika. Ruzivo rwavanhu nezvirongwazvakatanga kutora masimba enzvimbo yenjere dzaMwari uyeMweya Mutsvene wakabviswa pakutonga. Zvirokwazvo ukukushata kunosiririsa, nokuti mabhishopi akatanga kutizvakanga zvisingachadi unhu kwechiKristu hwuri pachenakushumira Shoko kana kuita basa romukereke nokutizvinokosha maitire acho nezvaitwa. Izvi zvakapa mukanakuvanhu vakashata (vanyengeri) kuti vaparadze makwai.

Nedzidziso dzavanhu dzokusimudzira mabhishopikunzvimbo dzavasakapiwa neGwaro, danho raizoteverarakanga riri rokugovera nzvimbo dzairongwa paukuru kuvaka

Page 205: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 195

hurongwa hwoukuru hwechinamato; nokuti kusina kuperanguva kwakanga kwava namaachibhishopi pamusoropamabhishopi namakadhinari pamusoro pamaachibhishopiuye kuzosvika panguva yaBhonifesi wetatu kwakanga kwavanapapa pamusoro pavose, Papa.

Ko zvinovo padzidziso yechiNikoraiti nokubatanidzwakwechiKristu neBhabhironi mhedzisiro yazvo zvoseyaitofanira kuva zvakaonekwa nomuprofita EzekierimuChitsauko 8:10 inoti, “Ipapo ndakapinda ndikavona; tariramifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhukadzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri,zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.” Zvakazarurwa18:2 inoti, “Akadanidzira nenzwi guru, achiti, rawa, rawaBhabhironi guta guru, yava nzvimbo munogara mweyayakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiridzose dzine tsvina dzinovengwa, nokuti marudzi ose akawanewaini yokutsamwa kwovupombwe hwaro.”

Zvino dzidziso yechiNikoraiti iyi, mutemo uyu wakamiswamukereke hauna kunyanya kufarirwa navanhu vazhinji nokutiapo neapo vaikwanisa kuverenga imwevo zvayo tsamba kanakuti tsananguro yakanyorwa pamusoro peShoko nomumwevozvake munhu una Mwari. Saka zvino kereke yakaiteipamusoro pezvizvi? Yakadzinga kubva musangano vadzidzisivakarurama ava nokupisa zvinyorwa zvavo. Vaiti, “Zvinotodakudzidziswa kwakanyatsogadzirirwa kuti munhu averengenokunzwisisa Shoko. Nokuti kana iye Petro pachake akatizvinhu zvizhinji zvakanyorwa naPauro zvakanga zvakagozhakunzwisisa.” Vabvisa Shoko kuvanhu, vakazongosarira kutivanhu vaterere zvaitaurwa nomuprista, nokuita zvaaivataurirakuti vaite. Izvi vaizviti ndiMwari neShoko raKe dzvene.Vakabva vabata fungwa noupenyu hwavanhu nokuvaitavaranda vechiprista chaitonga noudzvanyiriri.

Zvino kana muchida zvinoratidza kuti Kereke yeRomainomanikidza kuva nefungwa noupenyu hwavanhu, teereraikumutemo waTiodhosiasi X. Mutemo waTiodhosiasiwoKutanga.

Mutemo wakapiwa achangobhabhatidzwa neKerekeyoKutanga yeRoma. “Isu vatongi vakurukuru vatatu tasungakuti vanhu vedu vatevere nomwoyo wose chinamatochakadzidziswa noMutsvene Petro kuvaRoma,chakachengetedzwa nokutendeka patsika uye chirikutambirwa napapa, Dhamasko veRoma, naPetro, nabhishopiweArekisandria, murume woutsvene hwechiApostora kanatichitevedzera boka ravaApostora, uye dzidziso yeEvhangeri;ngatitende muUmwari hwaBaba, noMwanakomana, noMweyaMutsvene, vano umambo hwakaenzana muUtatu Utsvene.Tinorayira kuti vateveri vechitendero ichi vadaidzwe kunzimaKristu echiKatorike; tinotuka vose vanotevera zvimwe

Page 206: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

196 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zvinamato vane zita rinosvoreka rokuti vatsauki,tichirambidza kuti mapoka avo avanoumba ashandise zitarokuti makereke. Pamusoro pokutuka kutsvene, vanofanirakutarisira zvirango zvakakomba izvo masimba edu,achitungamirirwa nenjere dzokudenga achaona zvakakodzerakutemera^”

Mirayiro gumi nemishanu yokuranga yakapiwa nomutongimukurukuru uyu mumakore gumi namashanuvo yakatoreravateveri veevhangeri kodzero yavo yose yokunamata,nokuvadzivisa kushanda mabasa mumahofisi enyika,nokuvatyisidzira nemiripo, kana kutorerwa zvinhu zvavo,kana kudzingwa munyika yavo kana kutotivo pane dzimwenguva, rufu chairwo.

Munozivei? Ndiro gwara ratakananga chairo iko nhasi uno.

Kereke yeKatorike yeRoma iri kuzvidaidza kuti Maivekereke. Inozviti ndiyo kereke yokutanga kana kutiyapamavambo. Ichi ndicho chokwadi chaicho. Ndiyo yaivaKereke yoKutanga yeRoma yapamavambo yakadzokera shureikapinda muchivi. Ndiyo yakatanga kuumba sangano. Mairimakawanikwa zviito ndokuzoteverwa nedzidzisoyechiNikoraiti. Hapana akambozoramba kuti ndimai. Ndimaiuye yakabereka vanasikana. Zvino mwanasikana anobudamumukadzi. Mukadzi akapfeka nguvo tsvuku akagarapamakomo manomwe eRoma. Imhombwe uye yakaberekavanasikana. Vanasikana ava ndiwo makerekeechiPurotesitendi akabuda kubva mairi ndokubva adzokerazvechaiko kwakare kumasangano nechiNikoraiti. Mai avavavanasikana vamakereke vanonzi chifeve. Izvi zvinorevamukadzi asina kuchengeta mhiko dzake dzomuchato. Vakangavakawanikwa naMwari ndokubva vaenda kundoita upombwenasatani uye muhupombwe hwavo uhu vakabereka vanasikanavakangoitavo samai vavo. Kubatana kwamai nomwana ukundokwokuramba Shoko, nokuramba Mweya, zvichizopedzisiranokuramba Kristu. Hongu, ANTIKRISTU.

Zvino ndisati ndanyanya kuenda mberi mberi ndinodakutaura kuti mabhishopi okutanga awa aifunga kuti aripamusoro peShoko. Vaitaurira vanhu kuti vaikwanisakuvaregerera zvivi zvavo kana vakareurura zvivi izvozvo. Ichihachina kumbova chokwadi. Vakatanga kubhabhatidzavacheche muzana ramakore rechipiri. Vaitoita bhabhatidzoyokushandura munhu. Hazvishamisi kuti vanhu nhasivakaputsika misoro. Kana vakanga vakavhiringika kareko,pedyo pedyo nePentekosti, iko zvino vava pakaipisisa, sezvoava makore 2000 kubva pachokwadi chapamavambo.

O-o, Kereke yaMwari, panongova netariro imwe chete.Dzokerai kuShoko mugogara naro.

Page 207: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 197

DZIDZISO YABHARAMI

Zvakazarurwa 2:14 inoti, “Una vamwepo vanobatisisadzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbusopamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwazvifananidzo, nokuita vupombwe.”

Zvino hazvingambogoni kuti muve nourongwahwechiNikoraiti mukereke musingapinzivo imwe dzidziso,yazvo. Maona, kana mukabvisa Shoko raMwari nokufambakwoMweya sandiyo nzira yokunamata nayo (vanoNdinamatavanofanira kuNdinamata muMweya nomuzvokwadi) sakaunofanira kutopa vanhu imwe nzira yokunamata nayopachinhambo cheiyi, zvino kuisa chimwe chinamatopanzvimbo yechimwe zvinounza Bharami.

Kana tichizokwanisa kunzwisisa kuti dzidziso yaBharamichaive chii mukereke yeTestamente Itsva tinotofanirakudzokera shure kuti tione kuti yakanga iri chii mukerekeyeTestamente Yekare tigozvishandisa kuzera rechitatu iri kutitigozviunza zvose kune zvamazuvano.

Rungano urwu runowanikwa muna Numeri Chitsauko 22kusvika 25. Zvino tinoziva kuti vaIsraeri rwaiva rudzirwaMwari rwakasanangurwa. Vaiva maPentekosti enguvayavo. Vakanga vavanda pasi peropa, vose vakangavabhabhatidzwa muGungwa Dzvuku vakabuda kubvamumvura vachiimba muMweya nokutamba musimba roMweyaMutsvene, apo Miriamu, muprofitakadzi, akanga achiridzatamborini. Saka, kwapera chinguva vachifamba vana vaIsraeriava vakasvika paMoabhi. Munorangarira kuti Moabhi chaivachii. Wakanga ari mwanakomana waRoti waakaberekanomumwe wavanasikana vake, uyevo Roti wakanga arimuzukuru waAbrahama, saka vaIsraeri navaMoabhi vakangavano ukama. Ndinoda kuti muone izvi. VaMoabhi vaizivachokwadi, hazvinei kuti vaizvirarama here kana kwete.

Saka vaIsraeri vakasvika kumuganho weMoabhi vakatumanhume kuna mambo vachiti, “Tiri hama dzenyu. Regaitipfuure nomunyika yenyu. Kana vanhu vedu kana zvipfuwozvedu zvikadya kana kumwa chinhu, tichakuripirainomufaro.” Asi Mambo Bharaki akabva apenga. Musoro uyuweboka ravaNikoraiti wakanga asingazoregi kereke ichipfuuranezviratidzo nezvishamiso zvayo nokumwe kuratidzwakwoMweya Mutsvene kwakasiyana, nokumeso kwavokuchivaima nokuhwinya kwaMwari. Izvi zvaiva nengozi huru,sezvo waigona kungorashikirwa navamwe vanhu veboka rake.Saka Bharaki wakaramba kutendera vaIsraeri kuti vapfuurenomo. Zvirokwazvo, kutya kwake kwakanga kwakakura,zvokuti wakaenda kuno mumwe muprofita aiitazvokubhadharwa ainzi Bharami kundomukumbira kuti avemumiririri pakati pake naMwari kuti akumbire Mwari kuti

Page 208: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

198 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

atuke vaIsraeri, nokuvaita kuti vashaye simba. Bharami,somunhu akanga ane shungu dzokupindira munyayadzezvamatongerwe enyika kuti agova munhu mukurukuru,wakafarira nokumhanyira kuita zvaakanga akumbirwanaBharaki. Asi nokuti aiziva kuti waifanira kuuya kunaMwari, nokunzwikwa zvaaida kuti aite kuti vanhu vatukwesezvo akanga asingagoni kuzviita iye pachake, wakaendakundokumbira Mwari kuti awane mvumo yaKe yokuendakuna Bharaki. Zvino izvi handizvo zvimwe chete herenavaNikoraiti vatinavo nhasi uno? Vanotuka ani naniasingaendi negwara ravo.

Bharami paakakumbira Mwari mvumo yokuti aende,Mwari akamurambidza. Veduwe-e zvakamurwadza izvi! AsiBharaki akavavarira, achivimbisa mubayiro mukurunorukudzo. Saka Bharami wakadzokerazve kuna Mwari.Mhinduro imwe chete kubva kuna Mwari yaizoringana. Asikwete mbimbindoga Bharami. Mwari paakaona uipi hwakenokutsveyama, Wakamutaurira kuti asimuke aende.Nechimbichimbi akarongedzera ndokutasva mbongoro yakendokuenda. Angadai akazviona kuti uku kwaingova chetekuda kwaMwari kwokubvumira munhu kuita zvaanoda uyekuti haaizokwanisa kuvatuka kana nyangwe zvake aiendakanokwana makumi maviri achiedza kanokwana makumimaviri. Vanhu mazuvano vakafanana kwazvo naBharami!Vanotenda muvaMwari vatatu, nokubhabhatidzwamumadunhurirwa matatu pachinhambo chomuZITA, asiMwari anongotuma Mweya pamusoro pavo sezvaAkaita panaBharami, uye vachingorambirira vachitenda kuti ndivo varimugwara chairo, apa vanenge vachingova vechiBharamichakazara. Maona, dzidziso yaBharami. Enderera mberizvakangodero. Tevera gwara rako. Vanoti, “Sezvo, Mwariatipa ropafadzo. Zvinofanira kunge zvakanaka.” Ndinozivakuti Wakakuropafadzai. Handisi kupokana nezvizvi. Asiinongova nzira imwe chete iyoyo yamasangano yakatorwanaBharami. Kupikisa Shoko raMwari. Idzidziso yenhema.

Saka Bharami akapengereka achidzira nomugwagwakusvikira mutumwa akabva kuna Mwari amira munzira yake.Asi muprofita uyu (angava bhishopi, kana kadhinari, kanasachigaro, kana purezidhendi kana mutariri wazvose) akangaakapofomadzwa zvokuti haana kuona zvinhu zvoMweyanokuda kwefungwa yokukudzwa nomukurumbira nemarindosaka asina kukwanisa kuona mutumwa akanga akamiraakabudisa munondo. Hoyo akanga akamira apo achidziviriramuprofita aipenga uyu kuti asapfuure. Mbongoro yakamuonandokunzvenga ichienda uku nokuku kusvikira yambandidzirarutsoka rwaBharami pamadziro edombo. Mbongoro yakavatapasi ikaramba kupfuurira norwendo. Yakanga isingakwanisi.Saka Bharami akaburuka ndokutanga kuirova. Mbongoro

Page 209: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 199

ndokubva yatanga kutaura kuna Bharami. Mwari akaregambongoro iyi ichitaura nendimi. Mbongoro iyi yakanga isirimasanganiswa; yakanga iri mbeu yapamavambo chaipo.Yakataura kumuprofita akapofumadzwa ichiti, “Handizimbongoro yako here, uye handina kukutakura nokutendekahere?” Bharami akapindura achiti, “Hongu, hongu, urimbongoro yangu uye wakanditakura nokutendeka kusvikiraiko zvino; zvino kana ndikatadza kukuti ufambe,ndichakuuraya^whu-u! ko chava chiizve, kutauranembongoro? Zvinoshamisa izvi, ndanzwa sembongoro yangaichitaura ini ndichitoipindura.”

Mwari agara achingotaura nendimi. Akataura pamabikoaBherishaza ndokuzotaurazve paPentekosti. Ari kuzviitazvemazuva ano. Iyi iyambiro yokutonga kwava pedo.

Zvino mutumwa akabva aita kuti aonekwe naBharami.Akataurira Bharami kuti dai isiri mbongoro angadai akatofanguva idzodzo nendava yokuedza Mwari. Asi Bharamipaakavimbisa kudzoka, akazonzi achienderera mberi asi apiwayambiro yokuti ataure zvaanenge apiwa naMwari chete.

Bharami akadzika ndokuvaka artari nomwe dzokubayiramhuka dzakachena. Akauraya gondobwe raimirira kuuyakwaMhesiyasi. Aiziva zvokuita kuti asvike pana Mwari.Maitirwe azvo aimaziva nomazvo chaimo; asi akangaasingazivi mafambire azvo; ndizvo zvimwe chetevo nanhasiuno. Hamusi kuzviona here imi vaNikoraiti? VaIsraeri vakangavarimo zvavo mumupata umo vachitobayira chibayiro chimwechete, vachiita zvakangofanana asi kungoti vaIsraeri vaivanechiratidzo chaivateverera. NdiMwari mumwe chete akangaari pakati pavo. Maitirwe namamirire ezvinhu hapanakwaanokusvitsai. Hazvikwanisi kutora nzvimbo yokuratidzwakwoMweya. Izvi ndizvovo zvakaitika paNicaea. Vakaunzadzidziso yaBharami, kwete dzidziso yaMwari. Sakavakatatarika; hongu vakapunzika. Vakava vanhu vakafa.

Pashure pokubayira chibayiro, Bharami akanga agadzirirakuprofita. Asi Mwari akasunga rurimi rwake ndokubva atadzakuvatuka. Akavaropafadza.

Bharaki akatsamwa chose, asi Bharami hapanazvaaikwanisa kuita pamusoro pechiprofita. Chakangachataurwa noMweya Mutsvene. Saka Bharaki akatauriraBharami kuti adzike nechapazasi, mumupata, kuti atarirekumashure kwavo zvimwe angawane imwe nzirayaangakwanisa kuvatuka nayo. Mazano akashandiswanaBharaki ndiwo mazano mamwe chete anoshandiswamazuvano. Masangano makuru anotarira pasi kumapokamadiki, kuti chose chavanowana pakati pavochavangashandisa kukanganisa zita nechimiro chavo vanobvavachibudisa nokuchishambadzira. Kana vamazuvano

Page 210: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

200 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vachirarama muchivi, hapana anombotaura chinhu pamusoropazvo; asivo rega mumwe chete wavasanangurwa apindemudambudziko mapepa ose anobva azadzwa nenyaya yachonokuikushira pose pose munyika. Hongu, vaIsraeri vakangavane nhengo dzavo (dzenyama) dzeshure. Vakanga vane diviravovo rakanga richisvoreka; asi nyangwe zvazvo vakangavasina kukwana, nokuda kwohurongwa hwaMwarihunoshanda nokusanangurwa, nenyasha kwete namabasa,VAKANGA VANE GORE MASIKATI NESHONGWEYOMWOTO USIKU, VAKANGA VANE DOMBORAKAROHWA, NYOKA YENDARIRA NEZVIRATIDZONEZVISHAMISO. Vakanga vasimbiswa _ kwete pachavo ivo,asi muna Mwari.

Mwari akanga asina rukudzo kuvaNikoraiti ava namaPHDavo, namaLLD namaDD namasangano avo ose akanakisisanezvakanakisisa zvinogona kuvimbwa nazvo nomunhu; asiAiva norukudzo kuvaIsraeri nokuti vakanga vane Shokorakanga raratidzwa pakati pavo. Zvirokwazvo vaIsraerivakanga vasiri vanhu vakatsvinda, savanhu vakangavachangobva muEgipita vachiita zvokutiza nechimbichimbi,asi zvisinei vakanga vari vanhu vakaropafadzwa.Zvavaingoziva kwamakore 300 kwaingova kufudza makwai,nokushanda muminda nokushanda senhapwa dzinotyakuurayiwa pavakanga vari pasi pavaEgipita. Asi zvinovakanga vasununguka. Vakanga vari vanhu vakaropafadzwanoumambo hwaMwari. Zvirokwazvo vaMoabhi vaivaonerapasi. Mamwe marudzi ose, aivasvoravo. Masangano agaraachionera pasi avo vasiri masangano nokuedzakuvamanikidzira kuita sangano kana kutovaparadza kanavachinge vasingadi kuuya kwavari.

Zvino mumwe angangondivhunza achiti, “Hama Branham,chii chinokuitai kuti mufunge kuti vaMoabhi vakanga varisangano asi vaIsraeri vasiri sangano? Fungwa iyimunoiwanepi?” Ndinoiwana imo muno chaimo muBhaibheri.Zvakanyorwa zvose muno umu. Zvose zvakanyorwamuTestamente Yekare zvakamira sengano zvakanyorerwakutiyambira kuti tigodzidza kubva mazviri. Hezvino zvirimuno chaimo muna Numeri 23:9 inoti, “Nokuti ndinomuonandiri pamusoro pamatombo, ndinomutarira ndiri pamusoropezvikomo; tarira ndivanhu vanogara VARI VOGA,HAVANGAVERENGWI PAKATI PENDUDZI.” Hezvi. Mwariachitarira ari pamusoro pamatombo, kwete mumipataachitsvaka zvakaminama pavari nokuvatonga. Mwariachivaona vari zvaAgara achida kuvaona vari _ kubvapakakwirira porudo nenyasha. Vaigara VOGA uye vakangavasiri sangano. Vakanga vasina mambo. Vakanga vanomuprofita, uye muprofita uyu akanga ana Mwari maarinokuda kwoMweya; Shoko raiuya kumuprofita uye Shoko

Page 211: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 201

raipfuura kuvanhu. Vakanga vasiri nhengo dzeU.N. Vakangavasiri nhengo dzeKanzuru yaMakereke yaPasi Pose, kanadzeBhaptist, kana dzePresbheterian, kana dzeAssembly of Godkana dzeripi zvaro boka. Vakanga vasingasungirwi kuvenhengo. Vakanga vakabatanidzwa naMwari. Vakangavasingadi mazano kubva kukanzuru ipi zvayo _ vakanga vane“Zvanzi naJehovha” pakati pavo. Hareruya!

Zvino nyange zvazvo chaiva chokwadi kuti Bharami aizivanzira kwayo yokusvika nayo kuna Mwari achikwanisa kuwanachizaruro kubva kuna Ishe nenzira yokupiwa simba, nyangwezvazvo zvose izvi zvaivapo akanga achingova mubhishopimuboka renhema. Chii chaakaita zvino kuti afarirwenaBharaki? Akaronga zano raizoita kuti Mwari amanikidzwekuunza rufu kuvaIsraeri. Sezvakaitavo Satani kuziva kutiaikwanisa kunyengera Evha (kumuita kuti apunzike muchivichenyama) zvichizoita kuti Mwari amupe mutongo waKeworufu pamusana pechivi ichi, saka Bharamivo aiziva kutikana aizokwanisa kuita kuti vaIsraeri vatadze, Mwariwaizosungirwa kuvapa mutongo worufu. Saka akaronga zanorokuti vaIsraeri vauye kwavari vabatane navo mukutadza.Wakavakoka kumabiko okupemberera Bhaari-peori (uyaimushumire nesu). Zvino vaIsraeri, pasina kana kupokana,vakanga vatomboona mabira avaEgipita saka vakafunga kutizvakanga zvisina kunyanya kuipa kuenda kungondoona cheteuye pamwe vachitodyavo mabiko navamwe. (Ko chakashatapakushumira chii? Tinofanira kuvada handiti, ko zvinotingagovatendeusa sei?) Kufarirana navanhu hakuna ngoziyakunombounza _ kana kuti ndizvo zvavaifunga. Asipakatanga vakadzi ava vakanga vakanyatsoumbwa kuvavakadzi kutamba nokukumura nguvo vachizeya pavaiitamitambo inonzi pachirungu rock and roll netwist, vaIsraerivakatanga kunzwa ruchiva ruchimuka uye vakakwezverwamuupombwe Mwari ndokubva atsamwa akauraya vanhu zvurumakumi mana nezviviri.

Izvi ndizvo zvakaita Konistantino navakamuteverapaNicaea uye mushure meNicaea. Vakakoka vanhu vaMwarikumusangano mukuru. Zvino kereke payakagara pasi kutiidye, nokusimuka kuti vatambe (vachipinda mumaitireekereke, namabira, namabiko echihedheni akapiwa mazitaezvitevedzwa zvechiKristu) kereke yakateyiwa; yakanga yaitaupombwe. Mwari akabva abuda.

Kana ani nani akabva muShoko raMwari kuti apindemuchechi pachinhambo chokugamuchira Mweya Mutsvene,munhu uyu anofa. Kufa! Ndizvo zvaanoita. Musava nhengodzamakereke. Musapinda mumasangano nokutorwanezvitendwa netsika kana chipi zvacho chinotora nzvimboyeShoko noMweya nokuti munofa. Zvinobva zvangoguma.Munofa. Munotsaurwa kubva kuna Mwari nokusingaperi!

Page 212: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

202 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Izvi ndizvo zvakaitika muzera roga roga rakavapo. Mwarianosunungura vanhu. Vanobuda nokuda kweropa, nokuitwavatsvene neShoko, vachipinda nomumvura yebhabhatidzonokuzadzwa noMweya; asi pashure pechinguvana rudorwokutanga runotanga kupora uye vamwe vanotanga kuwanafungwa yokuti vanofanira kuumba sangano kutivazvichengetedze nokuzviitira zita, vanoumba sangano chaimomuchizvarwa chechipiri dzimwe nguva kutotangira nguva iyi.Vanenge vasisina Mweya waMwari, vanenge vangovanechimiro chete chokunamata. Vanenge vafa. Vanenge vazviitamasanganiswa nezvitendwa nechimiro uye munenge musinaupenyu mavari.

Saka Bharami akaita kuti vaIsraeri vaite upombwe.Munozviziva here kuti upombwe chaihwo hwapanyama mweyamumwe chete uri muchinamato chesangano? Ndati mweyawoupombwe ndiwo mweya wamasangano. Vose vanoitaupombwe vachawana nzvimbo yavo mudziva romwoto. Izvindizvo zvinofunga Mwari pamusoro pamasangano. Honguchangamire, chifeve navanasikana vacho zvichava mudzivaromwoto.

Masangano haazi aMwari. Haana kumbofa ari uyehoachazombofi akava. Mweya usiriwo unotsaura vanhuvaMwari kuvaita vatungamiriri navanhuvo zvavo; saka,nokudaro, mweya usiwo unotsaura vanhu kubva kuvanhu. Izvindizvo zvinoita masangano namadhinominesheni. Mukuumbamasangano vanozvitsaura kubva kuShoko raMwari,nokuzviunza muupombwe pamweya.

Zvino cherechedzai kuti Konistantino akapa mabikoakanaka kuvanhu. Aiva mabiko echihedheni chakare anamazita matsva akatorwa kukereke, kana kuti tsika dzechiKristuzvakatorwa ndokubatanidzwa namabira echihedheni. Akatorakunamata zuva ndokukushandura kuva MwanakomanawaMwari. Pachinhambo chokupemberera musi wa21 Zvita,rinova ndiro zuva ravaipemberera mabiko amwari wezuva,vakariswededza mberi kuna 25 Zvita ndokuriti zuvarokuberekwa kwoMwanakomana waMwari. Asi tinoziva kutiAkaberekwa mumwedzi waKubvumbi panobuda upenyu, kwetemuna Zvita. Uye vakatora mabiko okupemberera Asitartendokuati mhemberero yeIsta panofanira kupembererwanavaKristu kufa nokumuka kwaShe. Chokwadi chazvondechokuti aiva mabiko echihedheni okupemberera Asitarte.

Vakaisa maartari mukereke. Vakaisa zvifananidzo. Vakapavanhu zvavaiti zvitendwa zvavaapostora, nyangwe zvazvomusingazviwani muBhaibheri. Vakadzidzisa vanhu zvokupiravadzimu vachiita kuti Kereke yeRoma ive kerekeyezvamasvikiro kudarika dzimwe kereke dzose pasi pose.Mweya wose wakaipa wakanga urimo. Uye munowanamapurotesitendi namasangano avo achiita zvimwe chetezvo.

Page 213: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 203

Vakadya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo. Zvinohandizi kureva kuti vakanga vachitodya nyama chaiyoyakanga yabayirwa kupira zvifananidzo. Nokuti nyangwezvazvo kanzuru yeJerusarema yakanga yarambidza izvi,Pauro haana kuzvitora sechinhu chikurukuru sezvo akatizvifananidzo hazvina chikuru chazvinoreva. Chiripo chetemwoyo womunhu kusiya chete kwapazvinenge zvichitsamwisahama ino mwoyo mutete ndipo pazvaizorambidzwa.Kupamhidza pane zvizvi, Chizaruro ichi chine chokuitanamaHedheni kwete namaJudha sezvo kereke idzi dziridzamaHedheni. Ndinozviona izvi muchiedza chimwe chetechandinoona nacho mashoko aShe anoti, “Kana musinakudya nyama yaNgu nokunwa ropa raNgu hamuna upenyumamuri. Munhu haangararami nechingwa choga asi neshokoroga roga rinobva mumuromo maMwari.” Munokwanisakuona kuti kudya zvinoreva kugamuchira zvinhu zvomweya.Saka vanhu ava pavakanga vachipfugamira zvifananidzo,nokutungidza makandyera, vachipemberera zororodzechihedheni, vachireurura zvivi zvavo kuvanhu (zvose izvichinamato chasatani,) vakanga vachidya nasatani kwetekudya zvaIshe. Vakanga vari mukupira zvifananidzo zvisineikuti vaizvibvuma here izvi kana kwete. Vangataura zvavozvose zvavanoda kuti artari nezvinonhuwira zvinongovazvokurangaridza vanhu minamato yaShe kana kuti zvipizvazvo zvavangafunga kuti ndizvo zvazvinoreva; vangativokana vachinamata pamberi pezvifananidzo zvinongoitirwachete kuratidza; uye vangatizve kana vachireururakumuprista, chokwadi ndechokuti vanenge vachireurura kunaMwari nechomumwoyo yavo chaimo, uye kuti kana vachitimuprista anovakanganwira, kunongova kuti anenge achizviitamuZita raShe; vangangotaura zvavo zvose zvavada asi chiripondechokuti vari kugamuchira chinamato cheBhabhironichinozikanwa nani nani, chinamato chaSatani uye vanengevazvibatanidza nezvifananidzo nokuita upombwe pamweya,hunounza rufu. Vakafa.

Saka kereke nenyika zvakachata. Kereke yakabatananezvifananidzo. Nesimba renyika richivatsigira vakanzwazvino kuti, “Umambo hwakanga hwauya uye kuda kwaMwarikwakanga kwaitwa panyika.” Ndosaka zvisingashamisi kutiKereke yeRoma haisi kutarisira kuuya kwaShe Jesu.Havatendi mumireniyamu. Vatova nemireniyamu yavo ipopano chaipo. Papa ari kutotonga iko zvino uye Mwari arikutonga ari muna papa. Saka paAnouya kanatichivatevedzera, inotofanira kuva nguva panenge matengamatsva nenyika zvagadzirirwa. Asi handizvoba. Papa musorowekereke yenhema, uye kuchazenge kune mireniyamu, asipanenge pachiitika izvi anenge asiri mukati mazvo. Anenge arikumwevo.

Page 214: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

204 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

YAMBIRO

Zvakazarurwa 2:16 inoti. “Naizvozvo tendeuka kanausingaiti izvozvo Ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwanavo nomunondo womuromo waNgu.”

Chimwe chii chaAngataura? Mwari anokwanisa herekuregerera chivi chaavo vakatakura Zita raKe pasina?Panongova nenzira imwe chete yokugamuchira nyashamunguva yechivi, TENDEUKAI. Reururai kutimakakanganisa. Uyai kuna Mwari kuti muwane kanganwironoMweya waMwari. Iyi irayiro inobva kuna Mwari.Kusaiteerera zvinoreva rufu, nokuti Anoti, “Ndicharwa neminomunondo womuromo waNgu.” Chikara chakarwanavatsvene, asi Mwari acharwa nechikara. Avo vakarwaneShoko rimwe zuva vachawana Shoko rava kurwa navo.Chinhu chinotyisa kutapudza, kana kupamhidzira kuShokoraMwari. Nokuti avo vakarishandura, nokuita narozvaivafanira ivo, mhedzisiro yavo ichava yei kusiya kworufunokuparadzwa? Asi nyasha dzaMwari dzichiri kungodaidzirakuti, “Tendeukai.” O-o, fungwa dzokutendeuka dzinotapirazvakadii. Hapana chandinounza mumaoko mangu, asi chetekuti ndinobatira kumuchinjikwa weNyu. Ndinounza kusuwa.Ndinotendeuka kuti ndiri zvandiri, uye zvose zvandakaita.Zvino iropa, pasina chimwe asi ropa chete raJesu. Chichavechii? Kutendeuka here, kana kuti munondo worufu? Zvirikwauri.

MIBAYIRO

Zvakazarurwa 2:17 inoti. “Une nzeve ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke. Unokunda Ndichamupa mana yakavanzika,uye Ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzvarakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu asi naiye unoripiwa.”

Mharidzo yoga yoga kuzera roga roga inopa chinhuchokuvavarira kuwana kumutendi, kumukurudzira kuti avemukundi kuti agopiwa mubayiro naShe. Muzera rino Mweyauri kuvimbisa mana yakavanzika nezita idzva rakanyorwamubwe jena.

Zvino sezvo imwe neimwe yendima idzi ichitaurirwaku‘mutumwa’ _ (nhume munhu) basa guru uye mugoveunoshamisa ndizvo zvaachawana. Kuvanhu ava Mwari anopavimbiso iri yoga, sezvakaita kuvaapostora vane gumi navavirivachigara pazvigaro gumi nezviviri vachitonga marudzi guminamaviri avaIsraeri. Zvino apa, chirangarirai kuti Pauroakapiwa vimbiso: yokupa vanhu vomwenga venguva yakekuna Jesu, II VaKorinte 11:2 inoti “Nokuti ndine godopamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisaikumurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara

Page 215: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 205

yakachena.” Ndozvazvichava kunhume yoga yoga yakatendekakuShoko renguva yayo nezera rayo. Zvichange zvakadaromunguva yokupedzisira. Uchava mubayiro mumwe chetesowakapiwa Pauro. Ndinofunga vazhinji venyu munorangariramataurire andakaita kuti ndakagara ndichingotya kufandichitya kuti zvimwe ndingasangana naShe Akasafara nenisomunhu akakundikana pabasa raKe kakawanda kudai.Zvino, ndanga ndichifunga zuva riya randakanga ndakavatamumubhedha ndokubva pakarepo ndapinda muchiratidzochaikatyamadza chose. Ndinoti chaikatyamadza nokutindakanga ndambowana zvuru nezvuru zvezviratidzo asihakuna kana chiratidzo chimwe chandakaratidzwa ndichibudamumutumbi wangu. Asi apa ndakapinda muchiratidzo ichi;ndakacheuka ndikaona mudzimai wangu, ndikaona mutumbiwangu wakararapo parutivi rwake. Ndakabva ndaona ndavamunzvimbo yakanakisisa zvandisati ndamboona. Yakanga iriparadhiso chaiyo. Ndakaona mhomho nemhomho dzavanhuvakanakisisa zvandisati ndamboona uye vano mufaromukurusa wandisati ndamboona. Vose vairatidzika kuvavadiki kwazvo _ vanenge vaiva pakati pamakore 18 ne21okuberekwa. Pakanga pasina kana vhudzi jena kana kuunyanapaganda kana umwe zvahwo urema pakati pavo. Vakadzivadiki ava vose vhudzi ravo rakanga rakarembera kusvikakuzviuno zvavo, uye varume vadiki ava vakanga vakanakavakasimba. O-o, vakandichingamidza zvakanaka kwazvo.Vakandimbundikira nokundidaidza vachiti hama yavoyaidikanwa, nokungoramba vachinditaurira kuti vaifarachaizvo kundiona. Pandakanga ndichishamiswa kuti vanhuvose ava vakanga vari vanaani, mumwe akanga ari parutivipangu akati, “Vanhu vako.”

Ndakashamiswa zvokuti ndakavhunza ndichiti, “Vose avandeveimba yaBranham here?”

Akandipindura achiti, “Kwete, vanhu vawakatendeusa.”Akabva anongedzera kuno mumwe mukadzi akati,“Unomuona here mukadzi uyo wawanga uchiyeva chinguvanachichangopfuura. Akanga ava namakore 90 pawakamuunzakuna She.”

Ndakati, “O-o zvangu ini, kufunga kuti izvi ndizvozvandanga ndichitya.”

Murume uya akati, “Takazorora pano takamirira kuuyakwaShe.”

Ndakapindura ndichiti, “Ndinoda kuMuona.”

Akati, “HaungaMuoni iko zvino; asi Ari kuuya kusinakupera nguva refu, uye paAnouya Achatanga nokwauri, uyeuchatongwa pamusoro peEvhangeri yawakaparidza, uye isutichava vanhu vako.”

Page 216: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

206 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Ndakati, “Unoreva here kuti ndichapindurira vanhu voseava?”

Akati, “Mumwe nomumwe wavo. Wakaberekerwa urimutungamiri.”

Ndakamuvhunza ndichiti, “Vamwe vose vachawanamugove wavovo here? Ko Mutsvene Pauro?”

Akandipindura achiti, “Achamiriravo zera rake.”Ndakati, “Saka zvakanaka,” “ndakaparidza Evhangeri

imwe cheteyo yakaparidza Pauro.” Mhomho yose ndokubvayadanidzira ichiti, “Ndipovo patakazorora ipapo.”

Hongu, ndinokwanisa kuona kuti Mwari ari kuzopamubayiro kunhume dzaKe dzakaita basa radzo nokutendekaraAkavapa. Kuti kana vakagamuchira chizaruro cheShokochenguva iyoyo vakachiparidza nokutendeka munguva yavo,vachirarama zvavaiparidza, vachawana mubayiromukurukuru.

Zvino nefungwa iyi mundangariro, verengai ndima iyizvakare. “Ndichamupa mana yakavanzika.” Tose tinoziva kutimana kwakanga kuri kudya kwavatumwa; ndiyo yakatumwapasi naMwari pauswa kuti vaIsraeri vadye panguvayokudzivaira kwavo. Kwaiva kudya kwakakwana.Zvaishamisa kuti twutsanga twechikafu utwutwakavachengeta muutano hwakakwana. Hapanawakamborwara. Ndizvo chete zvavaida. Pakagadzirwa arekavakaisa imwe mana imomo. Areka yakabva yaiswa serikwomucheka uye muprista mukuru chete ndiye waifanirwakusvika pairi asi kana iyevo waitofanira kuva neroparechibayiro. Chingwa chinobva kudenga, chaimirirwa nemana,rimwe zuva chakabva kudenga chikava Upenyu kuna vosevakatenda maAri. Akati, “Ndini chingwa choupenyu. Ndinichingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga, uye ani nanianodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” PaAkaendaAkatisiyira Shoko raKe, “Munhu haangararami nechingwachoga asi neShoko roga roga rinobuda mumuromo maMwari.”

Shoko raKe chaiva chingwa. Yakanga iri manayakakwana, iyo yaiti, kana munhu akararama nayo,haaizombofa. Asi pashure chaipo pokufa kwamadzibaba,hapana wairatidza kuziva chokwadi chaicho uye muchinguvachifupi mana iyi yakaratidzika kunge yakanga yavigwakuvanhu. Asi muzera roga roga Mwari wakatanga kudzoreranechizaruro icho chakanga chakavanzika kusvikira munguvaino yokupedzisira kana tichitevedza Zvakazarurwa 10:7,kuchauya muprofita achazozarura zvakavanzika zvose Ishewozobva ouya. Zvino muzera roga roga, ndinoti, nhumedzakagamuchira chokwadi chakavanzika. Asi havanakuchigamuchira kuitira ivo pachavo chete. Asi zvakangoitasezvazvakanga zvakaita pakataurirwa vadzidzi kuti vape

Page 217: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEPERGAMO 207

vanhu vazhinji chingwa nehove; Jesu wakavapa zvokudyazvakanga zvakadimurwa, asi ivo vakazopavo vanhu. Mwarianopa mana yaKe yakavanzika kumukundi. Hazvingatombovineimwe nzira. Haazombozaruriri ufumi hwaKe kuna avovanoramba izvo zvakatozarurwa kare.

Zvandanga ndichitaura pamusoro penhume kuzera rogaroga richigamuchira kubva kuna Mwari chikamu chechokwadichapamavambo chePentekosti zvakapiwa somuenzanisomuTestamente Yakare makarayirwa Mosesi kuti atoremapaindi matatu nechidimbu chapakati emana kuti aiisemumudziyo wendarama seri kwomucheka munzvimbo tsvene-tsvene. Imomo muprista wechizvarwa choga choga waizopindaneropa rechibayiro. Zvino waizotora chikamu chemana iyi(nokuti yakanga isingaori) yakanga iri chikamucheyapamavambo oidya. Zvino muzera roga roga nhume yaShekuzera iroro yakapiwa chizaruro chaMwari chenguva iyoyochaiyo. Nhume iyi payaingojekeserwa chokwadi, yaizounzachokwadi ichocho kuvanhu. Uye avo vainge nzeve dzavodzazarurwa noMweya vaizonzwa chokwadi ichocho,nokuchitenda, nokuchirarama.

Saka zvino, pane fungwavo yokudyiwa kwemanayakavanzika munguva ichauya. Ndinofunga kuti uku kunengekwava kudya kwokusingaperi kwechizaruro chaJesu Kristumuzera richauya ziendanakuenda. Ko zvino tingagotangakuziva sei ufumi husinganzvereki hwoUnhu kwaKe? Zvoseizvo zvatakanga tichitakwairira kuziva, mivhunzo yedu yoseisina kupindurwa, zvose izvi zvichazarurwa. Zvichabva kunaKristu Anova upenyu hwedu kuti tichazvigamuchira. O-o,dzimwe nguva tinofunga kuti tinosvika pakuziva zvishonapamusoro paKe neShoko raKe pasi pano, uye rakanaka sei,rinoita kuti tipembere nomufaro; asi mumwe musi kana nyamayedu yashanduka, Shoko iroro naIye zvichava chimwe chinhuchatisina kumbofa takarota kuti chinogona kuvapo.

Zvinonzivo pano apa kuti Achapa vakundi ibwe jena uyemubwe (kwete pabwe) iri munenge mune zita idzva,rinozikanwa nomwene waro chete. Zvino fungwa yezita idzvatinenge takamboinzwa. Abrama akashandurwa kuvaAbrahama, naSarai akashandurwa kuva Sara, naJakobhoakava Israeri, naSimoni akava Petro, naSauro akava Pauro.Mazita awa akaunza kushanduka, kana kuti akapiwa nokudakwokushanduka kwakanga kwaitika. Kwakatoti AbramanaSarai vashandurwa mazita avo naIshe ndipo pavakazovavakagadzirira kugamuchira mwanakomana wavo akangaachizouya. Asi pana Jakobho, aitofanira kuti akunde kutiagozodaidzwa kunzi muchinda. Pana Simoni naSauro,pavakanga vagamuchira Ishe, ndipo pakazouya kushandurwakwavo. Uye nanhasivo mumwe nomumwe wedu isu vatendivechokwadi akashandurwa zita rake. Tiri maKristu. Iri izita

Page 218: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

208 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

redu tose. Asi mumwe musi tichawana kumwe kushanduka;zvirokwazvo tichawana zita idzva. Zvingangoitika kuti zitaracho rakanga ririro zita redu rechokwadi rapamavamborakagara ranyorwa muBhuku reGwayana roUpenyu kubvapakuvamba kwenyika. Anoziva zita iri, asi isu hatirizivi.Mumwe musi pakuda kwaKe zvake, nesuvo tichariziva.

Ibwe jena. Zvakanaka sei izvi. Houno mumwemufananidzo womutsvene achigamuchira mubayiro kubvamuruoko rwaMwari pamusana pokutambura kwake panyika.Munoziva kuti, pashure paKonistantino, kereke yenhemayakakwanisa kunyudza ruoko rwayo muufumi hwenyikandokubva yavaka dzimba dzakanaka dzizere nezvifananidzozvinoyevedza. Zvifananidzo izvi, zvikagadzirwa namabweanokosha, chokwadi ndechokuti zvaiva zvifananidzozvavaRoma zvakapiwa mazita matsva avatsvene. Makerekenezvishongedzo zvawo zvakanga zvakanaka chaizvo,sezvinongoonekwavo kana nhasi. Asi Mwari akanga asimazviri. Mwari akanga aripi? Akanga ana vatsvene vaKe munakamwe kamusha kadiki, kana mubako, kana mune rimwegomo mavaivanda nhengo dzekereke yenhema. Vakanga vasinadzimba dzakanaka, nekwaya dzakapfeka magauni, nezvipfekozvakanaka, kana zvimwe zvinoyevedza zvenyika. Asi zvinomuvimbiso iyi yakasiyana nadzose kuvatendi vechokwadikumazera ose, Mwari akataura kuti Achavapa mibayiro inorunako rukurukuru uye inogara nokusingaperi. Regai zvavovakafuma vaonere varombo pasi. Regai zvavo vape marizhinjizhinji kukereke kuti iyovo kereke igovakudza nokuisaibwe rinokosha kana chifananidzo chokuvakudza panzvimboinoonekwa noruzhinji kuti vanhu vose vagorumbidzanokuuchirira. Rimwe zuva Mwari Anoziva nokuona zvoseacharumbidza shirikadzi zvakare pakupa kwayo zvosezvayaiva nazvo, nyangwe zvazvo angava masendi maviri, Iye,pachaKe, anopa mubayiro woufumi hwokudenga.

Hongu, mana yakavanzika nezita idzva mubwe jena. Ishewakanaka zvakadini kutipa mubayiro unoshamisa zvakadai,watisingambokodzeri. O-o, ndinoda kuva munhuwakagadzirira nguva dzose kuita kuda kwaKe,nokuzviunganidzira fuma kudenga.

Page 219: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 209

CHITSAUKO CHETANHATU

ZERA REKEREKE YETIATIRA

Zvakazarurwa 2:18-29

Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira uti; ZvanzinoMwanakomana waMwari, Una meso aKe akafanananomurazvo womwoto, netsoka dzaKe dzakaita sesafuriinopenya;

Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira,nokutsungirira kwako, vuye kuti mabasa ako; okupedzisiraanopfuvura okutanga.

Asi Handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uyamukadzi Jezebheri, unozviidza muprofitakadzi, vuyeunodzidzisa nokutsausa varanda vaNgu kuti vaite vupombwe,nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.

Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akarambakutendevuka pakufeva kwake.

Tarira, Ndoda kumukandira panhovo, navanoitavupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevukipamabasa ake.

Navana vake Ndichavavuraya norufu; nekereke dzosedzichaziva kuti Ndini iYe Ndinonzvera itsvo nemwoyo;Ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.

Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasine dzidzisoiyi vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, Ndinotikwamuri; Handingakutakudziyi mumwe mutoro.

Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira Ndichivuya.Unokunda, achichengeta mabasa aNgu kusvikira

pakupedzisira, Ndichamupa simba pamusoro pamarudzi:Uchaafudza netsvimbo yedare; sehari dzomuvumbi

dzinoputsanyiwa: sezvaNdakapiwavo naBaba vaNgu.Vuye Ndichamupa nyamasase.Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

TIATIRA

Maererano nenhoroondo, guta reTiatira ndiro rakanga ririduku pamaguta ose manomwe aZvakazarurwa. Rakangarakavakirwa pakati peMysia neIonia. Rakangarakapoteredzwa nenzizi dzakawanda, asi dzizere makonyeanosveta ropa. Asi chinhu chinorumbidzwa zvikuru paririndechokuti rakanga rakabudirira kwazvo panyaya dzemarinokuda kwomushandira-pamwe wavavumbi vehari, vasuki

Page 220: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

210 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vamatebwe, vagadziri vemicheka, vashanduri vamavaraamachira, vagadziri venguvo, navamwe vakadaro. Ndiro gutairori, kwaibva Ridhia, mutengesi wenguvo tsvuku. Ndiye aivamutendi wokutanga waPauro kubva muEurope.

Zvino chikonzero Mweya wakasarudza guta iri serimwerakanga riine zvimwe zvomweya wezera rechina chakangachiri chikonzero chechinamato charo. Chinamato chikuruchomuTiatira chakanga chiri chokunamata Apollo Tyrimnaiosicho chaibatanidza kunamata mutongi wenyika. Apollo akangaari mwari wezuva, akanga achitevedzera baba vakepamasimba, Zeus. Akanga achizivikanwa souyo ‘anodzivirirazvakaipa’; akanga aine simba pane zvemirairo yokunamatanokubayira (nzira dzokuita chipiriso chokuregerera, yananisoyokukanganisa nokudarika). Pirato wakati pamusoro pake,“Anotsanangura kuvanhu mirairo yezvomutemberi, zvibaironezvokushumirwa kwezvifananidzo, uye netsika dzinobatananokufa nezvinotevera rufu.” Akanga achipa zivo yake‘yezvichauya’ ‘uye kuda kwababa’ vake kuvanhu kubudikidzanavaprofita navatauri. MuTiatira tsika iyi yakanga ichiitiswanomuprofita-kadzi akanga achigara pachigaro china makumbomatatu achitaura ari pasi pokuzodzwa.

Simba rechinamato ichi raishamisa. Simba rokusapikiswarakanga risiri chakavanzika, asi rakanga riri pakuti hakunamunhu aigona kuva muboka ravashandi raipa kuti vanhuvararame kusiya chete kunge vakanga vari nhengo dzetemberiyokunamata Apollo. Ani nani airamba kuzvibatanidzamumitambo yovupombwe nokufara kunenge kupengaaidziviswa kumibatanidzwa yavamabasa iyi yaiwanikwa zanarokutanga. Kuti munhu ave chikamu choruzhinji noupenyuhwezvokutengesa munhu aifanira kuva munamati chaiyewezvifananidzo zvechihedheni.

Chinhu chinokosha kuziva kuti iro zita chairo Tiatirarinoreva kuti, “Mudzimai ane Chisimba.” Naizvozvo zera iririnoratidzwa nesimba rinotonga, simba risina tsitsi rinotorazvose, rinokunda zvose nokutonga nesimba risingadzorwi.Zvino mukadzi ane chisimba ndiko kutukwa kukuru panyika.Munhu akanga akachenjeresa akambova panyikandiSoromoni, uye iye akati, “Ndakatendevuka mwoyo wanguukada kuziva, nokunzvera, nokutsvaka vuchenjeri, namanondizive kuti kuipa vupenzi, novupenzi kupenga; ndikawanachinhu CHINOVAVA KUKUNDA RUFU NDIYE MUKADZI,uri musungo mwoyo wake ari mambure, namavoko akezvisungo: ani nani unofadza Mwari uchapukunyuka kwaari;asi MUTADZI uchabatwa naye. Zvanzi nomuparidzi, tarirai,ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwenechimwe kuti ndiwane shumo yazvo; zvinongorambazvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana.Ndakawana murume mumwe pakati pechuru chezana; asi

Page 221: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 211

handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.”Muparidzi 7:25-28. Pauro akati, “Asi handitenderi mukadzikuti adzidzise kana kuti AVE nesimba pamusoro pomurume.”Kubva muBindu reEdheni zvichienda mberi, mukadziakaramba achiedza uye akakwanisa kutora simba pamusoropomurume, zvino nhasi chaiye inyika yomukadzinamwarikadzi weAmerika ari mukadzi asina kusimira.Somufananidzo womukadzi wakadonha kubva kudenga(rangarirai kuti maoko acho akanga ari esimbi) zvichimiririrarokutanga kana kuti Zera reEfeso, zvino simba rake rakurakusvikira atora masimba ose, simba riri kushandiswa namaokoake esimbi.

Zvino mukadzi haafaniri kuva namaiatire asingadzoreki.Anofanira, maererano naMagwaro Matsvene, kuzviisa pasipomurume. Ndizvo zvaanorairwa. Mukadzi anenge arimukadzi chaiye, vakadzi vose zvavo, vane hunhu hwakadaro.Kwete kuva chitsiko. Hakuna murume chaiye anoita mukadzichitsiko. Asi anoda kuva pasi pesimba kwete kuti atongemurume, nokuti murume musoro wemba. Kana akaputsamufananidzo iwowo waakapiwa naMwari, haasisina kukwanasomukadzi. Murume upi noupi anorega mukadzi achitorasimba anoputsa chimiro ichocho uye haasisina kukwanasomurume. Ndicho chikonzero mukadzi ASINGAFANIRIKUPFEKA ZVIPFEKO ZVAKAFANANA NEZVOMURUMEKANA KUGERA VUDZI. Haafaniri kupfeka zvipfekozvakafanana nezvomurume kana kugerwa vudzi. Kanaakazviita ari kupinda munzvimbo yavarume achitora simbanokuzvikanganisa. Zvino kana mukadzi akamira papurupetiizvo ZVAKARAIRWA KUTI ASAITA, anoratidza mweyawaanawo. Kuva mukadzi ane chisimba chiantikristu uyembeu dzeKereke Katorike dziri maari kunyangweakazviramba nesimba. Asi kana ZVASVIKA PASHOKO,Mwari ngaave wechokwadi asi mashoko omunhu ave enhema.Ameni.

Ngatidzokere shure kumavambo. Mukusikwa kokutangapanyama sezvatinoziva nhasi, Mwari wakaita zvose zvivirizviviri, chikadzi nechirume. Pakanga pane huku mbiri _jongwe nesheche. Pakanga pane n’ombe mbiri, mhou nebhuru.Uye zvichienda zvakadaro. Asi asvika kumunhu, pakanga panomumwe chete. Vakanga vasiri vaviri. Adhama akanga asikwanomufananidzo waMwari. Akanga ari mwanakomanawaMwari. Somwanakomana waMwari akanga asingagonikuedzwa agowa. Zvakanga zvisingabviri kuitika. Saka Mwariwakatora chakabva pamurume kuti pave nokuwa. Mukadzihaana kusikwa noruoko rwaMwari sechisikwa chaichochaMwari. Akabviswa kubva mumurume. Zvino Mwaripaakaita kuti abve mumurume akanga akasiyana kwazvonezvisikwakadzi zvose zvaAkanga asika. Aikwanisa

Page 222: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

212 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kunyengerwa. Hakuna chikadzi muzvisikwa chinogona kuvanokusazvibata; asi pavanhu mukadzi anogona kubatwa nguvaipi zvayo. Zvino vutera ihwohwo maari hwakabvumira Satanikuti amunyengere kubudikidza nechikara, zvino zvakasvitsamukadzi panzvimbo yakaoma pamberi paMwari neShokoraKe. Ndiye mumvuri wezvese zvakaipa, zvine tsvinanezvisingadiwi kune rimwe divi, asi kune rimwe divimufananidzo wezvose zvakachena nezvakanaka, uye arimutsvene somudziyo unogamuchira Mweya namaropafadzoaMwari. Kune rimwe divi anonzi mhombwe yakabatwanewaini youpombwe hwayo. Kune rimwe divi anonzi MwengawaKristu. Kune rimwe divi anonzi Bhabhironi Rakavanzika,rinonyangadza pamberi paMwari; kune rimwe divi anonziJerusarema Idzva, amai vedu. Kune rimwe divi akaora nokuipanokudzikira zvokuti anozongokandwa mudziva romwotosenzvimbo chete yakamufanira; kune rimwe divianosimudzirwa kudenga, achigoverana naMwari chigarochokutonga chovushe saiyo nzvimbo chete yakafanirwanamambokadzi wakadai.

Zvino muzera iri reChechi yeTiatira yava MUKADZI ANECHISIMBA. IBhabhironi Rakavanzika. Imhombwe huru.NdiJezebheri muprofitakadzi wenhema. SEIKO? Nokutimukadzi chaiye anozviisa pasi paMwari. Kristu ndiye musorowake. Haana rimwe shoko asi raKe, haana pfungwa asi dzaKe,haana humwe hutungamiri asi hwaKe. Asi kereke iyi yakaitasei? Yakarasha Shoko, yakaparadza Bhaibheri nezvinyorwazvinokosha zvavanotya Mwari. Yakavuraya avo vanoparidzachokwadi. Yakatora madzimambo, machinda nendudzi _inotungamirira hondo uye ichitaura kuti iyo chete ndiyomutumbi wechokwadi waKristu uye nokuti vana papa vayondivo vanotora nzvimbo yaKristu. Yakanyengerwanadhiyabhorosi kusvikira iyo yava kunyengeravo vamwe. Iyomwenga waSatani uye yakabereka zvinamato zvovupombwe.

Munguva yeRima yose yakava nechisimba. Kwamakoremazana mapfumbamwe yakatorera nokuparadza. Yakaurayamabasa avanhu, yakaparadza zvesainzi, haina chayakabudisaasi rufu kusvikira chiedza cheChokwadi chakanga chodakudzima kusiya kwakachiedza kaduku. Mafuta newainizvakanga zvatomira kuerera; asi kunyangwe yakava nesimbapahumambo hwenyika uye ikaraira kuti vanhu vose vawanemvumo yokugara mairi, pakanga pane boka duku rakanga ririraMwari uye nyika yavo yakanga iri kudenga, zvino ivavahaina kukwanisa kuvaparadza. Mwari wakachengeta bokaraKe duku; havaikwanisa kuparadzwa. Kereke iyi yeRomayakanga iri yechihedheni nokuipa saMambokadzi Atariaakaedza kuparadza mbeu yose yohumambo akaitasaachabudirira, asi MWARI WAKACHENGETEDZA MUMWECHETE, zvino naye kwakazouya vakawanda vakanga

Page 223: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 213

vakatendeka. Zvino Mwari wakachengetedza boka dukupanguva yousiku iyi uye kubva pachokwadi chavopakupedzisira kwakazomuka Luther.

Munhu wose anoziva chinhu pamusoro pe KerekeyeKatorike yeRoma nenzira yokunamata kwayo anogonakuona kuti sei guta iri reTiatira rakasarudzwa noMweya kutirimiririre kereke munguva yeZera reRima. Hezvoka, pamberipamaziso edu.

ZERA

Zera reTiatira rakatora nguva refu kupinda ose, rakavapomakore angada kuita mazana mapfumbamwe, kubva 606kusvika 1520.

NHUME

Kereke yakanga yatosvika pakuita mapoka maviri,rokuMadokero nerokuMabvazuva. Apo naapo muvandudziaimutswa kubva mune rimwe ramapoka awa maviri zvinokwakanguva wotungamirira chimwe chikamu chekerekemuhudzami hwoukama naMwari. Murume wakadarokuMadokero aiva Francis weAssisi. Chokwadi wakabudirirakwekanguva, basa rake rakazoiswa pasi pehurumendeyeRoma. Peter Waldo weLyons, mutengesi akasiya zvosekuitira kushumira, akava nesimba mukushumira Ishe akadzoravazhinji kuna She; asi akakanganiswa pabasa rakeakadzingwa napapa. Hapana boka kuMadokero kanakuMabvazuva rakanga rine munhu pakati paro aikwanisakuva nhume yezera iri achiereswa nechiedza chaMagwaro.Zvisinei, paiva navarume vaviri muBritish Isles, vaivaneshumiro yeShoko namabasa yaikwanisa kumira pachierochechokwadi. Aiva St. Patrick naSt. Columba. St. Columbandiye anowirwa nomujenya wokuva nhume.

Kunyangwe nhume yeZera reTiatira akanga ari St.Columba. Ndinoda kuti torei zvishoma pahupenyu hwa St.Patrick somuenzaniso kwatiri uye zvakare tiratidze kunyepakweRoma pakutaura kwayo kuti St. Patrick akanga ari wayokana Joan weArc. Patrick akaberekwa nehanzvadzi yaSt.Martin mukaguta kaduku keBonavern pamahombekombeorwizi Clyde. Rimwe zuva achitamba pamahombekombenehanzvadzi dzake mbiri, mbavha dzakasvika dzikavaba vosevari vatatu. Kuti hanzvadzi dzake dzakaenda kupi, hapanaanoziva, asi Patrick (zita rake rainzi Succat) akatengeswakuna mambo wokuNorthern Ireland. Basa rake raivarokufudza nguruve. Kuti aite izvi akadzidzisa imbwa. Imbwadzake dzakanga dzakadzidziswa zvokuti vanhu vazhinjivaiuya vachibva kure napedo kuzodzitenga. Mukusurikirwa

Page 224: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

214 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

akatendeukira kuna Mwari akaponeswa. Zvino ndokuuyachido nechimbichimbi chokuti atize adzokere kumushakuvabereki vake. Akafunga zano rakaita kuti kuziva kwakesomudzidzisi kushandiswe. Akadzidzisa imbwa kuvatapamusoro pake dzakafukidza muviri wake zvakanaka zvinodzisingafambi kusvikira dzarairwa kufamba. Rimwe zuvatenzi wake akatengesa imbwa dzakawanda, Patrick wakarairaimbwa dzose, kusiya kweyaitungamirira yacho, kuti dzipindemuchikepe. Yaitungamirira akazoiraira nechiratidzo ndokubvayatiza uye ichiramba kupinda muchikepe. Apo tenzinomutengi vaiedza kubata imbwa, Patrick akapindamuchikepe ndokuratidza imbwa kuti dzimufukidze. Zvinonemheterwa akadana iya yaitungamirira ikauya muchikependokuvata pamusoro pake. Sezvo vakanga vasingaoni kunaPatrick mutengi akasimudza chikepe chakananga mugungwa.Shure kwokugutsikana kuti mutyairi akanga ava kurekwokusakwanisa kudzokera, Patrick akapa chimwe chiratidzokuimbwa chakaita kuti dzitange kupenga. Zvino akabudaakaudza mutyairi wechikepe kuti kana akasamusiya kumushakwake aizoraira imbwa kuti dzimupengere, zvakare aizotorachikepe. Sezvinei, mutyairi akanga ari muKristu, zvinopaakanzwa rungano rwomukomana akamusiya kumushakwake nomufaro. Ikoko Patrick akaenda kuchikorochokudzidzira Bhaibheri akadzokera kuIreland uko neShokonesimba raMwari muzviratidzo nezvishamiso zvakawandaakadzora zvuru kuna She. Hapana nguva yaakamboendakuRoma kana nguva yaakarairwa neRoma. Chokwadichenyaya ndechokuti Roma payakazotanga kutongapachitsuwa ichi uye pavakaona kuti mukana wawanikwa,vakauraya zvuru zana zvamaKristu vakanga vabva pabokarokutanga rakanga rauya kuna She pasi paSt. Patrick.

Kwapera makore angaita makumi matanhatu shurekwokufa kwaSt. Patrick, Columba wakaberekwa muCountyDonegal, North Ireland, kumhuri yohumambo yaFergus.Akazova munhu akachenjera, mudzidzi akaperera, akangaachiziva Magwaro mazhinji nomusoro. Mwari akamudananenzwi rainzwika kuti ave mumishinari. Shure kokunzwainzwi raMwari, hakuna chakagona kumumisa, uye shumiroyake yamashura yakaita kuti vanyori venhoroondo vakawandavamufananidze navaapostori. Yakanga yakakura kwazvoshumiro yake nezviratidzo zvesimba risiri renyika inozvichitevera zvokuti vamwe (zvikuru vadzidzi muRoma)vakafunga kuti zvakataurwa zvakanga zvapamhidzirwa.

Pano rumwe rwendo rwake somumishinari, ava kusvikapaguta rakanga rine rusvingo, akawana masuvo apfigwa kutiasapinda. Akasimudza inzwi rake mumunamato kuti Mwariapindire agomubvumira mukana wokusvika nawo kuvanhukuti agoparidza. Asi achinamata n’anga dzomuruvazhe

Page 225: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 215

rwamambo dzakatanga kumukanganisa dzichiita ruzha. Zvinoiye akatanga kuimba rwuyo. Zvino achiimba, Mwariakapamhidzira ruzha rwenzwi rake zvokuti akakundakudanidzira kwamahedheni. Kamwe-kamwe masuvoakavhurika oga. Akapinda akaparidza Vhangeri, nokuisavazhinji kuna She.

Pane imwe nguva paakavharirwa kunze komusha,sezvaakatendeuka kuti aende, mwanakomana wamamboakabva atanga kurwara kwazvo, kusvikira pakufa. St.Columba akakurumidza kutsvakwa akadanwa. Paakanamatamunamato wokutenda mukomana akabva aporeswa kamwe-kamwe. Zvino mumusha makazovhurwa mukana wokuparidzaVhangeri.

Vhangeri rakachena rakanga richiparidzwa naColumbanaavo vaaishanda navo rakapararira neScotland yose,ichitendeuswa kuna Mwari. Yakayambukira muIrelandnokuNorthern Europe. Nzira yaaiparadzira nayo Vhangeriyaiva yokuti pamwe varume gumi navaviri vari pasipomutungamiriri vaienda kunzvimbo itsva vovaka gutamuzinda weVhangeri. Pakati pavarume ava gumi navaviripanenge pana vavezi, vadzidzisi, vaparidzi, navamwe, vosevachiziva Shoko nokurarama upenyu hutsvene. Kaguta akakaitenderedzwa norusvingo. Nokukurumidza guta iriraikomberedzwa navadzidzi nemhuri dzavo vachigaramudzimba dzavo, vachidzidza Shoko vachigadzirira kuendakundoshandira Ishe samamishinari, vatungamiriri,navaparidzi. Varume vakanga vakasununguka kuroorakunyangwe vazhinji vasina, kuti vashandire Mwari zviri nani.Vakanga vasina rubatsiro rwavaiwana kubva kuhurumende,saka vakanga vari kure nezvamatongerwe enyika. Pakutivarwise zvimwe zvinamato vakadzidzisa chokwadi nokutivakatenda kuti chokwadi ndicho chakanga chakakwana kuitakuti Mwari apedzise zvaakanga akavafungira. Vakangavakasununguka kwazvo kubva kuRoma.

St. Columba ndiye akanga ari muvambi wechikoro chikuruchokudzidza Bhaibheri pachitsuwa cheHy (kubva kuZasinokuMadokero okumahombekombe eScotland). Paakaendaikoko chitsuwa chakanga chisina zvachinopa norukangarabwezvokuti chakanga chisingavapi kudya kwaivakwanira vose. AsiColumba akadyara mbeu norumwe ruoko rumwerwakasimudzwa kudenga achinamata. Nhasi chitsuwa ndiyoimwe yenzvimbo mukati menyika yose pakaorera. Kubvapachitsuwa ichi chomuzinda weBhaibheri pakabva vadzidzivakuru vakanga vakashongedzwa nohuchenjeri nesimbaraMwari.

Pandakaverenga nhoroondo yomuranda uyu mukuruwaMwari nebasa guru raakaita, zvakarwadza mwoyo wangukuona kuti simba rapapa, rine nzara yokuisa munhu wose

Page 226: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

216 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

paruoko rwayo, rakauya gare gare ndokusvibisa minda iyiyemishoni nokuparadza chokwadi sezvachakadzidziswanaColumba.

KWAZISO

Zvakazarurwa 2:18, “Zvanzi noMwanakomana waMwari,Una meso aKe akafanana nomurazvo womwoto, netsokadzaKe dzakaita sesafuri inopenya.”

Chizaruro choHumwari kuZera reTiatira ndechokuti JesuMwanakomana waMwari. Pamazuva aKe ari munyamaAizikanwa soMwanakomana woMunhu. Asi kubva zvinohatichaMuzivi nenyama. Haasisiri Mwanakomana woMunhu,Muprofita Mukuru, Uyo Maari wakaunganidza zviprofitazvose. Iye akaberekwa Ari Woga adzokera pachifuva chaBaba.Zvino tava kuMuziva musimba rokumutswa kuvakafa. Zvinowakamuka uye akaZvitorera simba raKe guru uye aripamusoro pezvose nezvose kuti arumbidzwe nokudakokubwinya kwaKe. Kubwinya kwake haAkupi kuno mumwe.Hutungamiriri hwake pamusoro pekereke haAhupi kumunhu.

Anotarira kuTiatira, zvino pano Anoona muguta ironomuzera rechina kuremekedzwa kwake Iye oga, kwaiswakuno mumwe. Maziso ake anopfuta nomwoto wehashanokutonga Achiona Apollo achiremekedzwa soMwanakomanawaMwari, nepo Iye chete ndiye Wakaberekwa ari MumwewaBaba. Kunotyisa sei kutonga kwaKe pamusoro pechinamatocheZera reTiatira umo nhengo dzekereke savanamativechifananidzo chamwari mwanakomana (Apollomwanakomana waZeus), vaisimudzira munhu, vachitsigirwanesimba renyika. Ndizvo chaizvo zvaAkaona. Kereke yeRomaKatorike, yakanyatsopinda mukunamata chifananidzo zviripanheyo yetsika yokunamata mwari wezuva (Apollo)zvakasimudzira munhu kumuita mwari chaiye (papa)kubudikidza nokuroodzwa kwekereke kunyika. NokutiThomas Aquinas naAlverus Pelagius vakaumba nokutaurakuti: “Papa anoratidza kuna avo vanomutarira nezisoromweya, kuva, kwete munhu asi Mwari. Hakuna muganhupasimba rake. Anogona kunatsa chose chaanoda uye kubvisakodzero kumunhu ani nani sezvaanoona zvakakodzera.Kupokana simba iri rose zvinotungamirira mukuiswa kunzekworuponeso. Vavengi vakuru vekereke ndivo vamukiri avovasingapindi pajoko rokuterera kwechokwadi.”

“Nokuti kunongova nomurevereri mumwe chete pakatipaMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu (MwanakomanawaMwari.)” 1 Timotio 2:5. Asi papa weRoma washandura Shoko.Wakariti, “murevereri mumwe pakati paMwari nomunhu (kwetevanhu)”. Saka anoreverera pakati pomurevereri navanhu. Asihapana mumwe murevereri kunze koMwanakomana. Papa

Page 227: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 217

anotaura ruponeso nenzira yekereke yeRoma. Asi hakunaruponeso kunze kwenzira yoMwanakomana waMwari. Ndichochikonzero maziso achipfuta nokutonga komwoto. Ndichochikonzero tsoka dzake dzakaita sesafuri inopenyasezvaAkamira agadzirira kutsika-tsika kuita upfu neguruvahumambo hwakaipa hwenyika ino. Tinotenda Mwari netsokadzakasimba dzesafuri. Dzakapfuura nomukutongwa nokudakwedu. Zvino dzava nheyo yedu nokuti zvaAkawana ndezvedu.Tinomira tichiratidzwa maAri, Jesu Mwanakomana waMwari.

Maiva muzera irori matinopupura kusimukakwechiMohamedhi icho chairamba Mwanakomana waMwariuye chikatemera rufu kuna vose vaizvidana kuti maKristu.

Maiva muzera irori umo chechi yenhema yakarambakuterera murairo wokutanga waMwari waMasimba osendokubva yapinda nokukurumidza mukutyora murairowechipiri nokuti vakaisa papa panzvimbo yaJesu Kristundokudzika nokumanikidzira kunamata zvifananidzokusvikira pokuti zvaireva rufu kuna avo vairamba zvinhuzvacho kuiswa mukereke. Pasi paEmpress Theodora, iye woga,kubvira 842 kusvikira 867 vatsvene vanopfuura 100,000vakaurawa nokuti vaiti zvifananidzo hazvina basa.

Chokwadi zera iri rinofanira kutendeuka kanakurashikirwa nezvose. Uyo akamira apo Ishe wokubwinya,Mwari iye Mwari _ Shoko raKe raiswa parutivi, Hunhu hwakehwarambwa, asi maoko avanhu nemwoyo yavanhu hazvinasimba rokuMubvisa. Regai vaMurambe, Iye anorambaakatendeka. “Musatya imi veboka duku; mufaro waBabavenyu kuti vakupei humambo. Zvino kana ndouya netsokadzesafuri nameso anopenya Ndichadzorera; kutongandokwangu, Ndicharipira,” ndizvo zvinoreva Ishe.

KURUMBIDZA

Zvakazarurwa 2:19, “Ndinoziva mabasa ako, norudo,nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, vuye kutimabasa ako; okupedzisira anopfuvura okutanga.”

Pano zvakare tinowana matangire mamwe chete,“Ndinoziva mabasa ako.” Mwanakomana waMwari, pachaKe,akati, “Nditendei nokuda kwamabasa.” Akanongedzerapamabasa aKe achiri panyika. Mabasa aAkaita akangaachibva kuna Mwari kufemera kutenda maaAri. Chakangachiri chikamu chikuru mushumiro yaKe. Mweya MutsvenewaKe muna mupostori Pauro wakati, “Nokuti tiri basa raKe,takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka,akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.” VaEfeso 2:10.Mabasa awa aiva okufemera kutenda maAri sezvaairatidzaihwohwo hukama maaAri hwakataurwa naPauro kuti“hwakasikwa maAri.”

Page 228: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

218 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino mabasa haagoni kutora nzvimbo yokutenda munaMwari pakuponeswa kwedu. Asi mabasa anoratidza kutendakwedu kwakatoiswa maAri. Mabasa akanaka haakuponesi, asianobuda muupenyu hwakaponeswa sechibereko kuna Mwari.Ndinotenda mumabasa akanaka. Kunyangwe munhu asinakuponeswa, anofanira kuita mabasa akanaka nokuita zvirinani sezvaanogona. Zvakaipa pamberi paMwari kuti vanhuvaite mabasa akaipa vachiti vanoita kuda kwaMwari. Ndizvozvaiitwa namabhishopi navana papa navatongi veRoma.Vakanga vachiuraya, nokuremadza, nokuita zvakaipa zvosemuZita raIshe. Vairarama upenyu hwaipesana chaizvonezvinodzidziswa neShoko. Muzuva iro rakaipa vatendivechokwadi vakapenya sechiedza panzvimbo yerimapavakaramba vachiita zvakanaka; nokuti vaidzorerakuropafadza pakutukwa, vachiita chokwadi kuti Mwariaremekedzwe kunyangwe vazhinji vakazvifira.

Mundima iyi Anorumbidza vana vaKe nokuti vakangavachirarama upenyu hwakashanduka. Mabasa avo aipupuraMweya mutsva wakanga uri mukati mavo. Vanhu vaionamabasa avo akanaka vachirumbidza Mwari. Honguchangamire, kana uri muKristu uchaita zvakanaka. Mabasaako acharatidza kuti mwoyo wako wakanaka. Uye hachizovichimwe chinhu chokuedzesera, nokuti uchaita kuda kwaKepasina anokuona asi Mwari chete, uye uchaita kuda kwaKekunyangwe zvikaita kuti urashikirwe noupenyu hwako.

“Ndinoziva rudo rwako, nokutenda, nokushumiranokutsungirira kwako.” Munoona kuti rudo rwavo rwaiswapakati ‘pamabasa’ no‘kushumira’. Zvino ndiyo nzvimbo yarwochaiyo, nokuti pasina rudo mabasa edu haagamuchirwipamberi paMwari kana kushumira kwedu. Pauro achitaurakuvaKorinte akati, “Pasina rudo, handisi chinhu, zvino chipinechipi chandinoita hachina maturo kusvikira chichiitwanorudo.” Zvino munogona kuona ipapa kuti vatendi avavakanga vasiri muboka ravaNikoraiti vaiita mabasa senzirayokuponeswa kana kuemurwa navanhu. Vaiita mabasa avokubva murudo rwaMwari rwakaiswa mumwoyo yavonoMweya Mutsvene. Rudo urwu mumwoyo mavo rwaiva rudorwaMwari kuvanhu vaKe. Jesu akati, “Vose vachazivanaizvozvo kuti muri vadzidzi VANGU, kana muno rudo pakatipenyu.” Vanonamata zvifananidzo vakaona upenyuhwamaKristu okutanga vakati, “Tarirai kuti vanodanana sei.”Johane akati “Mumwe nomumwe anoda wakaberekwanaMwari.” 1 Johane 4:7.

Ndinoda kupa yambiro ipapa. Zvinonzi pamusoropamazuva okupedzisira nokuti kusarurama kuchawanda rudorwavazhinji ruchatonhora. MuRaodhikia, kana zerarokupedzisira, kuzvida, norudo rwezvinhu zvenyika zvichatoranzvimbo yorudo rwechokwadi rwaMwari. Tinofanira kurinda

Page 229: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 219

tichirwisa masimba echivi mumazuva ano okupedzisira.Vazhinji vari kuomeswa nokuti havana kuziva simba romweyawamazuva ano okupedzisira. Inguva yokuti tiswedere pedyonaMwari toita kuti azadze upenyu hwedu norudo rwaKe, kanakuti tichapindwa nokutonhora kwechechi yamazuvaokupedzisira, nokuramba chokwadi chaMwari icho bedzichinogona kutibatsira.

Pamakore awo erima nokutyisa kukuru muzambiringawechokwadi wakaramba wakabatirira parudo rwawo kunaMwari norudo kuhama. Mwari akavarumbidza nokudakwazvo.

“Ndinoziva kushumira kwako.” Jesu akati, “Mukuruwavose ndiye muranda wavose.” Sokutaura komuchenjeripazviri. Akati, “Nhoroondo chete ndiyo inoratidza chokwadichechirevo ichi.” Akataura chokwadi. Vanhu vose vakuruvechokwadi munhoroondo vakanga vari varanda. Vaya vaidakushumirwa; vaya vaidzvinyirira; vaya vaitsvaka kugara varipamberi, vakaiswa mukunyadziswa. Kunyangwe vapfumivanopiwa mhosva naMwari kana vasina kushandisa pfumayavo zvakanaka. Asi tarirai munhoroondo zvino muchaonakuti varume vakuru vechokwadi ndivo vaishumira vamwe.Nhoroondo hairumbidzi ivo vakaitirwa zvakawanda, asiinoramba ichirumbidza nokusingaperi vaya vakaitira vamwezvakawanda. Zvino ngatizviisei muupenyu hwedu izvozvo.Sezvakaita Mwanakomana woMunhu haana kuuyakuzoshumirwa, asi kushumira, saka tinofanira kuteveramuenzaniso iwoyo. TichiMuona Achipfugama pamberi petsokadzavaapostori achishambidza tsoka dzavo dzakaneta dzinetsvina. Akati, “Chandinoita hauchizivi zvino, asi uchachizivapashure. Uye zvamunoona ndichiita munofanira nemikuzviitavo.” Akava muranda kuti Mwari agoMusimudzirapakakwirira. Zvino rimwe zuva mukutongwa kwavatsvenetichaMunzwa achiti, “Zvakanaka, MURANDA wakanakawakatendeka, pinda mumufaro waShe wako.” Zvakaoma kutiuve muranda nguva dzose. Asi avo vanopedza nguvanokuipedzera vamwe vachagara rimwe ramazuva naYepachigaro chaKe choushe. Zvichava zvakakodzera zvose,nokudaro. “Ngatishandirei Tenzi, kubva mangwanani kusvikazuva richidoka, Regai titaure pamusoro porudo rwaKerwunoshamisa nechengetedzo, Zvino kana upenyu hwosehwapera nebasa redu panyika raitwa, Uye hwamandaichiridzwa kudenga ndinenge ndiriko.”

“Ndinoziva kutenda kwako.” Zvino haatauri panosezvaAkaita kukereke yePergamo, “wakabatisisa pakutendaKWANGU.” Haasi kutaura nezvokutenda kwaKe zvino, asiAnovarumbidza nokuda kokutendeka kwavo. Zvino AchidaroAnorevazve nezvo‘kutsungirira’. Zvino kutendekanokutsungirira zvinofambirana. Zviripo chaizvo kutsungirira

Page 230: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

220 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuratidzwa kokutendeka, nokuti zvinonzi pana Jakobho 1:3,“Kuidzwa kokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.”Hakuna imwe nzira zvachose yokufumiswa pakutsungirira.Kunofanira kuuya nokuidzwa kokutenda kwedu. VaRoma 5:3,“Kutambudzika kunovuisa kutsungirira.” Kuti Mwarianokoshesa sei kuumbwa kokutsungirira kwedu zvinoonekwapana Jakobho 1:4, “Asi kutsungirira ngakuve nebasarakakwaniswa, kuti mukwane mururame kwazvomusingashaiwi chinhu.” Kuda kwaMwari kwatiri kutitiKwaniswe. Zvino kukwaniswa ikoko kutsungirira _ kumirirapana Mwari nokumirira Mwari. Iyi inguva yokuvakwapahunhu. Mwari akarumbidza zvikuru sei ava vatsvenevomuZera reRima. Kutsungirira samakwai anotungamirirwakundofa, norudo, vakatendeka vakashumira Mwari. Ndizvochete zvavaida muupenyu, kungoshumira Ishe wavo. Mubairowavo waizova mukuru kwazvo.

“Ndinoziva mabasa ako; vuye kuti mabasa akookupedzisira anopfuura okutanga.” Izvi zvinoda kutariswazvechokwadi. Rima rezera richipamhidzirwa; nebhukuyokuremekedzwa yavakaurawa ichireba zuva nezuva,vakanyanya kushanda zvine simba, vakanyanya kushumirazvine simba, nokutenda kwavo kukapamhidzirwa.Zvinosiririsa sei kuti muZera reEfeso rudo rwakapera. Zvinozvechokwadi hapana chinotaurwa pamusoropokupamhidzirwa kokutambudzika murudo muna mamwemazera; asi muzera iri, murima guru rinokunda mamwemazera ose, vakaMushumira zvakatonyanya. Chidzidzochakadini. Hakuna kuguma pakushumira uku kune nyashakorudo kuna Ishe, asi kutopamhidzirwa kwako. Ndichochakavanzika chacho. Regai muvengi aedze kudzivirirakushumira kwedu Ishe _ mhinduro yedu kutonyanyakushumira. Kana vasina simba vachichema nokutya, ndiyonguva yokudanidzira kukunda.

“Ndinoziva mabasa ako, vuye kuti mabasa akookupedzisira anopfuura okutanga.” Zvino sezvatataura kare,zera iri rinonzi Zera reRima nokuti zvechokwadi ndiyoyakanga iri nguva yerima munhoroondo yose. Raiva zeraraPapa Innocent III uyo aitaura kuti ndiye akanga ari“panzvimbo yaKristu _ ane simba rokutonga pamusoropekereke nenyika,” ndiye akatangisa MURAIRO wakaita kutipasi pokuraira kwake ropa rakawanda ridururwe kupfuuranguva ipi zvayo kusiya kwomuReformation. Raiva zerarePornocracy, kutonga kwezvipfeve. Sagarius III akanga anomurongo “akazadza kwaya nezvipfeve navana vohupombweakashandura muzinda wapapa kuva bako ramakororo.”Anastasius III akadzipwa kusvika afa naMarozia akanga arimurongo kuna Sagarius. John XI akanga ari mwanakomanawoupombwe waMarozia. John XII akanga ari muzukuru

Page 231: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 221

waMarozia “akanga achimanikidza chirikadzi nemhandarauye akaurawa achiita upombwe nomurume womukadzi uyuakanga atsamwa kwazvo.” Raiva zera roKupesana kwavanaPapa nokuti mativi maviri amapapa (mumwe achitonga kubvakuAvignon mumwe kuRome) vaitukana nekurwisana.Madzipapa awa vakanga vasina mhosva dzokutorananavakadzi bedzi (vachichengeta vana vakawanda voupombwe,vachiita chivi chokutorana varume navarume nezvimwe.) asivaiva nemhoswa yokutengesa basa rohuprista kuna vaibvisamari zhinji.

Raiva zera apo chiedza chaibvira zvisina simba, asi vatendivashoma vakatsungirira nesimba rima richipamhidzirwakusvikira pakundopera kwezera vazhinji vakamuka vachiedzakuvandudza. Kutsungirira kwavo kwakava nesimba zvokutivakakura nzira yokuvandudzwa kwaizouya. Naizvozvosezvinotaurwa neShoko maererano nezera iri, “mabasa akookupedzisira (kupera kwezera) anopfuura okutanga.”

Inzwi rokuti, Tiatira, rine zvakawanda zvarinoreva rimweracho riri “Chipiriso Chinoramba Chiripo.” Kuvazhinji izvizvinotendwa kuva chiprofita maererano nokushandiswakweMisa inova kupa kunoramba kuchienderera kwechipirisochaKristu. Ipfungwa yakanaka zvikuru, asi zvinogona kurevakuzvipira kunoramba kuripo koupenyu nokutsungirirakwavatendi vechokwadi vaShe.

Chokwadi vatsvene ava vomuTiatira vaiva hukombahwembeu, vakazara noMweya Mutsvene nokutenda,vakasikirwa mabasa akanaka, vachiratidza kurumbidzwakwaKe, vasingabatisi upenyu hwavo sechinhu chinokoshakwavari, asi vachifara kupa zvose sechibairo chinonhuwirakuna She.

KUTUKA

Zvakazarurwa 2:20, Asi Handifari nechinhu ichi kwauri,kuti unotendera (kutendera) uya mukadzi Jezebheri,unozviidza muprofitakadzi, vuye unodzidzisa nokutsausavaranda vangu kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabairwazvifananidzo.”

Zvino nendima iyi ndinoda kuti mudzike pandima 23 kutimuone kutsigirwa kwechokwadi chikuru chandangandichiedza kuti muone nguva dzose. “Navana vakeNdichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kutiNdini Ndinonzvera itsvo nemwoyo.” Ndanga ndichitauranguva yose kuti kune kereke mbiri, kunyangwe Mweyauchitaura kwadziri dzose muzera roga roga, zvinoita sokutiimwe chete. Pano zviri kuiswa pachena kuti pana makereke,uye zvinotaurwa pachena kuti mamwe amakereke iwawo

Page 232: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

222 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zviri pachena HAazivi kuti Iye Ndiye Anonzvera itsvonomwoyo. Achazvisimbisa kwavari kuti ndizvozvo. Sakazvino, makereke api asingazivi chokwadi ichocho? Zviripachena iboka romuzambiringa wenhema nokuti vatendivechokwadi zvechokwadi vanoziva kuti kutongwa kunotangamuimba yaMwari, uye ivo vachitya Mwari, vanozvitonga kutivagorega kupinda pakutongwa.

Ko zvino sei Mwari achidana makereke awa saAkenyangwe iwo ari muzambiringa wenhema? Chokwadi chenyayandechokuti maKristu. Asi havasi maKristu oMweya. MaKristuenyama. Vakatakura Zita pasina. Marko 7:7, “Asivanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairoyavanhu.” Asi chokwadi maKristu ko vangagovei?MuMohamedhi muMohamedhi. Ndicho chinamato chakehazvina mhosva kuti anorarama sei nokuti anoti anobvumazvinodzidziswa neKorani. Nenzira imwe chete muKristumuKristu kana achitenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari,akaberekwa nemhandara, akaroverwa akafa akamukazve, uyekuti Ndiye Muponesi wavanhu, nezvimwe. (Zvazviri chaizvo,muZera reRaodhikia muchava naivavo vanozviti maKristunokuti vanotenda kuupenyu hwakanaka hwaJesu, asivachichengeta mavari mvumo yokuramba huMwari Hwake.VeChristian Scientists vakatoita izvozvo kare navazhinjivanoparidza Vhangeri Yokufadza vanhu). MuKristu wezita ariwekereke. Asi Haasi mutendi weCHOKWADI kana woMweya.Mhando yomutendi iyeye ndiye wakabhabhatidzwa mumuviriwaKristu uye inhengo yaKe. Asi zvakadero, zviri muhurongwahwaMwari kuti masawi akurirane nezviyo uye haadzurwi.Kuraira kwaMwari. Zuva rawo rokusungwa mwandanokupiswa richasvika; asi kwete zvino.

Saka Mweya uri kutaura kuboka iri rakasanganiswa. Kunerimwe divi Anorumbidza, kune rimwe Anotsiura. Anotaurazvakanaka zvomutendi wechokwadi. Zvino Ari kuyambirazvinofanira kuitwa nomuzambiringa wenhema kanauchizomira wakaruramiswa pamberi paShe.

UYA MUKADZI JEZEBHERI

Muapostora Jakobho akatiratidza kuti chivi chinotoranzira ipi. Jakobho 1:14-15, “Asi munhu mumwe nomumweunoidzwa kana achikwebwa nokuchiva kwake,achinyengerwa. Zvino kuchiva kana kwarema, kunozvarazvivi, nezvivi kana zvakura, zvinobereka rufu.” Zvino uyundiwo mufananifzo chaiwo wezviri kuitika mumazeraamakereke. Sechivi chinotangira pasina chinhu asipamanzwiro, saka rufu kukereke rwakatanga pachinhuchiduku, zviito zvaionekwa zvavaNikoraiti. Kubva pazviitozvakaenda padzidziso. Kubva padzidziso zvakatakura simba

Page 233: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 223

rezvamatongerwe enyika ndokupinzwa chihedheni. Zvinomuzera iri zvinosvika kumuprofitakadzi waro (mudzidzisi)zvino saka zvinoenderera kusvikira zvava mugomba romwoto,nokuti ndimo chaimo mazvichaperera, murufu rwechipiri.

Zvino kudaidzira kose kwaMwari achirwisana nezera irirechina zvinoonekwa pakutaura kwaKe achipikisa uyumuprofitakadzi, Jezebheri. Zvino kuti tinzwisise kuti seiAchimupikisa zvakadai, tinofanira kutsvaka nhoroondo yakemuBhaibheri uye kana tikaona zvaakaita kareko, tichazivazviri kuitika panguva ino.

Chokutanga uye chinokosha kwazvo chatinodzidzapamusoro paJezebheri ndechokuti HAASI mwanasikanawaAbrahama, kana kupinzwa kwake mumarudzi eIsraerihazvina kunge zviri zvomweya sezvakaita Rute, muMoabhi.Kwete changamire. Mukadzi uyu akanga ari mwanasikanawaEti-bhaari, mambo weZidhoni (1 Madzimambo 16:31),akanga ari muprista waAstarte. Akawana chigaro chokutonganokuponda uyo akanga ari mambo, Pheles. Saka tinoonanokukurumidza kuti akanga ari mwanasikana wemhondi.(Izvi chokwadi zvinotifungisa Kaini.) Uye nenzira yaakavachikamu cheIsraeri harisi gwara romweya rakaiswa naMwarikuti Mahedheni agamuchirwe; asi akauya NOKUROORWAnaAhabhi, mambo wamarudzi gumi aIsraeri. Saka kubatanauku sezvataona kwakanga kusiri kwoMweya; kwaivakwezvamatongerwe enyika. Uye nokudaro mudzimai uyuakanga akanyudzwa mukunamata zvifananidzo akangaasina kana chido chiduku kuti ave munamati waMwariMumwe chete weChokwadi, asi akauya nemhiko yokubvisaIsraeri kuna She. Zvino Israeri (marudzi gumi) vakangavatoziva kare kuti chii kunamata mhuru dzendarama, asivakanga vasati vatengeswa kuzvifananidzo, nokuti Mwariakanga achinamatwa uye murairo waMosesi wakangauchitendwa. Asi kubvira panguva yokuroora kwaAhabhiJezebheri, kunamata zvifananidzo kwakabudirira zvakaipisisakwazvo. Mukadzi uyu panguva yaakava mupristakadzimutemberi dzaakavakira Astarte (Venus) naBhaari (mwariwezuva) Israeri yakasvika panguva yakaipisisa muupenyuhwayo.

Tine izvi mupfungwa tava kutanga kuona kuti MweyawaMwari uri kuitei muZera iri reTiatira. Hezvi zviri pano.

Ahabhi akaroora Jezebheri uye akazviita nechinangwachezvamatongerwe enyika kusimbisa humambo hwakenokuhuchengetedza. Ndizvo chaizvo zvakaitwa nekerekepayakaroorwa nguva yaKonistantino. Vakabatana pamwechete nechinangwa chezvamatongerwe enyika, kunyangwevakazviita kunge zvomweya. Zvino hakuna angandiita kutinditende kuti Konistantino akanga ari muKristu. Akanga arimuhedheni aiita kunge muKristu. Akapenda michinjikwa

Page 234: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

224 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

michena panhovo dzavarwi. Ndiye muvambi wemaKnightsaColumbus. Akaisa muchinjikwa parusvingo rweSt. Sophiazvikava tsika yakazotevedzerwa.

Raiva zano raKonistantino kuunganidza vanhu vose pamwechete, mahedheni, namaKristu apakati namaKristu echokwadi.Uye kwechinguva zvakaita sokuti aizobudirira nokuti vatendichaivo vakauya kuti vaedze kudzosa vaya vakanga vabvapaShoko. Pavakaona kuti hazvibviri kuvadzosa muchokwadi,vakamanikidzwa kubva paboka rezvamatongerwe enyika.Zvino pavakadaro, vakanzi vapanduki vakatambudzwa.

Regai nditi ipo pano tine chinhu chimwe chete chiri kuitaiko zvino. Vanhu vose vari kubatana. Vari kunyora Bhaibheririchakwanira munhu wose angava muJudha, muKatorike kanamuPurotestenti. Vane Nicene Council yavo asi vanoidana kutiEcumenical Council. Zvino munoziva here kuti ndianianorwisana namasangano ose awa? Vanorwisa maPentekostiechokwadi. Handisi kutaura masangano anonzi maPentekosti.Ndinoreva maPentekosti nokuti vakazadzwa noMweyaMutsvene uye vane zviratidzo nezvipo pakati pavo nokutivanofamba muchokwadi.

Ahabhi paakaroora Jezebheri nechinangwachezvamatongerwe enyika akatengesa udangwe hwake.Ukazvibatanidza nesangano unotengesa udangwe hwako,hama, ungazvitenda kana kuzviramba. Boka rimwe nerimwereProtestenti rakambobuda ndokuzodzokerazve rakatengesaudangwe hwaro, zvino kana watengesa udangwe hwako,wangoita saEsau _ unogona kuchema nokutendeuka zvosezvaunoda, asi hazvikubudisiri chakanaka. Pane chinhuchimwe chete chaunogona kuita ndechokuti, “Budai mukatimaro, imi vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivizvaro!” Zvino kana muchifunga kuti ndakanganisa,ingopindurai muvhunzo uyu mumwe chete. Pano munhu hereupi noupi zvake mupenyu anganditaurira kuti ndeipi kerekekana kufamba kwaMwari kwakakwanisa kusimuka zvakareshure kokumboumba sangano nokuva dhinominesheni?Verengai nhoroondo dzenyu. Haugoni kuwana imwe chete _kana imwe chete.

Pakava pakati pousiku kuIsraeri payakabatana nenyikandokusiya zvoMweya nokuda kwezvamatongerwe enyika.Yakava nguva yousiku paNicaea apo chechi yakaita zvimwechete. Yava nguva yousiku iko zvino apo machechi abatanapamwe chete.

Zvino Ahabhi paakaroora Jezebheri akamubvumira kutoramari yehurumende kuti avake dzimba mbiri hurudzokunamata Astarte naBhaari. Yakavakirwa Bhaari yakangairi huru kwazvo kuti Israeri yose iuye kuzonamata ipapo.

Page 235: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 225

Zvino Konistantino nekereke pazvakaroorana akapa kerekedzimba, akavaka artari nezvifananidzo, nokuronga bokarohutungamiriri iro rakanga riri kuumbwa kumashure.

Jezebheri paakawana kutsigirwa nesimba rehurumendeakamanikidzira vanhu kutora chinamato chake akaurayavaprofita navaprista vaMwari. Zvakasvika pakuipisisa zvokutiEria, nhume pazuva rake, akafunga kuti ndiye oga akangaasara; asi Mwari akanga ane 7000 vakanga vasina kupfugamiraBhaari. Zvino pari zvino pakati pamadhinominesheni awaeBhaptist, Methodist, Presbyterian, namamwe, kuna vamwevachabuda vagodzoka kuna Mwari. Ndinoda kuti muzive, ikozvino, kuti handirwisi vanhu uye handina kumbovarwisa. Asiidhinominesheni _ tsika yesangano ndiyo yandinopesana nayo.Ndinofanira kupesana nayo nokuti Mwari anoivenga.

Zvino regai timire zvishoma pano tidzokorore zvatabudisapamusoro pokunamata muTiatira. Ndati vainamata Apollo(akanga ari mwari wezuva) pamwe chete nomutongi. ZvinoApollo akanga achinzi ‘anodzivirira zvakaipa’. Aidziviriravanhu kuzvakaipa. Aivaropafadza uye ari mwari kwavari.Akanga achifanira kudzidzisa vanhu. Aidudzira zvokunamata,netsika dzomutemberi, kushumira zvimwari, napamusoropezvibairo nokufa uye upenyu shure kokufa. Aiita zvinhu izvikubudikidza nomuprofitakadzi aigara pachigaro chinamakumbo matatu achivuka. Imiwe! Munozviona here? Hoyumuprofitakadzi uya anonzi Jezebheri uye anodzidzisa vanhu.Zvino dzidziso yake kunyengera varanda vaMwari achivaitakuti vaite upombwe. Zvino upombwe zvinoreva ‘kunamatazvifananidzo.’ Ndizvo zvazvinoreva pamweya. Kubatanidzwakusiri pamutemo. Kubatanidzwa kwaAhabhi nokubatanidzwakwaKonistantino kwose kwakanga kusiri pamutemo. Vosevakaita upombwe pamweya. Mhombwe imwe neimweinoperera mugomba romwoto. Mwari akazvitaura.

Saka zvino, dzidziso yeKereke yeKatorike (kerekemukadzi, mudzimai) inoramba Shoko raMwari. Papaakafanana naApollo nhasi akadzidzisa vanhu kuzvibatanidzanezvifananidzo. Chechi yeRoma yava muprofitakadziwenhema kuvanhu nokuti yakatorera vanhu Shoko raShendokuvapa pfungwa dzayo pamusoro pokuregererwa kwezvivi,nokuunzwa kwamaropafadzo aMwari; zvino vapristavakasvika pakutaura nesimba kuti vane simba kwetemuupenyu chete asi kana mukufa. Vanodzidzisa pachavo kutipane pirigatoria, asi haugoni kuzviwana muShoko.Vanodzidzisa kuti minamato nesimba nemari zvinokubvisamupirigatoria kupinda kudenga. Tsika yacho yose yakaiswapahwaro hwedzidziso iyi ndeye nhema. Haigari pahwarohwechokwadi hwechizaruro chaMwari muShoko raKe asiinogara pazinyekenyeke, riri kunyura, rejecha renhema dzayodzadhiyabhorosi.

Page 236: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

226 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Kereke yakafamba kubva pasangano kuendapadhinominesheni nokudaro zvino yasvika padzidzisoyenhema. Ndizvozvo. VeKatorike yeRoma havatendi kutiMwari ari muShoko raKe. Kwete changamire. Dai vaitendavaitendeuka vakadzoka, asi vanoti Mwari ari mukereke yaKe.Zvino zvinozoita kuti Bhaibheri rive nhoroondo yeKerekeyeKatorike. Hazvisi izvo. Tarirai zvavakaita kurubhabhatidzorwemvura chete. Vakarubvisa pakuva RubhabhatidzorwechiKristu vakaruita rwechihedheni rwamadunhurirwa.Regai ndikutaurirei zvandakapinda mazviri nomupristaweKatorike. Musikana wandakanga ndabhabhatidza paneimwe nguva akava muKatorike, saka muprista aidakundivhunza nokuda kwake. Akandivhunza kuti ndakamuparubhabhatidzo rupi. Ndikamutaurira kuti ndamubhabhatidzanoruBhabhatidzo rwechiKristu ndirwo chete ruriko sokuzivakwangu. Ndakamunyudza mumvura muZita raIshe JesuKristu. Muprista akataura kwandiri kuti pane imwe nguvaKereke yeKatorike yaiita izvozvo. Nokukurumidzandakamuvhunza kuti ndiriini Kereke yeKatorike payaiitasaizvozvo, nokuti ndakaverenga nhoroondo asi handina kuonazvaakataura. Akanditaurira kuti zvinowanikwa muBhaibheri,uye kuti Jesu akaumba Kereke yeKatorike. Ndakamuvhunzakana aifunga kuti Petro ndiye akanga ari papa wokutanga.Akataura nesimba kuti akanga ari Petro. Ndakamuvhunza kutimisa dzaiitwa muchiRatini kuti vave nechokwadi kutizvakanga zviri izvo uye kuti hazvizoshandurwa. Akati ndichochokwadi chaicho. Ndikamutaurira kuti ndinofunga kutivakabva kare pana izvo zvavaiva nazvo pakutanga, ndikaitakuti azive kuti kana Kereke yeKatorike yaitenda chaizvoBhuku yaMabasa, zvino ini ndakanga ndiri muKatorikewakare. Akanditaurira kuti Bhaibheri rakanga riri nyayayeKereke yeKatorike uye kuti Mwari ari mukereke.Ndakapesana naye nokuti Mwari ari muShoko raKe. Mwaringaave wechokwadi asi munhu ave wenhema. Kana ukabvisakana kuwedzera paBhuku iyi, Mwari akavimbisa kutiAchapamhidzira matambudziko kuna avo vanowedzeranokutapudza mugove wavo kubva paBhuku yoUpenyu kanavakaedza kubvisa kwairi. Zvakazarurwa 22:18, 19

Regai ndikuratidzei kuti Kereke yeKatorike yeRomainotenda kuti Mwari ari mukereke kwete muShoko. Hezvizvakabviswa mubhuku yaPapa John wechi23.“Zvandakadzidza pamakore matatu ndiri Papa, ‘ndiripakutya nokudedera’ ndakagamuchira kushumira ukunokuterera kwakachena Kuda kwaShe, kwakapiwa kwandirineSacred College yamaCardinal mumusangano wakaitwapakavanda, zvinopupurirwa uye zvinondidenha nokusingaperikuti ndive nechokwadi kwazviri; kuvimba chaiko naMwari,munaizvo zvose zviri maererano nazvino, norunyararorwakakwana pane ramangwana.” Papa uyu anotaura kuti

Page 237: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 227

Mwari akataura nekereke kuratidza kuda kwaKe. Kunyepakwakadini. Mwari ari muShoko raKe uye anotaura neShokoachiratidza kuda kwaKe. Akatizve anoisa ruvimbo rwakemushoko ravanhu uye anoriterera nokudzikama kose.Zvinenge zvakanaka asi inhema dzoga. Zvakafanananokudarika kwakaitika muMunda weEdheni.

Zvino ngatichiendai kuna Zvakazarurwa 17 tione mukadziuyu, kereke, ari kurarama nezviprofita zvenhema kweteneShoko raMwari. Pandima 1 Mwari anomudana kutimhombwe huru. Seiko ari mhombwe? Nokuti arimuzvifananidzo. Apinza vanhu muzvinhu zvimwe chete.Mushonga wezvifananidzo chii? Shoko raMwari. Sakamukadzi uyu imhombwe nokuti akasiya Shoko. Hoyo akagarapamusoro pemvura zhinji, zvinoreva vanhu vazhinji. Iyiikereke yenhema nokuti kereke yaMwari iduku _ vashomavachaiwana.

Tarirai kuti yakaita sei mumaziso aMwari, hazvina mhosvakuti inoratidzika sei pamberi pavanhu uye kuti inoratidzakuchenjera kwakadini. Ine tsvina yakadhakwa nohupombwehwayo. Zvino yakanga yakadhakwa neropa ravatsvenevakaurawa. Sezvakaita Jezebheri akauraya vaprofitanavaprista akaparadza vanhu vaMwari vakanga vasingagonikunamata nokupfugamira Bhaari. Zvino ndizvo chaizvozvakaitwa neKereke yeKatorike. Vakauraya vaya vasinakugamuchira kutonga kwapapa. Vakanga vachida ShokoraMwari panzvimbo yamashoko avanhu vaiurawa, kazhinjinenzira youtsinye. Asi kereke iyi yakashanda norufu yakangayakafa pachayo zvokuti haina kuzviziva. Makanga musinaupenyu mairi kana zviratidzo hazvina kuitevera.

NGUVA KUTI ATENDEUKE

Zvakazarurwa 2:21; “Ndakamupa nguva kuti atendevuke;akaramba kutendevuka.” Munozviziva here kuti kereke iyiyakanga yakaipa kupfuura Ahabhi? Munoziva here kutiakatendeuka kwenguva duku akafamba zvinyoro pamberipaMwari? Haungatauri izvozvo kuKereke yeKatorike yeRoma.Kwete changamire. Haina kumbotendeuka asi yakaparadzaaninani navose vaiedza kuti itendeuke. Iyoyo inhoroondo.Zvino Mwari akaramba achimutsa kwete nhume dzoga kuzerarimwe nerimwe asi Akamutsa vabatsiri vakanaka kunhumeidzi. Akapa zera rimwe nerimwe varume vakanaka vaMwarivakaita zvose zvavaigona kudzora kereke kuna Mwari. Mwariwakaipa zvechokwadi nguva norubatsiro kuti itendeuke. Kozvino yakatendeuka here nokuratidza nezvibereko kutiyakatendeuka? Kwete changamire. Haina kumbozviita uyehaisi kuzozviita. Yakadhakwa. Yakarashikirwa nepfungwadzayo pazvinhu zvomweya.

Page 238: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

228 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino musakanganisika mugotanga kufunga kuti KerekeyeRoma yakatendeuka pakuponda kwayakaita vatsvene nokutiiri kuedza kubatana namaProtestenti nokuita kuti tsika dzavodzienderane neTsika dzamaProtestenti. Hapanapayakazokumbira ruregerero ichiti yakakanganisa pakupondavanhu vazhinji. Zvakare haisi kuzodaro. Uye hazvinei kutiinopfava nokuratidza kunaka sei panguva ino, ichasimukazvakare ichiuraya, nokuti kuponda kuzere mumwoyo wayowakaipa usina kutendeuka.

KURANGWA KWEMHOMBWE KWAKAITWA

Zvakazarurwa 2:22-23, “Tarira ndoda kumukandirapanhovo, navanoita vupombwe naye panhamo huru, kanavasingatendevuki pamabasa avo. Navana vakeNdichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti NdiniIye Ndinonzvera itsvo nomwoyo, Ndichapa mumwe nomumwewenyu paakabata napo.”

Chii? Mukadzi uyu ana vana? Asi iye ari mhombwe? Kanazviri izvo kuti akaita vana noupombwe hwake zvino anofanirakupiswa nomwoto sezvataurwa neShoko. Ndicho chokwadichaicho. Ndiwo magumo ake nokuti achatsva nomwoto.Magumo ake igomba romwoto. Asi mirai mufunge pamusoropavana ava zvishoma. Mukadzi ndiye anobereka vana. Zviripachena kuti mudzimai uyu ana vana vaakabereka asi vakaitazvimwe chete zvaakaita. Ndiratidze kereke imwe cheteyakabuda musangano isina kuzodzokerazve kwariri. Hakunakana imwe chete. Kana imwe chete. MaLutheran akabudaakazoita hurongwa hokudzokera zvino nhasi vaita soruokonamagirovhosi mumubatanidzwa uyu. MaMethodist akabudaakaita hurongwa hokudzokera. MaPentekosti akabuda akaitahurongwa hokudzokera. Pachava nokumwe kubuda, zvinoMwari ngaarumbidzwe havadzokerizve musangano nokutivanoziva chokwadi. Boka iroro ndiro mwenga wezuvarokupedzisira.

Zvino zvanzi pano mhombwe iyi yakanga ina vana. Zvinovakanga vari chii? Vakanga vari vasikana, nokuti akanga arimakereke sezvairi iyo. Zvino hechi chimwe chinonakidza.Jezebheri naAhabhi vakanga vano mwanasikana.Mwanasikana iyeye akaroorwa naJehoramu mwanakomanawaJehoshafati zvino muna 2 Madzimambo 8:16 panoti“Jehorami wakafamba nenzira dzatezvara vake.” Akapindamukunamata zvifananidzo nokuda kwokuroora uku. WakaisaJudha yaitya Mwari nokunamata Mwari muzvifananidzo.Ndizvo chaizvo zvakaitwa navanasikana ava makereke,sezvandakuratidzai. Vanotanga muchokwadi voroorwamusangano vosiya Shoko nokuda kwetsika, mitemo nezvimwe.Zvino regai ndiise izvi pamberi penyu. Pana vaHebheru 13:7

Page 239: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 229

panoti “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai ShokoraMwari.” IShoko rinotitonga, kwete vanhu. Zvino murumendiye musoro womukadzi. Anomutonga. Asi kereke mukadzi,saizvozvo, zvino mutongi wayo iShoko. Jesu iShoko. Kanaikaramba Shoko ichitora mumwe musoro inobva yavamhombwe. Zvino nditaurire kereke imwe chete isina kusiyaShoko ichitora tsika nemitemo. Dzose imhombwe _ zvakaitaamai, ndizvo zvakaita vanasikana.

Ko kutongwa kwemhombwe navana vayo kuchagoveiko?Zvakanaka, zvichava muhuviri. Chokutanga Akati,“Ndichamukandira panhovo.” Maererano nechikamuchokupedzisira chendima 22 ichava nhovo yamatambudziko,kana mukutambudzika kukuru. Ndizvo chaizvo zvakataurwanaJesu muna Mateo 25:1-13. Pakanga pane mhandara gumi.Shanu dzakanga dzakachenjera shanu ari mapenzi.Vakachenjera vashanu vakanga vana mafuta (MweyaMutsvene) asi vamwe vashanu vakanga vasina. Pakaitikakudanidzira, “Tarirai Chikomba chouya,” vashanu mapenzivakamhanya vachitsvaka mafuta asi vashanu vakangwaravakapinda mumuchato. Vashanu vakasara kunze vakapindamukutambudzika kukuru. Ndizvo zvichaitika kuna vosevasingapindi mukubvutwa. Ndizvo zvichaitika pamusoropemhombwe navanasikana vayo. Chechipiri, anotiachavauraya norufu zvichireva kuti, “Regai vaurawe norufu.”Uku kutaura kunoshamisa. Tinogona kuti, “regai munhuaurawe nokusungirirwa, kana namagetsi kana imwe nzira.”Asi apa panoti, “Regai vaurawe norufu.” Rufu pacharwondicho chikonzero chorufu rwavo. Zvino ndinoda kutimujekerwe nezvizvi ndichatora muenzaniso zvakarewomwanasikana waJezebheri achiroorwa muimba yaJudhauye zvichiita kuti vapinde mukunamata zvifananidzo nokuitakuti Mwari aise Judha kurufu. Ndizvo zvakaitwa naBharami,zvakarevo. Saka hoyu Jezebheri nezvifananidzo zvake. Ukukuna Judha ainamata Mwari zvakanaka nokurarama pasipeShoko. Zvino Jezebheri ndokuroodza mwanasikana wakekuna Jehoramu. Panguva yazvakaitika, Jehoramu akaita kutivanhu vave vanamati vezvifananidzo. Nguva yakaitikamuchato uyu Judha yakabva yafa. Kufa pamweyakwakapinda. Nguva kereke yeRoma payakaita sangano,yakabva yafa. Nguva veLutheran pavakaita sangano, rufurwakapinda ndokubva vafa. MaPentekosti vakauyapakupedzisira vakaitavo sangano. Mweya ukavasiya,kunyangwe vasingazvitendi. Asi Akazviita. Muchato iwoyowakaunza rufu. Zvino chiedza choHumwe hoHumwarichakauya. Vakaita sangano vakafa naivovo. Zvino shurekokuburuka komwoto waMwari paRwizi rweOhio muna 1933rumutsiriro rwokuporeswa rwakafamba nenyika, asi harunakuuya nerimwe ramasangano. Mwari akaenda kunzekwamapoka echiPentekosti, kunze kwamasangano, uye

Page 240: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

230 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

zvaAchaita mberi zvichava kunze kwamasangano, zvakare.Mwari haagoni kushanda nezvakafa. Anoshanda chetenaVAPENYU. Nhengo idzi mhenyu dziri kunzekwaMasangano.

Saka munoona, “Rufu” kana “Sangano” zvakauya, kerekeikafa, kuzvijekesa rufu rwakauya panzvimbo paimbotongaUPENYU. SaEvha wapakutanga akaunza rufu kuvanhu sakazvino sangano rakaunza rufu, nokuti sangano chiberekochavakaipa, vechiNikoraiti nechiBharami, zvichiparadzirwanomuprofitakadzi Jezebheri. Zvino Evha angadai akapiswapamwe chete nenyoka nokuda kwezvakaipa zvavakaita. AsiAdhama akapindira, akamutora zvokuti akaponeswa. Asi kanachinamato ichi chaSatani chasvika kumagumo, panengepasisina anodzivirira, zvino chichapiswa nomunyengeri wacho,nokuti mhombwe navana vayo naantikristu naSatanivachawana nzvimbo dzavo mugomba romwoto.

Pano apa ndava kuenda pamberi ndinofanira kuchengeteraizvi mharidzo yezera rokupedzisira, asi zvakanaka kuzviisapano nokuti zvinobatana kwazvo namasangano uyenechichaitika mazviri. Zvino ndinoda kukuyambirai.Zvakazarurwa 13:1-18, “Zvino ndakamira pamhenderekedzodzegungwa ndikavona chikara chichikwira chichibvamugungwa, chine nyanga dzine gumi nemisoro minomwe,napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.Chikara ichi chandakaona chakanga chakaita sengwe, netsokadzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba;shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushenamasimba makuru. Mumwe musoro wacho wakanga wakaitasowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga raifanira kuurayarakanga rapora: nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.Vakanamata shato nokuti yakapa chikara masimba:vakanamata chikara, vachiti, Ndianiko wakafanana nechikara?ndianiko unogona kurwa nacho? Ipapo chakapiwa muromounotaura mashoko makuru nezvokumhura; chikapiwa simbakuti chizviite mwedzi ina makumi mana nemiviri.Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari,nokumhura zita raKe, netabhernakeri yaKe, naivo vanogarakudenga. Chikapiwa masimbavo kuti chirwe navatsvene,nokuvakunda: chikapiwa masimbavo pamusoro pamarudzi osenavanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose. Vose vanogarapanyika vachachinamata, ivo vasina kunyorerwa zita ravomuBhuku roUpenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwakwenyika. Une nzeve, ngaanzwe. Kana munhu achitapauchatapwa: kana munhu achivuraya nomunondo unofanirakuvurawa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutendakwavatsvene. Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwirachichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana,

Page 241: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 231

chikataura seshato. Chinobata namasimba ose echikarachokutanga pamberi pacho, chinomanikidza nyika navageremukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiyachakapora vanga rokuvuraya racho. Chinoita zviratidzozvikuru, zvokuti chinoburusira mwoto unobva kudenga panyikapamberi pavanhu. Chinonyengera vanogara panyikanezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara;chichiti kuna vanogara panyika, kuti vaitire chikaramufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo,chikararama. Chikapiwa masimba okupa mufananidzowechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chirairekuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo,vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruokorwavo rworudyi, kana pahuma yavo: Kuti munhu arege kuvapounogona kutenga nokutengesa, asi iye une chiratidzo, iro zitarechikara, kana chiverengo chezita racho. Ndipo panokuchenjera. Unoziva ngaaverenge chiverengo chechikara:nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chachondimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.”

Chitsauko ichi chinoratidza simba reKereke yeKatorikeyeRoma uye kuti ichaitei kubudikidza nesangano. Rangariraiuyu ndiwo muzambiringa wenhema. Regai udane paZitaraShe, unozviita munhema. Musoro wayo hausi waShe asindowaSatani. Inopedzisira yabatanidzwa kwazvo nechikara.Mhombwe yakatasva chikara chitsvuku zvinoratidza kutisimba rayo ndimwari wokumanikidza (Satani) kwete Mwariwedu, Ishe Jesu Kristu.

Pandima 17, panoratidza kwazvo kuti ichatora simba panezvokutengeserana zvenyika, nokuti hakuna munhu achatengakana kutengesa kunze kwayo. Izvi zvinowanikwa munaZvakazarurwa 18:9-17 inoratidza ichibatanidzwanamadzimambo, machinda, vatengesi, vose vane chokuitaneRoma nezvokutengesa.

Muna Zvakazarurwa 13:14, tinodzidza kuti chikarachinoparadzira kurunzira kwacho nomumufananidzowachakagadzirirwa. Mufananidzo wakagadzirwandowesangano romubatanidzwa wezvinamato wenyika yose,muchapinda makereke ose amasangano achibatana pamwechete namaKatorike eRoma (vari kutozviita iko zvino.) Zviripachena kuti mubatanidzwa uyu uchauya kuti vadzivise simbarekomunizimu. Asi sezvo komunizimu saNebhukadhinezariyakamutswa kuti ipise nyama yemhombwe, Roma ichakundwanokuparadzwa. Cherechedzai kuti kose kose kereke yechiRomakwayakaenda, chikomunizimu chaitevera. Zvinofanira kuvazvakadaro. Zvino regai ndichikuyambirai, musafunga kutikomunizimu ndiye chete muvengi wenyu. Kwete changamire.IKereke yeKatorike zvakarevo, uye zvakatonyanyavo.

Page 242: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

232 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino regai tiverenge Zvakazarurwa 13:1-4, tigozvienzanisanaZvakazarurwa 12:1-5. Zvakazarurwa 13:1-4, “Zvinondakamira pamhenderekedzo yegungwa ndikavona chikarachichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine guminemisoro minomwe, napamusoro penyanga dzacho pakangapane korona dzine gumi, napamusoro pemisoro yacho mazitaokumhura Mwari. Chikara ichi chandakavona chakangachakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wachosomuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigarochayo chovushe namasimba makuru. Mumwe musoro wachowakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vangaraifanira kuvuraya rakanga rapora: nyika yose ikashamiswaikatevera chikara. Vakanamata shato nokuti yakapa chikaramasimba: vakanamata chikara, vachiti, Ndianiko wakafanananechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?” Zvakazarurwa12:1-5, “Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi;mukadzi wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsokadzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzine guminembiri: iye wakanga ane mimba, akadanidzira pakuponakwake, achitambudzika pakuzvara. Ipapo kudengakwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi; tarira shato hurutsvuku, ine misoro minomwe nenyanga dzine gumi, napamisoroyayo korona nomwe. Rumhinda rwayo rukakweva chetatuchenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika: shatoiyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadzemwana wake kana azvarwa. Akazvara mwana womukomana,unozofudza marudzi ose netsvimbo yedare: mwana wakendokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chaKe chovushe.”Satani nechinamato chake chohuSatani ari muzvikara zvosezviri zviviri. Muna Zvakazarurwa 14, chikara chakakuvadzwakusvikira parufu asi chikararamazve iRoma yezvifananidzoyakawa pakurwiswa navanhu vasina tsika naizvozvoikarashikirwa nesimba rayo. Asi yakazoritora yava Romayechinamato yavana papa. Muri kuzviona here? Humambohwakatonga nokuparadza zvose uye hwakazova humambo hunesimba kudarika hwose, hwakazokuvadzwa kusvikira parufu.Simba rayo rakanga risisipo kuti itonge nesimba navarwinezvimwe zvakadaro. Asi pasi paKonistantino yakadzokakuupenyu, nokuti Roma yechinamato yapinda munyika yose,zvakare simba rayo ndiro rinofanira kutererwa. Inoshandisamadzimambo navatengesi zvakare muchinamato chayochakaipa nesimba mune zvemari iri kutonga samwarikadziwenyika yanhasi. Ndiyo shato yakamira ichida kuparadzamwanakomana. Herodhi akaedza kuuraya Ishe Jesuakakundika. Pashure Jesu akazoroverwa navarwi veRoma, asiakagamuchirwa kudenga kuchigaro choushe.

Zvino pamwe chete nezvandabva kutaura, rangariraichiratidzo chaDhanieri. Chikamu chokupedzisirachechifananidzo, simba rokupedzisira renyika rakanga riri

Page 243: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 233

kutsoka. Zvaiva dare nevhu. Dare Humambo hweRoma maona.Asi iko zvino harisisiri dare chairo. Ivhu rakasanganiswamariri. Asi iripo ichitungamira zvinhu zvenyika mumarudziokutonga kworuzhinji nedzinotonga namasimba dzose pamwechete. Kereke yeRoma iri mumarudzi ose. Yakasanganiswamazviri zvose.

Regai ndimbokupai chimwe chinhu pamusoro pedarenevhu. Munorangarira here Krushchev paakarovera shanguyake patafura ku U.N.? Zvakanaka, pakanga pana marudzimashanu okumabvazuva ipapo namashanu okumadokero.Krushchev aitaura akamirira vokuMabvazuva naPres.Eisenhower vakamirira vokuMadokero. Mururimi rweRussia,Krushchev zvinoreva ivhu zvakare Eisenhower zvinoreva dare.Vatungamiriri ava vaviri vapamusoro venyika, zvigunwezvikuru zvetsoka zvedare nevhu, zvakanga zviri padivinapadivi. Tava pamagumo ezvose.

Mundima 4 panobvunzwa, “Ndiani ungaita hondonechikara?” Zvino nhasi muna mazita makuru munyika. Munamarudzi ane simba, asi Roma iri kuatonga. Papa ndiye aripachigaro chokutungamirira. Uye simba rakerichapamhidzirwa. Hakuna angaita hondo naye.

Ndima 6 “Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure.”(Kudzidzisa dzidziso iri murairo yavanhu, vasingarangariri,vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika,vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vakarasasimba rako.) Akamhura Zita raMwari _ kushandura Zita irorokuva madunhurirwa nokuramba kushanduka.

Ndima 7 “Chikapiwa masimbavo kuti chirwe navatsvene.”Kutambudzwa _ rufu kumutendi wechokwadi asi zvosezvichiitwa muZita raShe kuti Zita raMwari rigomhurwa,sezvakaitika muRussia, zvichikonzerwa nezvakaitwanechinamato che Katorike ikoko.

Ndima 8, “Vose vanogara panyika (ivo vasina kunyorwazita ravo muBhuku roHupenyu reGwayana rakabaiwa kubvapakusikwa kwenyika) vachachinamata.”

Tinotenda Mwari makwai haachinamati. Vose zvavo kusiyakwavakasanangurwa vachanyengerwa. Asi ivo havanyengerwi.Nokuti vanonzwa inzwi roMufudzi uye vanoMutevera.

Saka zvino, tarirai izvi, chii chatanga tichiedzakukuratidzai. Iyi mbeu yorufu yakatanga muzera rokutanga _mbeu iyi yesangano, yasvika pakukura somuti mukagara shiridzose dzinonyangadza. Kunyangwe ichitaura kuti ndiyo inopaupenyu, inopa rufu. Muchero wayo RUFU. Vanodya pamwechete nayo vakafa. Iyi kereke yenyika ine simba inonyengeranyika kuti mairi muno ruponeso panyama napamweyainonyengera nokuparadza vanhu vakawanda. Asi hainakuputira rufu chete, asi chisikwa ichi chakafa chakaora

Page 244: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

234 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chichaiswa kurufu norufu rinova gomba romwoto. O-o, daivanhu vasvinura nokuziva kuti mhedziso yavo inozoveivakaramba varimo. “Budai mariri, ko muchafirei?”

YAMBIRO YOKUPEDZISIRA

Zvakazarurwa 2:23. “Navana vake Ndichavavuraya norufu;nekereke dzose dzichaziva kuti Ndini Iye Ndinonzvera itsvonomwoyo: Ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabatanapo.”

Mwari anotarira mwoyo. Hazvina kumboshanduka. Uyehazvishanduki. Pano, sezvakaita mazera ose pana mapokamaviri, vose vachiti chizaruro chavo chinobva kuna Mwari uyevanoukama naMwari. “Kunyangwe zvakadaro nheyo dzesimbadzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, Ishe anozivavanhu vaKe.” 2 Timotio 2:19. “Ishe unonzvera mwoyo.” Shokorokuti ‘kunzvera’ rinoreva ‘kutevera’ kana ‘kuronda’. Mwarianoronda pfungwa dzedu (mwoyo); Anoziva zviri mumwoyoyedu. Anoona mabasa edu anova chiratidzo chaicho cheizvozviri mumwoyo yedu. Mumwoyo munobuda zvakarurama kanazvakaipa. Zvido zvedu, zvinangwa zvedu _ zvosezvinozikanwa naYe sezvaAnotarira mafambire ose. Zvinozviito zvose, shoko rimwe nerimwe richaiswa pakutongwakana kuvhunzwa nezvatakaita noupenyu koitwa. Kwakangakusina kutya Mwari pamberi pomuzambiringa wenhema zvinovacharangwa zvikuru. Regai vose vanodana paZita raKe,vararame zvakafanira vatsvene. Tinogona kunyengera vanhuasi hatigoni kunyengera Ishe.

VIMBISO PAMAZUVA IWAWO ERIMA

Zvakazarurwa 2:24-25. “Asi kwamuri, imi makasarapaTiatira, vose vasina dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanotizvakadzika zvaSatani, Ndinoti kwamuri; Handingakutakudziyimumwe mutoro. Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikiraNdichivuya.” Zvino tisati tapinda pavimbiso regai ndiratidzezvakare kuti kereke sezvainotaurwa noMweya mubhuku iyi inemizambiringa miviri iyo ina matavi anopindana-pindana. “AsiNdinoti kwamuri, nokuna vose muTiatira vose vasina dzidzisoiyi.” Hezvo. Ari kutaura kumapoka maviri. Rimwe rinedzidziso, rimwe harina. Havoka, vakakandwa kose-kosekumarudzi nedzidziso yomumwe ichipesana nomumwe.Mumwe ndowaMwari, achiziva hudzami hwaKe, mumwewaSatani, achiziva hudzami hwaSatani.

“Handingakutakudziyi mumwe mutoro.” Shoko romutorokuremerwa kana kumanikidzwa. Kumanikidzwa kweZerareRima kwaiva kuti bvuma, kana paradzwa. Bvuma kana ifa.Kwaiva kupindira munyaya dzavanhu, simba renyika

Page 245: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 235

richitsigira chinamato chaSatani. Ivai sangano kana bhadharainohupenyu hwenyu. Zera rimwe nerimwe rakanga rinokumanikidzwa kwaro. Somufananidzo mutoro mukuru wezerarokupedzisira kumanikidzwa nohupfumi, kuraramakwakapfava nokusagadzikana kwepfungwa munguva inezvakawandisa matinenge tinonetseka kurarama. Zera irirechina rinoita serino mutoro uri pachena. Kwaiva kurwisaRoma, kumira neShoko kusvikira pakufa.

“Vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani.”Zvinenge ndima iyi yakasiiwa navadudziri nokuti havanakugona kuziva kuti idzidziso ipi kana chiitiko rudziichinotaurwa pamutsara uyu. Asi zviri nyore kuziva kutizvinorevei. Regai titange taziva kuti zvakadzika zvaMwarichii, zvinopesana nazvo zvinozova zvakadzika zvaSatani.Muna vaEfeso 3:16. “Kuti Vakupei, pafuma yokubwinyakwaVo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya waVomumunhu womukati; kuti Kristu agare pamwoyo yenyunokutenda; kuti; imi mune midzi yenyu nenheyo dzenyumurudo, muve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvenevose kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzikakwakadiniko; nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva,kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.” Zvinomaererano nendima idzi, kana munhu akapinda muzvakadzikazvaMwari muupenyu hwake, chiitiko chaicho choMweyawaMwari uchigara maari, zvino pfungwa yake inovhenekerwanouchenjeri noruzivo rwaMwari muShoko. Asi zvakadzikazvaSatani ndiko kuti anoedza kuparadza izvi. Anoedzasenguva dzose kuisa chisiri icho pane chokwadi chaMwari. Koanozviita sei? Anobvisa zivo yechokwadi chaMwari _kuparadza Shoko nokuisa zvake, “Ndizvo here kuti Mwariwakati?” Zvino anoedza kutora nzvimbo yaKristu mumweyayedu. Achazviita, sezvaakaita kuti Israeri iite zvimwe chete;nomunhu achitonga samambo panzvimbo yaMwari. Chiitikochokuberekwa patsva chicharambwa vachida kujoinha kereke.Zvakadzika zvaSatani zvakanga zvapindwa mazviri muzerairo. Uye zvibereko zvezvakadzika zvaSatani inhema, kupondanemhosva dzakaipa zvakabuda mazviri.

MIBAIRO

Zvakazarurwa 2:26-29. “Unokunda, achichengeta mabasaaNgu kusvikira pakupedzisira, Ndichamupa simba pamusoropamarudzi: Uchaafudza netsvimbo yedare; sehari dzomuvumbidzinoputsanyiwa: sezvandakapiwavo naBaba vaNgu. VuyeNdichamupa nyamasase. Une nzeve ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke.”

“Unokunda achichengeta mabasa aNgu kusvikirapakupedzisira.” Zviri pachena nokutaura koMweya pamabasa

Page 246: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

236 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuti Ishe vari kuedza kuita kuti vaKe vaone pfungwa yaKeyamabasa akarurama. Runa Anotaura nezvamabasa. Uye zvinoAnoti, anoramba achiita mabasa aKe akatendeka kusvikirapakupedzisira achapiwa simba pamusoro pamarudzi, achavanesimba, achikwanisa, mutongi asingaremerwi anogona kubatanesimba chinhano chimwe nechimwe, zvokuti kunyangwemuvengi anoukasha anotyorwa kana zvichikodzera.Kuratidzwa kokutonga kwake nesimba kuchaitasekoMwanakomana chaiye. Izvi zvinoshamisa. Asi regai titarirevimbiso iyi nechiedza chezera. Roma ine simba ichitsigirwanenyika, ichishandisa madzimambo navarwi navanonyoramirairo, inotyora nokukuya zvose zviri pamberi payo.Yakauraya mamiriyoni uye ine nzara yokuuraya mamiriyonimamwe vasingaikotamiri. Inosimudzira madzimambo kanakuvawisira pasi pose painoda kuzviita. Hongu, kupindirakwayo kwakaita kuti marudzi awe nokuti yakatotsunga kutiiparadze vasanangurwa vaMwari. Mabasa ayo mabasaadhiyabhorosi, nokuti inoponda nokunyepa sezvaanoita iye. Asizuva rinouya apo Ishe vachati, “Huyai navo vavengi vaNgupamberi paNgu muvaparadze.” Zvino vakarurama vachavanaShe wavo kana hasha dzaKe dzakarurama dzowira pavaseki.Vakarurama vachiuya naYe mukubwinya, vachaparadza avovakaparadza nyika vakatambudza vatsvene vaMwari. Iri raivazera rokupa dama, nokutambudzika kukuru; asi zuvarichasvika apo chokwadi chichakunda zvino ndianiko achamiramumwoto wacho akachengetwa? Vakadzikinurwa vaShe chete.

“Vuye Ndichamupa nyamasase.” MaereranonaZvakazarurwa 22:16, na 2 Petro 1:19, Jesu ndiNyamasase.“Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.”“Kusvikira vutonga vuchitsvuka, nenyamasase ichibudiramwoyo yenyu.” Mweya, naizvozvo, uri kuita vimbisokuvasanangurwa veZera reRima inofambirana nezvaAri uyenamazera anotevera.

Sezvatambotaura, Jesu anozvibatanidza pachaKe nenhumedzezera rimwe nerimwe. Vanogamuchira kubva kwaArichizaruro cheShoko renguva imwe neimwe. Shoko irichizaruro rinounza vasanangurwa vaMwari kubva munyikanokuvaisa muhumwe hwakazara naJesu Kristu. Nhume idzidzinonzi nyeredzi nokuti vanopenya nechiedza chokupiwakana chiedza chinobva kuMwanakomana, iye Jesu. Vanonzinyeredzi zvakare nokuti ‘vabati vechiedza’ pausiku. Sakaparima rezvivi, vanounza chiedza chaMwari kuvanhu vaKe.

Iri iZera reRima. Rakasviba zvikuru nokuti Shoko raSherakavanzwa zvachose kuvanhu. Zivo yoWokumusorosorohapasisina. Rufu rwakunda vatendi vakawanda kusvikirahuwandu hwavo hwaderera. Zvinhu zvaMwari zvadzikirapasi-pasi pazuva iri, zvaiita sokunge Satani achakunda vanhuvaMwari zvechokwadi.

Page 247: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YETIATIRA 237

Kana pana vanhu vaida vimbiso yokupinda munyika isinausiku, vaiva vanhu veZera reRima. Ndicho chikonzero Mweyauchivavimbisa nyamasase. Uri kuvataurira kuti NyeredziHuru, iye Jesu, Anogara Muchiedza chisingasvikwi nomunhu,Achazovavhenekera muhumambo hunouya nohupo hwaKe.Anenge asingashandisi nyeredzi (nhume) kupa chiedza murimazvakare. Achava Jesu, pachaKe, achitaura navo chiso nechisoAchigoverana navo humambo hwaKe.

Inyamasase inoonekwa kana chiedza chezuva chodakubuda. Kana Zuva redu, (Jesu) rauya, panenge pasisina basarenhume; Achatipa mharidzo yaKe yokunyaradza pachaKe;uye Achitonga muhumambo hwaKe, isu tichirarama muhupohwaKe, chiedza cheShoko chichajeka nokujeka muzuva redurakakwana.

Chiiko chimwe chatingashuva kudarika Jesu pachaKe?HaAsi zvose here, kunyangwe Kukwana Pazvose?

Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Ameni.Kunyangwe zvakadaro, Ishe Mwari, noMweya weNyu, regaitinzwe chokwadi cheNyu.

Page 248: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 249: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 239

CHITSAUKO CHECHINOMWE

ZERA REKEREKE YESARDHISI

Zvakazarurwa 3:1-6

Nyorera mutumwa wekereke iri paSardhisi uti; ZvanzinaIye Une Mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe;Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvodo kufa;nokuti haNdina kuwana mabasa ako kuti akakwana pamberipaMwari wangu.

Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei,uzvichengete, utendevuke. Naizvozvo, kana usingapepuki,Ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.

Asi una mazita mashoma paSardhisi avanhu vasinakusvibisa nguvo dzavo; vachafamba neNi vane nguvo chena;nokuti vakafanirwa nazvo.

Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena;haNdingatongodzimi zita rake paBhuku yoVupenyu,Ndichapupura zita rake pamberi paBaba vaNgu, napamberipavatumwa vaKe.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

SARDHISI

Sardhisi raiva guta guru kana kuti muzinda wenyikayakarekare yainzi Ridhia. Yakabva mumaoko amadzimamboeRidhia ikatorwa navaPersia ndokuzobva yatorwanaArekizanda Mhare. Yakaparadzwa naAntiokasi Mhare.Madzishe ePergamo akazotoravo nzvimbo iyi kusvikiravaRoma vazoitoravo. Munguva yaTaibheriasi Sardhisiyakaparadzwa nokudengenyeka kwenyika namatenda. Nhasiuno wangova murwi wamatongo asina unogara.

Guta iri pane imwe nguva raikosha pane zvokushambadzanezvoupfumi. Pirini akati unyanzvi hwokudhaya makushehwakaberekwa muguta iri. Ndiyo yaiva nzvimbo huruyezvokudhaya makushe nokurukwa kwamakapeti. Yaivanesirivheri nendarama munzvimbo iyoyo uye zvinonzi mariyendarama yakatanga kugadzirwa muSardhisi. Yaivavonzvimbo yaishambadzwa nhapwa.

Chinamato cheguta iri yaiva shumiro yakaipayamwarikadzi Saibhere. Dangwaza guruguru retembere yakerinogona kuonekwa nanhasi uno.

Muchayeuka kuti muZera rePergamo ndakataurapamusoro pepfungwa yechiBhabhironi yokuti “mai

Page 250: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

240 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nomwanakomana” vaidaidzwa kunzi Semiramisi naNinasivakazova Saibhere naDheoyasi weAsia. Izvo zvinonzi ndizvozvavari uye zvavanokwanisa zvinopa chiedza chikurukurukwazvo kana tichivaongorora vakamisidzana ndezvizvi.

Dheoyasi aiva mwari wezuva; Saibhere aiva mwarikadziwomwedzi.

Dheoyasi aiva mambo wedenga; Saibhere aiva arimambokadzi wedenga.

Dheoyasi aiva muzaruri wokunaka nechokwadi; Saibhereaiva ari muzaruri wounyoro nenyasha.

Dheoyasi aiva ari murevereri; Saibhere aiva arimurevererikadzi.

Dheoyasi aiva nekiyi inozarura nokupfiga suwo renyikaisingaonekwi; Saibhere aivavo nekiyi yakafanana nayoachiitavo zvimwe chetezvo.

Dheoyasi aiva mutongi wovakafa; Saibhere amire parutivipake.

Dheoyasi paakaurawa, akamuka kuvakafa akakwirakudenga; Saibhere akatakurwa asina kufa nomwanakomanawake.

Zvino muRoma mwari mumwe chete iyeyu anopiwa zitarokuti Ishe wedu: anodaidzwa kuti Mwanakomana waMwariSaibhere achinzivo mai vaMwari.

Zvino izvi ndizvo zvatakawana kareko muna mamwemazera maviri, umo pfungwa yokuti ‘mai nomwanakomana’yakanga yakakura. Asi zvino cherechedzai kuti sezvakangazvakangoitavo kareko muBhabhironi kunamatwakwomwanakomana kwakatanga kuderera kuchikundwanokwamai, saka, mai vakabva vatora nzvimboyomwanakomana. Tinoona muzera iri kuti chinamatochechihedheni cheSardhisi chaiva chinamato chokunamatamunhukadzi. NdiSaibhere oga, kwete Saibhere naDheoyasi.Mai vakatora nzvimbo yoMwanakomana, nokupiwa kodzerodzoUmwari. Zvinongodiwa kuti munhu aite chetendezvokutevedza madunhurirwa amai akasiyana-siyana uyekurangarira zvinonzi ndizvo zvakaita Maria nezvaanazvoneKereke yeRoma kuti munzwisise kuti chinamato chanhasiuno chakabvepi.

Zvinhu zviviri zvakandibata nesimba pandakangandichiongorora chinamato ichi chaSaibhere. Chimwe chachochaiva chokwadi chokuti aiva akapfeka kiyi saJanusizvaimupa masimba mamwe chete saaJanusi, (kiyi yokudenganapasi nezvakavanzika) uye chokwadizve chokuti vashumirivanozvirova neshamhu kusvikira ropa raerera kubudamumiviri yavo, zvinova ndizvovo zvinoitwa nhasi uno chaiyenamaRoma vanonzwa kuti vari kutambudzika saIshe.

Page 251: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 241

Chokwadi chokuti iri ndiro zera rakabuda kokutangamuRoma yapapa rikabudirira, hapana kupokana kuti ndizvovozvakasakisa kuti muprofitakadzi Jezebheri atsigirenokusimbisa dzidziso yake yokunamata Maria achizvipirakupikisana namaPurotesitendi awo airamba kuti ane chokuitamuurongwa hwoRuponeso kusiya kwokufarirwa chetenaMwari semhandara yakasarudzwa kuti ipone Mucheche.Apo Luther aiumba nokusimbisa dzidziso yokururamiswanokutenda ivo vakaramba vakabata pamabasa, nokureururanokuzvirwadzisa kukuru, neminyengetero nokushandisazvimwe zvisiri mumagwaro. Zvino apo maKristuvakasunungurwa vaipa kuhwinya kuMwanakomana, MaRomavaitowedzera kuita kwavo Maria mwari kusvikira muzana rinoramakumi maviri ramakore rakazoona Papa Payasiachikwidziridza Maria kusvikira pakuti akahwinyiswamumutumbi kubva kuvakafa (achipikisa vadzidzi veBhaibheriveRoma vapamusoro vakawanda). Dzidziso iyoyo ndeyokuBhabhironi yakazara yomwanakomana achitakura maivasina kufa kuvaendisa kudenga.

Ndiko kusaka zvisingashamisi kuti zera rino iri reshanurinofambirana namamwe mazera uye richaramba richidarokusvikira mudziva romwoto umo muchaurayiwa mhombwenavana vayo norufu rwechipiri. Hezvo, kunamata Maria,kunamata Saibhere. Ndanga ndakanganwa, mangamuchizviziva here kuti Saibhere ndiye Asitarte aiitirwahuprisitakadzi naJezebheri uye akasakisa kuti vaIsraerivagumbuswe nokuda kwamabira esvina avaitta? Hongu,ndizvo zvaaiva muBhaibheri.

ZERA

Zera reSardhisi kana kuti zera reshanu ramakerekerakavapo kubva gore ra1520 kusvika 1750. Rinowanzodaidzwakunzi Zera reVandudzo.

NHUME

Nhume kuzera iri ndiyo nhume inozikanwa kudarikadzimwe nhume dzose. NdiMartin Luther. Martin Luther akangaari mudzidzi akanga akachenjera asi ari munyoro paunhuhwake. Akanga achidzidzira kuzova gweta apo urwerehwaingorambirira uye rufu rweshamwari yapedo zvakamuitakuti aite shungu nokuda kwechinhano chomweya muupenyuhwake. Akapinda konivhendi yechiOgasiteni panzvimbo yainziErfurti mugore ra1505. Apa akadzidza firosofi uye ShokoraMwari. Akararama upenyu hwokuzvirwadzisahwakanyanyisa asi mabasa ose okunze haana kukwanisakudzinga pfungwa yake yokunzwa kuva mutadzi. Akati,

Page 252: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

242 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

“Ndakazvirwadzisa zvakanyanyisisa kusvikira pakufa kutindiwane runyararo naMwari, asi ndakanga ndiri murimandikarushayiwa.” Mukuru wedunhu reboka rechinamatochake, ainzi Sitopitsi, akamubetsera kuti aone kuti ruponesorwake rwaitofanira kubva pazvinhu zvinoitika nechomukatimake kwete mabasa anowonekwa. Nekurudziro iyi,akaenderera mberi kutsvaka Mwari. Mushure akazovamuprisita. Panguva iyi akanga achigere kuponeswa. Akabvaava mudzidzi akazvipira weShoko akadzidzavo zvinyorwazvavamwe vadzidzi vebhaibheri vakanga vava nomukurumbira.Aitomhanyirirwa navazhinji somudzidzisi nomuparidzipamusana poudzamu hworuzivo rwake uye kuita kwake zvinhuneidi rake rose. Kuti azadzise mhiko yaakanga azviitiraakaenda Roma. Ikoko akaona kushaya basa kwamabasaaingoiswa pamusoro pavanhu nekereke ainzi aizounzaruponeso, Shoko raMwari rakabva rabaya pamwoyo pakechaipo rinoti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”Paakadzoka kumusha chokwadi cheevhangeri yeGwaro irichakazadza pfungwa dzake semvura yadira ndokubvaasunungurwa pachivi nokuberekwa muumambo hwaMwari.Nguva pfupi kubva apa akabva akwiridzirwa kuva DhokoteraweDhivhiniti nokugadzwa, “kuti ape upenyu hwake hwosekudzidzo uye kudzidzisa nokutsanangura zvakatendekanokurwira Magwaro matsvene.” Izvi akazviita, uyenokukwanisa zvokuti mwoyo wake nemwoyo yaavo vakangavakamutendenedza yakabva yanamatidzwa pachokwadicheShoko zvakadzama. Munguva pfupi Shoko rakatangakurwisana pachena nokupindiridza pakudarika kwaiitwanezvitendwa nedzidziso dzekereke.

Saka Leo X paakazova papa, uye Johane Tetzel paakasvikapakutengesa kanganwiro pakutongwa pamusana pechivi,Luther akashaya mukana kusiya kokutomukira dzidziso iyiinoramba Magwaro. Pakutanga, akabhonga ari mupurupitiachipikisa izvi ndokuzobva anyora pfungwa 95 dzakedzinomukurumbira idzo dzaakarovera nezvipikiri pagonhireKereke yeCastle musi wa31 Gumiguru, 1517.

Munguva pfupi Jerimani yose yakanga yava kuririma uyevandudzo yakanga yatotanga. Zvino chinofanira kurangarirwandechokuti Martin Luther akanga asiri iye woga akanga atangakurwisana neChechi yeKatorike yeRoma. Aingova mumwewavanhu vakawanda. Vamwe vakanga varamba kupa vanapapamasimba avo apanyama napamweya avaiita zvokuzvipa, kanaipo pakati pavo vanapapa paimbovavo notwumwetwushanduko twenguva pfupi. Hongu, paiva navamwe vazhinjivakamutsa kupokana, asi kana pava pana Luther, nguvayaMwari yakanga yasvika yokufamba chaiko kwaizova kutangakwokudzorwa kwekereke kuendeswa kundodururirwa MweyaMutsvene munguva yaizouya nguva yaiva mberi.

Page 253: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 243

Zvino Martin Luther, pachake, akanga ari muKristuakanga akazadzwa noMweya aibatwa pamwoyo nyore nokuitahanya nezvinhu. Akanga ari murume weShoko chaizvoizvonokuti akanga asina chido chete chokudzidza Shoko asivokuriita kuti riwanikwe navanhu vose kuitira kuti vanhu vosevararame naro. Akaturikira Testamente Itsva akaipa kuvanhu.Iri basa rakawanda kudai akariita iye pachake, aigadziridzandima imwe kangaita makumi maviri. Akazviunganidziraboka ravadzidzi vechiHebheru kusanganisa vanhu vechiJudhapakati pavo ndokuturikira Testamente Yekare.

Basa guruguru iri raLuther ndipo pakamiswanhevedzanwa dzamamwe mabasa ose akazotevera eGwaromuchiJerimani.

Akanga ari muparidzi mukurukuru nomudzidzisiweShoko, aisimbirira, kuti Shoko ndicho choga chete chaivachipimo. Airamba mabasa sandiyo nzira yokuwana nayoruponeso uye rubhabhatidzo sandiyo nzira yokuwanakucheneswa nayo pamweya. Akadzidzisa pamusoropoumiririri hwaKristu kwete munhu sezvazvakanga zviripamavambo paPentekosti. Akanga ari murume aida kugaraachinyengetera ruzhinji uye akanga adzidza kutisokuwandirwa kwaanenge akaitwa nebasa, nokupererwanenguva kwaanenge aita, ndipo paainyanya kupa nguvayakawanda kuna Mwari pakunyengetera kuitira kuti awanechibereko chakanaka. Aiziva kuti kurwisana naSatanizvairevei uye zvinonzi mumwe musi Satani akauyaakazviratidza pachena kwaari, akamuposhera negaba rehingi,achimuudza kuti aende. Imwe nguvazve vapengo vavirivakauya kwaari kuzomuitisa kuti abatane navo mukudzingavaprisita vose namaBhaibheri. Akanzvera mweya wakanga urimavari akavadzinga.

Zvakanyorwa pamusoro paDr. Martin LuthermuNhoroondo yaSowa Bhuku 3, peji 406 kuti akanga ari,“muprofita, uye muvhangeri, uye mutauri nendimi, uyemuturikiri, zvose izvi mumunhu mumwe chete, akanga ainezvipo zvose zvoMweya zviri zvipfumbamwe.”

Chakazungunisa mwoyo wake zvichiitwa noMweyaMutsvene, uye chakanga chiri kabukira katema kairatidza kutichokwadi chakanga chiri kudzokera kukereke sokuzikanwakwachakaita paPentekosti, yaiva dzidziso yokururamiswa:ruponeso rwenyasha, kunze kwamabasa. Ndinotenda kuti Dr.Martin Luther akanga asingangotendi chete, nokuparidzachete, kururamiswa, asivo kuti iyi ndiyo yaiva nyaya yakehuru sezvovo zvechokwadi yaisungirwa kuva nokuti ndiyodzidziso yapahwaro hwechokwadi cheShoko. Achazikanwanariini nariini somudziyo muruoko rwaMwari wakamutsidzirachokwadi ichi. Akanga ari nhume yechishanu uye mharidzoyake yaiva yokuti, “VAKARURAMA VACHARARAMA

Page 254: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

244 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

NOKUTENDA.” Zvirokwazvo tinobvuma kuti aiziva uyeakaparidza kuti tinofanira kufamba kubva mukutenda kuendamukutenda. Kunzwisisa kwake kunoshamisa kwoumambo,nokusanangurwa, nokutemerwa nezvimwe zvirokwazvozvinoratidza kuti aiva mhare muShoko, asindinodzokororazve, sezvinongoitavo vanyori venhoroondo,kuti Mwari akamushandisa kuunza kuvanhu chipimochaMwari chisiri mabasa_“Vakarurama vachararamanokutenda.”

Zvino sokutaura kwandatoita kare, zera rino rakadaidzwanavanyori venhoroondo kunzi, Nguva yeVandudzo. Izvi ndizvochaizvo. Ndizvo zvazvaiva. Zvaitosungirwa kuva izvi nokutiMartin Luther akanga ari muvandudzi, kwete muprofita.Zvino ndinoziva kuti bhuku renhoroondo rinomuti muprofita,asi hazvirevi kuti bhuku renhoroondo rinotaura chokwadi,nokuti hapana chinyorwa pamusoro paMartin Lutherchinomuratidza kuva muprofita waMwari pane zvinorehwaneshoko iri chaizvo muMagwaro. Akanga ari mudzidziakanakisisa aine zvimwe zviratidzo zvoMweya muupenyuhwake uye tinorumbidza Mwari pamusoro pazvo. Saka haanakukwanisa kutungamirira kereke kudzokera kuchokwadichose sezvingaita murume akaita somuapostora Pauro akangaari zvose zviviri zvinoti muapostora uye muprofita.

Zvino nokufamba kwenguva tinowana kushanduka kukurumunzira yaaifambisa nayo nyaya dzaaiva mukati madzo.Pakutanga akambenge ari munyoro chaizvo, asingambotyizvake kana, ano mwoyo murefu zvakanyanya nokugaraachingopira kuna Mwari kugadziriswa kwezvainetsa. Asivanhu vakawanda pavakatanga kuuya kumureza wake.Vavariro yavo yakanga isiri yezvomweya zvakazara. Asi kutivakanga vachisundwa nezvido zvezvamatongerwe enyika.Vakanga vachida kuvhuna joko rapapa. Vakanga vachivengazvokutuma mari kuRoma. Mipengo yakamuka. Munguva pfupiakanga akweverwa munyaya dzezvamatongerwe enyika uyesarudzo dzakanga dziri kunze kwenyaya dzekereke kusiyakwokuti kereke nenzira yokunyengetera, uye kuparidzanamaitire namazvibatire yaigona kumisa chipimochokutevedzera. Matambudziko awa enyayadzezvamatongerwe enyika akaramba achikura kusvikiraamanikidzwa kupinda muchinzvimbo chisingambobetserichokuva mumiririri pakati pamadzimambo navanhuvo zvavo.Matongere ake akanga akaminama zvokuti kwakavanokumukirana zvuru nezvuru zvavanhu vakaurayiwa.Vavariro yake yakanga yakanaka, asi kubva paakangozviregaachipinda mudandemutande reEvhangeri yeKereke-neNyikaaitofanira kukohwa chamupupuri.

Asi nyangwe zvazvo zvose izvi zvakanga zvakadero, Mwariakashandisa Martin Luther. Ngazvirege kunzi vavariro yake

Page 255: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 245

yakanga yakashata. Ngazvingonzi chete manzwisisire akeakakundikana. Zvirokwazvo dai maLutheran aikwanisakudzokera kudzidziso yake akashumira Mwari sokushumirwakwaAkaitwa nehama iyi izere nenyasha, zvirokwazvo vanhuava vaibva vava vanhu vanodadisa nokuunza kurumbidzwakuna Mwari mukurukuru noMuponesi, Jesu Kristu.

KWAZISO

Zvakazarurwa 3;1 inoti, “Zvanzi naIye Une Mweyaminomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe.”

Zvakare sezvazvakanga zvakaita mumazera manaakatanga Mweya uri kuzarura Ishe wedu wenyasha kwatirinenzira yokuisa pachena zvinokatyamadza zvaAri. Panguvaino sezvaAmire pakati pekereke, tinoMuona saIye une Mweyaminomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Tinoziva kuti nyeredzinomwe ndivanaani, asi tinotofanira kutsvaka kuti chiichinorehwa neMweya minomwe.

Mashoko mamwe chete awa anowanikwa kana muBhukuraZvakazarurwa. Zvakazarurwa 1:4 inoti, “NokuMweyaminomwe Iri pamberi pechigaro chaKe chovushe.”Zvakazarurwa 3:1 inoti, “Zvanzi naIye Une Mweya minomwe.”Zvakazarurwa 4:5 inoti, “Pachigaro chovushe pakangapachibuda mheni namanzwi nokutinhira; nemwenje minomweyakanga ichipfuta pamberi pechigaro chovushe iri Mweyaminomwe yaMwari.” Zvakazarurwa 5:6 inoti ,“Zvino,ndakavona, pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyuzvina, napakati pavakuru, Gwayana rimire rakaitaseRakabayiwa rine nyanga nomwe nameso manomwe, iriMweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yose.”

Pakutanga, tinoziva kuti ichokwadi kuti ndima idzi hadzizikudzidzisa dzidziso itsva inopokana naJohane 4:24a inoti“Mwari Ndi (mumwe chete) Mweya.” Asi izvi zvakaita sezvirimuna I vaKorinte 12:8-11 umo matinowana Mweya MUMWEuchiZviratidza nenzira PFUMBAMWE. Saka tinoziva kutiMweya minomwe yaMwari zvinoreva kuti ndiwo Mweyamumwe chete unouya nomutovo wakapetwa kanomwe. Zvinomuna Zvakazarurwa 4:5 Mweya minomwe mimwe chete iyiinonzi ‘mwenje yomwoto inopfuta’ pamberi paIshe. SezvoJohane akanga asingashandisi chimwe chinhu kusiyakwefananidzo dzinobva muTestamente Yekare munaZvakazarurwa tinoinda kuTestamente Yekare kwatinowanakubva muna Zvirevo 20:27 kuti “mweya womunhu mwenjewaJehovha.” Mweya minomwe iyi inowanikwa ichibatanidzwanomunhu. Johane Mubhabhatidzi muna Johane 5:35akadaidzwa kunzi ‘chiedza chinopfuta’ zvinofanira kuturikirwazvichinzi ‘mwenje unopfuta.’ Zvakare muna Zvakazarurwa 5:6Mweya minomwe iyi inoratidzwa sameso manomwe. Muna

Page 256: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

246 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zekaria 4:10 munonzi, “Nokuti ndiani wakashoora zuvarezvinhu zviduku? nokuti awa manomwe achafara zvikuru,achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri, awandiwo meso aJehovha anofamba pose pose panyika yose.” Zviripachenachena kuti shoko rokuti, ‘awa” rinoreva vanhu. Sakatinoona kuti meso aJehovha panguva ino vanhu_zvirokwazvovachava vanhu vakazodzwa, vakazadzwa noMweya Mutsvene,nokuti shumiro dzaMwari hadzizi musimba ravanhu asiroMweya Mutsvene. Kana tichibatanidza zviwanikwazveGwaro pamwe chete zvinobva zvava pachena kuti Mweyaminomwe yaMwari zvinoreva shumiro isina muganho yoMweyaMutsvene muupenyu hwavarume vanomwe MwarivaAnozvifananidza navo chaizvo. Ndivo meso aKe, uye ndivomwenje yaKe. Kuti varume vanomwe ava ndivanaani zvinogonakuonekwa nyorenyore nokuti mashoko anotevera anovadaidzakuti nyeredzi nomwe zvinova zvatava kuziva nechakare kutizvinoreva nhume nomwe kumazera manomwe. Zvakanaka seiizvi. Onai, nyeredzi yakaitirwa kuratidza chiedza pausiku,nokuti zuva haripo. Saizvozvovo nhume (inofananidzwanenyeredzi) kuzera roga roga yaizoratidza chiedzachoMwanakomana. Vose vakaita izvi noMweya Mutsvene.

Pauro ndiye nhume yokutanga uye akati muna vaGaratia1:8 kunyange mutumwa anobva kudenga, kana nhume ipizvayo, kana mukuru wedunhu rekereke, zvisinei kuti ndiani_kana akaparidza rimwe evhangeri risiri rakaparidzwanaPauro, ngaatukwe. Pauro aiziva kuti aenda mapereanoparadza achapinda. Aiziva kuti Satani, pachake, aizouyaachionekwa somutumwa wechiedza ko zvino kuzoti vafundisivake. Saka anoyambira kuti Evhangeri iyi yaizogarayakangodero nariini. Zvino Pauro akanga abhabhatidzamuZita raJesu uye akabhabhatidza zvakare vanhu vakangavasina kunge vanyudzwa nenzira imwe chete iyi. Akaisakereke mugwara akadzidzisa nzira kwayo yokushandisa zvipozvoMweya akatsigira kuti zvaifanira kuramba zviri mukerekekusvikira Jesu achiuya. Saka nhume dzakatevera, dzosenhanhatu dzakanga dzasara, dzaizopfuta nomwoto mumwechete, nokuda kwoMweya Mutsvene mumwe chete vachipachiedza chimwe chete cheEvhangeri yaJesu Kristu uyezviratidzo zvaizovatevera. Irenaeus akakodzera here? Hongu.Ko Martin? Hongu. Ko Koramba? Hongu. Ko Martin Luther?Chaizvoizvo. Ko Hwisiri? Hongu changamire, akava neshumirohuruhuru zvokutoti akanamatira bhiza rake kuti riporerikapora. Hezvo. Mazera manomwe amakereke nenhumenomwe dzakanga dzakafanana, uye Pauro akati ani nani anotiinhume asi iye ane evhangeri yakasiyana nokuraramamuchiedza chakasiyana ngaatukwe.

Zvino zvandataura kupedzisira izvi zvinopindirana hereneShoko rose? Hongu. Zvinonzi muShoko kana munhu upi

Page 257: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 247

zvake akapamhidzira kubhuku iri kana kutapudza kubvakwariri, anozorohwa nedenda nokuzotongerwa naMwarikurashwa. Mwari akati, ‘Ndichawedzera madambudzikoakanyorwa mubhuku iri kana kubvisa mugove wake paBhukuroUpenyu.” Zvakazarurwa 22:18.

Saka tinoona kuti Mweya Minomwe zvinonyatsorevaMweya Mumwe chete waMwari uchishanda kuda kweShokoraMwari muzvizvarwa zvakasiyana. Ndinoda kupamuenzaniso wezvizvi kubva muShoko. Mweya waMwariwakanga uine simba pamusoro paEria. Ndokuzobva Mweyamumwe chete iwoyo wauya pamusoro paErisha wapetwakaviri. Ndokuzobva pashure pamazana amakore, Mweyamumwe chete iwoyo Watinoti Mweya waEria kuitirakutsanangura shumiro yaWo, wakadzoka pana JohaneMubhabhatidzi. Rimwe zuva Mweya mumwe chete iwoyouchiratidzwa nenzira yeshumiro imwe chete iyoyo uchauyapamusoro pomumwe munhu kuitira kuguma kwezera rekerekeravaHedheni. Zvakare: Gwaro rinoti Mwari akazodza JesuweNazareta noMweya Mutsvene nesimba Akabva atangakufamba achiita mabasa akanaka, kurapa vose vakangavakatsimbirirwa nasatani. Jesu paakaenda Akatauriravadzidzi vaKe kuti vamirire kusvikira Pentekosti panguvayaizodzoka Mweya mumwe chete iwoyo waiva pamusoropaKe nokuvazadza. Zvino boka ‘rakadanwa’ iri (kereke)yaizotora nzvimbo yaKe panyika, achitora nzvimbo yaKe.Zvino nokuda kwokuti Mweya mumwe chete iwoyo Wakangauri maAri waizova mavari, vaizoita mabasa mamwe cheteaakaita. Zvino vanhu vapi zvavo vanenge vari MutumbiwaJesu Kristu zvirokwazvo (kereke yechokwadi) vacharatidzamabasa mamwe chetewo sezvakaita Jesu nekerekeyePentekosti nokuti Mweya mumwe chete unenge uri mavari.Kereke inezenge isina Mweya nezviratidzo inozofanirakudavira pamberi paMwari.

Panzivo pano apa nyeredzi nomwe idzi, kana kuti nhumenomwe kumazera manomwe dziri muruoko rwaKe. Akavabata.Munobva maziva kuti kana dzakabatwa muruoko rwaKedzinoshanda nesimba raKe. Izvi ndizvo zvinomirira ruoko.Runomirira simba raMwari! Uye masimba aMwari. Hapanakana mumwe chete wavo akauya nesimba rake pachake kanamvumo yake pachake. Izvi ndizvo zvakataura Pauro. Hapanamunhu aishinga kuita izvi. Zvinotoda mvumo yaMwarinesimba roMweya Mutsvene. Evhangeri inoparidzwa nemvumoyaMwari nesimba roMweya Mutsvene. Varume vose avavakanga vakapiwa simba noMweya Mutsvene. Vosevakamisidzana nokupikisana nenyika. Vaikwanisa kuita izvi.Vakanga vakazadzwa naMwari. Vakanga VATUMWA kanakuti vakanga vapiwa mvumo naMwari KWETE kuzvipapachavo kana kupiwa navamwe vanhu.

Page 258: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

248 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino vaiva neicho chakanga chisingagoneki kuwanikwanenyika. Jesu akati paAizoinda Aizotuma Mweya waKe Uyonyika yaisakwanisa kugamuchira. Ndizvozvo. Nyika, kana kutizvirongwa zvenyika hazvaizokwanisa kuMugamuchira. Ndizvozviri masangano_hurongwa hwenyika. Ndiratidzei kerekeinamarongerwe enyika yakazadzwa noMweya Mutsvene.Ndinoda kuiona. Kana muchikwanisa kundiratidza kereke iyimunenge matowana mhosho muShoko. Kwete changamire.Hapana kana mumwe zvake wenhume idzi akaumba sangano.Chiripo ndechokuti vakabudiswa kana kuti vakabuda nokutivakanga vagutsikana pamusoro pechivi chokuumba sangano.Zvino Mweya Mutsvene ungagona sei kuva musanganosangano ririro rinotora nzvimbo yoMweya Mutsvene uyemasangano achitoravo nzvimbo yeShoko? Rangarirai kuti,“Kuumba sangano” zvinoreva “RUFU.” Hazvimbokwanisikuva nomumwe mutovo. Kana nyika ikatonga, Mweya unobvawaenda.

Hongu, Mweya hauzi Mweya minomwe asi kuti MUMWEchete. Uchagara usingashanduki nokuva namaitire mamwechetewo nguva dzose. Uye nhume nomwe idzi dzino Mweyamumwewo nokudzidzisa Shoko rimwero nokuva nesimbarimwero. Uye kana kereke iri kereke yechokwadi ichavanoMweya mumwe chete iwoyo chaiwo neShoko namabasaesimba awaiva nawo paPentekosti. Kubva pane zvinoitikakwairi inenge iri kereke yechiPentekosti; uye pachange panendimi, nokududzirwa kwendimi nokuprofita nokupodza.Mwari achange ari pakati payo uye Mwari Achazvitaura aripakati payo sezvaAkagara achingoita. Hareruya! Uye inengeISINA kuitwa sangano. Musakanganwa izvi.

Zvino tinokwanisa kuona kuti Jesu Kristu ari kuZviratidzakudzika namazera nenzira yoMweya waKe munhume.Zvakanga zvakaita Mosesi kuvana vaIsraeri ndizvovo zvavari.Sezvaakaitavo kuwana chizaruro chenguva yake, saizvozvovonhume imwe neimwe yakawana chizaruro chaMwari neshumirozvenguva iyoyo. Saka kana tichiona kuti nhume dziri muruokorwaKe, tinoona Ishe Achizvifananidza navarume ava nokuvapasimba raKe. Hazvina kukwana kuti Akawadzana nekerekeyose, zvinova ndizvo zvatakaona paAkaonekwa akamira pakatipezvigadziko zvinomwe zvemwenje zvendarama. Uyevohazvina kukwana kuti tinoona shumiro yakapetwa kashanuyomuna vaEfeso 4 (vaapostora, vaprofita, vadzidzisi,vavhangeri, vafudzi). Nokuti muzera roga roga kerekeinorashika, uye havazi vanhu zvavo chete asi kuti nebokaravafundisivo_vafudzi vanokanganisa sezvinongoitavomakwai. Mwari anobva Azvipinza mudariro pachena sandiyeMufudzi Mukuru muevhangeri dzavarume vanomwe avakutungamirira vanhu vaKe kudzokera kuchokwadi nesimbarakawanda rinobva muchokwadi ichocho. Mwari ari muvanhu

Page 259: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 249

vaKe_vanhu vaKe vose, nokuti kana munhu upi zvake asinaMweya waKristu haazi waKe. Uye ndiYe Shoko, Rinozenge ririShoko rinozikanwa muvanhu. Asi Akaisa utungamiririmuvarume ivava vaakasarudza Iye pachake uye nenzira yedarerakamiswa rokuda kwaKe. Vanobuda kamwe chete muzeraroga roga. Mweya mumwe chete iwoyo uri mavari.Izvi zvakasiyana sei nepfungwa dzeRoma dzinopokananedzidziso yoohokwadi. Vano murume wavakasarudza ivopachavo_vachingotevedzana_pasina kana mumwe wavoanobereka simba raMwari_pasina kana mumwe wavo arimuShoko raMwari_mumwe nomumwe wavo achisiyananowakamutangira achiwedzeravo zvaanoda sokunge iye ndiyeMwari. Mwari haazi mazviri. Asi Ari munhume yaKe uye uyoanova nokuzara kwaMwari achatevera nhume senhumevo irimuteveri waIshe nenzira yeShoko raKe.

Zvakazarurwa 3:1 inoti. “Une Mweya minomwe yaMwarinenyeredzi nomwe.” Sezvo Ishe mumwe chete uyuachizvifananidza iye pachaKe nomunhu mukuitwa nyama, ArikuZvifananidza zvakare nomunhu nenzira yoMweya waKe urimumunhu. Ishe anoti, “Ava ndovangu.” Nhume nomwedzakazadzwa noMweya ndedzaIshe. Dzingarambwa zvadzo.Dzingavhunzurudzwa zvadzo. Chokwadi, mukuonakwepfungwa vangadai vachiita sovasingafaniri asi_zvisinei,ndivo nhume dzamazera avo. Mwari akashandisa Abrahama(akareva nhema), Akashandisa Mosesi (akapanduka), Jona(akaramba kuteerera), Samisoni (akatadza), Dhavhidhi(akauraya). Akashandisavo Joshua, naJosefa. Uye avo vaivanamakwapa makurukuru vakawanda kudarika avo vanenhoroondo dzinoratidzika kunge dzakakwana. VOSEVAKANGA VARI VAKE, UYE NANHASI NDOVAKE.Hapana angashinga kuramba izvi. Akavashandisa nenzirayoMweya Mutsvene waAkaisa mavari. Kuna Tenzi wavovakamira kana kupunzika. Uye mavari vose makaitwanokuzadziswa kuda kwoumambo hwaMwari. Regai nhoroondoyokunze iedze kuzviramba, asi zvinongoramba zvirizvo. MwariZiendanakuenda achiri kufamba pakati pezvigadzikozvemwenje zvendarama uye achiri kutuma nhume dzaKekuvanhu vezera roga roga neShoko achishandisa MweyawaKe.

ZVINOSHORWA

Zvakazarurwa 3:1b inoti, “Ndinoziva mabasa ako, kutiunonzi uri mupenyu, asi wakafa.” Zvakazarurwa 3:2b inoti,“Nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberipaMwari.” Zvino pano, zvirokwazvo, pane chinhuchinokatyamadza kwazvo. Muzera roga roga kusvikira panopatava Mweya wakatanga nokurumbidza vatendi vechokwadi,

Page 260: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

250 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ndokuzotuka nokushora muzambiringa wenhema. Asimunguva ino iyi zviri pachena kuti pano kushaya hanya naSheneShoko raKe kusina kwakapfuurira zvokuti mharidzo kuzerareshanu rose iri ina maungira okupa mhosva nokutonga chete.

“Ndinoziva mabasa ako.” Ndeeyi mabasa awa akauyapamberi paIshe akaunza kusafadzwa kwaKe? Munoziva, kutizera roga roga rakayambukira mune rimwe zera, saka tinokupfuurira kwamabasa omuzera rechina achipinda muzerareshanu. Mabasa awa sokuziva kwamunoita aiva awa anoti:

1. Utungamiriri hwoMweya Mutsvene hwakapindirwanokutorerwa nzvimbo nohurongwa hwoukuru hwavanhu.

2. Shoko raMwari rakakwana nezvimuko zvaro zvapachenakuvanhu vose rakabviswa pachigaro nezvitendwa, nedzidzisodzisingapikiswi, nezvirongwa zvekereke, nezvimwe.

3. Kushumira muMweya neZvipo zvoMweya nezvosezvinobva pahumwe nokuyanana kwavatsvene zvakakandwakwakadero kuchiunzwa shumiro yokuonekwa nokunamatazvifananidzo chaikwo, namabira echihedheni, nezvimwe.

4. Kunamata Maria kwakanga kwava kutora nzvimboyairamba ichikura mukushumira kwechiKristu, kusvikiraatotora nzvimbo yoUmwari uye Mwanakomana akaderedzwakubva panzvimbo yaKe yokuva pamusoro pezvinhu zvose kuvapasi pomunhu anonzi papa, uyo aizvidaidza kuti mumiriririwaKristu ari panzvimbo yake.

Avo vakarwisa kereke yairamba Kristu yakaipisisa iyivakaparadzwa. Avo vakagara nayo vakazoona vava tsorodzekereke zvisinei kuti vaiva vanhuvo zvavo kana kutimadzimambo. Upenyu hwavo hwakanga husiri hwavopachavo, uyevo upenyu hwavo hwakanga husiri hwaKristu, asikuti vakanga vava veKereke yeRoma pamutumbi, napamwoyo,napamweya. Vaitaura pamusoro peropa raKristu, asi ivovachitenga ruponeso nemari, uye vachitenga kanganwiroyezvivi nendarama kana nokuzvirwadzisa panyama. Vakangavakapfuma pakati pavo vakawana izvi zviri zvinhu zvaifadzachaizvo apo Papa Rio X akavabvumidza kutenga kanganwiroyokurangirwa zvivi zvisati zvatomboitwa kuitira kutivagonyatsoronga mhosva dzavo dzaityisa pasina kanombotin’en’enu pamwoyo nokuzoenderera mberi kuzviita, vachizivakuti papa vakanga vatogara vavakanganwira zvivi zvachokare. Shoko raMwari havana kuripiwa, saka zvino aizozivachokwadi ndiani! Sezvo chokwadi chichibva chete kuShoko,vanhu vakanga vakapfigirwa mutorongo reKereke yeRoma,vakamirira kufa, uye kuzotongwa pashure pokufa. Asimhombwe huru, yakanga yakadhakwa neropa ravanhuvakafira kutenda uye isina kana zvayo kapfungwakokutongwa, yaitozamurira nokushata kwose kuuraya vanhunorufu rwapamweya napanyama.

Page 261: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 251

Zvino zvava kuenda kumagumo ezera rechina anezengevoari mavambo ezera reshanu, kurwiswa kweKonistandinopuronavanhu vakabva Teki kwakaendisa vadzidzi vokuMabvazuvakuMavirira nezvinyorwa zvavo zvechiGiriki. KukwanakweShoko nedzidziso yavatendi vechokwadi zvakaparadzirwanenzira iyi. Uye handivo chete vadzidzisi vanogonesesa avavakava chinhu chinokosha asivo kugadzirwa kwokutangakwechinhu chakava hwaro hwezvitsikiso zvedu zvamazuvaano kwakawanikwa, zvinova zvakazoita kuti kugadzirwakwamabhuku ive nyore. Saka tinowana nzara huruhurunokuchemererwa kweBhaibheri kuchigona kugutswa. Mwariakamutsa vanhu vazhinji vana masimba mumwe wavo ari iyeMartin Luther. Karivhini naZwingiri vaiva vamwe vacho vaipachiedza uye kunze kwavava kwaiva navamwe vazhinjizhinji,vakanga vasinganyanyozikanwa. Zvisinei, nyangwe zvazvozvose izvi zvisina kuva pasina, basa ramasimba raMwarirakaderedzwa naivava varume pachavo. Chimwe chaivapondechokuti, HAVANA kupikisa kuroorana kweKerekeneNyika zveKanzuru yeNicene asi kutoti vakatotsigirakubatana uku. Kurwirwa kweEvhangeri nenyikakwakatambirwa namaoko maviri kunyangwe pakanga pasinaShoko raizvitsigira. Nyangwe zvazvo tichikwanisa kuona kuti“hasha dzomunhu dzichirumbidza Mwari,” muzvinhuzvakadai kufanana naHeniri VIII achitambira vandudzonokuramba masimba apapa, zvaiva kure nechokwadichePentekosti uye kurwira kwaMwari Samasimba.

Nyangwe zvake Luther akaramba achingodzidzisa kutikupindira kunobva kunze munyaya dzomukati mekerekehazvina kunaka haana kukwanisa kubvisa pfungwadza“Bhishopi, naAchibhishopi” mukutonga kwekereke. Sakakereke yakatora chinhanho mugwara kwaro asi ikangorambayakasungwa namajoti, saka muchinguva chidiki yakaiswazvakare mutorongo mayakanga yamboidza kupukunyukaichitiza.

Asi zvazvo kapu yamabasa akaipa yakanga ichigerekuzara. Kwete kuti Luther kubudikidza nokuraira kwakemukusaziva akaurayisa mhomho nemhomho; asivo batoraZwingiri rakatambudza Dr. Habhumeya kusvikira pakuiswamutorongo kwake, nyangwe zvaro risina kumuendesa kuviviromwoto, ndiro rakakonzera kuti asvikire pakufa achiitazvokupiswa. ZvaKarivhinivo hazvizi zvitete, nokutiakakumbira nesimba kusungwa kwaSevhetasi uyo akangaaona nokudzidzisa humwe chete hwoUmwari. Nyikayakazobva yatonga hama yake, zvikazomushamisa Karivhiniwacho hama yava kupiswa muvivi.

Kana kwakambova nechido neshungu yokuumbamasangano yaiva iyo nguva iyi yaisiririsa. MashokoaKomeniasi anotsanangura zvakawanda zvenguva iyi.

Page 262: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

252 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Komeniasi akanyora achiti “CHINHU CHIMWECHAISHAYIKWA’. Anoenzanisa nyika nounzanzanza, uyeanoratidza kuti nzira yokubuda nayo ndeyokusiyachisingadiwi, nokusarudza chinodiwa_Kristu. Anoti vadzidzisivakawandisisa, ndiyo mviromviro yemhomho nemhomhoyamasangano, awo atichapererwa namazita okupa. Kerekeimwe neimwe inozviona iyo sandiyo yechokwadi, kana kutichete sandiyo yakakwana, kana kuti chidimbu chechokwadichaicho, asi nokuku pakati padzo dzichitambudzananoruvengo rwakadzamisisa. Hapana kana kuwirirananokuyanana kunotarisirwa pakati padzo; vanokwikwidzambengo nembengovo dzakatonyanyisisa zvokusambogonakuwadzaniswa. Kubva muBhaibheri dzinoumba zvitendwa;zvitendwa izvi ndizvo nhare dzadzo nemidhuri yadzinovandaseri kwayo nokuzvicherera nokutavira kurwiswa kwose.Handisi kuzoti kupupura kwose uku kwokutenda kwakashataiko pachako_nokuti tinogona kubvuma kuti kazhinjikacho_ndizvo zvazviri. Zvisinei, kunova kwakashata, pakutikunopfutidza mwoto wembengo; kutoti chete kana kwabviswazvachose ndiko kuti zvigoneke kutanga kuita basa rokurapamaronda eKereke. “Muunzanzanza hwamasangano uhwunezvapupu zvakasiyana-siyana mune chimwezve chinhu; rudorwegakava^Chii chinowanikwa mazviri? Pano kurwisanakwavakadzidza kumwe chete kwakambopedzwa here? Hazvinakumbofa zvakaitika. Uwandu hwavanhu vanopindamukurwisana uku ndihwo hunotowanda. Satani ndiye mugonimukurukuru wenharo dzinotemesa musoro; hapana ambotiakwanisa kumukurira mukurwisana namashoko^Mumharidzo dzezvaMwari mashoko avanhu ndiwoanowanzonzikwa kudarika Shoko raMwari. Mumwe nomumwewavo anongotaura pamadiro, kana kupfuudza nguva nokuitadzatsatsa rezvinyorwa pamusoro penyaya uye kuratidza kutipfungwa dzavamwe dzakarashika. Pamusoro pokuponiwakutsva kuti munhu anofanira kushandurwa nomutovo upi kutiafanane naKristu kuti awane Unhu hwaMwari (2 Petro 1:4),hapana kana chimwe zvacho chinombotaurwa. Pamusoropesimba ramakiyi, Kereke yava kuda kutorashikirwa nesimbarokusunga, asi simba rokusunungura chete ndiro rasara^Kushumira kwokunze chete, kunopiwa sechiratidzochokubatana, norudo, asi zvoupenyu hwedu muna Kristu,zvakaitwa chinhu chinounza kukakavadzana nokurwisanakwakaomarara kwazvo, uye kuvengana, nokupatsanukamumapoka akasiyana^Muchidimbu, nyika yechiKristuyakava unzanzanza. Kutenda kwakamurwa-kamurwa kuvazvuru nezvuru zvotwupande uye unotorwa semhandu kanapaine chimwe chausingatambiri^Chingabetsera chii? Chinhuchimwe chete chinodiwa, kudzokera kuna Kristu, kutarirakuna Kristu sandiye chete Mutungamiriri, nokufambamugwara raKe, nokusiya kure dzimwe nzira dzose kusvikira

Page 263: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 253

tose tasvika pavavariro yedu, nokusvika pakubatanakwokutenda (VaEfeso 4:13). Sezvo Tenzi wokudenga akavakazvinhu zvose pahwaro hwaMagwaro naizvozvo nesuvotinofanira kusiya chaizvoizvo matendere edu tigutswe neShokoraMwari rakazarurirwa isu tose. Tine Bhaibheri muruokorwedu tinofanira kudanidzira tichiti: Ndinotendazvakazarurwa naMwari muBhuku rino; ndichachengetamirayiro yaKe nokuteerera; ndine tariro yeizvozvaAkavimbisa. MaKristu, inzwai! Kuno upenyu humwe chete,asi rufu runouya kwatiri nenzira dzine zvuru nezvuru. KunaKristu mumwe chete, asi vana Antikristu zvuru nezvuru^Saka munoziva, O umambo hwaKristu, kuti chii chinhuchimwe chete chinodiwa. Munogona kudzokera kuna Kristukana kuti munoenda kundoparadzwa saAntikristu. Kanamakachenjera uye muchizorarama, teverai MutungamiririwoUpenyu.

Asi imi, maKristu, farai mupembere mukubvutwakwenyu,^inzwai mashoko oMutungamiriri wenyuwoKudenga achiti, ‘Uyai kwaNdiri.’^Davirai pamwe chetemuchiti, ‘Kunyangwe zvakadaro, tinouya’”.

Zvino ndichangobva kutaura kuti nguva iyi yakapa kukurakukuru kumweya wamasangano. Kana maitire echiKorinteokuti “Ini ndiri waPauro, ini ndiri waKefasi” ane nguvayaakamboratidzwa, yaiva nguva iyi. Kwaiva nebato raLuther,neraHasi, novaZwingiri, namamwe mapato. KuputsikanyakwoMutumbi uku kwaisvoreka. Vairarama zita chete asi ivovakafa. Zvirokwazvo vakanga vakafa. Vakafa ipapopavakaumba masangano. Mapoka makurukurundokuzvisunganidza mumuchato nenyika. Ndokubvazvangopera. Vakabva vangoparara. Havano vechiLuthervakanga vachishovora Kereke yeRoma. Vaiziva kusaruramakwokubatana kwezvomweya nezvamatongerwe enyika_asinyangwe zvakanga zvakadero Luther akabva angoendereramberi kuita nyika murwiri wokutenda panzvimbo yaMwari,(zvimwe chetezvo sapaya pakazunguzwa Petro navaiitazvechiJudha). Iri ndiro sangano rokutanga rinozikanwazvakati kuti rakabuda mumhombwe, asi pakafa Lutherhazvina kutora nguva pasina kuumbwa hurongwa hwoukuruhwakangoita sohwavakanga varwisa. Kufamba kwaMwariuku, pakazouya vana vechizvarwa chechipiri kwakanga kwavazvakare pasi pebapiro ramai. Vakanga vadzokera kwavakabvaasi vasingatombozvizivi. Vakanga vatora zita ravo pachavopanzvimbo yeZita raKe. Zvakare, vakanga vava kurarama zitaravo, pachavo. Uye masangano ose ari kuita zvimwe chete izviiye nhasi uno. Ari kurarama mazita awo pachawo, kwete ZitaraIshe Jesu Kristu. Izvi zvinoonekwa nyore nokuti kereke yogayoga inozikanwa nenzira yamanamatire ayo asi hapana kanaimwe inozikanwa nenzira yesimba raMwari. Hecho chiero

Page 264: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

254 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chenyu. Zvino ndinoda kuti mucherechedze ipo pano chaipokuti nguva ino vakanga vasina zviratidzo nezvishamiso pakatipavo. Vakaregedza nokusiya simba raMwari vachitora simbarenyika. Vakaramba vakabatira pazita ravo pachavo; vakaitakuti mazita avo ave makurukuru. Waiva mweya uya wakarewokumanikidza vanhu vose kuti vave pasi pawo. Nhasi unomaBhaptist anoda kuti maHwisiri auye kumaBhaptisti.MaHwisiri ari kushingairavo kutendeusa maPresbyteriani.Uyevo maPentekosti anoda vose. Vamwe navamwevachivimbisa kuti ndivo vanopa zvakawanda kudarika vamwevose uye kuti ndivo vanopa tariro dzinodarika dzimwe tarirodzose_kunge musuwo wokudenga, kana kuti tingatoti, nzirayokupinda nayo mune zvakawanda. Zvinosiririsa zvakadiizvose izvi.

Mweya wamasangano uyu wakaita kuti masangano oseanyore twubhuku twawo nokudzidzisa zvitendwa zvawo,nokumisa nzvimbo nehurumende yekereke uye sangano rimwenerimwe richikambira kuti iro, uye iro chete, ndirozvirokwazvo rinotaura zvaMwari nokuti ndiro rakanyanyisakukwana kudarika mamwe masangano. Zvino kana izvi zvisiriizvo zviri kuitwa napapa neKereke yeRoma! Vari kwakareshure ikoko namai vavo, mhombwe, uye havasi kumbozviziva.

Pakugumisa hurukuro yedu yendima iyi inoti, “unonzi urimupenyu asi wakafa,” handikwanisi kukuonesaizvakanyanyisa kuti zera iri, kunyangwe zvaro rakaunzavandudzo, ndiro rakanyanyisa kutukwa naMwaripachinhambo chokurumbidzwa, nokuti RAKASIMA MHODZIYAMASANGANO YAKAUMBA IKADZOKERA KWAKARECHAIKO KUMHOMBWE, pashure pokunge Mwari azaruramukova wokutiza nawo. Pakaitika kufamba kubva muKerekeyeKatorike, kwakanga kusiri kwoMweya pane zvose, asi kutikwakanga kwakanyanya kuva zvamatongerwe enyika. Vanhuvazhinji vakabatana nechiProtestanti nokuti sokutaurakwandamboita, vaivenga urongwa hwechiRoma hwokuisavanhu muutapwa mune zvemari nezvamatongerwe enyika.Saka, pachinhambo chokuti uku kuve kufambiswakwapaMweya kukurukuru mune zvose zvinoratidza MweyaMutsvene Mwari sopaAkashandisa nzira yoMweya yakakwanakuti abudirire muvavariro yaKe paPentekosti, zvirokwazvorakava BASA IRO HASHA DZOMUNHU DZAIRUMBIDZAMWARI, zvakabudamo zvakafanana nenhoroondo yavaIsraeriapo vakabuda muEgipita vakadzivaira murenje,vakasabudirira kusvika kuNyika yeKenani. Zvisinei, kunezvizhinji zvakabudirira kuitwa mukuti apo pakatyorwa jokoreRoma padikidiki, vanhu vakanga vava kukwanisa zvinokugamuchira Shoko raMwari nokuzvipira kusimba roMweyapasina kunyanya kutya sakare. Izvi zvakazarura mukovakuzera guruguru rechimishinari rakazotevera.

Page 265: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 255

Jezebheri weTiatira akanga asina pfungwa yokuregedzakubata kwaakanga akaita vanhu, uye naizvozvo tinoonamwanasikana wake Ataria achimutsa musoro wake muZerareSardhisi ane tariro dzokuti aizokwanisa kudzvinya mbeuyechokwadi nenzira yamazano ake okuumba masangano.

YAMBIRO

Zvakazarurwa 3:2 inoti, “Pepuka usimbise izvo zvakasarazvakanga zvodo kufa nokuti haNdina kuwana mabasa ako kutiakakwana pamberi paMwari wangu.”

Ndinoshuva kuti dai zvaikwanisa kutaurwa kuti ZerareSardhisi rakanga riri redzoreredzo panhambo yevandudzo.Handigoni kutaura izvi. Shoko haridaidzi kuti dzoreredzo, asizvirokwazvo rinoridaidza kuti vandudzo. Dai kwakanga kurikudzoreredzwa, zera irori ringadai rakava rimwezve zerarePentekosti. Asi rakanga risiri. Chakanakisisa chaigonakutaurwa pamusoro paro ndechokuti, “Simbisa ichochakasara, chagadzirira kufa.” Pane chimwe chakanga chisipo.Zvangu ini, hongu, zvirokwazvo pane chakanga chisipo. Zerairi rakanga riine kururamiswa, asi rakanga risina kuwanakucheneswa nokuBhabhatidzwa noMweya Mutsvene. Iyi ndiyoyaiva pfungwa yaMwari yapamavambo. Ndizvo zvavakawanapaPentekosti. Vakaruramiswa, vakacheneswa, vakazadzwanoMweya Mutsvene. Zvino, teererai kwandiri, chikonzerochokururamiswa nokucheneswa ndechokutimugobhabhatidzwa noMweya Mutsvene. Ndosaka kunekereke. Itembere yaMwari yakazadzwa naMwari, kananoMweya Mutsvene. Mweya mumwe chete wakanga uri munaJesu paAkanga ari pano panyika, uchiMuita kuti aite mabasaamasimba makurukuru aAkaita wakadzoka pamusoropekereke paPentekosti kuti vagoita mabasa aakaita Iye. Zerairi rakanga risina mabasa iwawo. O-o, vakanga vane Shokorakanyorwa, (asi kwete Shoko rakazarurwa). Iyi yakanga iringuva yokuvandudza. Asi musatya zvenyu imi boka duku,Mwari akati, “Ndichadzorera,” uye kuvandudza uku kwaizovamavambo azvo. Aizotora kereke (kana tichitevedzera vimbisoyaKe) kuidzorera kubva muudzamu hwaSatani muMazeraMatema kuenda kuUdzamu hwaMwari hwavakawanapaPentekosti uye mumakore mashoma okutanga muupenyuhwekereke.

Zvino chenjererai, kuti munzwisise izvi. Ndomunomundima ino yepiri mandaverenga mashoko anoti, “NokutihaNdina kuwana mabasa ako kuti akakwana pamberipaMwari wangu.” Munoziva here kuti mashoko anoti‘kusakwana’ anorevei chaizvo? Zvinoreva ‘kusazadziswa.’ Zerairi rakanga riri zera risina kuzadziswa. Raingova chetemavambo okudzokera. Ndiko kusaka ndamboti Bhaibheri

Page 266: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

256 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

rinodaidza zera iri kuti Kuvandudzwa kana kuti kuumbapatsva_kwete kudzoreredza. Rakatanga nedzidzisoyokururamiswa yaireva kuti ruponeso rwose rwaivarwaMwari. O-o, Luther akazviparidza chaizvo izvi zvoumambohwaMwari nokusanangurwa. Aiziva kuti zvose zvaibvamunyasha. Akatsaura kereke kubuda muutungamiririhwavakuru vekereke. Akabvisa zvifananidzo. Akakanda kunzezvokureurura kuvaprista. Akareva nokupopotera papa.Zvakanga zvakanaka zvisingambobviri, paakazvitanga, asiMwari akanga ataura makore 1500 akanga apfuura achiti,“Luther, uri kuzovamba zvinhu, asi uchazviona zvose zvisinakuzadziswa, izvi ndichazvisiyira kunguva inotevera.”Hareruya, Mwari wedu anotonga! Anoziva mavambo kubvakumagumo. Hongu, Luther akanga ari nhume yaKe. Hazvinakuratidzika kunge ndizvo, pataongorora kutadza muupenyuhwake. Asi kwaivavo nomurume ainzi Jona, aivavonezvaaitadza muupenyu hwake. Nyangwe zvazvo ini nemitikasazvibvuma nokuda kwamaitire ake asi iye akanga arimuprofita. Asi Mwari anoziva avo vanenge vari vaKe uye Anenzira yaKe sezvaAkangoitavo kuna Jona. Akanga ane nzirayaKe kuna Luther muzera irori, uye Achava nenzira yaKekusvikira pakuguma.

Zvino iri rakanga riri zera risina kuzadziswa. Rakanga ririzera rokuvandudzwa. Asi Mwari izvi ndizvo zvaaida kutizvivepo. Ndinoda kupa muenzaniso kwamuri nenzirayandakaita kuhama yakanakisisa yechiLuther iyo inovapurezidhendi weseminari yakanaka zvikuru kuMavirira uko.Ndakanga ndakokwa kwake kundodya naye kudyakwamasikati nokutaura naye pamusoro poMweya Mutsvene.Akanga aputsika musoro pamusoro pezvinhu zvakawandaakati kwandiri, “Isu vanhu vechiLuther tinei?

Ndakati, “Zvino, muna Kristu.”Akati, “Tinoda Mweya Mutsvene. Munofunga kuti tinaWo

here?”Ndakati, “Zvinogona, nokuti munotenda kutariro yaWo.”Akati, ‘Munorevei, kana muchiti zvinogona? Tine nzara

yokuda Mwari. Takaverenga bhuku pamusoro pePentekostinezvipo zvoMweya, saka vamwe vedu vakaenda nendegeCalifornia kundoona munyori webhuku racho. Patakasvikakoakatitaurira kuti nyangwe zvake akanga anyora bhuku racho,akanga asina zvipo zvomweya. Zvino patakaona kushandakwezvipo mushumiro yenyu takada kukurukura nemi, nokutimunofanira kuziva chimwe chinhu pamusoro pazvo.”

Zvino seminari yehama iyi iri kunze muruwamayakatendenedzwa namaeka namaeka enzvimbo yokurimainogona kushandwa navadzidzi kuti vazviripire mariyechikoro. Uyevo ana mafekitari anofambirana neminda

Page 267: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 257

kuwedzera kuwanda kwamabasa. Saka ndichishandisa mindayake iyi kupa muenzaniso ndakati, “Kwaivapo nomumwemurume akaenda kumunda wake kundokusha zviyo.Akagobora zvitsiga, nokubvisa mabwe, ndokurima nokuputsamavhinga akakusha zviyo zvake. Mangwanani oga oga aipotamunda uyu; asi rimwe zuva mangwanani panzvimbo yevhurisina chinhu akaona zvuru nezvuru zvenhondo dzakangadzichimera. Akati, “Mwari ngaArumbidzwe nokuda komundawangu wezviyo.” Ndakazobva ndamuvhunza ndichiti,“Murume uyu akanga ane zviyo here?”

Akati, “Neimwe nzira, tingangoti aiva nazvo.”Ndakati, “Hongu, aigona kuzova nazvo; uye murume uyu

ndimi vechiLuther munguva yevandudzo, pamakangamuchibudisa nhondo dzenyu, maona? Zviyo zvakatangakukura. (Pashure pokunge zvaorera muvhu muMazera Erima).Pashure pokubuda nhengo dzakawanda pakava namashangamakuru akanaka kwazvo, uye rimwe zuva muchekecherawainge sirika wakabuda. Muchekechera wainge sirika uyuwakatarira pasi kumashizha ukati, “Imi vasharukavezvitevedzwa vechiLuther hapamborina chamunacho. Tariraiisu, tisu tinobereka zvibereko, mamishinari makurukuru.Nguva yedu ndiyo nguva yechimishinari.” Zeraremuchekechera iri yakanga iri nguva yeZera reHwisiri.Vakanga vari mamishinari makurukuru zvokutotidarika isumunguva yedu ino. Zera iri rakaitei? Rakapupuruswasomukume mumhepo.

“Zvino chinhanho chinotevera ndechei? Pakurongedzapfungwa tinofunga kuti ndiyo nguva yokubuda tsanganokukohwa zviyo_kupera kwamafambiro acho. Asi izvihandizvo. Kune rimwe danho. Danho iri ndiyo nguvainobukira magufe kana kuti hundi kuputira tsanga. Zvino izvindizvo chaizvo zvakaitika mukufamba kuno koMweya.Pakusvika kwezana rechimakumi maviri ramakore,pamavambo eZera reRaodhikia, paiva nokutendakwakapararira kwokuti Mweya Mutsvene wakanga urikuburuka sezvaWakanga waita chaizvo paPentekosti. Vanhuvakanga vachitaura nendimi vachiti vakanga vabhabhatidzwanoMweya Mutsvene nokuda kwechiratidzo chokutauranendimi. Asi ndakafamba muminda yezviyo rwakawanda, uyeimomo mukundopera kwezhizha ndakatanha hura dzezviyondichidzipukutira muzvanza zvangu kuti ndiwane tsanga, asindakakatyamadzwa kuti MAKANGA MUSINA KANATSANGA ZVAYO YEZVIYO MUMAGUFE AWA, NYANGWEZVAZVO ZVIROKWAZVO ZVAIRATIDZIKA SOKUNGETSANGA DZEZVIYO DZAKANGA DZIRIMO. Uyu ndiwomufananidzo wakakwana wokunonzi kufambakwechiPentekosti. Uye kuti ichi ichokwadi chaichozvinowanikwa pakuti vanhu ava VAKAVUMBA SANGANO

Page 268: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

258 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

PADZIDZISO uye vanodzokera kwakare kundozvisungasezvakangoita masangano akavatangira, zvichitsigira kutipachinhambo chokuva mbeu chaiyo, vakanga vari magufechete kana kuti hundi inoputira zviyo yaifanira kutevera.Nguva iyi yamagufe ndiyo nguva ine ngozi zvikuruyakataurwa pamusoro payo naJesu muna Mateo 24:24 achiti,“kunyengedza vashanangurwa dai zvaigoneka.” O-o, vanhuvakafunga kuti gufe iri, iro rinodaidzwa kuti Zera rePentekostirakanga riri mbeu chaiyo yechokwadi. Asi yakabuda pachenakungova chete chinhu chokutakurisa upenyu kuendakundopinda muzera iro kudzoreredzwa kwechokwadikwaizouya uye Mwenga weZviyo uchizoratidzwa musimbarakataurwa nezvaro naEzekieri 47:2-5 inoti, ‘Zvinoakandibudisa nenzira yesuvo rokurutivi rwokumusoro,akapota neni nenzira yokunze nenzira yesuvo rakangarakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakangaichibuda kurutivi rworudyi. Zvino murume uyu akatiachibudira kurutivi rwamabvazuva ano rwonzi muruokorwake, akaera makubhiti ane churu chimwe, akandiyambusanomumvura; mvura ikasvika muzviziso zvamakumbo. Zvinoakaerazve makubhiti ane churu chimwe, akandiyambusanomumvura; mvura ikasvika mumabvi. Akaerazve makubhitiane churu chimwe, akandiyambusa nomumvura; mvuraikasvika muchivuno. Shure kwaizvozvo akaera makubhiti anechiru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi rwandakakoniwakuyambuka: nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvuramungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.’

“Zvino nzira yazvakaitwa nayo yaiva yokuda nokurongakwaMwari kwakakwana. Vanhu vechiLuther vakangavachigona kuwana Mweya Mutsvene pasi pokururamiswa;maMethodists vakanga vachigona kuUwana pasipokutsveneswa uye nhasi Uri kudzoswa, kudzoreredzwa_Mweya Mutsvene uri pano.”

“Pepuka usimbise izvo zvinhu zvakasara zvakanga zvodokufa.” Zvino pfungwa inotaurwa mumashoko maviri anoti,“pepuka” uye “simbisa” ndezvizvi. Mukupepuka hamunachete pfungwa yokuva wakasvinura nokumuka asivo kuvawakachenjerera. Kusava izvi zvinoreva ngozi kanakurashikirwa. Kusimbisa zvinoreva zvinodarika kupa simbachete, zvinoreva kugadzira nokumisa zvachose. Rayiro mbiriidzi dzinoreva zvasara paCHOKWADI icho pachachochagadzirira kana kuti “chava kuda” kufa. KutaurakwoMweya uku kunouya pamberi pangu somuenzaniso. Bokarenhapwa, muubatwa hwakazara hwapamweya napanyamavakamukira vapambi vavo vakapukunyuka (zvirokwazvo izvindizvo zvinoreva Sardhisi: vanhu vakapukunyuka). Varikuteverwa uye zvavakanga vawana zvokuhwinya zvakangazvava kutorasika zvose. Havasati havo vabatwa zvakare, asi

Page 269: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 259

chete zvinogona kutaurwa ndezvokuti vakapukunyuka_kwetekupukunyuka chaiko kwokusununguka sezvakaita vamwekana tichitevedza zviri muShoko. Vakanga varashikirwanorusununguko rwavo ruzhinji rwacho. Zvino Ishe anoti,“Munogona kudzoka muutapwa; onai kuti hamudzokeri. Kutimurege kudzokera rambai makachenjerera uye rambaimakapepuka maererano nezvinhu zvokutapwa kwenyu kanakuti munorashikirwa nezvose. Zvisimbisei iko zvino munezvamasarirwa nazvo nenzira inoita kuti mumise zvachosezvamunazvo kuitira kuti mugadzirire kurashikirwakwamangwana. Uyu ndiwo uchava mukana wenyuwokuzadzisa zvamusati mazadzisa.” Asi vakaenderera here?Kwete changamire. Havana kunzwa inzwi roMweya uye rimwezera rakapinda mukutapwa ndiko kusaka Mwari akamutsavamwe vaizokwanisa kuita kuda kwaKe. Mwari wakasiyasangano rechiLuther sezvaAkangoitavo mamwe ose, uyehaazombofi akadzoka. Mwari waisungirwa kuenderera mberinokuunza chokwadi uye muzera idzva nokudzoreredzwakwakapamhidzirwa zvishoma.

KUTONGA

Zvakazarurwa 3:3 inoti, “Naizvozvo rangarira kutiwakagamuchira nokunzwa sei, uzvichengete utendevuke.Naizvozvo kana usingapepuki, ndichavuya sembavha,haungazivi nguva yandichakuwira nayo.”

Ndinoda kuverenga kumwe kuturikirwa (Wuest) kwendimaiyi kunoti, “Nokudero, ivai vanorangarira, kutimakagamuchira nomutovo upi (chokwadi sorubatso zvachose)uye kuti maka(chi)nzwa nenzira ipi nokuva maka(chi)dzivirira,uye nokuva nokushandurwa kwepfungwa pakarepo.” Zviripachena kwazvo kubva pandima iyi kuti Mwari akanga avapachokwadi sorubatso zvachose. Chakagamuchirwa uyendechavo zvisingazoshandurwi. Chasara chete kuti chionekwendechokuti vachaitei nacho, kuti vachachikudza here kanakuti kwete. Zvino ichi ndicho chokwadi. Vakanga vapiwachokwadi chapahwaro chaipo cheEvhangeri yose chokuti,“Vakarurama vachararama nokutenda”, uye kuti “Ruponesorunobva kuna Ishe.” Vakanga vanzwa chokwadi cheBhaibherichinokanda pasi dzidziso dzeRoma nokuita chinhu chisinabasa masimba ose apapa. Vaiziva chokwadi chokuti kerekehaiponesi. Vakanzwisisa chirairo chaShe. Vakanga vanechiedza pamusoro pokubhabhatidzwa nemvura. Vakabvisazvifananidzo. Ichokwadi here? Ndiudzei kuti nei kusinakumbofa kwakaita zera rakava navanhu vaiva nechiedzachakawanda zvakadai chokupa. Vakanga vane chiedzachakakwana zvokukwanisa kushandura zvachose maitireakare kana kutanga patsva nokurega Mwari kuti

Page 270: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

260 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

avatungamirire, mutsara pamusoro pomutsara nechirevopamusoro pechirevo. Vakagamuchira chokwadi. Vakachidauye vakachinzwa. Asi muvhunzo waiva wokuti, vakachinzwasei chokwadi ichi? Vakachinzwa sechinhu chokuvakapamusoro pacho here kana kuti vaiva namaonere mamwe chetehere aiva namaGiriki mazhinji_chinhu chinogonakukurukurwa nokuongororwa nezvacho? Zviri pachena kutiShoko rakapfuma rechokwadi rakanga richinzwikwa sechinhuchedzidzo yepfungwa, pachinhambo chokuritambira sechinhuchinoshanda mabasa chaiwo anoonekwa, nokuti Mwari akangaachida kushandurwa kwepfungwa pamusoro paro. Kana iririri Shoko raMwari zvinova ndizvo zvariri zvirokwazvo, sakarinofanira kuteererwa. Kutadza kuriteerera kwaizounzakutongwa. Pakawanikwa vachengeti vetembereyakasanangurwa vakavata, vakarohwa zvipfeko zvavozvikapiswa. Ishe achaitei kuna avo vakarivara pakurindirakwavo?

“Ndichauya sembavha.” Sardhisi yakareyaigarotambudzwa namakororo aidzika ari mapoka kubvamumakomo achizopamba zvinhu zvavanhu. Saka vaizivazvaireva Mweya kuti kuuya kwaShe kwakafanananokwembavha. Kuchenjerera nokugadzirira chete ndizvozvinhu chete zvakanga zvakaringana kuti tive vakagadzirirakuuya kwaKe. Zvino tinoziva kuti iyi imharidzo inoitirwamuzambiringa wenhema, nokuti kuuya kwaShe kuchaitasezvakwakaita munguva yaNoa. Vasere vakaponeswa vakangavachinyatsoziva nezvokuuya kwemvura zhinji, uye nokudakwokuti vakanga vachiziva vakanga vagadzirira uyevakaponeswa. Asi nyika yavasina Mwari yakakukurwaikaparara. Nyangwe zvavo vakanga vachionana navakaruramazuva nezuva nokunzwa chokwadi, vakachikanda kwakadarokusvikira pasisina nguva. Avo vakanga vari vanhu venyamazvachose munguva yakare iyoyo vanomirira nhasi maKristuezita chete vano upenyu hwakazara nezvinhu zvenyika,zvavanofadzwa nazvo nokufarira kusvika pakushayiwa chidochezvinhu zvoMweya, uye havasi kutomboziva zvavo, kanakugadzirira kuuya kwaKe.

KURUMBIDZA

Zvakazarurwa 3:4 inoti, “Asi una mazita mashomapaSardhisi avanhu vasina kusvibisa nguvo dzavo; vachafambaneNi vane nguvo chena; nokuti vakafanirwa nazvo.”

Zvirokwazvo shoko rokuti ‘mazita’ rinoreva ‘vanhu’sezvinotaurwa muna Mabasa 1:15 pamusoro paavo vaivamuimba yapamusoro zvichinzi, “uwandu hwamazita pamwechete aiva 120.” Asi kwandiri zvinopfuurira mberikwokungoreva vanhu chete; zvinobudisa chokwadi chiya

Page 271: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 261

chakaiswa pachena muzera roga roga chakataurwa kwatirinaIshe wedu nokusimbisa kukurukuru. Ndezvizvi: maitireamakereke awa akaumbwa nemizambiringa miviri,wezvokwadi nowenhema. Mwari muvavariro yake pachaKepaumambo hwake akavaisa pamwe chete vose, nokuvadaidzakuti kereke. Onai kuti Akavatuka sei muzera iri achiti,“kukereke iri”_kwete “makereke ari” muSardhisi,_asiachivaunganidza pamwe chete_“kereke iri”^“Ndinozivamabasa ako^wakafa^mabasa ako haana kukwaniswa^”Anobva Aenderera mberi_“Una (kereke iyi iri muSardhisi)vanhu vashoma vakanaka, vasina kushata savazhinji. Avavanofamba muzvipfeko zvakachena uye vakaNdikodzera.”Zvino vanhu ava vakanga vari vatsvene vaMwari vechokwadivaifamba “vose vachifadza Ishe.” Zvipfeko zvavo zvakangazvakachena. Munoona mumazuva iwawo zvipfekozvainzvenzvera pasi munzira zvichienda marara nokusvibiswa.Ava vakanga vachitarira kuti vakanga vachifamba sei kuonakuti vakanga vasiri kusvibiswa nenyika. Vakanga varimuMweya vachifamba vari muMweya. Vakanga vari vatsvenevasina chavakapomerwa pamberi paKe. Saka vakangavachizadzisa vavariro yavo nokuti izvi ndizvo zvinotauravaEfeso 1:4 kuti ndiyo vavariro yaMwari kwatiri, “kuti tivevatsvene vasine mhosva pamberi paKe.”

Zvino kubva pandima iyi inoratidza vasanangurwavaMwari kuva “Mazita Mashoma,” munokwanisa kuonazvakanakisisa zvatanga tichidzidzisa pamusoro pezera iri.Rakanga rine nyonganyonga. Rakanga RISINA KUKWANA.Rakanga rakapatsanurwa nenzira dzakawanda-wanda, uyeMwari akarituka kutopotsa rabatanidzwa rose. Rakanga risinasimba uye richirwara-rwara rakagadzirira kufa. Rakangarisina nguva yokuhwinya sezvakaidzwa kuumbwa navanyorivenhoroondo vapanyama vechiPurotestendi. Kuisa ziso pamutiuyu kwairatidza kuti wakanga uno urwa norukonye, wadonhamashizha usina muchero kusiya kwemichero mishoma yakangayakaremara izere makonye yakanga yava kutowira pasinokukurumidza. Asi chimbomirai zvishoma! Natsaikunan’anidza. Apo pamusoro apo, muchiedza chezuva,pakanga pane michero ‘yokutanga’_‘Mazita Mashoma’_akakwana maAri nokuti akaberekwa naYe, akazadzwa naYeachifamba maAri neShoko raKe.

Mwari ngaarumbidzwe pamusana ‘pavashoma ivava’.“Vachafamba neNi.” Izvi ndizvo zvinoreva Mwari kuti

Achaisa pamusoro pavo nokuda kwokufamba kwakaruramauku. Ndicho chikamu chenhaka yavo chaAkavachengetera. Daivachida kufamba naYe kupinda nomumatambudzikonemisungo youpenyu nokuunza kukudzwa kwaAri, Iyeaizovapa mubayiro. Haakanganwi kushanda kwedu kworudo.Mwari achatiripira nguva dzose kuidza kwedu kuMufadza.

Page 272: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

262 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Hongu, vakanga vafamba nomunyika asi havana kungevadya chomo. Havana kunge varega maitire enyikaachivakurira. Apo mazita avaiva nomukurumbira enguva iyiakazvipira kumasimba enyika nokusarudza pfungwadzezvamatongerwe enyika pachinhambo chepfungwadzezvoMweya vakanga vava munzira yokudzokera munyika,ava vashoma vakaramba vakamira paShoko raMwari,vakakudza Ishe nenzira iyi. Zvino achavakudza Iye. Nokutivachafamba naYe vakapfeka nhumbi chena. Vakangavazvifananidza naYe panyika saka zvino AchaZvifananidzanavo muJerusarema Idzva. Kufanana uku kuchafadza sei!Zvinondiita kuti ndifare nokupembera asizve zvichindiita kutindicheme kufunga kuzvideredza kwaKe, nokuti cherechedzaikuti haAna kupfeka rumwe ruvara rwakasiyananorwavatsvene, sezvinoita vatungamiri vomunyika. Kwete,vakafanana naYe; naIyevo akafanana navo. Vakafanana naYe,sezvakataura Johane; nokuti “vanoMuona sezvaAri.”

“Nokuti vakafanirwa nazvo.” Munonyatsoziva here kutindiAni ari kutaura izvi? NdiJesu, Iye pachaKe, Anokodzera.Uyu ndiYe chete anonzi ndiYe akakodzera kutora bhuku kubvamuruoko rwoUyo Agere pachigaro choushe. Zvino AnokodzeraUyu ari kuti kuvatsvene vaKe, “Makakodzera.” Houno Uyu,Iye chete anokwana kuva mutongi, (uye zvirokwazvo kutongakwose kunopiwa kwaAri,) uye Anoti, “Makakodzera.”Mashoko awa anokatyamadza zvakangofanana namashoko arimuna vaRoma 8:33b inoti, “Mwari anoti Ndini ndakarurama.”(Kuturikira kwaWay). Pane chiedza chichena chokururamakwaMwari, inzwai inzwi raJesu rinotapira paAnotaura achiti,“Ava ndovaNgu. Vakarurama. Vakakodzera. Vachafamba neNinenhumbi chena.”

VIMBISO KUVAKUNDI

Zvakazarurwa 3:5 inoti, “Unokunda, uchapfekedzwasaizvozvo nguvo chena: haNdingatongodzimi zita rakemuBhuku yoVupenyu, Ndichapupura zita rake pamberipaBaba vaNgu napamberi pavatumwa vaKe.”

“Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena.” Iyichaizvo idzokororo yendima yechina, umo munotaurwavashoma vasina kusvibisa nguvo dzavo. Makore mazhinjiakapfuura taiva nechirevo chandisingapokani kuti chakatorwakubva mundima ino. Chaiti, “Chengetai nguvo dzenyudzakachena.” Chaireva kuti: musapinda muzvinhuzvinomubvunzo; vamwe vachapinda nemivo muchaedzwa kutimupinde, kana kutoti mumwe munhu angatoedza kukupinzai;asi rambai muri kure nazvo zvose nokutevedza gwara rinoendanokure nazvo. Mwari ari kuzopa mubayiro avo vanoteverazano iri. Vari kuzopfekedzwa nhumbi chena sezvaAnenge

Page 273: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 263

akaitavo iye kupfeka zvichena. Petro, naJakobho naJohanevakaMuona paGomo roKushandurwa uye zvipfeko zvaKezvakanga zvakachena sechiedza. Izvi ndizvo zvinezengevatsvene vakapfekedzwa. Nhumbi dzavo dzinengedzichipenya, dziri chena zvakanyanyisa.

Munoziva kuti tiri kurarama munguva yokupedzisira.Ndimo muzera rino muchabatana makereke. Uye sezvo ikozvino vava nesimba rezvamatongerwe enyika, vachitora simbanezvemari yapasi pose kusina kumbopera nguva. Panguva iyi,kana usiri nhengo yesangano ramakereke apasi pose,hauchazokwanisi kutenga kana kutengesa. Ucharashikirwanezvose. Avo vanoramba vakamira muchokwadi naMwarivachichengeta nhumbi dzavo dzakachena kubva kusvinayaaya ‘maitire enyika’ ohurongwa hwamakerekevachashayiwa kana chinhu panyama. Kuchapiwa kwavarimuidzo mukurukuru wokuti vazvipire. Vaparidzivachapindamo vachiti vachashumira Mwari vari mukatimohurongwa hwaantikristu hurongwa hwechikara.Vachazvipira kutsvete nokunyengera kohutungamiriri. Uyevanhu vachatevera vafudzi venhema ava kuenda chaikwokundourayiwa. Asi pakutongwa vose vachawanikwavakashama. Havazi kuzopiwa nhumbi dziya chena; uyevohavazi kuzofamba naYe. Haukwanisi kufamba wakapfekanhumbi dzenyika dzina makwapa namavara, uchibatanamaoko nasatani pano, wozotarisira kuva naMwari. Yavanguva yokupepuka nokunzwa inzwi raMwari richidanidzira,“Budai maari (chinamto chamasangano) vanhu vaNgu, kutimurege kuva vadyi pamwe chete muzvivi zvake, kuti muregekuwana madenda ake.” Ameni. Mwari ari kutaura. Nzvengaizvinamato zvapasi pano sokunzvenga kwamunoita denda.Siyai kufambidzana navanhu venyika kuti muite hanzudzenyu chena nokutendeuka uye neropa reGwayana. Asizviitei iko zvino, nokuti mangwana nguva inenge yaperapanenge pasisina nguva.

“Unokunda, haNdingatongodzimi zita rake muBhukuyoVupenyu.” Zvakare tinosvika pachikamu cheShokochakaoma kudarika zvimwe zvose. Ndima iyi kana ikabatirwapamusoro inogona kushandiswa navose vari vaviri vanotivechiArminia novechiKarivhini kutsigira vavariro dzavo.VechiArminia vachataura kuti ndima iyi zvirokwazvoinodzima Johane 6:37-44 inoti, “Zvose Baba zvavanoNdipazvichavuya kwaNdiri; nounovuya kwaNdirihaNdingatongomurashiri kure. Nokuti haNdina kuburukakudenga, kuti ndiite kuda kwaNgu, asi kudaKwoWakaNdituma. Nokuti kuda KwaBaba vaNgu ndiko, kutipazvose zvaAkaNdipa Ndirege kurashikirwa nechimwe, asikuti Ndichimutse nezuva rokupedzisira. Zvino maJudhavakan’un’una pamusoro paKe, nokuti akati Ndini chingwa

Page 274: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

264 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chakaburuka kudenga. Vakati, Uyu haazi Jesu, mwanakomanawaJosefa, watinoziva baba namai vaKe here? Zvino Ungagotiseiko, Ndakaburuka kudenga? Jesu akapindura akati kwavari,Musan’un’una pakati penyu. Hakuno munhu ungavuyakwaNdiri kana Baba VakaNdituma vasingamukwevi: neNindichamumutsa nezuva rokupedzisira.” ChiArminia chinoitakuda kwaBaba, chinhu chisiri vavariro, asi chido zvachoAkamira zvake achiona zvinoita vanhu vose nezvipo zvaKezvenyasha zvakanaka, uyevo noupenyu husingaperi.

VechiKarivhini havaoni izvozvo. Vanoona mundima iyikunyaradzwa kwakasimba kwavanorwadziwa, navatsvenevakaremerwa, zvokuti nyangwe dzikave nguva dzakashatazvakadini, uye nyangwe kutambudzwa kukapisa zvakadini,nokuda kwokuti mukundi mumwe chete, “uyo unotenda kutiJesu ndiye Kristu,” zita rake harizobviswi mubhuku iroro.Vamwevo vanoti iri ‘Bhuku roUpenyu’ harizi ‘BhukuroUpenyu reGwayana.’ Asi senguva dzose, kana munhuachionera ndima pamusoro, anowana kunzwisisa kusinavokudzama.

Zvokuti kubviswa kwezita kubva muzvinyorwa zvaMwarichinhu chinogona kuitika inyaya inoda kutodzidzwa zvisirizvokuita sounopfuura zvako pfungwa dzisipo dzose, nokutikubva kare kusvikira zvino vadzidzi vazhinji vakangoguranyaya vachiti chete Mwari anoisa mazita aavo vanengevaponiwa patsva muBhuku roUpenyu reGwayana panguvaiyoyo yavanoberekwa patsva; uye kana pane chimwe chinhuchinoita kuti zita iroro rifanire kubviswa, nzvimbo yaromuzvinyorwa inongoita vara chete risina chinhu sezvayakangayakaita zita racho risati ranyorwapo. Izvi zvinopokanakakapetwa kazana muzana roga roga nezvinodzidziswachaizvo neShoko.

Pamavambo chaipo pedzidzo yedu, ngazvizikanwe kutihapana Gwaro KANA RIMWE zvaro rinodzidzisa kuti Mwariiko zvino ari kunyora mazita muzvinyorwa. Izvi zvosezvakaitwa nyika isati yavapo, sezvaticharatidza zvino zvino.Uyevo, haizi nyaya chete yokubatikana namapoka maviriavanhu vaiva nomukana wokuwana upenyu husingaperi,rimwe boka rakahuwana ndokunyorwa mazita muzvinyorwaasi rimwe rikaramba mazita avo akasanyorwa. TicharatidzaneGwaro kuti mhomho nemhomho dzavanhu vasina kanakumboponiwa patsva vachapinda muupenyu husingaperi.Nyangwe zvazvo izvi zvingakatyamadza sei, zvirokwazvo ichiichokwadi. Ticharatidzavo kuti kune boka ravanhu vanamazita akanga anyorwa nyika isati yavapo,VASINGAZOMBOFI VAKAGONEKA KUTI MAZITA AVOABVISWE; asi ticharatidzavo kuti rimwezve boka VANAMAZITA AIVA MUZVINYORWA IZVI NYIKA ISATIYAVAPO VACHADZIMWA MAZITA AVO.

Page 275: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 265

Chokutanga ndechokuti, hapana hwaro pakutaura kwokuti‘Bhuku roUpenyu reGwayana’ hariziro rimwe chete ne‘BhukuroUpenyu.’ Bhuku roUpenyu ringangodaidzwa kunzi BhukuroUpenyu reGwayana, kana kuti Bhuku roUpenyu raKristu,kana kutoti Bhuku reNyu kana kuti Bhuku raVapenyu. Mazitachete ndicho chinhu chakanyorwa mariri. Zvakazarurwa 13:8inoti, “Vose vanorarama panyika vachachinamata, (chikara)ivo vasina kunyorerwa mazita avo muBhuku roUpenyureGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.”Zvakazarurwa 17:8 inoti, “Chikara chawaona chaivapo,hachipo; chodo kukwira chichibva kugomba rakadzika-dzika,kundoparadzwa: vanogara panyika vasina kunyorwa mazitaavo muBhuku roUpenyu kubva pakusikwa kwenyika,vachashamiswa, kana vachiona chikara kuti chaivapo,hachichisipo, uye chichazovapo.” Zvakazarurwa 20:12-15 inoti,“Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberipechigaro choVushe; bhuku dzikazarurwa: neimwe bhukuikazarurwa, inova Bhuku yoVupenyu: vakafa vakatongwanezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata. Gungwarakabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu nehadhesizvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri: mumwe nomumweakatongwa nezvaakabata. Ipapo rufu nehadhesizvakakandirwa mudziva romwoto. Ndirwo rufu rwechipiri.Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa muBhukuyoUpenyu wakakandirwa mudziva romwoto.” Munokwanisakuona kuti nyangwe kuna mamwe mabhuku anotaurwa, nguvadzose kunotaurwa bhuku RIMWE rina mazita. MunaZvakazarurwa rinonzi ‘Bhuku roUpenyu reGwayana’, kanakuti ‘Bhuku roUpenyu.’

Zvino bhuku iri rakaiswa papi? Ruka 10:17-24 inoti, “Vanamakumi manomwe vakadzoka, vachiti, Ishe, kunyangwenemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muZita reNyu. Akatikwavari, Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni. Tarirai,Ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyokanezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi: hakunachinhu chingatongokukuvadzai, Asi musafara chete nechinhuichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare, kuti mazitaenyu akanyorwa kudenga. Nenguva iyo Jesu wakafaramuMweya, akati, NdinoKuvongai, O Baba, Ishe wokudenganapasi, kuti Makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhuizvi, mukazvizarurira vacheche: Hon’o, Baba; nokuti ndizvozvakaKufadzai. Zvinhu zvose Ndakazvipiwa naBaba vaNgu:hakuna unoziva kuti Mwanakomana Ndiani, asi Baba: uye kutiBaba Ndiani: asi Mwanakomana, naiye Mwanakomanawaanenge achida kumuzarurira Iye. Ipapo AkatendeukaKuvadzidzi vaKe, akati kwavari vari voga, Meso anoonazvamunoona akaropafadzwa: Nokuti Ndinoti kwamurivaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona,vakasazviona; nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.”

Page 276: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

266 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvirokwazvo Bhuku roUpenyu riri kudenga, uye richabudapakutonga kukurukuru kwapaChigaro choushe Chichena.Mundima idzodzo Jesu akati MAZITA avo akanga akanyorwakudenga. Akanga akanyorwa muBhuku roUpenyu, nokutindimo munoiswa mazita. Jesu akanga achitaura kumakumimanomwe (ndima 17), asivo Akanga achitaura kugumi navaviri(ndima 23). Vose ava vakanga vabva kufara nokupembera kutimweya yakaipa yaiva pasi pavo muZita raJesu. MhinduroyaKristu yakati, “Musafara kuti mweya iri pasi penyu, asi kutimazita enyu akanyorwa kudenga (Bhuku yoUpenyu).”Muchaona pano kuti Judhasi akanga ari mumwe waavovakanga vachidzinga mweya yakaipa muZita raJesu, asitinoziva kuti iye pachake akanga ari wasatani, mwanakomanawokurashwa. Johane 6:70-71 inoti, “Jesu akapindura akati,Handina kukusanangurai imi vane gumi navaviri here, asimumwe wenyu ndowadhiyabhorosi? Akareva Judhasi Iskarioti,mwanakomana waSimoni: nokuti ndiye waizoMupandukira,aiva mumwe wavane gumi navaviri.” Johane 17:12 inoti,“Ndichiri navo Ini, Ndaivachengeta muZita reNyu:vaMakaNdipa Ndakavarinda, hapana kana mumwe wavowakarashika, asi mwanakomana wokurashwa: kuti Rugwaroruitike.” Johane 13:10-11, na18, inoti “Jesu akati kwaari,wakashambidzwa muviri wose unofanira kwoga kutiashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo, imimakanaka asi hamuzi mose. Nokuti Wakanga achiziva uyowaizoMupandukira; saka Akati, hamuna kunaka mose.Handirevi imi mose: Ini ndinoziva avo vaNdakasanangura: asikuti Rugwaro ruitike runoti, unodya chingwa chaNguwakaNdisimudzira chitsitsinho chake.” Zvino kana mutauroune chinhu chaunoreva tinofanira kubvuma kuti Judhasiakasarudzwa naJesu (Johane 13:18), asi akanga asina kuchena.(Johane 13:10-11), Judhasi akanga apiwavo kuna Jesu naBaba.Johane 17:12. (Ngazvicherechedzwe pano kuti “kusarudza”nokupa zvakanyatsokwanirana chaizvo sezviri mumuinzanisowaMosesi naFarao, nowaJakobho naEsau, nokuti nyangwezvavo Esau naFarao vakasanozikanwa, vakanga vakaravirwakutsamwa, asi magumo aMosesi naJakobho kwaivakuhwinyiswa. 1 Petro 2:8-9a inotaridza vose vanoti vakarashwanavasanangurwa “ndivo avo vanogumbuswa neShoko, nokutihavaritereri: ndizvo zvavakaisirwavo. Asi imi muri rudzirwakasanangurwa.”) Judhasi akaverengwa pagumi navaviriuyevo akanga atori nebasa rakevo pakati pavo mushumiroyakatangira Pentekosti. Mabasa 1:16-17 inoti, “Varume hama,Rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMweyaMutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi,akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu. Nokutiwakanga averengwa pamwe chete nesu, akapiwa mugove wakepabasa iri.” Basa rakawanikwa naJudhasi akazorashikirwanaro rakanga risiri doko kumabasa avamwe vane gumi

Page 277: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 267

nomumwe, uye rakanga risiri basa rokunze rasataniraakapfekedzera pamabasa avamwe vadzidzi. Mabasa 1:25inoti, “Kuti apiwe nzvimbo pabasa iri nouapostora uhwu,hwaakarashikirwa nahwo iye Judhasi, kuti iye aendekunzvimbo yake.” Judhasi, mwana wasatani, akarashikirwaneshumiro yoMweya Mutsvene yaakanga apiwa naMwari,akazviuraya AKAENDA KUNZVIMBO YAKE. Zita rakeraitombova muBhuku roUpenyu. Asi zita rake rakadzimwa.

Zvino tisati taenderera mberi nenyaya yaJudhasi iyi,ngatidzokere kuTestamente Yekare tione pakaita Mwarizvimwe chete. Muna Genesisi 35:23-26 munonzi, vanakomanavaJakobho vakanga vari gumi navaviri uye mazita avo vachinzi:Rubheni, naSimeoni, naRevhi, naJudha, naIsaka naZebhuruni;naJosefa naBhenjamini; naDhani naNaftari; naGadhi naAsheri.Vana vavanakomana vane gumi navaviri ava ndivo vakavamarudzi ane gumi namaviri avaIsraeri kusiya kwokuti Josefaakanga asina rudzi rwakapiwa zita rake, nokuti mukusanozivanokuchengeta kwaMwari kwakanga kuchizova namarudzigumi namatatu, uye vanakomana vaJosefa vaviri vakapiwakukudzwa kwokusvitsa marudzi gumi namaviri kuguminamatatu. Munoziva, zvirokwazvo, kuti izvi zvaifanira nokutiRevhi wakatsaurwa naMwari kuuprista. Saka vaIsraeripavakabuda muEgipita Mwari akavapa tabhernakeri murenje,tinowana rudzi rwaRevhi ruchishandira marudzi ane guminamaviri anoti Rubheni, naSimeoni, naIsaka, naJudha,naZebhuruni, naBhenjamini, naDhani, naNaftari, naGadhi,naAsheri, naEfraimu naManase. Hurongwa hwavaIsraerihwakadai muna Numeri 10:11-28. Josefa naRevhihavatombotaurwi zvavo. Asi patinotarira pana Zvakazarurwa7:4-8, panoti “vane zvuru zvine zana namakumi mana nezvinavakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi OSE avanavaIsraeri,” inovadoma sezvizvi: Judha, naRubheni, naGadhi,naAsheri, naNaftari, naManase, naSimeoni, naRevhi, naIsaka,naZebhuruni, naJosefa, naBhenjamini. Tadzokazve kumarudzigumi namaviri kusanganisa Revhi naJosefa, asi DhaninaEfraimu vasipo.

Muvhunzo unomuka ndowokuti, nemhaka yei marudzimaviri awa akadzimwa? Mhinduro iri muna Dheuteronomio29:16-20 inoti, “Nokuti munoziva kugara kwedu panyikayeEgipita; nokufamba kwedu pakati pendudzi dzamakapfuurapakati padzo; mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzozvavo, zvamatanda nezvamabwe, nesirvheri nendarama,zvakanga zviri pakati pavo: Kuti pakati penyu parege kuvanomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomwoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi kutivandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyuparege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;Zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze

Page 278: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

268 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nomwoyo wake, achiti, ndichava norugare, kunyangendichifamba hangu noukukutu hwomwoyo wangu, kutizvakanyorova nezvakawoma zviparadzwe pamwe chete:Jehovha haangakukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwakwaJehovha neshungu dzaKe zvichapfungairira munhu uyo,nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyikuchamunamatira, Jehovha uchadzima zita rake pasipokudenga.” Hapano pari kutaurwa kutukwa kwokunamatazvifananidzo, noupombwe hwapamweya. Rudzi rwaizoitazvokunamata zvifananidzo rwaizodzimwa zita rarwo. Uyenhoroondo yamarudzi maviri akadzimwa mazita awo nokudakwokunamata zvifananidzo inowanikwa muna 1 Madzimambo12:25-30 inoti, “Ipapo Jerobhoami wakavaka Shekemi panyikayamakomo yaEfraimu, akagaramo; akabvapo akandovakaPenueri. Jerobhoami akati mumwoyo make, Zvino vushehwuchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi: Kana vanhu avavakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovhapaJesusarema, ipapo mwoyo yavanhu ava ichadzokerakunashe wavo, iye Rehobhoami mambo waJudha,vachandivuraya, vakadzokera kuna Rehobhoami mambowaJudha. Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akavumbamhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, Kukwira Jerusaremakwava kure; tarirai O vaIsraeri, vamwari venyu,vakakubudisai panyika yeEgipita. Akagadza imwe paBheteri,imwe akaiisa paDhani. Chinhu ichi chikava chivi: nokutivanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikirapaDhani.” Muprofita Hosea 4:17 inoti, Efraimu anonamatirananezvifananidzo: muregei.

Cherechedzai kunyanya kuti chirango chokunamatazvifananidzo chaiva chokuti zita rorudzi irworwo raizodzimwakubva ‘pasi pedenga.’ Dheuteronomio 29:20. Haizi kutirichadzimwa ‘kudenga,’ asi kuti pasi pedenga. Izvi ndizvochaizvo zvazviri, nokuti zvino Israeri yakadzoka kuParastina,uye zvino zvino Ishe achaisa chisimbiso pa 144,000 vavo. Asikubva muuwandu uhwu Dhani naEfraimu havapo.

Zvakazarurwa 7:4-8 inoti, “Ndikanzwa kuwandakwavakaiswa chisimbiso; vane zvuru zvine zana namakumimana nezvina vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi OSEavana vaIsraeri. Kurudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvine gumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vane zvuruzvine gumi nezviviri. Kurudzi rwaGadhi vane zvuru zvinegumi nezviviri; Kurudzi rwaAsheri vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaNaftarimi vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaManase vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaSimeoni vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaRevhi vane zvuru zvine gumi nezviviri.Kurudzi rwaIsakari vane zvuru zvine gumi nezviviri. KurudzirwaZabhuroni vane zvuru zvine gumi nezviviri. Kurudzi

Page 279: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 269

rwaJosefa vane zvuru zvine gumi nezviviri. KurudzirwaBhenjamini vakaiswa chisimbiso vane zvuru zvine guminezviviri. (Cherechedzai, kuti Dhani naEfraimu vanongorambavasipo). Zvino nezvizvi tarirai muprofita Dhanieri 12:1inotaura pamusoro paava vane zvuru zvine zana namakumimana nezvina vachiiswa chisimbiso munguva yechisimbisochetanhatu uye nguva yoKutambudzika Kukuru kana kutinhamo yaJakobho. “Nenguva iyo Mikaeri uchasimuka, iyemuchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako: ipapo nguvayenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubvapakumuka kwamarudzi avanhu kusvika nguva iyoyo: nenguvaiyo vanhu vako vacharwirwa ivo vose VACHAWANIKWAVAKANYORWA MUBHUKU.”

Zvisinei, pashure penguva iyi yokutambudzika kukuru,(munguva yechuru chamakore,) sokuonekwa kwazvinoitwanaEzekieri 48:1-8, uye 22-29 tinoona marudzi awa zvakarevadzoka mukurongwa kwavo Kutsvene. Asi, kubva panguvayakazvibatanidza Efraimu naDhani nezvifananidzo, vakafa,uye marudzi awa havachisinazve kumwe kuzikanwa. Zvinondinoona kuti kubva pakaparadzwa Jerusarema, zvinyorwazvose zvamarudzi ose zvakarashika, zvokuti hapanaanokwanisa kureva zvechokwadi kuti akabva murudzi rwupi,ASI MWARI ANOZIVA. Mwari mukurukuru iyeye Arikudzosera vaIsraeri kuParastina anoziva zvazviri chaizvo kutimuIsraeri wose wechokwadi anobva kurudzi rwupi, uye panavose vanenge vakaunganidzwa vane zvuru zana namakumimana nezvina Dhani naEfraimu vanenge vasipo.

Haano marudzi avaIsraeri. Muprofita Ezekieri 48:1-8 uye22-29 inoti, “Zvino awa ndiwo mazita amarudzi. Kurutivirwokumusoro zvichienda nenzira yeHetroni, kusvikirapavanopinda vachienda Hamati. NeHezari-enani, pamuganhoweDhamasko, zvichienda kurutivi rwokumusoro, napaHamati;mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva;ndiwo mugove mumwe waDhani. Pamuganhu waDhani, kubvakurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva,ndiwo mugove mumwe waAsheri. Pamuganhu waAsheri,kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivirwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNaftari.Pamuganhu waNaftari, kubva kurutivi rwamabvazuvakusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwewaManase. Pamuganhu waManase, kubva kurutivirwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwomugove mumwe waEfraimu. Pamuganhu waEfraimu, kubvakurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva,ndiwo mugove mumwe waRubheni. Pamuganhu waRubheni,kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivirwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waJudha. PamuganhuwaJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi

Page 280: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

270 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

rwamavirazuva, nezvimwe. Uyevo kubva panyika yavaRevhi,nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyikayomuchinda, pakati pomuganhu waJudha nomuganhuwaBhenjamini, zvinofanira kuva zvoMUCHINDA. Kana arimarudzi mamwe akasara, kubva kurutivi rwamabvazuvakusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwewaBhenjamini. Pamuganhu waBhenjamini, kubva kurutivirwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwomugove mumwe waSimeoni. Pamuganhu waSimeoni, kubvakurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva,ndiwo mugove mumwe waIsakari. Pamuganhu waIsakarikubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivirwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.Pamuganhu waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuvakusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwewaGadhi. Pamuganho waGadhi, kubva kurutivi rwezasizvichienda zasi, nezvimwe.

Mumwe muenzaniso watingatora ndirwo runganorwavaIsraeri vachibuda muEgipita kuenda Kenani. VavariroyaMwari muzera rino yaiva YOKUBUDISA vaIsraeri, uyekuvaPINZA, kuti pamagumo vagoMushandira. Sakapavakabuda muEgipita VOSE vakabuda vari pasi peroparegwayana rakabayirwa; VOSE vakapinda nomumvurayebhabhatidzo muGungwa Dzvuku; VOSE vakafadzwanamashura makurukuru; VOSE vakadya mana; VOSEvakanwa mvura yaibva padombo; uye kana tavapamaropafadzo ari pachenachena okunze nezviratidzo VOSEvakazviwana zvakangofanana nokuenzanirana. Asi,pavakasvika Moabhi avo vakapinda mumabiko eBhaari-Peorivakafa vose. Zvitunha zvavo zvakawira murenje, nokuti ndimomavakarambira Shoko raMwari nokurifuratira. Zvino izvindizvo zvinotaurwa pamusoro pazvo navaHebheru 6:1-9,zvakanyatsobudiswa zvakanakisisa muZera rePergamo.Hamukwanisi kuenderera mberi nechikamu chete cheShoko,munosungirwa kutotora Shoko ROSE. Kuna vanhuvanoratidzika kuva muzvinhu zvaMwari zvikamuzvingatosvika zana kubva muzana. Vakaita saJudhasi. Hapanamumwe munhu kusiya kwaJesu chete aiziva chaizvo zvizerekuti Judhasi akanga ari munhu akaita sei. Saka zuvarakasvika rakaita Judhasi zvimwe chetezvo zvakaitwanavaIsraeri paBhaari-Peori. Akafunga zvokuti ava kudakubatana namasimba omuzambiringa wenhema_kupindamune zvemari, nezvamatongerwe enyika namasanganozvinoramba Shoko, chinamato chaantiKristu ndokubvaangoita izvozvo. Akanyengedzwa! Vamwe gumi nomumwehavana kunyengedzwa. Havasaikwanisa kunyengedzwa,nokuti vakanga vari vasanangurwa chaivo. Saka Judhasipaakaenda akazopandukira Ishe, zita rake rakadzimwamuBhuku roUpenyu. (Zvakazarurwa 22:19).

Page 281: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 271

Zvino ndinovimba kuti macherechedza kuti avo vanamazita akanga ari muBhuku roUpenyu vakanga vari chikamuchourongwa hwamasangano hwenguva iyoyo hwakangahwakavakwa pana Mwari wechokwadi nokunamatwa kwaKe,nyangwe zvavo vakanga vasinganamati vachitevedzeraChokwadi (Shoko.) SaJudhasi havana kufamba rwendo rwose.Onai kuti Judhasi akanga asarudzwa naMwari. Akadzidziswamuchokwadi. Aiva noruzivo rwezvakavanzika savamwe vake.Akanga ane shumiro yesimba yakanga yapiwa kwaari uyeakaporesa vairwara nokubudisa mweya yakaipa muZitaraJesu. Asi asvika pasarudzo, akamusiya achida mari nesimbarezvamatongerwe enyika. Haana kuenda kuPentekostikundogamuchira Mweya Mutsvene. Akanga asina Mweya.Musambokanganisa zvenyu pane zvizvi, munhu anengeabhabhatidzwa zvirokwazvo noMweya Mutsvene mumutumbiwaKristu achigamuchira kuzara kwoMweya achange ariMUSHOKO NZIRA YOSE. Izvozvo ndicho chiratidzochokubhabhatidzwa noMweya Mutsvene. Judhasiakakundikana. Mhomho nemhomho dzinokundikana ipapachaipo. Uye pavanokundikana kuenderera mberi neShokoiroro, mazita avo anobviswa muBhuku roUpenyu.

Kuti tiwedzere kujekesa kubviswa uku kwezita muBhukuroUpenyu tinofanira kutambanudza pfungwa dzedu kuIsraerimunguva yaMosesi. Eksodho 32:30-34 inoti, “Zvino fumemangwana, Mosesi akati kuvanhu, Imi makatadza nokutadzakukuru: asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha; zvimwendingayananisira zvivi zvenyu. Mosesi akadzokera kunaJehovha, akati, Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadzakukuru, vakazviitira vamwari vendarama. Zvino, daiMachivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadihenyu, ndidzimei, ndinoKukumbirai, kubva pabhuku yeNyuyaMakanyora. Jehovha akati kuna Mosesi, uyowakaNditadzira, ndiye waNdichadzima pabhuku yaNgu. Zvinochienda, uperekedze vanhu vaende kwaNdakavaudza: tariraMutumwa waNgu uchakutungamirira: asi nomusiwaNdicharova nawo Ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.”Zviri pachena zvakanyanya kuti mazita akadzimwa, uyeachadzimwa kubva muBhuku roUpenyu nguva isati yaguma.Pano pane ino nzvimbo chikonzero kwaiva kunamatazvifananidzo, sezvakangoitwavo Dhani naEfraimukurashikirwa nekodzero yavo samarudzi nokudakwokunamata mhuru dzendarama. Vose vakanamatazvifananidzo vakadzimwa mazita avo muBhuku roUpenyu.

VaIsraeri pavakaramba utungamiriri hwaMwarimushongwe yomwoto, nokutendeukira kuchinamato chemhurudzendarama mazita avo akadzimwa muBhuku roUpenyu.Eksodho 32:33. (Ani nani zvake wakaNditadzira, ndiyewaNdichadzima mubhuku yaNgu.) Kana kutendeukira

Page 282: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

272 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuzvifananidzo uku kuchidana chirango chokudzimirwamazita kubva muBhuku roUpenyu, sakavo zvirokwazvokuramba Kristu saMhesiyasi kwakaita vaIsraeri kunototikudanevo chirango chakaomarara kwazvo. Izvi ndizvo chaizvozvazviri. Muna Mapisarema 69 umo munoisa pachenakunyadziswa kwaJesu munonzi mundima 21-28, “VakaNdipanduru zvive zvokudya zvaNgu; pakunzwa nyota kwaNguvakaNdinwisa vhinega. Tafura yavo ngaive musungo pamberipavo: neriva, kana vakagarika havo. Meso avongaapofomadzwe, varege kuona; zviuno zvavo ngazvirambezvichiguda-guda. Dururai kutsamwa kweNyu pamusoro pavohasha dzeNyu dzinopfuta ngadzivabate. Ugaro hwavongahwuparadzwe; ngakurege kuva nomunhu unogarapamatende avo. Nokuti vanotambudza Uyo WaMakarovera;vanotaura zvokurwadziwa kwowaMakakuvadza. Wedzeraizvakaipa pazvakaipa zvavo; ngavarege kupinda pakururamakweNyu. Ngavadzimwe paRugwaro rwoUpenyu, varegekunyorwa pamwe chete navakarurama.” MaJudhapaakaramba Jesu uku kwakava kutovafuratira chaikwokwaMwari achienda kuvaHedheni. Mabasa 13:46-48 inoti,“Ipapo Pauro naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati,zvakanga zvakafanira kuti Shoko raMwari ritange kutaurirwaimi: asi zvamakariramba, muchiti hamufanirwi novupenyuhwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvaHedheni. Nokuti Ishewakatirayira saizvozvo, achiti, Ndakakuisa kuti uve chiedzachavaHedheni, kuti uve ruponeso kusvikira kumugumowenyika. Zvino vaHedheni vakati vachinzwa izvozvo,vakafara, vakakudza Shoko raShe: navose vakanga vatarirwaupenyu hwusingaperi vakatenda.”

Apa handizi kupa pfungwa dzokuti hakuchazovi namamwemazita kubva kumarudzi avaIsraeri anosara muBhukuroUpenyu, nokuti vazhinji vavo (nyangwe zvazvo dzisirimhomho nemhomho) nenzira yechitevedzwa chesanangurovachava mukereke yavaHedheni nokupinda mumutumbiwaJesu Kristu, zvichiratidza kuti zvirokwazvo mazita avoakaramba ari muBhuku roUpenyu. Uyevo, sezvaticharatidza,kana zvichitevedzwa chisimbiso cheshanu mhomhodzamaJudha akaurayirwa kutenda achapiwa naShe zvipfekozvichena noupenyu hwusingaperi. Uyezve avo vane zvuru zananamakumi mana ane zvuru zvina vachaiswa chisimbisopaAnouya, kuratidza kuti mazita avo haanavo kunge adzimwa.Asi izvi zvakaita sezvazvakanyorwa zvakanaka zvakanangamuna Mapisarema 69 kuti ndaavo vakashata uye vasinakururama vakaramba Kristu navanoparadza vanhu vaKevanodzimwa mazita avo.

Sezvo vaIsraeri (vanhu vaMwari vakasanangurwa)paruzhinji rwavo vakarasha kodzero dzavo muBhukuroUpenyu nokuda kwokuramba Jesu, saizvozvo vazhinji

Page 283: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 273

vekereke yavaHedheni vachapindavo mukupiwa mhosvanokudzimwa mazita avo muBhuku roUpenyu kunozoteveranokuda kwokuramba Shoko nokupinda mumubatanidzwawamasangano amakereke apasi unova mufananidzowakaumbwa nechikara.

Pane chimwe chinhu chokuti tione pano apa. MuChigaroChoushe chikuru kutonga kunenge kuri kwokupatsanurwakwavanhu. Bhuku roUpenyu richazarurwa uye rimwezvebhuku richazarurwavo. Mateo 25:31-46 inoti, “Zvino kanaMwanakomana woMunhu achivuya nokubwinya kwaKe,navatumwa vose vanaYe, Uchagara pachigaro chaKe chovushechinobwinya: Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi paKe;Uchavaravura, somufudzi unoravura makwai nembudzi:Uchaisa makwai kurudyi rwaKe, mbudzi kuruboshwe rwaKe.Zvino Ishe Uchati kuna vari kurudyi, Vuyai, imimakaropafadzwa naBaba vaNgu, mugare nhaka yovushehwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika: NokutiNdakanga ndine nzara, mukaNdipa chokudya: Ndakangandine nyota, mukaNdipa chokunwa; Ndakanga ndiri mwenimukaNdigamuchira: Ndakanga ndisine nguvomukaNdipfekedza: Ndakanga ndichirwara, mukaNdifambira:Ndakanga ndiri mutorongo, mukavuya kwaNdiri. Zvinovakarurama vachaMupindura, vachiti, Ishe, takaKuvonairiniko mune nzara tikaKupai chokudya? kana mune nyotatikaKupai chokunwa: TakaKuvonai riniko muri mweni,tikaKugamuchirai? kana musine nguvo, tikaKupfekedzai?TakaKuvonai riniko muchirwara, kana muri mutorongo,tikavuya kwaMuri? Ishe Uchapindura achiti kwavari,Zvirokwazvo, Ndinoti kwamuri, Pamakazviitira mumwewavaduku vehama dzaNgu idzi, makazviitireNi. Zvino Uchatikuna vari kuruboshwe, Ibvai kwaNdiri, imi makatukwa,muende kumwoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiyabhorosinavatumwa vake: Nokuti Ndakanga ndine nzara,mukasaNdipa chokudya: Ndakanga ndine nyota, mukasaNdipachokunwa: Ndakanga ndiri mweni, mukasaNdigamuchira:Ndisine nguvo, mukasaNdipfekedza: ndichirwara,nomutorongo, mukasaNdifambira: Zvino naivavavachaMupindura vachiti, Ishe, takaKuvonai riniko munenzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musinenguvo, kana muchirwara, kana muri mutorongotikasaKushumirai? Zvino Uchavapindura achiti, ZvirokwazvoNdinoti kwamuri, Pamusati makazviitira mumwe wavadukuava, hamuzakazviitireNi. Ava vachaenda kukurohwakusingaperi: asi vakarurama kuvupenyu hwusingaperi.”

Zvakazarurwa 20:11-15 inoti, “Zvino ndakavona chigarochovushe chikuru chichena, naIye wakanga agere pamusoropacho, Iye nyika nedenga zvakatiza pamberi pake:zvikasawanirwa nzvimbo. Ipapo ndakavona vakafa, vaduku

Page 284: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

274 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

navakuru, vamire pamberi pechigaro choVushe; bhukudzikazarurwa: neimwe, Bhuku yoVupenyu ikazarurwa: vakafavakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku,sezvavakabata, Gungwa rikabudisa vakafa vakanga varimariri: norufu nehadhesi zvikabudisa vakafa vakanga varimazviri: mumwe nomumwe akatongwa nezvaakabata. Ipaporufu nehadhesi zvakakandirwa mudziva romwoto. Ndirworufu rwechipiri ndiro dziva romwoto. Zvino kana munhuakawanikwa asina kunyorwa muBhuku roUpenyuanokandirwa mudziva romwoto.” Pano panenge pana mapokamaviri anoti vakarurama uye vasina kururama mukutongauku. Izvi ndizvo zvinotaurwa. VAKARURAMA AVAVACHAZENGE VASIRI MWENGA NOKUTI MWENGAUNENGE WAKAGARA NAYE PAKUTONGA. 1 vaKorinte6:2-3 inoti, “Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutongamhosva dukuduku here? Hamuzivi here kuti tichatongavatumwa? zvikuru sei izvo zvoupenyu hwuno? Zvakazarurwa3:21 inoti, “Unokunda Ndichamupa chinhu ichi kuti agare neNipachigaro chaNgu chovushe, seNivo ndakakunda, ndikagarapamwe chete naBaba vaNgu pachigaro chavo choVushe.”Maona, mwenga unaYe muchigaro choushe. Sezvo mwengaachizotonga nyika anofanira kugara naYe pakutonga. Izvindizvo chaizvo zvakaonekwa naDhanieri. Dhanieri 7:9-10 inoti,“Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvovushezvagadzwapo, mumwe Wakakwegura pamazuva akeakagarapo, nguvo yaKe yakanga yakachena sechando, uyevhudzi romusoro waKe rakanga rakaita samakusheakanatswa: chigaro chaKe chovushe yakanga iri mirazvoyomwoto, makumbo aCho uri mwoto unopfuta. Rwizirwomwoto rwakanga ruchibuda ruchibva pamberi paKe: zvurunezvuru zvakanga zvichiMubatira, uye pamberi paKe pakangapamire zvuru zvine gumi nezvuru zvine gumi: kutongakukatanga, bhuku dzikazarurwa.” Maona, idariro rimwe chete,nokuti zvuru zvezvuru zviri kuMushandira ndivo mwenga,nokuti ndiani anoshandira murume kusiya kwomukadzi wake?

Muvhunzo unomuka zvino ndowokuti, ko vakarurama varimukutongwa nemhaka yei? Hapana imwe nzvimbo yavanogonakumuka, nokuti kunongova nokumuka kuvakafa kuviri cheteuye sezvo vasina kukwanira kumuka kwapakutangavanofanira kumuka pakumuka kwepiri kunova kumukirakutongwa. Avo vanokwana pakumuka kwokutanga (mwenga)havasi mukutongwa. Johane 5:24 inoti, “Zvirokwazvo,zvirokwazvo Ndinoti kwamuri, Unonzwa Shoko raNgu,nokutenda WakaNdituma, uno upenyu hwusingaperi(hwaanahwo, iko zvino sechinhu chake) uye haapindimukutongwa (zvazvinoreva chaizvo ndezvokuti, haachapindimukutongwa) asi wabva (zvachose) murufu waendamuupenyu.” Asi cherechedzai zvakanakisisa, Jesu anofanira

Page 285: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 275

kuva nerimwezve boka mupfungwa dzake iro rinozowanaupenyu husingaperi pano kumwe kumuka kuvakafa.Vachahuwana pakumuka kwavakafa, SEZVO VACHANGEVASINA KUNGE VAHUWANA SENHENGO DZOMWENGA.Johane 5:28-29 inoti, “Musashamiswa naizvozvo, nokuti nguvainouya, nayo VOSE vari mumabwiro vachanzwa inzwi raKe,vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu,avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.” Zvino tosetinoziva kuti Johane 5:28-29 HAKUZI KUBVUTWA nokutivakafa muna Kristu chete ndivo vachamuka kubvamumabwiro panguva iyoyo pamwe nomwenga mupenyuunenge uchiri panyika. 1 vaTesaronika 4:16-17 inoti, “NokutiIshe Amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwiromutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari: vakafamunaKristu vachatanga kumuka: Zvino isu vapenyu vakasaratichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidzeIshe mudenga: naizvozvo tichava naShe nguva dzose.” Asizvinonzi muna Johane 5:28-29 VOSE vachamuka kubvamuguva. Uku ndiko kumuka kuvakafa kumwe chetekunotaurwa muna Zvakazarurwa 20:11-15 apo VAKAFAvakaunzwa pamberi paIshe vakatongwa namabasa avo, uyeavo vose vana mazita akanga asiri muBhuku roUpenyu ndivovakakandwa mudziva romwoto.

Zvino tinotarisana nomuvhunzo unoti nemhaka yeivachifanira kupiwa upenyu husingaperi pakutongwa sezvoMagwaro achinge anoratidza pachenachena kuti munhuanofanira kuva noMweya waKristu kana kuti anoparara.Nyangwe zvazvo zvichiratidzika saizvozvo, hatifanirikushayisa basa mashoko aJesu Anoisa pachena zvakanangakuti pana vamwe vanowanikwa muBhuku roUpenyuvachawana upenyu husingaperi kutangira kumuka kuvakafakworuzhinji kana kuti pashure pokumuka uku. Paurohaanzvengi chokwadi ichi nokuti anotaura zviri pachenachenamuna vaFiripi 3:11 achiti, “Kuti zvimwe ndisvike pakumukakwavakafa.” Zvino chirevo ichi chakanyanyisisa kusiyananezvimwe zvose. Tose tinoziva kuti TOSE tichava mukumukakwavakafa kana tichida kana tisingadi. Vose vachamutswakuvakafa. Saka Pauro haangambovi ari kuti, “Kana NEIMWENZIRA ndikakwanisa kusvika pakumuka kwovakafa.”Chokwadi chiripo panyaya iyi ndechokuti, haazi kurevaizvozvo. Kuverenga zvazvinoreva ndokuku kunoti, “Kanasezvineivo ndikawana kumuka ‘kwavanobuda’ kubva pakatipavakafa.” Izvi hazvirevi kuwana kumuka kuvakafakworuzhinji kana kuti kumuka kuvakafa kwepiri, asi kutikuwana kumuka kuvakafa kwokutanga, uko kunonzipamusoro pakwo, “Wakaropafadzwa uye Mutsvene uyo achavamukumuka kuvakafa kwokutanga, nokuti rufu rwechipiriharuna simba pana ava, asi kuti vachava vaprista vaMwarinovaKristu uye vachatonga naYe makore ane churu.” Kumuka

Page 286: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

276 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuvakafa kwokutanga hakunei norufu rwepiri. Izvi zviripamagumo echuru chamakore apo VAMWE VOSE vakafavachararamazve. Uye musi uyu pachava naavo vachauyakuupenyu husingaperi naavo vamwe vachabatwa murufurwepiri. Zvino hatidi kuti tifembere pamusoro paavovachapiwa upenyu husingaperi mukumuka kuvakafa kwepiri.Tinoudzwa kuti hunopiwa kwavari pamusana pokuti vakangavaitira nyasha nokuva vakanaka ku“Hama.” Avo vanomutswavachikandwa mudziva romwoto vachaitirwa izvi pamusanapokuitira “Hama” zvakaipa. Sezvo iri riri Shoko raMwarichiripo kuritambira. Hapana chokuitira nharo pano, asiichokwadi chiri pachena.

Kuti tiwedzere kujekesa, cherechedzai kunyanya mashokoaMateo 25:31-46. Hazvizi kunzi mufudzi ari kuketa makwainembudzi, asi zvinonzi SOmufudzi anopatsanura makwainembudzi. Awa haazi makwai omunguva ino chaiyo (KutongakweChigaro Chichena choushe). Makwai ari mudanga raKe,akanzwa inzwi (Shoko) raKe akaMutevera. VANO UPENYUHWUSINGAPERI NECHAKARE UYE HAVAGONI KUUYAMUKUTONGWA. Asi ava HAVANA upenyu hwusingaperi,uye vari mukutongwa. Vanobvumirwa KUPINDA MUupenyuhwusingaperi. Asi vanopinda muupenyu hwusingaperi nokudakwei? Zvirokwazvo kwete kuti vanopinda nokuda kwokutivanenge vano upenyu hwaKe nechakare sezvinoita mwenga,asi kuti vanohwugamuchira nokuti vanoitira nyasha kuhamadzaKe. Ivo havazi hama dzaKe: izvi zvaizovaita vadyi venhakapamwe naJesu. HAVAZI vadyi venhaka kune chimwe chinhukusiya kwoupenyu hwusingaperi. Havana mugove pachigarochoushe, nezvimwe pamwe chete naYe. MAZITA AVOANOFANIRA KUNGE AIVA MUBHUKU ROUPENYUASINA KUDZIMWA. Zvino nokuda kworudo rwavo kuvanhuvaMwari vanozikanwa nokuponeswa. Pasina kana kupokanaava vakashandira nokubetsera vana vaMwari. ZvimwesaNikodhimo naGamarieri vakamiririra vana vaMwarimunguva yokutambudzika.

Kana izvi zvichinge zvava kurwisa “kudzoreredzwa,”zvino chenjerai, nokuti vakashata HAvadzoreredzwi, asi kutivanokandwa mudziva romwoto. Mazita avazhinji vaavovakaparadzwa akanga ari muBhuku roUpenyu; asi akadzimwanokuti vakatadza kukudza vanhu vaMwari avo vakanga variShoko benyu rakaratidzwa (matsamba mapenyu) renguvayavo.

Zvino ngatijekerwe pano apa. Awa haazi marudzi arikutongwa uye ari kupinda muchuru chamakore nokudakwokuti vakachengeta nokubetsera maJudha. Izvi zviripachena nokuda kwezvinobuda mundima idzi. “Uye ava(vakashata) vachaenda mukurangwa kwokusingaperi (mudzivaromwoto), asi vakarurama vachaenda muupenyu

Page 287: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 277

hwusingaperi.” Hapana chinyorwa chinotaura pamusoropokutongwa KUVIRI kunoitwa kuti vakashata vakandwemudziva romwoto. Chikara chete navaprofita venhema ndivovachatongwa pakugumisira kwokutambudzika kukuru. Asi,uku ndiko kutonga kweChigaro choushe Chichena, uyevanotongwa nezvakanyorwa mumabhuku.

Uku ndiko kumuka kuvakafa kwechipiri kunopiwazvipfeko zvichena kune “mweya iri pasi peartari” sezvazvirimuchisimbiso cheshanu (Zvakazarurwa 6:9-11), uyevozvechokwadi upenyu hwusingaperi, nokuti hapangazovinechikonzero chezvipfeko zvichena. “Wakati Azarurachisimbiso cheshanu, ndikaona panyasi peartari mweyayavanhu vakanga vaurawa nokuda kweShoko raMwari,nokupupura kwavo kwavakapupura: Vakadana nenzwi guru,vachiti, O Tenzi, mutsvene wezvokwadi, Mucharega kutongavanogara panyika nokuvatsiva ropa redu, Kusvikira riniko?Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena;vakaudzwa kuti, vambozorora chinguva chiduku, kusvikiravamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanirakuurawa saivo, varinganiswa vose.” Zvino cherechedzaikunyanya kuti hapana kana mumwe waavo vakanga vari pasipeartari akaurayirwa kupupura Jesu. Vakanga vasina kuitasaAntipasi uyo akaurayirwa kuramba akabata zvakasimbaZita raKe. Ava havana kuponiwa patsva, vano upenyuhwusingaperi sechinhu chavo. Vanouya pakumuka kuvakafavachigamuchira upenyu nokuda kwokumira kwavo paShoko.Uye cherechedzai kuti ava vanodanidzira sei kuti pavenokutsiva. Havangambovi vanhu vari mumwenga. Mwengaunotendeudza kupa rimwe dama achidanidzira achiti,“Vakanganwirei, Baba, nokuti havazivi zvavanoita.” AvamaJudha. Vanotosungirwa kuva maJudha nokuti varimuchisimbiso cheshanu, uye muchisimbiso chechina ndimomunobvutwa mwenga wavaHedheni. Saka maJudha awahaana kuponiwa noMweya waKe. Havatombobvumi zvavo kutiJesu ndiye Mhesiyasi. Asi sezvo vakapofomadzwa naMwarikuitira muHedheni, Mwari akavapa upenyu hwusingaperinokuda kwokuti nyangwe zvavo vakanga vasingakwanisikuuya kwaAri, zvisinei hazvo vakanga vakatendeka kuShokorose ravaiziva, vakarifira sezvakangoitavo mhomho nemhomhodzakaurayiswa naHitira, naSitarini, navamwe, uyevachazourayiwa pashure.

Pakumuka kuvakafa kwepiri ndipo panouya vasikanavashanu vakanga vari mapenzi. Onai kuti vakanga varimhandara. Havana kuwana Mweya Mutsvene saka vakatadzakuva mumwenga, apo vashanu vakanga vakachenjera vakangavana mafuta vakava chikamu chomwenga iwoyo. Asi vanhuava, nokuda kwokuti vakanga vakapatsanurwa, vari vanhuvaida Mwari, uye vachiedza kugara vari muShoko,

Page 288: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

278 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kutevedzera zvavakanga vachiziva pamusoro paro, uyevachibetsera mubasa raIshe vachauya pakupera kwenguva.Havapindi muchuru chamakore, icho chamunogona kutangakuona muchokwadi ichi kuti chinhu chinokosha nokushamisakudarika zvatamboti tafunga kana kutenda.

Vanhu vose ava vakanga vana mazita avo muBhukuroUpenyu uye mazita awa akaramba arimo. Asi mazita asinakuramba arimo ndeavanaani? Avo vezvirongwa zvamakerekeapanyika vakarwisa mwenga ndivo vana mazitaachazodzimwa. Ava ndivo vanhu vacharashikirwa.Vachakandirwa mudziva romwoto.

Zvino ngatimbofambazve chimwe chinhanho, asi tisatitaita izvi ngatimbopamhazve kuona nyaya yedu kusvikapatava. Chokutanga ndechokuti tinoziva zvirokwazvo chaizvokuti vavariro yaMwari yakamira mukusanangura. Yakamiswanaye maari iye pachaKe. Yakanga iri vavariro yaMwari kuitavanhu vakafanana naYe vaizova Mwenga weShoko. Mwengawakasarudzwa nyika isati yavapo MAARI. Mwengawakasanozikanwa nokudiwa asati atomboti ava panyikamumazera. Mwenga wakadzikinurwa neropa raKe uyeHAAPINDI mukutongwa. Haazombofi akapinda mukutongwanokuti haagoni kupomerwa chivi. VaRoma 4:8 inoti,“Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe une zvivi.” Asizvirokwazvo uchange anaYe muchigaro chaKe chokutonga,achitonga nyika kana navatumwavo. Zita rake (mumwenomumwe wenhengo dzake) rakanyorwa mune chimwechikamu cheBhuku roUpenyu reGwayana nyika isati yavapo.Chechipiri, ndechokuti kune rimwe boka. Mazita avovo arimuBhuku roUpenyu uye vachauyavo mukumuka kuvakafakwechipiri. Vakadaro ndiyo mhandara benzi navakaruramasokutaurwa kwazvinoitwa muna Mateo 25. Muboka irivomuna avo vasinganamati chikara kana kupinda muurongwahwaantikristu asi kuti vanofira kutenda kwavo nyangwezvavo vasiri mumwenga, sezvo vasina kuponiwa patsva. Asivachauya pakumuka kwechipiri vachizopinda muupenyuhwusingaperi. Chechitatu ndechokuti kuna ayavo maKristuvari pakati napakati savaya vatakaona pavaIsraeri vachibudamuEgipita. Ava vakanga vakanyorwa mazita avo muBhukuroUpenyu uye mabasa avo akanyorwa mumabhuku. Avanokuda kwokukundikana kuteerera Mwari uye nokushayaMweya, nyangwe zvazvo zviratidzo nezvishamiso zvakangazviri pakati pavo, mazita avo achadzimwa muBhukuroUpenyu. Pakati peboka iri pachange pana vaya vakaitasaJudhasi akanga asitomborina zvake Mweya zvachose, asivachinamata, vanenge vaine kuratidzwa kwesimba muupenyuhwavo, uye nyangwe zvazvo vari mumabhuku havasivasanangurwa MAARI. Avavo vakaita saBharami vachangevari muboka iroro. Chechina chinova chokupedzisira

Page 289: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 279

ndechokuti kuna avo vana mazita asina kumbogara anyorwauye asingazombofi akanyorwa mumabhuku. Ava ndivo vayavanowanikwa muna Zvakazarurwa 13:8 naZvakazarurwa 17:8inoti, “Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorerwa mazita avo muBhuku roUpenyu reGwayanarakabayirwa kubva pakusikwa kwenyika. Chikara chawaonachaivapo, hachichipo: chodo kukwira chichibva mugombarakadzika-dzika, kundoparadzwa: vanogara panyika vasinakunyorwa mazita avo muBhuku roUpenyu kubva pakusikwakwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kutichaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.” Jesu akati rimweboka richagamuchira uyo wakauya muzita rake. Iyeyendiantikristu. Uye izvi ndizvo chaizvo zvinorehwa pamusoropavo muna Zvakazarurwa 13:8, uye 17:8. Ava vaiva vanhuvakagadzwa naMwari asi kwete savasanangurwa. Uye nebokairi muna vakawanda vakafanana naFarao. Zvinonzi pamusoropake, muna vaRoma 9:17 na22, “Ndizvo zvaNdakakumutsira.Midziyo yokutsamwirwa yakagadzirirwa kuparadzwa.”Hapana kana mumwe zvake wavo achanyorwa muzvinyorwazvoupenyu. Handizi kuti hapana zvinyorwa pamusoropavo, pasina kana kupokana panotofanira kuti pavenapamwe pane zvakanyorwa pamusoro pavo, asi KWETEMUZVINYORWA ZVOUPENYU. Vavariro yavo yokuraramayakataurwa nezvayo zvishoma mune dzimwe nzvimbodzebhuku rino asi tingangopamhidzira mamwe Magwaromaviri. Zvirevo 16:4 inoti, “Kunyange wakaipa wakaitirwazuva rezvakaipa naJehovha.” Jobho 21:30 inoti, “Wakashataunochengeterwa zuva rokuparadzwa, vachaunzwa pamusiwokutsamwa.”

Sezvo chikamu ichi cheShoko chichirema kupfungwadzomunhu kuchinzwisisa, zvinofanira kugamuchirwanokubvumwa nokutenda. Kuna vamwe vachatsamwiswanezvandaisa pachena izvi nokuti vanotadza kunzwisisakuzvikwanira kwaMwari kunobudisa pachena kuti MWARINDIMWARI, uye nokuda kwokuti Iye ndiMwari munhuhaakwanisi kukurira kutonga kwaKe kana kutadzisa kudakwaKe nevavariro yake; asi kutoti sezvo Iye, ari samasimbaose, anotonga mune ZVOSE uye anoita chose chaAnengeachida nezvisikwa zvaKe zvose nokuti zvose zvakasikirwakufadza Iye. Saka, sokutaura kunoita Pauro, “Nokuti kanaMwari akatora ivhu akaumba kubva pariri mudziyounokudzwa nomudziyo wokuzvidzwa, ndiani angatsamwanokupokana naYe?” Kuti Ane kodzero yokuita izvi nokudachete kwokuti ndiye anosika, hatikwanisi kuzviramba. Asichiripo ndechokuti Akatoita zvinopfuura, nokuti kanatichitevedzera zviri muna vaRoma 14:7-9, tine chiratidzochatisingakwanisi kupokana nacho chokuti Jesu akaripamuripo wenyika yose, nokudaro Anokwanisa kuita zvaAnodanayo pamadiro ake nechinhu chaKe. “Nokuti hakuno mumwe

Page 290: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

280 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wedu anozviraramira iye oga, hakuna anozvifira iye oga.Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; kana tichifa,tinofira Ishe: zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaShe.Nokuti Kristu wakafira izvozvi, akararamazve, kuti Ave IsheWAVOSE VAKAFA NAVAPENYU.” (Kuva muridzi; KWETEukama ndizvo zvinorehwa pano.) Izvi zvinoiswavo pachenamuna Johane 17:2 inoti, “SezvaMakaMupa simba PAMUSOROPENYAMA YOSE, kuti vose vaMakaMupa Avape upenyuhwusingaperi.”

Zvino, kana tichipa kuziva zvose kuna Mwari,tinofaniravo kubvuma kuti Akakwana pauchenjerinoururami. Hurongwa uhwu hwesananguro nokurambwahuchenjeri hwaMwari hunoratidzwa mumazera ose, kanasezvazvinotaurwa zvichiitwavo muna vaEfeso 1:3-11 inoti,“Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu,Wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya kudengamuna Kristu, sezvaAkatisanangurira maAri nyika isatiyavambwa, kuti tive vatsvene vasine mhosva pamberi paKe.Murudo akatitemera kare kuti naJesu Kristu tiitwevanakomana vaKe, sezvaakafadzwa pakuda kwaKe, kutikunaka kukuru kwenyasha dzaKe, dzaAkangotipa hakemuMudikanwa wake kurumbidzwe. Uyo watine dzikinuromaAri neropa raKe, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu,nokuwanda kwenyasha dzaKe; dzaAkawanza kwatiriNOKUCHENJERA kwose nokuziva, akatizivisa zvakavanzikazvokuda kwaKe, sezvaAkafadzwa pakufunga kwaKemaAri, kuti afambise kuzara kwenguva Aunganidze munaKristu, zvose zviri kudenga, nezviri pasi, muna Iye;Watakaitwavo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayirakwaIye Unoita zvose nokufunga kwokuda kwaKe.” Saka kanaMwari akaronga nomutovo wokuti pave naavo vana mazitaanoiswa muchikamu cheBhuku roUpenyu reGwayanamaasingakwanisi kudzimwa nokuti mazita omwenga waKe,sakavo tinofanira kuzvibvuma izvozvo. Uye kana kuna avovana mazita ASINA KUMBOFA akaiswa pazvinyorwazvoupenyu, tinofanira kuzvibvumavo, izvozvo. Uye kanakuna avo vachapinda muupenyu hwusingaperi pashurepokutonga kweChigaro choushe Chichena nokuda chetekwokuitira zvakanaka nenyasha kuvasanangurwa vaMwariavo vanova hama dzaKe, saka hapana chokuita kunzekwokuzvibvumavo izvozvo. NOKUTI NDIANI UNOZIVAPFUNGWA YASHE KUTI AMUUDZE ZVOKUITA? Isu chetengative pasi pake mukutenda kwaAri uyo Anova Baba vedutigorarama.

Kuti tinzwisise nyaya iyi zvakanyanya kujeka kungavakuchenjera kuti tiitarise muchechi kudzira namazera. Kusvikapano patava tanga tichifunga pamusoro pokudzimwakwamazita omunhu mumwe nomumwe. Zvino tinoda

Page 291: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 281

kuongorora, kwete munhu mumwe nomumwe, asi mapokaanomirirwa muchechi. Kuita izvi tichafananidza chechikudzira namazera nembeu yezviyo. Tsanga yezviyo inokavirwavavariro iri yokuti tsanga imwe chete yezviyo ichazviberekaikawanda kwapera nguva sokukura kwainoita. Tsanga imwechete iyi ichafa, asi mukufa uku, upenyu hwanga hwuri mairihwuchabuda kuva mbeu ichavavo pachayo chitakurichohupenyu hwunozodzokera pamavambo hwawanzwa. JesuMbeu yoUmambo huruhuru akafa. Uyo asina chinofachakafanana naYe Anova upenyu hwekereke anomira pakatipekereke kwamazera ose ari manomwe achipa upenyu hwaKekukereke (chitakuri) vavariro iri yokuti upenyu hwaKehwuchaberekwa mumitumbi yakafanana naYe pakumukakuvakafa. Pakumuka kuvakafa ndipo Mbeu yoUmambopaachaona mbeu dzoumambo dzakawanda dzakafanana naYe,uye dzichaonekwa sezvaAchaonekwavo akaita, nokuti Johaneanoti, “tinenge takaita saIye.” Izvi ndizvo zvaireva JohaneMubhabhatidzi paAkati Jesu aizounganidza zviyo achizviisamudura. Uku kwaiva kumuka kuvakafa apo pakapinda avovakadzikinurwa vakanga vakasanangurirwa upenyuhwusingaperi.

Zvino saka, chinyorwa chembeu yezviyo iyi ine vavariroyokubereka mbeu yokutanga yakawanzwa chinonzi BHUKUROUPENYU. Ndinodzokorora: nhoroondo kana kutichinyorwa chembeu yezviyo iyi ndiro Bhuku roUpenyu rineCHINYORWA CHOUPENYU HWUSINGAPERI sechikamucheBhuku roUpenyu. (Chikamu cheBhuku roUpenyu). Izvizvinoonekwa zvinogutsa ani nani nenzira yokuongorora mbeuyezviyo. Tsanga zvayo isina chimwe chakainamatirainokavirwa. Pasina kupera nguva refu nhondo inoonekwa. Asiizvi zvinenge zvisati zvava zviyo. Pashure inokura kuvadzinde. Irivo harizati rava zviyo. Upenyu hwunenge hwurimo,asi kwete zviyo. Zvino pamagumo pedzinde panobudakamuseve kanobudisa hura. Nazvino panenge pachigere kuvanezviyo nyangwe zvayo iri mbeu yezviyo. Mbeu iyi inobvayawirwa nomukume, uye tinoona magufe achikura. Izvizvinoratidzika zvakanyanyisa sezviyo asi zvinenge zvichigerekuva zviyo. Zviyo zvinozobva zvaumbika mumagufe zvino.Tinenge zvino tadzoka kune zvazvanga zviri pamavambo.Zvino zviyo zvinenge zvaibva zvinokohwiwa.

Jesu Kristu akafa. Akapa upenyu kwaKe. Upenyu uhwuhwaizofanira kudzoka pakereke nokuunza vanakomanavakawanda vakafanana naye pachaKe mukuhwinyamukumuka kuvakafa. Asi sezvo tsanga yezviyo yaifanira kuvanechinoitakura kuti iunze mbeu yezviyo yakawanzwa,saizvozvovo paifanira kuva nekereke yaizova chitakurichoupenyu hwaKristu. Sezvakangoitavo nhondo, nedzinde,nehura, negufe kuva zvitakuri zvembeu asi ZVISIRI mbeu

Page 292: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

282 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

pachazvo, saizvozvo kereke yakabatana kudzira namazera oseyakava chitakuri cheMBEU yechokwadi nyangwe zvayoyakanga isiri Mbeu pachayo. Ndosaka tichikwanisa kutiBhuku roUpenyu ndiro MBEU YOSE yezviyo.

Ngatidzokorore izvi zvakare. Heino mbeu iyayapamavambo yakakavirwa. Yakabudisa nhondo. Zvakangazvisiri zviyo. Yakabereka dzinde Zvakanga zvisiri zviyozvakare. Haano magufe umo muchaumbwa zviyo. Hazvizizviyo nanhasi. Hura inobuda. ZVINO MUKUME UNOWIRAPAMUCHEKECHERA UYU. CHIKAMU CHEMBEUYEZVIYO CHINOPIWA UPENYU. CHIMWE CHEMBEU IYAYOKUTANGA CHAKAKWIRA NEMBEU YOSE PAKUKURAKWAYO CHINOSHANDUKA KUVA ZVIYO. Sei zvose zvisinakungoshanduka kuva mbeu? Nokuti zvakasikwa kuti zviitesaizvozvo. Chikamu chezviyo ndicho chinogona kuvazve mbeunokuti chikamu chete CHEZVIYO NDICHO MBEUYOUPENYU HWUSINGAPERI.

Munowana mufananidzo weizvi wakakwana muvaIsraerivachibuda muEgipita. Vakabuda vari mamiriyoni angasvikamaviri. VOSE vakapukunyuka nenzira yeropa rechibayiro.VOSE vakabhabhatidzwa muGungwa Dzvuku; VOSEvakabuda kubva mumvura vachifadzwa nokuratidzwakwoMweya Mutsvene namaropafadzo; VOSE vakadya kudyakwavatumwa; VOSE vakanwa kubva mubwe rakangarichivateverera. Asi kusiya kwavashomashoma kwazvovakanga vachingova vatakuri chete vavana vaizovateveravachizopinda munyika yeKenani. Vose vaIsraeri HAVAZIvaIsraeri. Vose kusiya kwavashomashoma kwazvovakadzimwa mazita avo kubva muBhuku roUpenyu.

Tine zvimwe chetezvo iko nhasi uno chaiye mukereke.Mazita ari kuzodzimwa muBhuku roUpenyu. Hapana mazitaachadzimwa kubva muBhuku roUpenyu Hwusingaperinokuti ichi ndechimwevo chinyorwa nyangwe zvazvo zvirimuBhuku roUpenyu. ICHI NDICHO CHINYORWA: MWARIAKATIPA UPENYU HWUSINGAPERI, UYE UPENYUUHWU HWURI MUMWANAKOMANA WAKE. UYO UNOMWANAKOMANA UNO UPENYU (HWUSINGAPERI)UYEVO UYO USINA MWANAKOMANA HAANA UPENYU(HWUSINGAPERI). Uye avo vano upenyu ihwohwo vakangavari maARI nyika isati yavambwa. VAKASARUDZWAMAARI NYIKA ISATI YAVAMBWA. MBEU HURUHURUYOUMAMBO iyoyo, Jesu Kristu, yakakavirwa (Akafa) uyeupenyu ihwohwo hwakanga hwuri maAri hwakabudanomumbeu yezviyo uye huri kuzviwanza, uye yakafanananembeu yaPamavambo nokuti nokuda kwoMweya inova mbeuyapamavambovo.

Zvino tava kugona kuona kuti mwenga (waiva maArisaEvha akanga ari muna Adhama) akadzikinurwa

Page 293: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 283

(vakatengwa nomuridzi wapamavambo kuti vadzokerekwaari) haambofi akakwanisa kudzimwa ‘mazita enhengo’dzake kubva muzvinyorwa. Inhengo yaKe. Ari muchigarochoushe. Haambofi akatongwa. Mumwe nomumwe arimumwenga inhengo yaKe uye hapana waAnorashikirwa naye.Asi izvi handizvo pamusoro “pavose” vari muBhukuroUpenyu. Nokuti pakati pavo pana vamwe vakaita saJudhasinavamwe vane nzvimbo muzvinyorwa asi vanodzimwa mazitaavo. Tinokwanisa kuona avo vanouya munguvayokupedzisira, uye mushure mokuita mabasa anoshamisa,Jesu achati haAna kumbofa avaziva. Izvi hazvirevi kutiAkanga asingambozivi kuti variko. Kuziva zvose kwaKekunoita kuti izvi zvisava izvo; asi kuti havana kusanozikanwasavanhu vari mumwenga; uyezve havana kumbengevasanozikanwa pakati pavakarurama vanomuka kuvakafapakumuka kwechipiri. Havana kubereka muchero (nokutivakanga vari kunze kweShoko_havana kuvanda mariri) uye,nokudaro, vakatongerwa rufu. Pashure sezvatakagarataratidza kuna vaya vakamirira mwenga vachimurwira uyevakanga vachimupa ruyamuro nenyaradzo. Avo vakaregwamazita avo achiramba ari muBhuku roUpenyu nokupindamuupenyu hwusingaperi. Pakupedzisira pana vaya vakaitasaFarao vasina kana kumbofa vanyorwa mazita avo muBhukuroUpenyu uye ava vanokandwavo mudziva romwoto.

Saka tsanga yezviyo yazova dzinde nokuti kukohwa ndichochinyorwa chekereke. Uye nyangwe sezvo dzinde rose rezviyorisiri tsanga yezviyo, uye sezvo dzinde rose risingasevenzeswipakukohwa, ndizvozvovo nekereke:_kereke yose haizimwenga, uyevo haipiwi upenyu hwusingaperi yose, asiCHIDIMBU chayo ndicho chinokohwiwa chichiiswa mudura,uye CHIDUMBU chayo ndicho chinochengetwa kuti chipindemuupenyu hwusingaperi mukumuka kuvakafa kwechipiri, uyeCHIKAMU chayo chinova hundi chinopiswa mudzivaromwoto. Uye izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa naJohaneMubhabhatidzi naJesu, nokuti Johane wakati zviyo zvichaiswamudura hundi ichipiswa. Jesu akati, “Sungai masawi,mugounganidza zviyo.” Musangano womubatanidzwawamakereke wapasi rose uchasunga kereke dzose dzamasawipamwe chete, nokuti masawi anofanira KUTANGA asungwa,nyangwe magumo awo kuri kupiswa, haapiswi pakusungwakwawo asi kuti anochengeterwa zuva riri mberi, pamagumoechuru chamakore, kana kuti pakumuka kuvakafa kwechipiri.Asi kana masawi angosungwa chete kubvutwa kunokwanisakuitika uye kunoitika imwe nguva iri pakati pokusungwakwamasawi nokuzarurwa kwaantikristu. Zvino panozouyazuva iro VOSE vanomira pamwe chete sezvakataurwa munaDhanieri. Ishe anenge aripo nomwenga waKe uye pamberipavo panenge pane mhomho nemhomho inenge ichizotongwa.Hongu. VOSE vanenge varipo. Mabhuku ose anovhurwa.

Page 294: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

284 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Kubviswa kwaVOSE kwokupedzisira kunoitwa. Zvirokwazvokukohwa kunopedziswa. Mabhuku ambenge akavhurwaanovharwa.

Tichipedzisa nyaya ino kwazvino, ngatimbotaurapamusoro pechirevo chataurwa pakutanga apo pandati hapanaGwaro rakambotaura pamusoro paIshe achinyora mazitapanguva INO. Zvirokwazvo izvi ndizvo. Zvisinei hazvo panerimwe Gwaro rinotaura pamusoro pokunyorwa kwamazitamunguva inouya. NdiMapisarema 87. Pisarema iri rinotaurwapamusoro paIshe achinyora mazita aavo vose vanoberekwamuZioni. Hazvifaniri kutombofungidzirwa kuti Mwarianofanira kumirira kupera kwamazera kana chikamuchenguva icho chine chokuita neZioni kuti agozoziva kutindiani angangoberekwa muZioni. Zvakare, izvi zvingarevakuti haazivi zvinhu zvose. Zvirokwazvo Anoziva vose varimuboka iri. Asi zvino chii? Haiziri chete here nhoroondoyamazita anodzokororwa achinyorwa patsva mazita akasaramushure mokumuka kuvakafa kwechipiri anenge ari eZioni?Zvirokwazvo, ndizvo chaizvo.

“Ndichapupura zita rake pamberi paBaba vaNgunavatumwa vaKe.” Kushevedzwa mazita kudenga! “Kanamunhu akafa, achararamazve here? mazuva ose oupenyuhwangu ndichamirira, kusvikira chijana changu chasvika.Muchadaidza uye ini ndichaKunzwai: Muchava nechidokubasa ramaoko eNyu.” Mufudzi Mukurukuru ari kudanamakwai aKe namazita awo. Inzwi rokusika raMwari ririkuadana kubva kuguruva kana kushandura twuzenga twawonyangwe zvawo anga asina kunge avata. Uku ndiko kubvutwa.Awa ndiwo Mabiko oMuchato makurukuru eGwayananomwenga waKe.

Asi kubvutwa handiko chete kudanwa kwamazita. Apopakumuka kuvakafa kwechipiri, paChigaro choushe Chichenachikurukuru chokutonga, mazita achapupurwa pamberipaBaba navatumwa vaKe. Zvino ndakambotaurirwa naavovanoziva, kuti kurira kunotapira kudarika kumwe kwosekunzeve yomunhu kudaidzwa kwezita rake munhu wacho.Vanhu vanoda sei kuti mazita avo ave pamberi pavanhuvoruzhinji. Vanoda sei kurumbidzwa. Asi hakuna inzwirapanyika richazombofa rakadaidza zita rako nenzirainotapira kudarika zvarichaitwa naMwari kana zita rako ririmuBhuku roUpenyu uye kana rikaramba ririmo kutirizozarurwa pamberi pengirozi tsvene. Rinenge riri zuvarakadii patichanzwa Jesu achiti, “Baba, vakapupura ZitaraNgu pamberi pavanhu murwendo rwavo rwapanyika. ZvinoNdichapupura mazita avo pamberi peNyu nengirozi dzosedzokudenga.”

“Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”Zvakare Mweya wakataura. Zvakare taongorora zvinyorwa

Page 295: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YESARDHISI 285

zvezvakataurwa noMweya kune rimwezve zera. Uyezvetawana zvinyorwa zvacho chiri chokwadi. Rimwezve zerarapfuura uye rakazadziswa saizvo chaizvo zvaAkati zvichava.Ichi chinhu chinonyaradza zvakadini kwatiri isu vanotarirakuva mumwenga wenguva yokupedzisira, nokuti zvinoita kutimwoyo yedu iuruke nomufaro kuti Iye anovimbika uyeachazadzisa vimbiso yaKe yoga yoga. Kana akangaAkavimbika nokuva wechokwadi kune avo veZera reSardhisi,zvino Akavimbika kune rino zera redu. Kanavachizogamuchirwa nokurumbidzwa naye nokuda kwenyashadzaKe nesimba raKe, saka nesuvo. Nokudero ngatiinde,mukukwaniswa kuti tisangane naShe mumakore, tigova naYenokusingaperi.

Page 296: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?
Page 297: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 287

CHITSAUKO CHORUSERE

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA

Zvakazarurwa 3:7-13

Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherfia uti; ZvanzinaIye Mutsvene, Iye Wazvokwadi, Iye Une kiyi yaDhavhidhi,Iye Unoti kana achizarura, hakuna unopfiga; kana achipfigahakuna unozarura;

Ndinoziva mabasa ako: Tarira, Ndakaisa pamberi pakomukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga; nokuti unesimba shoma hako, wakachengeta Shoko raNgu, ukasarambaZita raNgu.

Tarira, Ndinokupa vamwe vari veSinagoge raSatani,vanoti tiri maJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema;tarira, Ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako,vuye vazive kuti Ndakakuda.

Zvawakachengeta Shoko rokutsungirira kwaNgu,Ndichakuchengetavo panguva yokuidzwa, yodo kuvuyapanyika yose, kuidza vanogara panyika.

Tarira, Ndinokurumidza kuvuya: batisisa icho chaunacho,kuti urege kutorerwa korona yako.

Unokunda Ndichamuita mbiru mutembere yaMwariwaNgu, haangazobudimozve: Ndichanyora pamusoro pakeZita raMwari waNgu, nezita reguta raMwari waNgu,Jerusarema Idzva, rinoburuka kudenga kuna Mwari waNgu;uye Ndichanyora pamusoro pake Zita raNgu idzva.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

FIRADHERFIA

Firadherfia yaiva mamaira anosvika makumi manomwenamashanu nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuvakweSardhisi. Rakanga riri guta rechipiri pakukura muRidhiya.Rakanga rakavakwa pamakomo akawanda munzvimbo inomukurumbira pakurimwa kwewaini. Mari yavo yakanga inomusoro waBhakusi nomufananidzo womutumbi waBhakande(muprisitakadzi waBhakusi). Vanhu veguta iri vaisanganisamaJudha, maKristu echiJudha, navakatendeuswapamahedheni. Guta iri raigara richingowirwa nedambudzikorokudengenyeka kwenyika, asi nyangwe zvakadero hazvondiro guta rakavapo kwenguva yakareba kudarika mamwemaguta manomwe omuna Zvakazarurwa. Chokwadi chiripondechokuti guta iri richitoripo nanhasi asi rava nezitarechiTeki rokuti Arasehiri, kana kuti Guta raMwari.

Page 298: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

288 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Mari yaigadzirwa yairatidza kuti mwari weguta iri akangaari Bhakusi. Zvino Bhakusi ndiye mumwe chete anonzi Ninasikana kuti Nimirodhi. Anonzi ‘muchemwa’, nyangwe zvazvoruzhinji rwedu rwuchifunga pamusoro pake maereranonamafaro nokuraradza.

Izvi zvinounza chiedza chakadii kupfungwa dzedu. Heinomari ina mwari kuno rumwe rutivi nomuprofitakadzi kanamuprisitakadzi kuno rumwe rutivi. Zvino chikanda mari iyimudenga. Zvine mhosva here kuti yadonha nedivi ripi? Kwetechangamire, ichingori mari imwe chete iyoyo. Ichi ndichochinamato chechiRoma chaJesu naMaria.

Asi hatisi kufunga nezveRoma chete. Kwete, haisimhombwe huru chete. Handizvo; nokuti iyo, nohupombwehwayo yava mai. Vana vayo vakafanana nemari yakatsikiswapamwepo. Apa kune rimwe divi remari iyi vakaisamufananidzo wokunamata Jesu uye kune rimwe divi vanomupristakadzi wavo kana kuti muprofitakadzi zvakareanonyora zvitendwa zvake nezvitevedzwa zvisingapikiswinokuzvitengesera vanhu kuitira ruponeso achisimba nerokutiiye chete chete pasina mumwe ndiye ane chiedza chechokwadi.

Zvinoshamisa sei kuti zera rino rinoonekwamumufananidzo wemari zvose zvariri. Nokuti mai nomwanavose vari kutenga nzira yavo yokudenga. Mari kwete ropandiwo mutengo. Mari kwete Mweya ndiro simba rinovafambisavose kuenda mberi. Mwari wezera rino (mamoni)akapofumadza meso avo.

Asi kushambadza kwavo rufu kuchaguma zvino zvino,nokuti rino ndiro zera rinochema Mweya uchiti, “Tariraindinokurumidza kuuya.” Nyangwe zvakadaro hazvo, uyainokukurumidza, Ishe Jesu!

ZERA

Zera reKereke yeFiradherfia rakavapo kubva gore ra1750kukarosvikira 1906. Zera iri, nokuda kwezvinoreva zita regutairi, rakadaidzwavo kunzi Zera roRudo KuHama, sezvo zvirizvozvinoreva Firadherfia, “rudo kuhama”.

NHUME

Nhume yokuzera iri zvisina kana kumbofunga kavirinakatatu akanga ari Johane Hwisiri. Johane Hwisiriakaberekwa paEpuwetsi, musi wa17 Chikumi, mugore ra1703uye akanga ari mumwe wavana gumi navapfumbamwevakaberekwa naSamere naSosana Hwisiri. Baba vake vakangavari mufundisi weKereke yeHingirandi; asi chinonyanyakukara kuva chakava hwaro hwounamati hwaJohane hwaiva

Page 299: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 289

upenyu hwamai vake hwairatidza ururami hukuru kudarikadzidzo yababa vake yezvaMwari. Johane aiva mudzidzi aigonazvisingambobviri. Yaiva nguva yavakanga vachiri paOksifodhiiye naCharisi pavakava nhengo dzeboka rakanga richiitazvapamweya vachinamata pahwaro hwokutevedzera zvaiitikakumunhu pakurarama chokwadi pano kuita dzidziso chipimo.Vakaronga nhevedzwa yezvomweya yamabasa, yakafanananokupa varombo, nokushanyira vanorwara navasungwa.Nokuda kwezvizvi vakadaidzwa kunzi maMethodist,namamwe mazita okusekwa. Zvino iye Johane akangaakabatwa nesimba rechinangwa chake chokuti vanhuvanamate pasi pose zvokutoti akaenda Amereka (Jojia)somumishinari wamaIndia eAmereka. Ari munzira kuendaikoko akawana kuti vazhinji vavanhu vakanga vachifambavonzendo dzavo nechikepe ichi vakanga vari vanhuvechiMoravhia. Akabatwa pamwoyo kuona runyararo,norugare rwavo, nokushinga kwavo mune zvose zvaivawira.Basa rake muJojia kunyangwe zvake aizvishaisa nokushandazvine simba rakashaya chimuko. Akadzokera Hingirandiachidanidzira achiti, “Ndakaenda Amereka kundotendeusamaIndia asi o-o! ndianiko achanditendeusa?”

Adzoka London akasanganazve navanhu vechiMoravhia.Petro Bhoera ndiye akamuratidza gwara roruponeso.Akaberekwa patsva chaizvo zvokuti zvakashamisa pamwechete nokutsamwisa hama yake, Charisi, uyo asina kukwanisakunzwisisa kuti munhu womweya kusvika pakadaro saJohaneaizoti sei haana kumbenge akarurama pana Mwari. Zvisinei,hazvo, hapana kupera nguva refu, Charisivo, akaponeswanenyasha.

Zvino Hwisiri akatanga kuparidza Evhangerimumapurupiti awo omuLondon aaibvumirwa kushandisa; asipasina kupera nguva vakamurambidza. Iyi ndiyovo nguvayaakabetserwa neshamwari yake yakare, ainzi GeorgeHwitifiridhi, nokuti akakoka Johane kuti azomubetserakuparidza munzvimbo iyo yakanga ine zvuru nezvuruzvavanhu vakanga vachiteerera Shoko. Pakutanga Hwisirihaana kuzvibvuma izvi kuti aparidze pamhene pachinhambochomumba, asi paakaona mhomho nemhomho dzavanhunokuona kushanda kweEvhangeri musimba roMweya akabvaatendeukira nokuzvipira nomwoyo wose kunzira iyiyokuparidzira vanhu.

Pasina kupera nguva basa iri rakakura zvokuti akatangakutuma vanhuvo zvavo vasiri vafundisi kuti vandoparidziravanhu Shoko. Izvi zvakaita sezvakanga zviri paPentekosti apoMweya wakamutsa vanhu munguva dikidiki chose nesimbakuparidza nokudzidzisa Shoko.

Vaivapo vaipikisa nokurwisa nesimba chaizvo basa iri asiMwari akanga anavo. Kushanda kwoMweya kwakaratidzwa

Page 300: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

290 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

namasimba makurukuru uye kazhinji vanhu vaibatwanokutambudzika zvokubvisa simba ravo uye vaipunzikira pasivachichema zvikuru pamusoro pezvivi zvavo.

Hwisiri akanga ari murume akasimba zvaishamisa.Achizvitaura iye pachake anoti haarangariri kana nguvaimwe zvayo yaakambonzwa kuderera pamweya kanakwechidimbu chimwe muzvina cheawa kubvazvaakaberekwa. Aivata maawa asingadariki matanhatupazuva roga roga; omuka kuti atange kuparidza nenguvadzeshanu zuva roga roga reshumiro yake; aiparidza kaikwanakana zuva rimwe chete zvokuti pagore mharidzo dzakedzaikwana kuita 800.

Akafamba zvuru nezvuru zvakapetwa zvamamairasezvaingoitavo vamwe vechiunga chake vaifamba namabhizavachiparidza Evhangeri kure nepedo. Chokwadi chiripondechokuti Hwisiri akafamba mamaira anokwana 4500 pagoreroga roga nebhiza.

Aiva munhu aitenda simba raMwari uye akanamatiravairwara nokutenda kukuru nokubudirira kwaishamisa.

Misangano yake mizhinji yakaona kuratidzwa kwezvipozvoMweya.

Hwisiri akanga asingambodi zvokuumba sangano.Vaaishanda pamwe navo vakaumba “Boka Rakabatana” raiva,“sangano ravarume raiva nechimiro, richitsvaka simbaroumwari, vakabatana kuti vanamate pamwe, kuti vawaneShoko rekurudziro, uye kuti varindane murudo, kuitira kutivabetserane pakugadzira zvoruponeso rwavo.” Chaidiwa chetekuna avo vaipinda muboka iri ndechokuti vaifanira kuvavanhu, “vaiva nechido chokutiza kutsamwa kukuru kwakangakuchizouya, uye kuponeswa pazvivi zvavo.” Nokufambakwenguva vakaumba mitemo yaisungirwa kutevedzerwayaizoshandiswa pakuzvibata pamafambire nounhu kuitiramwoyo yavo. Hwisiri akaona kuti pashure pokufa kwakerumutsiriro urwu rwaigona kuzova sangano Mweya Mutsveneukazovasiya vachingova nechimiro chakafa. Akambotauramumwe musi kuti akanga asingatyi kuti zita rokuti Methodistharaizodaidzwa panyika asi kuti Mweya ndiwo Waigonakuvasiya.

Muupenyu hwake aigona kuunganidza upfumihwakawanda; asi haana kuita izvi. Chirevo chaaifarirakutaura panyaya youpfumi iyi ndechokuti, “Tora zvosezvaunokwanisa, chengetedza zvose zvaunokwanisa, uye ipazvose zvaunokwanisa.” Zvingashamisa sei kuna Hwisiri kutiadzoke kuwona sangano rine zita rokuti Methodist nhasi.Vakapfuma _ kupfuma chaizvo. Asi upenyu nesimba raJohaneHwisiri hamuna.

Page 301: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 291

Zvinofaniravo kutaurwa kuti Hwisiri pachake haanakumbofa akada kuumba basa pahwaro hwemasangano kanahwechiunga. Nyangwe zvake akanga ari wechiArmenia munezvaaitenda, haana kuda kuzvitsaura nehama pamusanapedzidziso. Akanga ari muteveri akanaka waJakobho:Akaumba upenyu hwake hwokusingaperi pahwarohwokutenda namabasa, kana kuti kurarama upenyu, panokungobvuma chete zvitendwa kana chirevo chedzidziso.

Johane Hwisiri akafa ava namakore 88 ashandira Mwarizvisina vazhinji vakashinga kuzviita kana kufunga chete kutivangazviita.

KWAZISO

Zvakazarurwa 3:7 inoti, “Nyorera mutumwa wekereke iripaFiradherfia uti; Zvanzi naIye Mutsvene, Iye Wazvokwadi,Iye Une kiyi yaDhavhidhi, Iye Unoti kana achizarura, hakunaunopfiga; kana achipfiga, hakuna unozarura;”

O-o, akanaka sei mashoko awa. Kana kunzwika kwawondokwoukuru sohwamambo. Zvinofadza sei kufunga kutizvose izvi zvinogona kupiwa munhu mumwe chete. Ndianiangashinga kutaura zvimwe chetezvo pamusoro pezvaaripachake kusiya kwaJesu Kristu, Ishe woKuhwinya?Ndinotenda kuti kiyi yokududzira nomazvo chaizvo zvinorevarimwe nerimwe ramapoka amashoko okutsanangura awainowanikwa mundima yepfumbamwe inoti, “Tarira,Ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti tirimaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira,Ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uyevazive kuti Ndakakuda.” Ndinoti ndima iyi ndiyo kiyi nokutiinotaura pamusoro pamaJudha avo vakagara vachizviti ivochete ndivo vana vaMwari kwete vamwe vose. Vakarovera IsheJesu Kristu pamuchinjikwa nokumuuraya. Basa ravo irirakashatisisa rakaunza ropa ravo pachavo pamisoro yavokwamazana namazana amakore. Zvose izvi zvakaitika nokutivakaramba Jesu saMhesiyasi wavo, Zvinova ndizvo zvaAkangaari zvirokwazvo. Kwavari Akanga asiri Uyo aizoUya, kanakuti Mwanakomana waDhavhidhi; kwavari Akanga ariBheerzebhuri, kana kuti mumwevo munhu asina kururamaakangokodzerwa chete nokuparadzwa. Asi izvi handizvo.Zvirokwazvo akanga ari Emanueri, Mwari akaratidzwamunyama. Zvirokwazvo ndiye, Mhesiyasi. Zvirokwazvo,Akanga ari izvozvi chaizvo zvaAri kuZviratidza iko zvino kutindizvo zvaari. Houno Uyu, JESU MUMWE CHETE _ JesuKristu anogara akadaro zuro, nanhasi uye nokusingaperi. IyeMutsvene ari pakati pezvigadziko zvomwenje ndiye JesuMumwe chete Akafamba pamhenderekedzo dzegungwareGarirea, Akaporesa vairwara, Akamutsa vakafa, uye

Page 302: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

292 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Akaroverwa pamuchinjikwa akafa nyangwe zvazvo pakangapane zviratidzo zvisingagoni kupokanwa nazvo zvokuti ndiye.Asi Akamuka, uye akagara parudyi rweSimba kumusoro.

MaJudha haana kuMuti mutsvene nguva idzodzo. HavasikuMuti mutsvene nhasi. Asi Ndiye MUTSVENE. Mapisarema16:10 inoti; “Nokuti haMungasiyi mweya waNgu musheori;haMungatenderi MUTSVENE weNyu kuti aone kuora.”

Vakatsvaka kururama kwavo mumirayiro vakakundikanazvachose, nokuti hapana munhu anoruramiswa nomurayiro.Hapana munhu anoitwa mutsvene nomurayiro. Utsvenehwunobva kuna Mwari. I Vakorinte 1:30 inoti, “Asi naYE murimuna Kristu Jesu, Iye wakatiitirwa isu uchenjeri hwunobvakuna Mwari, nokururama, noutsvene, nokurudzikinuro.” IIVakorinte 5:21,b inoti, “Kuti isu tive kururama kwaMwarimaAri.” Aifanira kuva Kristu kana kuti kwaiva kuparara, uyevakaparara nokuti vakaMuramba.

Uye vanhu venguva idzodzo sezvakangoitavo vanhasi unovakaitavo mhosho imwe cheteyo. Sezvakangoitavo maJudhakuita hutiziro hwavo manamatire avo mumasinagoge,saizvozvovo muZera reFiradherfia vakanga vachiita makerekehutiziro hwavo. Kuva nhengo yekereke handiko kune basa.Upenyu hahwuzi mukereke. Upenyu hwuri muna Kristu.“Ichi ndicho chiratidzo chokuti takapiwa upenyuhwusingaperi naMwari uye kuti upenyu uhwu hwurimuMwanakomana waKe. Uyo uno Mwanakomana unoupenyu, uye uyo asina Mwanakomana haana upenyu.” Munhuanoitwa mutsvene noMweya woutsvene. Mweya woUtsvenendiwo Jesu kuvakafa uyo anogara matiri nokutiita vatsvenenoutsvene hwaKe.

Hoyo Akamirapo uyo, UYE MUTSVENE. Tichamira naYetakapfeka kururama kwaKe, tiri vatsvene noutsvene hwaKe.

Zvino zera iri izera retanhatu. Mumeso aMwari, nguva irikusvika pakuguma. Ava kuda kuzodzoka zvino zvino. Zvinozvino kudaidzira kuchanzikwa paAnenge achiuya kuchiti,“Ane tsvina, ngaarambe achisvibiswa: wakarurama,ngaarambe achiita zvakarurama: mutsvene, ngaarambeachiitwa mutsvene.” Zvakazarurwa 22:11b

O-o, ndinofara zvikuru sei kuti utsvene hwangu hahubvipandiri pachangu. Ndinofara kuti ndiri muna Kristu, nezvaarizvose zvinoshamisa zvakanakisisa zvokururama kwaanopiwa,hongu kunopiwa kwandiri. Mwari ngaarumbidzwenokusingaperi!

“Zvanzi naIye Wechokwadi.” Zvino shoko iri rinoti,‘chokwadi’, ishoko rakanakisisa kwazvo. Harisi kurevachokwadi pakungoti chete hadzizi nhema. Rinotaura KuzivaKwakakwana kwepfungwa sokusiyana kwazvinoita noKuzivakusina Kunyatsokwana. Somuenzaniso tinoyeuka kuti Jesu

Page 303: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 293

akati muna Johane 6:32, “Wanga asi iye Mosesi wakakupaichingwa chakabva kudenga; asi ndiBaba vaNgu vanokupaichingwa chazvokwadi chinobva kudenga.” Johane 15:1 inoti,“Ndini muzambiringa wazvokwadi.” VaHebheru 9:24 inoti,“Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwanamaoko, inofananidza iyo iri chaiyo; asi wakapinda kudengakumene, kuti azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.” IJohane 2:8 inoti, “Nokuti rima ropfuura, chiedza chazvokwadichotovhenekera.”

Sezvo shoko iri, zvirokwazvo, richitaura KuzivaKwakakwana kuchipokana nepfungwa yoKuziva kusinaKunyatsokwana sokupiwa kunoitwa muenzaniso mundimaidzi, tinokwanisa zvino kunzwisisa zvatisina kumbenge taitakare kuti chisiri mufananidzo chinosiyana nomufananidzochaiwo, uye chinhu chaicho chinobatika chinopesananomumvuri. Ngatitore muenzaniso wemana yakabva kudenga.Mwari akatumira pasi chingwa chengirozi kubva kudengakuitira vaIsraeri. Asi chingwa ichocho hachina kuvagutsa.Chaingogutsa kwezuva rimwe chete. Vaichidya vainzwazvenzara zuva raitevera. Kana chaikomberwa nokuchengetwachaiora. Asi Jesu ndiye chingwa CHECHOKWADI chakabvakudenga, apo mana yaingova mufananidzo chete. Kana munhuupi zvake akadya CHINGWA ichocho chakabva kudengahaachazombofi akanzwazve nzara. Haafaniri kuti adzokerekundodya zvakare. Paakangodya chete, akawana upenyuhwusingaperi. Apa ndipo paiva neCHINHU CHAICHOCHINOONEKWA. Hapachambodiwi mumvuri. Hapambodiwiruponeso rwechidimbu rusina kukwana. Horwuno ruponesoRWOSE. Sezvakangoitavo Jesu asiri chimedu chaMwari;NdiYE Mwari.

Hapana anokwanisa kuramba kuti vaIsraeri vakanga vanechiedza. Vakanga vari ivo chete vanhu vakanga vane chiedzasorudzi. Zvakanga zvakaita sezvazvaiva muEgipita pakangapane rima zvokuti waigona kurinzwa. Asi mudzimbadzavaIsraeri maiva nechiedza. Asi zvino chiedza chechokwadichavapo. Chiedza chenyika ndiJesu. Mosesi navaprofitavakaunza chiedza nenzira yeGwaro maererano naMhesiyasi.Saka vaIsraeri vakanga vane chiedza. Asi zvino Kuzadziswakwechiedza kwakauya, uye Shoko raingopfuta cheterakanyatsobuda pamhene muKupenya kwaMwariachiratidzwa pakati pavanhu vaKe. Sezvaingoitavo shongweyomwoto kupa chiedza panguva yousiku, chaiva chinhuchakanakisisa, zvino chiedza noupenyu zvakaratidzwamukuzara kwoUmwari panyama.

VaIsraeri vaitora tsiru tsvuku nokuyibayira paartarikuitira kanganwiro yezvivi. Kwegore zvivi zvouyo akanga anemhosva zvaiputirwa. Asi kuputirwa uku kwakangakusingakwanisi kubvisa havi yokuda kutadzazve. Chakanga

Page 304: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

294 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chisiri chibayiro chakakwana. Waingova mumvuri kusvikirachibayiro chaicho chauya. Saka gore roga roga munhuwaibayira chibayiro asi gore roga roga waiuyazve kuzobayiranokuti akanga achingori nehavi yokuda kutadza. Upenyuhwemhuka hwaiputira nokuripa chivi, asi sezvo raingova roparemhuka zvayo raiteurwa uye upenyu hwemhuka zvayohahwaidzoka pamunhu. Dai hwaikwanisa kudzoka,hahwaibatsira chinhu. Asi Kristu akapirwa anovachakakwana chakatsiva chibayiro, ropa raKe rikadeurwa,zvino upenyu hwakanga hwuri muna Kristu hwakadzokapamusoro pomutadzi akanga atendeuka uye upenyu ihwohwosezvo hwakanga hwuri upenyu hwakakwana hwaKristu,hwusina chivi uye hwakarurama, zvino akanga ane mhosvaakakwanisa kusunungurwa nokuti akanga achisina haviyokuda kutadza. Upenyu hwaJesu hwakanga hwadzokapamusoro pake. Izvi ndizvo zvinorehwa navaRoma 8:2 inoti,“Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Jesu Kristuwakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu.”

Asi maJudha kareko munguva yaJesu vakarambakubvuma chibayiro ichocho. Ropa renzombe nembudzi harinacharakakwanisa. Yakambenge zvayo iri nzira yaMwariyaakapa. Asi zvino Kristu sezvo akanga auya munyama, uyenenzira yokudeurwa kweropa raKe pachake akabvisa chiviuye nenzira yokuZvipa iye sechibayiro akatiita vakakwana.MaJudha haana kugamuchira izvi. Asi ko irovo ZerareFiradherfia, uyevo, hongu, mamwevo, mazera?Vakagamuchira here chokwadi ichi muna Kristu? Kwetechangamire. Nyangwe zvazvo Luther akadzidzisa chokwadichokururamiswa, Kereke yeRoma, neimwe yayoyokumabvazuva, Kereke Chibvi, yakarambirira yakabatapamabasa. Zvino mabasa chinhu chakanaka kwazvo, asihaakuponesi. Haakuiti wakakwana. NdiKristu chete kanakuti unoparara. Hazvisitombori zvokuti Kristu UYE mabasa.NdiKristu ega. Zera iri rakatanga munguva yechiArmeniachisingatendi muna Kristu sandiye CHINHU CHAICHOCHIRIPO. Matendero awa haaimbi achiti “Hakuna chimwekusiya kweRopa,” nokuti anoimba achiti “Hakuna chimwekusiya kweropa UYE mazvibatire angu.” Ini ndinotendamumazvibatire akanaka. Kana ukaponeswa unoita mabasaakarurama. Tazvitaura kare. Asi regai ndikutaurirei ikozvino, ruponeso HAAZI Jesu NEZVIMWE. NdiJesu EGA.RUPONESO RUNOBVA KUNA ISHE. Kubva pakutangakusvikira pakupedzisira ndiMWARI chete. Upenyu hwaKengahwuve mandiri. Ngarive ropa raKe rinondichenesa.Ngauve Mweya waKe unondizadza. Ngarive Shoko raKemumwoyo mangu nomumuromo mangu. Ngaave mavanga aKeanondiporesa. Ngaave Jesu, uye Jesu Chete. Ngaasava mabasaokururama andakaita. Kwete changamire. Kristu ndiyeupenyu hwangu. Ameni.

Page 305: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 295

Ndinonzwa kuramba ndichienda nokuenda mberi mberipamusoro pezvirokwazvo izvi, asi regai ndikupei pfungwaimwe chete pamusoro. Iri pamusoro porwuyo rwuyarwakanakisisa rwakanyorwa naA. B. Simpson.

“Kare yaiva ropafadzo,Nhasi ndiIshe.Kare kwaiva kunzwa,Nhasi iShoko raKe.Kare Chipo chaKe ndaida,Nhasi ndiri waKe Mupi.Kare ndaitsvaka kuporeswa,Nhasi ndinotsvaka Iye Ega.

Zvose Zvose nariini,Ndichaimba zvaJesu.Zvose zviri muna Jesu,Uye Jesu ndiye zvose.”

Hakuna chimwe chinhu muupenyu hwuno, nyangwezvahwo hwungava hwunogutsa, nyangwe chingava chakanakanokunakisisa kwose kwachinokwanisa, asi muchawanamagumo okukwana kwose muna Kristu. Zvose zvinobhuruvarakuva zvisine basa kana zvichienzaniswa naYe.

“Iye Une kiyi yaDhavhidhi”. Mashoko akanakisisa awaanotevera nokubuda mumashoko anotevera anoti, “Iyewachokwadi.” _ Kristu, Kuziva Kwakakwana, achienzaniswapasiyano noKuziva kusina Kunyatsokwana. Hezvino. Mosesiakanga ari muprofita waMwari, asi Jesu (saMosesi) akanga ariMuprofita CHAIYE waMwari. Dhavhidhi (murumewapamwoyo paMwari chaipo) akanga ari mambo wavaIsraeri,asi Jesu ndiye Dhavhidhi Mukuru kudarika, MambowaMadzimambo uye Ishe waMadzishe, Mwari chaiye Mwari.Zvino Dhavhidhi akaberekwa murudzi rwaJudha musinakubva vaprista, asi akadya chingwa chokuratidza chakangachakachengeterwa vaprista. Akanga ari mhare huru achikuriramuvengi, achimisa vanhu; samambo akagara pachigarochoushe. Akanga ari muprofita. Akanga ari mufananidzowakanakisisa waKristu. Zvino zvinonzi muna muprofita Isaya22:22, “Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi raKe; Iyeuchazarura, hapana ungazarira; Iye uchazarira, hapanaungazarura.” Mweya unoshandisa maShoko omuTestamenteYekare awa pamusoro paIshe Jesu Kristu neshumiro yaKemukereke. Zvairatidzwa nekiyi yaDhavhidhi panguva iyoyounongova mumvuri zvawo chete, unova zvino wakazadziswamuna Jesu akamira pakati pezvigadziko zvomwenje. Zvinechokuita naIshe wedu PASHURE pokumuka kwaKe kuvakafakwete pokufamba kwaKe panyika somupfuuri. Asi kiyi iyiinorevei chaizvo? Mhinduro iri muNZVIMBO ine kiyi iyi.HAISI muruoko rwaKe. Haina kupfekwa muhuro yaKe. Hainakuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti ndima iyi

Page 306: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

296 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

hayaizomboti IYE CHETE NDIYE ANOSHANDISA KIYIIYOYO _ NOKUTI IYE CHETE NDIYE ANOZARURANOKUPFIGA, UYE HAKUNA MUNHU ane kodzero iyi kunzekwaJesu pachaKe. Ichi hachizi chokwadi here? Asi inombovapaiko kiyi yacho? IRI PAFUDZI RAKE. Asi FUDZI rine chiichokuita nazvo? Verengai muprofita Isaya 9:6 inoti, “Umambohuchava pafudzi raKe.”Asi izvi zvinomborevei? Mhindurondeiyi. Mashoko okuti, “umambo pafudzi raKe” anobvapamutambo wokuwana wavanhu vokuMabvazuva. Kanamwenga achinge apiwa kuchikomba anobvisa mumbure wakewouisa pamafudzi echikomba, zvichireva kuti hakusi kutichete wava pasi pokutonga kwake _ kuti wabvisa kodzeroyake paari _ achiipa kuchikomba kuti wava musoro _ asivokuti chikomba chatakura mutoro wokuriritira uye IYE CHETECHETE _ PASINA KANA MUMWE ZVAKE _ PASINAKANA MUMWE MURUME _ PASINA KANA MAMWEMASIMBA _ ANE KODZERO NEBASA PAARI. Uye izvozvo,vadikanwi, ndiyo KIYI yaDhavhidhi. Sezvo Mwari ari iyeMambo, Akasanoziva nokutonga kwoUmwari kuti ndianichaizvoizvo aizova mwenga waKe. Akamusarudza. Mwengahaana kuMusarudza. Akamudana. Mwenga haana kuzviuyiraega. Akamufira. Akamusuka muropa raKe pachake.Akamuripira muripo. Mwenga uyu ndowaKe iye Ega. Mwengawakazvipira zvachose kwaAri uye Iye anogamuchira basa.Ndiye musoro womwenga, nokuti Kristu ndiye musorowekereke yaKe. Sarah sezvaakadana Abrahama achiti, Ishe,nomwengavo unofara kuti Iye ndiye Ishe wake. Anotauramwenga achiteerera nokuti izvi ndizvo zvinomufadza.

Asi vanhu vakanzwa here chokwadi ichi? Vakakudza hereUnhu hwaKe Iye anova ndiye chete ana masimba oumamboakazara pamusoro pekereke yaKe? Ini ndinoti, “KWETE”.Nokuti muzera roga roga kereke yakatongwa nohurongwahwoukuru _ uprisita _ nhevedzanwa paukuru hwomukereke_ kupfiga mukova wenyasha namaropafadzo kuna ani naniwayaida zvayo, uye pachinhambo chokutora rudo nebasarekereke yakavhima yakatambudza mwenga nokumuparadzaizere nehavi yetsvina pane zvemari. Vafundisi vamakerekevakararama muutepfetepfe hworugare asi kereke nourombohwayo yairarama nokudya magufe okurwadziswanokutambudzwa. Hapana kana zera rimwe chete rakaitazvakasiyana nezvizvi. Rimwe nerimwe rakazvisungirirakumasangano nokuisa mutongo pamusoro pavanhunokusungirira kereke kumutongo iwoyo. Kana vanhuvaishinga kuimukira, vaidzvanyirirwa nokukashararakwakanyanya kana kudzingwa. Sangano roga roga rino mweyamumwe chete iwoyu. Sangano roga roga rinopika kuti ndirorine kiyi yokutonga kereke. Sangano roga roga rinokambirakuti ndiro rinozarura mukova. Asi izvi hachisi chokwadi.NdiJesu uye Jesu chete, anozarura. Anopinza nhengo

Page 307: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 297

muMutumbi. Anovapa shumiro. Anomupa zvipo kutiashandise. Anomuriritira nokumutungamirira. MwengandowaKe iye ega uye haAna mumwe mwenga kusiya kwaiyechete.

Izvi zvakasiyana sei nezviripo zvinoonekwa muzerarekereke rino ratinorarama mariri. Zvino mumwe musi zvinozvino varume ava vanotokambira kana nazvino wose kutindivo vanotaura vakamirira kereke vachamuka musanganoramakereke kuisa antikristu mupenyu kuva musoro wesanganorinobvisa Ishe pachigaro uye tichaMuwana (Kristu) ari panzepekereke achiti, “Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza:kana munhu akanzwa inzwi raNgu, akazarura mukova,ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neNi.”Zvakazarurwa 3:20.

Asi regai nditaure izvi. Ishe wedu haakurirwi. Vanhuvanoti ndivo vanozarura mukova wokuenda kuna Mwarinokupfiga mukova iwoyo, asi varevi venhema. Avo vosevaAkapiwa naBaba vachauya kwaAri, uye uyo anouya kwaArihaachamurasiri kunze; haAcharasikirwi KANA nomumwewavo. Johane 6:37-39. Zvino kana uyo wokupedzisirawavasanangurwa mumutumbi waKristu akangopinda chete,ndipo pachauya Ishe wedu.

Kiyi yaDhavhidhi. Ko Dhavhidhi akanga asiri mambowavaIsraeri here _ vaIsraeri vose? Ko Jesu haaziMwanakomana waDhavhidhi munguva yechuru chamakoremaererano nezvinozivikanwa kuti Achagara pachigarochaDhavhidhi nokutonga nhaka yaKe? Zvirokwazvo. Saka kiyiyaDhavhidhi inoreva kuti ndiJesu Achaunza churu chamakore.Ndiye Ane kiyi dzorufu uye achamutsa vaKe kuti vagoveranenaye mukutonga kwaKe kwokururama panyika.

Zvinoshamisa sei kuti Ishe wedu ndiye ane mhindurodzose. Zvirokwazvo maAri ndimo munozadziswa vimbisodzose dzaMwari. Zvirokwazvo nokuda kwokuva maARI tirivadyi venhaka yezvaAkatitengera.

Hongu, hoyo Akamirapo uyo, Ishe woKuhwinya. Kare ariBaba, Akanga akaunganirwa nengirozi, nengirozi huru,nengirozi doko, uye hondo yose yokudenga, ichidanidziraichiti, “Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene ndiye Ishe MwariweHondo.” Utsvene kwaKe hwakanga hwakasvika pakutihapana munhu aikwanisa kusvika kwaAri. Asi zvinotinoMuona mukereke, achigoverana nesu utsvene hwaKepachake, kusvikira isu tava ururami chaihwo hwaMwari.Hongu, uye uyo Akamira apo uyo, “Jesu uyo, Akakwana ndiyeZvose,” _ Ruva roMupata, Nyamasase NyeredziyaMangwanani, Akanakisa kudarika Zvuru zvine Gumi,Wokutanga noWokupedzisira, Mudzi neBukira raDhavhidhi,Baba, Mwanakomana uye Mweya Mutsvene _ Iye Zvose muna

Page 308: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

298 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvose. Isaya 9:6 inoti, “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwaMwanakomana: umambo huchava pafudzi raKe: Zita raKerichanzi Unoshamisa, Gota, Mwari Une simba, BabaVokusingaperi, Muchinda WoRugare.” MaAri munokuzadziswa kwakakwana. Nyangwe zvazvo kare takangatisingaMukudzi, zvino tava kuMuda nomufaro usingataurikiuye nokuzara nokuhwinya. Amire pakati pekereKe, uyetichaimba rumbidzo yaKe, nokuti Iye Mukundi una Masimbandiye musoro wekereke inova iyo mwenga waKe. Akatengamwenga iyeye. Ndiye mwene womwenga. Mwenga ndowaKeIye chete uye Anomuriritira. Ndiye mambo wedu uye isu tiriumambo hwaKe, tiri vanhu vaKe nokusingaperi.

Zvino muchayeuka kuti pakutanga kwendima 7, ndatindima 9 yaizotibetsera kuinzwisisa. Ndinovimba kuti maonazvandanga ndichireva. Jesu akaZviisa pachena saIyeMutsvene, wechokwadi, (kana kuti iye chete aripo) Uyo anekiyi yaDhavhidhi, Uyo Akazarura nokupfiga. Ichi ndichochokwadi chaicho. Mashoko awa anoMutsanangurazvakakwana. Asi maJudha omunguva yaKe akaMurambanazvose zvaAiva. Vakaramba Muponesi wavo nezvosezvaAireva kwavari. Zvino maKristu ezita chete vakaitavozvimwe chete izvozvo. Vakaita chaizvoizvo zvakaitwanamaJudha. MaJudha akamurovera pamuchinjikwa ndokubvavatendeukira kumutendi wechokwadi. MuKristu wezita cheteakaMurovera pamuchinjikwa zvakare akabva atendeukirakukereke yechokwadi kuti aiparadze. Asi Mwari ndiyechokwadi, uye Iye Ari pamusoro pezvose achadzoka, uyepaAnodzoka Acharatidza kuti Ana Masimba ose ndiyani. IyepachaKe kunyika, uye nyika yose ichapfugama patsoka dzaKe,panguva iyoyo nyika yose ichapfugama patsoka dzavatsvene,kuratidza kuti vakanga vaita zvakanaka pakumira kwavonaYe. Mwari ngaaropafadzwe nokusingaperi!

ZERA ROMUKOVA WAKAZARUKA

Zvakazarurwa 3:8 inoti, “Ndinoziva mabasa ako; tariraNdakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakunaungagona kuupfiga; kuti une simba shoma hako,wakachengeta shoko raNgu, ukasaramba Zita raNgu.”

Mashoko okutanga endima ino, “Ndinoziva mabasa ako,”anotsanangurwa namamwe mashoko anotevera mundimaimwe chete iyi, nokuti mabasa akanga ane chokuita no‘mukova wakazaruka,’ ‘simba shoma,’ ‘Shoko uye Zita.’

Kuti munzwisise upfumi hwezvinorehwa mumashoko awaanoti “tarira ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka,hakuna unogona kuupfiga,” tinofanira zvino kuyeukazvakataurwa kuzera roga roga kuti rinovambukira munerimwe achingovambukirana. Pano kubatana

Page 309: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 299

nokuvambukirana, kunyungudika nokunamirana, kwetekupera zvino muganhu unoonekwa panoperera zeranopanotanga rimwe. Kunyanya zera iri rinovambukira muzerarinoritevera. Hakusi kuti chete zera iri rinovambukira muzerarokupedzisira, asivo kuti zera rokupedzisira pacharorinopfuurira mberi nezvakawanda zvomuzera retanhatu. Zerarechinomwe (rinova zera pfupi kwazvo) rinounganidza maririkuti riite basa rimwe chete nokukurumidza, kuipa kwosekwamazera, asizve zvose zvapaPentekosti. Apo ZerareFiradherfia rava kupera, Zera reRaodhikia richakurumidzakuuya, richiuya richiunza zvose zviviri zvinoti mashawinezviyo kuti zvizokohwiwa, “Tangai kuunganidza mashawimuasunge mwanda kuti apiswe; asi muunganidze zviyomudura raNgu.” Mateo 13:30. Ndapota hangu, rangarirai, kutiZera reSardhisi ndiro rakatanga kuvandudzwa kunofanirakuramba kuchienderera mberi kusvikira tsanga yakakavirwapaPentekosti yapedza zvinhanho zvose kuzvitevedza zvinokukavira, nokudiridza, nokusakurira, nezvimwe, kusvikirazvadzokera pakutanga chaipo pambeu kana kuti tsangayapamavambo. Panenge pachienderera izvi mberi, mashawiakakushwavo anofanira kutevedzavo zvinhanho zvawovonokuzokohwiwavo. Izvi ndizvo chaizvo zvatiri kuonazvichiitika. Kana mukangofunga zvenyu chete pamusoropomwaka, munokwanisa kuwana mufananidzo wakanakisisawezvizvi. Zvimerwa zvamuri kuona zvichikura nesimbarakazara muzhezha zvinokurumidza kuratidzika sezvava kuitatsanga. Hamukwanisi kuona kuti zhezha rakashanduka kuvachirimo papi chaipo _ hazvina muganhu unoonekwa. Ndizvozvakaita mazera, kunyanya ano maviri.

Jesu anenge achitaura kuzera iri paanoti,‘NDINOKURUMIDZA kuuya’ mundima 11. Izvi zvinoita kutizera rokupedzisira rive pfupi kwazvo. Raodhikia izera rokuitabasa nokukurumidza. Rinogurisirwa.

Zvino ticharamba tiri panyaya yoMUKOVAWAKAZARUKA uyo usina munhu anogona kuzarira.Pakutanga ndinoda kukurukura nenyaya yomukovawakazaruka sezvinomirira basa guruguru rechimishinarirezera iri. Pauro akadaidza basa idzva rechimishinarirokushandira Ishe mukova wakazaruka. II Vakorinte 2:12 inoti,“Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza EvhangeriyaKristu, ndichizarurirwa mukova muna Kristu.” Sakatinogona kuona nokuenzanisa Magwaro kuti mukovawakazaruka uyu waimirira kuparadzirwa kukurukurukweEvhangeri kwakati kwamboonekwa panyika.

Ndinoda kuti muone chimwe chinhu pano apa. Mwarianoshanda muutatu, haAdaro here? Maiva mune retatu kanakuti Zera rePergamo pakawanana kereke nenyika. MabasaechiNikoraiti akanga ava dzidziso yechiNikoraiti. Zera iri

Page 310: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

300 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ranga riri MUKOVA WAKAZARUKA kumuzambiringawenhema. Pavakangotsigirwa namasimba enyika vakavasangano renyika nyangwe zvavo vakanga vane zita rokuti,vaKristu. Saka vakapararira kunge mwoto womusora. Asizvino, mazera matatu pashure, pashure pokushanda nesimbanokutambudzika nokushereketa kwenguva yakarebapakutenda, hapano panouya MUKOVA WAKAZARUKAkuchokwadi. Zvino Shoko raIshe ravavo nenguva yaro.Zvirokwazvo zera reshanu rakanga ramisa dariro romutambomukurukuru uyu, sezvo zera iroro rakatipa kutsvakwakwenyika itsva, nokugarwa kwenyika itsva idzi navauyi, uyekutsikiswa kwamabhuku, nezvimwe.

Zvaizonakisisa kwazvo dai ‘mukova wakazaruka’ uyuwakatevedza hurongwa hwoUmwari hwePentekostihwakaiswa pachena muna vaHebheru 2:1-4 inoti, “Sakatinofanira kuterera zvikuru izvi zvatakanzwa, kuti tiregekukukurwa. Nokuti kana Shoko rakanga rataurwa navatumwarakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusaterera kwosekwakapiwa mubayiro wakarurama; Ko isu tichatiza sei, kanatisine hanya nokuponeswa kukuru kwakadai; ukukwakaparadzirwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatirinaivo vakaMunzwa: naiye Mwarivo achipupurirana navo,nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji,nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwaKe?” Zvino mavakuziva kuti uhwu ndihwo hurongwa hunoteverwa nokuti Jesu,pachaKe, akazvitaura. Marko 16:15-20 inoti, “Akati kwavari,Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri.Unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendiuchatongwa. Zviratidzo izvi zvichava navanotenda;vachabudisa mweya yakaipa nezita raNgu; vachatauranendimi itsva; vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhuchinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoropavarwere, vakapora. Zvino Ishe wakati ataura navo,Akagamuchirwa kudenga, akagara kuruoko rworudyirwaMwari. Ivo vakaenda, vakaparidza kwose kwose, Isheachibata navo, achisimbisa Shoko nezviratidzo zvaiva navo.”Ameni.

Haana kumbovataurira kuti vaende pasi pose kundovakazvikoro zvokudzidza Bhaibheri; haAnavo kuvataurira kutivagovere zvinyorwa. Zvose izvi zvakanaka kwazvo, asizvavakataurirwa naJesu kuti vaite ndezvoKUPARIDZAEVHANGERI _ kuramba vari muSHOKO _ uye pashurezviratidzo zvaizotevera. Kuziviswa kwokutanga-tangakwatinowana pamusoro penzira yaizoparidzwa nayo UmambohwaMwari kwaiva apo paAkatuma vane gumi navaviri. MunaMateo 10:1-8, Akavapa basa nokuvarayira nenzira iyi, “ZvinoWakadanira kwaAri vadzidzi vaKe vane gumi navaviri,Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, akati vaibudise,

Page 311: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 301

nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. Mazitaavaapostora vane gumi navaviri ndiwawa; Wokutanga, Simoni,wainzi Petro, naAndrea munun’una wake; Jakobhomwanakomana waZebhedhi, naJohane munun’una wake;Firipo, naBhartoromeo; Tomasi, naMateo muteresi; Jakobhomwanakomana weArfeo, naRabheo, zita remhuri yake rainziTadheo; Simoni muKanani, naJudhasi Iskarioti, uyawakaMupandukira. Ava vane gumi navaviri Jesu wakavatuma,akavarayira, achiti, Musaenda munzira yavaHedheni,musapinda muguta ravaSamaria. Asi zviri nani kuti muendekumakwai akarashika eimba yavaIsraeri. Mufambe, muparidze,muchiti, ushe hwokudenga hwaswedera. Poresai vanorwara,natsai vana maperembudzi, mutsai vakafa, budisai mweyayakaipa: makangopiwa henyu, chingopai henyu.” Shumiro iyiyaAkavapa chaivapo chaicho ndechokuti kwaiva kugoveranashumiro yaKe pachake navo, nokuti zvinonzi muna Mateo 9:35-38, “Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisamumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri youshe, nokuporesakurwara kwose noukosha hwose pakati pavanhu. Asi wakatiAchiona vanhu vazhinji, Akavanzwira tsitsi, nokuti vakangavaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi. Zvino Akatikuvadzidzi vaKe, Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabativashoma; Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka, kutiAbudise vabati pakucheka kwaKe.”

Zvino vanhu vazhinji vane pfungwa yokuti vaapostorachete ndivo vakawana shumiro iyi yavakapiwa naShe weduJesu, zvichireva kuti pavakafa, shumiro yakapera. Izvihandizvoba. Muno muna Ruka 10:1-9, tinowana kuti munguvayokufamba kwaKe panyika Akanga Atotanga kare kupashumiro yesimba kuno vaKe, zvinonzi “Shure kwaizvozvo Ishewakagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatumavaviri vaviri pamberi paKe mumaguta ose, vuye kwosekwaAkanga Achida kuenda. Akati kwavari. Kucheka kukuru,asi vabati vashoma: naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka,kuti Abudise vabati pakucheka kwaKe. Fambai henyu: tarirai,ndinokutumai samakwayana pakati pamapere. Musatorachikwama, kana hombodo, kana shangu: musakwazisa munhupanzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, Rugarengaruve neimba ino. Kana Munhu worugare anenge aripo,rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake: kana kusina,ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, muchidyanokunwa zvavanazvo: nokuti mubati wakafanirwanomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba. Paguta ripineripi pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyaizvamunopakurirwa: Poresai varwere varimo, muchiti kwavari,ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.”

Ndiani angatsunga kuramba shumiro ine simba guruyaFiripi? Ndiani angatsunga kuramba shumiro dzine simba

Page 312: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

302 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

guru dzaIrenaeus, naMartini, naKoramba, naPatirekinamamwe makumi namakumi asingaverengeki vakawanakuzodza kwaMwari pamusoro pavo?

Hongu. Nzira yeBhaibheri ndiyo nzira chaiyo yomukovawakazaruka. Uye ndinoda kuwedzera chapupu changu paneizvi. Chandinofanira kuitira izvi ndechokuti ndinogonakungotaura chete nokuvimba kuti ndiri muchokwadi kana paripamusoro pezvakaitwa naMwari muupenyu hwangu pachangu.Saka dai mandiregereravo kuti ndimbotauravo hangunezvangu pachangu pano apa ndichakutaurirai kuti ndinozivasei zvechokwadi kuti Jesu haashanduki akadero zuro nanhasinokusingaperi uye kuti simba raMwari richiripo kushandiswanaavo vanotenda nokugamuchira.

Mukushanya kwangu somumishinari Zasi kweAfrika,Mwari akandiropafadza zvokuti pandakasvika Dhebheninzvimbo chete yaikwanisa kuungana vanhu yakanga irinhandare yemijaho yamabhiza yakakurisisa inova yechipiripakukura pasi pose. Mhomho yavanhu yaidairika 100,000.Kuitira kuchengetedza runyararo vakaisa fenzidzokuparadzanisa marudzi akasiyana-siyana. Vakaisa mazananamazana amapurisa kuti vanhu varambe vakadzikama.Vanhu vose ava vaiva nenzara vakanga vabva nzvimbo dzirikure chose. Mambokadzi aibva Rodhisha akanga aunzachitima chaiva namaturoko 27 chakatutirwa vanhu Vatema.Vakaparapatika vachiita zvokunetseka chose kuti vapindevachipfuura nomuminda nomumakomo vakabereka kumisanayavo vadikanwi vavo vaida rubatsiro kwamamaira namamaira.Nyika yose yakanga yazunguzwa namabasa makuru akangaaratidzwa noMweya Mutsvene.

Mumwe musi masikati, mumwe wezvuru nezvuruzvavanhu vechitenderi chechiMohamedhi akauyapapuratifomu. Paakanga akamira pamberi pangu,mumishinari kuvanhu vechiMohamedhi akatanga kukumbiraIshe achiti zvinyoronyoro, “O-o, kungoitira mweya uyuunokosha. O-o, kungoitira mweya uyu unokosha.” Akangaagarako kwamakore namakore, asi kana tichitevedzerauchapupu hwake iye pachake, akanga aona munhuwechiMohamedhi MUMWE chete achiuya kuzogamuchira JesuKristu soMuponesi. Vakatanga vari vaPersia nechiMidhia vanemitemo isingashanduki. Vakaoma zvikuru kuvatendeusa.Zvairatidzika sokunge kuti “kana munhu waera waitamuMohamedhi wairamba uri muMohamedhi” ndiwo mutemopakati pavo. Zvino, paakanga amire pamberi pangu,ndakatanga kutaura kwaari nokuna avovo vose vaivamunhandare vachizvinzwa navaturikiri. Ndakati, “Handizvohere kuti mamishinari akakuudzai pamusoro pomunhu wavaitiJESU Akauya kuzokuponesai?” Mungadai makaonakutarisana kwakaita vanhu pandakataura izvi. Zvino

Page 313: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 303

pavakanga vapindura kuti izvi zvakanga zvirizvondakaenderera mberi ndichiti, “Asi mamishinariakakuverengerai here kubva muBhuku iri (ndakasumudzaBhaibheri rangu mudenga kuti vose varione) kuti Jesu mumwechete uyu akanga ari muporesi wamasimba makuru, uye kutiAizorarama muvanhu vaKe kudzira namazera kusvikiraAdzokazve kuzovagamuchira kwaAri? Vakakuudzai here kutinokuda kwoMweya wakare iwoyo uri mavari waiva muna Jesuvaizokwanisa kuita mabasa amasimba mamwe chete iwawosezvakangoitavo Jesu? Vakakutaurirai here kuti munogonakuporeswa, sokugona kwamunoitavo kuponeswa? Vanganivanoda kuona Jesu uyu achiburuka kuva pakati pedu achiitazvimwe chetezvo zvaAkaita paAkanga ari pano panyikamakore akarekareko?” Vose vaida kuti izvi zviitike. Ndichochimwe chete chavakawirirana zvirokwazvo.

Zvino ndokubva ndaenderera mberi ndichiti, “Kana JesunoMweya waKe Achigona kuita zvaakaita achiri panyika,muchatenda Shoko raKe here, zvino?” Apa zvino ndipopakanga pachino mukadzi wechiMohamedhi uya akanga amirepamberi pangu. Mweya wakatanga kufamba mandiri.

Ndakati kumukadzi uyu, “Zvino, unoziva kuti inihandikuzivi. Handitombogoni kana kutaura mutauro wako.”Akabvuma izvi. Ndikati, “Kana iri nyaya yokukuporesa,unoziva kuti handikwanisi. Asi wanzwa mharidzo masikatiano ukandinzwisisa.” Muturikiri wake wechiIndiaakamupindurira achiti akanga anzwisisa, nokuti akangaaverenga Testamente Itsva.

Zvino vanhu vechiMohamedhi ndovedzinza raAbraahama.Vanotenda Mwari Mumwe chete. Asi vanoramba kuti JesuMwanakomana waMwari vachitora Mohamedhi sandiyemuprofita waMwari. Vanoti Jesu haana kumbofa akamukakuvakafa. Izvi vanozvidzidziswa navaprista vavovachizvibvuma.

Ndakati, “Asi Jesu akafa akamukazve. Akatuma MweyawaKe kudzoka kukereke. Mweya iwoyo wakanga uri maArindiwo mumwe uri mukereke iko zvino uye Unokwanisa uyeuchaita zvakaitwa naJesu. Jesu Akati muna Johane 5:19,“Mwanakomana haagoni kuita chinhu Ega, kana AsingaoniBaba vachichiita: nokuti zvose zvaVanoita ivo, Mwanakomanaunozviita saizvozvovo.” Saka zvino, kana Jesu akauyaakazarura kwandiri kuti chii chinokunetsa kana kutichawavinga pano _ kana Akanditaurira zvoupenyu hwakohwakare, zvirokwazvo unogona kubvuma zvichauya?”

Akataura nokumuturikiri wake kuti, “Hongu,ndinokwanisa.”

Ndakati, “Zvakanaka, ngaAzviite.”

Page 314: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

304 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Vaya vechiMohamedhi vakanga vakanyatsotarisisazvokuperera. Vose vakanga vakatokotamira mberi kuti vaonekuti chii chaizoitika.

Ndokubva Mweya Mustvene wataura uchiti, “Murumewako murume mupfupi, mukobvu, ane ndebvu dzokumusoronhema. Una vana vaviri. Wakashanyira chiremba mazuvamatatu apfuura akakuongoora. Une buri mudumbu makorinochengeta mvura dzine tsvina pachibereko.”

Akakotamisa musoro wake achigutsirira achiti, “Ichiichokwadi.”

Ndakamuvhunza kuti, “Ko zvaita sei kuti unouyakwandiri, ini muKristu? Waregerei kuenda kumuprofita wakoMohamedhi?”

Akapindura achiti, “Ndinofunga kuti munogonakundibetsera.”

Ndakati, “Handigoni kukubetsera, asi kana ukagamuchiraJesu Kristu soMuponesi wako, Uyo Ari pano iko zvino,nokuziva zvose pamusoro pako, Achakubetsera.”

Akati, “Ndinogamuchira Jesu soMuponesi wangu.” Izvindizvo zvakazvidenha. Akaporeswa ndokubva vamwevechiMohamedhi vane zvuru zvingagosvika gumi vakauyakuna Kristu musi uyu nokuti Evhangeri rakaparidzwanezvinhu zviviri pamwe chete zvinoti Shoko uye simba. Mwarihaana kumbotaurira munhu kuti ashande kwamakore makumimatatu achizoshaya chaanokohwa. Akatipa mukovawakazaruka weShoko uye simba uye izvi ndizvo zvatinofanirakushandisa. Ndizvo zvakapa Pauro shumiro yake huruhuruyakashanda zvikuru. I Vakorinte 2:4 inoti, “Neshoko rangunokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzeraouchenjeri, asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba.”

Tererai kwandiri zvino. Yaiva nguva yandakanga ndiripakushanya uku pandakanga ndichikwira ndege paSozibheriItsva, muRodhisha, pandakaona boka ravanhu vana vakangavana magwaro okufambisa enyika yeAmereka. Ndakaendakwavari ndikati, “Kwaziwai apo, ndinoona kuti munamagwaro okufambisa eAmereka. Pano kwamuri kuenda here?”

Murume wechidiki akandipindura achiti, “Kwete, tose tirimamishinari muno.”

Ndakapindura ndichiti, “Zvakanaka sei.” “Muri pachenyuhere kana kuti muri kushanda muri nhengo dzerimwesangano?”

Akati, “Tiri maMethodist. Tinobva Wirimo, Kendaki,”Ndakati, “Zvakanaka, kwamunobva kunenge pachivanze

changu chaipo.”“Kuti hamungadei muri uya Hama Branham vanobva

nechaikoko here?”

Page 315: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 305

Ndakati, “Hongu, ndizvo chaizvo.” Izvi zvakaita sokungezvamurapa. Haana kuzombotaura kana rimwe shoko _ uyenzira yavakaringaringa vachitarisana nayo iye navasikanavaya vatatu. Saka ndakati, “Mira zvishoma mwanangu,ndinoda kumbotaura nemi mose pamusoro pezvimwe zvisungozvokutevedza, sezvo tose tiri maKristu uye tiri kuno nokudakwevavariro yedu. Zvino munoti imi magara muno kwamakoremaviri. Munogona kutaura here muZita raJesu kuti munogonakunongedza mweya mumwe chete wamakaunza kunaShe?”Havana kukwanisa kuita izvi.

Ndakati, “Handisi kuda kudzimbira mweya yenyu,vasikana,” “asi mose munofanira kunge muri kumushamuchibetsera vanamai venyu kusuka ndiro. Hapana zvamurikumboita kuno kusiya kokuti mazadzwa noMweya Mutsveneuye muchiparidza Evhangeri yechokwadi nokuratidza simbaroMweya Mutsvene. Kana musiri kuona zvibereko zvakanzinaJesu maizoona, imhosva yokuti hamusi kuparidza Evhangeriyechokwadi.”

Regai ndimbotora chinhanho kuende mberi kutindikuratidzei kuti zvinhu zvinogona kumira sei imomuchimishinari ichi. Handisi kuti zvakadero kwose kwose, asindino urombo kuti zvizhinji zvacho ndozvazvakaita. Yaivanguva apo ndakanga ndiri parwendo rwumwe chete urwupandakanga ndichishanyira Dhebheni ndina meya apondakaona munhu mutema ane chikwangwani muhuro makeachirongedza chifananidzo. Ndakavhunza shamwari yangukuti chikwangwani ichi chaiva chei akandipindura kuti kanamunhu mutema akagamuchira chiKristu vaimuisachikwangwani. Izvi zvakandikatyamadza zvirokwazvo, nokutihouno munhu aizviti muKristu asi iye wotakura chifananidzoichocho, saka ndakavhunza kuti zvaigona kudaro sei.

Akati, “Ndinogona kutaura mutauro wake. Ngatiendekwaari tindotaura naye.”

Saka takaenda kwaari meya uyu akaita muturikiri.Ndakavhunza munhu mutema uyu kana aiva muKristu.Akabvuma kuti zvirokwazvo aiva muKristu. Ndikabvandavhunza kuti nemhaka yei aitakura chifananidzo kana aivamuKristu. Akapindura kuti chaiva chifananidzo chaimbengechiri chababa vake chavakamusiyiravo. Pandakamutaurirakuti muKristu haafaniri kutakura zvifananidzo akapindurakuti chifananidzo ichi chakanga chabetsera baba vake zvikuru.Ndakava neshungu dzokuda kuziva kuti zvaiita sei,akanditaurira kuti rimwe zuva baba vake vakangavachinyangirwa neshumba, saka vakavesa mwoto ndokutaurakuchifananidzo ichi nenzira yavakanga vataurirwa nen’anga.Shumba yakabva yaenda. Ndakamuudza kuti mwoto ndiwowakanga waita kuti shumba iende nokuti mhuka dzinotya

Page 316: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

306 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

mwoto. Handimbofi ndakakanganwa mhinduro yake. Akati,“Zvakanaka, asi zvinodai sezvizvi, kana (Mweya)wakundikana, chifananidzo chino hachikundikani.”

(Tsananguro yakawanda yokushanyira Afrika inogonakuwanikwa mubhuku rinonzi, “Muprofita anoshanyiraAfrika.”)

Iri ringangova ndiro simba chete rine mhomho nemhomhodzamaKristu nokuti Shoko harina kuunzwa kwavari nenzirayomukova wakazaruka wapamavambo apaPentekosti.

Zvino tichidzokera kumukova wakazaruka wechimishinaricheZera reFiradherfia. Rakanga risina mukova wakazarukawesimba raraifanirwa kunge rinaro. Cherechedzai kutimundima imwe chete yaAnotaura mukova wakazaruka iwoyu.Anoti, “Une simba shoma hako.” Izvi ndizvozvo chaizvo.SIMBA roMweya rakanga richishayikwa muzera iri. Shokorakaparidzwa chose. Rakakwanisa zvikuru kuita kuti vanhuvave nouchenjeri pamusoro poruponeso. Asi simba gurugururaMwari rairatidza pachena mabasa aRo, rakaisa pachenaruoko rwaRo kuitira vaKe rakanga risipo kusiya kwapamapokaakanga akapararira. Asi zvisinei, Mwari ngaarumbidzwe,nokuti rakanga richikura uye rakanga ratowedzera kudarikasimba ravaiva naro muzera roKuvandudzwa.

Maiva muzera iri apo murume watinowanza kuti ndivobaba vamamishinari akabuda kuenda. Uyu ndiWiriyamu Keri,musoni weshangu womuruwa, aiva mufudzi weKerekeyeParticular Bhaptist paMoulton, muEngland, akazunguzanokumutsa vanhu achiparidza pamusoro pokuti, “ndizvo herekana kuti kwete kuti rayiro yakapiwa vaApostora kutivadzidzise marudzi ose yakanga isingafaniri vashumiri vosevaitevera kusvika kumagumo enyika, sezvo vimbisoyakabatanavo nerayiro kungosvikavo ikoko.” AkarwiswanovechiKarivhini vakanga vasvika pakapindiridzapokudzidzisa sananguro vachitenda kuti vose vachaponeswaVACHAponeswa chete nokuti basa rechimishinariraizopinganidza basa roMweya. Asi Andrea Fura wakabetseraVaKeri nenzira yokuparidza kwake nokutsvaka kwaaiita mari.Basa ravo iri rakawana chimuko zvokuti sangano rakaumbwarokuparadzira Evhangeri kumarudzi ose, rakaumbwa mugorera1792. Sangano iri rakatuma Keri uyo akanga akaropafadzwanaMwari zvaiva pachena pakubudirira kuwana mweyayavaitendeuka muIndia. Muna 1795 chiKristu chakanga zvinochamutswa chakaumba Sangano reLondon Missionary Societyiro ratinoziva kuti rakaunganidza mamiriyoni namamiriyoniamapondo, vakatuma zvuru nezvuru zvamamishinarikwamakore namakore kuti vabudirire mukuita zvaidiwanaShe. Mweya waMwari wakanga uchifamba uye “Mamwemakwai” pamwe kwaitova kuchema kwemwoyo yavatendi avavaiita zvomwoyo wose.

Page 317: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 307

“Ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka.” Ndinodakutarisa mashoko awa zvakare. Nguva ino, nyangwe zvangundisingazomatsauri kubva kune zvechimishinari, ndirikuzokuunzirai pfungwa inopinda mukatikati mezerarokupedzisira. Sezvandatotaura kare, zera iri rinovambukiranokubatana nerokupedzisira. Maiva muzera iri makanzinaJesu, “Ndinokurumidza kuuya” (ndima 11), uye pamusoropezera rokupedzisira “Ishe achaita panyika Shoko raKe;nokuripedzisa nokukurumidza”. VaRoma 9:28. Cherechedzaikuti ndima iyi yaZvakazarurwa 3:8 inoti _ “mukovawakazaruka _ simba shoma, Shoko, Zita.” Mukovawakazaruka uyu une chokuita nezvose zviri zvitatu. Zvinomukova unomirira chii? Muna Johane 10:7, munonzi, “ZvinoJesu akati kwavarizve, Zvirokwazvo, zvirokwazvo, Ndinotikwamuri, NDINI MUKOVA WAMAKWAI”. Izvi ndizvochaizvo: ‘NDIRI’ NDIYE mukova wamakwai. Zvino awahaazati achingova mashokovo zvawo akare. Izvi ndizvozvazviri chaizvo. Cherechedzai kuti muna Johane 10 apo Jesuari kupa mufananidzo uyu, AnoZvidaidza kuti mufudzi.Anobva AZvidaidza kuti mukova. Zvino mufudzi izvi ndizvozvaari kumakwai. Anotova iye mukova chaiwo.

Apo ndakanga ndiri kuMabvazuva ndakaona kuti pausikumufudzi aiunganidza makwai ake ose pamwe chete. Aimaisamuchirugu. Aizobva omaverenga. Aiti kana agutsikana kutiose aivapo, aibva avata pamukova wakazaruka wechirugu kutiiye abve atoita iye sasa rechirugu chacho. Hapana aipindakana kubuda asina kutopfuura nopaari. Ndiye akanga ari sasa.Chifumi pandakafamba neshamwari tiri mujipindakacherechedza kuti mufudzi akatanga kutungamiriramakwai ake kupinda muguta. Pakarepo motokari nezvimwezvifambiso zvose zvakabva zvangomira kuitira kuti makwaiapfuure. Zvino maguta okuMabvazuva uku haana kuitasezvakaita okuno. Tinochengeta zvitengwa nezvitengeswazvedu mukati memba; asi ikoko, zvinenge musika wezvirimwamukurukuru une zvose zvirimwa pamhene kuitira vapfuurikuti vaone nokutenga. Ndakafunga kuti, “Nhasi zvangu,hapano panotanga nyonganyonga nemhirizhonga. Ingomiraichete muone pachangoona makwai awa kudya kwose uku kuripamhene.” Asi sokungotungamirira kwaiita mufudzi, makwaiawa akangomutevera achingotsika nopaaitsika napo chaipo.Aigona zvawo kutarira kune zvose izvi zvaidonhesa rute, asihapana kana gwai rimwe chete zvaro rakananzva kana chinhuchimwe chete zvacho. O-o, dai ndaigona zvangu kutauramutauro wavo, ndingadai ndakamisa zvose zvifambiso inipachangu kuti ndivaparidzire mharidzo pamusoropezvandakanga ndichangobva kuona.

Kana muri makwai oMufudzi Mukurukuru,munongotevera chete napose paAnotsika, sezvaingoitavo

Page 318: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

308 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

makwai awa. Hauzomboidzwi kuti ucheukire kune rimwe ruvaguru rekereke, kana kuteerera kuinzwi romumwevo ane D.D.kana Ph.D. kana L.L.D., asi kuti unongogara noMufudzi chete.Bhaibheri rinoti makwai anoziva inzwi raKe uyeanoMUtevera, asi inzwi romweni rinongoita kuti atize kanakumhanya achitevera Mufudzi wawo wechokwadi. Mwaringaarumbidzwe.

Asi izvi handizvo chete zvandakaona nokudzidzakunzvimbo iyi. Mumwe musi ndakatanga kufunga pamusoropokuona kwandakanga ndaita varume kuminda vachifudzamhuka dzakasiyana. Mumwe aifudza nguruve, mumweachifudza mbudzi, mumwezve achifudza ngamera, mumweachifudzavo nyurusi, nezvimwe. Saka ndakavhunza shamwariyaigarako kuti, vanhu ava vaivadaidza kuti chii.Akandipindura achiti, “O-o,” “vafudzi.”

Handina kukwanisa kutambira izvi. Ndakati, “Uri kurevahere kuti VOSE munovati vafudzi. Vafudzi vanofudza makwaichete, handiti?”

Akati, “Kwete,” “mufudzi munhu anorisa zvipfuwo, sakaani nani anorisa mhuka mufudzi.”

Zvino, izvi zvakandikatyamadza. Asi ndakaona musiyanopakati pavafudzi ava navaya vanofudza makwai. Pakasvikanguva yousiku vamwe vafudzi vose kusiya kwavanofudzamakwai vakasiya zvipfuwo zvavo kumafuro vachiendakumisha yavo. Mufudzi wamakwai akaenda namakwai akekumusha, akandomaisa muchirugu ndokubva avata achizviitaiye sasa rechirugu chamakwai ake. O-o, Mwaringaarumbidzwe, kuti Mufudzi wedu haazombofi akatisiyakana kutirasha. Kana usiku hwasvika ndinoda kunge ndirimuchirugu chaKe. Ndinoda kuchengetwa naYe.

Saka zvino, tinokwanisa kuona kuti JESU NDIYEMUKOVA. Ndiye mukova wamakwai. Uye cherechedzai kutikunotaurwa zvino pamusoro poMUKOVA UCHIZARUKA. Kozvino chingava chii kusiya kwokuti chizaruro chake? ZvinoChizaruro icho chiri kuzaruka kutiunzira Simba, kupa chiedzakuShoko nokuhwinyisa Zita raKe. Pakanga pari pakatipamazera maviri achangopfuura apo Chizaruro choUmwarihwaJesu Kristu chakabukira nokuita mashizha pamberi pedu.Hongu, tinoziva kuti Akanga ari Mwari. Ko Aizokwanisa kuvaMuponesi wedu sei? Asi kuziva kuti Akanga ari MWARICHETE, KANA KUTI MWARI EGA, kuti Akanga ariWokutanga noWokupedzisira, kuti “Jesu uyu akanga ariZVOSE ZVIVIRI BABA NAKRISTU _ ZVICHIMUITA IYEISHE JESU KRISTU, BABA, MWANAKOMANA UYEMWEYA MUTSVENE, ZVOSE MUNHU MUMWE CHETE _zvakanga zvakarashika kubva pakereke yokutanga, asi zvinotava kuzviona zvakare. Chizaruro chokuti IYE NDIANI

Page 319: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 309

chakanga chadzoka. Zvirokwazvo Umwari hahwurevi Mwariwavanhu vatatu vano unhu humwe, nokuti zvinotoda unhukuti pave nomunhu. Kana pano hunhu UMWE, panenge panomunhu mumwe chete. Asi avo vanotenda kuvanhu vatatu vanoUmwari hwavamwari vatatu uye vane mhosva yokudarikamurayiro wokutanga.

Asi zvino chizaruro choUmwari chakadzoka. Zvino kerekeyechokwadi yava kukwanisa kuvaka nesimba zvakare. Surekwenguva yose iyi yava kuziva pakupedzisira kuti Ishe Wayondiani. Zvakare tava KUBHABHATIDZA MUZITA RASHEJESU KRISTU sezvaingoitwavo paPentekosti.

Regai ndikuudzei pamusoro pokurota kwandakaitakwakabva kuna Mwari pamusoro pebhabhatidzo youtatu. Ichichakanga chisiri chiratidzo, asi kuti kurota chaiko. Munoziva,zvirokwazvo, kuti imwe ropafadzo yamazera amakerekekwaiva kugamuchira zviroto nokuda kwoMweya Mutsvene,zvimwe chetezvo nokugamuchira kunoita munhu zviratidzo.Yakanga iri nguva ingaita yetatu yousiku kana kutimambakwedza uri musi woMugovera. Ndakangandichangomuka kuti nditorere Josefa mvura yokumwa.Pandakangovata ndakabatwa nehope pakarepo ndokubvandarota hope idzi. Ndakaona murume wandakafunga kutivaiva baba vangu. Aiva munhu mukuru ano mumhu mukobvukwazvo. Ndakaonavo munhukadzi aifanira kunge ari maivangu, asi akanga asingaratidziki samai vangu, sezvakangazvakaitavo murume uyu kusaratidzika sababa vangu. Murumeuyu akanga ano mwoyo wakakasharara kwazvo kumukadziwake. Akanga ane mubhadha mukuru kwazvo waiva nomusorouna mativi matatu. Munoziva sezvinoitwa danda kanarikamiswa ndokukwamurwa mativi nesanhu, rinobva raitamativi matatu anenge echibanzuriso. Wakanga wakadaro.Aitora mubhadha wake worova mukadzi nawo, achimuwisirapasi. Akavata pasi kudaro achichema, aibva afamba-fambaakamisa diti uye kumeso kwake kuchiratidza kuzvida,nokugutsikana nokurova kwake mukadzi uyu ainzwisa tsitsi.Nguva yoga yoga yaaiedza kumuka mukadzi uyu murumewake aimurova. Handina kuzvida zvaaiita izvi, asipandakanga ndichifunga zvokumudzivisa kuita izvi,ndakafunga kuti, “handikwanisi kutangana nomurume uyu _akakurisa. Uyezve anofanira kunge ari baba vangu.” Asinechomukati momwoyo wangu ndaiziva kuti havasi babavangu, sokuzivavo kwandaiita kuti hakuna murume aivanekodzero yokuitira munhukadzi zvakadai sezvizvi.Ndakaenda kwavaiva ndikamubata nechomuhuro yehembeyake ndokumuzhozhonodzera kwandiri ndikati, “Haunakonzero yokurova mukadzi uyu.” Pandakangotaura izvi nyamayangu yakatanga kukura zvokuti ndakabva ndataridzikasedzatsatsa rerume. Murume akaona nyama dzangu akabva

Page 320: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

310 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

anditya. Ndakati, “Ukangomurova zvakare unotopedzerananeni.” Akazengurira kurova mukadzi uya, ndokubva hopedziya dzangondisiyavo.

Ndakapepuka pakarepo mushure mokurota uku.Ndakafunga kuti, izvi zvaishamisa zvakadini. Ndakashamakuti ndakanga ndaroterei mukadzi uyu, pakarepo Mwariakabva auya, ndokubva hupo hwaMwari hwaziviswa kwandirindokubva dudziro yehope yabva kwaAri. (Zvino vanhu imimunoziva kuti handina kungodudzira hope dzenyu nomazvochaimo chete; asi kutivo, kazhinji-zhinji, ndakakutauriraivokuti makanga marotei zvokuti hamuna kutozombonditaurirahope dzacho.) Mukadzi akamirira kereke yapanyika nhasi uno.Ndakaberekerwa mukusarurama uku chaiko _ mukusaruramamairi iko zvino. Yakanga yakafanira kuva chinhu chinenge mai(ndimai vemhombwe). Murume wake masangano anomutonga.Mubhadha una mativi matatu ndiyo bhabhatidzo yenhemayoutatu muvamwari vatatu. Nguva yoga yoga yaitanga mukadziuyu kumuka (zvinoreva kuti gungano rakatanga kugamuchirachokwadi) murume aimupunzirazve pasi nedzidziso iyiyenhema. Akanga akakura zvokuti ndakatya murume uyupakutanga, asi pandakatarisana naye ndakaziva kuti ndakangandine nyama huru dzine simba guru kwazvo. Dzakanga dziriNYAMA DZOKUTENDA. Chimuko chehope idzi chaivachokuti, “sezvo Mwari aneni, uye achikwanisa kundipa simbarakadaro, saka regai ndimiririre kereke ndichipikisa simbaramasangano apanyika nokumaita kuti arege zvokumurova.”

Zvino handisi kuda kumisa dzidziso pachiroto zvacho.Uyevo handisi kuedza kuratidza ururami hweipi zvayodzidziso yandinomirira nenzira yechiroto. Umwe hwoUmwarihwakazara pose kubva kuna Genesi 1:1 kusvikira kunaZvakazarurwa 22:21. Asi vanhu vakapofomadzwa nedzidzisoisingapikiswi yavamwari vatatu isiri muMagwaro, uye dzidzisoisingapikiswi iyi inogamuchirwa pasi pose zvokuti kuedzakuona “Mwari soMunhu Mumwe” hazvichatombogoneki. Kanavanhu vasingakwanisi kuona CHOKWADI choUmwari, asivachichirwisa; havangazombofi vakaona chimwe chokwadichose nokuti CHIZARURO NDIJESU KRISTU MUKEREKEYAKE UYE MABASA AKE PAKATI PEKEREKE KUITIRAMAZERA MANOMWE AMAKEREKE. Mazvibata izvi? Zvinondinovimba kuti munonzwisisa.

“Une simba shoma hako, wakachengeta Shoko raNguukasaramba Zita raNgu” Zvino tataura kare kuti simba iri ririkudzoka nomutovo upi. Rakanga rava kudzoka. Simba redareRoma rokudzvanyirira vanopikisa rakanga raderera. Vanhuvakanga vasiya nyika dzavo dzechizvarwa vachikumbiranamasimba rusununguko rwokushumira. Joko rohurongwahwoukuru rakanga rava kuvhunwa. Hurumende dzakangadzava kuona uchenjeri hwokusatsigira rimwe bande

Page 321: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 311

richirwisana nerimwe. Chokwadi chaivapo ndechokuti, vanhuvaiita nomwoyo wose asi vasina utungamiriri hwakakwanavakanga vava kuda kurwa hondo kudzivirira kodzero dzavodzokunamata. Zvichida kunganzi kuratidzwa kukurukwamasimba okunamata muzera iri kwaiva kwokuti, nyangwezvayo Furanzi yakawirwa nemhirizhonga yokushandurazvinhu nokukurumidza, rumutsiriro rukuru rwechiHwisirirwakamisa mhirizhonga kunze kweBhiriteni ndokuichengetakuti ive nyika yakashandiswa muruoko rwaMwari kwamakoreokuhwinya akawanda.

Kuparidzwa kweShoko hakuna kumbozodarika uku. ApoSatani akamutsa avo vainzi vakasununguka pakufungavakawandisisa, apo vavambi vechikominizimu vakamukavo,apo nyanzvi dzoruzivo rwezvaMwari vane pfungwadzakatambanuka vakanga vachiparadzira pfuma yavo izeretsvina, Mwari akamutsa varwi vokutenda vaiva namasimba,namabasa makuru ezvinyorwa zvechiKristu nokudzidzisanokuparidza zvakabva munguva iyi. Vaparidzi venguva iyinavadzidzisi vayo havana kumbofa vakainzanwa navo uyehavachazombofi vakainzanwa navo. Vana Sipajioni, navanaPaka, McClaren, navana Edward, navana Bunyan, navanaMeullers, Brainards, naBarnes, navana Bhishopi, vose vakabvamunguva iyi. Vakaparidza, nokudzidzisa nokunyora Shoko.Vakapa kuhwinya kuZita raKe.

KUTONGWA KWOMUJUDHA WENHEMA

Zvakazarurwa 3:9 inoti. “Tarira, Ndinokupa vamwe varivesinagoge raSatani, vanoti tiri maJudha, asi vasi ivo chaivo,asi vanoreva nhema; tarira, Ndichavauyisa kuti vanamatepamberi petsoka dzako, uye vazive kuti Ndakakuda.”

Zvino tinogona kuona pakarepo kuti dambudziko iriromuJudha wenhema kana kuti vatendi venhema rakangaratovapo nechakare muzera rechipiri. Ava vaiti maJudhazvokunyepa vakabuda pashure chaipo pokudururwakwokutanga kwezera rokutanga, uye zvino vanobudazvekechipiri mushure mokuvandudzwa. Izvi hazvisi kungoitikavozvamasanga. Zvirokwazvo, hazvisi zvamasanga. Ichichitevedzwa chaSatani. Chitevedzwa ichi ndechokuumbasangano nokukambira kuva vapamavambo zvichizoita kutivakodzere kuwana kodzero nezvimuko. Regai ndikuratidzei.Kareko muZera reSmirna vanhu ava vakanyepavachinyatsotaura kuti vakanga vari maJudha chaiwo (kanakuti vatendi) asi ivo zvavo vakanga vasimbori napaduku pose.Vakanga vari vesinagoge raSatani. Vakanga vari mhomhoyakarongwa naSatani pachake, nokuti ndimo muzera irimatakaona mavambo avarume mushumiro vachitorautungamiriri hwusina kukodzera hwedzimwe hama dzavo

Page 322: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

312 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

dzaishumiravo. (Mabhishopi akaiswa mumatunhu, pamusoropavakuru). Chakazotevera chatakaona chaiva chokuti muzeraretatu zvechokwadi pakanga pane nzvimbo yainzi “chigarochaSatani.” Zera irori rakatipa kuwanana kwekereke nenyika.Nesimba renyika richiitsigira kereke yakangaisingachakwanisiki kukurirwa kana tichitaura chaizvozvaivapo. Asi Mwari akavhuna masimba awa nyangwe zvazvopakanga pane simba renyika ndokubva kushandura kwaunzachiedza chikuru. Asi chii chakazoitika? VechiLuther vakaumbasangano vakabatana nenyika uye zvakare tinoona sinagogeraSatani richiratidzwazve muzera rino retanhatu. Zvinozvirokwazvo boka resinagoge iri haraizomboti rakanga ririraSatani. Kwete changamire. Vanoti ndovaMwari. Asivanoreva nhema. Nokuti uyo anenge ari muJudha wechokwadi(zvinova ndizvo zvavaikambira kuva) ndouyo anenge arimuJudha nechomukati _ muMweya. Saka zvino kana varimaJudha enhema zvinoreva kuti vakaita sezvinorehwa munaJakobho ndima 19 inoti, “VASINA Mweya.” Vana vaMwarivanoberekwa noMweya. Ava havana Mweya uye nokudaroHAVASI vana vaMwari zvisinei kuti vanotaura sei vachirambauye kuti vanosvika kurefu kwakadini mukuedza kwavokuratidza kuti vana vaMwari. VAKAFA. Vana vamasangano,uye zvibereko zvechokwadi hazvipo. Vakavakwa pamusoropezvitendwa zvavo pachavo, pamwe nedzidziso dzavodzisingapikiswi uye chokwadi hachisi mavari nokuti vakatorakupa kwavo vakakuisa pamusoro peShoko raMwari.

Regai ndikuratidzei zvandanga ndichiedza kudzidzisakwose kwandabva ndichitaura pamusoro pemizambiringamiviri inobva kumweya miviri yakasiyana. Iko zvino toraimuenzaniso waJesu naJudhasi. Jesu akanga ari MwanakomanawaMwari. Judhasi akanga ari mwanakomana wokutukwanokuparadzwa. Mwari akapinda muna Jesu. Satani akapindamuna Judhasi. Jesu akanga ane shumiro yakazara yoMweyaMutsvene nokuti “Kuti Mwari akazodza sei Jesu weNazaretanoMweya Mutsvene nesimba: Iye waipote nyika achiitazvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiyabhorosi;nokuti Mwari waiva naYe.” Mabasa avaapostora 10:38. Inoti,“Nokuti wakanga (Judhasi) averengwa pamwe chete nesu,akapiwa MUGOVE wake pabasa iri,” Mabasa 1:17. Mateo 10:1inoti, “Zvino Wakadanira kwaAri vadzidzi vaKe vane guminavaviri, Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kutivaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose”.

Mweya iwoyo wakanga uri muna Judhasi wakaendereramberi mushumiro yaJesu yose. Vose vakasvika pamuchinjikwa.Jesu akaroverwa pamuchinjikwa, achipa Upenyu hwaKenomufaro kuitira vatadzi uye akapira Mweya waKe kunaMwari. Mweya waKe wakaenda kuna Mwari ukazodururirwamukereke paPentekosti. Asi Judhasi akadzungira mweya wake

Page 323: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 313

ukadzokera kuna Satani, asi mushure mePentekosti mweyauyu wakanga uri muna Judhasi wakadzoka kumuzambiringawenhema uyo unokura pamwe chete chaipo nomuzambiringawechokwadi. Asi cherechedzai, mweya waJudhasi haunakumbofa wakasvika paPentekosti. Hauna kumbofa wakauyakuzogamuchira Mweya Mutsvene. Hawaikwanisa kudaro. Asizvino mweya waJudhasi uyu wakanange chii? Wakabvawangonanga saga rendarama. Aida mari kwazvo. Uchirikungoida mari nanhasi. Kana uchifamba-famba muZita raJesuuchiita zvinhu zvikurukuru nokuita misangano mikurukuru,uchiri kuita zvemari yakawanda nedzimba, nedzidzo nezvosezvepfungwa dzenyama dzezvinobatika nokuonekwa.Cherechedzai mweya iwoyo uri pamusoro pavomusanyengedzwa. Judhasi aiitavo zvose somumwe wavadzidzivane gumi navaviri uye, achiitavo zvishamiso. Asi akangaASINA Mweya waMwari sowake. Akanga ane shumiro. Asihaana kumbofa akasvika paPentekosti sezvo akanga asirimbeu yechokwadi. Akanga asiri mwana waMwariwechokwadi. Kwete changamire. Uye izvi ndizvo zvazviri iyenhasi uno musinagoge raSatani. Musanyengedzwa.Hamuzombonyengedzwi kana muri vavasanangurwa chaivo.Jesu akati hamuzombonyengedzwi.

Hongu, vanhu ava vanoti maKristu asi havasi makristu.“Ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako,

uye vazive kuti Ndakakuda.” I Vakorinte 6:2 inoti, “Hamuzivihere kuti vatsvene vachatonga nyika?” Hapachangozovinavaapostora vane gumi navaviri chete pazvigaro zvoushezvine gumi nezviviri vachitonga marudzi ane gumi namaviriavaIsraeri, asi, pachazenge pana vatsvenevo vachitonga nyikayose. Apo ndipo pachazenge avo vanokambira kutindovaMwari nokukambira kuti Mwari anovada vachizozivazvizere kuti mwana waMwari ndiani uye kuti ndiani anodiwanoMwanakomana. Hongu, zuva iri riri kuuya apozvicharatidzwa. Avo vari kutonga nyika muchiero iko zvino,uye avo muzera rokupedzisira vachavakira chikaramufananidzo wacho wavachashandisa kutonga nyika chaiko,rimwe zuva vachaderedzwa nokunyadziswa Jesu paachauyanavatsvene vaKe kuzotonga nyika mukururama. Izvi ndizvochaizvo zvataona muna Mateo 25 apo “Vose” avovakanzvengwa nokumuka kuvakafa kwokutanga vachamirapamberi poMutongi nomwenga waKe.

KURUMBIDZA UYE VIMBISO

Zvakazarurwa 3:10 inoti, “Zvawakachengeta shokorokutsungirira kwaNgu, Ndichakuchengetavo panguvayokuidzwa, yodo kuuya panyika yose, kuidza vanogarapanyika”.

Page 324: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

314 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Anorevei namashoko okuti “shoko rokutsungirirakwaKe?” VaHebheru 6:13-15 inoti, “Nokuti Mwari pakupikiraAbrahama, wakapika naIye Amene, nokuti wakanga Asinomukuru kwaari waangapika naye, akati, Zvirokwazvonokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanzandichakuwanza. Nokudaro, wakati atsungirira, akawanachipikirwa.” Muri kuona kuti Mweya uri kutaura pamusoropeShoko raMwari rinopiwa kwatiri. Kumirira kuzadziswakweShoko kwaitoda kutsungirira sezvazvakangoitavo panaAbrahama. Akazvipira nokutsungirira pakuona Iye Uyoasingakundwi. Akatsungirira ndokubva Shoko razozadziswapakupedzisira. Iyi ndiyo nzira Mwari yaanodzidzisa nayovanhu vaKe kutsungirira. Ko, kana Akazadzisa Shoko raKemukuratidzwa kwapazvinhu chaizvo panguva iyoyo chaiyoyamakanyengetera, hamaizombofa makadzidza kutsungirira,asi kutoti maitonyanya kuitira upenyu chinyanokusatsungirira. Regai ndikuratidzei zvirokwazvo izvivakatonyanya kuiswa pachena zvakazara. VaHebheru 11:17inoti, “Nokutenda Abrahama, achiedzwa, wakabayira Isaka:iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa (ShokoraMwari) akanga achibayira mwana wake akanga aberekwamumwe woga.” Hezvo: Abrahama akaedzwa PASHUREpokunge agamuchira Shoko reVimbiso. Vamwe vanotipatinenge chete tangonyengetera muZita raJesu pamusoropevimbiso dzakanaka dzaMwari dzokuti hakwaizokwanisakuva nokutongwa. Asi pano panonzi Abrahama akaedzwapashure pokugamuchira vimbiso. Izvi ndizvo chaizvo zvazvirikana tichitevedzera Muimbi waMapisarema achitaurapamusoro paJosefa, 105:19 achiti, “Kusvikira panguvayakaitika Shoko rake: Shoko raJehovha rakamuedza.” Mwarianotipa vimbiso dzakapfurikidza kukura nokukosha.Akavimbisa kudzizadzisa. Achadzizadzisa. Asi kubvapanguva yatinonyengetera kusvikira panguva yatinowanamhinduro tinofanira kudzidza kugamuchira kutsungirirapamweya yedu nokuti mukutsungirira chete ndimomatinowana upenyu. Mwari ngaatibetsere kuti tidzidzechidzidzo ichi sokuziva kwatinoita vanhu vezera iriretanhatu vakadzidza kutsungirira. Tinoverenga nhoroondoyoupenyu hwavaKristu vakurukuru; kusiyana kwakadinikwatioona pakati poupenyu hwavo nohwedu nokuti vakangavakatsungirira nokunyarara chose, uye nhasi takakurirwanechinya nechimbichimbi.

Anoenderera mberi achitaura kwavari achiti, “Nokudakwokuti makatora Shoko raNgu mukarirarama zvakazoitakuti muve nokutsungirira, Ndichakuchengetai panguvayokuedzwa ichauya panyika, kuzoedza avo vanogara panyika.”Zvino pano zvakare tinoona kuvambukirana kwamazeramaviri; nokuti vimbiso iyi ine chokuita nokuguma kwenguvayamaHedheni inopedzisira noKutambudzika Kukurukuru.

Page 325: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 315

“Ndichakuchengetavo panguva yokuedzwa, yodo kuuyapanyika yose, kuedza vanogara panyika.” Ndima iyi haisikutaura kuti kereke yechokwadi ichapinda ichipfuuranomukutambudzika kukurukuru. Dai yanga ichireva izviingadai yakataura kudaro. Asi yakati, “Ndichakuchengetapanguva yokuedzwa.” Kuedzwa uku kwakafanana chaizvonokwomumunda weEdheni. Richange riri sezano rinokwezvachaizvo rinenge richimiswa richipikisana neShoko raMwarirakarayirwa, asi pamaonere okuronga pfungwa kwomunhupfungwa iyi inenge iriyo chaiyo yakanaka, ichipa chiedzanokupa upenyu zvokuti nyika yose inonyengedzwa.Vasanangurwa chete ndivo vasingazonyengedzwi. Muedzo uyuuchauya sezvizvi. Sangano ramakereke rakatotanga kuitazvinoratidzika sokunge chisungo chokutevedza chakanakisisanokuropafadzwa (chichizadzisa munyengetero waKristuwokuti dai tose tava vamwe) rinova nesimba munezvamatongerwe enyika zvokuti rinomanikidza hurumendekuita kuti vanhu vose vabatane naro nokunyatsouya kwaririkana kuti nenzira yokungotevedzera zvisungo zvokutevedzazvakaitwa mitemo kuitira kuti vanhu vasazombozikanwasamakereke chaiwo kusiya kwokutoti vachitongwa chaizvokana kutongwa zvakapesedzera nekanzuru yamakereke.Mapoka maduku acharasikirwa nemvumo dzakanyorwa,nezvimuko, nezvimwe, kusvikira varasikirwa nezvinhu zvavozvose nekodzero dzavo pavanhu pane zvomweya.Somuenzaniso, iko zvino uno mumaguta mazhinji kanamubatanidzwa wavafundisi vomunzvimbo iyoyo vatobvuma,kana asiri maguta ose zvawo, munhu haakwanisi kukweretaimba kuishandisira zvokupindira svondo. Kuva vafundisimumauto, nomuzvipatara, nedzimwe nzvimbo dzoruzhinji,mazuvano zvava kuita sokutomanikidzwa kuti muve sanganorinogamuchirwa neboka ramakereke anoti kuna vamwarivatatu. Sokukura kunenge kuchiita manikidzo iyi, uyeichatokura chete, zvichanyanya kugozha kuzvipikisanokuzviramba, nokuti kuzviramba kuchareva kurasikirwanechimuko. Saka vazhinji vachabatwa nomuedzo wokutivabvume, nokuti vachanzwa sokunge zvitori nane kushandiraMwari muruzhinji muurongwa hwesangano iri pano kutotadzakushumira Mwari zvachose paruzhinji. Asi apa kunenge kurikuposha. Kubvuma nhema dzeDhiyabhorosi ndikovokushandira Satani, nyangwe zvazvo mukada kumuti Jehovha.Asi vasanangurwa havachanyengedzwi.

Zvakare, vasanangurwa havasi kuzongochengetwa chete,asi kutoti panenge sangano iri rava “MUFANANIDZOWAKAMISIRWA CHIKARA,” vatsvene vanenge vatoendamukubvutwa. Zvino kasangano aka kanonakidza,nokuyevedza kakatanga mukuyanana paEfeso kachavachikara chaSatani chinosvibisa nokunyengera nyika yose.Nokuti urongwa hweKereke yeRoma namaProtestanti

Page 326: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

316 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

mukubatana kwazviri kuzoita zvichatonga upfumi hwapasipose nokumanikidzira nyika yose muriva razvo rechinamato,kana kuti zvichavauraya, nenzira yokuramba nechimukochavo chokutenga nokutengesa kunovararamisa. Izvizvichaitwa nokubudirira nyorenyore, nokuti vanasikanavemhomwe vakatodzokera kwairi. Kwazvino, Roma yakatengandarama yose inowanikwa. MaJudha ndiwo ane imwe mariyose yamapepa. Panguva yakasisa, mhombwe ichaparadzamari dzose dzamazuvano nenzira yokubvisa dzimwe maridzemhando dzose ichiti, kwava kungodiwa mari yendaramachete. Pasina ndarama, urongwa hwose hwunokundikana.MaJudha achabatwa achizovavo nhengo yokubatana uku, uyekereke yemhombwe ichatora nyika yose.

VIMBISO KUNO VAKE

Zvakazarurwa 3:11-12 inoti, “Tarira, Ndinokurumidzakuuya: batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa koronayako. Unokunda Ndichamuita mbiru mutembere yaMwariwaNgu, haangazobudimozve: Ndichanyora pamusoro pakeZita raMwari waNgu, nezita reguta raMwari waNgu,Jerusarema idzva, rinoburuka kudenga kuna Mwari waNgu:neZita raNgu idzva.

Hazvitombodiwi kuti titaure pamusoro pepfungwa yokutiAri kuuya nokukurumidza. Tinozviziva izvi nokuti tirimukupera kwenguva yokupedzisira, handiti? Asi Anoendereramberi achitaura kuti, “Batisisa zvaunazvo, kuti kuregekuwana munhu anokutorera korona yako”.

Panenge pari pakati penguva yokutambura kukuru apoJesu anouya. Uye pakuuya kwaKe pano kumuka kuvakafa.Vazhinji vachamuka kubva kuguruva vachisimudzwa pamwenaavo vapenyu vakamirira kudzoka kwaKe. Uye avavachapiwa korona. Nemhaka yei? Nokuti VanakomanavaMwari. Madzimambo pamwe chete naYe. Vari kutonganaYe. Izvi ndizvo zvinomirira korona _ kutonga nokuvanesimba pamwe naMambo Mukurukuru, iye pachaKe. Iyindiyo vimbiso kuna vose vanotambura pamwe chete naYe panopasi _ vose avo vanorwadziwa mukutsungirira vachiziva kutiMwari, Mutongi Wakarurama achavapa mubayiro. Ivovakasiya zvose nokuda kwaKe nokuisa zvose kwaArivachagara pasi muchigaro chaKe choushe nokugoverana nayemuumambo hwaKe hwokuhwinya.

O-o, tine shoko rinoreva isu tose panguva ino. Shoko irinderokuti batisisa _ tsungirira. Usaregedza. Pfeka hanzudzaMwari dzokurwa dzose _ shandisa chombo choga chogachaAkatipa _ shandisa chipo choga choga chaAkatipanokutarira mberi nomufaro, nokuti tiri kuzopfekedzwa koronanaIye Anova Mambo waMadzimambo uye Ishe waMadzishe.

Page 327: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 317

Zvino haAsi kungopa korona chete asivo kuti Atoti ava varimumwenga vachava mbiru dzetembere yaMwari. Asi iyotembere yaMwari chinombove chii? Jesu akataura pamusoropomutumbi Uno setembere. Yaiva iri tembere. Yakanga iritembere yaMwari. Asi iko zvino tiri mutumbi waKe, kerekeyechokwadi itembere yaMwari noMweya Mutsvene uri matiri.Zvino Ari kuzoita mukundi mbiru yetembere iyoyo. Asi mbiruchinombove chii? Chaizvo ndezvokuti mbiru ibande rohwaronokuti inotsigira muviri wose wapamusoro. Mwaringaarumbidzwe, uyo anoisa mukundi chaipo pamwe chetenavaapostora navaprofita, nokuti zvinonzi muna vaEfeso 2:19-22, “Naizvozvo hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwopamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari; Makavakwapamusoro penheyo dzavaapostora navaprofita, Kristu JesuAmene ari ibwe rapakona; MaAri imba yose yakasonganiswakwazvo inokura ive tembere tsvene munaShe: MaAri nemivomakavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwarimuMweya.” Hongu, ndima 22 iyi inoti takavakwa pamwe chetenavo. Zvose zvakapfuura napaMUKOVA (Jesu) uye zvikamuzvomutumbi iwoyo kana kuti tembere. Zvino kana Mwariachiisa munhu mutembere sembiru achimuita chikamu chebokairi rapahwaro Ari kuitei? Ari kumupa chizaruro cheShokonechake pachaKe, nokuti ndizvo chaizvo zvakanga zvinavaapostora navaprofita. Mateo 16:17. Hoyo uyo arimo muShokoiroro. Hoyo amirepo. Hapana anokwanisa kumubvisa.

Fungisisai pamusoro peshoko iri, “kukunda”. Johaneanovhunza muvhunzo achiti, “Ndiani mukundi?” uyemhinduro inouya pakarepo ichiti, “Uyo unotenda kuti Jesundiye Kristu.” Haati mukundi ndouyo anotenda kunomumwevo zvake munhu ‘Anonzi’ Jesu kana kuti mumwevo‘Zvake’ Kristu, asi kuti anotenda kuti Jesu NDIYE KRISTU _munhu MUMWE _ kwete vaviri. Ndouyo anobhabhatidzwamuZita raShe Jesu Kristu.

Pano Mwari ari kutaura pamusoro pomwenga. Munodahere kuona mumwe mufananidzo womwenga uyu? Uri munaZvakazarurwa 7:4-17 inoti, “Ndikanzwa kuwandakwavakaiswa chisimbiso: vane zvuru zvine zana namakumimana nezvina vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi oseavana vaIsraeri. Kurudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvine gumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vane zvuruzvine gumi nezviviri. Kurudzi rwaGadhi vane zvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaAseri vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaNaftarimi vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaManase vane zvuru zvine guminezviviri. Kurudzi rwaSimoni vane zvuru zvine gumi nezviviri.Kurudzi rwaRevhi vane zvuru zvine gumi nezviviri. KurudzirwaIsakari vane zvuru zvine gumi nezviviri. KurudzirwaZebhuroni vane zvuru zvine gumi nezviviri. Kurudzi

Page 328: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

318 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

rwaJosefa vane zvuru zvine gumi nezviviri. KurudzirwaBenjameni vane zvuru zvine gumi nezviviri. Shurekwaizvozvo, ndakatarira, ndikavona, vazhinjizhinji,vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzosenamarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigarochovushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguvo chena,vakabata michindwe mumavoko avo; vakadanidzira nenzwiguru, vachiti, Ruponeso ngaruve kuna Mwari Unogarapachigaro chovushe, nokuGwayana. Ipapo vatumwa vosevakamira vakakomba chigaro chovushe, vakawira pasi nechisopamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari, Vachiti,Ameni: Kurumbidzwa, nokuhwinya, nokuchenjera, nokuvonga,nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kuna Mwarinokusingaperi-peri. Ameni. Ipapo mumwe wavakuruwakapindura, akati kwandiri, Ava vakapfeka nguvo chenandivanaaniko? vakabvepiko? Ndikati kwaari, Ishe wangu, imimunoziva. Akati kwandiri, Ndivo vanobva mukutambudzikakukuru, vakasuka nguvo dzavo, vakadzichenesesa muropareGwayana. Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushechaMwari, vanoMushumira masikati novusiku mutembereyaKe: Iye unogara pachigaro chovushe uchavadzitiranetabhernakeri. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota;havangapiswi nezuva, kana nokumwe kupisa. NokutiGwayana Riri pakati pechigaro chovushe richavafudza,richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu: Mwariuchapisika misodzi yose kumeso avo.” Jesu akauya. Akaisachisimbiso pa144,000. Akatora 12,000 kubva murudzi rwogarwoga. Asi pane rimwe boka risiri muna ava 144,000vanoonekwa mundima 9-18. Ndivanaani ava? Ava varimumwenga vakatorwa kubva pakati pamaHedheni. Varipamberi pechigaro chaKe choushe siku nesikati.VanoMushandira mutembere. Ndivo vanoshandiranokuchengetwa naIshe. Ndivo mwenga waKe.

Mwenga unoenda kwose zvakwo kunenge kune Chikomba.Mwenga hauzombofi wakasiyiwa naYe. Mwenga hauzombofiwakabva parutivi rwaKe. Mwenga uchagoverana naYe chigarochake choushe. Mwenga uchaiswa korona yokuhwinyanokukudzwa kwaKe.

Ndichanyora pamusoro pake Zita raMwari waNgu, nezitareguta raMwari waNgu. Zvino Zita raMwari chii? Hongu,Akanga ari Mwari anesu, kana kuti Emanueri, asi iri harizirozita raAkapiwa. “UchaMutumidza Zita rokuti Jesu.” Jesuakati, “Ndakauya muZita raBaba vaNgu, asi hamunakuNdigamuchira.” Saka Zita raMwari ndiJESU, nokuti ndiroZita raAkauya mariri. Anonzi ISHE JESU KRISTU. Zvinokana mukadzi akawanikwa anotora zita ripi? Anotora zitaromurume. Richange riri Zita raKe richapiwa kumwengapaAchamutora kuva waKe.

Page 329: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YEFIRADHERFIA 319

Zvakazarurwa 21:1-4 inoti. “Zvino ndakavona denga idzvanenyika itsva: nokuti denga rokutanga nenyika yokutangazvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo. Zvino iniJohane ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburukakudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwengawakashongerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi richibvakudenga richiti, Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakatipavanhu, Iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vaKe, MwariAmene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodziyose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kanakurira, kana kutambudzika hazvingavipo: nokuti zvokutangazvapfuvura.” Zvakanakisisa sei izvi. Vimbiso dzose dzaMwaridzinozadziswa. Zvichange zvapera. Kushandura kunengekwapera. Gwayana nomwenga wake nokusingaperimukukwana kwose kwaMwari. Tingazvitsanangura here izvi?Ndiani anokwanisa kuzviita? Hakuna kana munhuanozvikwanisa. Pafungei? Tingarota pamusoro pazvo here izvi?Tingaverenga here zvinotaurwa neShoko pamusoro pazvo?Hongu tinokwanisa kuita zvose izvi, asi tinokwanisakungoziva kadimbu kadikidikidiki kwazvo kasingatoonekwikusvikira chava chinhu chaicho mukumuka kuvakafakwokutanga.

“Ndichanyora Zita rangu IDZVA pamusoro pake.” ZitaraNgu Idzva. Apa ZVOSE zvichava zvitsva, uyeAchaZvitorera nokuzvipa Zita idzva uye Zita iri richavavoZita romwenga. Kuti Zita iri richange riri rokutii, hapanaangashinga kana kutombofungidzira. Kunotofanira kungekuri kuzarura kwoMweya kunopiwa pakupedzisira zvachosezvokuti hapana anozoshinga kuriramba. Asi hapanakukahadzika kuti Achachengetera chizaruro ichocho iro zuvaraAnoda kuisa Zita iri pachena. Ngazviringane kuti tingozivachete kuti richange rakanakisisa kupfuura zvatinokwanisakufungidzira.

KUTUKWA KWEZERA KWOKUPEDZISIRA

Zvakazarurwa 3:13 inoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke.” Zera roga roga rinoguma neyambiro imwechete iyi. Uku kuramba achidembetera kuti makereke anzweinzwi raShe. Muzera iri kudembetera uku kwakanyanyakutosimba kudarika kumazera akapfuura, nokuti muzera irizvirokwazvo kuuya kwaShe kwaswedera. Zvimwe muvhunzounomuka apa ndowokuti, “Kana kune rimwe zera mberikweriri zera, ko chinomhanyirirwa chii?” Mhinduroinowanikwa mukuti. Zera rokupedzisira richange riri pfupikwazvo _ basa rokukurumidza rokuzadzisa nokupedzisa.Hakusi kungoti chete izvi ndizvo, asivo kuti munhuanofanirwavo kugara achirangarira kuti mumeso aMwari

Page 330: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

320 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nguva inongogara ichimhanya chose ichipfuura; hongu, churuchamakore izuva rimwe chete kuna Mwari. Zvino kanaAchiuya mumaawa mashoma sokuona kwaAnoita nguva, sakazvirokwazvo Anofanira kutiyambira nechimbichimbi yose uyeinzwi raKe rinofanira kuramba richinzwikwa mumwoyo yedukuti tigare takagadzirira kuuya uku.

O-o, munyika muna manzwi akawanda sei _matambudziko nezvido zvakawanda sei zvinoda kuonekwanokugadzirwa; asi hakuchazombovi nenzwi rinokosha uyerinokodzera kunzwika senzwi roMweya. Saka, “Une nzeve,ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Page 331: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 321

CHITSAUKO CHEPFUMBAMWE

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA

Zvakazarurwa 3:14-22

Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia uti: ZvanzinaAmeni, Chapupu Chakatendeka chaZvokwadi, KutangakweZvisikwa zvaMwari;

Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa: daiuchitonhora kana kupisa.

Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisaNdichakusvisvina mumuromo maNgu.

Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishayiwichinhu; usingazivi kuti ndiwe uno vurombo, nenhamo, urimurombo, nebofu, usine chokufuka:

Ndinokupa zano kuti utenge kwaNdiri ndaramayakaidzwa mumwoto, kuti uve nefuma; nenguvo chena, kutiuzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa;nechizoro chameso kuti uzore meso ako, uvone.

Vose vaNdinoda, Ndinovaranga nokuvarova: naizvozvoshingaira, utendeuke.

Tarira, Ndimire pamukova, ndichigogodza: kana munhuakanzwa inzwi raNgu, akazarura mukova, Ndichapindakwaari, ndicharayira naye, naiye neNi.

Unokunda Ndichamupa chinhu ichi kuti agare neNipachigaro chaNgu chovushe, seNivo ndakakunda, ndikagarapamwe chete naBaba vaNgu pachigaro chaVo chovushe.

Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

GUTA RERAODHIKIA

Zita, rokuti Raodhikia, rinoreva kuti, “kodzero dzavanhu”rakanga riri zita raifarirwa raipiwa kumaguta akawanda kurikukudza vanhukadzi vedzimba dzoumambo vaiva nezita iri.Guta iri rakanga riri rimwe ramaguta aikosha munezvamatongerwe enyika uye rakanga rakabudirira munezvemari muAsia Duku. Zvinhu zvakawanda zvakasiyirwa gutairi navagari vomo vakanga vakabudirira senhaka. Waivamuzinda wechikoro chikurukuru pamukurumbirachokudzidzira zvokurapa. Vanhu varo vaizikanwa chose panezvamaoko nezvesainzi. Guta iri raiwanzodaidzwa kuti ‘gutaguru renyika’ sezvo rakanga ririro guta guru redunhu raivanamamwe maguta makumi maviri namashanu. Mwariwechihedheni wainamatwa muguta iri waiva Zeusi. Chokwadi

Page 332: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

322 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chiripo ndechokuti vakatomboridaidza kuti Dhioporisi (GutaraZeusi) kukudza mwari wavo. Muzana rechina ramakorekubva pakuberekwa kwaJesu kanzuru yaikosha yekerekeyakaitwa muguta iri. Kudengenyeka kwenyikakwaiwanzoitika kwakazoguma kwaita kuti guta iri ritamwe.

Zvakanga zvakaita zera iri rokupedzisira zvakangazvakakwanirana chaizvo kuti rimirire zera rino ratiri kuraramamariri zvino. Somuenzaniso, vainamata mwari mumwe, Zeusi,akanga ari mambo nababa vavamwari. Izvi zvinonongedzakuboka rechinamato chaizouya chomumazana makumi maviriamakore chokuti ‘Mwari mumwe, baba-vedu-tose’ chakaunzanokuisa pachena zvoukama pakati pavanhu, izvo zvirikutounganidza nokubatanidza pamwe vechiPurotesitendi,novechiRoma, novechiJudha, novechiHindu, navamwe,nevavariro yokuti nzira yokunamata imwe chete ichawedzerakudanana, nokunzwisisana, nokubetserana mukunzwirana.VechiRoma namaPurotesitendi izvezvi vari kutamburira, uyevachibudirira mukubatana uku vane chinangwa chokuti vamwevose vachavatevera. Fungwa imwe chete iyoyi yakaonekwamuBumbiro reNyika dzaPasi Pose apo vatungamiriri venyikaidzi vakaramba kugamuchira fungwa dzaani zvake anenge aripachake mune zvokunamata vakakurudzira kuiswa parutivikwefungwa dzose dzinenge dziri padzo dzoga, vane tariroyokuti zvinamato zvose zvienzaniswe kuva chinamato chimwechete, nokuti zvose zvinovavarira zvinangwa zvakafanana, uyezvose zvine vavariro dzakafanana uyezve kuti zvose zvakanakamune zvakawanda.

Cherechedzai kuti zita iri, rinonzi Raodhikia, ‘kodzerodzavanhu’, kana kuti ‘kururamisirwa kwavanhu.’Kwakazombova here nerimwe zera rakafanana nerinoramakumi maviri amazana amakore iro ratinoona nyikaDZOSE dzichisimuka kuchemera kuenzana nedzimwe, panezvokugarisana nezvemari? Rino izera rechikominizimu rinonzivanhu vose vakaenzana, nyangwe zvazvo zvichingovazvapamuromo nomufungwa. Rino izera ramapatoezvamatongerwe enyika anozvidaidza kuti maDhemokiratiechiKristu, noveGutsaruzhinji rwechiKristu,novoMubatanidzwa weNyika Zhinji wechiKristu, nezvimwezvakangodero. Kana tichitevedzera vedu vaya vadzidzivezveBhaibheri vefungwa dzakatambanuka Jesu anonzi aivawezvegutsaruzhinji uyevo kereke yokutanga yaitungamirirwanoMweya inonzi yaiitavo zvegutsaruzhinji, zvichizonzi sakaisuvo nhasi tinofanira kuita zvimwe chete izvozvo.

Apo vakareko pavakadaidza Raodhikia kuti guta gururenyika vakanga vachitarira kuti kuchava nehurumende imwechete yapasi pose iyo yatava kuedza kumisa. Patinengetichifunga pamusoro peguta iri senzvimbo yekanzuruhuruhuru yekereke tinoona zvichitokanda mumvuri

Page 333: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 323

womubatanidzwa wamasangano amakereke uri kutoitika iyenhasi uno, umo matichaona avo vose ‘vanozviti’ vaKristuvachiungana. Zvirokwazvo, kereke nenyika, chinamatonezvamatongerwe enyika zviri kubatana. Masawi arikusungwa kuitwa mwanda. Iko zvino gorosi ragadzirirakuiswa mudura.

Raiva guta raiva nokudengenyeka kwakawanda,kudengenyeka uku kwakazopedzisira kwariparadza. Zerarinovo richaguma Mwari achizunguza pasi pose pakatsaukirakundodanana nemhombwe iya yakare. Hurongwa hwenyikadzapasi hahungodhiriki bedzi, asivo kuti nyika inoichazunguzwa nokuzoshandurwa kuva itsva kuitira churuchamakore chokutonga kwaKristu.

Guta iri rakanga rakafuma, rakapfumiswa navapfumivaro. Rakanga rakazadzwa nezvoupenyu hwakasvunuranokubudirira. Sainzi yakanga yakazaravomo. Izvi zvakangazvakafanana kwazvo nezviriko nhasi. Makereke akafuma.Shumiro yakanakisisa nokudzikama, asi yakatonhora uyeyakafa. Magarire akasvunura nedzidzo zvakatora nzvimboyeShoko rinopiwa noMweya, uye kutenda kwakapindirwanesainzi, zvokutoti munhu yava nhapwa yepfuma.

Mune zvose zvairi Raodhikia yakarekare inowanikwaichiberekwa patsva muZera ramakumi maviri ezana ramakorereRaodhikia. Munyasha dzaMwari, avo vane nzeve dzokunzwangavabude mairi kuti vasava vadyi pamwe chete muzvivizvayo nomukutongwa kunozotevera.

ZERA RERAODHIKIA

Zera reRaodhikia rakatanga nechapamavambo aMakumiMaviri eZana raMakore, zvimwe mugore ra1906. Richavapokwenguva yakareba zvakadini? Somuranda waMwariwakawana zviratidzo zvakawandisisa, PASINA KANAchiratidzo chimwe zvacho chakambopotsa, regai ndinongedze(Handina kuti kuprofita, asi kuti kunongedza) kuti zera rinorinopera mugore ringava 1977. Dai mungandiregereravokutaura nezvangu, ndinomisa fungidziro iyi pazviratidzozvinomwe zvaitevedzana zvakauya kwandiri mamwemangwanani omusi weSvondo mumwedzi waChikumi, mugorera1933. Ishe Jesu vakataura kwandiri vakati kuuya kwaShekwakanga kwava kuswedera pedo, asi Asati auya, zvinhuzvinomwe zvikuru zvichatanga zvaitika. Ndakazvinyora zvosendokubva mangwanani iwawo ndaisa pachena chizarurochaShe. Chiratidzo chokutanga chaiva chokuti Musoriniaizopamba Ethiopia uye nyika yaizo“wira patsoka dzake.”Chiratidzo ichi zvirokwazvo chakakonzera zvakawanda, uyevamwe vanhu vakatsamwa pandakachitaura vakarambakuchibvuma. Asi zvakangoitika saizvozvo. Akangofamba

Page 334: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

324 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

achipinda munyika iyi nezvombo zvake zvamazuva anondokuipamba. Zvizvarwa zvenyika iyi havana chavaikwanisakuita. Asi chiratidzo ichi chakativo Musorini aizoguma nenzirayaityisa zvinosiririsa vanhu vake vachimupandukira. Izvivozvakaitika sezvazvakanga zvanzi zvichaitika chaizvo.

Chiratidzo chepiri chakasanozivisa kuti munhu wenyikayeOsitiria ainzi Adhorufu Hitira aizomuka somutongiwoudzvanyiriri ukuru pamusoro penyika yeJerimani, uye kutiaizokonzera hondo pasi pose. Chakaratidzavo mutsetseweSigifiridhi uye kuti mauto edu aizova nenguva yakaipisisakuti vakurire nzvimbo iyi. Ndokuzobva charatidza kuti Hitiraaizoguma nenzira isina tsananguro.

Chiratidzo chetatu chakanga chiri mune zvamatongerweenyika nokuti chakandiratidza kuti kwaizova naanonzimaIZIMU matatu, anoti Fashiizimu, Naziizimu,neKominizimu, asi maviri okutanga aizomedzwa mune retatu.Inzwi rakayambira richiti, “CHENJERAI RASHIA,CHENJERAI RASHIA. Rambai makaisa meso kuna MambowokuChamhembe.”

Chiratidzo chechina chakaratidza kubudirira kukurukurukwenjere dzesainzi kwaizouya pashure pehondo huru yapasipose yechipiri. Chakanga chakazopedzisira nemotokariyepurasitiki yaiva napamusoro panenge furo ichimhanyaichidzira nomugwagwa wakanakisisa ichifambiswa nomunhuari kure nayo vanhu vachiratidzika kunge vakagara mumotaiyi musina chidhiraivho vachitamba unenge mumwe mutambowokuzvifadza zvavo.

Chiratidzo cheshanu chakanga chine chokuitanamararamire avanhu anetsa muzera redu rino, kunyanyavanhukadzi. Mwari akandiratidza kuti vakadzi vakatangakubva munzvimbo yavo pavakapiwa mvumo yokuvhota.Vakazobva vagera vhudzi ravo, zvairatidza kuti vakangavachisiri pasi pesimba romunhurume asi kuti vakatosimbiriranerekodzero dzakaenzana, kana kuti kazhinji kacho, kodzerodzakatodarikidza dzavamwe. Munhukadzi akatora zvipfekozvechirume ndokuzosvika pakutofamba asina kupfeka,kusvikira pakupedzisira ndakazoona mukadzi akashamakusiya kwakanhembe kainge shizha romuonde. Nechiratidzoichi ndakaona kutsveyamiswa kunotyisa nokushaya unhukwapasi rose.

Pashure muchiratidzo chetanhatu kwakamuka muAmerikamukadzi wakanakisisa, asi ano mwoyo wakakashararakudarika vanhu vose. Akanga akabata vanhu musimba rakerose rakazara. Ndakafunga kuti uku kwakanga kuri kumukakweKereke yeRoma, nyangwe zvangu ndakaziva kuti chaigonakungova chiratidzo chomumwevo mukadzi zvake aizomukanamasimba makurukuru muAmereka nokuda kwokusarudzakworuzhinji rwavanhukadzi.

Page 335: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 325

Chiratidzo chechinomwe chinova chokupedzisira chakangachiri pamusoro pokunzwa kwandakaita kuputika kwaityisakudarika kumwe kwose. Pandakacheuka kuti nditarire hapanachandakaona kusiya kwamavhinga, namakomba makuru,nechiutsi pose pose munyika yeAmerika yose.

Ndakamira pazviratidzo zvinomwe izvi, pamwe chetenokushanduka kuri kukurumidza kwapararira pasi posemumakore makumi mashanu ano achangopfuura,NDINONONGEDZA (handizi kuprofita) kuti zviratidzo izvizvose zvichange zvazadziswa panosvika gore ra1977. Nyangwezvazvo vazhinji vakanzwa sokuti uku kutaura kwokushayahanya nokutsiga kana takatarira chokwadi chokuti Jesu akati‘hakuna munhu anoziva zuva kana nguva,’ ndinorambandakanongedza pane izvi mushure mamakore makumi matatunokuti, Jesu HAANA kuti hakuna munhu anokwanisa kuzivagore, kana mwedzi kana vhiki iyo ichapedziswa kuuya kwaKe.Saka ndinodzokorora kuti, ndinotenda nomwoyo wosenokurambirira somudzidzi weShoko anozviitira woga, pamwechete nokufemera kwaMwari kuti gore ra1977 rinofanirakugumisa zvirongwa zvapanyika nokupinza mireniyamu.

Zvino regai nditaure izvi. Pano munhu here anokwanisakuratidza pachena kuti zviratidzo izvi handizvo? Hazvinakuzadziswa zvose here? Hongu, chimwe nechimwe chazvochakazadziswa, kana kuti chiri kutozadziswa iko zvino uno.Musorini akabudirira mukupamba Ethiopia, akazopunzikanokurashikirwa nazvose. Hitira akavamba hondo yaasinakukwanisa kupedza akafa zvisina tsarukano. Komunizimuyakatora nzvimbo yeZVIMWE zviviri. Motokari yepurasitikiinenge furo yakatogadzirwa kare uye yakangomiriraunzanzanza hwemigwagwa hwakanaka. Vakadzi vangosarapaduku kushama, uye iko zvino vari kutopfeka zvipfekozvokudhidhisa zvakashama kumusoro. Uye iwo musi uno uyundakaona mupepa iyo chaiyo nguvo yandakaona muchiratidzochangu (ndokunge zvichikodzera kuti muiti nguvo). Yakanga iriyepurasitiki yomucheka worudzi runonjenjemera namakwapamatatu akasvibira akanga akafukidzira mazamu ose padikidiki,uyezve pakanga pane gwapa dema nechapamberi zvichingekanhembe kadikidiki nechapasi. Kereke yeRoma iri kurambaichikwirira. Takatova nomutungamiriri wenyika mumwewechiRoma uye pasina nharo tichavazve nomumwe. Chasarachii? Hapachina kusiya kwaVaHebheru 12:26. Inoti “Inzwi raKerakazunungusa nyika nenguva iyo: asi zvino Wakapikira, achiti,Ndichabvundisazve kamwe chete isati iri nyika bedzi, asinedengavo.” Kamwezve kasara Mwari achazunguza nyika uyeiyo ichazunguza zvose zvichiwira pasi zvose zvinokwanisikakuzunguzwa. Zvino Achabva woishandura kuva itsva.Sezvazvakaita muna Kurume, mugore ra1964, musi weChishanuChakanaka apo kudengenyeka kwenyika kwakaitika

Page 336: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

326 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muArasika kwakazunguza pasi pose nyangwe zvako kusinakuibudisa mugwara rayo. Asi Mwari aingopa yambiro chetenenzira yokudengenyeka kwapasi kuti ndizvo zvaAchaitapasina kupera nguva kakapamhidzirwa. Ari kuzoputisanokuzunguza pasi pano pazere nezvivi, hama yangu,nehanzvadzi yangu, uye kune nzvimbo imwe chete inokwanisakuramba yakamira pakuzunguzwa uku, inova iyo pachipfuvachaShe Jesu. Uye ndinokudetembeterai nyasha dzaMwaridzichiri kuwanikwa nemi, kuti mupe upenyu hwenyu hwose,kuna Jesu Kristu pasina chimwe chinombochengetwa, Iyeanova ndiye waiva Mufudzi wakatendeka achakuponesainokukuriritirai nokukuunzai mukuhwinya nomufarowakawandisisa musina kana chinopomerwa.

NHUME

Ndinogutsikana kuti hakuna zera rakamboziva kuti nhumeyakatumwa kwariri naMwari ndiani, kusiya kwezerarokutanga iro raiva naPauro senhume kwariri. Asi kanairorovo vazhinji havana kumuziva sezvaaiva.

Zvino zera ratiri kurarama mariri richava pfupi kwazvo.Zviitiko zviri kuzoitika nokukurumidza chose chose. Sakanhume kuZera reRaodhikia rino inotofanira kuva pano ikozvino, nyangwe zvazvo tisati tamuziva nanhasi. Asizvirokwazvo kuchafanira kuva nenguva yaanozikanwa. Zvinondinogona kuratidza izvi nokuti tine Gwaro rinotsanangurashumiro yake.

Chokutanga, nhume iyoyo ichava muprofita. Ichavanenzvimbo yomuprofita. Achava neshumiro yokuprofita.Ichamiswa paShoko chete chete nokuti kana achiprofita kanakuti akawana chiratidzo, nguva yose zvinenge “zvakarerekerakuShoko” uye zvichazadziswa NGUVA DZOSE. Acharatidzwasomuprofita nokuda kwokururamisa kwake. Chiratidzochokuti iye muprofita chinowanikwa muna Zvakazarurwa 10:7inoti, “Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe kanavodo kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswasezvaAkaparidzira varanda vaKe, ivo vaprofita.” Zvino munhuuyu, anonzi ‘mutumwa’ muBhaibheri raMambo Jemisi HAAZIwokudenga. Mutumwa wetanhatu akaridza hwamanda, anovawokudenga, ari muna Zvakazarurwa 9:13, uye wechinomweakafanana naye ari muna Zvakazarurwa 11:15. Uyu ari munomuna Zvakazarurwa 10:7 inhume yokuzera rechinomwe uyemunhu, uye ari kuzounza mharidzo kubva kuna Mwari, uyemharidzo iyi neshumiro iri kuzopedza zvakavanzika zvaMwarisokutaurwa kwazvakaitwa kuvaranda vaKe, vaprofita. Mwariari kuzobata nhume yake yokupedzisira somuprofita NOKUTIMUPROFITA. Izvi ndizvo zvakanga zviri Pauro muzerarokutanga, uye zera rokupedzisira, rinayevo. Amosi 3:6-7 inoti,

Page 337: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 327

“Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Koguta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here?Zvirokwazvo Ishe Jehovha haangaiti chinhu, Asinakumbozivisa varanda vaKe, vaprofita zvakavanzika zvaKe.”

Makanga muri munguva yokupedzisira apo kutinhirakunomwe kwaJesu kwakauya. Zvakazarurwa 10:3-4 inoti,“Akadanidzira nenzwi guru, seshumba inorira: iye wakatiadanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakangandonyora: ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti, Zarirazvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.” Zvaivamukutinhira uku hapana anoziva. Asi tinofanira kuti tizvizive.Zvino zvinotoda muprofita kuwana chizaruro nokuti Mwarihaana imwe nzira yokuunza nayo zvizaruro zvaKe zvoMweyakusiya kwokushandisa muprofita. Shoko rakagara richingouyanomuprofita uye richangogara richiuya nomuprofita. Kuti uyundiwo murayiro waMwari zviri pachena mukungonzveraGwaro zvishomanana zvisina kana mwoyo wose. Mwariasingashanduki ana maitire asingashanduki anotumamuprofita waKe muzera roga roga pasina kana kushandukapose vanhu pavanenge vatsauka kubva kurayiro yaMwari.Vanhu pamwe navadzidzi veBhaibheri pavanenge vatsaukakubva muShoko, nguva dzose Mwari aituma muranda waKekuvanhu ava (asi kunze kwavadzidzi veBhaibheri) kuitirakugadzirisa dzidziso dzenhema nokutungamirira vanhukudzokera kuna Mwari.

Saka tinoona nhume kuzera rechinomwe ichiuya, uyemuprofita.

Hatizi kungoona chete nhume iyi ichiuya munaZvakazarurwa 10:7, asivo kuti tinowana kuti Shoko rinotaurapamusoro paEria achiuya kutangira kudzoka kwaJesu. MunaMateo 17:10 munonzi, “Vadzidzi vakaMuvhunza vachiti,Vanyori vanotaurireiko vachiti Eria unofanira kutangakuuya?” Zvino Jesu akati, “Zvirokwazvo Eria uchauya hake,avandudze zvinhu zvose.” Kutangira kuuya kwaShe wedu,Eria unosungirwa kudzoka kuzoita basa rokuvandudzanokudzorera mukereke. Izvi ndizvo zvinoreva Maraki 4:5 inoti,“Tarirai Ndichakutumirai muprofita Eria zuva iro gururaJehovha rinotyisa risati rasvika; iye uchadzorera mwoyoyamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kumadzibaba avo, kutiNdirege kuuya ndirove nyika nokutuka.” Hapana zvapozvachose kana kakukahadzika kadikidiki kuti Eriaanosungirwa kudzoka kutangira kudzoka kwaJesu. Ane basarake chairo riri roga raanofanira kupedza kuita. Basa irorindiro rinotaurwa muchikamu chaMaraki 4:6 chinoti“uchadzorera mwoyo yavana kumadzibaba avo.” Chinoita kutitizive kuti iri ndiro basa rake riri roga rakatsaurwa rokuitapanguva iyoyo ndechokuti akatoita kare chikamu chokuti

Page 338: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

328 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

“uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana,” apo shumiroyaEria yakavapo muna Johane Mubhabhatidzi. Ruka 1:17 inoti,“Uchafamba pamberi paKe noMweya nesimba raEria, kutiadzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingatererikuuchenjeri hwaVakarurama, agadzirire Ishe vanhuvakamugadzirirwa kwazvo.” Mushumiro yaJohane “mwoyoyamadzibaba yakadzorerwa kuvana.” Tinoziva izvi nokutiJesu akazvitaura. Asi hazvirevi kuti mwoyo yavanayakadzorerwa kumadzibaba avo. Izvi hazvisati zvaitika.Mwoyo yavana venguva yokupedzisira ichadzorerwakumadzibaba ePentekosti. Johane akaita kuti madzibabaagadzirire kuuya kwaJesu kugamuchira vana muboka. Zvinomuprofita wake uyo achawirwa noMweya waEria pamusoropake achagadzirira vana kuti vagamuchire Jesu achidzoka.

Jesu akadaidza Johane Mubhabhatidzi achimuti, Eria.Mateo 17:12 inoti, “Asi Ndinoti kwamuri Eria wakatosvika, asihavana kumuziva, asi vakamuitira pavakada napo.” Chakaitakuti adaidze Johane kuti Eria, ndechokuti Mweya mumwe chetewakanga uri pamusoro paEria wakanga wadzoka pana Johane,Mweya sezvawakanga wamboitazve pana Erisha pashurepokutonga kwaMambo Ahabhi. Zvino zvakare Mweya mumwechete iwoyo uchadzoka pamusoro pomumwe munhu Jesupaanenge ava pedo kuuya. Achange ari muprofita.Acharatidzwa saizvozvo naMwari. Sezvo Jesu, pachaKe,munyama paachazenge asiri pano kumuratidza, (sezvaAkaitaJohane) izvi zvichaitwa noMweya Mutsvene kuitira kutishumiro yomuprofita wake izoteverwa nokuratidzwakukurukuru kunoshamisa. Somuprofita, chiratidzo choga chogachichazadziswa, nokuti chizaruro choga choga chichaitika.Mabasa anoshamisa amasimba achaitwa pakurayira kwakemukutenda. Zvino kuchazouyiswa mharidzo yaakapiwanaMwari muShoko kuti adzorere vanhu kuzvokwadi nesimbarezvokwadi raMwari. Vamwe vachaterera, asi vazhinji vachaitasamamirire avo chaiwo vachimuramba.

Sezvo muprofita-nhume womuna Zvakazarurwa 10:7achizova mumwe chete womuna Maraki 4:5-6 zvinongofaniravokuti ave saEria naJohane. Vose vakanga vari vanhuvakatsaurwa kubva pazvinamato zvaigamuchirwa zvenguvayavo. Vose vakanga vari vanhu vomurenje. Vose vaingoshandakana bedzi vane “Zvanzi naJehovha,” kubva kuna Mwarichaiko nechizaruro. Vose vakarwisa nesimba hurongwahwezvinamato navatungamiriri vazvo venguva yavo. Asihakuzi kuti ndizvo chete zvazvaiva, asivo kuti vakarwisa avovose vakanga vakatsveyama pazviito nounhu kana kuti avovaigona kutsveyamisa vamwe. Zvino cherechedzai, vose varivaviri vakaprofita kazhinji pamusoro pavakadzi vakaipavasina unhu netsika. Eria akapikisa Jezebheri, uye Johaneakatuka Herodhiasi, mukadzi waFiripi.

Page 339: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 329

Nyangwe zvake asingazovi munhu anofarirwa navazhinji,acharatidzwa nokutsigirwa naMwari. Sezvakangoitavo Jesukupupurira Johane kuva wechokwadi, uyevo sezvakaita MweyaMutsvene kupupurira Jesu kuva munhu wechokwadi,tinogonavo chaizvo kutarisira kuti murume uyu achatangavonokuratidzwa kuva wechokwadi noMweya uchishandamuhupenyu hwake mumabasa amasimba asingazombopokanwinawo uye asingazombowanikwi kumwe; uye JesupachaKe, paanodzoka, achamuratidza kuva wechokwadi,sezvaAkangoitavo Johane. Johane akapupura kuti Jesuwaizouya, _ naizvozvovo nomurume uyu, saJohane,achapupura kuti Jesu ari kuuya. Uye kudzoka kwaKristuchaiko kucharatidza kuti murume uyu zvirokwazvo akanga arinhungamiri yokuuya kwaKe kwechipiri. Ichi ndicho chiratidzochokupedzisira chokuti zvirokwazvo uyu ndiye muprofitawomuna Maraki 4, nokuti kuguma kwenguva yavaHedheniachange ari Jesu, pachaKe, achiuya. Zvino apa panengepasisina nguva kuna avo vakamuramba.

Kuti tipamhidzire kujekesa kwedu pakupinza kwedumudariro muprofita wenguva yokupedzisira uyu,ngaticherechedze kwazvo kuti muprofita womuna Mateo 11:12,aiva Johane Mubhapatidzi, anova ndiye akasanotaurwa munaMaraki 3:1 inoti, “Tarirai, Ndinotuma nhume yaNgu, iyeuchandigadzirira nzira yangu pamberi paNgu; ipapo Ishe,Wamunotsvaka, uchasvika pakarepo patembere yaKe, iyeMutumwa weSungano, Wamunoshuva; tarirai, Unouya, ndizvozvinotaura Jehovha weHondo.” Mateo 11:1-12 inoti, “Jesuwakati apedza kurayira, vadzidzi vaKe vane gumi navaviri,Akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. ZvinoJohane ari mutorongo wakanga anzwa mabasa aKristu,akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaAri, Ko ndimi IyeWakanga achinzi unovuya here, kana tichatarira mumwe? Jesuakapindura akati kwavari, Endai mundoudza Johanezvamunonzwa nezvamunovona: zvinoti mapofu anosvinudzwa,vanokamhina vanofamba, vana maperembudzi vanonatswa,vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombovanoparidzirwa Evhangeri. Wakaropafadzwa iye,usingagumbuswi neNi. Ava vakati vachienda, Jesu akatangakuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, Makangamabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswanemhepo here? Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhuwakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguvo nyorovari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabudireiko?Kuzoona muprofita here? hon’o, Ndinoti kwamuri, unopfuurakwazvo muprofita. Nokuti ndiye, wakanyorwa pamusoro pake.Zvichinzi tarirai, Ndinotuma munyai waNgu pamberi paKo,uchakugadzirira nzira yaKo pamberi paKo. ZvirokwazvoNdinoti kwamuri, Kuna vakaberekwa navakadzi hakunakumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi: asi muduku

Page 340: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

330 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

muvushe hwokudenga mukuru kwaari.” Izvi zvakatoitika.Zvakatoitika. Zvakapera. Asi onai zvino muna Maraki 4:1-6inoti, “Nokuti tarirai, zuva rinovuya, rinopisa sechoto; ipapovose vanozvikudza, vose, vanoita zvakaipa, vachavasamashanga; zuva rinouya richavapisa, ndizvo zvinotauraJehovha wehondo, rikasavasiyira mudzi kana davi. Asi imimunotya Zita raNgu muchabudirwa neZuva Rokururama rinokuporesa pasi pamapapiro Aro; muchabuda, muchitambasemhuru dzomuchirugu. Muchatsika vakaipa pasi; nokutivachava madota pasi petsoka dzenyu nezuva raNdichaitaizvozvi, ndizvo zvinotaura Jehovha weHondo. Rangariraimurayiro waMosesi muranda waNgu, waNdakamurayirapaHorebhi wavaIsraeri vose, izvo zvandakatemanezvandakarayira. Tarirai, Ndichakutumirai muprofita Eriazuva iro guru raJehovha rinotyisa risati rasvika: Iyeuchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavanakumadzibaba avo, kuti Ndirege kuuya ndirove nyikanokutuka.” Onai, kuti pashure chaipo pokuuya kwaEria UYU,nyika ichacheneswa nomwoto uye vakashata vachapiswa kuitamadota. Zvirokwazvo, izvi HAZVINA kuitika panguvayaJohane (uyo akanga ari Eria wenguva yake.) MweyawaMwari wakaprofita kuuya kwenhume muna Maraki 3:1(Johane) akanga achingodzokorora chirevo chaAkangaambotaura muna Isaya 40:3 chakaitwa mazana matatuamakore akanga apfuura. “Inzwi rounodanidzira murenje.Gadzirai nzira yaShe, ruramisirai Mwari wedu mugwagwawake musango.” Zvino Johane, nenzira yoMweya Mutsvene,akataura zvose zviri zviviri Isaya naMaraki muna Mateo 3:3inoti, “Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuprofita Isaya, achiti,Inzwi rounodana murenje, Gadzirirai nzira yaShe, ruramisaimigwagwa yaKe.” Saka tinogona kunyatsoona kubvamuMagwaro awa kuti muprofita womuna Maraki 3, uyoakanga ari Johane, akanga ASIRI iye muprofita womunaMaraki 4, nyangwe zvazvo zvirokwazvo, vose vari vaviriJohane nomuprofita wenguva ino yokupedzisira vano Mweyamumwe chete pamusoro pavo Uyo wakanga uri pana Eria.

Zvino nhume iyi yomuna Maraki 4 uye Zvakazarurwa 10:7iri kuzoita zvinhu zviviri. Chokutanga: Kana tichitevedzaMaraki 4 achadzorera mwoyo yavana kumadzibabaavo. Chechipiri: Achazarura zvakavanzika zvemitinhirominomwe yomuna Zvakazarurwa 10 inova zvizarurozvinowanikwa muzvisimbiso zvinomwe. Chichazenge chiri‘chokwadi chakavanzika’ ichi chinozarurwa naMwarichichazonyatsodzorera mwoyo yavana kumadzibabaePentekosti. Ndizvo chaizvo zvizere.

Asi fungaivo pamusoro peizvi. Muprofita-nhume uyuachazenge mune zvaari namaitiro ake sezvakanga zvakaitaEria naJohane. Vanhu venguva yomuprofita-nhume uyu

Page 341: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 331

vachazenge vakaita sezvavakanga vakaita munguva yaAhabhi,nomunguva yaJohane. Uye sezvo vachingova “VANA CHETE”vane mwoyo ichadzorerwa, vana chete ndivo vacheteerera.Munguva yaAhabhi vanhu 7,000 chete vembeu yaIsraerivakawanikwa. Munguva yaJohane vaingova vashomashomakwazvo. Ruzhinji rwavanhu mumazera ose ari mavirirwakanga rwuri muufeve hwokunamata zvifananidzo.

Ndinoda kuenzanisa kamwe chete vanhu vaviri vanotimuprofita-nhume weRaodhikia naJohane, muprofita-nhumeakatungamirira kuuya kwaJesu kwokutanga. Vanhuvomunguva yaJohane vakakanganisa kufunga kuti Johanewacho ndiye akanga ari Mhesiyasi. Johane 1:19-20 inoti, “Ukundiko kupupura kwaJohane, musi vaJudha vakatumira kwaarivaprista navaRevhi vachibva Jerusarema kundobvunza kuti,Iwe ndiwe aniko? Akatenda pachena, haana kuramba;akatenda pachena, achiti handizi Kristu.” Zvino muprofita-nhume wenguva ino yokupedzisira achava namasimba pamberipaShe zvokuti pachava naavo vachakanganisa vachimuti ndiyeIshe Jesu. (Pachange pano mweya panyika panguvayokupedzisira uchanyengedza vamwe vanhu nokuvaita kutivabvume izvi. Mateo 24:23-26 inoti, “Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaprofita venhema, vacharatidza zviratidzozvikuru nezvinoshamisa; kuti, kana zvichibvira, vatsausenavakasanangurwavo. Tarirai, Ndagara ndakuudzai. Zvinokana vakati kwamuri, Tarirai, Uri kurenje; regai kubuda;tarirai, Uri mudzimba dzomukati; regai kutenda.”) Asi regaikuzvibvuma. Haazi Jesu Kristu. Haazi MwanakomanawaMwari. NDOMUMWEVO WEHAMA, MUPROFITA,NHUME, MURANDA WAMWARI. Haadi kukudzwa kunoiswapamusoro pake kunodarika uko kwakawanikwa naJohane apopaakanga ari inzwi raidanidzira richiti “Handizi Iye, ASI IYEUNOVUYA MUSHURE MANGU.”

Tisati tapfiga chikamu chino pamusoro penhume kuZerareRaodhikia, tinofanira kufungisisa nomwoyo wose fungwambiri dziya. Yokutanga, zera rino richava noMuprofita-NhumeMUMWE. Zvakazarurwa 10:7, inoti, “Kana wodo (mumwechete) kuridza.” Hapana kumbova nezera apo Mwari akapavanhu vaKe vaprofita vakuru vaviri panguva imwe chete.Wakapa Enoki (woga); Wakapa Noa (woga); Wakapa Mosesi(iye woga ndiye akanga ane Shoko nyangwe zvazvo vamwevakaprofita); Johane Mubhapatidzi akauya WOGA. Zvinomuzera rino rokupedzisira pachava noMUPROFITA (kwetemuprofitakadzi _ nyangwe zvazvo muzera rino kuna vakadzivanoti ndivo vanopa chizaruro chaMwari vakawanda kudarikavarume), uye Shoko risingakanganisi rinoti iye (muprofita)achazarura zvakavanzika kuvanhu venguva yokupedzisira,nokudzorera mwoyo yavana kumadzibaba avo. Kuna avovanoti vanhu vaMwari vari kuzobatana nenzira yechizaruro

Page 342: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

332 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chomubatanidzwa. Ndinopikisa chirevo ichi. Ifungwayakashama, isina chakatsigira kana takaiisa pamberipaZvakazarurwa 10:7. Zvino handisi kuramba kuti vanhuvachaprofita muzera rino rokupedzisira uye shumiro dzavodzinogona kuva dzakanaka kana kuti dzichava dzakanaka.Handisi kuramba kuti kuchava navaprofita sezvazvakangazvakaitavo munguva yaPauro pakanga pano “uyu ainziAgabhasi muprofita akaprofita pamusoro penzara.”Ndinobvuma kuti izvi ndizvo. ASI NDINORAMBANDAKAMIRA PATSIGIRO NOKURATIDZWA KWESHOKORISINGAKANGANISI KUTI PANA VAPROFITAVANODARIKA MUMWE CHETE MUPROFITA-NHUMEMUKURU ACHAZARURA ZVAKAVANZIKASEZVAZVINOWANIKWA MUSHOKO, UYE ANE SHUMIROYOKUDZORERA MWOYO YAVANA KUMADZIBABA AVO.“Zvanzi naJehovha” anomira neShoko raKe risingakundikani,uye achamira achiratidzwa. Kuno muprofita-nhume mumwechete kuzera rino. Kana takatsamira patsika namaitire omunhuchete, ani nani zvake anoziva kuti pose pana vanhu vazhinjipanototi pave nefungwa dzakatsaukana pazvinhu zvidikidikizvedzidziso huru yavanotenda vose pamwe chete. Ndiani zvinoachava nesimba rokuva munhu asingakanganisirinozodzorerwa muzera rino rokupedzisira, nokuti zera rinorokupedzisira riri kuzodzokera kundoratidza MwengaWakakwana weShoko? Izvi zvinoreva kuti tichava neShokozvakare sokupiwa kwarakamboitwa rakakwana,nokunzwisiswa zvakakwana munguva yaPauro.Ndichakutaurirai kuti ndiani achava naro. Achava muprofitaanenge akaratidzwa chaizvo zvizere, kana kutoti kudarikavamwe vaprofita vose kuratidzwa nokutsigirwa zvizerepamazera ose kubva kuna Enoki kusvikira zuva ranhasi, nokutisokukodzera kwazvo muprofita uyu achange ane shumiroyokuprofita yedombo rapamusoro, uye Mwari achamuratidzapachena. Hazvichazodi kuti azvitaurire iye pachake, Mwariachataura iye pamusoro pake nenzwi rechiratidzo. Ameni.

Fungwa yechipiri inofanira kuiswa pamwoyo yeduzvakasimba ndeyokuti mazera manomwe amakereke akatanganomweya waantikristu pamwe chete noMweya MutsveneAkaropafadzwa nokusingaperi. 1 Johane 4:1 inoti,“Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya kutimuvone kana yakabva kuna Mwari: nokuti vaprofita vazhinjivenhema vakabudira munyika.” Makazvicherechedza hereizvi? Mweya waantikristu unofananidzwa navaprofitavenhema. Zvizvarwa zvakauya navaprofita venhema uyezvichapera navaprofita venhema. Zvino zvirokwazvo kuchavanoMUPROFITA WENHEMA CHAIYE mukukwanakwefungwa yacho anorehwa muna Zvakazarurwa. Asi asatiazarurwa kuchauya vaprofita venhema vazhinji. Mateo 24:23-26inoti, “Zvino kana munhu akati kwamuri, Tarirai, Kristu uri

Page 343: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 333

pano, kana apo; regai kuenda. Nokuti vachamuka vanaKristuvenhema, navaprofita venhema, vacharatidza zviratidzozvikuru nezvinoshamisa; kuti, kana zvichibvira, vatsausenavakasanangurwavo. Tarirai, Ndagara ndakuudzai. Zvinokana vakati kwamuri, Tarirai, Uri kurenje; regai kubuda:tarirai, Uri mudzimba dzomukati; regai kutenda.” Vaprofitavenhema ava vakanongedzerwa isu muna mamwe Magwaromazhinji saawa anotevera. 2 Petro 2:1-2, “Asi kwakanga kunavaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakatipenyuvo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidzisodzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye TenziWakavatenga vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.Vazhinji vachatevera utera hwavo; nokuda kwavo nzirayezvokwadi ichazvidzwa.” 2 Timotio 4:3-4 inoti, “Nokuti nguvaichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama; asivachida kufadzwa panzeve dzavo vachazvivunganidziravadzidzisi, pakuchiva kwavo; Vachifuratidza nzeve dzavopazvokwadi, vachitsaukira kungano.” 1 Timotio 4:1 inoti,“Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuyavamwe vachatsauka pakutenda, vachiterera mweyainonyengera, nedzidziso dzemweya yakaipa.” Zvino munezvose izvi muchaona kuti muprofita wenhema ndouyo arikunze kweShoko. Sokuratidza kwatakuitai kuti ‘antikristu’zvinoreva ‘kuramba Shoko’ saka vaprofita venhema avavanouya vachitsveyamisa Shoko, vachiripa kureva vavarirodzavo dzasatani. Mati mambocherechedza here kuti vanhuvanotsausa vamwe vanovasungirira kwavari sei vachishandisakutya? Vanoti kana vanhu vakasaita zvavanoreva, kana kutivakaenda, kuparadzwa kunobva kwatevera. Ava ndivovaprofita venhema, nokuti muprofita wezvokwadi nguva dzoseanotungamirira munhu kuShoko nokusungirira vanhu panaJesu Kristu uye haazombotauriri vanhu kuti vamutye kanakuti zvaanotaura, asi kuti vatye zvinoreva Shoko.Cherechedzai kuti vanhu ava saJudhasi vanomhanyira kuwanamari. Vanoita kuti mutengese zvose zvamunazvo muchivapaivo namazano avo. Vanopedza nguva huru panyaya dzezvipokudarika dzeShoko. Avo vanoedza kushandisa zvipovanoshandisa chipo chisina kukwana vachizokumbira mari,vachisiya zveShoko uye vanozvidaidza kuti ndezvaMwari. Uyevanhu vachaenda kwavari, vachivaitira mwoyo murefu,nokuvatsigira, nokuvabvuma, vasingazivi kuti inzira yorufu.Hongu, nyika yakazara navanhu venyama vanonyepera kuvazvavasiri. Munguva yokupedzisira iyoyo vachaedzakutevedzera muprofita-nhume iyeye. Vanakomana vanomwevaSikevha vakaedza kutevedzera Pauro. Simoni n’angaakaedza kutevedzera Petro. Kutevedzera kwavo kunenge kurikwapanyama. Havazombofi vakakwanisa kubereka zviberekozvakaberekwa nomuprofita wezvokwadi. Kana akatirumutsidziro rwapera vachaenda nzvimbo dzakasiyana

Page 344: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

334 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

vachitaura kuti vane chizaruro chikuru chokuti izvo zvinavanhu ndizvo chaizvo zvakanaka uye kuti Mwari achaitapakati pavanhu zvinhu zvakanyanya kukura uye zvinonyanyakushamisa. Zvino vanhu vachamhanyira izvi vachibatwanazvo nokuzvitenda. Vaprofita venhema vamwe chete ivavavachati nhume yenguva yokupedzisira haazi mudzidziweBhaibheri, saka haafaniri kutombonzwikwa.Havazombokwanisi kubudisa zvinogona kubudiswa nenhume;havazomboratidzwi naMwari sezvinoitwa uyu muprofitawenguva yokupedzisira, asi namashoko avo okuzvitutumadzauye nouremu hwomukurumbira wavo munyika dzosevachayambira vanhu kuti vasanzwa murume uyu (nhume) uyevachati anodzidzisa zvisizvo. Vari kutevera chairo gwararamadzibaba avo, vaFarise, vakanga vari vasatani, nokutivakati vose vari vaviri Johane naJesu vakadzidzisa zvisizvo.

Zvino vaprofita venhema ava vanorwisirei muprofitawezvokwadi nokuita kuti dzidziso yake inge isiri chokwadi uyekuti isatendwa navanhu? Nokuti vari kuita chaizvozvavanofanira kuita sezvakaita madziteteguru avo apomunguva yaAhabhi vakapikisa Mikaya. Ivo vakangavachisvika mazana mana uye vose vakanga vachibvumirana;uye vose vakanga vachitaura zvimwe chete, vakanyengedzavanhu. Asi muprofita MUMWE_mumwe chete chete_waiitazvirokwazvo vamwe vose vachiita zvisirizvo nokuti Mwariakanga aisa chizaruro pamunhu MUMWE CHETE.

Chenjerai vaprofita venhema, nokuti mapere anoparadza.

Kana musati matendeseka pamusoro pezvizvi vhunzaiMwari noMweya waKe kuti akuzadzei nokukutungamirirai,NOKUTI VASANANGURWA CHAIVO HAVAGONIKUNYENGEDZWA. Mazvibata here izvi? Hapana kana munhumumwe anogona kukunyengedzai. Pauro chaiye haaizokwanisakunyengedza vasanangurwa, dai akanga achiita nokutaurazvisizvo. Uye mune rokutanga Zera reEfeso vasanangurwavaivapo havana kugona kunyengereka nokuti vakaedzavaapostora venhema navaprofita vakavawana vari varevivenhema vakavabudisa. Hareruya. Makwai AKE anonzwainzwi raKe uye anoMUtevera. Ameni. Ndinozvitenda izvi.

KWAZISO

Zvakazarurwa 3:14 inoti, ‘Zvanzi naAmeni, ChapupuChakatendeka Chazvokwadi, Kutanga kweZvisikwazvaMwari.”

Zvangu ini, iyi haizi here tsananguro yakanakisisa yeizvozvakaita Ishe wedu wakanakisisa noMuponesi, Jesu Kristu?Mashoko awa anobva angondiita kuti ndide kudanidzira.Anounza mweya wezviripo chaizvo mumwoyo mangu.

Page 345: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 335

Kungomaverenga zvangu ndisingatombomiriri chizarurochakazara choMweya pamusoro pawo anondidenha mufarowakanyanyisisa.

Jesu ari kutipa tsananguro yezvaari Iye zvichienderananezera rokupedzisira. Mazuva enyasha ava kusvikapamagumo. Akatarira kubva kuzana rokutanga ramakorekusvikira kuzana ramakumi maviri ramakore, ndokutitaurirazvinhu zvose pamusoro pamazera awa. Asati Azarura kwatirizviri zera rokupedzisira, Anotiratidza kamwe chetekokupedzisira Humwari hwaKe pachake hwokuhwinya. Ichindicho chizaruro chedombo rapamusoro chezvaAri.

Zvanzi na“AMENI”. Jesu ndiye Ameni waMwari. Jesundiye “Ngazvive Saizvozvo” yaMwari. Ameni zvinorevamhedziso. Zvinoreva kubvumira. Zvinomirira vimbisoinokunda. Zvinomirira vimbiso isingashanduki. Zvinorevachisimbiso chaMwari.

Ndinoda kuti mutarisise izvi zvino kuti muone chimwechinhu chinotapirisa chakanakisisa. Ndakati ichi ndichochizaruro chaKe chenguva yokupedzisira chake pachaKe.Pachaguma nguva yenyasha, churu chamakore chinobvachangotanga pasina kumbopera nguva, handiti? Zvino,chiverengai pamwe neni Isaya 65:16-19. Inoti “Kuti ani naniunozviti ndakaropafadzwa panyika uchati ndakaropafadzwanaMwari wazvokwadi; uye kuti ani nani unopika panyikauchapika naMwari wazvokwadi; nokuti madambudzikookutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso aNgu.Nokuti tarirai, Ndinosika denga idzva nenyika itsva: zvinhuzvakare hazvingarangarirwi kana kufungwa mumwoyo. Asiimi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika:nokuti, tarirai, Ndinosika Jerusarema rive guta romufaro,navanhu varo vave nomufaro. Ndichafarira Jesuraremanokuva nomufaro pamusoro pavanhu vaNgu: mukati marohamuchazonzwiki inzwi rokuchema, kana inzwi rokurira.” Izvizviri pamusoro peJerusarema Idzva. Ichi ndicho churuchamakore. Asi patinenge tichipinda muchuru chamakore,inzwai zvaAnotaura pamusoro pokuva kwake Mwari weimwemhando, Ndima 16 inoti, “Ani nani unozviti ndakaropafadzwapanyika uchati ndakaropafadzwa naMwari wazvokwadi.”Hongu, ichi ichokwadi, asi kuturikira chaikwo hakuzi kwokuti“Mwari wazvokwadi”. Chaiko ndokwokuti “MwariwaAMENI.” Saka tinozviverenga tichiti, “uchazviropafadzaiye pachake muna Mwari waAMENI, uye anopika panyikaachapika naMwari waAMENI; nokuti matambudziko akareanokanganwikwa, uye nokuti anovigwa kubva mumeso aNgu.Nokuti, tarirai, Ndinosika matenga matsva nenyika itsva: uyezvakare hazvichazorangarirwi, kana kupinda mufungwa. Asiimi farai mufarisise nokupembera nokusingaperi mune izvozvaNdinosika, nokuti, tarirai, Ndinosika Jesusarema

Page 346: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

336 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

rokufarisisa, navanhu varo vanofadza. Uye NdichafadzwaneJerusarema, uye nomufaro muvanhu vaNgu: nokuti inzwirokuchema harichazombonzwiki muguta iri; kana inzwirokurira,” Hareruya. Houno Jehovha weTestamente Yekare,“Mwari waAmeni.” Houno Jesu WeTestamente Itsva, “MwariweAmeni.” Inzwai, O-o imi vaIsraeri, Ishe Mwari wenyundiMwari MUMWE. Hezvoka izvo zvakare, JehovhaweTestamente Yekare ndiye Jesu weTestamente Itsva. “Inzwai,O-o, Israeri Ishe Mwari wako ndiMwari MUMWE.”Testamente Itsva haizaruri MUMWEZVE Mwari, chinongovachimwe chizaruro chaMWARI MUMWE ANOVA NDIYEMUMWE CHETE. Kristu haana kuburuka kuti azvizivise iyepachaKe. Haana kuuya kuzoratidza Mwanakomana. Akauyakuzoratidza nokuzivisa Baba. Haana kumbotaura pamusoropavanaMwari vaviri; Akataura pamusoro paMwari MUMWE.Zvino muzera rino rokupedzisira, tadzoka kuchizarurochedombo rapamusorosoro, chizaruro choHumwari chinokoshakudarika zvimwe zvose muBhaibheri rose, chinova chokuti,JESU NDIMWARI, IYE NABABA MUNHU MUMWE CHETE:KUNA MWARI MUMWE CHETE, UYE ZITA RAKE RINONZIISHE JESU KRISTU.

NdiYe Mwari waAmeni. Haambofi akashanduka.ZvaAnoita hazvizombofi zvakashanduka. Akangozvitaurachete, zvinobva zvangoramba zvakadero zvachose.Akangozviita chete, zvinobva zvangoitwa nokusingaperi.Hapana anogona kubvisa kubva kune zvaAnotaura kanakupamhidzira kwazviri. Saka ngazvive saizvozvo. Ameni. Sakangazvive saizvozvo. Hamuzi kufara here kuti munoshandiraMwari wemhando yakadai? Munogona kuziva chaizvopamumire naYe nguva iri ipi zvayo uye nguva yose. NdiyeMwari waAMENI uye haashanduki.

“Zvanzi naAMENI.” Ndinozvida izvi. Zvinoreva kuti cherozvaAnenge ataura zvatopera. Zvinoreva kuti chosechaAkataura kuzera rokutanga nokuzera repiri nokumazeraose pamusoro pekereke yaKe pachake yazvokwadi uyepamusoro pomuzambiringa wenhema ndizvo chaizvo uyehazvimbofi zvakashanduka. Zvinoreva kuti zvaAkavambanazvo muna Genesisi, achazvipedza muna Zvakazarurwa.Anotosungirwa kudaro nokuti ndiYe Ameni, SAKANGAZVIVE SAIZVOZVO. Zvino tinokwanisa kuonazve kutinemhaka yei satani achivenga Mabhuku anoti GenesisinaZvakazarurwa. Anovenga chokwadi. Anoziva kuti chokwadichichabudirira nokukunda. Anoziva kuti magumo ake achavaapi. Anozvirwisa sei izvi. Asi tiri kudivi rinokunda. Isu(ndinoreva vatendi veShoko raKe, chete) tiri kudivi raAmeni.

“Zvanzi neChapupu Chakatendeka chaZvokwadi.” Zvinondinoda kukuratidzai zvandinowana mufungwa yokuti“wakatendeka.” Munoziva kuti tinowanzotaura pamusoro

Page 347: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 337

paMwari mukurukuru asingashanduki, Ane Shokorisingashanduki. Uye kana tichitaura pamusoro paKe nenziraiyi tinowanzowana chimiro chaKe mufungwa dzeduchinoMuita kuti aratidzike somunhu asina hanya nomunhuuye asiri munhu chaiye. Zvinenge sokuti Mwari wakasikazvose nemitemo yose inofambisa zvose ndokubva zvake amiraparutivi ndokuva Mwari mukurukuru asina zvake hanyanechinhu. Zvinenge kuti Mwari wakagadzira nzira yoruponesorwomunhu, nzira iyi iri yomuchinjikwa, uye rufu rwaKristupamuchinjikwa zvarwakaripa zvivi zvedu, uye kumuka kwaKekuvakafa zvakwakatipa mukova wakazaruka wokuuyakwaAri, Mwari akabva angogumbata maoko aKe ndokumirazvake achitarisa chete. Zvinenge takaita chidzidzo chikuruchokutenda kuMusiki mukurukuru, Uyo wakati asika, akabvaangopererwa nehanya nezvisikwa zvaKe. Zvino izvi ndizvozvinokarofungwa navanhu vakawanda. Asi uku kufungakusiko, nokuti Mwari ARI KUTONGA NYAYA DZAVANHUIKO ZVINO UNO. NDIYE ZVOSE MUSIKI NOMURIRITIRI.VaKorose 1:16-17 inoti, “Nokuti maAri zvinhu zvosezvakasikwa, zviri kudenga, napanyika, zvinovonekwanezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe, kana vushe,kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naYe,zviripo nokuda kwaKe: Ndiye Unotungamira zvose, zvosezvakabatana maAri.” NdiMwari Mutongi. Nokurayira kwakepachaKe Akaisa vavariro yefungwa yoruponesorwavasanangurwa vaKe pachake rwaAkasana kuziva.Mwanakomana akafa pamuchinjikwa kumisa nzirayoRuponeso uye Mweya Mutsvene unonyatsoita kudakwaBaba. Uri kushanda zvinhu zvose iko zvino unozvichitevedzera vavariro yokuda kwake pachaKe. Unotovapakati chaipo pazvo zvose. Ari pakati pekereke yaKe. Musikimukurukuru uyu, Mwari-Muponesi ari kushandamukuvimbika pakati pavanhu vaKe iko zvino uno soMufudzimukurukuru wamakwai. Kuvapo kwake chaiko kunoitirwavanhu vake pachaKe. Anovada nokuvachengeta nokuvanzwira.Ziso raKe riri pamusoro pavo nariini. Kana Shoko richiti“upenyu hwenyu hwakavigwa naKristu muna Mwari” rinorevachaizvo zvazviri. O-o, ndinofara sei kuti Mwari wangu anogaraakavimbika. Ndowezvokwadi kuna iye pachaKe, zvokutihaAzomborevi nhema. Ari muzvokwadi kuShoko, zvokutiAcharitsigira. Ari muzvokwadi kwatiri, zvokutihaAzomborashikirwi kana nomumwe wedu, asi kutiachatimutsa muzuva rokupedzisira. Ndinofara kutindakazorora mukuvimbika kwaKe. VaFiripi 1:6. Inoti“Ndichiziva chinhu ichi, kuti Iye Wakatanga basa rakanakamukati menyu ucharipedzisa kusvikira paZuva raKristu Jesu.”

“Ndiye Chapupu chaZvokwadi.” Zvino shoko iri,zvokwadi, ndiro shoko rimwe chete ratakaona shure kuyakuna Zvakazarurwa 3:7. Munorangarira kuti harirevi

Page 348: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

338 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

‘zvokwadi’ sokusiyana kwayo ne‘nhema.’ Zvarinorevazvakafuma, nokudzama kudarika izvi. Rinoreva kuzivakwakakwana zvichisiyana nokuziva kusina kukwana. Zvinoshure kwatakaona muZera reFiradherfia, kuuya kwaShekwakanga kwava kuswedera pedo. Rudo rukuru sei maArirwakaratidzwa nezera iroro. Zvinondirangaridza mashoko ayaakanaka omuna 1 Petro 1:8 anoti, “Iye wamunoda kunyangemusina kumuvona, iye wamunotenda kwaAri, kunyangemusingaMuvoni zvino, muchifara zvikuru, nomufarousingagoni kutaurwa uzere nokuhwinya.” Navo tinofaravonokupembera. Hatizati taMuona, asi takaMunzwa. TinoMuzivaiko zvino sokugona kwatinokwanisa sokubvumirwakwatinoitwa nezvatinonzwa nazvo. Asi mumwe musi tichangetakatarisana naye. Izvi ndezvezera iro rino. Ari kuuyapakupera kwezera rino. Kuziva kusina kukwana kuchazovaKUZIVA KWAKAKWANA, KUZIVA KWAKAPEDZISWA!Hareruya! Takanga tichitarira nomuchionioni tisinganatsikuona, asi zvino zvino tichazenge takatarisana chiso nechiso.Takanga tichifamba kubva mukuhwinya kuenda mukuhwinya,asi zvino munezenge mava mukuhwinya chaimo; uyemuKUHWINYA KWAKE TICHAPENYA. TICHAFANANANAYE, TICHAFANANA NAYE ZVINOSHAMISA, JESUMUPONESI WEDU MUTSVENE! Hazvishamisi here izvi?Takakwana maAri. Ichi ndicho chokwadi.HaAngambotinyeperi pamusoro peizvi. Asi rimwe zuvatichashandurwa twuzenga twedu. Tichapfeka kusafa. Tosetichamedzwa muupenyu. Ipapo tichaziva ZIVOYAKAKWANA.

“Ndiye Chapupu chaZvokwadi Chakatendeka.” Zvinotinofunga pamusoro peshoko iri, ‘chapupu’. Mushoko iri,ndimo munobva shoko rokuti munhu ‘anofira kutenda’.Bhaibheri rinotaura pamusoro paSitefano naAntipasinavamwe savanhu vakafira kutenda. Vakanga vari vanhuvakaurayirwa kutenda kwavo; uyevo vakanga vari zvapupu.Jesu akanga ari munhu akaurayirwa kutenda akatendeka.Mweya Mutsvene ndicho chapupu cheizvi. Mweya ndiwowakanyora nokuchengeta izvi. Nyika yakavenga Jesu.YakaMuuraya. Asi Mwari wakaMuda uye Akaenda kuna Baba.Chiratidzo chokuti Akaenda kuna Baba ndechokuti MweyaMutsvene wakauya. Dai Jesu asina kugamuchirwa naBaba,Mweya ungadai usina kuuya. Zviverengei muna Johane 16:7-11.Inoti “Asi Ini ndinokuudzai zvokwadi; Kana ndichiti zviri nanikwamuri kuti Ndiende; nokuti kana Ndisingaendi, Munyaradzihaangavuyi kwamuri; asi kana Ndikaenda, NdichaMutumirakwamuri. Iye kana Asvika, Uchazivisa nyika pamusoropezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa:Pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwaNdiri: Pamusoropokururama, nokuti Ndinoenda kuna Baba vaNgu,hamungazoNdioni; Pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda

Page 349: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 339

wenyika ino watongwa.” Kuvapo kwoMweya Mutsvene pasipano pachinhambo chokuti Jesu ave pano, zvinoratidza kutiJesu akanga akarurama uye kuti akaenda kuna Baba. Asizvinonzivo muna Johane 14:18. “Handingakusiyii muriNHERERA, Ndinovuya kwamuri.” Akatuma Munyaradzi.Ndiye AKANGA ARI MUNYARADZI. Akadzoka muMWEYApamusoro pekereke yazvokwadi. Ndiye CHAPUPUchazvokwadi chakatendeka chiri pakati pekereke. Asi rimwezuva Achadzoka munyama zvakare. Acharatidza nguva iyoyokuti ndiAni mutongi mumwe chete ano uchenjeri,_ndiYe, JesuKristu Ishe woKuhwinya.

Chapupu chaZvokwadi Chakatendeka, MusikinoMusimbisi, Kuziva Kwakakwana, Ameni yaMwari.

O-o, ndinoMuda sei, ndinoMushumira sei, JesuMwanakomana waMwari.

Ndinoda kupedzisa fungwa dzangu pamusoro pechikamuchino chekwaziso namashoko anobva muna II VaKorinte 1:18-22. Inoti “NaMwari wakatendeka, shoko redu kwamuri harizihon’o nakwete. Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu,Uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu, neni naSirvhanonaTimotio, wakanga asiri hon’o nakwete, asi wakanga arihon’o maAri. Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zvirizvizhinji sei maAri ndihon’o, naizvozvo naIyevo ndiAmeni,kuti Mwari akudzwe nesu. Zvino Uyo Unotisimbisa munaKristu pamwe chete nemi nokutizodza, ndiMwari; Uyowakatiisiravo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweyamumwoyo medu.”

Kutanga KweZvisikwa zvaMwari.” Izvi Ishe Jesu ndizvozvaAkati ndiYe. Asi mashoko awa haarevi manzwire atinoita.Kuatora samanzwire atinoita zvakakonzera vamwe vanhu kuti(chokwadi ndechokuti mhomho nemhomho dzavanhu) vafungekuti Jesu ndicho chinhu chakatanga kusikwa naMwari,zvichiMuita kuti ave pasi muhuMwari. Chisikwa chokutangaichi chakabva chasika zvimwe zvinhu zvose. Asi izvi handizvo.Munoziva kuti izvi hazvipindirani nezvimwe zvose zvirimuBhaibheri. Mashoko awa zvaanoreva chaizvo ndezvokuti,“Ndiye MUVAMBI kana kuti MUTANGI wokusikakwaMwari.” Zvino tava kuziva zvirokwazvo kuti JesundiMwari, Mwari chaiye. Ndiye Musiki. Johane 1:3 inoti“Zvinhu zvose zvakaitwa naYe, kunze kwaKe hakuna kuitwakunyange chinhu chimwe chakaitwa.” NdiYe Anotaurwapamusoro paKe, muna Genesisi 1:1 inoti “Pakutanga Mwariwakasika denga napasi”. Zvinonzivo muna Eksodho 20:11,“Nokuti namazuva matanhatu Jehovha wakaita denga napasinegungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuvarechinomwe.” Maona, hapana kana kupokana kuti ndiYeMusiki. Ndiye Akasika ZVISIKWA ZVINOONEKWA.

Page 350: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

340 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvirokwazvo tinogona kuona kuti mashoko awa anoreveizvino. Kuva neimwe dudziro kungareva kuti Mwari akasikaMwari. Ko Mwari aigozova akasikwa sei Iye, pachaKe, ariyeMusiki?

Asi zvino Amire mukati meKereke. Akamira kudaroachiZviratidza kuti ndiYe Ani kuzera rino, AnoZvidaidza kuti“Muvambi wokusika kwaMwari.” Uku ndoKUMWE KUSIKA.Uku kune chokuita nekereke. Iyi ndeimwe nzvimbo yebasaraKe. Ndiye MUSIKI wekereke iyoyo. Chikomba chokudengachakasika mwenga wacho. Sezvo ari Mweya waMwari,Akaburuka akasika mumhandara Maria zvizenga zvakaumbamutumbi waKe. Ndinoda kudzokorora izvi. Akasika zvizengaizvozvo chaizvo mumimba yaMaria kuitira mutumbi iwowo.Zvakanga zvisina kukwana kuti Mweya Mutsvene ungopaupenyu chete kuzai romunhu rakabva kuna Maria. Izvizvingadai zvakareva kuti mutumbi wakaumbwa nomunhuwechivi. Izvi zvingadai zvisina kubereka “AdhamaWokupedzisira.” Zvakanga zvanzi pamusoro paKe “Tarirai(Baba) MakaNdigadzirira mutumbi.” Mwari (kwete Maria)wakapa mutumbi iwowo. Maria akangoita semhambo inovatirazai kuti richochonye uye akatakura Mwana Mutsvene uyundokuzoMupona. Akanga ari Mwari-munhu. Akanga ariMwanakomana waMwari. Waiva kusikwa KUTSVA. Mwarinomunhu zvakasangana zvikabatana; Akanga ari wokutangaworudzi rutsva urwu. Ndiye musoro worudzi rutsva urwu.VaKorose 1:18 inoti, “Ndiye musoro womuviri, ndiyo kereke:Ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti Iye avemukuru pazvinhu zvose.” II VaKorinte 5:17 inoti “Saka kanamunhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakarezvapfuvura, tarirai zvose zvava zvitsva.” Apa munogona kuonakuti nyangwe munhu ari WAKARE kana chisikwa, zvinoMUKUBATANA NAKRISTU, wava CHISIKWA CHITSVAchaMwari. VaEfeso 2:10 inoti, “Nokuti tiri basa raKeTAKASIKWA KUTI MUNA KRISTU JESU tiite mabasaakanaka.” VaEfeso 4:24 inoti, “Mufuke MUNHU MUTSVAwakasikwa akafanana naMwari pakururama novutsvenehwezvokwadi.” Chisikwa Chitsva ichi hachizi chisikwachakare chakagadziridzwa, nokuti hachaizodaidzwa kunzichisikwa chitsva. Izvi ndizvo chaizvo zvachiri, “CHISIKWACHITSVA.” Ndechimwe chisikwa, chakasiyana nechakare.HaAchiri kushanda nenzira yenyama. Izvi ndiwo mashandireaAkaita navaIsraeri. Akasarudza Abrahama, uye nomudzinzaraAbrahama kubudikidza nomwana wake mutsvene Isakazvichidzika. Asi zvino kubva kurudzi rwoga rwoga, nedzinzanenyika Akada kuti pave nokusika kutsva. Ndiye wokutangawokusikwa ikoko. Akanga ari Mwari akasikwa muchimirochomunhu. Zvino noMweya waKe Ari kuZvisikiraVanakomana vakawanda. Mwari musiki, achiZvisika iyepachake kuva chikamu chezvisikwa zvaKe. Ichi ndicho

Page 351: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 341

chizaruro chaMwari chazvokwadi. Iyi ndiyo yakanga irivavariro yaKe. Vavariro iyi yakavapo nokuda kokusanangura.Ndosaka Aikwanisa kutarira kuzera rokupedzisira zvimwezvose zvapera achiZviona achiri mukati mekereke, somuvambiwoKusika Kutsva kwaMwari. Simba raKe roumambo ndirorakaita kuti zviitike. Nokurayira kwaKe iye pachakeAkasanangura nhengo dzoKusikwa Kutsva uku. Akavatemerakuitwa vana sezvaakafadzwa pakuda kwaKe. Nokudakwokuziva zvose kwaKe nokuva namasimba ose Akaita kutiizvi zviitike. Ko Aizokwanisa sei kuziva kuti Aizomira mukatimekereke achigamuchira kuhwinya kubva kuhama dzaKe deiAkanga asina kuona kuti izvi zvaitika? Akaziva zvinhu zvose,Akaronga nokuita zvose achitevedzera zvaAiziva kuitira kutivavariro yaKe nokufadzwa kwake kwakanaka kuve kunoitika.VaEfeso 2:11 inoti “Muna Iye watakaitwavo nhaka maari,yatakatemerwa yokurayira kwaIye Unoita zvose nokufungakwokuda kwaKe.” Hareruya! Hamufari here kuti muri vaKe!

MHARIDZO KUZERA RERAODHIKIA

Zvakazarurwa 3:15-19 inoti “Ndinoziva mabasa ako, kutihautonhori kana kupisa: Dai uchitonhora kana kupisa. Zvinozvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, Ndichakusvisvinamumuromo maNgu. Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa,handishayiwi chinhu; usingazivi kuti ndiwe uno vurombo,nenhamo, uri murombo, nebofu, usine chokufuka; Ndinokupazano kuti utenge kwaNdiri ndarama yakaidzwa mumwoto,kuti uve nefuma; nenguvo chena, kuti uzvifukidze, nyadzidzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizoro chamesokuti uzore meso ako, uvone. Vose vaNdinoda, Ndinovaranganokuvarova: naizvozvo shingaira utendevuke.”

Sezvo taverenga izvi pamwe chete ndinovimba kutimacherechedza kuti Mweya hauna kutaura kana chinhuchimwe zvacho chine nyasha pamusoro pezera iri. Unopomeramhosva kaviri nokupa mutongo waKe pamhosva idzi.

(1) Zvakazarurwa 3:15, na16 inoti “Ndinoziva mabasa ako,kuti hautonhori kana kupisa: Dai uchitonhora kana kupisa.Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa,Ndichakusvisvina mumuromo maNgu.”

Tiri kuongorora izvi zvakanakisisa. Zvinonzi boka rinorekereke ino yeRaodhikia rinodziya. Kudziya uku kunodachirango kubva kuna Mwari. Chirango chazvo ndechokutivachapfirwa kubva mumuromo maKe. Hapano patisingadikuti tirashike kana kutsauka sezvinoita vanhu vakawanda.Mukusachenjera kwavo vanoti Mwari anokwanisa kukupfirakubva mumuromo maKe uye kuti izvi zvinoratidza kutihapana chokwadi kudzidziso yokugara zvachose munyashakwaVatsvene. Ndinoda kururamisa kufunga kwenyu iko zvino

Page 352: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

342 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

uno. Ndima iyi haizi kutaurwa kumunhu mumwe chete. Irikutaurwa kukereke. Ari kutaura kukereke. Pamusoro pezvizvi,dai mukangochengeta Shoko mufungwa dzenyumucharangarira kuti hapana panombonzi tiri muMUROMOmaMwari. Takanyorwa muzvanza zvaKe. Takatakurwapachipfuva chaKe. Karekareko mumazera asingachazikanwinguva isati yavapo takanga tiri mufungwa dzaKe. Tiri mubokaraKe ramakwai, uye tiri mumafuro aKe, asi hatina kumbofatakava mumuromo maKe. Asi chiri mumuromo maIshe chii?Shoko ndiro riri mumuromo maKe. Mateo 4:4 inoti “AsiWakapindura akati, Kwakanyorwa kuchinzi, Munhuhaangararami nechingwa bedzi, asi naMashoko ose anobudamumuromo waMwari.” Shoko rinofanirwa kunge ririmumiromo, yeduvo. Zvino tinoziva kuti kereke ndiwomutumbi waKe. Iri kutora nzvimbo yaKe pano pasi. Kochichange chiri mumuromo mekereke chii? ISHOKO. 1 Petro4:11 inoti “Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge arimashoko (Shoko) aMwari.” 2 Petro 1:21 inoti “Nokuti karehakuno uprofita hwakangovuya nokuda kwomunhu: asi vanhuvaMwari vakataura vachimutswa noMweya Mutsvene.” Kozvino chakaipa pavanhu ava venguva yokupedzisira chii?VAKATSAUKA KUBVA MUSHOKO. HAVACHISIRI KUPISAPAMUSORO PARO. VAVA KUTONHORA PAMUSOROPARO. Ndiri kuzoratidza izvi iko zvino uno.

MaBhaptist vane zvitendwa zvavo nedzidziso dzavodzisingapikiswi dzakamiswa pahwaro hweShoko uyehaungambovazungunisi. Vanoti mazuva avaapostoraezvishamiso akapfuura uye hakuna zvoKubhabhatidzwanoMweya Mutsvene, mushure mokutenda. MaHwisiri anoti(akamiravo paShoko) hakuna zvokubhabhatidzwa nemvura(kusasa mvura hakuzi kubhabhatidza) uye vanoti kucheneswandiko Kubhabhatidzwa noMweya Mutsvene. VeKerekeyaKristu vanosimbavo nerokuti kune bhabhatidzo inochenesanokuponesa uye kazhinji vanongonyudzwa vari vatadzivakaoma vachibudazve vachingova vatadzi asi vanyorova. Asinyangwe zvakadero vanoti dzidziso yavo yakamiswa pahwarohweShoko. Rambai muchidzika nomutsetse kusvikirapamaPentekosti. Ko ndivo vane Shoko here? Vapei chierocheShoko muone. Vachatengesa Shoko kuitira zvokunzwapanyama nguva yoga yoga. Kana mukakwanisa kubudisakuratidzwa kwakafanana namafuta neropa nendimi nezvimwezviratidzo, zvisinei kuti zviri muShoko here kana kuti kwete,kana kuti zvanyatsodudzirwa kubva muShoko here, vazhinjivachazvimhanyira. Asi chii chakaitika kuShoko? Shokorakaiswa parutivi, ndiko kusaka Mwari achiti, “Ndirikukurambai mose. Ndichamupfirai kubva mumuromo maNgu.Awa ndiwo magumo. Nokuti mumazera manomwe kubvamumazera manomwe, hapana chimwe chaNdakaona kusiyakwavanhu vari kungokudza shoko ravo ivo pachavo pamusoro

Page 353: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 343

peraNgu. Saka pakuguma kwezera rino Ndiri kuzokupfiraikubva mumuromo maNgu. Zvapera. Hongu Ndiri kuzotaura.Hongu, Ndiri muno mukati meKereke. Ameni waMwari,wakatendeka wazvokwadi achaZviratidza uye ndichazviitaNENZIRA YOMUPROFITA WANGU.” O-o hongu, izvi ndizvozvazviri. Zvakazarurwa 10:7 inoti “Asi namazuva enzwiromutumwa wechinomwe, kana wodo kuridza, zvakavanzikazvaMwari zvichapedziswa sezvaAkaparidzira varanda vaKeivo vaprofita.” Hezvo. Ari kutuma muprofita akasimbiswa. Arikutuma muprofita mushure mamakore angasvika zvuru zviviri.Ari kutuma munhu ari kure namasangano, nedzidzo,nechinamato chapanyika zvokuti sezvakanga zvakaita JohaneMubhabhatidzi naEria vakareko, Achanzwa kubva kunaMwari uye achava ne“zvanzi naJehovha” nokutauriraachimiririra Mwari. Achange ari muromo waMwari uye IYE,SOKUTAURWA KWAZVAKAITWA MUNA MARAKI 4:6,ACHADZORERA MWOYO YAVANA KUMADZIBABA.Achadzorera vasanangurwa venguva yokupedzisira uyevachanzwa muprofita akasimbiswa achipa chokwadi chaichosezvachakanga chiri naPauro. Achadzorera chokwadi chaichochavakanga vanacho. Uye vasanangurwa vanenge vanayenguva idzodzo ndivo vacharatidza Ishe zvirokwazvo nokuvaMutumbi waKe uye nokuva inzwi raKe nokuita mabasa aKe.Hareruya! Munozviona here izvi?

Kuongorora nhoroondo yekereke kwechinguva chidikikunoratidza kuti fungwa iyi yakananga chaizvo. MuMazeraeRima vanhu vakapotsa varashikirwa neShoko rose. Asi Mwariakatuma Luther neSHOKO. VechiLuther vaitaura vakamiriraMwari panguva iyoyo. Asi vakaumba masangano, ndokubvazvakare varashikirwa neShoko rakakwana nokuti masanganoanokarira kune zvedzidziso dzisingapikiswi nezvitendwa,kwete Shoko zvaro risina chimwe chinhu pariri. Vakangavasingachakwanisi kutaura vakamirira Mwari. Mwariakabvazve otuma Hwisiri, akava inzwi rakanga rine Shokomunguva yake. Vanhu vakatora chizaruro chake kubva kunaMwari vakava tsamba mhenyu dzakarahwa nokuzikanwanavanhu vose kuitira chizvarwa chavo. MaHwisiripaakakundikana, Mwari akamutsa vamwe ndokubvazvangoramba zvichingodaro kudzira namakore kusvikiramunguva ino yokupedzisira mavazve navamwe vanhu panyika,avo vachava inzwi rokupedzisira kuzera rokupedzisira vari pasipenhume.

Hongu changamire. Kereke haichisiri “muromo” waMwari.Yava muromo wayo iyo pachayo. Saka Mwari ari kutarisananayo. Achairwisa nenzira yomuprofita nomwenga, nokutiinzwi raMwari richange riri mumwenga. Hongu ririmo, nokutizvinonzi muchitsauko chokupedzisira chaZvakazarurwandima 17 “Mweya nomwenga vanoti uya.” Zvakare nyika

Page 354: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

344 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ichanzwa kubva kuna Mwari chaiko sezvakaitikapaPentekosti; asi zvirokwazvo Mwenga weShoko uyuacharambwa sezvakaitika muzera rokutanga.

Zvino Akadanidzira kuzera rino rokupedzisira achiti,“Mune Shoko. Muna maBhaibheri akawanda kudarika ambotiawanikwa, asi hapana chamuri kumboita pamusoro peShokokusiya kwokutoripatsanura nokuricheka-cheka mutwudimbu,muchitora twamunoda nokusiya twamusingadi. Hamusikumboda ZVOKURARAMA shoko, asi zvokuitirana nharopamusoro paro. Ndingatoda zvangu kuti dai mangamuchitonhora kana kupisa. Dai manga muchitonhoramuchiramba shoko, izvi Ndaikwanisa kuzvirega zvakadaro.Dai maikwanisa kuva vanopisa kuti piriviri chaikwo kanakutochena nokupisa kuti muzive chokwadi cheshokonokurirarama, Ndingadai ndaikurumbidzirai izvozvo. Asi kanamuchingotora Shoko raNgu musingamborikudzi, nenivonapangu Ndinosungirwa kusakukudzaivo. Ndichakupfirainokuti munoNdisemesa.”

Zvino ani nani anoziva kuti mvura inodziya inomuita kutianzwe mudumbu nokuda kurutsa. Kana muchida mushongawokurutsisa, mvura inodziya chinhu chakanaka kuti mumwe.Kereke inodziya yakaita kuti Mwari ade kurutsa uye Akataurakuti Achaipfira. Izvi zvinotirangaridza manzwire aKe mvurazhinji isati yanaya, handiti?

O-o, Mwari anoda kuti dai kereke ichitonhora kana kupisa.Chakanaka, ndechokuti iperere (ipise). Asi haipisi. Mutongowakatopiwa. Haichisiri inzwi raMwari kunyika. Asi iyoinorambirira ichiti ndiyo, asi Mwari achiti haizi.

O-o, Mwari achine inzwi kuitira vanhu vapanyika,sezvaAkangopavo inzwi kumwenga. Inzwi iri riri mumwengasezvatataura kare uye tichataura zvimwe pamusoro penyayaiyoyi gare gare.

(2) Zvakazarurwa 3:17-18 inoti, “Nokuti unoti, ndakafuma,ndakafumiswa, handishayiwi chinhu; usingazivi kuti ndiweuno vurombo nenhamo, uri murombo nebofu, usine chokufuka;Ndinokupa zano kuti utenge kwaNdiri, ndarama yakaidzwamumwoto, kuti uve nefuma; nenguvo chena kuti uzvifukidze,nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizorochameso kuti uzore meso ako, uvone.”

Zvino tarirai mashoko okutanga endima iyi, “nokutiunoti.” Maona, vakanga vachitaura. Vakanga vachitaurasandivo muromo waMwari. Izvi zvinoratidza chaizvozvandataura kuti ndizvo zvinoreva ndima 16-17. Asi nyangwezvavo vachitaura kudaro, hazvizviiti zvakanaka. KerekeyeRoma inoti ndiyo inotaura yakamirira Mwari, ichiti ndiyoinzwi chairo raIshe. Kuti vanhu vapi zvavo vanogona kuvavaipi vakadai pamweya chinhu chandinototadza kuzivavo

Page 355: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 345

kana ini, asi chiripo ndechokuti vanobereka zvinoenderananembeu iri mavari, uye tinoziva kuti mbeu iyi yakabva kupi,handiti?

Kereke yeRaodhikia iri kuti, “Ndakafuma uyendakawedzerwa pazvinhu, uye hapana chandinoda.” Awandiwo maonere ayaizviita. Yakazvitarira ikaona izvozvo.Yakati, “Ndakafuma,” zvinoreva kuti yakafuma pazvinhuzvapasi pano kana kuti zvomunyika. Iri kuzvikudza nyangwezvazvo Jakobho 2:5-7 ichiti, “Inzwai, hama dzangudzinodikanwa, Ko Mwari haana kusanangura varombovenyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhakayovushe hwaAkapikira vanoMuda? Asi imi makazvidzamurombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivovanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here? Ko havazi ivovanomhura Zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?” ZvinoHANDIZI kupa fungwa yokuti munhu wakafuma haagonikuva woMweya, asi tose tinoziva kuti Shoko rinoti vashomachose vakadero. Varombo ndivo vakanyanya kuwandamumutumbi wekereke yazvokwadi. Saka zvino, kana kerekeyazadzwa noufumi, tinobva taziva chinhu chimwe chete; kutimashoko anoti “Nyasha dzaenda” akanyorwa pamusoropamasuvo ayo! Hamungarambi izvi, nokuti iri ndiro Shoko.

Taurai pamusoro poufumi mukereke _ hapana kumbovanokuratidzwa kwoufumi kwakadai. Imba dzokunamatiradzakanaka dziri kuwanda zvadzisina kumboita kare. Mapokaakasiyana ari kuita makwikwi okuti tione kuti nderipi bokarinogona kuvaka yakakurisisa nokunakisisa. Uye vanovakanzvimbo dzedzidzo nemari inosvika mamiriyoniasingaverengeki, uye dzimba idzodzo dzinongoshandiswakweawa imwe kana kuti maawa maviri pavhiki. Zvino izvihazvingavi hazvo chinhu chakanyanya kuipisisa, daivasingatarisiri kuti kanguva kadikidiki ikaka kanopedzwanavana munzvimbo dzokudzidza idzi katore nzvimbo yenguvayokudzidzisa yakafanirwa kunge ichipiwa kumba.

Mari yakapinda mumakereke kusvikira masanganoakasiyana ava kukweretesa dzihurumende nokuvanamabhondi, namafekitari, nemigodhi yamafuta,namakambani einishuwarenzi. Vakadira mari muhurongwahwokuriritira vanotambura nemari dzokubetsera vanoregamabasa uye vachembera. Zvino izvi zvinenge zvinhuzvakanaka, asi zvakava musungo kuvafundisi, nokuti kanavakafunga zvokusiya boka ravo vachienda kune chiedzachakawanda kana kuti rudo rwavo kuna Mwari, vanobvavarashikirwa nepenjeni dzavo. Vazhinji havakwanisikutarisana nezvizvi zvokuti vanongogara havo namapoka avoanosundira divi raanoda.

Zvino musakanganwa kuti rino ndiro zera rokupedzisira.Tinoziva kuti ndiro zera rokupedzisira nokuti Israeri

Page 356: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

346 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

yakadzokera Parastina. Kana tichibvuma kuti Ari kuuyazvirokwazvo, saka panofanira kuva nechimwe chakaipapavanhu avo vari kuvaka zvakadai. Zvinoita kuti munhuufunge kuti vanhu ava vari kuronga kugara pano panyikanokusingaperi, kana kuti kuuya kwaJesu kuchiri mazananamazana amakore ari mberi.

Munoziva here kuti chinamato makore ano chinonzi ndirobhizimisi guru chose? Ichokwadi chaicho chizere kuti varikuisa mameneja amabhizimisi mumakereke kuti vaone kutizvemari zvinofambiswa sei. Izvi ndizvo zvinoda Mwari hereizvi? Shoko raKe harina here kutidzidzisa muBhuku raMabasakuti varume vanomwe vakazadzwa noMweya Mutsvenevakashandira Mwari munyaya dzezvemari? Munogona kuonazvirokwazvo kuti nemhaka yei Mwari akati, “IWE unotiwakafuma; asi Ini handina kumbodero.”

Kune nhepfenyuro dzomumhepo, nedzomuterevhizheni,nokuedza kwakawanda kwamakereke kuri kutora mamiriyoninamamiriyoni amadhora. Ufumi hwuri kungodirananakudirana mukereke, kuwedzera kwenhengo ndikokuwandavo kwemari, asi basa harizi kuitwa seraiitwa pakangapasina mari, asi vanhu vaimira vari pakukwanisa kwavokwavaipiwa noMweya Mutsvene.

Kuna vaparidzi vanobhadharwa mari, navabetseri vavovanobhadharwa mari, navafundisi vezvemimhanzi nedzidzovanobhadharwa mari, namapoka avaimbi vanobhadharwamari, navachengeti vanobhadharwa mari, nezvirongwa,nezvokuvaraidza nokutandadza _ zvose zvinodya mariyakawanda kwazvo, asi pane zvose izvi, simba riri kuderera.Hongu, kereke yakafuma, asi simba harimo. Mwari anoshandanoMweya Wake, kwete nouwandu hwemari kana tarendarekereke.

Zvino ndinoda kukuratidzai kuti kudakwairira mari ukukwava nousatani hwakadini. Makereke akazvipira kutsvakanhengo nesimba, kunyanya dziya dzakafuma. Kwose kwosekuri kuchemerwa rokuti chinamato chiitwe chinhuchinoyevedza nokunakidza zvokuti vapfumi naavovakasvinura mune zvetsika namagarire naavovo vanopiwarukudzo mune zvomunyika vapinde nokuwana zvavanoitavomukereke. Ko havanzwisisi here kuti kana ufumi hukaitwachipimo pane zvomweya, saka nyika yakatova naMwari kare,ina Mwari wose, uye kereke haina chinhu?

“Unoti ndakafumiswa.” Mashoko awa zvaanoreva chaizvondezvokuti ‘Ndino ufumi paMweya.’ Izvi zvinenge zvinorevachuru chamakore chine migwagwa yendarama nokuvapokwaMwari. Asi ndinoshama kuti izvi ndizvo here. Kerekeyakafuma zvirokwazvo here muzvinhu zvoMweya waMwari.Ngationgorere kuzvirumbidza uku kweRaodhikia yomuZanaraMakumi Maviri aMakore tiri muchiedza cheShoko.

Page 357: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 347

Dai kereke yakanga yakafuma zvirokwazvo paMweya,ingadai ichinzwika kukurudzira kwayo muupenyu hwavanhu.Asi chaizvo upenyu rudzii hwunoraramwa navanhuvomumatunhu vanonzi ndivo vano mweya nekurudziro?Kumasabhabha uko, nouko kumatunhu anogara vanhu vebokarapamusoro, kune zvokutsinhana vakadzi zvakawanda,noufambi, namapoka avana achiita mitambo yemheremhereyokupwanya zvinhu, achikonzera kuparadzwa kwezvinhukunotyisa. Kusazvibata nokushaya unhu patsika zvakasvikapauwandu husati hwambosvikwa kubvira nariini panezvamabasa okungozivana zvisina muganho negwara,nokutongwa nezvinobata zvakaita sembanje, nokuchovhamakasi nokubheja, nokuba, nokumwe kushata kwakasiyana.Asi kereke inoenderera mberi ichitaura kuti chizvarwa chinochakanaka zvakadini, uye kuti makereke akazara zvakadininavanhu uyevo kuti vanhu vomunyika dzinoshanyirwanovechimishinari vanotambira nokufarira zvakadinizvavanotaurirwa. Kereke yakaendesa vanhu kunavanachiremba, kunyanya vaya vanorapa zvokurashikakwefungwa. Kuti kereke inogona kutaurisa sei pamusoropokuva kwayo yakafuma muMweya chinhu chandisingagonikuti ndingaziva. Hachizi chokwadi. Varombo asihavambozvizivi.

Nyatsotarisisai zvakakupoteredzai. Ongororai vanhupavanenge vachingopfuura zvavo. Mumhomho nemhomhodzamunoona, munogona here kunongedza avo vanoratidzikasamaKristu? Onai mapfekere avo, onai maitire avo, inzwaizvavanotaura, onai kwavanoenda. Zvirokwazvo panofanirakuva nechiratidzo chokuponiwa patsva pakati pavose avavatinoona vachipfuura. Asi vashoma kwazvo. Nyangwezvakadero nhasi makereke ari kutitaurira kuti ane mamiriyoninamamiriyoni avanhu vakaponeswa kana kutoti vakazadzwanoMweya. Vakazadzwa noMweya? Ungati here vakadzivakazadzwa noMweya avo vanongofamba notwuvhudzitwupfupi twakangoti nyangarara, vakapfeka zvikabuduranemitirauzi, notwutambo notwubhuruku twomukati chete,vakapendwa-pendwa sovanonzi ndivanaJezebheri? Kana avavachinzi vakapfeka zvakatsiga zvakafanira vakadzivechiKristu, ndinototya kufunga kuti zvaizenge zvakadini kutindione ivo vacho vanozonzi ndivo vanoratidza kupfeka kusinakutsiga.

Ndinoziva kuti vakadzi havazivo vanotungamiriramuzvipfeko. Horihudhu ndiyo inoita zvose izvi. Asi tereraimadzimai, kuchiri kutengeswa micheka nemichinayokusonesa. Hamusungirwi kuti mutenge zviri muzvitoro kutimugozvishandisa sandizvo zvinokuitai kuti mudero. Iyi inyayainokosha zvokutosvika parufu chaipo yandava kupinda mairi.Hamuna here kumboverenga muGwaro kuti kana murume

Page 358: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

348 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

akatarira mukadzi achimuchiva mumwoyo make, anengeatoita upombwe naye mumwoyo make? Ngatiti wakapfekanomutovo iwoyo zvokuti unosakisa izvi? Izvi zvinokuitamumwe naye muchivi, nyangwe zvako ungava usingazivizvako kuti ndizvo zvazviri, uri mhandara yazvokwadi isinakana zvido zvakadai. Zvisinei Mwari anongokuti ndiwewazvikonzera uye uchazotongerwa izvozvo.

Zvino ndinoziva kuti imi madzimai hamufariri kuparidzakwomutovo uyu, asi hazvanzi, wakarashika chaizvo munezvaunoita izvi. Bhaibheri rinokurambidza kugera vhudzi rako.Mwari akakupai vhudzi kuti rikufukidzei. Akapa murayirowokuti murirege rakareba. Uku ndiko kuhwinya kwenyu.Kana mukagura vhudzi renyu munenge muchiratidza kutimaramba hutungamiriri hwavarume venyu. SaEvha zvinorevakuti maenda kwenyu moga. Makawana vhoti. Makatoramabasa avarume. Makasiya zvose zvokuva vanhukadzi.Munofanira kutendeuka nokudzokera kuna Mwari. Zvinosokunge izvi hazvina kuipa zvakakwana, mose makatorafungwa yokuti munogona kupamba mapurupiti nzvimbodzomukereke dzakachengeterwa varume chete chete naMwari.O-o, ndabata paronda nyoro apa handiti? Zvakanaka,ndiratidzei pamwe chete muBhaibheri Mwari paakagadzamunhukadzi kuti aparidze kana kutora masimba pamusoropomurume, ndinobva ndakumbira ruregerero rwezvandataura.Hamukwanisi kuwana kuti zvandataura hazvizizvo. Ndirimugwara, nokuti ndakamira neShoko uye ndiri muShoko. Daimanga makafuma paMweya mungadai muchiziva kuti ichindicho chokwadi chandiri kutaura. Hapana chimwe chokwadikusiya kweShoko. Pauro akati, “Handidi kuti mukadziadzidzise kana kutora simba pamurume.” Hamukwanisi kuvamushumiro yakapetwa kashanu yavaEfeso 4 musingatorimasimba pamusoro pavarume. Hazvanzi, unofanira kuteereraShoko iroro. Hauzi Mweya waMwari uchizviratidza muupenyuhwakazadzwa noMweya wakakutaurira kuti uparidze nokutiMweya neShoko chinhu CHIMWE chete. Zvinotaura zvinhuzvakafanana. Pano mumwe munhu akakanganisa. Panomumwe munhu akanyengedzwa. Mukai nguva isati yapera.Satani akanyengera Evha, mai venyu; ari kunyengeravanasikana iko zvino. Mwari ngaakubetserei.

“Handishayiwi chinhu.” Zvino kana munhu akati,“Hapana chandinoda,” anogona kureva kuti, “Ndine zvose’,kana kuti angava ari kuti, “Handichadi zvimwe nokutindakaguta iko zvino.” Ungangozvitaura nomutovo upi zvawowawada, zvose zvinongosvika pachokwadi chokuti kerekeyakagutsikana nokushaya hanya. Yakagutsikana nezvainazvo.Ingadai ichifunga kuti ine zvose kana kuti zvainazvozvakaringana. Izvi ndizvo chaizvo zvatinowana mazuvano.Nderipi sangano risingati IRO ndiro rine chizaruro nesimba

Page 359: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 349

nezvokwadi? Teererai munzwe zvinotaura maBhaptist,munonzwa kuti vane zvose. Teererai maHwisiri, naivovo vanezvose. Teererai veKereke yaKristu vamwe vose vanoitazvisirizvo kusiya kwavo ivo. Inzwai zvinotaura maPentekostivanoti vano kuzara kwokuzara. Vanoziva kuti zvandinotaurapamusoro pavo ichokwadi, nokuti hapana kana kamwe zvakokotwubhuku twavo twamaitire twunotaura zvakasiyananezvizvi. Vakazvinyora zvose zvakanaka ndokuisa mazita avopamusoro ndokupedza. Mwari hapachisina chaanacho. Uyekuna avo vasingachatombodi zvavo chimwe chinhu. Havatendimukuporeswa uye havatombokudi kuporeswa kwacho,nyangwe zvakwo kuri muShoko. Kuna avovasingazombotambiri Mweya Mutsvene kunyange Mwariakazarura matenga akavaratidza chiratidzo.

Zvino vose vari kutaura, nokuedza kuratidza kuti vanezvose, kana kuti zvavanazvo zvakaringana. Asi ichi ndichochokwadi here? Inzanisai kereke iyi yomuno muzanaremakumi maviri ramakore nekereke yomuzana rokutanga.Hongu zviitei. Itai izvozvo. Simba riri kupi? Rudo ruri kupi?Ko kereke yakacheneswa yakakurira chivi ikafambanokutenda ichienda kuna Jesu iri kupi? Ko kubatana kuripi?Hamukwanisi kuzviwana. Kana kereke iyi ine zvose zvainoda,ko vaigochemererei zvimwe kubva kuna Mwari muBhukuraMabasa sokunonzi vakanga vasina zvose, asi vaitovanezvakawanda kudarikisa zvavanazvo nhasi?

MAONERE AMWARI

Zvino zvakaona Mwari zvakanga zvasiyana chosenezvavaiti vaiona. Vakati ivo vakanga vakafuma mukuvanezvinhu nokupfuma paMweya. Vakati vakanga vasvika.Vakativo hapana chavakanga vachiri kuda. Asi Mwari akaonazvakasiyana. Akati, “Hausi kuzviziva, asi unourombo,nenhamo, uri murombo, nebofu, usine chokufuka.” Zvino kanavanhu vakaita sezvizvi, kunyanya kana vasina kupfeka asi ivoVASINGAZIVI, panenge pane chimwe chinhu chakaipisisapavari. Zvirokwazvo panotova nechimwe chiri kuitika. Hakuzikuti here Mwari wakapofomadza meso avo sezvaAkaitakumaJudha? Evhangeri yava kudzokera kumaJudha here?Nhoroondo yava kuzvidzokorora here? Ndinoti ndizvo.

Mwari anoti kereke ino yeZera reRaodhikia “hainamufaro”. Shoko iri rinobva kumashoko maviri omutaurowechiGiriki anoreva ‘kutsungirira’ uye ‘kuedzwa’. Zvino izvihazvinei nemiedzo inowira muKristu wazvokwadi nokutiMwari anotora muKristu pakuedzwa somunhu“wakaropafadzwa” uye maonere ake saawo omunhu unomufaro mukuru asi tsananguro yatiri kuona iyi ina mashokoanoti “urombo nenhamo”. Zvinoshamisa sei izvi. Muzera rino

Page 360: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

350 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

rezvizhinji, muzera rino rokubudirira, muzera rino rokuwanazvakawanda, kunogona sei kuva nemiedzo nokushupika? Saka,zvichishamisa; asi muzera rino rezvizhinji nemikana, munavanhu vose vane zvakawanda kudai uye mune zvimwezvakawanda zvokuwana, mune zvose zvigadzirwa zvitsvazvokutiitira mabasa edu uye zvinhu zvakawanda kudaizvokutipa mafaro, PAKAREPO, tinowana zvirwere zvefungwazvichiwira vanhu vakawanda kudai zvokutovhundusa nyika.Apo munhu wose achifanira kuva nomufaro, pasina kanazvapo chinhu chaicho chokushayira mufaro, tinoonamamiriyoni achimwa mishonga yokukotsirisa nguva dzousiku,uye mapiritsi okupa simba nokumutsa mweya pamangwanani,nokumhanyidzana kuenda kuna vanachiremba, kuiswamunzvimbo dzinorapwa nokuchengetwa vanorwara fungwa,uye kuedza kungomwa zvinotyisa nedoro. Hongu, zera rinorinozvirumbidza namatura namatura makurukuru azerenezvinhu zvapanyika, asi vanhu vano mufaro mushomakudarika nguva ipi zvayo. Zera rino rinozvirumbidzanokubudirira kwaro pane zvomweya, asi vanhu varikushayiwa chokwadi noupenyu hwavo kudarika nguva ipizvayo. Zera rino rinozvirumbidza nokuva nane kwaro panezvounhu netsika asi rakatsveyama kudarika ripi zvaro zerakubva pakuparadzwa kwemvura zhinji. Zera rino rinotaurapamusoro pezivo yaro mune zvenjere dzezvesainzi, asi ririkungokurirwa mativi ose, nokuti fungwa yomunhu nomwoyowake nomweya wake hazvikwanisi kunzwisisa kufambirananokushanduka kwose kwakauya panyika. Muchizvarwachimwe chete takabva muzera rengoro dzinokwehwanamabhiza kusvikira kuchitundumutseremutsere, uye tinodadanokuzvikudza pamusoro pazvo; asi mukati ibako rakashamarine rima riri kuchema nokuda kwokutambura kukuru, uyePASINA KANA CHIKONZERO CHINOZIKANWA mwoyoyavanhu iri kukundikana nokuda kwokutya uye nyikayakazadzwa nerima zvokuti zera rino ringatonzi zvaro zeraravanhu vazere kuvhunduka-vhunduka. Zera rinorinozvikudza, asi harigoni kutsigira kuzvikudza kwaro. Rinotirugare, asi iko hakuna rugare. Rinoti rine zvose, asi rinorambarichingotsva nechishuwo somwoto! Mwari wangu anoti,“Hakuna rugare” kuno vakaipa.

“Vane nhamo uye varombo”. Izvi zvinoreva kuti vanhuvanofanira kunzwirwa tsitsi. Kunzwirwa tsitsi? Vanomhuratsitsi. Vazere nokuzvida. Vanozvikudza vachiti vane zvinhu.Asi zvavanazvo hazvirambi zviripo nokufamba kwenguva.Vakavaka pajecha pachinhambo chokuvaka padomborechizaruro cheShoko raMwari. Gare gare kunouyakudengenyeka kwenyika. Gare gare kuchauya duturokutsamwa kwaMwari mukutonga. Kunozobva kwouyakuparadzwa pakarepo, uye nyangwe zvazvo pane gadziriroyapanyama vachazenge vari vanhu vasina gadziriro

Page 361: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 351

yezvinowira nyika. Kuna avo vanozvipikisa asi ivovasingazvizivi kunyangwe zvavo vachishingaira savanhuvenyika. Zvirokwazvo vanhu vanonzwisa tsitsi. Nzwirai tsitsivanhu zvavo ava vari mukubatana kwamasangano amakerekeapasi pose, nokuti vanokuti kushanda kwaMwari, asi ikwokuri kwaSatani. Nzwirai tsitsi avo vasingazivi kutukwakwamasangano. Nzwirai tsitsi avo vana makereke, navafundisivakanakisisa kudaro, uye mapoka avaimbi akadzidziswazvakadzama zvakadaro, nokuratidzwa kwose kwoufumi uyekunamata kwakadzikama nokuremekedza. Vanzwirei tsitsi,musambovayemura zvenyu. Dzokerai kumatura enyu, dzokeraikudzimba dzenyu dzisina magetsi, dzokerai kumwena,dzokerai kuzvishoma zvenyika asi kuna Mwari muzhinji.Nzwirai tsitsi avo vanoshuva zvakakura, vachitaura pamusoropezvipo zvavo. Vanzwirei tsitsi sezvinhu zvinofanirakunzwirwa tsitsi, nokuti gare gare vachava vanhu vanowirwanehasha.

“Varombo.” Zvino chokwadi chiri apa ndechokuti varombopaMweya. Chiratidzo chezera rino parinenge richisvikakumagumo, ndechamakereke akakura uye akanaka, nenhengodzinongoramba dzichiwanda, nokuratidzwa kwakawandakwezvinofanira kunge zviri kuratidzwa kwoMweya Mutsvene.Asi maartari akazara, zvipo zvoMweya zvichiratidzwa,nokusarovha kunoshamisa handiyo mhinduro yaMwari, nokutiavo vanouya kuartari kashoma kavanoenderera mberinaMwari, uye pakupera kworumutsiriro uku, varipi vose avovakauya kuartari? Vakanzwa munhu, vakateererakuchikumbiro, vakapinda mumambure, asi vakanga vasirihove, asi sezvikamba vakakambaira vachidzokera kumvuradzavo.

Zvino pano kutaura kwose uku pamusoro pendimi _chinofanira kunge chiri chiratidzo choKubhabhatidzakwoMweya Mutsvene, uye vanhu vari kufunga kuti tiri pakatiporumutsidziro rukurukuru. Rumutsidziro rwakapfuura.Amerika yakawana chijana chayo chokupedzisira mugorera1957. Zvino ndimi chava chiratidzo chaMwarichokuparadzwa kuri kuuya, sezvadzakareva padzakaonekwapamadziro pamabiko aBherishazari. Hamuzivi here kutivazhinji vachauya munguva yokupedzisira vachiti, “Ishe, Ishe,hatina kuita mabasa anoshamisa akawanda muZita reNyuhere, nokudzinga mweya yakaipa?” Zvino Iye uchati kwavari,“Ibvai kwaNdiri, imi vaiti vezvakaipa. Handinakutongokuzivai.” Mateo 7:22-23. Jesu akati vakanga vari vaitivezvakaipa. Asi, unoona munhu achigona kuuya kuzonamatiravanorwara, achiita kuti mafuta neropa zvishande muchiunga,zviprofita zvichiuya nezvimwe zvapamweya zvakasiyana-siyana, vanhu vachimuunganira, vachipika kuti munhu uyundowaMwari, nyangwe zvake achitoita zvirongwa zvemari

Page 362: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

352 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

nazvo achirarama zvake muchivi. Mhinduro yavanayondeyezvisimbori muBhaibheri zvokuti, “zvino, kana achiitazvinoonekwa, saka anofanira kuva waMwari.” Zvinotyisazvakadini izvi. Zera rino rinourombo hwakadini paMweyawaMwari, uye vanhuvo zvavo vane nhamo havatombozvizivizvavo.

“Uri bofu uye haune chokufuka.” Zvino zvatoshatisisa. Komunhu angava sei bofu asine chokufuka asi asingazvizivi? Asizvinonzi mapofu uye havane chokufuka uye havakwanisikutombozviziva. Mhinduro ndeyokuti, mapofu pamweya, uyehavane chokufuka pamweya. Munorangarira here paya ErishanaGehazi vakakombwa namauto avaSiria? Munorangarirakuti Erisha akavarova noupofu nesimba raMwari. Asi mesoavo akanga akasvinura uye vaiona kwavakanga vachienda.Upofu uhwu hwakanga hwakapesa pakuti vaikwanisa kuonazvimwe zvinhu, asi zvimwe zvinhu zvakaita saErishanomuranda wake nomusasa wavaIsraeri havana kukwanisakuzviona. Zvaikwanisa kuonekwa namauto awa hazvinakuvabetsera. Zvavasina kuona zvakaunza hutapwa hwavo.Zvino izvi zvinorevei kwatiri? Zvinoreva chaizvozvazvakareva kareko mushumiro yakare yaJesu. Akaedzakuvadzidzisa chokwadi, asi havana kuteerera. Johane 9:40-41.Inoti “Avo vavaFarise vaiva naYe vakazvinzwa, vakatikwaAri, Ko nesuvo tiri mapofu here? Jesu akati kwavari, Daimaiva mapofu, hamuzaizova nezvivi: asi zvino munoti,Tinoona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.” Mafungirenamaonere ezera rino akangoita sezvakanga zvakaita chaizvokareko. Vanhu vane zvose. Vanoziva zvose. Havagonikudzidziswa. Kana chimwe chokwadi chikabva muShokochichiuya kwavari munhu akaedza kutsanangura fungwadzake kuno uyo ane fungwa namaonere akapesana naake,muteereri haazi kumboteerera kuti zvimwe angadzidza, asiari kuteerera chete kuti agoramba zviri kutaurwa. Zvinondinoda kuvhunza muvhunzo wakarurama? Gwaro rinogonakurwisa Gwaro here? Ko Bhaibheri rinogona kupokananeBhaibheri here? Kunogona kuva nedzidziso mbiridzechokwadi here muShoko dzinotaura zvakapesana kanakuti kupokana pachadzo? KWETE. HAZVIGONEKIKUDARO. Asi vangani vanhu vaMwari vana meso anoonachokwadi? Havasviki zvavo chikamu chimwe muzana,sokuziva kwandinoita, vakadzidza kuti Gwaro ROSErinopiwa naMwari uye kuti ROSE rinobetsera kudzidzisa,nokupomera, nokururamisa, nezvimwe. Kana Gwaro roserakapirwa izvi, saka ndima yoga yoga ichapfekana neimwekana ikapiwa mukana. Asi vangani vanotenda kufanotemeranokusanangurwa nokurasha kunoenda mukuparadzwa? Avovasingatendi, vangateerera here? Kwete, havazomboteereri.Asi zvose zviri zviviri zviri muShoko, uye hapanachichashanduka. Asi kudzidza pamusoro pazvo nokuyananisa

Page 363: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 353

chokwadi chedzidziso idzi nezvimwe zvokwadi zvinoitasokunge zvinopesana nazvo, havambozvipi nguva. Asivanovhara nzeve dzavo, nokugedagedesa meno avo,vachirashikirwa. Pamagumo ezera rino muprofita achauya,asi vachapofumara kune zvose zvaari kuita nokureva. Vanechokwadi chose kuti ivo ndivo vane zvakanaka, uye muupofuhwavo vacharashikirwa nezvose.

Zvino Mwari anoti havane chokufuka uye mapofu.Handikwanisi kufunga chimwe chinhu chinosiririsa kufanananomunhu bofu uye asine chokufuka asi asingambozvizivi.Kune mhinduro imwe chete _ anopenga. Akatonyura karemukusaziva. Njere dzake dzakamusiya, kukangwanwakwapamweya kwakamupinda. Ko zvingareva chimwe chipi?Zvingareva here kuti Mweya Mutsvene Wakabuda ukasiyakereke ino yenguva yokupedzisira? Zvingareva here kutivanhu vakabudisa Mwari mufungwa dzavo kusvikapakutoitika sezvazvakarehwa muna VaRoma 1:28. Inoti“Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwariakavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaitezvisakafanira.” Zvirokwazvo zvinoratidzika sokungezvakafanana nezvizvi zvakatoitika. Havano vanhu vanotindovaMwari uye kuti vanoziva Mwari uye vano Mweya waKeMutsvene, asi ivo vasine chokufuka uye vari mapofu asivasingambozvizivi. VakatoNYENGERWA NECHAKARE.VANO MWEYA USIWO. VASANANGURWA HAVAGONIKUNYENGERWA, ASI ZVIRI PACHENA KUTI AVAVAKANYENGERWA. Ava ndivo vaya vanova mapofu nokutivanoramba Shoko raMwari. Ndivo avo vanozvikumura kusaravasina kupfeka nokuti vanosiya kuriritira nokuchengetakwaMwari vachitsvaka kuzvivakira nzira yavo pachavoyoruponeso, nokuvaka shongwe yavo pachavo yeBhabherinenzira yamasangano. O-o, vakanaka zvakadini uyevakapfeka zvakanaka kwazvo mumaziso avo pachavopavakanga vachiumba ungano dzavo, namakanzuru,nezvimwe. Asi zvino Mwari ari kuzvikumura zvoseachizvibvisa zvokuti iko zvino havana chokupfeka, nokutimasangano awa akavatungamirira mumusasa waantikristu,mumunda wamasawi, kusvikira pakusungwa kwavo kuitwamwanda nokuzopiswa. Zvinhu zvokunzwira tsitsizvirokwazvo. Hongu, vanzwirei tsitsi, vayambirei,vadetemberei, asi vanongoramba vachienda negwara ravovakananga kundoparadzwa, vachifuratira nokutsamwirabatsiro yose zvayo yokuedza kuvaponesa kubva mukutsva.Zvirokwazvo havana mufaro, asi havasi kumbozviziva.Vakaomeswa mwoyo uye havachabetsereki, ndosakavachizvifadza muzvinhu chaizvo zvinounza kunyadziswakwavo. Vanopikisa zvavo Shoko, asi mumwe musivachatongwa naro nokubvisa muripo wokupomera kwaromhosva kwakanyanyisa.

Page 364: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

354 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

KURAIRWA KWAMAZERA KWOKUPEDZISIRA

Zvakazarurwa 3:18-19. Inoti “Ndinokupa zano kuti utengekwaNdiri ndarama yakaidzwa mumwoto kuti uve nefuma;nenguvo chena, uzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwakodzirege kuvonekwa; nechizoro chameso kuti uzore meso ako,uvone. Vose vaNdinoda, Ndinovaranga nokuvarova: naizvozvoshingaira, utendeuke.”

Kupa mazano kwaMwari ndokwamanzwi mashomaasingapotereri. Kwakananga. Anoratidza kereke ino yenguvayokupedzisira kutariro imwe chete. Tariro iyi NDIYEPACHAKE. Anoti, “Uyai kwaNdiri muzotenga.” Zviri pachenamumashoko awa anoti “Tengai kwaNdiri” kuti kerekeyeRaodhikia haizi kushanda naJesu napadiki pose zvapokuitira zvigadzirwa zvoMweya zvoUshe hwaMwari.Zvokutengeserana zvavanoita hazvizi zvoMweya. Vangafungazvavo kuti vari muMweya, asi vangagova seiko? Mabasa aripakati pavo zvirokwazvo haazi zvachose sokutaura kunoitaPauro, “Nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kudanokuita nokuda kwaKe kwakanaka.” VaFiripi 2:13. Ko zvinopamusoro pamakereke ose awa, nezvikoro, nezvipatara,namabasa echimishinari okushinga, nezvimwe? Mwari haazimazviri kana chete zvichingova zvembeu nomweyawamasangano, zvisiri Mbeu noMweya waMwari.

“Tenga kwaNdiri, ndarama yakaidzwa mumwoto, kutiuve nefuma.” Zvino vanhu ava vakanga vane ndaramayakawanda chose, asi yakanga iri mhando isiriyo. Yakanga iriiya ndarama yakatenga upenyu hwavanhu nokuvaparadza.Yakanga iri iya ndarama yakatsveyamisa nokuminamisa unhunetsika dzavanhu, nokuti kuida ndiwo waiva mudziwokushata kwose. Zvakazarurwa 18:1-14 inoti, “Shurekwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburukakudenga, ane simba guru, nyika ikavhenekerwa nokuhwinyakwake. Akadanidzira nenzwi guru, achiti, Rawa, rawaBhabhironi guta guru, yava nzvimbo munogara mweyayakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiridzose dzine tsvina dzinovengwa. Nokuti marudzi ose akawanewaini yokutsamwa kwovupombwe hwaro, namadzimamboenyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafumanesimba rokuzvirasha kwaro. Zvino ndakanzwa rimwe inzwirinobva kudenga, richiti, Budai mariri, vanhu vaNgu, kutimurege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwamadambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga,Mwari wakarangarira zvisakarurama zvaro. Muritsiveiparakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo:mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri.Parakazvikudza, nokuzvifadza napo, murirwadzisenokurichemedza: nokuti rinoti mumwoyo maro, ndinogara

Page 365: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 355

pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi,handingatongooni kuchema. Saka madambudziko aroachasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara:richapiswa kwazvo nomwoto: nokuti Ishe Mwari Unoritongaune simba. Madzimambo enyika, akaita vupombwenokuzvifadza naro, acharira, nokuchema pamusoro paro,kana achiona utsi hwokupiswa kwaro. Ivo vamire nokutyakurwadzwa kwaro vachiti, Nhamo, nhamo, newe guta guruiwe Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwakokwakasvika nenguva imwe. Vatengesi venyika vachariranokuchema pamusoro paro; nokuti hakuchino munhuunotenga nhumbi dzavo: Nhumbi dzendarama, nesirvheri,nedzamabwe anokosha, nedzamaparera, nedzomuchekawakanaka, nedzemicheka mutsvuku, nedzesiriki,nedzemicheka mishava, namarudzi ose emiti inonhuwira,namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi oseemidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare,nedzamabwe machena, nekinamoni, nezvinonhuwira,namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini,namafuta omuorivhi, noupfu hwakatsetseka, nezviyo,nen’ombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzembongoro,nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu. Michero yaidikanwanomwoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanakanezvinopenya zvakabva kwauri, vanhuhavangatongozviwanizve.” Izvi ndizvo chaizvo zvirimasangano amakereke enguva yokugumisira, nokuti zvinonzimundima 4, “Budai mariri VANHU VANGU.” Kubvutwahakuzati kwati kwaitika. Mwenga uchigere kuenda apo zvoseizvi zvinotyisa zvinenge zvichiripo mukereke yakafuma,yenhema.

Asi, kune ndarama yaMwari. 1 Petro 1:7. Inoti “Kutikuidzwa kwokutenda kwenyu, kunokosha zvikuru kupfuurandarama inopera hayo.” Ndarama yaMwari unhuhwakafanana naKristu hwunogadzirwa muvirarokutambudzika. Iyi ndiyo ndarama kwayo.

Asi indarama yemhandoi ine kereke nhasi? Inongovanendarama yomunyika chete ichaparara. Yakafuma.Yakagutsikana. Yakaita kuti kubudirira chive chipimo chikuruchezvomweya. Chiratidzo chamaropafadzo aMwari noururamihwedzidziso, nezvimwe zvamiswa pakuti vafumi varimovangani.

Ishe wakati, “Munofanirwa kuti muuye nguva ichiripo,”“kuti mutenge kwaNdiri ndarama yakaidzwa mumwoto ndikokuti mugozova vakafuma zvirokwazvo.” Tiri kuzvibata hereizvi? Tererai kwandiri, “Tinouya munyika takashama(panyama), asi HAtibvi panyika takashama (pamweya).” O-okwete, tiri kuzotora chimwe chinhu chatinoenda nacho.Chinhu chacho ichocho, ndicho CHETE chinhu chatinogona

Page 366: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

356 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuenda tinacho, pasina kudarika kana kutaira. Sakangatichenjere chaizvo kuti titore chinhu chinotiita vakaruramapamberi paMwari. Saka, zvino, tichaenda tinei? Tichaenda tinoUNHU hwedu, hama, ndicho chatichaenda nacho. Zvinomuchaenda muno hunhu hworudzii? Huchange hwakaitasoHWAKE here Hwakaumbwa mukutambudzika muviraromwoto wokutambudzika, kana kuti hunenge here hunyorohwavanhu vasino unhu veRaodhikia? Zviri kuno mumwenomumwe wedu, nokuti musi uyu munhu woga wogaachazvitakurira mutoro wake pachake.

Zvino, ndakati guta iroro reRaodhikia rakanga riri gutarakafuma. Rakagadzira mari yendarama yakanyorwa mativiose ari maviri. Mari yendarama ndiyo yaiva chiratidzo chezerairi _ zvokushambadza zvakabudirira nokuda kwendarama iyi.Nhasi uno, mari yendarama ine misoro miviri inesu. Tinotengakuti tipinde tichitengazve kuti tibude. Mukereke, tinoedzakuwana zvimwe chetezvo. Tinotenga kubuda muzvivinokutenga kuti tipinde kudenga _ sokutaura kwatinoita. AsiMwari haazi kutaura izvi.

Kereke ino ufumi hwakawandisisa zvakadaro, zvokutipanguva ipi zvayo inogona kutora hurongwa hwosehwezvokutenga nokutengeserana pasi pose, uye zvirokwazvomutungamiriri wesangano reKanzuru yaMakereke aPasi Poseakapa kariro yokuti kereke munguva inouya inofanira, uyeinokwanisa, uye ichaita izvozvo chaizvo. Asi shongwe yavoyeBhabheri yendarama ichawondomoka. Ndarama yakaidzwamumwoto ndiyo chete ichagara.

Izvi ndizvo zvagara zvichingoita kereke kudzira namazera.Yakasiya Shoko raMwari ndokutora zvitendwa zvayonedzidziso dzisingapikiswi dzayo pachayo; yakaumba sanganondokuzvibatanidza nenyika. Saka nokudaro haine chokufuka,uye Mwari ari kutonga kunyadzisa kwokusazvibata. Nzirachete yokubuda muchinhanho chakadai ndeyokuteerera Ishenokudzokera kuShoko raKe. Zvakazarurwa 18:4 inoti, “Budaimariri vanhu vaNgu.” 2 VaKorinte 6:14-18. Inoti “Musasungwazvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi: nokutikururama kungava noukama hweiko nokusarurama? chiedzachingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seikonaBheriari? unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? nokutiisu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva achiti,Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; NdichavaMwari wavo, ivo vachava vanhu vaNgu. Saka budai pakatipavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, musabata chinhuchine tsvina: Ini ndichakugamuchirai. Ndichava Baba venyu,nemi muchava vanakomana navanasikana vaNgu, ndizvozvinotaura Ishe une Simba rose.” Pano mubayiro wokuripapazvipfeko zvose izvozvo, unova iwo mubayiro wokutsaurwa.

Page 367: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 357

“Zora meso ako nechizoro chameso kuti uvone.” Haazi kutimunofanira kutenga chizoro chameso ichi. O-o kwete. Hapanamutengo paMweya Mutsvene. Inoti “Makapiwa Mweyanamabasa omurayiro here kana nokunzwa kwokutenda?”VaGaratia 3:2. Pasina Kubhabhatidzwa noMweya Mutsvene,hamufi makasvinudzwa meso enyu kuchizaruro cheShokochazvokwadi choMweya. Munhu asina Mweya ibofu kunaMwari nechokwadi chaKe.

Kana ndikafunga pamusoro pechizoro chameso ichichichizarura meso avanhu, handikwanisi kurega kufunga karekwangu ndichiri kakomana kaduku muKendaki. Ininomunun’una wangu taivata mukamuri romuchiruvipamatiresi yamauswa. Mitswe yaiva mumadziro yaipinzamhepo yaivhuvhuta. Dzimwe nguva muchando kwaitonhorazvokuti taimuka mangwanani meso edu ane chando chokutimeso edu taimuka akavharika nokuzvimba. Taidana mai,vaiuya namafuta aibva mumhuka votikwiza nawo pamazisokusvikira kuomarara kwamaziso edu kwapera, tozokwanisakuona. Munoziva kuti pakamboita mhepo yaitonhorazvakaipisisa mukereke muchizvarwa chino, zvinova zvakaitakuti meso ayo avharike kuti isaona kuti Mwari chiichaanacho. Inotoda mafuta anopisa oMweya waMwarikuvhura meso ayo. Kusiya kokutoti yagamuchira MweyawaMwari nokuti pasina kudaro inongoramba ichiisa urongwapanzvimbo yesimba nezvitendwa panzvimbo yeShoko.Inoverenga uwandu hwenhengo sandiko kubudirira,pachinhambo chokutarira zvibereko. Vanachiremba vedzidzodzeBhaibheri vakapfiga mukova wokutenda ndokurambidzavanhu vose kupinda. Ivo pachavo havapindi, uyehavabvumidzi ani zvake kuti apinde. Njere dzavo dzokunzverazveBhaibheri nezivo yazvo zvinobva mubhuku rokudzidzasaikoroji rakanyorwa nomumwevo zvake munhu asingatendi.Kune bhuku rokudzidza saikoroji, iro ratinoda tose;iBhaibheri. Rakanyorwa naMwari uye rine saikoroji yaMwari.Hautombodi zvako chiremba wedzidzo kuti akutsanangurirebhuku iri. Imi chete gamuchirai Mweya MutsvenemugoMubvumira kuti atsanangure. Ndiye akanyora Bhukuracho uye Anogona kukuudzai zvirimo uye kuti zvinorevei. 1VaKorinte 2:9-16 inoti “Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi, Izvozvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisinakupinda mumwoyo womunhu, ndizvo Mwari zvaakagadziriravanoMuda. Nokuti Mwari wakazviratidza kwatiri isunoMweya waKe: nokuti Mweya unonzvera zvose, hongu,nezvakadzika zvaMwari. Nokuti munhu ndoupiko unozivazvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. Zvino isuhatina kugamuchira Mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko

Page 368: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

358 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

atinodzidziswa nouchenjeri hwomunhu, asi anodzidziswanoMweya Mutsvene; tichidudzira zvinhu zvomweya kuvanhuvomweya. Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchirizvinhu zvoMweya zvaMwari: nokuti upenzi kwaari:haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya. Asi uriwoMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswinomunhu. Nokuti ndianiko wakanzwisisa murangariro waShe,kuti amudzidzise? Asi isu tino murangariro waKristu.”

Zvino kana zvinhu zvose zvinotukwa noMweya zvirichokwadi pamusoro pezera rino, tinotoda kuti mumwe munhuaende mudariro sezvakaita Johane Mubhabhatidzi kuti atsiurekereke nokuipikisa zvisina kumboitwa kumashure. Zvinondizvo chaizvo zviri kuuya muchizvarwa chedu. MumweJohane Mubhabhatidzi ari kuuya uye achadanidzirasezvakangoitavo wokutanga chaizvo. Tinoziva kuti izvo ndizvozvaachaita nokuda kwezvinotaurwa nendima inotevera.

“Vose vaNdinoda, Ndinovaranga nokuvarova; naizvozvoshingaira utendevuke.” Zvakazarurwa 3:19. Iyi ndiyo mharidzoimwe chete chaiyo yaiva naJohane paakadanidzira murenjerechinamato riya ravaFarise, navaSadhuse, navahedheni,“TENDEUKAI!” Pakanga pasina imwe nzira nguva iyoyo;hapana imwe nzira zvino. Pakanga pasina imwe nzirayokudzokera kuna Mwari nguva iyoyo, uye hapana imwe nzirazvino. Nzira iyi ndeyokuti TENDEUKAI. Shandurai fungwadzenyu. Shozhonokai. TENDEUKAI, nokuti chiichamungafira?

Ngationgorore mashoko okutanga, “vose vaNdinoda.”MuchiGiriki kusimbiswa kuri panzwi rinomirira munhuwokutanga “Ndi”. Haatauri sezvingafungwa navanhu kutindozvaAnofanirwa kutaura achiti, “vose vanoNDIda.” Kwetechangamire. Hatifaniri zvedu kuedza kuita Jesu CHINHUchinovavarirwa norudo rwavanhu mundima iyi. Kwete!VAZHINJI ndivo VADIKANWI vaMwari. Rudo RWAKE,ndirwo rwuri kutaurwa, KWETE rwedu. Saka zvakaretinowanikwa tichifara muruponeso rwaKe, nevavariro yaKenezano raKe, uye tinosimbiswa zvakanyanya muchokwadichedzidziso yoUmambo hwaMwari. SezvaAkareva iye munaVaRoma 9:13. achiti “Jakobho Ndakamuda.” Saka ndizvozvavapo here kuti sezvo Akada VAZHINJI BEDZI, sakaAkagutsikana zvake, achimirira rudo rwaavo vasati vaswederakwaAri? Izvi hazvizizvo kana napadoko pose, nokuti akataurasezvazviri muna VaRoma 9:13 inoti, “Esau Ndakamuvenga.”Uye mundima 11 Mweya unodana uchiti, “Nokuti vana vasativaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, KUTIKUFUNGA KWAMWARI PAKUSANANGURA KWAKEKUSIMBISWE, kusingabvi pamabasa, asi kuna Iye unodana.”Rudo urwu ndirwo “Rudo rwoKusanangura.” Ndirwo rudorwaKe kuvasanangurwa vaKe. Uye rudo rwaKe kwavari

Page 369: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 359

rwakasiyana norwoKUKODZERA KWOMUNHU nokutizvinonzi vavariro yaMwari yakamira musananguro inopesanazvachose namabasa kana chimwe zvacho chingaitwa nomunhupachake. Nokuti “VANA VASATI VABEREKWA” Akangaatotaura NECHAKARE kuti, “Jakobho Ndakamuda, asi EsauNdakamuvenga.”

Uye zvino Anoti kuno vaKe, “Vose vaNdinoda,NDINOVARANGA NOKUVAROVA.” Kuranga ndiko kutukakana kushovora. Kutuka ndiko ‘kufumura nevavariroyokudzora kuti munhu apinde mugwara.’ Kuranga hazvirevikurova. Zvinoreva “kudzidzisa nokuti chinenge chirimufungwa ndechokushandura maitire omunhu.” Izvi ndizvochaizvo zvatinowana muna VaHebheru 12:5-11 inoti, “Uyemakanganwa kwazvo kurayira nokutaura kwamurisokuvanakomana. Kuchiti mwanakomana wangu, usazvidzakuranga kwaShe, usapera mwoyo kana uchirayirwa naYe;Nokuti waAnoda Ishe, Unomuranga, unorova zvikurumwanakomana mumwe nomumwe waAnogamuchira. Tsungaihenyu mwoyo kuti murangwe, Mwari unobata nemisavanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwinaBaba? Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, murivana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo. Uyezve isutaiva namadzibaba edu enyama vaitiranga, tikavakudza: kohatingazviisi zvikuru pasi paBaba vomweya, kuti tiraramehere? Nokuti ivo zvirokwazvo vakatiranga mazuva mashomasezvavaifunga; asi Iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwautsvene hwaKe. Zvino kuranga kwose kana kuchaitwakwakaita sokusingafadzi, kunochemedza: asi pashurekunoberekera ivo vakadzidziswa nako zvibereko zvorugarendizvo zvibereko zvokururama.”

Pano apa ndipo panoiswa pachena rudo rwaMwari. Anodakuva nemhuri yake pachaKe nokuda kworudo rwake, mhuriyavanakomana _ vanakomana vakafanana naye pachaKe.Pamberi paKe vanhu vose varipo sevhinga RIMWE chete revhurokuumba. Kubva muvhinga rimwe chete iri Achaumbamidziyo yokurumbidzwa neyokumhura. Zviri kwaaripaKUSARUDZA kwaKe. Zvino avo vakasarudzwa,vakaberekwa noMweya waKe vachadzidziswa kuti vateveregwara ramamirire aKe pamafambire avo. AnoTUKA nomwoyomurefu wake wose nounyoro nenyasha. AnoRANGA namaokoakakuvadzwa nezvipikiri. Dzimwe nguva Muumbi uyuanofanira kutora mudziyo waAri kuumba ndokuupwanya-pwanya kuitira kuti Agouumbazve sezvaAnoda chaizvo kutiuite. ASI URWU RUNENGE RWURI RUDO. URWU NDIRWORUDO RWAKE. HAKUNAZVE IMWE NZIRA YORUDORWAKE. HAZVIGONEKI KUTI KUVE NEIMWE NZIRA.

O-o, imi kaboka kaduku, musatya. Zera rino riri kusvikakumagumo nokukurumidza. Parinenge richipera masawi

Page 370: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

360 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

achasungwa kuitwa mwanda, uye sezvo tambo yakapetwakatatu isiri nyore kudambura, vachange vane simba gurugururakapetwa katatu rezvamatongerwe enyika, zvesimbarapanyama, nesimba rapamweya (waSatani), uye vachatsvakakuparadza mwenga waKristu. Mwenga uchatambudzikanokurwadziwa, asi uchatsungirira. Musatya zvinhu izvi zvirikuuya panyika, nokuti Iye “Wakada vanhu vaKe, wakavadakusvika pamagumo.” Johane 13:1.

“Shingaira utendevuke.” Zvino kereke yenhema iyi irikushingaira kwazvo; musambofa makakanganisa henyu panaizvozvo. Kushingaira kwayo kwakanga kuri chaikwokwamaJudha, sezviri muna Johane 2:17 inoti, “Kushingairiraimba yenyu kuchaNdipedza.” Asi uku kushingairira zvisizvo.Uku kushingairira imba yavakavaka ivo pachavo.Kushingairira zvitendwa zvavo, nedzidziso dzavodzisingapikiswi, namasangano avo, nokururama kwavo ivopachavo. Vakabudisa Shoko kunze kuitira fungwa dzavo ivo.Vakabvisa Mweya Mutsvene panzvimbo youtungamiririndokuita kuti vanhu vave vatungamiriri. Vakaisa parutiviUpenyu Hwusingaperi soMunhu, ndokuhwuita mabasaakanaka, kana kutoti kutevera gwara rekereke panzvimboyamabasa akanaka acho.

Asi Mwari ari kukumbira kumwe kushingaira. Uku ndikokushingaira kwokuchema uchiti “NDAKATADZA.” Zvinondiani ari kuzoti wakatadza? Masangano ose awa akamiswapahwaro hwechii? _ kukambira kuva ivo vapamavambo, uyevachiti ndovaMwari, _ kukambira kuti ndivo vari kuitazvakanaka. Zvino havangavi vanoita zvakanaka VOSE.Chokwadi chiripo chaicho ndechokuti hapana KANAMUMWE wavo ari kuita zvakanaka. Vanongova makuvaakapendwa, asi iwo akazara namapfupa avanhu vakafa.Havana upenyu. Havana tsigiro. Mwari haana kumbofaakaZvizivisa kumasangano. Vanoti ndivo vari kuita zvakanakanokuti ndivo vari kutaura, asi kutaura hakuiti kuti zvivesaizvozvo. Vanoda “Zvanzi naJehovha” yaMwari yakatsigirwanokusimbiswa, asi havanayo.

Zvino regai nditaure izvi pano. Handitendi kuti Mwari arikutaura kereke yenhema chete kuti itendeuke. Mundima inoAri kutaura kuvasanangurwa vaKe. Vanotovavo nokutendeukakwavanofanira, kuitavo. Vana vaKe vazhinji vachirimumakereke enhema awa. Kuna avo vaanotaura pamusoropavo muna VaEfeso 5:14 inoti, “Muka iwe uvete, mukakuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.” Kuvata hakuzi kufa. Avavakavata pakati pavakafa. Variko ikoko kumasangano akafa.Vari kungofambirana pamwe chete navo. Mwari anodanidziraachiti, “MUKAI! Tendeukai pakutadza kwenyu.” Pano varikupa kurudziro yavo, nokupa nguva yavo nemari yavo, kanakutoti upenyu hwavo chaihwo kumasangano iwawa

Page 371: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 361

aantikristu, asi nguva yose vachifunga kuti vari kuitazvakarurama. Vanoda kuti vatendeuke. Vanosungirwa kutivatendeuke. Vanoda kuti vashandure fungwa dzavovatendeukire kuchokwadi.

Hongu, rino ndiro zera rinofanira kutendeuka kudarikamamwe ose. Asi zvino richatendeuka here? Richadzosa Shokohere? Richaisa Mweya Mutsvene pachigaro choushe zvakarehere muupenyu hwavanhu? Richakudza Jesu here sandiyeCHETE Muponesi? Ini ndinoti kwete, nokuti ndima inoteverainoisa pachena chokwadi chinokatyamadza uye chinotyisachokupera kwezera rino.

KRISTU PANZE PEKEREKE

Zvakazarurwa 3:20-22 inoti, “Tarira, Ndimire pamukova,ndichigogodza: kana munhu akanzwa inzwi raNgu, akazaruramukova, Ndichapinda kwaari, ndicharaira naye, naiye neNi.Unokunda Ndichamupa chinhu ichi kuti agare neNi pachigarochaNgu chovushe, seNivo ndakakunda, ndikagara pamwechete naBaba vaNgu pachigaro chaVo chovushe. Une nzeve,ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Zvino pano kuputsika musoro kwakawanda pamusoropendima iyi nokuti vashandi vazhinji vanoishandisa ivopachavo pauvhangeri hwavo sokunge Jesu ari pamukovawomwoyo womutadzi woga woga achigogodza kutiabvumidzwe kupinda. Apa zvinozoreva kuti kana mutadziakazarura mukova, Ishe anozopinda. Asi ndima iyi haizikutaura kumutadzi mumwe nomumwe. Mharidzo iyi yoseinobatanidza sezvinongoitavo mharidzo yose kuzera roga roga.Mundima 22 zvinonzi, “Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva MweyaKUMAKEREKE,” Saka iyi imharidzo kukereke yezerarokupedzisira. Kereke yeRaodhikia izvi ndizvo zvairi payavakuswedera kumagumo ayo. Haizi mharidzo yakananga munhumumwe chete pachake; uyu Mweya uri kutitaurira kuti Jesuaripi. KRISTU AKABUDA MUKEREKE. Awa handiwo heremaperere kana kuti magumo kana Shoko raiswa parutivikuitira zvitendwa, uye kana Mweya Mutsvene ukabviswapautungamiriri hwawo pachiiswa vanapapa, navanabhishopi,navatungamiriri vavanhu, navapi vamazano, navamwe, uyeMuponesi achiiswa parutivi kuitira hurongwa hwamabasa,kana kuti zvokuva nhengo yekereke, kana kumwe kupindiranakuhurongwa hwekereke? Chimwe chii chingaitwa pakurwisananaYe? Uku ndiko chaikwo kusiya chinamato! Uku ndikochaikwo kutsauka kana kuti kurashika! Uyu ndiwo chaiwomukova wazaruka wokuenda kuna antikristu, nokuti kana Iyeakauya muZita raBaba vaKe (Jesu) akasagamuchirwa,asi akarambwa, saka kuchauya mumwe muzita rake iyepachake (munyepi, anonyepedzera zvaasiri) uyu ndiye

Page 372: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

362 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

wavachagamuchira, sezvinotaurwa muna Johane 5:43. Munhuwechivi, mwanakomana wokuparadzwa uyu achatoramasimba.

Mateo 24, inotaura pamusoro pezviratidzo muchadengazvenguva ino yokupedzisira Jesu paanenge ava pedo pedokuuya. Handizivi kana makaona chimwe chezviratidzo izvichichazadziswa iwo mazuvano achangopfuura zvichiisapachena chokwadi chaicho chatanga tichikurukura.Chokwadi ndechokuti Jesu akasaidzirwa kunze kwekerekezvishoma nezvishoma kusvikira muchizvarwa chinochokupedzisira Anosaidzirwa kunze kwechechi. Rangariraikuti muzera rokutanga yakanga yakada kuva kereke izerechokwadi choga. Asi nyangwe zvakanga zvakadero hazvopakanga paine kutsauka kudikidiki kwainzi zviitozvavaNikoraiti zvakatadzisa kuti chive chokwadi choga.Ndokuzobva muzera rakazotevera rima rakawedzera kupindakusvikira dendenedzwa rechiedza raderera kujeka kwaro,ndokubva chikamu chikuru chava rima. Muzera retatudendenedzwa rechiedza iri rakapamhidza kudzima, ndokuzotimuzera rechina inova iyo nguva inonzi Mazera eRima,zvakanga zvangofanana nokusavapo kwechiedza zvachose.Zvino fungai pamusoro peizvi. Kereke inopa chiedzachinobva kuna Kristu. Iye ndiye ZUVA. Kereke ndiyoMWEDZI. Saka dendenedzwa rechiedza iri ndiwo mwedzi.Wakanga waderera kubva pakuva mwedzi wakazara muzerarokutanga kusvikira pakuva kapande muzera rechina. Asimuzera reshanu wakatangazve kukura. Muzera retanhatuwakawedzera pakukura kwawo. Muchikamu chezerarechinomwe wakanga uchiri kungokura, apo pakarepowakabva wangomira kukura, ndokutanga kudzima, zvokutotipachinhambo chechiedza rakanga rangova rima rokutsaukapachinamato, uye pamagumo ezera iri mwedzi wakangausingachapenyi nokuti rima rakanga raputira. Kristu zvinoakanga ava panze pekereke. Hechino chiratidzo mudenga.Kuora kwomwedzi kwapfuura kwaiva kuora kwakazara.Wakapera kusvika pakuva rima rakazara muzvinhanhozvinomwe. Muchinhanho chechinomwe, kuora kwakazarakwakasvika apo Papa veRoma (Pauro weChitanhatu)paakaenda Parastina kuita kunonzi kushanya kutsvenemuJerusarema. Akanga ari papa wokutanga kuendaJerusarema. Papa uyu ane zita rokuti Pauro weChitanhatu.Pauro ndiye nhume yokutanga zvino murume uyu ane zitairivo. Cherechedzai kuti ndiye wechitanhatu, kana kutinhamba yomunhu. Awa haazati achingova masanga chete.Zvino paakaenda Jerusarema, mwedzi kana kuti kerekeyakapinda murima rakazara. Ndizvozvi. Awa ndiwo magumo.Chizvarwa chino hachichapfuuri zvose izvi zvisatizvazadziswa. Nyangwe zvakadero hazvo Ishe Jesu, uyainokukurumidza!

Page 373: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

21

43

65

Kuora kwakazara kwomwedzi pakushanyira kwakaita Papa Jerusarema.

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 363

Page 374: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

364 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zvino tava kukwanisa kuona kuti sei kune mizambiringamiviri, mumwe wazvokwadi nomumwe wenhema. Zvino tavakukwanisa kuona kuti sei Abrahama aiva navana vaviri,mumwe wapanyama (uyo akatambudza Isaka) nomumwewevimbiso. Zvino tava kugona kuona kuti sei kubvamuvabereki vamwe chete vanakomana vaviri vakaberekwa arimapatya, mumwe achiziva nokuda zvinhu zvaMwari, asimumwe achiziva chokwadi chimwe chetecho, asi asiriwoMweya mumwe chetewo, ndosaka akatambudza uyo akangaakasanangurwa. Mwari haana kurasha nokuda kungorashazvake chete. Akarasha kuitira uyo wakasanangurwa.MUSANANGURWA HAAKWANISI kutambudza mumwemusanangurwa. MUSANANGURWA HAAKWANISIkukuvadza musanangurwa. Ndaavo vakarashwa chetevanotambudza nokuparadza vasanangurwa. O-o, vakarashwaava vanonamata kwazvo. Vakachenjera. NdovechizvarwachaKaini, mbeu yenyoka. Vanovaka maBhabheri avo, nokuvakamaguta avo, nokuita nyika dzavo huru dzavanotonga, asi nguvayose iyi vanenge vachidana kuna Mwari. Vanovenga mbeuyechokwadi, uye vanoita zvose zvavanokwanisa, (vachitozviitamuZita raShe) kuparadza vasanangurwa vaMwari. Asivanodikanwa kuvapo. “Ko magufe chii kuzviyo?” Kana pasinamagufe, hapana zviyo. Asi pakupedzisira, chii chinoitikakuhundi? Inopiswa nomwoto usingadzimiki. Ko zviyo? Zvirikupi? Zvakaunganidzwa mudura raKe. Ndiko kwaAri.

O-o imi vasanangurwa vaMwari, chenjerai. Natsaikudzidza. Ngwarirai. Shandai ruponeso rwenyu nokutyanokudedera. Vimbai naMwari musimbe mumasimba aKe.Muvengi wenyu, satani, ari kufamba-famba achidzvovaseshumba achitsvaka waangadya. Rindai mukunyengetera uyerambai makasimba musingazungunuki. Ino inguvayokupedzisira. Yose mizambiringa wechokwadi nowenhemayava kusvika pakuibva, asi zviyo zvisati zvaibva, masawianenge aibva anofanira kusungwa achiitwa mwanda kutiapiswe. Maona, vose vari kuita nhengo dzeKanzuruyaMakereke aPasi Pose. Uku ndiko kusungwa. Zvino zvinokukohwiwa kwezviyo kuchauya. Asi iko zvino mweya miviriiri kuita basa mumizambiringa miviri. Budai mukatimamasawi. Tangai kuva vakundi kuti mugoitwa vanhuvanokodzera kurumbidzirwa Ishe wenyu, uye vakakodzerakugara nokutonga pamwe naYe.

CHIGARO CHOUSHE CHAVAKUNDI

Zvakazarurwa 3:21 inoti, “Unokunda Ndichamupa chinhuichi kuti agare neNi pachigaro chaNgu chovushe, senivoNdakakunda, Ndikagara pamwe chete naBaba vaNgupachigaro chaVo chovushe.”

Page 375: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 365

Zvino chatinofanira kukunda chii? Uyu muvhunzounogona kungovhunzwa zvawo pano. Asi iyi handiyo fungwachaiyo yendima iyi nokuti hazvizi zvokuti CHII chatinofanirakukunda asi kuti tinofanira kukunda NOMUTOVO UPI. Zvinoizvi kuronga fungwa kwakarurama, nokuti zvine mhosva herekuti CHII chatinofanira kukunda kana isu tichiziva kutitinogona kukunda NOMUTOVO UPI?

Tikatarira Magwaro tichikurumidza zvedu awo anopinzamukati Ishe Jesu achikunda anotibudisira chokwadi chefungwaiyi. Muna Mateo 4, umo munoedzwa Jesu nasatani, Akakundamiedzo yaSatani achishandisa Shoko, uye achishandisa Shokoroga. Mumiedzo mitatu mikuru inoenzana chaizvo kune yaivamuMunda weEdheni, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso,nokuzvida kwoupenyu, Jesu akakunda achishandisa Shoko.Evha akakundwa nomuedzo waSatani nenzira yokukonakushandisa Shoko. Adhama akakundikanavo nenzirayokusaterera Shoko racho chairo pacharo. Asi Jesu akakundanenzira yeShoko. Uye iko zvino uno, regai nditaure kuti iyindiyo nzira chete yamunogona kuva vakundi nayo, zvakarendiyo nzira chete yamunogona kuziva nayo kana muri kukunda,nokuti Shoko HARIGONI kukundika.

Zvino cherechedzai zvakare kuti Jesu akakunda nenzira ipizvirongwa zvenyika yezvinamato. Vadzidzi vezvinamatovenguva yaKe pavaingorambirirana naye vachimunetsa,Akaramba achingoshandisa Shoko. Akangotaura izvo chetezvaAipiwa naBaba kuti ataure. Hapana kuwana kana nguvaimwe chete zvayo apo nyika isina kuvhiringwa nouchenjerihwaKe nokuti hwaiva uchenjeri hwaMwari.

Muupenyu hwaKe chaihwo, achipishana nefungwa dzaKe,Akakunda nenzira yokuteerera Shoko raMwari. VaHebheru 5:7inoti, “Iye pamazuva enyama yaKe, akauya kuna Iye Wakangaachigona kuMurwira parufu neminyengetero nemikumbiroachichema nokuchema kukuru nemisodzi akanzwika nokudakwokutya kwake Mwari: Kunyange Aiva Mwanakomana,Wakadzidza kuterera nezvaAkatambudzika; Akati akwaniswa,Akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vosevanoMutevera.” Akanga Achiteerera chii? Shoko raMwari.

Saka zvino, hakuzombovi kana nomunhu mumwe achagaramuchigaro choushe chaShe Jesu Kristu kusiya kwokutotiakanga achirarama Shoko iroro. Minyengetero yenyu,nokutsanya kwenyu, nokutendeuka kwenyu _ hazvinei kutimaunza chii kuna Mwari _ hapana kana chimwe chazvochinokuwanisai kodzero yokugara muchigaro choushe ichocho.Ichangopiwa chete kuMwenga weSHOKO. Sezvo chigarochamambo choushe chichigoveranwa namambokadzi nokutimwenga wakabatanidzwa naye, saka avo chete vanenge variveShoko saIyevo ari weShoko iroro vachagoverana nayechigaro choushe ichocho.

Page 376: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

366 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Rangarirai kuti taratidza pachena kudzira namazera osekuti sezvakangoitavo Adhama naEvha kupunzika nokudakwokuti vakasiya Shoko, saizvozvovo Zera reEfesorakapunzika nokuda kwokungosiya Shoko zvishomashoma,kusvikira mukufamba kwezera roga roga richirambarichitsauka, tinowana kuramba Shoko kwokupedzisirakwakaitwa nohurongwa hweKereke yeNyika. Zera rinoreRaodhikia rinopedzisira nokuramba Shoko, zvichiita kutiIshe abve mukati maro. Akamira panze achidanidzira vaKeavo vanoMutevera nenzira yokuteerera Shoko. Mushuremokuratidzwa kwoMweya kwakakura uye kuna masimba bokairi rinovhimwa nokuoneswa nhamo richaenda kundova naJesu.

MAGUMO EZERA RAMAHEDHENI

Rino ndiro zera rokupedzisira ramazera manomweamakereke. Zvakatanga muzera rokutanga kana kuti ZerareEfeso zvinosungirwa kubereka uye richatobereka mucheroinokohwiwa muZera reRaodhikia rinova ndiro rokupedzisira.Mizambiringa miviri ichabereka michero yayo yokupedzisira.Mweya miviri iyi ichapedzisa kuratidzwa kwayo mumwenomumwe magumire awo. Kukavira, nokudiridza, nokukurazvose zvakapera. Chirimo chakapera. Jeko iko zvino rapinzwamuzviyo.

Mundima yegumi neyeshanu kusvika kune yegumineyorusere dzatichangobva kudzidza ndimo muno mufananidzowechokwadi womuzambiringa wenhema wakaibva, nomweyawenhema, navanhu vekereke yenhema. “Ndinoziva mabasa ako,kuti hautonhori kana kupisa: Dai uchitonhora kana kupisa.Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa,Ndichakusvisvina mumuromo maNgu. Nokuti unoti,ndakafuma, ndakafumiswa, handishayiwi chinhu; usingazivikuti ndiwe uno vurombo, nenhamo, uri murombo, nebofu, usinechokufuka: Ndinokupa zano kuti utenge kwaNdiri ndaramayakaidzwa mumwoto, kuti uve nefuma; nenguvo chena, kutiuzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa:nechizoro chameso kuti uzore kumeso, uvone.” Hakuna mamwemashoko akambotsoropodza kudarika awa, hakuna vanhuvanozvikudza nokudada vezvinamato vakakodzerwa nawokudarika ava. Asi ndima yamakumi maviri neimwe inoti,“Unokunda Ndichamupa chinhu ichi kuti agare neNi pachigarochaNgu chovushe, senivo Ndakakunda, Ndikagara pamwechete naBaba vaNgu pachigaro chaVo chovushe,” tinowanamuzambiringa wazvokwadi, noMweya wazvokwadi, navanhuveKereke vazvokwadi vachisimudzirwa kuchigaro choushechaMwari chaicho nokurumbidzwa kwakadarika kwatikwambopiwa boka roMweya rinozvininipisa, uye rakamirarakasimba risingazungunuki.

Page 377: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 367

Mashoko aJohane Mubhabhatidzi uyo akaisa Kristupachena maererano nekereke yezvokwadi neyenhema zvinoava kuzadziswa. Mateo 3:11-12 inoti, “Ini ndinokubhabhatidzainemvura mutendeuke: asi Unouya shure kwangu Une simbakupfuureni, Uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake: Iyeuchakubhapatidzai noMweya Mutsvene nomwoto: RuserorwaKe ruri muruoko rwaKe, Uchanatsa buriro raKe kwazvo,Uchaunganidza zviyo mudura; asi hundi Uchaipisa mumwotousingadzimwi.” Kristu, Mukohwi Mukuru, iko zvino arikukohwa michero yapanyika. Unounganidzira zviyo muduranenzira yokuzogamuchira vaKe pachake kwaArinokusingaperi. Unodzoka kuzoparadza vakashata nomwotousingadzimwi.

Zvakavanzika zvamasawi nezviyo zvomuna Mateo 13:24-30,zvinozadziswavo zvino. “Wakaisa pamberi pavo mumwemufananidzo, achiti, Ushe hwokudenga hwunofananidzwanomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make: Asivanhu vavete, muvengi wake akavuya akakusha mashawipakati pezviyo, akaenda. Asi chipande chakati chamera,nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo. Zvino varandavomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe, hamunakukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Mundawawanepiko mashawi? Akati kwavari, Munhu unondivengawaita izvozvo. Varanda vakati kwaari, Ko munoda kutitindoavunganidza here? Akati, Kwete; zvimwe kanamuchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo. Regaizvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka: nenguvayokucheka Ndichati kuvacheki, Tangai mavunganidzamashawi, muasunge mwanda kuti apiswe; asi muvunganidzezviyo mudura raNgu.”

Zviyo namasawi, izvo zvakakura zviri parutivi naparutivikubva pazera rokutanga, zvinokohwiwa. Chaivavarirwakuwanikwa neNicaea zvino chazoitika pakupedzisira.Namasimba ose okuumba sangano kereke yenhema inofuratirachokwadi chose uye namasimba ezvamatongerwe enyikainozvisimbisa netsigiro yehurumende yenyika inobudakundotsvaira nokuparadza zvachose mutendi wazvokwadi. Asipainenge yava kutoda kubudirira mumazano ayo oumbwendezviyo zvinounganidzwa mudura. Zviyo namasawihazvizombokuri pamwe chetezve. Masawi haachazombowaniropafadzo yaMwari nokuda kwokuvapo kwezviyo, nokutizviyo zvinenge zvaenda uye kutsamwa kwaMwarikuchadururwa muchisimbiso chetanhatu chinoperamukuparadzwa zvachose kwowakaipa.

Zvino chinguva chichangopfuura ndambotaura kutimuzambiringa wenhema wakaibva muzera rino. Mucherowawo uchakora nokuibva. Izvi ndizvo chaizvo. Kereke iyiyomweya wakaipa, yakazara nokusarurama, icharatidzwa

Page 378: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

368 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

sembeu yemasitadhi yakakura kuva muti umo maigarazvakashata zvose zvomumhepo. Pamusoro payo pachavanaantikristu, chakavanzika chokusarurama. Zvose izviichokwadi. Zvino kana chiri chokwadi, saka inofanira kuvachokwadivo kuti Kereke Mwenga ichaibvavo, uye kuibvakwayo kuchava kufanana naShe wayo nenzira yeShoko, uyeMusoro wayo Uyo uchauya kwairi muChakavanzikachoHumwari, Anova Kristu zvirokwazvo. Kereke yenhemapainenge ichirwisa muzambiringa wazvokwadi uyunokuchenjera kwayo namasimba ousatani akaumbwa pasimbarezvamatongerwe enyika, namasimba omuvirinezvinoshandiswa namadhimoni erima, iwo muzambiringawazvokwadi mukuzadzwa nokuzara kwoMweya neShokouchaita mabasa mamwe chetewo esimba akaitwa naJesu.Zvino paunenge wapfeka Dombo raPamusoro, nokuva saYenenzira yeShoko, Jesu achauya kuitira kuti mwenganeChikomba zvigobatanidzwa sechinhu chimwenokusingaperi.

Kuratidzwa kuri pachena kwezvandanga ndichikutauriraikuri kuonekwa nechakare kwose kwose. Kubatanakwamasangano amakereke ichokwadi chamunogona kuona.Asivo ichokwadi kuti muprofita wezera rokupedzisiraanofanira kungevo ari kutounza nokuisa pachena mharidzoinobva kuna Mwari iyo ichatungamirira kuuya kwaShekwechipiri, nokuti nemharidzo yake mwoyo yavanaichadzorerwa kumadzibaba ePentekosti, uye nokudzorerwakweShoko uku kuchauyavo kudzorerwa kwesimba.

Inguva inokosha sei yatiri kurarama iyi. Tinofanirakungwarira sei kuti tirambe tiri muchokwadi cheShoko raketisingatapudzi kubva kwariri kana kuwedzera kwariri, nokutiuyo anotaura zvisina kutaurwa naMwari anoMuita mureviwenhema. Chandinacho chaicho mufungwa ndechichi:Panguva yakatanga zana rino ramakore nzara yokuda Mwariyakapfutidzwa muZera reFiradherfia yakaunza kuchemeraMweya waMwari. Zvino pakadavirwa kuchema ikokonaMwari achituma chiratidzo chendimi, nokududzirwanezviprofita, pakarepo boka, rakaumba dzidziso inopesanazvakanyanya neShoko, dzidziso yacho yaiva yokuti ndimichaiva chiratidzo chokuti munhu abhabhatidzwa noMweyaMutsvene. Ndimi dzaiva kure kwazvo nokuva chiratidzochokuti ndizvo zvaitika. Dzaingova kuratidza chete, kusinazvokuva chiratidzo chokuti pane zvaitika. Kuva nhemakwedzidziso kunogona kuonekwa chete nokuda kwokusavapokweGwaro rinotsigira, asi avo vanoibvuma dzidziso yachopakarepo vakaumba sangano rakamiswa panheyo yedzidzisoiyoyo, zvichiratidza kuti vakanga vasiri muchokwadisezvavaida kuti vanhu vabvume. O-o, zvakaratidzika kungezvakanaka. Zvakaratidzika sokunge Pentekosti yakanga

Page 379: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

ZERA REKEREKE YERAODHIKIA 369

yadzoka. Asi zvakaratidza kuti yakanga isiri pentekosti.Hayaigona kuva pentekosti, nokuti yakaumba sangano. Urwurufu, kwete upenyu. Zvakanga zvakada kufanana chaizvonepentekosti zvokuti mhomho nemhomho yakanyengedzwa.Zvino kana yakanga isiri chaiyo, chakanga chiri chii? Akangaari magufe, kana kuti hundi. Pazvakanga zvichakasvibira,nokunyorovera zvakaratidzika sokunge zviyo chaizvopachokwadi. Asi munhu akwanisa kupinda mumunda chaimoanoona kuti icho chinoratidzika sezviyo magufe chete, (nokutitsanga yezviyo haisati yaumbika) saka awa aingova maputiromanyoro chete airatidzika setsanga dzezviyo chaidzo dzakangadzichazovapo. Mbeu yezviyo yapamavambo yePentekostiyaizodzoka muzera rokupedzisira. Yakanga yafusirwapaNicaea. Yakabudisa miseve kana kuti nhondo paSardhisi.Yakamera hura paFiradherfia, uye yaizoibva paRaodhikia. Asihayaizokwanisa kudzoka kumavambo kusvikira Shokoradzorerwa. Muprofita akanga asati apinda mudariro. Asizvino kana tichitevedzera zvenguva yatimire mairi muZerareRaodhikia, ‘Muprofita-Nhume’ womuna Zvakazarurwa 10:7anofanira kutonge atova munyika kare. Zvakare “ZvanzinaJehovha” inofanira kuva yava pano, yamirira kuratidzwanokutsigirwa kusingambokanganisi. Saka Mbeu yeChokwadiyava kutoibva, uye KUKOHWA KUNOBVA KWAUYA.

Nguva yokukohwa. Hongu, nguva yokukohwa.Mizambiringa miviri yakakura pamwe chete yakapfekananokumonerana matavi ayo zvino yava kuzoparadzaniswa.Michero yemizambiringa iyoyo yakanga yakasiyana kudai irikuzounganidzirwa mumatura akasiyana. Mweya miviri iyiichaenda kumagumo ayo akasiyana. Zvino yava nguvayokunzwa kudanidzira kwokupedzisira kuri kungouyakuZviyo Mwenga chete kuchiti, ‘Budai mariri vanhu vaNgukuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega (zviyo)kupiwa madambudziko (kutambudzika kukurukwomuchisimbiso chetanhatu naMateo 24) aro (sawi).

YAMBIRO YOMWEYA YOKUPEDZISIRA

Zvakazarurwa 3:22 inoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinorevaMweya kukereke.”

Iyi ndiyo yambiro YOKUPEDZISIRA. Hakuchazovizveneimwe. Nzvimbo yechigaro choushe yakatogadzirirwa. Hwaromakumi maviri nohwuviri hwakatovakwa. Migwagwayendarama yakatogadzirwa. Masuvo amatombo anohwinyamakurukuru akatomiswa nokupfekerwa masasa. Somudhurimukurukuru guta rakamira rakanaka sei nokuhwinya.Zvisikwa zvokudenga zvakarigadzira zvakatarira sokungezvisingachafemi, nokuti rinovaima nokupenya nokuhwinyakusiri kwapanyika pano. Chiri chipi zvacho chorunako rwaro

Page 380: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

370 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

chinotaura rungano rwenyasha dzinoshamisa norudo rwaJesu.Iguta rakagadzirirwa kuvanhu vakagadzirirwa. Rakangomiriravagari varo chete, uye pasina kupera nguva vachazadzamigwagwa yaro nomufaro. Hongu, uku ndiko kudanakwokupedzisira. Mweya hauchazombotaurizve kune rimwezvezera. Zvamazera zvapera.

Asi tinotenda Mwari, panguva ino, kuti zera rino harizatirapfuura. Achiri kudanidzira nazvino. Uye kudanidzira kwaKehakuzi chete munzeve dzomweya dzavanhu nenzira yoMweyawaKe, asi zvakare muprofita ari munyika. Mwariachazarurazve chokwadi sezvaAkaita kuna Pauro. Munguvayenhume yechinomwe, munguva yeZera reRaodhikia, nhumeyaro ichazarura zvakavanzika zvaMwari sezvazvakazarurirwakuna Pauro. Achataura asingatyi nokupembera, uye avovanogamuchira muprofita iyeye muzita rake pachakevachagamuchira chimuko cheshumiro yomuprofita iyeye. Uyeavo vanomunzwa vacharopafadzwa nokuva chikamuchomwenga uyu wenguva yokupedzisira unotaurwa munaZvakazarurwa 22:17 inoti, “Mweya nomwenga vanoti vuya.”Tsanga yezviyo (Mwenga weZviyo) yakadonhera muvhupaNicaea yakadzokera kuMbeu yeShoko yokumavambozvakare. Mwari ngaArumbidzwe nokusingaperi. Hongu,teerera kumuprofita waMwari akaratidzwa kuva wechokwadianouya panguva yechizvarwa chino chokupedzisira.Zvaanotaura kubva kuna Mwari izvi ndizvo zvichatauramwenga. Mweya nomuprofita nomwenga vachange vachitaurazvimwe chete. Uye zvavachataura zvichange zvakatotaurwanechakare muShoko. Vari kuzvitaura iko zvino vachiti, “Budaimariri iko zvino muve vakatsaurwa.” Kudanidzira kwakaitwa.Kudanidzira kuri kuitwa. Inzwi richadanidzira kusvikariiniko? Hatizivi, asi chatinoziva, ndechokuti hakuchaiti nguvarefu, nokuti rino ndiro zera rokupedzisira.

Ane nzveve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Mweyawakatotaura. Zuva rava kunyura ratova kuda kuperarichipinda muziendanakuenda ramazera amakereke. Nguva iyizvose zvinezenge zvapera. Apa kunenge kusisina nguvayokuuya. Asi kana pamwevo zvapo munyaya ino Mwariakashanda newe nenzira yoMweya waKe, ungatendeukirakwaAri here kana iko zvino chaiye mukutendeuka nokupaupenyu hwako kwaAri kuitira kuti nenzira yoMweya waKeAngakupa upenyu hwusingaperi.

Page 381: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 371

CHITSAUKO CHEGUMI

MAZERA MUCHIDIMBU

Nokuda kwokuti zvidzidzo zvedu zvanga zviri tsananguroinotevedza ndima nendima yaMagwaro anotaura nezvamazeramanomwe, hatina kuzoisa pachena nhoroondo yakabatanayekereke sezvatanga tichifanira kuita. Saka, nokudero,vavariro yedu zvino muchitsauko chino, ndeyokuronda kerekenenhoroondo yayo sokupiwa kwainoitwa kuna JohanenoMweya waMwari tichitanga neZera reEfeso kudziranamazera ose. Hatisi kuzopamhidzira zvimwe zvitsva asikungobatanidza chete zvatinazvo kare.

Kubva muzvidzidzo zvedu takatodzidza kare kutizvizhinji zvezviri muna Zvakazarurwa zvinotadzakunzwisiswa zvachose nokuda kokuti hatina kunge tagaratichiziva kuti ‘kereke’ iri kutaurwa nezvayo uye iri kutaurwakwairi mubhuku rino haisi kureva ‘vanodikanwa’‘vasanangurwa’, ‘mutumbi waKristu’, ‘mwenga’, asi kutiinotaura pamusoro pavanhu vose vanodaidzwa kuti maKristu,zvisinei kuti ndovechokwadi here kana kuti ndovezita chete.Sezvo Israeri zviSINGArevi vaIsraeri vose, naizvozvovomaKristu HAVAZI vose maKristu. Saka tinodzidza kutikereke yakaumbwa nemizambiringa miviri, wechokwadinowenhema. Mizambiringa miviri iyi inokurudzirwanemhando mbiri dzomweya; mumwe muzambiringa unoMweya Mutsvene asi mumwe wacho wakapiwa mweyawaantikristu. Yose inokambira kuziva uye kuzikanwanaMwari. Yose inoti inotaura yakamiririra Mwari. Yoseinotenda chimwe chokwadi chapakutanga chaipo asiichisiyana pane zvimwe. Asi sezvo yose iri miviri ichidaidzwanezita raIshe, vachinzi ma-Kristu, uye nokuda kokutakurazita uku zviri pachena kuti mizambiringa iyi yose inokambirakuva noukama naYe (Mwari anoti kuroorwa), Mwariunoiti yose inozvidavirira kwaAri ndiko kusaka achitaurakwairi iri miviri.

Zvimwezve zvatakadzidza ndezvokuti mizambiringa miviriiyi yaizokura pamwe chete kusvikira kupera kwamazera apoyose iri miviri yaizoibva nokukohwiwa. Muzambiringawenhema hauzokuriri nokuparadza muzambiringawezvokwadi, asi, muzambiringa wezvokwadi hauzokwanisikuunza muzambiringa wenhema muukama naJesu Kristuhwokuti uponeswe.

Takadzidza chokwadi chinokatyamadza kupfuura zvimwezvose chokuti Mweya Mutsvene waikwanisa uye waitowirapamusoro pamaKristu omuzambiringa wenhema usinakuponeswa nokuratidza masimba muzviratidzo zvakasiyana-

Page 382: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

372 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

siyana nezvishamiso, sezvakangoitavo Judhasi uyo waivaneshumiro chaiyo yoMweya Mutsvene nyangwe zvake, iyepachake, akanzi akanga ari dhiyabhorosi.

Takachengeta izvi mufungwa dzedu tinotanga kurondagwara rekereke tichidzira namazera manomwe akasiyana.

Kuberekwa kwekereke kwakaitika paPentekosti.Sezvakangoitavo Adhama wokutanga kupiwa mwenga arimutsva kubva muruoko rwaMwari akagara asina kusvibiswakwechinguva, saizvozvovo Kristu, anova Adhamawokupedzisira, wakapiwa mwenga wakanga akachena uye arimutsva paPentekosti; mwenga uyu akagara akatsaurwa uyeasina kusvibiswa kwechinguvavo. “Asi pakati pavamwekwakanga kusino munhu wakatsunga kuzviisa kwavari”(Mabasa 5:13) uye “Ishe wakawedzera kwavari zuva rimwenerimwe avo vaiponeswa.” Mabasa 2:47. Hatizivi kuti izvizvakaenderera mberi kwenguva yakareba sei, asi mumwe musisezvakangoitavo Evha kuidzwa nokutadzirwa naSatani,kerekevo yakasvibiswa nokupinda kwakaita mweyawaantikristu. “Iwo ndowaantikristu wamakanzwa kuti unouyanazvino watova panyika.” I Johane 4:3. Zvino Jesu wakatipamusoro pomwenga waKe muzera iroro rokutanga, “Asihandifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwakorwokutanga. Naizvozvo rangarira pawakawa utendeuke.”Zvakazarurwa 2:4-5. Muzera iroro rokutanga kereke yakangayatova nechakare ‘mukadzi wakawa’. Sezvakanga zvaitaSatani kusvika kuna Evha kutangira Adhama, saizvozvovoSatani wakanga atotadzirwa kereke, mwenga waKristu,‘chirairo chomuchato weGwayana’ chisati chaitwa. Chiichaicho chakanga chiri paari chakaita kuti awe? Ko chingavachii kusiya kwezviri muna Zvakazarurwa 2:6, “MABASAAVANIKORAITI.” Zera rokutanga iri rakanga ratofuratirakare kubva pakutevera Shoko raMwari rakakwana.Vakafuratira zvinodiwa naMwari zvokuti kereke itsamirepaari Iye chete zvachose (kumira naMwari chete kuti azadziseShoko raKe kubva pakutanga kusvika pakupedzisira pasinakana zvehurumende yomunhu mukati) kwete pachiNikoraiti,icho chinova kumisa kutonga komunhu mukereke,sezvinongoita hurumende dzose dzavanhu kumisira vanhumitemo. Vakaita zvimwe chetezvo zvakaita vaIsraeri. Vakatorakodzero nefaniro yehurumende yavanhu panzvimbo cheShokonoMweya.

Rufu rwakanga rwapinda. Ko tinozviziva sei? Ko hatinzwihere inzwi roMweya rinodana muzera rokutanga kuitira avovose vachanzwa, paAnenge achidana achiti, “UnokundaNdichamutendera kuti adye Muti woUpenyu uri muParadhisoyaMwari.” Kereke yakanga yatomwa kare zvakanyanyapamuti worufu (kana kuti muzambiringa wenhemawamasangano) uyo unogumira mudziva romwoto. Asi zvino

Page 383: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 373

hapachisina makerubhi ane minondo inopfuta mwoto anorindaMuti woUpenyu. Zvino Mwari haachabvi pakati pekerekesokubva kwaAkaita muEdheni. O-o, kwete, Uchagara aripakati pekereke yaKe nguva dzose kusvikira muzerarokupedzisira. Uye kusvikira panguva iyi Ari kudana vose kutivauye.

Zvino ndapota hangu ngatinyatsongwarira pano apa.Mharidzo ino iyi kunhume yekereke iri paEfeso haisi mharidzokukereke chaiyo yapanzvimbo yeEfeso. Imharidzo kuZera.Zvino zera iroro rakanga rine mbeu yechokwadi maririnembeu yokurashika sokuiswa pachena kwazvinoitwa chaikokana kuchitevedzerwa mufananidzo wamashawi nezviyo.Mazera amakereke ndiwo munda, mumunda uyu ndimo munezviyo namashawi. Kereke yenhema yakaumba sangano, ikaitakuti hurumende neShoko zvive zvavanhu, uye ikarwisamaKristu echokwadi.

Mashawi agara achingokura nesimba kudarika zviyo kanaipi zvayo mbeu inosakurirwa. Kereke yamashawi yakakuranokukurumidza muzera iri. Asi kereke yezviyo yakabudiriravo.Pakazopera zera rokutanga mabasa avaNikoraiti akanga avakubudirira mukereke dzomuzambiringa wenhema dzenzvimboiyoyo nokuidza kwakapamhidzirwa kwokuparadzira kufurirakwadzo kuvambukira mberi kunhengo dzisiri dzadzo. Kufurirakwayo kwakanzikwa nekereke yazvokwadi nokuti varumevakaita sounoremekedzwa Polycarp vakanga vava kuzvidaidzakuti mabhishopi vachireva chiya chinzvimbo chakanga chisirimuchisikirwe chekereke kana zvitevedzwa zviri muShoko.Uyezve muzera iroro, kereke yazvokwadi yakanga yasiya rudorwayo rwokutanga. Rudo urwu rwakanga rwakafananidzwanorudo rwomwenga nechikomba pakuwanana kwavo uyemumazuva okutanga ewanano yavo. Pakanga pavanokutonhora parudo urwu rwakanga rwakakwana nokusiyakuzvipira kwakaperera kuna Mwari.

Asi cherechedzai. Zvakazarurwa 2:1 inotsanangura IsheJesu somunhu ari pakati pekereke yaKe uye akabata nhumemuruoko rwaKe rworudyi. Nokuda kwokuti mwenga uyuwapunzika, nokuda kwokuti mutumbi wekereke zvino wavamasanganiswa echokwadi nenhema, haAzi kuzoisiya.NdeyaKe. Uye kana tichitarira VaRoma 14:7-9 tinoona kuti izvindizvo chaizvo. “Nokuti hakuno mumwe wedu unozviraramiraiye oga, hakuna unozvifira iye oga. Nokuti kana tichirarama,tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kanatichirarama, kana tichifa, tiri vaShe. Nokuti Kristu wakafiraizvozvi, akararamazve, akamuka, kuti ave Ishe wavose vakafanavapenyu.” Pamuchinjikwa Akatenga vanhu VOSEvapanyika. NdovaKe. Ndiye Ishe wavapenyu novakafa. (Kanatichireva kuva mwene, KWETE ukama.) Zvino anofambapakati pomutumbi iwoyo uyo uno upenyu norufu mauri.

Page 384: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

374 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Chakasimwa muzera rokutanga chichakura muzera repiriuye muna mamwe mazera ose kusvika pakuibvanokukohwiwa. Saka muZera reSmirna tinotarisira kukuranokuwedzera kwechiedza chenhoroondo yomutumbi wekerekenenzira yechizaruro choMweya.

Muzera iri ruvengo rwemuzambiringa rwunokura. Onai,zvino (ndima 9) vakazvitsaura kubva mukufambidzananovechokwadi. Vakabuda kubva kwavari. Vaiva varevivenhema. Vakazvidaidza namazita anoreva zvavasiri. AsiMwari akavaparadza here? Kwete. “Vasiyei vakadero vose varivaviri vachasvika pakukohwa.”

“Asi Ishe vanofanira kuparadzwa nokuti vari kuparadzavanhu veNyu. Vari kuvauraya.”

“Kwete, vasiyei vakadero. Asi kumwenga waNgu Ndinoti,‘Ramba wakatsungirira kusvikira pakufa. ItonyanyakuNdida’.”

Tinodzidza zviri pachena kuti muzambiringa wenhemauyu muzambiringa waSatani. Ungano yavo ndeyake (Satani).Vanosangana muZita raMwari vachireva nhema dzokutindovaKristu. Vanoparidza, nokudzidzisa, nokubhabhatidza,nokunamata, nokuita shumiro dzakasiyana-siyana dzakapiwanaKristu kukereke, asi havasi vaMwari. Asi sezvo vachitindovaMwari, Mwari anovati vachazvidavirira uye muzeraroga roga Anotaura pamusoro pavo uye kwavari.Vanotiyeuchidza pamusoro paBharami chaizvo. Akanga arimuprofita. Aiziva nzira kwayo yokusvika kuna Mwarisezvinoratidzwa mukubayira kwake mhuka dzakachena. Asinyangwe zvakadero hazvo akanga asiri MUPROFITAWESHOKO wezvokwadi nokuti paakataurirwa naMwari kutiasainda kundokudza Bharaki nokuvapo kwake akasarudzakungoenda zvakadero nokuti akanga achitumwa nokukarakwake ndarama nokuremekedzwa. Saka Mwari akamuregaachienda. Panzvimbo yokuda kwaMwari kwakakwanapakapinda kuda kwaMwari kwokuregedzera nokuda “kwechishuvo chomwoyo” waBharami. Mwari akatonyatsotichaizvo, “Enda zvako.” Ko Mwari apa akanga ashanduramwoyo waKe here? Kwete changamire. Mwari akangoitazvaAkanga achida kuita zvisinei nokuita kwaBharami.Bharami haana kushandura kuda kwaMwari. Mwari akangovanenzira yaKe zvakadaro. Bharami wacho ndiyeakatozokundikana nokurashikirwa nokuti akanga atsaudziraShoko. Zvino mazuvano tinowana zvimwe chete izvi.Vaparidzi vavakadzi, namasangano, dzidziso dzenhema,nezvimwe, uye vanhu vachingoshumira Mwari, nokuratidzazvoMweya nokuenderera mberi sezvakangoitavo Bharami,vachiti Mwari akataura navo nyangwe zvazvo basa rinonzindiro rakapiwa richisiyana neShoko rakazarurwa. Zvinohandisi kuramba kuti Mwari akataura kwavari. Asi zvakanga

Page 385: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 375

zvakangoitavo sopaAkataura naBharami paya pechipiri. SezvoAiziva kuti Bharami aida chishuvo chomwoyo wake kudarikaShoko uye Akamupa zvaaida, nyangwe zvakadero nguva dzosepakugumisira zvaanoda zvichizongoitika SOKUDA KWAKE;kana nanhasi uno Mwari anotaurira vanhu kuti vaendererezvavo mberi mune zvinodiwa nemwoyo yavo nokutivakatoramba Shoko nechakare. ASI KUDA KWAMWARIKUNONGOITIKA ZVAKANGODERO. Ameni. Ndinovimbakuti munozviona izvi. Hazvizi kungozojekesa zvizhinjizvezvinhu zvinoonekwa mumazera ose asivo kutizvichanyanya kubetsera kuzera rino rokugumisira iro rinokuratidzwa kwakawanda kudai namaropafadzo ezvinoonekwakunze asi pasi pose pachiramba nokupikisa ‘Kuda-Kwakazarurwa-MuShoko’ kwaMwari.

Kana kwakambova nezera rakagamuchira shokorichitaurwa nokunzikwa pachena, ndiro iro zera rino.Chakanga chiri chokwadi, uye nanhasi chichiri chokwadi,cheTestamente Yakare kuti, “Mwanakomana womurandakadziachatambudza mwanakomana womukadzi wakasunungukakusvikira mwanakomana womurandakadzi arashirwakunze.” Izvi zvinotiita kuti tizive kuti ruvengo nokumhuraShoko kwaSatani achirwisana namaKristu vechokwadikuchadururwa nokushandisa boka raavo vanongova maKristuezita chete, kana kuti maKristu enhema, uye kuchawedzerakusvikira Mwari adzura muzambiringa wenhema pamagumoeZera reRaodhikia.

Zera retatu rakaratidza noMweya wokuprofita kuti kerekeyenyika yaizogamuchira chiNikoraiti sedzidziso. Kupatsanuravafundisi noruzhinji rwavanhu zvakakura kubva muchokwadichomuBhaibheri chavakuru (vafudzi vamakwai panzvimbo)vachitonga makwai neShoko, ndizvo zvakazosvika pa‘mabasaavaNikoraiti’ zvakazenge zvava kuita kuti vafundisivazvimisire urongwa hwoukuru vachizviisa mumwe pamusoropomumwe, urongwa uhwu hwusiri mumagwaro ndihwohwakazoshanduka nokukura kuti kuzoguma kwava noupristahwaiisa vafundisi pakati paMwari navanhu, zvichipa vafundisimamwe masimba asi nguva dzose vachinyima vanhuvoruzhinji kodzero dzavo dzavakapiwa naMwari. Ukukwakanga kuri kupamba. Muzera iri zvinobva zvava dzidziso.Zvakamiswa mukereke seshoko raMwari rechokwadi, zvinovazvarakanga risiri zvirokwazvo. Asi vafundisi vakati raivaShoko raMwari ndiko kusaka dzidziso iyi yakanga iriyaantikristu.

Nokuda kwokuti hurumende yomunhu ndeyezvamatongerweenyika zvakakwana pasina zvokuti pano napapo, kerekeyakabva yapindira mune zvamatongerwe enyika. Kupindira ukukwakatambirwa namaoko maviri nomutongi mukuru akangaana masimba asingapikiswi uyo akabatanidza zvamatongerwe

Page 386: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

376 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

ekereke nezvamatongerwe enyika achishandisa masimbaakazobva amisa kereke yenhema (chinamato chaSatanichenhema) sandicho chinamato chechokwadi. Uye nenzirayemitemo yakasiyana-siyana yavatongi vakuru vakasiyanatinowana kereke yenhema yava kuparadza muzambiringawechokwadi zvakatonyanya kusimba kuva pachenaichishandisa masimba enyika.

Zvinoshungurudza kuti ichokwadi kuti muzambiringawechokwadi haunavo kunge wakachengeteka kudzidziso iyi.Apa handisi kureva kuti muzambiringa wechokwadiwakatombofa zvawo wamisa fungwa dzavaNikoraitisedzidziso. Kure nazvo izvi. Asi kakonye kadikidiki korufu akakakaramba kachingosveta pamuzambiringa wechokwadikachivavarira kuti ungapunzika. Kana mukati chaimomekereke yechokwadi, varume vakanga vadanwa naMwarisavatariri vapamusoro vakanga vava kutora chinzvimboichocho sechaireva zvizhinji kudarika zvazvaifanira kurevazvokushandira nzvimbo yavakadanirwa. Akanga achisiri iwochaiwo maonero aiva pachena aPauro akanga ava kuwanikwamukereke panguva iyi. Nokuti Pauro akanga ati, “Zvinovakapa kuhwinya kuna Mwari mandiri.” Zvisinei kuti Pauroakanga apiwa masimba akadini, akaramba achingoratidzavanhu kuna Mwari Uko kunobva masimba ose. Asi vafundisivakanga vachingoramba vakatarira kuUtungamiririhwaMwari KUPAMHIDZIRA NOHWAVANHU, apa vakangavava kupa kukudza pakwakanga kusina kukodzera kuiswa,tinowana kuti kereke yechokwadi yakanga ina mavaraamaitire avanhu. Nokumiswa kwakanga kwaitwachiNikoraiti_nhevedzano pakugarana nhaka kwavaapostora_vafundisi vakagadzwa_vafudzi vakavhoterwa muzvinzvimbo,nezvimwe, kwakanga kwangosara chinhanho chimwe chetekuti kereke yenhema ipfuurire kudzidziso yaBharami.Chinhanho chechipiri chaisvitsa ‘paudzamu hwaSatani’chakanga zvino chava kuenderera mberi.

Chinhanho chechipiri ichi yakanga iri dzidziso yaBharami,(inotsanangurwa muna Zvakazarurwa 2:14) apo Bharamiakadzidzisa Bharaki kuti aizogumbura sei vaIsraeri nenzirayokuita musangano ‘womubatanidzwa’. Vashanyi vaizoitazvimwe zvinhu zviviri zvaipokana neShoko raMwari.Mucharangarira kuti Bharaki akanga achida ruyamuro kutiachengete umambo hwake asahutorerwa kana kurashikirwanahwo. Akadana munhu wezvomweya akanga ane chiremerachikuru kupfuura vose venguva yake, anova iye Bharami.Bharami akapa zano rakateya nokubatsira nokuparadzavaIsraeri. Zano iri raiva rokuti, pakutanga, vose vave pamwechete vakurukurirane, nokusvusvura mabiko pamwe chetenokuita kuti zvinhu zvitwasanudzwe. Ndizvovo chaizvo,nokuti kunzwisisana kunosvika parefu. Kana mangobudirira

Page 387: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 377

kuwana izvi mozotangira ipapo. Chinhanho chaizoteverachaizova chokushumira pamwe chete, uyevo, zvirokwazvokakumanikidza kubva kuno vakoka kunoita kuti vaenzivasvike pavanga vasingatarisiri. Zvino izvi hazvina kungoitikakareko chete kukereke yaMwari yomuTestamente Yekare asivokuti zvakatoitikavo kukereke yeTestamente Itsva, nokutikwakanga kuna mambo mukurukuru, uyo akanga achidavorubatsiro kuti awane umambo hwake sezvakangoitaBharakivo. Saka Konistandino akakoka maKristu ezita chete,Kereke yoKutanga yamaKristu eRoma, kuti vamubetsere kuitakuti maKristu amutsigire, sezvo vakanga vari boka rakangarakakura chose. Magumo azvo akava eKanzuru yeNicaeayakaitwa mugore ra325. Apa maKristu, vechokwadi pamwenaavo vezita chete, vakabatana pakukoka kwaKonistandino.VaKristu vezvokwadi havasaitofanirwa zvavo kutomboindakumusangano uyu sezvo pasina chavaida pazviri. Nyangwezvazvo paiva nezvose zvaigona kuitwa naKonistandino kutiavabatanidze vose, vatendi chaivo vakaziva kuti vakangavabuda mugwara kuva apa vakabva vaenda. Asi kuna avovakasara, Konistandino akapa ufumi hwenyika pamwe chetenamasimba ezvamatongerwe enyika nezvamauto. Vanhuvakapinzwa mukunamata zvifananidzo nezvechimweya-mweya, nokuti zviumbwa zvaiva namazita avatsvenezvakaiswa mudzimba vanhu vakadzidziswa kutaura novakafa,kana kunyengetera kuvatsvene zvinova ndizvo chaizvozvechimweya-mweya pasina kuwedzera kana kutapudza.Nokuti chokudya chinodiwa zvirokwazvo nomunhu, iShokoraMwari, asi vakapiwa zvitendwa, nedzidziso dzisingapikiswinamabira zvinova zvakanga zvichimanikidzirwavo nenyika,uye pamusoro pezvose izvi vakapiwavo vamwari vatatu vaivanezita rina patatu raMwari Mumwe weChokwadi, bhabhatidzoyemvura muzita raShe Jesu Kristu yakabviswa kukaiswabhabhatidzo yechihedheni yamadunhurirwa matatu.

Vatendi chaivo havana kufanira kutombenge vakaindako.Vakanga varashikirwa nechokwadi chakawanda nechakare,zvino, naivovo, vaizorashikirwa nokunzwisisa Umwarinokurashikirwa namazita achitorerwa nzvimbonamadunhurirwa murubhabhatidzo rwemvura.

Zvino nyatsongwarirai dzidziso yaBharami iyi chaizvo.Pamusoro pezvose, cherechedzai kuti awa maitire avafundisivakaipa kuti vasungirire vanhu pavari, nenzirayokutungamirira vanhu nohwoni muzvivi nokusatenda.Dzidziso yechiNikoraiti kwaiva kusarurama nokutsveyamisavafundisi pavaitsvaka kuwana masimba mune zvamatongerweenyika pakati pavo, apo chiBharami kuri iko kuisa vanhu pasipourongwa hwavo hwezvitendwa neshumiro kuitira kutivarambe vakavabata mumaoko avo. Zvino nyatsongwariraichaizvo izvi. Chakanga chiri chii chakasunga vanhu kukereke

Page 388: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

378 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

yezita chete kusvikira pakuvaparadza? Zvaiva zvitendwanedzidziso dzisingapikiswi zvakaumbwa kuva dzidzisodzekereke. Yaiva dzidziso yeKereke yeRoma. Vakangavasingapiwi kudya kwechokwadi, kunova iko Shoko.Vakapiwa kudya kwaibva mukunamata zvifananidzo,chiBhabhironi nechihedheni zvakaputirwa mumazitaechiKristu. Zvino mweya mumwe chete iwoyu chaiwonedzidziso zviri pakati chaipo pamaProtestanti ose uyezvinodaidzwa kunzi SANGANO. ChiNikoraiti kuumbasangano, kupa utungamiriri hwekereke kuvanhu, zvichibvazvabvisa Mweya pachigaro. ChiBharami ndizvo zvamasanganozvinotora twubhuku twekereke panzvimbo yeBhaibheri. Uyekusvika chaipo panguva ino chaiyo, vazhinji vavanhu vaMwarivari kubatwa pamusungo wezvamasangano uye Mwari arikudanidzira kwavari achiti, “Budai mariri vanhu vaNgu, kutimurege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwamadambudziko aro.” Maona havana chavanoziva. Asi dai kurikuti kubvutwa kunoitika panguva iyo ino, kusazivaharizombovi dare rokukwidza nyaya pakutonga kwaMwarikwokuti munhu anenge ari muboka risiro.

Zvokuti vafundisi vazvirongedze vachiti rimwe boka riripamusoro perimwe kusvikira vanyatsotungamirirwa zvizerenapuresidhendi ndiko kuratidzwa kwomweya waantikristu,zvisinei kuti zvingaratidzika kuva zvakanakisisa nokukodzerazvakadini. Hapana chimwe chazviri kusiya zvokutindezvokuronga fungwa kwomunhu chete kuchitora nzvimboyeShoko. Zvino ani nani zvake ari mumasangano ari pakatichaipo pourongwa hwaantikristu. Zvino regai nditaure izvikuitira kuti ndinyatsozvijekesa kwazvo kwazvo.CHANDISINGADI HAVAZI VANHU KWETE.CHANDISINGADI URONGWA CHETE.

Pakubatana kwenyika nekereke dariro ratomiswa kuti kuvenaMazera Erima. Uyevo zvirokwazvo kwamakore anokwana1000 kereke yakapinda muudzamu hwerima gobvu, sokuzivakwatinoita udzamu hwaSatani. Kana vanhu vapi zvavovanonamata vakagamuchira zvose zviri zviviri zvinotichiNikoraiti nechiBharami, uye vakava namasimbaezvamatongerwe enyika, nezvemari nezvamauto kuzvitsigirakunongova negwara rimwe chete ravanofamba naro. Gwara irindiro chairo rinoinda kudzidziso yaIsabheri. Zvino nemhakayei tichitaura kudai? Nokuda kwokuti sezvatakaratidzapatakanga tichikurukura pamusoro pezera rechina Isabheriwakanga ari mukadzi weZidhoni, mwanasikana waEtibhaariakanga ari muprista waAsitarte. Akanga ari mhondi. Mukadziuyu akawanikwa naAhabhi (Mambo wavaIsraeri) pakuyamurakwazvo mune zvamatongerwe enyika. Mukadzi uyu akabvaatora chinamato chavanhu ndokubva auraya vaRevhi,nokuvaka matembere maaiitisa vanhu kuti vashumire Asitarte

Page 389: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 379

(Vhinasi) naBhaari (mwari weZuva). Isabheri akaronga dzidzisoakaita kuti vaprista vake vaidzidzise, ivovo vapristavakazoitavo kuti vanhu vaigamuchire. Apa munogona kuonachaizvo zvakanga zvakaita kereke muMazera Erima. VakasiyaShoko raMwari zvachose kusiya chete kwamazitanamadunhurirwa oUmwari nezvitevedzwa zvomuMagwarozvishomashoma. Vakamonyorora izvo zvavakatora kubvamuBhaibheri nenzira yokushandura zvazvinoreva. Boka ravoramabhishopi, navamwe, rakanyora mirabaraba yerondedzerodzakarongeka, mapapa avo akazviti haagoni kukanganisanokutivo vakagamuchira chizaruro kubva kuna Mwari uye kutiivo ndivo vaitaura saMwari kuvanhu. Zvose izvizvakadzidziswa kuvaprista avovo vaiita kuti vanhu vazvibvumenenzira yokutyisidzira. Kupokana nazvo kwaireva rufu chairwokana kubudiswa mukuwadzana zvaigona kuva chinhuchakatoipa kupfuura kufa. Zvino kereke ine inzwi rakatsigirwandiyo yakanga yatora masimba, uye yava kupengeswanamasimba yakamwa ropa ravaifira kutenda kwavo kusvikiramaKristu azvokwadi vakatopotsa vaparadzwa vose kuti tsvaiuyevo pakanga pasisina kana Shoko rakanga rasara richipo,kana kakuratidzwa kadiki zvako koMweya Mutsvene. Asimuzambiringa wechokwadi wakatambudzika ukabudaukapona. Mwari akavimbika kuboka diki zvisinei kuti Romayaigona kuitei kumitumbi yavo, Roma hayaizombokwanisakuuraya Mweya wakanga uri mavari, pasina kupera nguvachiedza cheChokwadi chakaenderera mberi chichipenya,chichitsigirwa noMweya Mutsvene nesimba.

Pano ndipo pakanaka kuti titaure zvimwe zvingangopachiedza. Onai. Mabasa nedzidziso yavaNikoraiti, nedzidzisoyaBharami, uye dzidziso yomuprofitakadzi wenhema, Isabheri,hazvirevi kuti mweya mitatu kana kuita zvisungo zvapamweyazvitatu. Zvitatu izvi kuratidzwa kwakasiyana kwomweyamumwe chete paunenge uchidzika nakudzika. Zvazviri chetendezvokuti, ndiwo mweya waantikristu wokuumba masanganomuzvinhanho zvawo zvitatu. Vafundisipavakangozvipatsanura chete vakazviumba kuita sangano ririroga vakatanga kudzvinyirira vanhu nenzirayokuvatungamirira, kupinda mumasangano vachivasungiriraimomo. Kuumba masangano uku kwakanga kwakamiswapazvitendwa nedzidziso dzisingapikiswi zvavaidzidzisa vanhupachinhambo cheShoko raMwari rakakwana. Mabiranemhemberero dzakapiwa nguva yakaramba ichingokuramukushumira, pasina kupera nguva urongwa hwosehwakazova chinhu cheganyabvu namasimba asatani nokuitapose pachaikwanisa kutonga zvose nenzira yokunyengetedzanehurukuro kana kutomanikidza chaikwo kuri pachena.Chaigamuchira simba racho kubva kuzviprofita zvacho kwetekubva kuShoko raMwari. Chakanga chava antikristu chaiyewomene akakwana nyangwe zvacho chaiuya muZita raKristu.

Page 390: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

380 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Pashure penguva yairatidzika kunge isina muganho apoChokwadi chaitofanira kufa zvirokwazvo, vanhu vakatangakuita zviratidziro zvokuramba kushata kukuru kweKerekeyeKatorike, nokuti zvakanga zvisingachambokwanisiki kutimunhu nyangwe akafungisisa zvake sei aone sokunge dzidzisonamazvibatiro akadai aigona kuva naMwari mukati.Kuratidzira kwokupokana uku hakuna aikuterera uyezvongosvika pakushaya simba, kana kupwanywa neRoma. Asinyangwe zvakanga zvakadero hazvo, Mwari munyasha dzaKedzoumambo akatuma nhume yainzi Martin Luther kuti atangevandudzo. Akashanda munguva iyo Kereke yeKatorike yaiitamadire zvokuti yakanga yatova kuzviparadza. Saka Lutherpaakaparidza zvokururamiswa nokutenda muzambiringawechokwadi wakatanga kukura nokukurumidza kokutangamumazana mazhinji amakore. Sezvo kereke yezita cheteyakanga yashandisa masimba enyika kuitsigira, nguva iyimasimba enyika akatanga kuikukura. Apa ndipo pakatadzaLuther, vatendi vechokwadi vane zvavakatadzavo.Vakabvumira nyika kuti ivatsigire. Saka zera iri harinakuenda kure riri paShoko. Mwari ngaarumbidzwe kutirakatosvika ipapo parakasvika, asi nokuda kwokuti rakangarakazembera pamasimba ezvamatongerwe enyikazvakanyanya, zera iri rakagumisira rava mune zvamasangano,boka rimwe chete iroro rakanga rapatsanuka kubvakumuzambiringa wenhema muchizvarwa chaLuther chaicho,rakabva zvino rangodzokera kuva mwanasikana wemhombwenokuti rakabva rangopinda chaimo muchiNikoraitinomuchiBharami. Munguva iyi kwakanga kuna makuminamakumi amapoka aikwikwidzana, kuratidza kuti vakangavava kure zvakadini nembeu yechokwadi zvinongoda kutimunhu arave nhoroondo kuti aone kuti vaitambudzanazvakadini, zvokutosvika parufu dzimwe nguva. Asi kwaivanamazita mashoma pakati pavo, sezvazvakagarazvakangoitavo muzera roga roga.

Tinofara muzera iri nokuda kwechinhu chimwe chete.Vandudzo yakanga yatanga. Kwakanga kusiri kumukakuvakafa asi kuti vandudzo. Uyevo kwakanga kusirikudzorera. Asi shanga yezviyo yakanga yafa paNicaea ikangeyaora muMazera Erima, zvino yakanga yabudisa nhondoyechokwadi kuratidza kuti pane imwe nguva munguvayaizouya, pakuguma kweZera reRaodhikia, Jesu ava kudakuuya, kereke yaizodzokera kuva Mwenga weMbeu yeZviyozvakare apo mashawi aizokohwiwa achipiswa mudzivaromwoto.

Sezvo zera reshanu rakanga raunza kuparadzirwakweShoko nenzira yokutsikiswa kwezvinyorwa, zera retanhaturakakurumidza kushandisa izvi. Zera iri rakanga iri nhanhoyechipiri yokudzoreredza uye sezvatatotaura kare raiva zera

Page 391: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 381

romuchekechera. Dzidzo yakatekeshera zvikuru. Iri rakangariri zera ravarume vedzidzo vaida Mwari nokuMushandira.Vechimishinari vakatekeshera Shoko rikapararira pasi pose.Rakanga riri zera rorudo pahama nehama. Rakanga riri zeraromukova wakazaruka. Ndiro zera rokupedzisira rakavapokwenguva yakareba, mushure maro kwaizouya ZerareRaodhikia raizova fupi.

Muzambiringa wechokwadi wakabudirira muzera irizvausina kumbenge waita muzera ripi zvaro kana munhuakafunga nezvokuwanda kwavanhu kuno nemhiri. Zera irirakaisa varume vatsvene pamberi. Muzambiringa wechokwadiwakatanda uye muzambiringa wenhema wakadududza.Kwose kwakaenda muzambiringa wechokwadi Mwari akapachiedza noupenyu nomufaro. Muzambiringa wenhemawakanyatsoratidzwa kuva zvawaiva chaizvo: rima,nokutambura, nourombo, nokusakwanisa kuverenga norufu.Uye sezvakangoitavo muzambiringa wenhema munguva yawoyamasimba kutadza kuuraya muzambiringa wechokwadi,saizvozvovo muzambiringa wechokwadivo hauna kukwanisakudzoreredza muzambiringa wenhema kuna Jesu Kristu. Asimuzambiringa wenhema wakazvivakirira zvakasimba,uchimirira chikamu chokupedzisira chezera rokupedzisira apowaizotora vanhu vose kudzokera kwauri kusiya kwamakwaiawa mashomashoma vakasanangurwa, muzambiringawechokwadi waMwari.

Asi zera iri rinotiita kuti tishaye mufaro zvakadinipatinoona kuti kufamba kukuru kwakaitiswa naMwari (uyekwakawanda) hakuna kurasira kure dzidziso yechiNikoraitinokuti vose vakaumba masangano vakafa. Vakazobva vapindamumadhinominesheni kuchengeta vakanga vafa pamweya varimumafuro asina chokudya. Havana kumbenge vachizvizivaizvi, asi boka roga roga rakanga rakanamatirwa nemhoshoimwe chete iyeyo, zvino apo mwoto worumutsiriro wakangawava kupfutira pasi pasi, masangano akatora masimba vanhuvakabva vava nhengo dzamasangano. Vaingova maKristuasina simba kunyangwe boka roga roga raizviti ndirosezvakaita Chechi yeRoma Katorike kuti ndiyo ine chokwadidzimwe dzose dzakanga dzakarashika. Dariro zvino rakangaramiswa zvirokwazvo kuti vanasikana vadzokere kumushamuzera rokupedzisira, kudzoka kuRoma, pasi pemhamboinova mai vavo.

Saka zvino tinosvika pazera rokupedzisira: ZerareRaodhikia. Iri ndiro zera redu. Tinoziva kuti ndiro zerarokupedzisira nokuti maJudha vakatodzokera Parastina.Zvisinei kuti vakadzokerako nenzira ipi; chiripo chetendechokuti vavako. Ino yava nguva yokukohwa. Asi pasatipagona kuva nokukohwa panofanira kutanga pava nokuibva,kana kukora kwemizambiringa yose iri miviri.

Page 392: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

382 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Zera raLuther wakanga uri mwaka wepfumvudza. ZeraraHwisiri wakanga uri mwaka wokukura kwezhezha. ZerareRaodhikia inguva yokukohwa yokuunganidza mashawiachisungwa mwanda nokupiswa; uye nokuiswa mudurakwezviyo kuitira Ishe.

Nguva yokukohwa. Mati mambocherechedza here kutimunguva yokukohwa, nyangwe zvakwo kuno kukurumidzakuibva, nokudavo kwaizvozvo kuno kuderera kwokukurakusvikira pasisina kana kukura zvachose? Izvi handizvo herechaizvo zvatiri kuona iko zvino? Muzambiringa wenhema urikurashikirwa nemhomho nemhomho dzichiendakumaKominisiti nezvimwe zvitendero zvakasiyana-siyana.Uwandu hwenhengo dzayo hahwusi kuwedzera sezvainodakutiita kuti tifunge. Simba rayo pavanhu harichisirizvarakambenge rakaita, uye kazhinji kacho kuenda kuchechizvangova zvokuda kuonekwa chete. Ko muzambiringawechokwadivo? Chii chiri kuitika kwauri? Uri kukura here?Dziri kupi mhomho dziya dzairamba dzichiuya kumavhusererenokudavira kudaidzwa kuartari? Vazhinji vavo havasikungoita zvamanzwiro here pamauyire avo, kana kuti havasikungoda zvavo here kuwana chokubata pano kuda ichochoMweya chechokwadi? Zera rino harina kuita here sezuvairo rakapinda Noa muareka, mukova ukabva wapfigwa, asiMwari akanonoka kutonga kwamazuva manomwe? Hakunakana mumwe akatendeukira kuna Mwari kwamazuva iwawoorunyararo.

Asi nyangwe zvakadero yava nguva yokukohwa.Panofanira kuzouya muzera rino avo vachaunza zviyonamashawi pakuibva. Mashawi akatotanga kuibvanokukurumidza pasi pavadzidzisi vasakarurama vanotsausavanhu kubva kuShoko. Asi zviyovo zvinosungirwa kutizviibvevo. Zvino kuzviyo, Mwari ari kutuma Muprofita-Nhumeneshumiro inoiswa pachena nokutsigirwa kuitira kutiagamuchirwe navasanangurwa. Vachamunzwa sokunzwakwakaita kereke yokutanga Pauro, zvino ichaibva muShokokusvikira pakuvavo kwayo Mwenga weShoko mabasaamasimba achiwanikwa mairi awo anogara achitevera Shokorakakwana nokutenda.

Mapoka amakereke achabatana mukanzuru yamakerekeapasi pose. Kanzuru yamakereke apasi pose iyi ndiyoMUFANANIDZO WAKAITIRWA CHIKARA. Zvakazarurwa13:11-18 inoti, “Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwirachichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana,chikataura seshato. Chinobata namasimba ose echikarachokutanga pamberi pacho, chinomanikidza nyika navageremukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiyachakapora vanga rokuvuraya racho. Chinoita zviratidzozvikuru, zvokuti chinoburusira mwoto unobva kudenga

Page 393: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 383

panyika pamberi pavanhu, Chinonyengera vanogara panyikanezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara;chichiti kuna vanogara panyika, kuti vaitire chikaramufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo,chikararama. Chikapiwa masimba okupa mufananidzowechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure,chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikaravaurawe. Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafuminavarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzomuruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo: Kuti munhuarege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara, kana chiverengo chezita racho.Ndipo pano kuchenjera. Unoziva ngaaverenge chiverengochechikara: nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengochacho ndiMazana matanhatu namakumi matanhatunenhanhatu.” Zvino rangarirai, kuti yaiva Roma Youmamboukurukuru yechiHedheni yakakurirwa nomunondo. Asiyakapodzwa vanga iri raigona kuiuraya payakabatananekereke yezita yechiKristu yeRoma nokupinza mukatichihedheni nechiKristu, uku ndiko kuva kwayakaita Umambohukuru Hutsvene hweRoma uhwo hwaizoramba hwuripokusvikira Jesu auya kuhuparadza. Asi Roma haizi kuzviitayoga. Vanasikana vayo vari pamwe chete chaipo nayo uyeichatora masimba ose akakwana nenzira yeKanzuruyaMakereke aPasi Pose. Izvi zvingaratidzika kuna vamwevanhu sechinhu chokungofunga chisingazomboitiki asi zviripachenachena kuti vanhu vose vaone nokuti iko zvinomakereke ari kutonga zvamatongerwe enyika uye panguvayakafanira acharatidza chaizvo kuti kutonga kwawo ukukwakakura zvakadini. Kubatana kwamakereke ukukuchapedzisira Roma yava pamusoro nyangwe zvazvo vanhuvasina kunge vakazvifunga naipapo. Izvi ndizvo nokutiZvakazarurwa 17:3-6 inoti mhombwe, Bhabhironi Yakapunzikayakagara pamusoro pechikara. Iri kutonga umambo ukuruhwokugumisira, kana kuti hwechina. Kereke yeRoma iyi irikuita izvozvo. Apo urongwa hwamakereke apasi pose hwavapasi payo Roma inenge yava kutonga, uye mufananidzo uyu(urongwa hwamakereke) huchateerera Roma nokuti Romandiyo inotonga zvendarama yapasi pose. Saka vanhu vosevanosungirwa kuva nhengo dzourongwa hwamakereke apasipose kana kuti vanosara vangotarisana nokunze chetenezviriko nokuti vanenge vasingagoni kutenga nokutengesavasina chiratidzo chechikara paruoko kana pahuma.Chiratidzo ichi chinenge chiri pahuma zvinoreva kutivachasungirwa kutora dzidziso yohurongwa hwekereke yapasipose hwunova vamwari vatatu, nezvimwe, chiratidzochaparuoko zvinoreva kuita kuda kwekereke yapasi pose.Nesimba guruguru iri hurongwa hwamakereke uhwuhwuchatambudza mwenga wechokwadi. Mufananidzo uyu

Page 394: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

384 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

uchaidza kukonesa mwenga kuparidza nokudzidzisa,nezvimwe. Vafundisi vomwenga vacharambidzwa kupanyaradzo nezvokwadi kuvanhu vanozvida. Asi antikristu(pakuva munhu kwake) asati atora masimba okutongahurongwa hwakakwana hwamakereke apasi pose uhwu kerekeyechokwadi ichatorwa kubva panyika pano kundova naIshe.Mwari achatora mwenga waKe kuenda naye kuMabikooMuchato makuru eGwayana.

Zvino sezvo chitsauko chino chokupedzisira chapirwakuitira kuti tironde gwara ramakereke maviri nemweya mivirikubva paPentekosti kusvikira pakukwaniswa kwayo, tichatorachinguva chino chokupedzisira kuti tiratidze izvi mune rinoZera reRaodhikia.

Zera rino rakatanga nguva fupifupi kubva panoshandukanguva kupinda muzana rino rechimakumi maviri. Sezvorakanga richizova zera iro raizodzokera kereke yechokwadikundova mwenga wayaiva paPentekosti, tinoziva kutipanofanira kuva nokudzoka kokuratidzwa kwamasimba.Vatendi vakazvinzwa izvi mumweya yavo vakatanga kuchemakuna Mwari kuti kuve nokudururwa kutsva sokwakavapomuzana ramakore rokutanga. Chakaratidzika kunge mhindurochakauya apo vazhinji vakatanga kutaura nendiminokuratidza zvipo zvoMweya. Panguva iyi zvaifungwa kunziuku kwaiva KUDZOREREDZWA kwakanga kwakamirirwakwenguva refu. Kwakanga kusiri, nokuti mvura yokuteverainotonaya chete kana mvura yokutanga yatanga yanaya inovaiyo yomunakamwe kana kuti mvura YOKUDZIDZISA. Sakamvura yomumashure, ndiyo, mvura YOKUKOHWA. Kochaigozova sei chinhu chaicho iyo Mvura yoKudzidzisayakanga isati yauya? Muprofita-Nhume uyo aizotumwa kutiaDZIDZISE vanhu nokudzorera mwoyo yavana kumadzibabaePentekosti akanga achigere kuuya. Saka chaifungidzirwa kutikwaiva kudzoreredza nokumutswa kokupedzisirakunotungamira mukubvutwa kwakanga kusati kwauya.Machiri makanga muna masanganiswa avasakaruramavachiwana maropafadzo oMweya nokuratidza zvoMweyaMutsvene sezvatanguri tabvirira kuramba tichingokuratidzai.Machirivo makanga muna masimba asatani sezvo vanhuvakanga vari pasi pamasimba amadhimoni, asi hapanawaimboratidza kuva anozviona izvi. Ndokuzobva, kuratidzakuti zvakanga zvisiri CHAIZVO, vanhu ava (chizvarwachechipiri chisati chatombouya) vakaumba masangano,nokunyora dzidziso dzavo dzisingatevedzi gwaro nokuvakavomiganhu yavo sezvakanga zvaita mapoka ose akatungamira.

Rangarirai, Jesu paakanga ari pano pasi Judhasivo akangaaripo. Vaiti uyu aibva kumweya wakasiyana uyuvo achibvakuno mumwevo mweya wakasiyana, pakufavo vakati uyuwoinda kwakwe uyuvo kunzvimbo kwakwe. Mweya waKristu

Page 395: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 385

wakazodzoka pashure pamusoro pekereke yechokwadi, uyevomweya waJudhasi wakadzokavo pamusoro pekereke yenhema.Zvirimo chaimo muna Zvakazarurwa 6:1-8 inoti, “Ndikatarira,ndikaona bhiza jena; naiye wakanga akaritasva wakanga unouta; akapiwa korona: akabuda achikunda uye kuti akunde.Wakati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwachipenyu chechipiri chichiti, Uya uone. Ipapo rimwe bhizarakabuda riri dzvuku: wakanga akaritasva akapiwa simbakuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane: akapiwa munondomukuru. Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwachisikwa chipenyu chechitatu chichiti, Uya uone. Ndikatarira,ndikaona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiereso muruoko rwake. Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwazvipenyu zvina richiti, Chiero chezviyo chichatengwanedhenari, nezviero zvitatu zvebhari nedhenari; usatadziramafuta newaini. Wakati azarura chisimbiso chechina,ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, Uyauone. Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka: wakangaakaritasva zita rake Rufu, uye Hadhesi rakamutevera. Ivovakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vaurayenomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.” Onai kutimweya iwoyo waJudhasi wakauya sei somutasvi webhiza jena.Rakanga riri jena. Rakafanana chaizvo nebhiza chairo,sezvakanga zvakangoitavo Judhasi kuva pedo pedo naJesu.Korona yakapiwa kwaari (mutasvi webhiza jena). Sei? Mweyaiwoyo wakanga zvino wava mumutungamiriri wourongwahwechiNikoraiti uye akanga ari papa ane korona nhatuakanga akagara kunge Mwari mutembere yake, achizvidaidzakuti ndiye mumiririri waKristu. Kana mumiririri waKristuzvichireva ‘pachinhambo chaKristu’ kana kuti ‘pachinhambochaMwari’ saka papa akanga achizviti ndiye MweyaMutsvene, kana kuti ndiye akabvisa Mweya Mutsvenepanzvimbo yawo, achiMuitira basa rawo. Uyu ndiwo mweyawaJudhasi uri maari unoita izvi. Onai kuti akakundasei_kufambira mberi achikunda uye kuitira kuti akunde.Kristu haana kuita izvi. Avo chete vakauya kwaAri vakangavakatosanangurwa naBaba. Zvino wakaramba uchiendereramberi mweya uyu uye mumwe musi uchava nyamazvirokwazvo mumunhu achatungamirira Kanzuru yaMakerekeaPasi pose, sezvatanga tichingotaura chaizvo. Uye nenzirayendarama yake (rangarirai kuti Judhasi ndiye aiva akabatachikwama) achatonga pasi pose, urongwa hwaantikristu uhwuhwuchava muridzi wezvinhu zvose nokuidza kutonga munhuwose. Asi Jesu achadzoka achizoparadza vose nokupenyakwokuuya kwaKe. Zvino mugumo wavo uchava wedzivaromwoto.

Asivo ko chii chichaitika kumbeu yechokwadi?Zvichangoitika sezvatangotaura chaizvo. Vanhu vaMwari varikugadzirira nokuda kweShoko raZvokwadi rinobva kunhume

Page 396: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

386 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

kuzera rino. Mavari muchava nokuzara kwapaPentekostinokuti Mweya uchadzosera vanhu chaiko kwavakanga varipamavambo. Apa tinoreva “Zvanzi naJehovha.”

Ndiyo “Zvanzi naJehovha” nokuti ndizvo zvinoreva Joere2:23-26 inoti, “Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisisemuna Jehovha Mwari wenyu: nokuti Unokupai mudzidzisiwokururama, uye Unokunisirai mvura, mvura yokutanganemvura yokuteverera nomwedzi wokutanga. Mapuriroachazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu,negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yaNguhuru yaNdakatuma pakati penyu. Muchadya zvakawanda,mukaguta, mukarumbidza Zita raJehovha Mwari wenyu,Wakakuitirai zvinoshamisa: vanhu vaNguhavangatongonyadziswi nokusingaperi.” Zvino zvava kunziMwari “uchadzoreredza”. Zera raLuther harina kudzoreredzakereke; rakangotanga vandudzo. Zera raHwisiri harinakudzoreredza. Zera rePentekosti harina kudzoreredza. AsiMwari anofanira kudzoreredza nokuti haAkwanisi kurambaShoko raKe. Uku hakusi kumuka kuvakafa kweKereke; ukundiko “Kudzoreredza”. Mwari achatora Kereke kuidzorerachaiko kumavambo apaPentekosti. Zvino cheredzai kutimundima 25 inotitaurira kuti tinodirei dzoreredzo iyi. Mhashu,negwatakwata, nomupedzachose nomuteteni zvadya zvinhuzvose kusiya mudzi chete nakadimbu kadikidiki kehunde.Zvino tava kutaurirwa kuti zvipembenene izvi zvosechinongova chinhu chimwe chete muzvinhanho zvakasiyana.Ndizvo chaizvo. Uyu ndiwo mweya waantikristu unoratidzwamukuumba sangano, nokuva namasangano nedzidzisodzenhema kudzira namazera. Zvino kamudzi aka kanonzwisatsitsi nedzinde zvichadzoreredzwa. Mwari haasi kuzosima imweKereke itsva, asi kuti ari kuzodzorera chisimwa chaKe kumbeuyapamavambo. Anozviita sezvinotaurwa mundima 23, nenzirayokudzidzisa, kana kuti mvura “yokutanga”. Chinozoteverakuuya imvura yokukohwa kana kuti kutenda kwokubvutwa.

Saka panguva ino chaiyo tiri mukuzadzikiswa kwakakwanakwaMateo 24:24 inoti “kuti, kana zvichibvira, vatsausenavasanangurwavo.” Zvino uyu ndiani achaidza kutsausanavasanangurwa chaivo? Mumwe ani, kusiya kwaantikristu ari“muvanhu venhema vakazodzwa” venguva ino yokupedzisira.Ava vanhu venhema vakatouya nechakare “muZita raJesu”vachikambira kuti ndivo vakazodzwa naMwari kuitira nguvayokupedzisira. Ndivo vana Mhesiyasi (vazodziwa venhema.)Vanoti ivo ndivo vaprofita. Asi vari pamwe neShoko here?Kwete. Vakapamhidzira kwariri kana kutapudza kubvisakwariri. Hapana anoramba kuti Mweya waMwari uchiratidzwamuzvipo uri pamusoro pavo. Asi saBharami ivovo vanezvirongwa zvavo, vanoita zvikumbiro zvavo zvemari, nokuita

Page 397: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

MAZERA MUCHIDIMBU 387

zviratidzo, asi vachiramba Shoko kana kurinyenyeredzavachityira kuti nharo dzingangoderedza mukana wavowokuwana zvakapamhidzirwa kuwanda. Asi nyangwezvakadero vanoparidza ruponeso nedzikinuro nesimba raMwari,sezvakangoitavo Judhasi, neshumiro yaakapiwa naKristu. Asinokuda kwokuti imbeu isiriyo, naizvozvovo vano mweya usiriwounovakusvidzira. Ko vanamati here? O-o zvangu ini!Vanotodarika vasanangurwa nokure pakuita napashungu, asindoveRaodhikia, kwete vaKristu, nokuti chavanotsvakamasangano ana vanhu vakawanda, nezvirongwa zvakakuranezviratidzo zvinokatyamadza pakati pavo. Vanoparidzapamusoro pokuuya kwaKristu kwechipiri, asi vachiramba kuuyakwomuprofita-nhume, nyangwe zvazvo pamasimba nokuhwinyanechizaruro chechokwadi muprofita-nhume uyu achivadarikazvokutovadzima vose zvokusazomboonekwa kuti varipo. Honguchaizvo, mweya wenhema uyu wakafanana chose chosenoMweya chaiwo panguva yokupedzisira, unogonakungopatsanurwa chete nokutsauka kwawo muShoko, zvinopose paunobatwa kuva unoramba Shoko, unobatirira panharodzimwe chete dzatatoratidza nechakare kuti ndedzenhema: “Tirikubudirira, handiti? Saka tinotofanira kunge tiri vaMwari.”

Zvino tisati tapedza, ndinoda kuunza fungwa iyi. Kwosekwatabva tanga tichitaura pamusoro peMbeu yeZviyoichisimwa, nokuzobudisa miseve kana kuti nhondo,kuchizouya muchekechera, nokuzopedzisira neshanga chaiyo.Izvi zvingava chikatyamadzo chikuru kana dai taiti vanhuvechiLuther vakanga vasina Mweya Mutsvene nokuda chetekokuti vaidzidzisa pamusoro pokururamiswa chete.Chingatovavo chishamiso pamusoro pamaHwisiri, navamwe,Kwete changamire, hatizi kutaura izvi. Hatizi kutaurapamusoro pomunhu ari pachake oga kana kuti vanhu, asi kutitiri kutaura pamusoro peZERA. Luther aiva noMweyawaMwari, asi zera iroro rakanga risiri rokudzoreredzakwakazara nenzira yokudururwa sokwapamavambo.Zvakanga zviri zvimwe chetezvo naHwisiri, naBooth, naKnox,naWhitefield, naBrainard, naJonathan Edwards, naMeuller,navamwe. Zvirokwazvo vakanga vakazadzwa noMweyaMutsvene. Hongu, zvirokwazvo vakanga vakazadzwa. Asimuzera makararama mumwe nomumwe wavo makanga musirimuzera rokudzoreredzwa, hapana kana rimwe zvaro zerakusiya kwerino rokugumisira, rinova ndiro zera rokusiyiwanokurambwa kwezvinamato. Rino izera rokusiya nokurambazvinamato, asivo rino izera rokudzoreredzwa, rino izeraredendenedzwa rakakwana. Nokuda kweizvi, zvose zvinengezvapera.

Saka tinopedza nyaya yedu yaMazera ManomweaMakereke, tichitaura chete zvakataurirwa zera roga roganoMweya, “Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Page 398: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

388 KUISWA PACHENA KWAMAZERA AMAKEREKE MANOMWE

Ndinovimba nomwoyo wose kuti Mweya waMwari wangauchitaura kwatiri, kwete kungotidzidzisa zvokwadi yamazerachete, asivo kuti Wanga uchishanda nemwoyo yedunokutendeka kuti itendeukire kwaAri. Ndiyo vavariroyokuparidza nokudzidzisa kose, nokuti zviri mukuparidzanokudzidzisa kweShoko kuitira kuti makwai anzwe inzwiraMwari agoMutevera.

Hapana kana nguva imwe zvayo yandinounza mharidzokuvanhu kuti vanditevere, kana kupinda mukereke yangu,kana kutanga yanano nokuumba sangano. Handina kumbofandakaita izvi uye handizombozviiti iko zvino. Handina shungunezvinhu zvakadero, asi ndine shungu nezvinhu zvaMwarinavanhu, zvino dai ndingabudirira muchinhu chimwe cheteichi ndingagutsikana. Chimwe chete chacho ndechokuonakumiswa kwoukama hwechokwadi hwapamweya pakatipaMwari navanhu, apo vanhu vanova zvisikwa zvitsva munaKristu, vakazadzwa noMweya waKe nokurarama upenyuhwuri muShoko raKe. Ndingatokoka, nokudembetereranokuyambira vanhu vose kuti vanzwe inzwi raKe panguva ino,nokupira hupenyu hwenyu zvizere kwaAri, sokuvimba kwangumumwoyo mangu kuti ndakapa zvangu zvose kwaAri. Mwaringaakuropafadzei, uye kuuya kwaKe ngakufadzenokupembedza mwoyo yenyu.

Page 399: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

Pane mharidzo dzinopfuura chiuru chine zana nemakumi manomwe nepfumbamwe(1179) dzakaparidzwa neChirungu dzaMufundisi William Marrion Branhamdzakatepwa dzinokwanisa kunzwikwa pamakaseti. Maridzo zhinji dzachodzinowanikwawo mumabhuku. Kune mahofisi nemaraibhurari munyikadzakakomberedza pasi rose anopa nekukweretesa mharidzo idzi mundudzidzakawanda.

SHONA

Kana muchida kuziva zvizhinji kana kuti kana muchida kuwana mharidzodzaMufundisi Branham nyorerai pakero inoti:

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 400: SHOBK-AGES Kuiswa paChena kwamaZera AmaKereke …download.branham.org/pdf/SHO/SHOBK-AGES An Exposition Of The … · Abheri wakaziva sei zvaidiwa kuti azobayira Mwari chibayiro kwacho?

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

VOICE OF GOD RECORDINGSP.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.

www.branham.org