69
Chikamu chakakosha KANA NYIKA YOSE IKASHANDUKA

KANA NYIKA YOSE IKASHANDUKA - Biblicadownloads.biblica.com/free-resources/Shona/Shona_WYWWC.pdf · Zuva 7 Mwari wakanaka here? Zuva 8 Kuva wega mukuRwadziwa Zuva 9 Kuchengetedzwa

  • Upload
    others

  • View
    1

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

  • Chikamu chakakosha

    KANA NYIKA YOSE

    IKASHANDUKA

    SHONA: WYWWC-SE

  • KANA NYIKA YOSE

    IKASHANDUKA

    Kuvaka Zvombo Zvako Zvepamweya Munguva Isina Tariro

    Chikamu chakakosha

  • Zviri MubhukuChii Choitika Ikozvino?Zuva 1 Ndibatsireiwo!Zuva 2 Kunzwa Kushaiwa SimbaZuva 3 Zvakwana!Zuva 4 Mwari Varikutiranga Here?Zuva 5 Misodzi IsingamisikeZuva 6 Ndiani Anonzwisisa?Zuva 7 Mwari wakanaka here?Zuva 8 Kuva wega mukuRwadziwaZuva 9 Kuchengetedzwa mumhirizhongaZuva 10 Kushuwa vemunharaundaZuva 11 KutsamwaZuva 12 Kubva pana MwariZuva 13 Vasingasiyani!Zuva 14 Iva neTariroZuva 15 Kunzwa Kumanikana

  • Zuva 16 Kusava nechokwadi-KuvimbiswaZuva 17 Kubviswa kwekusuwaZuva 18 Hausisiri zvawaiva kareZuva 19 Kuvana mufaro muupenyuZuva 20 Kufambira MberiZuva 21 KugutsikanaZuva 22 Rudo runopiwaZuva 23 KunyaradzanaZuva 24 Chipo chekubatsira vamweZuva 25 DananaiZuva 26 Kusarudza KuregereraZuva 27 Hupenyu HwakazaraZuva 28 Tariro yadzorerwaZuva 29 Kurarama ZvakanakaZuva 30 Simba reMangwanaCOVID-19 yashandura pasi rose

  • Chii Choitika Ikozvino?Kana dzmbudziko rakafanana ne COVID 19 rikanyanyisa, tinotadza kurigadzirisa. Pakava nevazhinji vanoda kubatsirwa pamwe nekushaya nguva yekugadzirira, hurumende pamwe nevanoita nezveutano vanoshaya zano.

    Kune dunga munhu, tinoshaya mazano nekuda kwekuvhiringika, kutya pamwe nekurasikirwa kunorwadza uko kunouya kubudikidza nedambudziko iri.

  • Vashoma vedu, kunyangwe vaye vanobatsira munezveutano pamwe nevanobatsira panjodzi vakambosangana nedambudziko rakadai. Vazhinji vedu hatisati tagona kusangana neshanduko mune zvatajaira kuita mazuva ose. Hatisati tambotarisana nekusaziva zvichaitika zvakadai.

    Denda re COVID 19 rinoshandura mafungiro, sarudzo dzose, pamwe nemaitiro edu enguva dzezuva roga roga. Hatizive kuti mangwana kuchazovei. Tinofunga kuti nyaya dztinoon apamaterevhizheni dzichazovawo nyaya dzedu mangwana.

    Pakati pekuvhiringika ikoku, tinotsvaga kugadzikana,kunyaradzwa pamwe ne tariro. Bhaibheri, shoko raMwari kune vanhu, inyaya yekutendeka kwe rudo rwa Mwari kumunhu wese mumamiriro ezvinhu ose. Rinogona kuva kurudziro huru munguva dzakadai. Rinounza inzwi kuhasha dzedu, kurwadziwa moyo, kutya pamwe netariro. Rinotinyaradza nhasi pamwe nekutisimbisa kuitira mangwana. Rinotibatsira kuti tione zviri mberi kwekutambura kwedu kwanhasi kusvikira kutariro isingaperi yatinowana muna Mwari.

    Zviverengwa zvemazuva ose izvi zvinotibatsira kuona manzwiro pamwe nemifungo yatinosangana nayo munguva dze denda re COVID 19. Chiverengwa choga choga chinosanganisira mubvunzo kana pfungwa dzinobva kune avo vakapona kubva munjodzi, ndima yekuverenga kubva mubhaibheri, pamwe nekurudziro inotibatsira kuti tisangane nematambudziko mukurarama kwedu. Zviverengwa izvi zvinopera ne pfungwa kana mubvunzo wekuchengeta mupfungwa dzako paunorarama zuva rako kana kushandisa paunenge wave kunamata.

    Mwari ngavakukomborere pamwe nekukuchengeta nguva dzose paunotsvaka kutevera Jesu mukurevesa kunyangwe nyika yako yave kushanduka.

  • Ndibatsireiwo!Ndakashamisika.

    Ndakange ndanzwa kuti COVID 19 yakaipa, asi handinakumbenge ndakafunga kuti denda repasi rose iri richange rakadai kwandiri, mhuri yangu pamwe nenharaunda yangu.

    Rakanyanyisa kuipa kupfuura zvandaitarisira.

    Kunyangwe tikaita zvose zvakanaka, kugara mumba, pamwe nekusaenda pane vanhu, handina chokwadi chekuti vanhu vandinodisisa vakachengetedzeka.

    Ndoita sei zvino?

    Ndinowana rubatsiro kupi?

  • Tose takaona nhau pamusoro pe njodzi. Mifananidzo pamwe nekurira kwekundengendeka kwenyika, mafashamo, hondo, nzara pamwe nematenda atinoona hazvinyatsotiudza kuparadza kwazvinoita. Ikozvino nekuda kwedenda ranetsa pasi rose, munhu wese aomerwa neupenyu.

    Tese tinofanira kugara takagadzirira kusangana nekurasikirwa kunorwadza. Kutarisana nezvichauya kunogona kutitorera simba redu rose pamwe nekugona kwedu kwose.

    Hatisi toga kana tichinzwa kuneta, kushaya simba kana kusagona. Vamwe vakambodawo rubatsiro munguva dzakaoma. Ndima dzinotevera kubva mubhuku raMapisarema rakanyorwa na Dhavita, murume akasangana nekurwadziwa moyo pamwe nekutambudzika. Pamwe anotsanangura mamwe manzwira auri kusangana nawo.

    Ndinzwirei tsitsi Jehovhanokuti ndiri panjodzi;ziso rangu rapera nokuchema;zvirokwazvo nomweya wangu;nomuviri wanguwo;nokuti hupenyu hwangu hwapera;nokuchema, namakore angu…

    Jehovha ngaavongwe nokutiakandiratidza unyoro hwakehunoshamisa paguta rakasimbaKana ndiriini ndakati pakukaruka kwangu,‘Ndabviswa pamberi penyu’ Kunyange zvakadaro makanzwa kukumbirakwangu pakuchema kwangu kwamuri.Mapisarema 31:9-10, 21-22

    Unoda kuudza Mwari kutii maererano nenjodzi yauri kusangana nayo pamwe nematambudziko auinawo nhasi?

    ZUVA 1 •••••••••••••••••••••••••••••••

  • Kunzwa Kushaiwa SimbaZvakavanda zvirikuitika uye zvinhu zvirikuramba zvichiitika.

    Handikwanise kumisa kuuya kwe nhau dzakaipa. Handikwanise kuchengetedza pamwe nekupa zvekudya kumhuri yangu.

    Ndinonzwa kushaiwa simba.

    Nyika haisisina kuchengeteka.

    Chikonzero chinoita kuti matenda atyise ndechekuti hatina zvatingaite nekuda kwavo. Tinoziva zviri kuitika asi hatizive kuti achakonzeresei kana kuti achapera riini.

  • Hatizive kuti hupenyu huchagadzikana riini. Kune vazhinji vedu, kusaziva uku hakuna kutinakira.

    Kana takambenge tichivimba nekugona pamwe nesimba redu kuti tinzwe kuchengetedzeka, tinonzwa kushaiwa simba kana njodzi ichinge yabvisa simba redu. Asi nyangwe tisina simba rekuzvibatsira, Mwari, musiki wedenga nenyika, vanoramba vakanaka uye vaine simba.

    Tinova nesimba apo patinobatana naMwari, uyo ane simba rekupa upenyu pasi rose.

    Iye anoda kururamanokururamisa; Nyika izerenounyoro hwaJehovhaKudenga-denga kwakaitwa neshokoraJehovha, uye hondo dzose dzokonokufema kwomuromo wake.Anounganidza mvura zhinji yegungwapamwechete somurwi;Anochengeta mvura zhinjidzakadzika mumatura.Nyika yose ngaitye Jehovha;vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.Nokuti iye akataura, zvikaitika;Akaraira, zvikamira zvikasimba…

    Mweya yedu yakarindira Jehovha,ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.Nokuti moyo yedu ichafara kwazvomaari, zvatakavimba nezita rake dzvene.Tsitsi dzenyu ngadzive nesu Jehovhasezvatakakurindirai.Mapisarema 33:5-9, 20-22.

    Simba ra Mwari pamwe nekunaka kwake kunoderedzwa nekuda kwenjodzi dzinotiwira.

    Ndedzipi nzvimbo dzekushaiwa simba dzaunoda kuti Mwari ave simba pamwe nenhovo yako?

    •ZUVA 2 ••

    ••••••••••••••••••••••••••••

  • Zvakwana!Zvanyanya! Handichakwanisa kunangana nekuita chinhu.

    Zvavekunetsa kurangarira zvandirikuedza kuudzwa nevanhu. Ndaneta chose, asi handikwanise kurara. Ndinonzwa kumira moyo.

    Handikwanise kudya. Ndinonyangadzwa nevanhu vose uye handichina moyo murefu nezvinhu zvose. Ndakuda kungoti zviende!

    Zvakaoma kuedza kukunda njodzi. Zvikamu zvese zvekurarama kwedu kunovhiringidzwa nezviri kuitika. Maitiro edu emazuva ose haachashandi. Kuita chinhu kwave kunetsa, uye pane zvakavanda zvekuita asi hatizive kuti tinotangira papi.

    Tinonetseka kuti toita sei.

  • Kuita zvataisiita mazuva ose kunotirangaridza zvatakarasikirwa nazvo pamwe nekusaziva zvichaveko mangwana. Kuchema nekuda kwekurasikirwa ikoko pamwe nekusangana nezvatinotya kunotipedza pfungwa. Ndomhaka tichinzwa kukundikana!

    Asi tinova nechivimbo chekuti; Mwari vanonzwa kutambudzika kwedu uye vanotipa huvepo hwavo.

    Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari, Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.Nditeererei mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu ndichivuvura.

    …moyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira. Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva!Ndaibhururuka ndikazorora. Tarira ndingadai ndaitizirakure, ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundovanda, nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.”

    Kana ndirini ndichadana kuna Mwari, Jehovhaachandiponesa. Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura, iye achanzwainzwi rangu.Mapisarema 55:1-2, 4-8, 16-17

    Unotsvaga nzira dzipi dzekuti Mwari ave hutiziro hwako pamwe nesimba rako munguva yekutambudzika?

    ••

    ZUVA 3 •••••••••••••••••••••••••••••

  • Mwari Varikutiranga Here?Kana ndichinge ndiri ndoga, ndinofunga kuti sei Mwari vakatendera kuti denda iri riitike.

    Mwari vakatitsamwira here?

    Varikutiranga here?

    Vamwe vanhu vanoti vari kutiranga uye tinokodzera kurangwa. Izvi zvinondipa kuti ndzinzwe mhosva nezviri kuitika.

    Mwari vachiri kutida here, kana kuti vatifuratira?

    Bhaibheri rinotiudza nezvemurume ainzi Jobho uyo akasangana nenjodzi dzakawanda. Akarasikirwa nevana vake, pfuma yake yakaparara, uye akarwara zvakasimba. Shamwari dzake dzaiti pane zvaakaita zvakasaka kuti Mwari vamurange.

  • Shamwari yaJobho inonzi Eripazi yakati:

    Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi? Sezvandakaona ini, vanhu vanorimira zvakaipa nevanodzvara zvakashata ndivo vanokohwawo izvozvo. Vanoparadzwawo nomweya waMwari, Vanopedzwa nekufemakwokutsamwa kwake.Jobho 4:7-9

    Funga kuti Jobho akanzwa sei nekuda kwe “mashoko ekurudziro” aya! Asi Mwari vakati shamwari yaJobho yakange yareva zvisizvo. Mwari vakange vasiri kutumira njodzi kuna Jobho. Njodzi pamwe nekuomerwa neupenyu kunounza kutambudzika kukuru kunongouya kumunhu wese wese. Kana nguva dzakadai dzauya, tinofanira kuvimba ne rudo rwaMwari rusingagume.

    Rangarira kutambudzika kwangunenhamo yangu, iro gavakava nenduru.Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifungaizvo, naizvozvo ndine tariro.Nokuda kwounyoro hwaJehovha,tigere kupedzwa nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva, kutendeka kwenyu kukuru.Mariro 3:19-23

    Mutoro mukuru wekutya kuti takazviunzira njodzi. Nekuda kwerudo rwa Mwari rusingashanduke, hatifanire kutakura mutoro uyu. Tinowana zororo muhunyoro hwerudo rwake.

    Govana naMwari zvinoreva rudo rwake munguva dzakaoma kudai.

    •••

    ZUVA 4 ••••••••••••••••••••••••••••

  • Misodzi IsingamisikeNdinongoona ndave kungochema munguva dzese dzese.

    Zvakanyanyoipa kana ndiri ndega, asi kana ndichichema pane vanhu ndinonzwa kupera simba pamwe nekunyara. Ndinonzwa kunge ndinoda kutsanangurira vanhu, asi nguva zhinji handikwanise.

    Ndinongonzwa kusuwa kusingaite pamwe nekushaya tariro.

    Hazvishamisi kusangana nemanzwiro ekusuwa, hukasha pamwe nemamwe manzwira munguva dzakaoma.

    Kuratidza manzwira aya kubudikidza nekuchema kune hutano kuitira kuti ukunde zvirikuitika kwauri. Uye nekuda kwerudo rwukuru rwaMwari, hatifanire kuzvichengetera manzwira akadai, tinofanira kuzviudza Mwari.

  • Mwari vanonyatsonzwisisa kutambura kwevanhu uye vanotikoka kuti ticheme kwaari kana tichinge tichitambudzika.

    Kana tichinge tatsamwiswa, Mwari vanonzwa marwadzo edu.

    Kana tichichema, Mwari vanochema nesu.

    Hakuna njodzi kana manzwira ekutambudzika asingasvike nerudo rwake runodzikinura.

    Moyo yavo yakadana kuna Ishe.Iwe rusvingorwomukunda weZiyoni,misodzi ngaiyerere sorwizi masikati,nousiku usazorora, mboni yeziso rakoisarega kuchema.

    Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguvadzose; durura moyo wako semvura pamberipaJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokudakwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.

    Ndakadana zita renyu Jehovhandiri mugomba rakadzika kwazvo.Makanzwa inzwi rangu, regai kundivanziranzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu. Makaswedera nezuva randakadana kwamuri Makati usatya.Mariro 2:18-19, 3:49-50, 55-57

    Mwari ari kurutivi rweavo vanotambura. Tinovimba kuti achaswedera pedyo nesu kana tadurura marwadzo arimumoyo medu kwaari.

    Une munamato here wekutenda Mwari nekuda kwe huvepo hwake mumarwadzo ako?

    ••••

    ZUVA 5 •••••••••••••••••••••••••••

  • Ndiani Anonzwisisa?Ndakafunga kuti zvinhu zvave kunaka asi nhau dzanhasi dzanga dzisina kunaka.

    Ndaodzwa moyo pamwe nekuneta nazvo.

    Handichada kunzwa kana kuona dzimwe nhau zvakare.

    Handichadi kuyeuchidzwa kuti zvinogona kuipisisa.

    Handichadi kuona munhu anouya achindiudza kuti tichava neunhu hwakanaka uye tichabatana kubudikidza nezvirikuitika izvi.

    Havazive kuti kwandiri zvakamira sei.

    Ichokwadi, hapana anoziva kuti zvinoita sei kune vanosangana nematambudziko.

  • Tinogona kuda kubatsira kana kukurudzirana asi hatizive kuti tinozviita sei. Nokudaro, nekuda kwekusanyatsoteerera, tinogona kutaura zvinhu zvisina kukwana kana kutaura zvinhu zvinounza kutsamwa pamwe nemarwadzo pachinzvimbo chekupa mashoko anonyaradza.

    Asi kune munhu anonyatsokuziva uye anokuda zvausingambofungidzira. Anoziva zvese zvine chekuita newe, mafungiro pamwe nemanzwiro. Nezvese zvaungade, anokukoka kuti uuye kwaari:

    “Uyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.”Mateo 11:28-30.

    Mashoko ake ne huvepo hwake hunopa kugadzikana kune avo vanomutsvaka:

    Jehovha imi makandinzvera nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.Munocherechedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose.Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha matoriziva rose.Mapisarema 139:1-4

    Hazvikudzikamisi here kuzivikanwa pamwe nekunzwisiswa pamwe nekuwana zororo mumatambudziko ako? Haufanire kutakura mutoro wega.

    Ungavimbe naMwari here kuti akuzive pamwe nekukupa zororo?

    •••••

    ZUVA 6 ••••••••••••••••••••••••••

  • Mwari wakanaka here?Handinzwisise kuti sei mwari vakatendera denda iri.

    Muvengi watisingaone anongoerekana auya otanga kuuraya vanhu asingasarudze. Kunyangwe vana mukoti, madhokotera vanoshanda usiku namasikati kubatsira avo vanorwara, vanotangawo kurwara wofa.

    Ko nei Mwari vachitendera zvakadai kuti zviitike?

    Kana tichitambudzika munguva yakaoma, zvinotarisirwa kuti tinobvunza mibvunzo.

  • Tinoda kuziva kuti ndiani ane mhosva, nei matambudziko aitika, chii chingadai chakaitwa kuti zvisaitike, zvii zvimwe zvatingaite kuti zvimire, uye Mwari varikuitei mumatambudziko aya.

    Kubvunza mibvunzo yakaoma kunorwadza, kunyanya tikatanga kubvunza hunhu hwaMwari pamwe nechinzvimbo chake mune zviri kuitika.

    Hatisi tega mukuita izvi. Jobho paakarasikirwa nevana vake, pfuma pamwe nehutano, akatambudzika nezvakange zvichiitika kwaari. Akazvisimbisa, akapomera Mwari, akabvunza Mwari kuti vamupindure! Chinoshamisa ndechekuti Mwari vakateerera mashoko ose aitaurwa naJobho. Jobho paakapedza, Mwari vakamuudza zvazviri kuva Mwari vakasika uye vanodisa zvisikwa zvose zviri pasi rino. Mwari vakati:

    Ko munhu anokakavara,angaita nharo nowaMasimbaose here?Anoita nharo naMwari ngaapindure.Ipapo Jobho akapindura akati,“Tarirai ini ndiri muduku hangundingakupindurai here?Ndinofumbira muromo wangu.Ndakataura kamwe, asi handingapindurezve;zvirokwazvo kaviri asi handingapamhidzizve.”

    “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvoseuye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo?Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi,zvinhu zvakandishamisa kwazvo zvandakangandisingazivi.”Jobho 40:2-5, 42:2-3

    Tinogona kushaya mhinduro maringe nematambudziko atiinawo, asi Mwari vakanaka uye vane rudo, vanoramba vachishanda nenzira dzine simba zvatisingafungidziri.

    Ndeipi mibvunzo yauinayo yaunoda kuudza Mwari?

    ••••••

    ZUVA 7 •••••••••••••••••••••••••

  • Kuva wega mukurwadziwaMoyo wangu unorwadza!

    Vanhu varikurasikirwa nemabasa avo pamwe nedzimba dzavo. Vadzidzi varikurasikirwa nemikana yamangwana. Vamwe varidzi vemabhizinisi varasikirwa nemari dzavo.

    Uye kurasikirwa nehupenyu kwanyanyisa.

    Chikurusa ndechekuti hatikwanise kubatsirana.

    Ndawodzwa moyo zvekuti handichazive kuti ndoita sei.

    Mwari Havana kutisikira kuti tigova tiri tega mumarwadzo. Vakatiisa mudzimhuri, neshamwari, pamwe nemunharaunda kuitira kuti tibatsirane munguva dzakanaka pamwe nemunguva dzekutambudzika pamwechete.

  • Bhaibheri rinotaura kukosha kweukama hwavanhu, rinotiudza kuti waviri vari nani kudarika munhu mumwe, pamwe nekutikurudzira kuti tidanane. Kuudzana zveupenyu pamwe nekupana zvekudya kunosimudzira mweya.

    Asi tinoita sei kana dambudziko rikatimanikidza kuti tive toga, patinenge taodzwa moyo pamwe nekuneta? Tariro yedu iripapi kuitira hushamwari, kunyaradzwa, pamwe nekurudziro? Bhaibheri rinotiudza nezva Eriya, murume akasangana nemhirizhonga yeupenyu inouraya uyo akazviona senge asiiwa oga akapedzisira akanda mapfumo pasi.

    Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake, akati, “Zvaringana hazvo, zvino chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara.

    Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, Simuka, udye. Akatarira akaona pedo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya akanwa, akavata pasizve.

    Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka udye, nokuti uchakundwa norwendo. Akasimuka, akadya akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo,mazuva makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.1 Madzimambo 19:4-8

    Mwari vaiziva kudzama kwaive kwakaita kuora moyo kwaEriya uye akatumira rubatsiro nenzira yakange isingatarisirwe. Mwari vanonzwisisawo kurwadziwa moyo kwako.

    Namatira moyo unogamuchira zvipo zvisingatarisirwe zvekurudziro kubva kuna Mwari.

    •••••••

    ZUVA 8 ••••••••••••••••••••••••

  • Kuchengetedzwa mumhirizhongaZuva roga roga rinounza hupenyu hutsva.

    Hakuchina chiri nyore, kunyangwe kubuda kunotenga chingwa kana mukaka.

    Zvinhu zvose zvangove mhirizhonga.

    Ndakutya kuti mangwana richazovei. Chii chichaitika kana ndikatadza kutenga chikafu kana mishonga? Hupenyu huchazogadzikana here?

    Kwese kwaungave uchigara panyika ino, denda reCOVID 19 ririkuunza shanduko muupenyu hwemazuva ose. Hakuna anokwanisa kutiza zvirikuitwa nechirwere ichi kana shanduko inotarisirwa kuti tiite kuitira kuti kupararira kwacho kuderedzwe. Hurumende zhinji dzirikunetsekana nekutsvaga nzira dzavangaite kuti vaise mitemo pamwe nezvingaitwe kuderedza kupararira kwechirwere ichi.

    Munhu wese arikudzidza pamwe nekukanganisa.

    Mugumisiro wacho imhirizhonga.

  • Patinoedza kugarisika mushanduko inenge yauya panyika, tinova nechokwadi kuti naMwari hapana chashanduka. Anoramba achitida. Anoramba achititarira. Achingori dombo retariro pamwe nesimba achivimbisa kuti anenge ainesu kunyangwe tikavirwa nenjodzi.

    Mwari ndiye hutiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo pedo panguva dzokumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyangwe nyika ikashanduka, uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa, kunyangwe mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.Mapisarema 46:1-3

    Usatya nekuti ndinewe, usavhunduka nokuti ndiri Mwari wako, ndichakusimbisa, zvirokwazvo ndichakubatsira, zvirokwazvo ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.Isaya 41:10

    Vunyoro hwenyu ngahuzivikanwe navanhu vose. Ishe uri pedo. Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe, asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira pamwe chete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu munaKristu Jesu.VaFiripi 4:5-7

    Kumbira Mwari runyararo kuti kufunganya kwako, kutya pamwe nekusagadzikana kuende.

    Zembera paari kuitira rubatsiro pamwe nesimba munguva yakadai.

    ••••••••

    ZUVA 9 •••••••••••••••••••••••

  • Kushuwa vemunharaundaHandina kumbobvira ndakafungira kuti utachiwana hungakwanisa kundipatsanura kubva kuvanhu pamwe nezviitiko zvakandikoshera. Zvino tave pano patavekuenda kukereke kubudikidza nenharembozha pamwe nemakombiyuta. Ndinotenda mharidzo dzemafundisi edu, asi ndasuwa kuwadzana, kutaurirana, minamato pamwe nekurudziro inobva kune vamwe.

    Nguva dzekuparadzana nenharaunda kuitira kurudziro dzinorwadza.

    Tinonzwa kuva tiri tega uye hatizvifarire. Mwari vanoda kuti maKirisitu adanane, avadzane izvo zvinova zvinorwadza kana taparadzana.

  • Kunyangwewo maChristu ekutanga akashingirira kuparadzana kubva kumhuri yepamweya.

    Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu, uye nerudo rwoMweya kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu …kuti ndiuye kwamuri nemufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi. Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.VaRoma 15:30,32-33

    Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu, tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu. Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita. Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu.1 VaTesaronika 1:1-3, 5:11,16-18

    Hongu zvinotora simba rakavanda kuratidza rudo pamwe nekuchengeta hukama munharaunda apo patinge tichizvidzivirira mukuparadzirwa kwechirwere che COVID 19. Asi kana tiri kure ne kure, hukama hwedu naKirisitu hunotibatanidza. Uye tinozopembera patichaonanazve.

    Parizvino, namatiranai uye edzai nepose pamunogona kuchengetedza hukama hwenyu panguva iyi yekuparadzana uye yekusasangana.

    •••••••••

    ZUVA 10 ••••••••••••••••••••••

  • KutsamwaNdakatsamwa here? Munofungei?

    Hatichawane zvatinoda zvemazuva ose uye handina kwandingavane rubatsiro. Zvinoita sekunge hapana anebasa neni.

    Hongu, ndakatsamwa nekuda kwezvose!

    Ndinoshushikana kana tikarasikirwa nekuva nechikuriri muupenyu hwedu sekusangana kwataita nedenda re COVID 19. Kana tikasangana nezvinhu zvatisina mhinduro yazvo, manzwira ekusagadzikana, pamwe nekutya anowedzera. Mamiriro ezvinhu aya anotungidza hasha, izvo zvinozoita kuti tiparare.

    Kutsamwa hakuna kuipa.

  • Kunyangwe Mwari vanotsamwa.

    Asi hasha dzavo dzakasiyana nedzedu uye vanoda kuti tidzidze kubva kwavari.

    Jehovha ane tsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi achirwa, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.Mapisarema 103:8-10

    Munoziva henyu izvozvo hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa anonoke kutaura, anonoke kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.Jakobo 1:19-20

    Tsamwai musingatadzi, zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa, Shungu dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose ngazvibviswe kwamuri, muitirane moyo munyoro,munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari.VaEfeso 4:26, 31-32

    Mwari vanoziva marwadzo, kushushikana pamwe nekutsamwa kwedu. Hatifanire kuviga manzwira aya. Asi vanotikumbira kuti tidzore hasha dzedu kuitira kuti tisakuvadze vamwe vanhu tigotadza kusvika panezvishuwo zvaMwari kuitira isu.

    Udza Mwari kutsamwa kwako uye vakumbire kuti vakubatsire kuti urambe wakarurama mumamiriro ezvinhu ose.

    ••••••••••

    ZUVA 11 •••••••••••••••••••••

  • Kubva pana MwariNdinonzwa sekunge Mwari varikure uye havatinzwire.

    Haana hanya neni here? Arimubishi kuita zvimwe zvinhu here? Achine hanya here?

    Ndinonzwa senge ndiri ndega. Zvinobatsira kana ndikaziva kuti Mwari Havana kundirasa munguva yekutambura kwangu.

    Kubva pakutanga kusvika kumagumo, Bhaibheri inyaya yerudo rwaMwari kuvanhu vose. Bhaibheri rinosimbisa kuti Mwari vanoda kugara matiri.

    Mwari vanoshuwira kuva nesu zvisinei nekuti mamiriro ezvinhu akaita sei.

  • Mwari pavakadzikinura vaIsraeri kubva muIjipita achivaisa munyika yechipikirwa, vakasangana nevavengi vaityisa. Mwari vaizviziva kuti vachanzwa kunge vari voga, vasiiwa uye vachitya. Nokudaro Moses akavapa shoko rakakosha rakabva kuna Mwari:

    Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako…Simbai mutsunge moyo, musatya kana kuvhundutswa navo nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi…Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi, usatya kana kuvhundutswa.Dheterenomi 31:3,6,8

    Chishuwo chaMwari chekuva nesu hachina kuderera. Jesu paakauya panyika, akapiwa zita rakaisvonaka rinonzi Imanueri, zvinoreva kuti Mwari vanesu. Uye Jesu paakaenda kudenga kuna Baba, akavimbisa kuti Mweya Mutsvene uchauya wogara pakati peavo vaitevera Jesu. Nekuda kwekuti Mwari airamba achigara navo, Jesu akavakurudzira achiti,

    Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.Johani 14:27

    Kunyangwe tichinzwa kushungurudzika uye tiri toga, Mwari havasikure.

    Swedera pedyo naye nekuti iye ari pedyo newe.

    •••••••••••

    ZUVA 12 ••••••••••••••••••••

  • Vasingasiyani!Zvinoita sekunge denda iri haridzoreki. Patinochinja tinoona tichizoda kuchinjazve.

    Shanduko yoga yoga inotipatsanura. Zvinofanira kunge zvakatinakira, asi ndinonzwa sekunge ndave ndoga uye ndaparadzaniswa pamweya zvekare!

    Njodzi dzerudzi rwupi dzinokanganisa hukama, kwete nemhuri chete asi neshamwari uye neukama naMwari.

  • Kuneta nekuda kwekushushikana, kusuruvara nekuda kwekurasikirwa, pamwe nekutya nekuda kwekusaziva ramangwana zvinoita kuti tinzwe sekunge tiri toga. Zvechokwadiwo kuva tiri tega uko kunoderedza kupararira kwe denda reCOVID 19 kunoita kuti manzwira aya awedzere. Tinogona kusava nechokwadi chekuti hukama hwedu naMwari huchipo here.

    Kunyangwe tichinzwa sekunge tiri tega pamweya kana kuti tisisina tariro kuti tichine rudo pamwe huvepo hwaMwari here munguva dzinoshungurudza, Mwari vanotipa nhau dzakanaka.

    Hakuna chinotiparadzanisa nerudo rwake.

    Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKirisitu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? ...Kwete pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu kana vatumwa, kana vanesimba kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba. Kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.VaRoma 8:35,37-39

    Izvi zvinhu zvakawanda zvisina simba rekutiparadzanisa nerudo rwaMwari! Dzidziso yaPauro yerudo inotirangaridza kuti rudo harukundikani. Rudo rwaMwari rwuri munaKirisitu rwuripo kuitira isu, kunyangwe tichinetsekana kunzwa kubatana nerudo rwacho.

    Taura naMwari pamusoro pechose chinokudzivisa kugamuchira rudo rwake.

    ••••••••••••

    ZUVA 13 •••••••••••••••••••

  • Iva neTariroDambudziko iri parinoenderera, kurarama kunonetsa.

    Zvinhu zvandainge ndajaira hapasisina uye handichina tariro yeramangwana.

    Ndinoramba ndichifunga nezvechitaurwa chekare: Hupenyu hwakaoma uye unofa. Asi ndine mumwe mufungo zvino. Unoita sei kana hupenyu hukaoma worarama?

    Kurasikirwa, kutsamwiswa, pamwe nekuedzwa kweupenyu kunogona kutibira kunyangwe tichida kushingirira.

  • Mwari vanoziva kusasimba kwedu. Vakanzwa kuchema kwaJobho uye akange ari pakati pekuedzwa kukuru.

    Kana ndiine tariro, Sheori ndiyo imba yangu,Ndakawadza nhovo yangu murima…Zvino tariro yangu iripiko?Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?Jobho 17:13-15

    Mwari vakapembera apo muranda wake Dhavidha akawana mufaro pamwe nesimba mutariro yaIshe.

    Mweya wangu rindira Mwari zviro kwazvo nokuti ndinomutarira iye. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu, ndiye shongwe yangu yakakwirira, handingazungunutswi.Mapisarema 62:5-6

    Mwari vanoziva kuti zvakakosha kuva netariro. Murudo rwukuru urwu, anotipa tariro.

    Hauna kuziva here, hauna kunzwa here?Mwari asingaperi Jehovha, Musikiwamativi ose enyika haaziyi, haaneti,njere dzake hadzingazikanwi.Vanoziya anovapa simba, anoshaiwasimba anomuvedzera simba rake.Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose,asi vanomirira Jehovha vachawana simbaidzva, vachabhururuka namapapiro samakondo,vachamhanya vasinganeti,vachafamba vasingaziyi.Isaya 40:28-31

    Unotsvaka tariro kupi?

    Tarisa mberi kwematambudziko ako uye wovimba netariro murudo rwaMwari.

    •••••••••••••

    ZUVA 14 ••••••••••••••••••

  • Kunzwa KumanikanaNdinoramba ndichifunga nezvose zvakaitika kubva vanhu pavakatanga kurwara, kusuruvara kwemhuri dzarasikirwa nevadikani washaya, kuzvipira kweavo vashandi vezveutano pamwe nevamwe varikuedza kubatsira vanhu, vanhu varasikirwa nemabasa uye havachakwanise kutenga chikafu kana kubhadhara rendi pavanogara.

    Ndinoda kubatsira asi ndakamanikana muhope inotyisa.

    Marwadzo pamwe nekurasikirwa nekuda kweCOVID 19 ndekwechokwadi uye kune chikuriri muupenyu hwedu. Zvakanaka kuchema kana tarasikirwa pamwe nekubatsira avo vanotambura vakatikomberedza. Asi kana tikatendera manzwira ekurasikirwa pamwe nekufunganya nekuda kwezvirikuitika, tinogona kunzwa kugumirwa. Tinorasikirwa netariro yemangwana riri nani.

  • Jesu anotipa ruzivo rwekuti tingaite sei. Akadzidzisa vadzidzi vake kuti varorarama sei vasingashushikani nemamiriro ezvinhu akaoma pamwe nekutarira pamifungo kuitira gwara rakanaka.

    Naizvozvo musafunganya muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko? Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose. Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.Mateo 6:31-33

    Nemaonero aya, Jesu akavadzidzisa manamatiro ekutsvaga humambo hwaMwari.

    Zvino imi nyengeterai kudai,Baba vedu vari kudenga,Zita renyu ngariitwe dzvene.Vushe hwenyu ngahuuye,Kuda kwenyu ngakuitwe panyikasezvakunoitwa kudenga.Mutipe nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.

    Mutikanganwire mhosva sezvatinokanganwiravovane mhosva nesu.Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire pane zvakaipa.Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinyanokusingaperi. Ameni.Mateo 6:9-13.

    Kunyangwe mamiriro ezvinhu akaoma sei, Mwari vanoda kuti tive vadyidzani naye mukuita chido chake panyika.

    ••••••••••••••

    ZUVA 15 •••••••••••••••••

  • Kusava nechokwadi-KuvimbiswaHapana chisina kushanduka.

    Paitika shanduko zhinji: mashandiro atinoita, matengero atinoita chikafu muzvitoro, kuwadzana kwatinoita nevemunharaunda, uye kunyangwe nemagariro atinoita semhuri. Handichazive kuti ndovimba nechii.

    Ichokwadi. Hupenyu hunogona kusiyana kwekanguva patinenge tichipora kubva mukutambudzwa nedenda iri, zvimwe hazvizorambe zvakadaro. Asi shanduko, kurasikirwa kunorwadza, pamwe nekuomerwa hazvigare nekusingaperi.

    Kuva mumamiriro ezvinhu akaoma hakurevi kuti Mwari vatirasa kana kuti hupenyu hauzonake zvekare.

  • Bhaibheri rinotiudza nyaya yaJosefa. Akange ari mwana aidisiswa nababa vake, uye vana mukoma vake vaimuitira godo. Josefa akasangana nemamiriro ezvinhu akaoma apo vana mukoma vake pavakamutengesa muunhapwa! Kunyangwe nekumutengesa kwavakamuita, Josefa akava musungwa akanaka muimba memunhu akakudzikana. Munhu mukuru uyu akapa Josefa mubairo kubudikidza nekumuita mukuru wezvinhu zvake zvose. Asi Josefa anozoiswa mutirongo kwemakore akawanda nekuda kwekupomerwa mhosva yaasina kupara.

    Mamiriro ezvinhu akashata haamise Mwari kupedza basa rake. Mumatambudziko iwayo, Mwari vakadzidzisa Josefa nzira dzake uye vakamugadzira kuti ave mutungamiri akachenjera. Josefa akazotungamira Ijipita kuti igadzirire kurarama munzara. Kunyangwe mhuri yaJosefa yakatouyawo kuIjipita kuzowana chikafu!

    Unofunga kuti Josefa akava nemafungiro api nekuda kwezvakange zvave kuitika? Cherechedza kupindura kwaakaita vana mukoma vake avo vaifunga kuti achazovatsividza.

    Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, ‘Tarirai tiri varanda venyu.’ Josefa akati kwavari, ‘Musatya nokuti ini ndiri pachigarochaMwari here? Kana murimi makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe. Naizvozvo zvino musatya ndichakuchengetai, nepwere dzenyu.’ Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka.Mavambo 50:18-21

    Ramangwana harizivikanwi. Josefa akaona kuti Mwari vanotonga uye vanopedza basa ravo kunyangwe iye akange asangana nemamiriro ezvinhu akaoma.

    Kana uchinge wasangana nezvakaoma, chivimbiso chekunaka kwaMwari chinokupa tariro here?

    •••••••••••••••

    ZUVA 16 ••••••••••••••••

  • Kubviswa kwekusuwaKutya pamwe nekurasikirwa nekuda kwedenda iri kuchineni, asi mamwe mazuva ndinonzwa kubviswa kwekusuwa uku.

    Zvinonakidza zveupenyu zvave kudzoka zvakare.

    Ndinetariro yazvakanaka.

    Ndinobuda panze kunofema mweya wakanaka mushure medutu. Ndinogamuchira nharembozha kubva kushamwari pamwe nekuseka nevana vangu.

    Ndiri kufunga nezve nzira dzisina njodzi dzekubatsira wavakidzani vangu vari mumatambudziko.

  • Tinonzwa magumisiro e COVID-19 kwechinguva. Hupenyu hwepanyika haufi hwakanaka kana kusava nemarwadzo. Hatingomuke kuupenyu hwakange huripo kare denda risati rauya. Tinogona kuchema nekuda kwekurasikirwa kwenguva yakareba. Asi tinogona kukurudzirwa patinobvuma zviratidzo zvidiki zvekupora uye togamuchira kuuya kwekupora. Kurudziro iyi inokura patinotora nguva yekutenda Mwari nekuda kwekutipa, kutendeka uye nerudo rwaanotipa.

    Pamwe mapisarema aya akanyorwa achitenda Mwari nekuda kwekuchengeta kwake munguva yakaoma, anoratidza manzwiro ako ekutenda pamwe netariro yamangwana.

    Ndinoda Jehovha nekuti anonzwainzwi rangu nokukumbira kwangu.Zvaakarereka nzeve yake kwandiri,ndichadana kwaari mazuva angu ose.Jehovha ane nyasha, akarurama,zvirokwazvo Mwari wedu ane tsitsi.Jehovha anochengeta vasina mano;Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.Dzokera kuzororo rako,mweya wangu;Nokuti Jehovhaakakuitira zvakanaka.Nokuti makarwira mweya wangu parufu,Nameso angu pamisodzi, Netsoka dzangupakugumburwa.Ndichafamba pamberi paJehovha panyikayavapenyu.Mapisarema 116:1-2, 5-9

    Paunotsvaka maonero matsva pamatambudziko awakasangana nawo uye uchitsvaka tariro paunoenda mberi neupenyu, ungatenda Mwari nekuda kwei, uye ucharatidza sei kutenda kwako kwaari?

    ••••••••••••••••

    ZUVA 17 •••••••••••••••

  • Hausisiri zvawaiva kareNdaisatarisira kuti zvinhu zvichashanduka. Idambudziko huru kuisa hupenyu hwangu pamwechete pahwaiva kare ndisina zvikwanisiro pamwe nemikana yandaisimbova nayo.

    Tiri kufunga nekuda kwezvakakosha uye nekuita sarudzo yezvinhu zvatisina kubvira takambofunga nezvayo.

    Ndakaona kuti ndashanduka. Handichina maonero andaisimbova navo.

    Handisisiri zvandaisimbova.

    Kana mamiriro eupenyu hwedu, zvataisiita mazuva ose pamwe nezvatinokoshesa, kana maonero atinoita nyika yakatikomberedza akashanduka, tinotanga kutarisisa pane zvatiri, zvatinokoshesa, pamwe nekwatiri kuenda.

  • Kusava nechokwadi pamwe neshanduko kunounzwa ne dambudziko kana njodzi kunoita kuti pave neshanduko muupenyu hwedu. Tinogona kuve nechido chekuona izvo zvakakosha kutevera pamwe nekuchengetedza munyika inoshanduka iyi.

    Mwari musiki wedu anotida. Anoda kuti tisimbe maari uye tiwane shanduko yechokwadi inotipa simba idzva, tariro pamwe nechinangwa muupenyu. Bhaibheri rakazara nenyaya dzeshanduko inounzwa nerudo rwaMwari muupenyu hwavanhu avo vasangana nekuvhunduka kwakanyanya kana shanduko isingadiwe. Tarira kuti vamwe vanotii nekuda kwekuvimba naMwari kuti ave nheyo yavo yakasimba:

    Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvonokuti ndinomutarira iye.Ndiye oga dombo rangu noruponesorwangu, ndiye shongwe yangu yakakwirira,handingazungunuswi.Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangunokukudzwa kwangu, Dombo resimba rangunoutiziro hwangu zviri muna Mwari.Mapisarema 62:5-7

    Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunzeachipera hake, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripochinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukurukwakaisvonaka kusingaperi; tisingataririzvinovonekwa, asi zvisingavonekwi, nokutizvinovonekwa zvinopfuura, asi zvisingavonekwindezvokusingaperi.2 VaKorinde 4:16-18

    Unovimba naMwari here kuti ave nheyo yako pamwe nehuvepo hunoshandura muupenyu hwako?

    •••••••••••••••••

    ZUVA 18 ••••••••••••••

  • Kuvana mufaro muupenyuKo ndakararamirei vamwe vachifa?

    Denda iri rine chibhubhubhu.

    Hakuna aifungidzira kuti ndiani anozorwara kana asingarwari.

    Hakuna aitarisira kuti vanhu vanorwara rwara vanorarama vachiri vadiki, vane utano vakafa.

    Hupenyu hwakuita senge hunopwanyika nyore ikozvino.

    Tinogona kuda kuti huve husina kudaro, asi hupenyu hunopwanyika.

  • Hauuye nezvipikiro zvemufaro kana hurefu. Bhaibheri parinotsinhira kupwanyika kweupenyu hwedu hwepanyika, rinotivimbisa zvimwe zvirinani.

    Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa, seruva resango, iye anokura saizvozvo.Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, oneiraenda;Nenzvimbo yaro haichazivi.Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-perikuna vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo.Mapisarema 103:15-17

    Asi vose vanovimba nemi ngavafare, ngavadanidzirenomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira, vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.Mapisarema 5:11

    Nekuda kwerudo rukuru rwaMwari, kuoma kweupenyu haasivo magumo. Tinogona kuwana mufaro usingaperi muupenyu kana tikawana hutiziro mukuregererwa naMwari uye tozvipira kurarama upenyu hunomufadza.

    Mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo, muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomoyo murefu, nomufaro, muvonge Baba vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza. Vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muvushe hwoMwanakomana worudo rwavo, watinedzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.VaKorosi 1:10-14

    Totenda Mwari nekuda kwechipo chake cheruregerero pamwe neupenyu!

    Paunofamba muzuva rako, tarisa dzimwe nguva dzechinangwa, pamwe nemufaro, uye wotenda Mwari nekuda kwehupenyu husingaperi hwaakugovera.

    ••••••••••••••••••

    ZUVA 19 •••••••••••••

  • Kufambira MberiNdirikunzwa kunge ndiri kufambira mberi.

    Ndave kutanga kunzwa kuti mamiriro ezvinhu akaoma aya achapera manje manje.

    Ndinoda kupemberera pamwe nekutarira ramangwana rangu. Asi ndinonzwa mhosva pamwe nekunzwa kuti ndakarasisa vanhu vakafa.

    Hupenyu hune mwaka pamwe nemutinhimira inooneka.

  • Haumire kwenguva yakareba. Kana mhirizhonga yedenda iri ikapfuura, nhetembo iyi yemubhaibheri inotirangaridza kuti kuchave nenguva yekuchema, kupora, kurangarira, pamwe nenguva yekutora danho rekupinda mune ramangwana.

    Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho,uye shoko rimwe ne rimwe pasi pedenga rine nguva yaro. Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa,nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa,nguva yokuuraya nenguva yokuporesa,nguva yokuputsa, nenguva yekuvaka,nguva yokuchema, nenguva yokuseka,nguva yokuungudza, nenguva yokupembera,nguva yokurasha mabwe, nenguva yekuunganidza mabwe, nguva yokumbundikira, nenguva yekurega kumbundikira, nguva yokutsvaka, nenguva yekurega zvirashike, nguva yekuchengeta, nenguva yokurasha,nguva yokubvarura, nenguva yokusona, nguva yokunyarara, nenguva yekutaura, nguva yekuda, nenguva yekurwa, nenguva yerugare.Muparidzi 3:1-8

    Kana manzwira ekuzvipomera mhosva kana ehutengesi achikutadzisa kufambira mberi, gadzira chirangaridzo. Chinogona kukubatsira kufambira mberi. Mwari vakaunza nyaya yekugadzira chirangaridzo kuva Isiraeri vekare. Akaraira vaIsiraeri kuti wavake chirangaridzo chematombo senzira yekuti varangarire kubatsira kwaakaita kuti vayambuke rwizi Jorodhani vachipinda munyika iyo Mwari akavavimbisa.

    Ndeipi nzira yakakukoshera yekuti urangarire nguva yakaoma iyi kana kupemberera ndangariro dzevanhu vauri kusuva muupenyu?

    •••••••••••••••••••

    ZUVA 20 ••••••••••••

  • KugutsikanaNdakasangana nemamiriro ezvinhu akasiyana siyana muupenyu hangu. Pfungwa dzangu dzichiri kuzvirangarira. Ndinonzwa ruzha, ndinoona mifananidzo, ndinorangarira zviso.

    Haisi nyaya yekuti ndinoda kukanganwa zvose zvakaitika, ndinoda kuwana rugare kubva mundangariro dzakawanda uye ndive nemafungiro matsva pazviri.

    Kana tichibatsira vamwe munguva yematambudziko se denda re COVID-19, tinogona kusava nechikuriri pamusoro pemamiriro akadai. Tinogona kushanda kwenguva yakareba tisingazorore. Tinogona kusava nesarudzo yezvekudya kana zvichinge zviripo. Tinogona kushanda tisina zvikwanisiro zvakakwana kana izvo zvinotichengetedza. Rubatsiro rwedu runogona kunge ruchidikanwa nevanhu vakavandisa.

    Mamiriro ezvinhu akadai anounza kusagutsikana.

  • Kugutsikana muzvinhu zvose kunotanga nekuvimba mukutungamirirwa kwatinoitwa naMwari.

    Kugutsikana kunosimbiswa nevanhu vatinoswera navo.

    Shamwari inogona kuunza maonero matsva, kurudziro, kana kukuteerera panguva yakafanira. Kana tikatanga kuodzwa moyo kana kunyunyuta, shamwari inogona kutibatsira kuti tione mamiriro ezvinhu aya nemumwe muwono.

    Pauro akanyora pamusoro pezvaakadzidza nekuda kwekugutsikana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

    Handirevi izvozvi nekuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda, pachinhu chipi nechipi nepazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa. Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.VaFiripi 4:11-14

    “Makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.” Kubatsirana mumatambudziko kwakanaka.

    Ungava nenguva here yekuva nemumwe munhu mumatambudziko ake? Une chivimbo chekudzidza chii pamusoro pekugutsikana nekuda kwekusangana nemunhu iyeye?

    ••••••••••••••••••••

    ZUVA 21 •••••••••••

  • Rudo runopiwaNdaisizviona semunhu anopa, asi pane zvinoshamisa zvakaitika pandakaenda kunotenga muchitoro.

    Vakange vachiganhura zvimwe zvinhu zvatinoda, zvandakatanga kuita kutora zvakawanda zvandaikwanisa!. Kunyangwe zvazvo taida chinhu chimwechete, ndakatora zviviri nekuti ndaikwanisa. Ndakazonzwa mhosva. Ko kana paive nemumwe munhu aida zvinhu izvi asi akazvishaiwa?

    Kuchengeta maonero ekupa, ane rudo uye ane hutano munguva yematambudziko kwakaoma, kunyanya kana usingazive kuti uchave nezvekushandisa zvakakwana kuti urarame.

    Asi kugona kupa kwako kunobatsira kuratidza rudo rwaMwari munyika, uye uchapiwa mubairo nekuda kwazvo.

  • Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.Mapisarema 112:5

    Bhaibheri rinotiudza kuti kupa kwedu kunozova kutenda kunaMwari!

    Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo, arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa, nokuti Mwari unoda munhu anopa nomufaro. Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka, sezvazvakanyorwa zvichinzi, Iye wakaparadzira, iye wakapa varombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi.

    Muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari unovigirwa nazvo kuvonga. Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisavo kuvonga kunaMwari, nokuda kwezvinovonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.2 VaKorosi 9:7-9, 11-13

    Zvakakosherei kuti uratidze rudo rwaMwari kubudikidza nekuva munhu anopa nemufaro, uye ungazviita sei?

    •••••••••••••••••••••

    ZUVA 22 ••••••••••

  • KunyaradzanaPandakatanga kurwara ne fivhiri, ndakatanga kuzvitsaura kubva pane vamwe kwemazuva gumi nemanomwe. Semunhu anoda kuita zvinhu, nguva iyi yakandirwadza.

    Ndakange ndichinzwa kuneta, ndisingagone kudya. Ndakange ndiri ndega uye ndichitya kuti zvinogona kuzoshata. Zvakazobuda pachena kuti ndakange ndisina COVID-19, asi izvozvi nekuda kwekuti ndapora, ndinonzwa kuti nguva yandakange ndakazvitsaura yakange isina zvayakshanda. Ndakatambura pamwe nekushungurudzika mahara!

    Kutambura kunoita kuti unzwe kuti uri wega.

    Tinogona kunge tisina munhu anotinyaradza.

    Ndinonzwa sekunge pasina munhu anotinzwisisa kuti tiri kutambura sei.

  • Neimwe nzira, kutambura kwedu kwakasiyana siyana, uye hakuna mumwe angagone kuziva manzwira edu chaiwo. zvakadaro, kutambura chinhu chatinosangana nacho tese. Kana tikasangana nehuvepo hwaMwari hunonyaradza mukutambura kwedu, tinogona kunyaradzana nevamwe mumarwadzo pamwe nekuva vari voga.

    Apostora Pauro vakasangana nekutambura kukuru munguva iyo vaifamba neVhangeri kusvikira pavakati vakange vaneta neupenyu! Asi apo pavanonyora nezvematambudziko aya, anomatsanangura sechipo chaanokwanisa kugoverana nevamwe.

    Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose, iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvo vo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu, kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzika vo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamadambudziko, saizvozvo vo pakunyaradzwa.2 VaKorinde 1:3-7

    Tinogona kuona nguva yekutambura pamwe nematambudziko isina kana basa, asi nomuono waMwari, nguva idzi mukana mukuru wekugovana kutambura kwedu nevamwe.

    Ndekupi kunyaradzwa kwavakagamuchira kubva kuna Mwari kwaunopawo vamwe?

    ••••••••••••••••••••••

    ZUVA 23 •••••••••

  • Chipo chekubatsira vamweMuhoro wangu wakadimburwa nekuda kwedenda iri, uye mushure mekubhadhara rendi takanga tisisina mari yekutenga chikafu. Zvakatininipisa kugamuchira rubatsiro kubva kune vamwe sevanhu vakange vajaira kuzviitira zvinhu zvavo.

    Takange tisingade kunzwirwa tsitsi asi takatenda rubatsiro urwu.

    Kubatsira vamwe munguva yematambudziko kunoita senge kuri nyore. Asi kubatsira kunogona kureva zvakawanda zvichienderana nekuti rubatsiro rwapiwa sei uye rwapiwa naani.

    Kune vamwe vanhu, kubatsira kunoreva kupa vanhu zvinhu zvavasingakwanise kuzviwanira voga. Kune vamwe, kubatsira kunoratidza rudo pamwe nekunzwira vamwe.

  • Kubatsira vamwe kunogona kukonzerwa nekuva nemoyo wekupa kana kusvibiswa nekuda kwekunzwira vamwe tsitsi pamwe nekunzwa mhosva.

    Kupa kunogona kushandura hupenyu hwevanhu kana kuchinge kwaitwa nekunzwisisa kune kurevesa, kunzwa tsitsi pamwe nerudo. Kubatsira vamwe kunogona kuratidza vanhu kuti Mwari vakaita sei, uye kuti vanotida zvakadii. Ongorora mharidzo pamusoro pekubatsira vamwe kubva munyaya iyi yatinowana muhushumiri hwa Jesu.

    Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagogi avo, achiparidza Evhangeri yovushe, nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose kuvanhu. Asi wakati achivona vanhu vazhinji akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vaneta, vakapararira samakwai asina Mufudzi.

    Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve nevamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu.Akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri.Mateo 9:35-36, 15:30-31.

    Pese paunobatsira mumwe munhu, chimbofunga zvinoreva pamwe nezvauchaita. Namata kuti Mwari vakubatsire kuti unzwisise pamwe nekuita zvimwechetezvo zvakaitwa naJesu paaibatsira vanhu.

    Kumbira Mwari kuti vakupe chipo chekubatsira vanhu kuitira kuti vanhu vaone rudo rwaMwari uye kuti vagone kumurumbidza nekuda kweunaku hwake.

    •••••••••••••••••••••••

    ZUVA 24 ••••••••

  • DananaiNdiri munhu mukuru. Ndinogara ndega pasina mhuri padhuze, uye zvakashamisa apo vanhu vose vemunharaunda yedu vakanzi vasabude panze kwemwedzi wose!

    Ndakasuva vandaishanda navo, kusangana neshamwari, pamwe nezvinhu zvose zvandainge ndajaira kuita. Dzimwe nguva, kusasangana nevamwe kwakaita kuti ndinzwe kunge ndisingakwane pane vamwe uye kuti handina kukosha kune vanhu.

    Kwese kwese kwatinogara, denda reCOVID-19 rinotikanganisa. Kuzvidzivirira kwakanaka kwakafanana nekuzvitsaura, kusabuda panze, pamwe nekushanda kana kudzidza uriwega kunotikanganisa mupfungwa.

    Takasikwa kuti tirarame neukama naMwari pamwe nevamwe vanhu, nokudaro kuzvipatsanura kunokanganisa zvikuru.

  • Kana uchinzwa kunge uri wega uye kusava nechokwadi paunenge uriwega, usakanganwa kuti vanhu vose pasi rose varikutamburawo sezvauri kuita. Tinogona kuwadzana nehama neshamwari kubudikidza nekuvanyorera tsamba panharembozha kana pahindaneti pamwe nekuvafonera kuti tivaratidze rudo.

    Sevanhu vekutenda, tinechikomborero pamwe netariro yekubatanidza moyo yedu pamwechete pamwe nekunamatira vamwe pamwe nekunamata pamwechete nevamwe.

    Zvino pamusoro pezvinhu zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwa vo mumuviri mumwe, ivai nokuvonga. Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande, nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu, vuye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.VaKorosi 3:14-17

    Mwari havanakuti munhu anofanira kurarama upenyu ari oga. Kana tikabatanidzwa nekutenda, tinokwanisa kutsigirana pamwe nekukurudzirana mumunamato.

    Une here munhu waungakwanise kunamata naye kuitira zvose zvamungada, kuitira vanhu vemunharaunda menyu, kuitira vanhu vose varikutambura pasi rose uye pamwechete nekurudziro murwendo rwekutenda?

    ••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 25 •••••••

  • Kusarudza KuregereraNdinoramba ndichingofunga kuti imhosva yaani yezvirikuitika izvi.

    Munhu wese arikuvhiringika. Ndiani arikuita sarudzo chaidzo? Uye ndiani arikuita kuti zvinyanye?

    Kuziva vekupa mhosva kunoita kuti ndigadzikane mupfungwa mangu.

    Kana zvinhu zvichinge zvisisadzoreke, kana tichitsungirira muzvinhu zvakaoama, kana tichitambudzika nekuda kwekurasikirwa, tinonzwa kufunga kuti kuwana mhinduro pamusoro pekuti zvii zvakaitika uye pamwe nekutsvaka vekupa mhosva kunoita kuti tinzwe zvakanaka. Ndomhaka mifungo yekuti pane vanhu vazvikonzeresa ichiwanda munguva yematambudziko.

  • Mhinduro inogona kupodza kusava nechokwadi pamwe nekuderedza kuvhiringika kwedu kwenguva pfupi. Asi kupa mhosva hakushandure mamiriro ezvinhu uye hazvitibatsire kuti titsungirire mumatambudziko anenge aitika.

    Chokwadi ndechekuti zvakaoma kusangana nedenda repasi rose. Hatina mhinduro. Zvinhu zvatinenge tisingatarisire zvinoitika. Sarudzo yatinoona kunge yakanaka nhasi inenge isisiri iyo yakanaka mangwana. Kana tichinge tiine kushungurudzika kukuru, tinogona kuitira vanhu hasha.

    Tese tinozodemba nekuda kwezvatinenge takaita. Tinozoona kuti tingadai takaita sarudzo dziri nani. Asi hatifaniri kuramba takasungwa mukuzvipa mhosva. Kuzvikanganwira pamwe nekuregerera vamwe kwakaoma asi idanho rakakosha rekuti tifambire mberi netariro.

    Muitirane moyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe, Kristu sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemi vo.VaKorosi 3:13

    Muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari.VaEfeso 4:32

    Mwari vanotiregerera zvivi pamwe nemhosva dzedu. Tinogona kuita zvimwechetezvo kune vamwe. Pane here vaurikupa mhosva yaasingakodzeri? Ndedzipi mhosva dzawakabatirira vamwe dzinoita kuti urambe wakabatirira zvekare?

    Ungape ani chipo chekuregerera icho chawakapiwa naMwari pachena?

    •••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 26 ••••••

  • Hupenyu HwakazaraNdiri kusuwa hupenyu hwangu hwekare.

    Ndinoshuwira kuti dai zvinhu zvadzokera sekare.

    Ndinoziva kuti zvakaoma pamwe nezvatinotya mazuvano zvichapfuura. Pano neapo ndinoona zviratidzo zveupenyu hutsva kumberi.

    Mamwe mabhizinisi arikugadzirira kuda kuvhura, asi handifungi kuti hupenyu hucharamba huri sehwaivepo kare.

    Kana nguva yekuti titange hupenyu hwedu hwemazuva ose mushure mekunge tararama mudambudziko iri, tinenge tiine tarisiro yezvakanaka. Asi zvakadaro, patinosangana nezvokwadi yeupenyu hutsva uhu, kurasiswa pamwe nezvinetso zvinotiodza moyo. Asi zvinotipa mukana wekuona upenyu neimwe nzira yatakange tisati tambofungidzira.

  • Wakagadzirira here kurarama upenyu hutsva? Shanduko inotipa mukana wekutanga hupenyu patsva pamwe nekuvaka hupenyu hurinani. Tinogona kuita zvatinofunga muupenyu. Tinogona kushanda kuti tivake hukama hwakapwanyika. Tinogona kutanga kuita maitiro edu ane hutano. Tinogona kuva nemamwe mafungiro ekutenda kwedu munaMwari uye nezvaanokwanisa kuita muupenyu hwedu.

    Panguva yaakange ari panyika, Jesu akaratidza pamwe nekudzidzisa vanhu maererano nekuda kweupenyu hwakazara uyo hwaanopa. Vamwe vanhu vakamuramba. Vamwe vakawana tariro mudzidziso yake uye vakagamuchira zvinangwa zvake. Akati:

    Mbavha inongouya kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya kuti uve neupenyu, uye hupenyu huzhinji.Johani 10:10

    Apostora Pauro vakataura manzwi emuporofita Isaya apo aitsanangura nezveupenyu huzhinji hunopiwa naMwari:

    Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumoyo womunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.’ Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya, nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.1 VaKorinde 3:9-10

    Mwari vanotipa mukana wekurarama upenyu hutsva, hwakazara uye husingaperi uyo husingabiwe kana kuparadzwa nezvingaitike panyika.

    Hupenyu hwakazara hunopiwa naMwari hunokwana papi pazvirongwa zvako?

    ••••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 27 •••••

  • Tariro yadzorerwaHupenyu hunogona kuita utsinye.

    Mumwe musi uri mutano uye uchirarama hupenyu hwako hwavajaira, asi chiri pori potyo unotanga kurwara nekuda kwehutachiwana husingaoneki hunogona kukuuraya.

    Ndinonetsekana nekugamuchira kuti upenyu hunogona kuve hwakadaro.

    Kwandiri hupenyu hauchisina kunaka.

  • Mwari pavakasika denga nenyika, zvakange zvakanaka zvachose. Zvose zvakagadzirwa naMwari zvairatidza chimiro chake, hunhu hwake, mafungiro pamwe nechinangwa. Zvose zvakange zvakaisvonaka uye zvaishanda semashandiro aaida. Asi kumukira Mwari pamwe nezvivi zvakaparadza nyika yakange yakanaka. Mhirizhonga yakaparadza hurongwa hwaMwari hwaive hwakanaka, uye nyika yave kurarama yakaparadzana neukama naMwari.

    Nhasi nyika haina kunaka semasikirwo ayange yakaitwa naMwari. Marwadzo, kusuruvara, kuvhiringika pamwe nekushungurudzika kwatinonzwa kubudikidza nedenda iri ndiwo manzwiro atinoita upenyu kana hukama hwedu naMwari hukaparadzwa. Asi hatifanire kuramba tichigara mukurwadziwa, kushaiwa tariro. Mwari vakatuma mwanakomana wavo Jesu kuti adzoredzanise hukama naMwari. Uye akavimbisa kuti rimwe zuva zvisikwa zvose zvichanatsurudzwa.

    Nokuti Mwari wakada nyika, nokudaro wakapa mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti arashe nyika asi kuti nyika iponeswe naye.Johani 3:16-17

    Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.VaRoma 15:13

    Kana zvivi zvedu zvikaregererwa uye kana hukama hwedu naMwari kukadzoserwa, tinogona kurarama murunyararo pamwe netariro. Tinogona kuva nechinangwa nehupenyu hutsva, kuziva, kuvimba pamwe nekushumira Mwari mune zvose zvatinoita.

    Kuvimba naMwari kunochinja maonero aunoita nguva dzakaoma muupenyu nenzira dzipi?

    •••••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 28 ••••

  • Kurarama ZvakanakaZvakaoma kurarama zvakanaka munguva ye denda reCOVID-19. Kunyangwe zvatajaira kuita mazuva ose zvashanduka. Ndikafunga kuti ndakuziva zvekuita, zvinhu zvinoshandukazve.

    Ndakwanisa kubatsira vamwe, asi ikozvino handizive kuti vanhu vanodei uye kuti ndingaitei kuti ndivabatsire.

    Mwari vakatisika kuti tibatsirane naye kuratidza rudo pamwe nekubatsira avo vanoda rubatsiro.

    Nokudaro hazvishamise kuti tinonzwa kuzara kana tichinge takwanisa kubatsirawo vamwe, ndizvo zvatakasikirwa kuti tiite naMwari.

  • Jehovha aripedo nevane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.Mapisarema 34:18

    Jesu paakauya panyika, akange aine moyo murefu, aine rudo uye achinyaradza vanhu vazhinji. Mukuita hanya nevanhu, akatiratidza kurarama kwakanaka kubudikidza nekuda vamwe zvakanaka.

    Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka, akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa, kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema; kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.Isaya 61:1-3

    Wakagamuchira kupora, kuitirwa ngoni pamwe nekunyaradzwa kupi kubva kunaMwari?

    Unokwanisa kupa vamwe rudo urwu sei?

    ••••••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 29 •••

  • Simba reMangwanaKusangana neCOVID-19 kwakandiomera. Asi kunorwadza kuvanhu avo vakarasikirwa nevadikani wavo uye kwakaparadza vanhu mune zvemari dzavo.

    Tese tinetarisiro yekupera kwechirwere ichi, asi ndinotya kuti tinogona kunge tiinacho kwenguva yakareba.

    Ndinovimba kuti tine simba kuitira zviri mberi.

    Denda rakafanana neCOVID-19 haringofumi raenda. Kuenderera pamwe nekuvaka upenyu kunotora nguva. Pasina mishonga inokwanisa kurapa nekudzivirira COVID -19, dambudziko iri hariperi.

  • Kurarama nekusava nechokwadi kunotirangaridza kusava kwedu nechikuriri kwezvinoitika mangwana. Asi bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari ndivo tariro yedu pamwe nesimba redu kunyangwe zvikaita sei. Iva nekuvimba kuti Mwari vachapa simba kukereke kuti izadzikise chinangwa kubudikidza nekuita kuti Mwari vazivikanwe kunyangwe pakati pematambudziko, Pauro anonyora achiti:

    …kuti vakupei pafuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare pamoyo yenyu nokutenda kuti imi munemidzi yenyu nenheyo dzenyu murudo, muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba nokukwirira, nokudzika kwakadiniko nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari. Zvino iye une simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuvura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke munaKristu Jesu kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.VaEfeso 3:16-21

    Hapana anoziva zvakanaka nezvakaipa zvinouya mangwana. Tinoziva kuti Mwari vanotida zvakanyanya zvatisingambofungidzire uye kuti simba rake isimba redu kune zviri mberi.

    Zvipikirwa zvaMwari pamwe nezvinangwa zvake kuitira hupenyu hwako zvinoita kuti usangane neramangwana risina kujeka nenzira dzipi?

    •••••••••••••••••••••••••••••

    ZUVA 30 ••

  • COVID-19 yashandura

    pasi rose

    Unogona kunge wakambosangana nemarwadzo pamwe nekurasikirwa asi denda iri rashandura hupenyu hwako nenzira yakadzama. Marwadzo pamwe nekurasikirwa kunoshandura hupenyu hwedu, uye kushaiwa simba kunonyanyorwadza. Asi tinoziva kuti mhirizhonga yose iyi yaisafinira kunge isipo.

    Nyika payakatanga, Mwari akasika nyika yerunyararo. Yakanga iri nzvimbo iyo vanhu vaifara muukama naMwari pavaichengeta zvisikwa.

    Asi vanhu ava vakaita sarudzo yekuti nzira yavo yakange iri nani kudarika nzira yaMwari. Vakasarudza nzira yakasvibisa hukama hwevanhu naMwari, vanhu pamwe nezvisikwa kubudikidza nezvivi pamwe nerufu. Marwadzo, kunetseka, kuparadzwa, pamwe nekupwanyika moyo kwatambudza hukama hwevanhu.

    Asi Mwari vaida kudzorera zvisikwa zvake, nokudaro vakasarudza boka revanhu, vaIsraeri kuti varatidze rudo kunyika yose. Asi vaIsraeri vakanetseka kuva chikamu chemhinduro nokudaro dambudziko rakaenderera. Asi Mwari Havana kukanda mapfumo pasi.

    Vakatuma mwanakomana wavo, Jesu, kunyika kuti azove mudzikinuri namambo wevaIsraeri. Jesu akauya kuzoratidza kuti vanhu vakasikirwei. Akauya kuzoita izvo zvakatadzika navaIsraeri: Kuratidza rudo rwaMwari kuvanhu. Akauya kuzova mambo pamwe nemudzikinuri wenyika yose.

    Pachinzvimbo chekuita zvivi uye nekufa sevamwe vanhu vose, Jesu akazvikunda. Akazviita sei?

  • Jesu akataura kuuya kwehumambo hwaMwari. Asi madzimambo pamwe nevakuru vose Havana kufarira chityiso chaakange ainacho kusimba ravo. Vakachengetedza kutonga kwavo kusvikira vafa. Kuti vamukunde, vakashandisa simba rerufu apo pavakamurovera pamuchinjikwa kuti afe.

    Asi mushure memazuva matatu, simba ravo rakashaiwa simba. Jesu akamuka kubva kuvakafa uye akaratidza simba rekumuka raMwari kuti rinodarika zvivi pamwe nerufu. Rudo rwaMwari pamwe neupenyu zvakakunda masimba akaipa aya.

    Kana tikasangana nezvityiso zverima zvakafanana nezvatiri mazuva ano, hatina kudanwa kuti tisaite hanya nerima. Mwari vanotipa nyaya yetariro, nyaya yekukunda kwechiyedza rima.

    Tose takambova chikamu cherima, tichisarudza kutevera mifungo yedu pamwe nezvishuwo zvedu pachinzvimbo pezvaMwari. Asi sekuda kudzorere zvisikwa zvake, Mwari vanoda kudzorera hupenyu hwako kune izvo zvaakakusikira pamwe nekukuregerera zvivi zvako kuitira kuti ugounza hupenyu hutsva uhwu kunyika yose.

    Chinangwa chaMwari ndechekudzoreredza zvisikwa zvose, kuitira kuti nyika isatambure nekuda kwenjodzi pamwe nekupwanyika. Muhusikwa hutsva, Mwari vanogara pakati pevanhu, uye achagaro navo uye achava Mwari wavo. “Achapukuta misodzi kubva mumaziso avo. Pachange pasisina rufu kana kuchema kana marwadzo, nekuti zvakare zvapfuura” (kubva mubhuku reZvakazarurwa).

    Ikozvino, Mwari vanoda kusangana newe pauri uye vanoda kukunyaradza. Asi vanoda zvakare kuti uvatevere kubva murima kuti ugove chiyedza chake chinovheneka nyika yose. Munyika muchine marwadzo makuru. Kune vanhu vakawanda varikuda tariro iyi uye vanoda kuziva kuti Jesu anotipa kukunda pamusoro perima.

    Hatikwanise kuita izvi tega. Mwari vakatipa Mweya Mutsvene kuti ugare nesu, Shoko rake kuti ritiudze nyaya, uye isu kuti tigoverane upenyu. Nokudaro tinokukurudzira kuti ukoke Mweya wake muupenyu hwako, tsvaga ungano yevateveri vaJesu vobatana navo uye iva nebhuku reShoko rake kuti ugoverenga.

  • Yakavambwa muguta re New York mugore ra1809, Biblica inodudzira maBhaibheri uye inopa mapurogiramu ezveBhaibheri nekusimudzira kunzwisisa Bhaibheri zvakadzama. Tinobatsira kuti vanhu wavane Bhaibheri uye kunzwisisa pamwe nekushandisa zvirimubhaibheri muupenyu hwavo. Biblica inowanikwa munyika dzinosvika makumi mashanu nemashanu, ichisvikira vanhu vanodarika zana ramamiriyoni neshoko raMwari gore rega rega. Munamato wedu kuti usangane nesimba rinoshandura upenyu iro rinounzwa chete neshoko raMwari.

    Kana Nyika Yose IkashandukaTM Chikamu chakakoshaKopakodzero © 2020 by Biblica, Inc.

    Kodzero dzose dzakachengetedzwa pasi rose.

    When Your Whole World ChangesTM Special Edition (Shona)Copyright © 2020 by Biblica, Inc. All rights reserved worldwide.

    Magwaro akatorwa kubva mu:Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiTM

    Kopakodzero © 2005, 2018 Biblica, Inc. Kodzero dzose dziripo.

    «Biblica», «International Bible Society» pamwe ne chiratidzo che Biblica zviratidzozvinosiyanisa nezvimwe zvakanyorwa mu United States pamwe ne hofisi inosiyanisa

    zvinhu kubudikidza ne Biblica.

    “Biblica”, “International Bible Society” and the Biblica Logo are trademarks registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc.

    Yakavambwa mugore ra2011, Wheaton College’s Humanitarian Disaster Institute (HDI) iboka rekutenda rekutanga munyika rinoita tsvakurudzo dzenjodzi. Donzvo redu nderekubatsira kereke kuti igadzirire pamwe nekubatsira nyika izere nenjodzi. Tinoshandisa tsvakurudzo yedu kugadzira zvekushandisa pamwe nezviitiko zvakagadzirirwa vadzidzi, vaponi, vabatsiri, pamwe nevanoita tsvakurudzo. Mugore ra 2018, HDI yakavamba dhigirii re Masters (MA in Humanitarian and Disaster Leadership) pakorichi ye Wheaton kuti vagadzirire zera rinotevera vanoona nezvenjodzi kuti vagotungamirire nekutenda pamwe nekuzvininipisa, uye pamwe nekushumira avo vari panjodzi pamwe nekereke pasi rose.

    Blank Page